PHPWord

 

 

نُبذَةٌ فِي العَقِيدَةِ الإِسْلَامِيَّة (شَرْحُ أُصُولِ الإِيمَانِ)

 

Tsananguro pfupi maringe nekutenda muIslam

 

 

بِقَلَم فَضِيلَة الشَّيخ العَلَّامَة

مُحَمَّدِ بْنِ صَالِحٍ العُثَيمِين

غَفَرَ اللَّهُ لَهُ وَلِوَالِدَيْهِ وَلِلْمُسْلِمِين

Rakanyorwa nevanoremekedzwa Sheikh vakuru

Muhammad ibn Salih al-Uthaymin

Allah ngavavaregerere, ivo, nevabereki vavo, nemaMuslim ese

 

بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ

Tsananguro pfupi maringe nekutenda muIslam

Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni

Nhanganyaya

Zvirokwazvo, rumbidzo dzose ndedzaAllah, tinovarumbidza, uye tovakumbira rubatsiro, uye tovakumbira ruregerero, uye totendeukira kwavari, Tinopotera kuna Allah kubva kuhuipi hwedu, uye kubva kuhuipi hwemabasa edu, Uyo anotungamirirwa naAllah (kugwara rakatwasuka), hapana anomurasisa, uye uyo wavanorasisa (kubva kugwara iroro), hapana anomutungamirira, Uye ndinopupura kuti hapana akakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, vari vega, havana mubatsiri. Uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo neMutumwa wavo, Allah ngavavaropafadze, ivo, pamwe nemhuri yavo, nevatevedzeri vavo, neavo vakavatevera mukuita zvakanaka, uye vave nerugare rwakakwana.

Tichienderera mberi: Zvirokwazvo, ruzivo rweTawhīd (kutenda muhumwechete hwaAllah vega) ndirwo ruzivo runokudzwa zvikurusa, uye ndirwo rwukuru zvikurusa pachiremerera, uye ndirwo rwunonyanyo manikidzirwa kutsvakwa; nokuti ndirwo ruzivo pamusoro paAllah vari kumusoro-soro, nemazita avo, nezvimiro zvavo, uye nekodzero dzavo pamusoro pevaranda vavo, uye nokuti ndirwo kiyi yenzira inoenda kuna Allah vari kumusoro-soro, uye ndirwo hwaro hwemitemo yavo.

Nokudaro: vatumwa vose vakabvumirana pachinhu chimwe chete chinove kukoka vanhu kuna Allah. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رَّسُولٍ إِلَّا نُوحِيٓ إِلَيۡهِ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنَا۠ فَٱعۡبُدُونِ25﴾

{"Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa pachokwadi kunze kwangu, saka ndinamatei.” 25} [Al-Anbiyaa:25].

Uye ivo vari kumusoro-soro vakazvipupurira pachavo, pamusoro pehumwechete hwavo, uye vakapupurirwawo nengirozi dzavo nevane ruzivo. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿شَهِدَ ٱللَّهُ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَأُوْلُواْ ٱلۡعِلۡمِ قَآئِمَۢا بِٱلۡقِسۡطِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ 18﴾

{Allah vanopupura, pamwechete nengirozi uye neavo vane ruzivo, kuti hapana anofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwavo; (ivo) vanochengetedza ruenzaniso. Hapana anofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwavo, Samasimba, Muchenjeri mukuru. 18} [Āl Imran:18].

Zvino sezvo aya ari mamiriro eTawheed (humwechete hwaAllah), zvakava zvinosungirwa pane muMuslim wese kuti aite hanya nayo mukuidzidza, nemukuidzidzisa, nemukufungisisa pamusoro payo, uye nemukutenda mairi; kuti avake chitendero chake panheyo yakasimba, yerugare pamwe nekuzvipira; kuitira kuti azofara nemichero yayo, pamwe nemhedzisiro yayo.

Allah ndivo mupi wegoneso.

Munyori

Chitendero cheIslam

Chitendero cheIslam: ndicho chitendero icho Allah vakatumira naMuhammad, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare, uye nacho Allah vakapedzisa zvitendero zvose, uye vakaita kuti chive chakanyatsokwana kuvaranda vavo, uye vakazadzikisa nacho nyasha dzavo pavari, uye vakachifarira sechitendero kwavari. Naizvozvo hapana chimwe chitendero chichagamuchirwa kubva kuna ani nani zvake kunze kwacho. Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿مَّا كَانَ مُحَمَّدٌ أَبَآ أَحَدٖ مِّن رِّجَالِكُمۡ وَلَٰكِن رَّسُولَ ٱللَّهِ وَخَاتَمَ ٱلنَّبِيِّـۧنَۗ وَكَانَ ٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٗا 40﴾

{Muhammad haasi baba wemumwe wevarume pakati penyu, asi kuti Mutumwa waAllah zvekare muporofita wekupedzisira. Uye Allah ndivo muzivi wezvinhu zvese. 40} [Al-Ahzab:40].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero chenyu...} [Al-Maaidah:3].

Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ ٱلدِّينَ عِندَ ٱللَّهِ ٱلۡإِسۡلَٰمُ...﴾

{Zvirokwazvo, chitendero (chechokwadi) kuna Allah iIslam...} [Āli-‘Imrān:19].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَمَن يَبۡتَغِ غَيۡرَ ٱلۡإِسۡلَٰمِ دِينٗا فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡهُ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ 85﴾

{Uye kune uyo munhu achave anotsvaga chimwe chitendero kunze kwechitendero cheIslam, hachifi chakatambirwa kubva kwaari, uye pahupenyu hwemangwana achave pakati peavo vakarasikirwa 85} [Aal ‘Imraan:85].

Zvirokwazvo Allah vari pamusoro-soro vakatara kuvanhu vese kuti vanamate uye vatevedzere chitendero ichi. Saka vakataura vachinanga kuna Mutumwa wavo (Muhammad), rugare ngarwuve pavari, vachiti:

﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ 158﴾

{Iti (Muhammad): “veduwe-e Imi vanhu! Zvirokwazvo, Ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Hapana chimwe chinofanirwa kunamatwa zvakare pachokwadi kunze kwavo. Ndivo vanopa hupenyu, uye ndivo vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemuMutumwa wavo, Muporofita asingakwanisi kuverenga nekunyora, uyo anotenda muna Allah uye nemashoko avo. Naizvozvo muteverei kuitira kuti mugove makatungamirirwa.” 158} [Al-A'raaf:158].

Uye mubhuku rinonzi Sahih Muslim mune hadeeth yakabva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye), yaakanzwa kubva kune mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), achiti vakataura kuti:

«وَالَّذِي ‌نَفْسُ ‌مُحَمَّدٍ ‌بِيَدِهِ ‌لَا ‌يَسْمَعُ بِي أَحَدٌ مِنْ هَذِهِ الْأُمَّةِ يَهُودِيٌّ وَلَا نَصْرَانِيٌّ، ثُمَّ يَمُوتُ وَلَمْ يُؤْمِنْ بِالَّذِي أُرْسِلْتُ بِهِ إِلَّا كَانَ مِنْ أَصْحَابِ النَّارِ».

“Ndinopika neuyo anemweya waMuhammad muruoko rwake, hapana munhu kubva muvanhu vari pano pasi (ummah), angave muJudha kana muKristu, anonzwa nezvangu, ozofa asina kutenda mune izvo zvandakatumwa nazvo, asi kuti anenge ava umwe wevagari vekumoto.”1

Kutenda maari (Mutumwa): ndiko kutambira zvaakauya nazvo, pamwechete nekuzvitambira nekuteerera, kwete kungobvuma chete. Naizvozvo Abu Talib haana kuva mutendi mune Mutumwa, (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), zvisinei kuti akabvuma zvavakauya nazvo, nekupupura kwake kuti Islam ndicho chitendero chakanaka kudarika zvitendero zvese.

Chitendero cheIslam: chinosanganisira zvakanaka zvese zvaiwanikwawo muzvitendero zvakare, chichizvipfuura nekuti chakakodzera kunguva dzese, nenzvimbo dzese, uye nemarudzi ese. Allah vari kumusoro-soro, vakataura kune Mutumwa wavo, vachiti:

﴿وَأَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ مُصَدِّقٗا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِ مِنَ ٱلۡكِتَٰبِ وَمُهَيۡمِنًا عَلَيۡهِ...﴾

{Uye takadzikisa kwauri Gwaro nechokwadi, richitsinhira magwaro akauya kare, uye sehuchapupu pamusoro pawo...} [Al-Maidah:48].

Kuti Islam yakakodzera panguva dzese, nenzvimbo dzese, uye kumarudzi ese zvinoreva kuti: kubatisisa chitendero cheIslam hakukanganise zvakanakira vanhu panguva ipi neipi, kana nzvimbo ipi neipi, asi kuti ndiyo yakanakira zvinhu izvi. Uye hazvireve kuti Islam ndiyo inotevedzera zvinoitika nguva dzese, munzvimbo dzese kuvanhu vese sezvinofunga vamwe vanhu.

Chitendero cheIslam: ndicho chitendero chechokwadi, icho Allah vari kumusorosoro vakavimbisa kuti uyo anobatisisa pachiri pachokwadi, vachamupa rukundo, uye vomuita kuti akurire vamwe vese. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿هُوَ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ رَسُولَهُۥ بِٱلۡهُدَىٰ وَدِينِ ٱلۡحَقِّ لِيُظۡهِرَهُۥ عَلَى ٱلدِّينِ كُلِّهِۦ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡمُشۡرِكُونَ 9﴾

{Ivo Ndivo vakatuma Mutumwa wavo (Muhammad - rugare nemakomborero wallah ngazvive paari) nenhungamiro uye nechitendero chechokwadi (Islam), kuti chigokunda zvitendero zvese, kunyangwe zvazvo vanonamata anamwari vakawanda vakazvivenga. 9} [As-Swaff:9].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَعَدَ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنكُمۡ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ لَيَسۡتَخۡلِفَنَّهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ كَمَا ٱسۡتَخۡلَفَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ وَلَيُمَكِّنَنَّ لَهُمۡ دِينَهُمُ ٱلَّذِي ٱرۡتَضَىٰ لَهُمۡ وَلَيُبَدِّلَنَّهُم مِّنۢ بَعۡدِ خَوۡفِهِمۡ أَمۡنٗاۚ يَعۡبُدُونَنِي لَا يُشۡرِكُونَ بِي شَيۡـٔٗاۚ وَمَن كَفَرَ بَعۡدَ ذَٰلِكَ فَأُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ 55﴾

{Allah vakavimbisa avo vakatenda pakati penyu, uye vanoita mabasa akanaka, kuti vachavapa nhaka yemasimba panyika, sekupa kwavakaita nhaka iyi kune avo vaivepo ivo vasati vavepo, uye kuti zvirokwazvo vachavasimbisira (munyika imomo) chitendero chavo icho chavakavasarudzira (chitendero cheIslam), uye kuti zvirokwazvo vachavasandurira mushure mekutya kwavo nerusunguko, (kana) vachindinamata ini (Allah) vasingandisanganisi nezvimwe zvinhu. Asi uyo angatendi mushure mazvo, zvino ava ndivo vanhu vakatsauka (kubva mugwara rakanaka).}

[An-Nour (Chiedza):55].

Chitendero cheIslam: chinosanganisira utenda nemitemo. Naizvozvo chitendero chakakwana mukutenda uye nemitemo yacho.

1- Islam inoraira vanhu kutenda muhumwechete hwaAllah vari kumusoro-soro, uye inorambidza kunamata Allah pamwechete nevamwe anamwari.

2- Inoraira chokwadi uye inorambidza nhema.

3- Inorayira vanhu kuti vaite ruenzaniso, uye inorambidza kudzvinyirira. Ruenzaniso kuenzanisa zvinhu zvakafanana nekusiyanisa zvinhu zvakasiyana. Ruenzaniso hakusi kuenzanisa zvese zvese, sekutaura kunoita vamwe vanhu pavanoti: "Chitendero cheIslam chitendero chekuenzanisa," vachitaura vachireva kuenzanisa zvese zvese. Zvirokwazvo, kuenzanisa zvinhu zvakasiyana kudzvinyirira kusingatenderwe nechitendero cheIslam, uyezve uyo anoita izvozvo haarumbidzwe.

4- Inorayira kuvimbika uye inorambidza kusavimbika.

5- Inorayira kuzadzikisa zvakavimbiswa uye Inorambidza kunyengedza.

6- Inorayira kubata vabereki zvakanaka (nekuvaremekedza), uye inorambidza kusavateerera.

7- Inorayira kuchengetedza hukama nehama dzepedyo, uye inorambidza kuparadzana nadzo.

8- Inoraira huvakidzani hwakanaka, uye inorambidza huvakidzani hwakaipa.

Muchidimbu: Chitendero cheIslam chinoraira hunhu hwese hwakanaka, uyezve chinorambidza hunhu hwese hwakashata. Uyezve chinoraira mabasa ese akarurama, uye chinorambidza mabasa ese akaipa.

Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ ٱللَّهَ يَأۡمُرُ بِٱلۡعَدۡلِ وَٱلۡإِحۡسَٰنِ وَإِيتَآيِٕ ذِي ٱلۡقُرۡبَىٰ وَيَنۡهَىٰ عَنِ ٱلۡفَحۡشَآءِ وَٱلۡمُنكَرِ وَٱلۡبَغۡيِۚ يَعِظُكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ 90﴾

{Zvirokwazvo, Allah vanokurairai kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo, uye vanorambidza hunhu hunonyadzisa, zvakaipa, neudzvanyiriri. Vanokurairai kuti mugorangarira uye mudzidze.} [An-Nahl:90].

Mapango eIslam

Mapango eIslam: aya ndiwo hwaro hweIslam, painovakirwa, uye mashanu: Akataurwa mumashoko aIbn Umar (Allah ngavafare naye nababa vake), kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), avo vakataura kuti:

«بُنِيَ الْإِسْلَامُ عَلَى خَمْسَةٍ: عَلَى أَنْ يُوَحِّدَ اللَّه - وَفِي رِوَايَةٍ عَلَى خَمْسٍ -: شَهَادَةِ أَنْ لَا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ، وَأَنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ وَرَسُولُهُ، وَإِقَامِ الصَّلَاةِ، وَإِيتَاءِ الزَّكَاةِ، وَصِيَامِ رَمَضَانَ، وَالْحَجِّ».

«Islam yakavakirwa pamapango mashanu: kupupura muhumwechete hwaAllah– uye mune imwe rondedzero yemapango mashanu zvakanzi–: kupupura kuti hapana akakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, uye kuti Muhammad Muranda wavo neMutumwa wavo, kuita Swalah (munamato), kupa Zakaah (chipo kuvarombo), kutsanya mumwedzi weRamadhan, uye nekuita Hajj (kushanyira Imba yaAllah iri kuMakkah),» Zvino mumwe murume akati: "Hajj, nekutsanya mumwedzi weRamadhan here?" Mutauri wehadeeth akati:

«لَا، صِيَامُ رَمَضَانَ، وَالْحَجُّ».

«Aihwa, kutsanya mumwedzi weRamadhan, uye Hajj.» Ndizvo zvandakanzwa kubva kune Mutumwa waAllah, makomborero aAllah nerugare ngazvive pavari2.

1- Kupupura kuti hapana chinofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, uye Muhammad muranda wake neMutumwa wake: zvinoreva kutenda kwakasimba kunoburitswa pachena nerurimi kuburikidza nekupupura uku, sokunge ari kusimbisa kupupura kwake uku. Kupupura uku kwakaitwa bango rimwe chete asi zvinopopurwa zvakawanda:

Zvingadaro: nekuti Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakaparidza mashoko kubva kuna Allah vari kumusoro-soro. Naizvozvo kupupura kuti ivo Muranda neMutumwa zvinozadzikisa kupupura kuti hapana chinofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah.

Kana kuti: kupupura kuviri uku ndiko hwaro hwekururama kwemabasa nekugamuchirwa kwawo; nokuti hapana basa rinova rakarurama kana rinokugamuchirwa, kana risina kuitwa nekuzvipira kuna Allah vari kumusoro-soro, uye nekutevera gwara reMutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.

Kuzvipira kuna Allah kunozadzikisa huchapupu hwekuti: Hapana chinofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, uye kutevera gwara reMutumwa waAllah, kunozadzikisa huchapupu hwekuti Muhammad Muranda neMutumwa wavo.

Zvimwe zvezvibereko zvehuchapupu hukuru uhwu zvinosanganisa: kusunungurwa kwemoyo nemuviri kubva muhuranda kuzvisikwa, uye kubviswa mukutevera vanhu vasiri vatumwa.

2- Kuita Swalah nemazvo: kunamata Allah vari kumusoro-soro kuburikidza nekunamata nenzira yakarurama uye yakakwana, panguva dzayo, uye nemaitirwo ayo.

Zvimwe zvezvibereko zvayo: kugadzikana kwemoyo, kufadzwa kwemeso (mufaro wemukati), nekudzivirirwa kubva kuzvinhu zvinonyangadza nezvakaipa.

3- Kupa Zakaah: ndiko kunamata Allah vari kumusoro-soro kuburikidza nekupa chiyero chinosungirwa kubva mupfuma yakatarirwa Zakaah.

Zvimwe zvibereko zvayo: kucheneswa kwemweya kubva pahunhu hwakaipa (kuomera), nekuzadzikisa zvinodiwa zvechitendero cheIslam nemaMuslim.

4- Kutsanya muRamadan: kunamata Allah varikumusoro-soro kuburikidza nekusiya zvinhu zvinoputsa mutsanyo masikati emumwedzi weRamadan.

Zvimwe zvezvibereko zvacho: kuzvidzidzisa kusiya zvinhu zvinonyanyodiwa; nekuda kutsvaga kufadza Allah, vemasimba ose nekukudzwa kukuru.

5- Hajj (kushanya) kuimba yaAllah: kunamata Allah vekumusoro-soro kuburikidza nekuenda kuimba inoyera kunoita mabasa eHajj.

Zvimwe zvezvibereko zvayo: kudzidzisa muviri kuburitsa mari nekushandisa simba remuviri mukuteerera Allah vari kumusoro-soro. Naizvozvo hajj yakave mhando yeJihaad (kushingaira) munzira yaAllah vari kumusoro-soro.

Zvibereko izvi zvandadoma zvehwaro idzi nedzandisina kudoma zvinoita kuti ummah yemaMuslim ive yakachena, isina tsvina, ichitevedzera chitendero chechokwadi nekuda kwaAllah, uye zvichibata zvisikwa zvaAllah kuburikidza neruenzaniso nechokwadi; nekuti mimwe mirayiro yese yeIslam inorurama nekuda kwekururama kwehwaro idzi, uye mamiriro eUmmah anoruramawo nekuda kwekururama kwenyaya yechitendero chayo, uye chinorasikirwa mukururama kwemamiriro acho zvichienderana nezvayakarasikirwa nazvo mukururama kwenyaya dzechitendero chayo.

Uye uyo anoda kujekeswa kweizvozvo, ngaaverenge mashoko aAllah vari kumusoro-soro apo vakataura kuti:

﴿وَلَوۡ أَنَّ أَهۡلَ ٱلۡقُرَىٰٓ ءَامَنُواْ وَٱتَّقَوۡاْ لَفَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَرَكَٰتٖ مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَٰكِن كَذَّبُواْ فَأَخَذۡنَٰهُم بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ 96 أَفَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا بَيَٰتٗا وَهُمۡ نَآئِمُونَ 97 أَوَأَمِنَ أَهۡلُ ٱلۡقُرَىٰٓ أَن يَأۡتِيَهُم بَأۡسُنَا ضُحٗى وَهُمۡ يَلۡعَبُونَ 98 أَفَأَمِنُواْ مَكۡرَ ٱللَّهِۚ فَلَا يَأۡمَنُ مَكۡرَ ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ 99﴾

{Uye dai vagari vemumaguta vakatenda uye nekutya (Allah), zvirokwazvo, dai takavazarurira makomborero kubva kudenga uye nepanyika, asi kuti vakaramba (vatumwa). Nokudaro takavaranga pamusana pemabasa avaiita. 96}

{Saka vagari vemumaguta vanonzwa kusununguka here kubva mukuuya kwemutongo wedu panguva dzemanheru apo pavanenge vakarara? 97}

{Kana kuti vagari vemumaguta vakagadzikana here kuti murango wedu haungavawira masikati machena ivo vachitamba? 98}

{Saka vanonzwa kusungunuka here kubva muhurongwa hwaAllah? Asi hapana anonzwa kusununguka kubva muhurongwa hwaAllah kunze kwevanhu vakarasikirwa.99} [Al-A’araaf:96-99].

Munhu anofanirwa kucherechedza nhoroondo yeavo vaivepo kare; nekuti zvirokwazvo nhoroondo chidzidzo kune vanenjere, uye inopa ruzivo kune avo vane moyo isina kuvharwa (zvinoita kuti vasanzwisise). Uye Allah ndivo vanokumbirwa rubatsiro.

Hwaro hwekutenda kweIslam

Chitendero cheIslam: - sezvatambotsanangura - chinosanganisira kutenda nemutemo, uye tambotaura pamusoro pemimwe mitemo yacho, tikadoma mapango acho anotorwa sehwaro hwemitemo yacho.

Asi hwaro hwekutenda muIslam: Hwaro hwacho kutenda muna Allah, nengirozi dzavo, nemagwaro avo, nevatumwa vavo, nezuva rekupedzisira, uye nezvakatarwa: zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho.

Hwaro idzi dzakaratidzwa neBhuku raAllah, neSunnah yeMutumwa wake, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.

Mubhuku ravo, Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿لَّيۡسَ ٱلۡبِرَّ أَن تُوَلُّواْ وُجُوهَكُمۡ قِبَلَ ٱلۡمَشۡرِقِ وَٱلۡمَغۡرِبِ وَلَٰكِنَّ ٱلۡبِرَّ مَنۡ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ وَٱلۡكِتَٰبِ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾

{Kururama hakusi (chete) pakuti mutendeutse zviso zvenyu kutarisa divi rekumabvazuva nekumadokero (pakunamata), asi kururama ndekweuyo anotenda muna Allah, muzuva rekupedzisira, mungirozi, mumabhuku, uye nemaporofita...} [Al-Baqarah:177], Maererano neizvo zvakatarwa, Allah vakataura kuti:

﴿إِنَّا كُلَّ شَيۡءٍ خَلَقۡنَٰهُ بِقَدَرٖ 49 وَمَآ أَمۡرُنَآ إِلَّا وَٰحِدَةٞ كَلَمۡحِۭ بِٱلۡبَصَرِ 50﴾

{Zvirokwazvo takasika chinhu chose nechiyero chakatemwa 49}

{Uye murairo wedu unongova umwe chete, sekubwaira kweziso. 50} [Al-Qamar:49-50].

Uye muSunnah yeMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), vachipindura Jibril paakamubvunza nezvekutenda, vakataura kuti:

«الْإِيمَانُ: أَنْ تُؤْمِنَ بِاللَّهِ، وَمَلَائِكَتِهِ، وَكُتُبِهِ، وَرُسُلِهِ، وَالْيَوْمِ الْآخِرِ، وَتُؤْمِنَ بِالْقَدَرِ: خَيْرِهِ وَشَرِّهِ».

“Kutenda ndekwekuti utende muna Allah, mungirozi dzavo, mumabhuku avo, muvatumwa vavo, nemuzuva rekupedzisira, uye kuti utende mune zvakatarwa naAllah (Qadar): zvakanaka nezvakaipa zvacho”3.

Kutenda muna Allah vari kumusoro-soro

Kutenda muna Allah kunosanganisira zvinhu zvina:

Chinhu chekutanga: Kutenda mukuvapo kwaAllah vari kumusoro-soro.

Kuvepo kwaAllah vari kumusoro-soro kwakaratidzwa: nechizvarirwo, nenjere, nemutemo waAllah, uye nezvinhu zvatinoona nekunzwa nemiviri yedu.

Kuratidza kuvepo kwaAllah, vanokudzwa vari kumusoro-soro kuburikidza nechizvarirwo: Chisikwa chose chakasikwa pachizvarirwo chiine kutenda kuMusiki wacho, pasina kumbofunga kana kudzidziswa, uye hapana anotsauka kubva pane zvinodiwa nechizvarirwo ichi kunze kweuyo anenge auyirwa nechinhu mumoyo make chinomutsautsa kubva machiri. Izvi zvinotsigirwa nemashoko eMuporofita, makomborero aAllah nerunyararo ngazvive pavari, apo vakataura kuti:

«‌مَا ‌مِنْ ‌مَوْلُودٍ إِلَّا يُولَدُ عَلَى الْفِطْرَةِ، فَأَبَوَاهُ يُهَوِّدَانِهِ أَوْ يُنَصِّرَانِهِ أَوْ يُمَجِّسَانِهِ».

«Hakuna mwana anozvarwa asi kuti anozvarwa aine chizvarirwo chekutenda muna Allah, zvino vabereki vake ndivo vanomuita muJudha, kana muKristu, kana muMajusi»4.

2- Uye humbowo hunobva munjere hwekuvapo kwaAllah vari kumusoro-soro, huri pakuti zvisikwa zvese izvi: zvakasikwa kare nezvichasikwa munguva inotevera zvinofanirwa kuve neMusiki akaita kuti zvivepo; sezvo zvisingagoneke kuti zvizvisike zvega, uye hazvigoneke kuti zvingovepo nemasanga.

Hazvigoneke kuti zvisikwa zvizvisike zvega; nokuti chinhu hachizvisike; nokuti chisati chavapo, chinenge chisipo, saka chingave Musiki sei?

Uye hazvigoneke kuti zvingonyuka, nekuti chinhu chose chinotanga kuvepo chinotofanira kuva neakachisika. Uyezve kuvapo kwazvo kune hurongwa hunoshamisa uhwu, nekuenzanirana kunoenderana, nekudyidzana kwakasimba pakati pezvikonzero nemhedzisiro yazvo, uye pakati pezvisikwa chimwe nechimwe, zvinodzivisa zvachose kuti kuvapo kwazvo kungove kwemasanga; nokuti chinhu chinovapo nemasanga hachina kurongeka pakutanga kwekuvepo kwacho, saka chingave chakarongeka sei panguva yekuramba chiripo nekukura kwacho?

Kana zvisingabviri kuti zvisikwa izvi zvizvisike zvega, uyewo kuti zvivepo nemasanga; zvinobva zvasungirwa kuti zvive neMusiki, anove Allah, Tenzi wenyika yese.

Zvirokwazvo Allah vari kumusoro-soro vakataura humbowo uhwu hunobva mupfungwa hunove humbowo hwakadzama muSurah At-Tur; apo vakataura kuti:

﴿أَمۡ خُلِقُواْ مِنۡ غَيۡرِ شَيۡءٍ أَمۡ هُمُ ٱلۡخَٰلِقُونَ 35﴾

{Vakasikwa kubva muchinhu chisipo here, kana kuti ndivo vasiki? 35} [At-Tur:35]. Zvinoreva kuti: havana kusikwa pasina Musiki, uyewo havasi ivo vakazvisika pachavo; saka zvinobva zvajeka kuti Musiki wavo ndiAllah, muridzi wemakomborero vari kumusoro-soro. Naizvozvo, Jubair mwana waMut’imi (Allah ngavafare naye) paakanzwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachiverenga Surah At-Tuur, pavakasvika pandima dzekuti:

﴿أَمۡ خُلِقُواْ مِنۡ غَيۡرِ شَيۡءٍ أَمۡ هُمُ ٱلۡخَٰلِقُونَ 35 أَمۡ خَلَقُواْ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَۚ بَل لَّا يُوقِنُونَ 36 أَمۡ عِندَهُمۡ خَزَآئِنُ رَبِّكَ أَمۡ هُمُ ٱلۡمُصَۜيۡطِرُونَ 37﴾

"Kana kuti vakasikwa pasina musiki, kana kuti ivo ndivo vasiki vacho here? 35

Kana kuti vakasika matenga nenyika here? Asi havana chokwadi. 36

{Kana kuti vane matura aTenzi vako here? Kana kuti ndivo vadzvanyiriri vanoita zvavanoda nemutemo?" 37} [At-Tur:35-37].

Panguva iyi Jubair ainamata Allah nevamwe anamwari venhema. Akabva ataura kuti: "Moyo wangu wakaita seucha bhururuka, uye ndipo pakatanga kupinda kutenda mumoyo mangu."5

Regai ndipe muenzaniso unojekesa izvozvo: munhu akataura newe nezveimba yamambo yakavakwa zvakakwana, yakakomberedzwa nemapindu, uye nzizi dzichierera pakati pawo, yakazadzwa nemakapeti nemibhedha, yakashongedzwa nemhando dzose dzezvishongo, zvinosanganisira zvakakosha nezvinowedzera kunaka kwayo, Obva ati kwauri: "Zvirokwazvo muzinda uyu pamwe neizvo zviri mauri zvinouvandudza zvakazvisika zvega, kana kuti zvakangovapo masanga pasina Musiki; unokurumidza kuramba izvozvo nekuzviti inhema, uyezve unofunga kuti akutaura zvehupenzi. Zvino mushure meizvozvo, zvingagone here kuti nyika ino yakakura: nepasi payo, nedenga rayo, nezviri mairi, nemamiriro ayo, uye nehurongwa hwacho hwakanakisa hunoshamisa, ingave yakazvisika yega, kana kuti yakangoerekana yavapo masanga pasina Musiki?

3- Humbowo hweMutemo waAllah hwekuvapo kwaAllah vari kumusoro-soro: Ndewekuti Mabhuku ese akabva kuna Allah anotaura nezvazvo, uye mitemo yakarurama yaakaunza, iyo inobata zvakanakira zvisikwa, humbowo hwekuti zvinobva kuna Tenzi Muchenjeri, Muzivi wezvose zvakanakira zvisikwa zvavo. Uye mashoko akauya nemabhuku aAllah pamusoro pezviitiko zvemunyika zvaizoitika, uye chokwadi chazvo chikaonekwa nezvirikuitika muhupenyu chaihwo, humbowo hunoratidza kuti anobva kuna Tenzi vane masimba ekusika izvo zvavakazivisa.

4- Kana huri humboo hunoonekwa kana kunzwikwa hunoratidza kuvapo kwaAllah; hunobva munzira mbiri:

Nzira yekutanga ndeyekuti: isu tinonzwa nekuona kupindurwa kwevanokumbira nekuyamurwa kwevanotambudzika, chinova chiratidzo chisingarambike chekuvapo kwaAllah, vari kumusoro-soro. Allah, vanorumbidzwa, vakataura kuti:

﴿وَنُوحًا إِذۡ نَادَىٰ مِن قَبۡلُ فَٱسۡتَجَبۡنَا لَهُۥ...﴾

{Uye (rangarirai) apo Nowa (AS), akashevedzera kwatiri makare, saka takamudavira...} [Al-Anbiyaa:76] Uyezve Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِذۡ تَسۡتَغِيثُونَ رَبَّكُمۡ فَٱسۡتَجَابَ لَكُمۡ...﴾

{(Rangarirai) Panguva yamakakumbira rubatsiro kuna Tenzi venyu, vakabva vakupindurai...} [Al-Anfaal:9].

Mubhuku raSahih al-Bukhari, mune nhaurwa kubva kuna Anas bin Malik, Allah ngavafare naye, akataura kuti:

«إنَّ أَعْرَابيًّا دَخَلَ يَوْمَ الجُمُعَةِ -والنَّبِيُّ صلَّى اللَّهُ عَلَيهِ وَسَلَّمَ يَخْطُبُ- فَقَالَ: يَا رَسُولَ اللَّهِ، هَلَكَ المَالُ، وَجَاعَ العِيَالُ، فَادْعُ اللَّهَ لنَا؛ فَرَفَعَ يَدَيْهِ وَدَعَا، فَثَارَ السَّحَابُ أَمثَالَ الجِبَالِ، فَلَمْ يَنْزِلْ عَنْ مِنْبَرِهِ حَتَّى رَأَيْتُ المَطَرَ يَتَحَادَرُ عَنْ لِحْيَتِهِ».

«Mumwe murume wekurenje akapinda mumba yekunamata (masjid) musi weChishanu (Jumu’ah) – Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachiparidza – ndokubva ati: ‘Imi Mutumwa waAllah, pfuma yaparara, uye mhuri yafa nenzara, saka tinyengetererei kuna Allah.’ Mutumwa vakasimudza maoko avo ndokunyengetera. Makore akabva aungana akaita semakomo. Vasati vaburuka kubva paminbar pavo ndakaona mvura ichiyerera pandebvu dzavo»6.

PaJumah yechipiri, mugari wemugwenga uya, kana kuti mumwe munhu asiri iye, akasimuka akati: “Imi Mutumwa waAllah, zvivakwa zvaputsika, uye pfuma yanyura nemvura, saka tikumbirirei kuna Allah (kuti vatibatsire).” Zvino vakasimudza maoko avo (runyararo nemakomborero aAllah ngazvive pavari), ndokutaura kuti:

«اللَّهُمَّ حَوَالَيْنَا وَلَا عَلَيْنَا».

Imi Allah, itai kuti mvura inaye kumativi kwedu, kwete pamusoro pedu. Zvino hapana divi raainongedzera kunze kwekuti makore aipatsanuka, uye mvura yaienda kubva ipapo7.

Kudavirwa kwevanyengeteri chakaramba chiri chinhu chinoonekwa kusvikira nhasi, kune uyo anopotera kuna Allah vari kumusoro-soro nechokwadi, uye anozadzisa zviga zvekudavirwa.

Nzira yechipiri: Zviratidzo zvemaporofita zvinonzi mu'jizaat (minana), izvo vanhu vanoona kana kunzwa nezvazvo, humbowo husingapikiswe hwekuvapo kwevakavatuma, vanova Allah vari kumusoro-soro; nokuti izvi zvinhu zvinodarika kugona kwevanhu, zvinoitwa naAllah vari kumusoro-soro vachitsigira vatumwa vavo, uye vachivapa rukundo.

Muenzaniso weizvozvo chishamiso chaMozisi, rugare ngaruve kwaari, apo Allah vari kumusoro-soro vakamuraira kuti arove gungwa netsvimbo yake. Saka akarirova, rikabva raparadzana kuita nzira gumi nembiri dzakaoma, uye mvura yaiva yakamira yakaita semakomo mumativi adzo. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿فَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنِ ٱضۡرِب بِّعَصَاكَ ٱلۡبَحۡرَۖ فَٱنفَلَقَ فَكَانَ كُلُّ فِرۡقٖ كَٱلطَّوۡدِ ٱلۡعَظِيمِ 63﴾

{Naizvozvo takazarura kuna Musa kuti: ‘Rova gungwa netsvimbo yako.’ Rikabva rapatsanuka, uye divi rega rega rakava segomo guru. 63}

[Ash-Shu'araa:63].

Muenzaniso wechipiri: chiratidzo chaJesu, rugare ngaruve paari, chekuti aimutsa vakafa, uye aivabudisa kubva mumakuva avo nemvumo yaAllah. Allah Vekumusoro-soro vakataura pamusoro pake kuti:

﴿...وَأُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ بِإِذۡنِ ٱللَّهِ...﴾

{...uye ndinomutsa vakafa nemvumo yaAllah...} [Aali-’Imraan:49] Uye vakataura kuti:

﴿...وَإِذۡ تُخۡرِجُ ٱلۡمَوۡتَىٰ بِإِذۡنِي...﴾

{...uye pawaimutsa vakafa nemvumo yangu...} [Al-Maa’idah:110].

Muenzaniso wechitatu ndewaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) panguva iyo maQuraish vakamukumbira chiratidzo, vakanongedzera kumwedzi, ukabva watsemuka kuita zvikamu zviviri, uye vanhu vakauona. Pamusoro pechiitiko ichi, Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿ٱقۡتَرَبَتِ ٱلسَّاعَةُ وَٱنشَقَّ ٱلۡقَمَرُ 1 وَإِن يَرَوۡاْ ءَايَةٗ يُعۡرِضُواْ وَيَقُولُواْ سِحۡرٞ مُّسۡتَمِرّٞ2﴾

{Nguva (yeQiyaamah) yaswedera, uye mwedzi wakatsemuka 1 Uye kana vakaona chiratidzo vanofuratira vachiti: ‘Mapipi asingapere.’ 2}

[Al-Qamar:1 -2].

Nokudaro, zviratidzo izvi zvinooneka nekunzwika zvinoitwa naAllah, vari kumusoro-soro, senzira yekutsigira vatumwa vavo, uye nekuvapa rukundo kwavari, zvinopa humbowo husingarambike hwekuvapo kwavo, vari kumusoro-soro.

Chinhu chechipiri pane zvinosanganisirwa mukutenda muna Allah: kutenda muhuTenzi hwavo; kureva kuti ndivo Tenzi vari vega, havana wavanobata naye, uye havana mubatsiri.

Uye Tenzi: ndivo vanosika, vane humambo, uye nemurairo. Hakuna mumwe Musiki kunze kwaAllah, uye hakuna mumwe muridzi (wenyika nezvese zviri mairi) kunze kwavo, uye hakuna ane murairo kunze kwavo. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُ...﴾

{...Zvirokwazvo, ndivo muridzi wekusika nemurairo ...} [Al-A’araaf:54] Uye vakataura kuti:

﴿...ذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبُّكُمۡ لَهُ ٱلۡمُلۡكُۚ وَٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ مَا يَمۡلِكُونَ مِن قِطۡمِيرٍ﴾

{Avo Ndivo Allah, Tenzi venyu; humambo hwese ndehwavo. Uye avo vamunonamata kunze kwavo, havasi varidzi kana veganda rakatetepa riri pamhodzi yemudheti.} [Fatir:13].

Uye hapana chisikwa chinozivikanwa kuti chakaramba hutenzi hwaAllah vanokudzwa, kunze kweuyo anozvitutumadza asingatendi mune zvaanotaura, sezvakaitika kuna Farao, paakati kuvanhu vake:

﴿فَقَالَ أَنَا۠ رَبُّكُمُ ٱلۡأَعۡلَىٰ 24﴾

{Akati: “Ndini Tenzi venyu vepamusoro-soro.”} [An-Nazi'at:24]. Uye Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَأُ مَا عَلِمۡتُ لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرِي...﴾

{...Imi makurukota! Handizive kuti mune umwe mwari asiri ini...} [Al-Qasas:38], asi izvi hazvisi kubva mudzidziso dzekutenda Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَجَحَدُواْ بِهَا وَٱسۡتَيۡقَنَتۡهَآ أَنفُسُهُمۡ ظُلۡمٗا وَعُلُوّٗاۚ...﴾

{Uye Vakazviramba asi moyo yavo yaive nechokwadi nazvo (kuti zvaibva kuna Allah), vakaita izvi nekuda kwekusarurama uye nekuzvikudza...} [An-Naml:14]. Uye Musa (Mozisi) akati kuna Farao, mune zvakarondedzerwa naAllah pamusoro pavo:

﴿...لَقَدۡ عَلِمۡتَ مَآ أَنزَلَ هَٰٓؤُلَآءِ إِلَّا رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ بَصَآئِرَ وَإِنِّي لَأَظُنُّكَ يَٰفِرۡعَوۡنُ مَثۡبُورٗا﴾

{Zvirokwazvo unonyatsoziva kuti hapana akazvidzikisa (zviratidzo) izvi kunze kwaTenzi vematenga nenyika sehumbowo hunojekesa, uye zvirokwazvo ini ndinofunga kuti iwe Farao, uchaparadzwa.} [Al-Isra:102], Naizvozvo avo vainamata Allah nevanamwari venhema vaibvuma hutenzi hwaAllah vari kumusoro-soro, kunyangwe vaivabatanidza nevamwe mukunamata. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿قُل لِّمَنِ ٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهَآ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 84 سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ85 قُلۡ مَن رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ ٱلسَّبۡعِ وَرَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡعَظِيمِ 86 سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ 87 قُلۡ مَنۢ بِيَدِهِۦمَلَكُوتُ كُلِّ شَيۡءٖ وَهُوَ يُجِيرُ وَلَا يُجَارُ عَلَيۡهِ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 88 سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ فَأَنَّىٰ تُسۡحَرُونَ 89﴾

{Taura (Iwe Muhammad) kuti: "Ndiani muridzi wenyika, uye newese arimo, kana muchiziva?" 84 Vachataura kuti: "NdezvaAllah." Taura kuti: "Zvino hamurangarire here?" 85 Taura kuti: "Ndiani Tenzi wematenga manomwe uye Tenzi wechigaro chehumambo chikuru?" 86 Vachataura kuti: "NdezvaAllah." Taura kuti: "Zvino hamutyi Allah here?" 87 Taura kuti: "Ndiani ane humambo hwezvinhu zvose muruoko rwavo, uye vanodzivirira, asi hapana anovadzivirira, kana muchiziva?" 88 Vachataura kuti: "NdezvaAllah." Taura kuti: "Zvino sei muchinyengedzwa muchitendeukira chokwadi?" 89}

[Al-Mu’minuun:84 - 89].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ لَيَقُولُنَّ خَلَقَهُنَّ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡعَلِيمُ 9﴾

{"Uye kana ukavabvunza kuti: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo Vachataura kuti: “Vakazvisika ndisamasimba vane ruzivo rwose.” 9} [Az-Zukhruf:9].

Uye Allah Vanorumbidzwa vakataura kuti:

﴿وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُۖ فَأَنَّىٰ يُؤۡفَكُونَ 87﴾

{Uye kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, zvirokwazvo Vachataura kuti: “Allah.” Zvino vanofuratira (mukunamata Allah vakavasika) sei?} [Az-Zukhruf:87].

Uye murairo waAllah, vanorumbidzwa, unosanganisira murairo wekusika nemitemo inofanira kutevedzerwa. Sezvo Allah vari Murongi wenyika vanotonga mazviri maererano nekuda kwavo, zvichienderana nezvinotarwa nehuchenjeri hwavo, saizvozvowo ndivo Mutongi mairi kuburikidza nekuisa mitemo yeminamato, neyekugarisana, zvichienderana nezvinotarwa nehuchenjeri hwavo. Saka uyo anogadza pamwechete naAllah vari kumusoro-soro mumwe munhu anoisa mitemo munyaya dzekunamata, kana dzekudyidzana; zvirokwazvo anenge abatanidza Allah navanamwari venhema, uye anenge asina kuzadzisa kutenda.

Chinhu chechitatu pane zvinosanganisira kutenda muna Allah: kutenda muhuMwari hwake; kureva kuti iye ega ndiye Mwari wechokwadi asina waanosanganiswa naye. Uye izwi rekuti Mwari (Al-Ilaah) rinoreva (Al-Ma'luh) anonamatwa nekudiwa nekutyiwa, kureva kuti (Al-Ma'bud) anonamatwa: uyo anonamatwa nerudo pamwe nerukudzo.

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَإِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞۖ لَّآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلرَّحۡمَٰنُ ٱلرَّحِيمُ 163﴾

{Uye Mwari wenyu ndiMwari mumwechete, hakuna akakodzera kunamatwa (pachokwadi) kunze kwavo, vane tsitsi zhinji, vane ngoni dzakanyanya. 163} [Al-Baqarah:163] Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿شَهِدَ ٱللَّهُ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَأُوْلُواْ ٱلۡعِلۡمِ قَآئِمَۢا بِٱلۡقِسۡطِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ 18﴾

{Allah vanopupura kuti hapana anofanirwa kunamatwa (pachokwadi) kunze kwavo, uye nengirozi neavo vane ruzivo (vanopa huchapupu), vachigara vakaita ruenzaniso. Hapana anofanirwa kunamatwa kunze kwavo, samasimba, muchenjeri mukuru. 18} [Aal-‘Imraan:18], Uye wese anotora chimwe chinhu sechinamato pamwe naAllah; humwari hwacho hauverengwi. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ هُوَ ٱلۡبَٰطِلُ وَأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ 62﴾

{Nokuti Allah ndivo chokwadi, uye izvo zvavanonamata kunze kwavo ndizvo zvenhema. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro pezvese, uye ndivo mukuru wezvose. 62} [Al-Hajj:62]. Kupa vanamwari venhema mazita ekuti anamwari hazvivape kodzero yehuMwari. Vachitaura pamusoro pavanamwari venhema vana Al-Laat, Al-Uzzaa naManaat, Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿إِنۡ هِيَ إِلَّآ أَسۡمَآءٞ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍۚ...﴾

{Angori mazita chete amakatumidza imi nemadzitateguru enyu, Allah havana kudzikisa mvumo yazvo...} [ An-Najm:23].

Uye vakataura maererano naHūd (rugare ngaruve kwaari), kuti akataura kuvanhu vake achiti:

﴿...أَتُجَٰدِلُونَنِي فِيٓ أَسۡمَآءٖ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّا نَزَّلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٖۚ...﴾

{...Munopikisana neni here pamusoro pemazita amakatumidza imi nemadzitateguru enyu, zvisina mvumo kubva kuna Allah? ...} [Al-A'raaf:71].

Uye vakataura nezvaYusuf (Joseph), rugare ngaruve kwaari, kuti akataura kune varume vaviri vaaive muhusungwa naye achiti:

﴿يَٰصَٰحِبَيِ ٱلسِّجۡنِ ءَأَرۡبَابٞ مُّتَفَرِّقُونَ خَيۡرٌ أَمِ ٱللَّهُ ٱلۡوَٰحِدُ ٱلۡقَهَّارُ 39 مَا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِهِۦٓ إِلَّآ أَسۡمَآءٗ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍ...﴾

{Imi shamwari dzangu mbiri dzemujeri! Ko vanamwari vakawanda vakasiyana-siyana vari nani here, kana kuti Allah (Mwari) mumwechete, anokunda vose? Izvo zvamunonamata kunze kwavo (Allah) anongova mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, Allah havana kumbobvira vadzikisa murairo pamusoro pawo...} [Yusuf:39-40].

Pamusana peizvi, vatumwa – makomborero aAllah nerugare ngazvive pavari – vaitaura kuvanhu vavo vachiti:

﴿...ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُ...﴾

{...Namatai Allah (Mwari mumwechete), hamuna chimwe chinamatwa kunze kwavo...} [Al-A’raaf:59] Asi avo vainamata Allah pamwechete nevanamwari venhema vakaramba izvozvo, vakatora vamwe vanamwari kuvaita vanamwari vavo kunze kwaAllah, vachivanamata pamwechete naAllah, Ngavarumbidzwe uye vari kumusoro-soro, vachitsvaga kukunda mavari, uye vachikumbira kuyamurwa kwavari.

Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakaramba kunamatwa kwevanamwari ava venhema nevanhu vanosanganisa anamwari nehumbowo huviri hwenjere:

Hwekutanga: ndehwekuti muna vanamwari ava vavakazvitorera hamuna kana chimwechete chehunhu hwehumwari, nokuti ivo zvisikwa, havasike, uye havaunze pundutso kune vanovanamata, kana kudzivisa njodzi kwavari. Uyezve havana masimba ekuvapa hupenyu kana kukonzera rufu, uye havana kana chinhu chavo kumatenga, kana mugove mazviri.

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةٗ لَّا يَخۡلُقُونَ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ وَلَا يَمۡلِكُونَ لِأَنفُسِهِمۡ ضَرّٗا وَلَا نَفۡعٗا وَلَا يَمۡلِكُونَ مَوۡتٗا وَلَا حَيَوٰةٗ وَلَا نُشُورٗا 3﴾

{Uye vakatora vamwe vanamwari vasiri Iye, avo (vavanotora kuvaita anamwari vavo vachisiya Allah) vasingasiki chinhu zvavo, asi ivo vakasikwa, uye havana simba rekuzvikuvadza kana kuzvibatsira, uye havana simba rekukonzera rufu, kana kupa hupenyu, kana kumutsa vakafa. 3} [Al-Furqan:3].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿قُلِ ٱدۡعُواْ ٱلَّذِينَ زَعَمۡتُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ لَا يَمۡلِكُونَ مِثۡقَالَ ذَرَّةٖ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا لَهُمۡ فِيهِمَا مِن شِرۡكٖ وَمَا لَهُۥ مِنۡهُم مِّن ظَهِيرٖ 22 وَلَا تَنفَعُ ٱلشَّفَٰعَةُ عِندَهُۥٓ إِلَّا لِمَنۡ أَذِنَ لَهُۥ...﴾

{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Danai avo vamunofungidzira (kuva vanamwari venyu) kunze kwaAllah. Havana kana chavanacho chakaenzana nehuremu hwekanhu kadiki kumatenga kana pasi, uye havana mugove mazviri (kumatenga nepanyika), uye (Allah) havana kana mubatsiri anobva kwavari. Uye kureverera kwavari hakubatsiri kunze kwekune uyo wavanopa mvumo...”} [Saba:22-23]

وقال تعالى: ﴿أَيُشۡرِكُونَ مَا لَا يَخۡلُقُ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ 191 وَلَا يَسۡتَطِيعُونَ لَهُمۡ نَصۡرٗا وَلَآ أَنفُسَهُمۡ يَنصُرُونَ 192﴾

Uye Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti: {Ko vanosanganisa here (naAllah) avo vasingakwanisi kusika chimwe chinhu asi ivo vakatosikwavo? 191 Uye havagoni kuvabatsira, kana kuzvibatsira ivo pachavo. 192}

[Al-A'raf:191-192].

Zvino kana iwaya ari mamiriro evanamwari ava, kuvaita anamwari ndihwo hupenzi hwekupedzisira, uye nhema dzepamusorosoro.

Humbowo hwechipiri: ndehwekuti avo vaisanganisa Allah nevanamwari venhema vaibvuma kuti Allah, vari kumusoro-soro, ndivo vega Tenzi Musiki vane humambo hwezvinhu zvese mumaoko avo. Uye ndivo vanodzivirira, asi ivo havadzivirirwi. Izvi zvinovamanikidza kuti vanamate Allah vega sokumutora ari ega kuti ndiTenzi kwavanoita. Sokutaura kwaAllah vekumusorosoro pavakati:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱعۡبُدُواْ رَبَّكُمُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ21 ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ فِرَٰشٗا وَٱلسَّمَآءَ بِنَآءٗ وَأَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَخۡرَجَ بِهِۦ مِنَ ٱلثَّمَرَٰتِ رِزۡقٗا لَّكُمۡۖ فَلَا تَجۡعَلُواْ لِلَّهِ أَندَادٗا وَأَنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 22﴾

{Veduwe-e Imi vanhu! Namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vakauya musati mavepo, kuti muve vanotya Mwari. 21 Avo vakakusikirai nyika ino senzvimbo yenyu yekuzororera, nedenga sechivharo, uye vakave vanonayisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi (mvura) vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu. Nokudaro, musave munosanganisa Allah nevamwe vanamwari mukunamata imi muchiziva (kuti ivo voga ndivo vakakodzera kunamatwa pachokwadi). 22} [Al-Baqarah:21-22].

Uye Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُۖ فَأَنَّىٰ يُؤۡفَكُونَ 87﴾

{Uye zvirokwazvo kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, zvirokwazvo Vachataura kuti: “Allah (Mwari).” Saka sei vachitsauka kubva kuchokwadi? (87)} [Az-Zukhruf:87].

Allah vekumusorosoro vakataura kuti:

﴿قُلۡ مَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ أَمَّن يَمۡلِكُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَمَن يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَمَن يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَۚ فَسَيَقُولُونَ ٱللَّهُۚ فَقُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ 31 فَذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبُّكُمُ ٱلۡحَقُّۖ فَمَاذَا بَعۡدَ ٱلۡحَقِّ إِلَّا ٱلضَّلَٰلُۖ فَأَنَّىٰ تُصۡرَفُونَ32﴾

{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa mupenyu kubva kumufi uye achiburitsa mufi kubva kumupenyu? Uye ndiani anoronga zvinhu zvese?” Vachataura kuti: “Allah (Mwari).” Saka taura kuti: “Ko hamutyi here?” 31 Uyo ndiye Allah (Mwari), Tenzi venyu vechokwadi. Saka chii chiripo zvakare mushure mechokwadi kunze kwekurasika? Saka munotsaudziswa sei? 32} [Yunus:31-32].

Nyaya yechina pazvinhu zviri mukutenda muna Allah (Mwari): kutenda mumazita avo nemaitiro avo.

Zvinoreva kuti: Kutsinhira izvo zvakatsinhirwa naAllah (Mwari) pachavo mubhuku ravo, kana muSunnah yeMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kubva mumazita nemaitiro, nenzira inovakodzera, pasina kushandura zvazvinoreva, kana kuramba, kana kutsanangura mamiriro azvo, kana kufananidza nezvisikwa. Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿وَلِلَّهِ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰ فَٱدۡعُوهُ بِهَاۖ وَذَرُواْ ٱلَّذِينَ يُلۡحِدُونَ فِيٓ أَسۡمَٰٓئِهِۦۚ سَيُجۡزَوۡنَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ 180﴾

{Uye Allah (Mwari) ndivo vane mazita akanaka kwazvo, saka vadaidzei nawo; uye siyanai neavo vanotsaudzira mumazita avo. Vacharangwa pamusoro pezvavaiita 180} [Al-A'raaf:180] Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿...وَلَهُ ٱلۡمَثَلُ ٱلۡأَعۡلَىٰ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ﴾

{...uye ndivo vane mucherechedzo hwepamusorosoro kumatenga nepanyika. Uye ndivo samasimba, vane huchenjeri hwese.} [Ar-Ruum:27] Uye Allah vekumusorosoro vakataura kuti:

﴿...لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ﴾

{...Hapana chakafanana navo; uye ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose.} [Ash-Shuuraa:11].

Panyaya iyi pakarasika mapoka maviri:

Rekutanga racho: rinonzi Al-Mu’attilah ndiro boka reavo vakaramba mazita nemaitiro aAllah, kana mamwe acho. Vakataura kuti kutsinhira izvi kuna Allah kunoreva kufananidza, kureva kuti: kufananidza Allah vari kumusorosoro nezvisikwa zvavo. Kutaura uku ndokwenhema; nekuda kwezvikonzero zvakati kuti, zvimwe zvacho ndezvizvi:

Chokutanga: ndechekuti zvinokonzeresa mhedziso dzenhema; sekuita kunge mashoko aAllah, ngavarumbidzwe, anopokana nokuti Allah, vari kumusorosoro, vakatsinhira kuti vane mazita nemaitiro, uye vakaramba kuti pave nechinhu chakafanana navo, Dai kutsinhira mazita nemaitiro aAllah kwaireva kuvafananidza nezvisikwa zvavo; zvaizoreva kuti mashoko aAllah anopokana, uye mamwe acho anoramba mamwe.

Chepiri: Kufambirana kwezvinhu zviviri pazita kana pamaitiro hazvireve kuti zvinenge zvakafanana zvachose, nekuti unoona vanhu vaviri vachifambirana pakuti mumwe nemumwe wavo munhu anonzwa, anoona, anotaura, asi izvozvo hazvirevi kuti vakafanana pahunhu, pakunzwa, pakuona, nekutaura.

Uye unoona mhuka dziine maoko, makumbo, nemaziso, asi kufanana kwadzo uku hakurevi kuti maoko adzo, makumbo adzo, nemaziso adzo akafanana pazvose.

Saka kana musiyano uchionekwa pakati pezvisikwa pamazita kana maitiro akafanana; zvinoreva kuti musiyano uri pakati peMusiki nechisikwa wakatojeka uye mukuru zvakanyanya.

Boka rechipiri: rinonzi Al-Mushabbihah (boka reavo vanofananidza Allah nezvisikwa) ndivo avo vanotsinhira mazita pamwe nemaitiro aAllah (Mwari), asi vachivafananidza nezvisikwa zvavo. Vanoti izvi ndizvo zvinoenderana nezvinotaridzwa nemagwaro; nekuti Allah (Mwari) vari kumusorosoro vanotaura nevaranda vavo nenzira yavanonzwisisa. Asi kutaura uku ndekwenhema nekuda kwezvikonzero zvakawanda, zvimwe zvacho ndezvizvi:

Chekutanga: Kufananidza Allah vari kumusoro-soro nezvisikwa zvavo inyaya inorambwa nenjere pamwechete nemutemo wechitendero, uye hazvigoneke kuti zvinorehwa nemagwaro eQur’an neSunnah chive chinhu chisina kururama.

Chechipiri: Allah (Mwari) vari kumusorosoro vakataura nevaranda vavo pamusoro pezvinhu zvavanonzwisisa maererano nechirevo chikuru chemazwi, asi chokwadi chizere, nemamiriro azvo izvi ndezvimwe zvezvinhu izvo Allah (Mwari) vari kumusorosoro vakazvichengetera kuti vagozviziva ivo vega, panyaya dzine chekuita nemamiriro avo nemaitiro avo.

Saka kana Allah (Mwari) vakatsinhira kuti ndivo munzwi wezvose; kunzwa kunozivikanwa maererano nehwaro weizwi iri (uku kunova kunzwa manzwi), asi mamiriro chaiwo ekunzwa kwaAllah (Mwari) vari kumusorosoro haazivikanwe; nekuti mamiriro ekunzwa ainosiyana kunyangwe pakati pezvisikwa. Naizvozvo, musiyano pakati peMusiki nechakasikwa wakajeka uye mukuru zvikuru.

Uye kana Allah (Mwari) vari kumusorosoro vakazivisa pamusoro pavo kuti vakaenda pamusoro pechigaro chavo chehumambo; zvirokwazvo, kuenda pamusoro zvinozivikanwa kubva muchirevo cheizwi iri, asi mamiriro chaiwo ekuenda pamusoro hatimazive kuti Allah vakaenda pamusoro pechigaro chavo nemutowo upi, nekuti mamiriro ekuenda pamusoro anosiyana pazvisikwa. Saka kuenda pamusoro pechigaro chakagadzikana hakufanani nekuenda pamusoro pechagaro chengamera yakasindimara inoda kutiza. Zvino kana izvi zvichisiyana maitiro pazvisikwa, musiyano wacho pakati peMusiki nechisikwa unotova pachena uye mukuru chaizvo.

Kutenda muna Allah vari kumusorosoro kwandatsanangura kunoberekera vatendi zvibereko zvikuru, zvimwe zvacho ndezvinoti:

Chekutanga: Kusimbisa (kuzadzisa) humwechete hwaAllah (Mwari) vari kumusorosoro, zvekuti tariro nekutya hazvive kune chimwe chinhu chisiri Allah (Mwari), uye hapana chimwe chinonamatwa kunze kwavo.

Chepiri: Kuzadzisa rudo kuna Allah (Mwari) vari kumusorosoro uye kuvakudza, maringe nezvinoendererana nemazita avo akanakakisisa, nemaitiro avo epamusorosoro.

Chechitatu: Kuzadzisa kunamata Allah kuburikidza nekuita zvavanorayira, uye nekusiya zvavakarambidza.

 

Kutenda mune ngirozi.

Ngirozi: Zvisikwa zvisingaonekwe nemaziso, zvinonamata Allah (Mwari) vari kumusorosoro, uye hazvina maitiro ehutenzi kana ehumwari pazviri. Allah vari kumusorosoro vakadzisika kubva muchiedza, uye vakaita kuti dzikwanise kuvateerera muzvose zvavanoraira uye vakadzipa simba rekuzviita. Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿...وَمَنۡ عِندَهُۥ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ عَنۡ عِبَادَتِهِۦ وَلَا يَسۡتَحۡسِرُونَ 19 يُسَبِّحُونَ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ لَا يَفۡتُرُونَ 20

{...uye avo vari pedyo navo (ngirozi), havazvitutumadzi pakuvanamata (ivo Allah) uye havaneti. Vanovarumbidza (ivo Allah) siku nesikati, havamboregeri.} [Al-Anbiyaa:19-20].

Uye huwandu hwadzo hukuru, hapana anoziva huwandu hwadzo kunze kwaAllah vari kumusorosoro. Zvakatsinhirwa mumabhuku eSahihayn kubva muhadith yaAnas (Allah ngavafare naye) munyaya yeMi'raj (kuenda kudenga) zvinotaurwa kuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakaratidzwa Imba yekunamatira inonzi Al-Bayt Al-Ma'mur iri kudenga, umo munonamata ngirozi zviuru makumi manomwe zuva rega rega, idzo dzinoti kana dzabuda hadzimbofi dzakadzokerako zvakare.

Kutenda mungirozi kunosanganisira zvinhu zvina:

Chokutanga: Kutenda mukuvapo kwadzo.

Chepiri: Kutenda mune ngirozi dzatinoziva nemazita adzo saJibreel (Gabhuriyeri), uye kutenda mune ngirozi dzatisingazive mazita adzo.

Chechitatu: Kutenda mune zvatakadzidziswa nezvemamiriro adzo, semamiriro aJibreel. Zvirokwazvo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari, vakazivisa kuti vakaona Jibril ari zvaari semasikirwo aakaitwa, uye vakamuona aine mapapiro mazana matanhatu akanga akazadza denga rose.

Ngirozi inogona kushanduka kuburikidza nemurairo waAllah vari kumusorosoro, ikatora chimiro chemurume. Sezvakaitika kuna Jibreel panguva yaakatumwa naAllah (Mwari) vari kumusorosoro kuna Maryam (Mary), akazviratidza kwaari ari murume akakwana. Uyezve paakauya kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) apo pavaive vagere pakati pevatevedzeri vavo, akauya kwavari ari muchimiro chemurume akapfeka mbatya chena kwazvo, aine vhudzi dema kwazvo, asina zvairatidza paari kuti aive parwendo. Uyezve hapana kana mumwe wevatevedzeri vake vaimuziva. Akabva agara pedyo neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) akaisa mabvi ake pedyo pedyo nemabvi eMuporofita, ndokuisa zvanza zvake pazvidya zvake, uye akabvunza Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) nezveIslam, kutenda, kunatsa pamabasa, zuva rekutongwa, nezviratidzo zvaro. Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakamupindura, ndokubva aenda. Mushure mezvo, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakataura kuti:

«هَذَا جِبْرِيلُ؛ أَتَاكُمْ يُعَلِّمُكُمْ دِينَكُمْ».

"Uyu ndiJibreel; auya kwamuri kunokudzidzisai chitendero chenyu"8.

Saizvozvowo ngirozi idzo dzakatumwa naAllah (Mwari) vari kumusorosoro kuna Abrahamu naLut uye dzaive muchimiro chevarume.

Chechina pane zvinhu zviri pakutenda mungirozi: kutenda pane zvatakaziviswa zvemabasa adzo adzinoita kuburikidza nemurairo waAllah vari kumusorosoro; sekuvarumbidza, nekuvanamata siku nesikati pasina kufinhwa kana kuneta.

Kune dzimwe ngirozi dzine mabasa adzinoita dzega (asingaitwe nedzimwe ngirozi).

Semuenzaniso: Jibril ndiye anovimbwa naye pakudzikisa magwaro aAllah Vekumusorosoro aanotumwa nawo kumaporofita nevatumwa.

Semuenzaniso: Mika’il ndiye anoona nezvemadonhwe emvura, kureva kuti mvura (inonaya) nezvirimwa.

Umwe muenzaniso: ndiIsrafil, akapihwa basa rekuridza hwamanda pazuva rekuguma kwenyika uye pakumutswa kwezvisikwa (kubva mukufa).

Umwe muenzaniso: ingirozi yerufu: iyo yakapihwa basa rekutora mweya panguva yerufu.

Umwe muenzaniso ndiMaalik: anoona nezvemoto (weGehena), uye ndiye muchengeti wemoto.

Uye muenzaniso weizvi ingirozi dzakapihwa basa rekuona pamusoro pevana vari muzvibereko. Kana munhu asvitsa mwedzi mina ari mudumbu maamai vake, Allah vanotumira ngirozi kwaari voiraira kuti inyore raramo yake, nenguva yake yekurarama, nemabasa ake, uye kuti achava munhu wenhamo here kana kuti wemufaro.

Uyezve umwe muenzaniso weizvi: ingirozi dzakapihwa basa rekuchengetedza nekunyora mabasa evana vaAdam. Munhu wese ane ngirozi mbiri, imwe iri kurudyi uye yechipiri iri kuruboshwe (kwake).

Mumwe muenzaniso ndewengirozi dzakagadzwa kuti dzibvunze mushakabvu kana aiswa muguva rake; anosvikirwa nengirozi mbiri dzinomubvunza nezvaTenzi vake, chitendero chake, uye neMuporofita wake.

Kutenda mune ngirozi kunobereka zvibereko zvikuru, zvimwe zvacho ndeizvi:

Chekutanga: Ruzivo rwehukuru hwaAllah (Mwari) vari kumusorosoro, simba ravo, hushe hwavo; nekuti hukuru hwechisikwa hunoratidza hukuru hweMusiki.

Chechipiri: Kutenda Allah (Mwari) vari kumusorosoro nekuda kwekuchengeta kwavo vana vaAdam; sezvo vakapa dzimwe ngirozi basa rekuvachengetedza, nekunyora mabasa avo, pamwe nezvimwe zvinovabatsira kuti vagare zvakanaka.

Chechitatu: kuda ngirozi pamusana pekunamata kwadzinoita Allah (Mwari) vari kumusorosoro.

Pane rimwe boka revanhu kubva muvanhu vakarasika rakaramba kuti ngirozi dzine miviri, vakati: “Idzo (Ngirozi) dzinongova masimba ezvakanaka akavanzika muzvisikwa.” Uku kuramba bhuku raAllah (Mwari) vari kumusorosoro, neSunnah yeMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), nechibvumirano chemaMuslim.

Allah vari kumusorosoro vakataura kuti:

﴿ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ فَاطِرِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ جَاعِلِ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ رُسُلًا أُوْلِيٓ أَجۡنِحَةٖ مَّثۡنَىٰ وَثُلَٰثَ وَرُبَٰعَ...﴾

{Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah (Mwari), Musiki wematenga nenyika, avo vakaita kuti ngirozi dzive vatumwa dziine mapapiro maviri, matatu, uye mana...} [Fatir:1].

Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذۡ يَتَوَفَّى ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ يَضۡرِبُونَ وُجُوهَهُمۡ وَأَدۡبَٰرَهُم...﴾

{Uye dai waiona ngirozi apo padzinotora mweya yeavo vasina kutenda, dzichirova zviso zvavo nemisana yavo...} [Al-Anfaal:50].

Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذِ ٱلظَّٰلِمُونَ فِي غَمَرَٰتِ ٱلۡمَوۡتِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ بَاسِطُوٓاْ أَيۡدِيهِمۡ أَخۡرِجُوٓاْ أَنفُسَكُمُ...﴾

{...Uye dai waiona apo vadzvanyiriri vari mumarwadzo erufu, uye ngirozi dzakatambanudza maoko adzo (dzichiti): 'Budisai mweya yenyu!...'} [Al-An’aam:93].

Uye Allah Vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...حَتَّىٰٓ إِذَا فُزِّعَ عَن قُلُوبِهِمۡ قَالُواْ مَاذَا قَالَ رَبُّكُمۡۖ قَالُواْ ٱلۡحَقَّۖ وَهُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ﴾

{...Kusvikira apo kutya kuchazobviswa muhana dzadzo (ngirozi), dzichazo taura kuti: ‘Tenzi venyu vakataurei?’ Dzichazo pindura dzichiti: ‘Chokwadi.’ Uye ndivo vekumusoro-soro, Vakuru.} [Saba:23].

Uye pamusoro pevanhu vekuParadhiso, Allah vakataura kuti:

﴿...وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ يَدۡخُلُونَ عَلَيۡهِم مِّن كُلِّ بَابٖ سَلَٰمٌ 23 عَلَيۡكُم بِمَا صَبَرۡتُمۡۚ فَنِعۡمَ عُقۡبَى ٱلدَّارِ 24

{ Uye ngirozi dzichapinda kwavari nepamisuwo yese (dzichiti): ‘Rugare ngaruve nemi nekuda kwekutsungirira kwenyu.’ Zvirokwazvo, musha wekupedzisira wakanaka zvikuru!}

[Ar-Ra'd:23-24].

Uye muSahih al-Bukhari mune nhaurwa kubva kuna Abu Hurairah, Allah ngavafadzwe naye, yaakanzwa kubva kuMuporofita, runyararo nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, apo vakati:

«إِذَا أَحَبَّ اللَّهُ الْعَبْدَ نَادَى جِبْرِيلَ: إِنَّ اللَّهَ يُحِبُّ فُلَانًا فَأَحْبِبْهُ، فَيُحِبُّهُ جِبْرِيلُ، فَيُنَادِي جِبْرِيلُ فِي أَهْلِ السَّمَاءِ: إِنَّ اللَّهَ يُحِبُّ فُلَانًا فَأَحِبُّوهُ، فَيُحِبُّهُ أَهْلُ السَّمَاءِ، ثُمَّ يُوضَعُ لَهُ الْقَبُولُ فِي الْأَرْضِ».

«Kana Allah (Mwari) vada muranda, vanodaidza Jibreel vachiti: ‘Zvirokwazvo Allah vanoda nhingi, saka mudewo.’ Saka Jibreel anomuda. Zvadaro Jibreel anodaidzira kuvagari vekudenga achiti: ‘Zvirokwazvo, Allah vanoda nhingi, saka mudeyiwo.’ Saka vagari vekudenga vanobva vamuda. Zvadaro anobva aisirwa kugamuchirwa panyika»9.

Uye mumabhuku aya zvakare mune nhaurwa kubva kuna Abu Hurairah, Allah ngavafare naye, akataura kuti: Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:

«إِذَا كَانَ يَوْمُ الْجُمُعَةِ كَانَ عَلَى كُلِّ بَابٍ مِنْ أَبْوَابِ الْمَسْجِدِ الْمَلَائِكَةُ يَكْتُبُونَ الْأَوَّلَ فَالْأَوَّلَ، فَإِذَا جَلَسَ الْإِمَامُ طَوَوْا الصُّحُفَ وَجَاءُوا يَسْتَمِعُونَ الذِّكْرَ».

«Pazuva reJumu’ah, pamusuwo wega wega weimba yekunamatira (masjid) panenge paine ngirozi, dzichinyora vanhu zvichienderana nekutevedzana kwavo pakusvika. Zvino kana Imam agara pasi, dzinopeta magwaro adzo dzouya kuzoteerera mashoko ekurangarira Allah (Dhikr)»10.

Uye magwaro aya anoratidza pachena kuti ngirozi zvisikwa zvine miviri, kwete masimba emweya chete, sezvakataurwa neavo vakatsauka. Uye zvichibva pamagwaro aya, maMuslim vakawirirana pamwechete naizvozvo.

 

 

Kutenda mumabhuku

Mabhuku muchiArabhu anonzi Al-Kutub: Uzhinji hweizwi rinoti Kitaab zvichireva chakanyorwa.

Zvinorehwa neizwi patiri kutaura: magwaro akadzikiswa naAllah (Mwari) vari kumosoro-soro kuvatumwa vavo setsitsi kuzvisikwa, uye senhungamiro kwavari; kuti vasvike kuburikidza nawo kurufaro rwavo panyika nekuhupenyu huchauya.

Uye kutenda mumabhuku kunosanganisira zvinhu zvina:

Chekutanga: Kutenda kuti kuburutswa kwawo kubva kuna Allah (Mwari) ndekwechokwadi.

Chechipiri: Kutenda mune mabhuku atakaziva mazita awo: seQur'an iro rakadzikiswa kuna Muhammad, Allah ngavavakomborere pamwe nekuvapa rugare, neTorah iro rakadzikiswa kuna Musa, Allah ngavamukomborere pamwe nekumupa rugare. Uye neInjil iro rakadzikiswa kuna Isa (Jesu), Allah ngavamuropafadze nekumupa rugare. Uye neZabur (Mapisarema) iro rakapihwa Dawud (Dhavhidhi), runyararo nerugare rwaAllah ngaruve paari. Uye mabhuku ayo atisingazive mazita avo, tinotenda maari zvakazara.

Chechitatu: Kutenda mune nhau dzechokwadi dziri maari, senhau dzemuQur'an, uye nhau dzisina kushandurwa kana kushandurudzwa (nevanhu) kubva mumabhuku ekare.

Chechina: Kuita mabasa anoenderana nemitemo yawo isina kutsiviwa, nekugutsikana nekuzvipira kwairi, zvisinei kuti tanzwisisa huchenjeri hwawo here kana kuti hatina kuhunzwisisa. Uye magwaro ese ekare akatsiviwa neQur'an hombe. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَأَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ مُصَدِّقٗا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِ مِنَ ٱلۡكِتَٰبِ وَمُهَيۡمِنًا عَلَيۡهِۖ...﴾

{Uye takadzikisa kwauri (Iwe Muhammad) Gwaro (Quran iri) nechokwadi, richisimbisa magwaro akaritangira, uye riri shoko rekupedzisira pamusoro pawo...} [Al-Maaidah:48] Kureva kuti: Richitonga pamusoro pawo.

Naizvozvo: hazvibvumirwe kushandisa mutemo upi zvawo unobva mumagwaro akare, kunze kweuyo wakarurama kubva maari uye wakatsinhirwa neQur'an.

Uye kutenda mumagwaro kunobereka zvibereko zvinokudzwa, zvimwe zvacho ndezvekuti:

Chekutanga: Kuziva nezve kuchengetwa nehanya dzaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro kuvaranda vavo; pakuti vakadzikisa kurudzi rwese gwaro rekuvatungamirira.

Chepiri: Ruzivo rwehuchenjeri hwaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro mumutemo wavo; sezvo vakatara kurudzi rwese nemamiriro avo, Sekutaura kwakaita Allah (Mwari) vari kumusoro-soro apo vakataura kuti:

﴿...لِكُلّٖ جَعَلۡنَا مِنكُمۡ شِرۡعَةٗ وَمِنۡهَاجٗا...﴾

{...kune umwe neumwe pakati penyu takaisa mutemo negwara rakajeka...} [Al-Maaidah:48].

Chechitatu: kutenda makomborero aAllah (Mwari) mune izvozvo.

Kutenda mune vatumwa

Vatumwa pachiArabhu vanonzi rusul: izwi iri huwandu hwa rasul (mutumwa), zvinoreva kuti: (akatumwa), kureva kuti akatumwa kunosvitsa chimwe chinhu.

Patiri kutaura apa zvinoreva: munhu akazarurirwa mutemo wehumwari, uye akakomekedzwa kuuparidza.

Mutumwa wekutanga ndiNuh, rugare ngaruve kwaari, uye wekupedzisira wavo ndiMuhammad, maropafadzo nerugare rwaAllah ngazvive pavari.

Allah (Mwari) vari pamusoro-soro vakataura kuti:

﴿ إِنَّآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ كَمَآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ نُوحٖ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ مِنۢ بَعۡدِهِ...﴾

{Zvirokwazvo, Isu takazarura kwauri semazaruriro atakaita kuna Nuh nemaporofita vemushure make...} [An-Nisaa:163].

Uye mubhuku rinonzi Sahih Al-Bukhari, muhadith yekureverera yakataurwa naAnas bin Malik, Allah ngavafare naye, kubva kuMuporofita, makomborero nerugare zvaAllah ngazvive pavari:

«ذُكِرَ أَنَّ النَّاسَ يَأْتُونَ إِلَى آدَمَ؛ لِيَشْفَعَ لَهُمْ، فَيَعْتَذِرُ إِلَيْهِمْ وَيَقُولُ: ائْتُوا نُوحًا أَوَّلَ رَسُولٍ بَعَثَهُ اللَّهُ» وذكر تمام الحديث.

«Zvakataurwa kuti vanhu vachauya kuna Adam; kuti avareverere, asi achavaudza kuti haakwanisi kuita izvi obva ati: Endai kuna Nuh, Mutumwa wekutanga akatumwa naAllah (Mwari)» Uye Anas akabva ataura hadith yese11.

Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura pamusoro paMuhammad, Allah ngavavakomborere uye nekuvapa rugare vachiti:

﴿مَّا كَانَ مُحَمَّدٌ أَبَآ أَحَدٖ مِّن رِّجَالِكُمۡ وَلَٰكِن رَّسُولَ ٱللَّهِ وَخَاتَمَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾

{Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi Mutumwa waAllah (Mwari) uye mutumwa wekupedzisira...} [Al-Ahzaab].

Uye hapana rudzi (ummah) rwakambosiiwa rusina mutumwa anotumwa naAllah vari kumusoro-soro nemutemo (Shari’ah) wakazvimirira kuvanhu vake, kana kuti muporofita anozarurirwa mutemo weuyo akauya iye asati avepo kuti auvandudze. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾

{Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese mutumwa, achiti: “Namatai Allah (Mwari), mova munosiya vanamwari venhema.”...} [An-Nahl:36].

Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَإِن مِّنۡ أُمَّةٍ إِلَّا خَلَا فِيهَا نَذِيرٞ﴾

“...uye hakuna rudzi rwusina kumbova nemuyambiri pakati parwo.” [Fatir:24].

Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّآ أَنزَلۡنَا ٱلتَّوۡرَىٰةَ فِيهَا هُدٗى وَنُورٞۚ يَحۡكُمُ بِهَا ٱلنَّبِيُّونَ ٱلَّذِينَ أَسۡلَمُواْ لِلَّذِينَ هَادُواْ...﴾

{Zvirokwazvo, Isu takadzikisa Torah, mariri muine nhungamiro nechiedza; maporofita vakazvipira kuna Allah vaitonga naro maJudha...} [Al-Maaidah:44].

Vatumwa vanhu vakasikwa, havana kana chinhu chemaitiro ehuTenzi kana humwari mavari. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura nezveMuporofita wavo Muhammad, uyo anova ndiye mukuru wevatumwa, uye mukurusa wavo pachinzvimbo pamberi pa Allah, vakataura kuti:

﴿قُل لَّآ أَمۡلِكُ لِنَفۡسِي نَفۡعٗا وَلَا ضَرًّا إِلَّا مَا شَآءَ ٱللَّهُۚ وَلَوۡ كُنتُ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ لَٱسۡتَكۡثَرۡتُ مِنَ ٱلۡخَيۡرِ وَمَا مَسَّنِيَ ٱلسُّوٓءُۚ إِنۡ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٞ وَبَشِيرٞ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ 188﴾

{Iti (iwe Muhammad): ‘Handina simba pachangu rekuunza zvinobatsira kana zvakaipa, kunze kweizvo zvinodiwa naAllah (Mwari). Uye dai ndaiziva zvakavanzika, ndingadai ndakazviwanzira zvinhu zvakanaka, uye hapana chakaipa chaizondibata. Zvirokwazvo Ini dingori muyambiri chete nemupi wemashoko akanaka kuvanhu vanotenda.’ 188} [Al-A’raaf:188] .

Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿قُلۡ إِنِّي لَآ أَمۡلِكُ لَكُمۡ ضَرّٗا وَلَا رَشَدٗا 21 قُلۡ إِنِّي لَن يُجِيرَنِي مِنَ ٱللَّهِ أَحَدٞ وَلَنۡ أَجِدَ مِن دُونِهِۦ مُلۡتَحَدًا 22﴾

{Iti (iwe Muhammad): ‘Zvirokwazvo, ini handina simba rekukonzera marwadzo kwamuri, kana kukuunzai kunzira yakanaka.’ 21 Iti (iwe Muhammad): ‘Zvirokwazvo, hakuna anozombondidzivirira kubva kuna Allah (Mwari), uye handizombowana kwekupotera kunze kwavo.’ 22} [Al-Jinn:21-22].

Uye vatumwa vanosanganawo nezvinhu zvinowira vanhu: sehurwere, rufu, kuda chokudya kana chokunwa, nezvimwe zvakadaro. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura nezvaIbrahim, makomborero nerugare ngazvive paari, mukutsanangura kwake Tenzi wake vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَٱلَّذِي هُوَ يُطۡعِمُنِي وَيَسۡقِينِ 79 وَإِذَا مَرِضۡتُ فَهُوَ يَشۡفِينِ 80 وَٱلَّذِي يُمِيتُنِي ثُمَّ يُحۡيِينِ 81﴾

{Uye ndivo vanondipa kudya, uye vanondipa zvekunwa 79 Uye pandinorwara, ndivo vanondiporesa 80 Uye vachandi ita kuti ndife, uye vachandiita kuti ndive mupenyu zvekare 81} [Ash-Shu’araa:79-81].

Uye Muporofita, Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare vakataura kuti:

«إِنَّمَا أَنَا بَشَرٌ مِثْلُكُمْ، أَنْسَى كَمَا تَنْسَوْنَ، فَإِذَا نَسِيتُ فَذَكِّرُونِي».

«Chokwadi ini ndingori munhu semi, ndinokanganwa sekukanganwa kwamunoita, saka kana ndakanganwa, ndiyeuchidzei»12.

Uye zvirokwazvo Allah vari kumusoro-soro vakarondedzera kuti vatumwa varanda vavo apo vaitaura nezvezvinzvimbo zvavo zvepamusoro-soro, pavaivarumbidza; Naizvozvo, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura nezvaNowa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari vakati:

﴿...إِنَّهُۥ كَانَ عَبۡدٗا شَكُورٗا﴾

{Zvirokwazvo, aive muranda aitenda zvikuru.} [Al-Israa:3], Uye vakataura nezvaMuhammad vakati:

﴿تَبَارَكَ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡفُرۡقَانَ عَلَىٰ عَبۡدِهِۦ لِيَكُونَ لِلۡعَٰلَمِينَ نَذِيرًا 1﴾

{Vane makomborero ndivo vakadzikisa chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa) kumuranda wavo, kuti ave muyambiri kuzvisikwa zvese 1} [Al-Furqaan:1].

Uye vakataura pamusoro paAbrahamu, naIsaka, naJakobho - Rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari vakati-:

﴿وَٱذۡكُرۡ عِبَٰدَنَآ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَ أُوْلِي ٱلۡأَيۡدِي وَٱلۡأَبۡصَٰرِ 45 إِنَّآ أَخۡلَصۡنَٰهُم بِخَالِصَةٖ ذِكۡرَى ٱلدَّارِ 46 وَإِنَّهُمۡ عِندَنَا لَمِنَ ٱلۡمُصۡطَفَيۡنَ ٱلۡأَخۡيَارِ 47﴾

{Uye rangarira varanda vedu, Abrahamu, Isaka naJakobho, vaive nesimba (pakunamata nekuita zvakanaka) uye vaive nenjere. 45 Zvirokwazvo, Isu takavasarudza nekuvapa hunhu hwakakosha, hwekurangarira Imba yekupedzisira (hupenyu hwemangwana). 46 Uye zvirokwazvo kwatiri, vari pakati pevakasarudzwa, vakanakisisa. 47}

[Swaad: 45-47].

Uye vakati nezvaIsa mwanakomana wa Maryam:

﴿إِنۡ هُوَ إِلَّا عَبۡدٌ أَنۡعَمۡنَا عَلَيۡهِ وَجَعَلۡنَٰهُ مَثَلٗا لِّبَنِيٓ إِسۡرَٰٓءِيلَ 59﴾

{Zvirokwazvo, (Isa) haasi (chinhu) kunze kwekuti muranda watakaitira nyasha, uye takamuita muenzaniso kuvana veIsraeri. 59}

[Az-Zukhruf:59].

Kutenda muvatumwa kunosanganisira zvinhu zvina:

Chokutanga: Kutenda kuti hutumwa hwavo ndehwechokwadi hunobva kuna Allah (Mwari) vekumusoro-soro, saka uyo anoramba hutumwa hwemumwe chete wavo, zvirokwazvo anenge avaramba vose, Sezvakataurwa naAllah (Mwari) vekumusoro-soro kuti:

﴿كَذَّبَتۡ قَوۡمُ نُوحٍ ٱلۡمُرۡسَلِينَ 105﴾

{Vanhu vaNuh vakaramba vatumwa 105} [Ash-Shu'ara:105] Nokudaro, Allah (Mwari) vakavaverenga sevarambi vevatumwa vose, kunyange hazvo pakanga pasina mumwe mutumwa kunze kwake panguva yavakumuramba. Naizvozvo, maKristu avo vakaramba Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) uye vasina kumutevera, vanenge vachirambawo Muzodziwa mwanakomana waMaryam (Mary), uye vanenge vasingamuteverewo. Pamusoro peizvozvo akanga akavazivisa mashoko akanaka pamusoro paMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), uye kuzivisa kwake mashoko akanaka kwavari hakuna zvakunoreva kunze kwekuti iye Mutumwa kwavari, uyo Allah anovaponesa naye kubva mukurasika, uye achivatungamirira kunzira yakatwasuka.

Chechipiri: Kutenda mune avo vatinoziva mazita avo pakati pavo: saMuhammad, Abrahamu, Musa (Mozisi), Isa (Jesu), naNuh (Nowa) - runyararo nemakomborero ngazvive pavari vose- Ava vashanu ndivo vatumwa vane kutsunga kwakasimba, uye Allah vekumusoro-soro vakataura nezvavo munzvimbo mbiri muQur'an mushoko ravo vachiti:

﴿وَإِذۡ أَخَذۡنَا مِنَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ مِيثَٰقَهُمۡ وَمِنكَ وَمِن نُّوحٖ وَإِبۡرَٰهِيمَ وَمُوسَىٰ وَعِيسَى ٱبۡنِ مَرۡيَمَۖ وَأَخَذۡنَا مِنۡهُم مِّيثَٰقًا غَلِيظٗا 7﴾

{Uye (rangarirai) panguva yatakatora kubva kumaporofita chitsidzo chavo, uye kubva kwauri (iwe Muhammad rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), uye kubva kuna Nuh, naAbrahamu, naMusa, naIsa (Jesu) mwanakomana waMaryam; uye takatora kubva kwavari chitsidzo chakasimba. 7} [Al-Ahzaab:7] Allah (Mwari) vakataura zvakare kuti:

﴿شَرَعَ لَكُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا وَصَّىٰ بِهِۦ نُوحٗا وَٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ وَمَا وَصَّيۡنَا بِهِۦٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَمُوسَىٰ وَعِيسَىٰٓۖ أَنۡ أَقِيمُواْ ٱلدِّينَ وَلَا تَتَفَرَّقُواْ فِيهِۚ كَبُرَ عَلَى ٱلۡمُشۡرِكِينَ مَا تَدۡعُوهُمۡ إِلَيۡهِۚ ٱللَّهُ يَجۡتَبِيٓ إِلَيۡهِ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِيٓ إِلَيۡهِ مَن يُنِيبُ 13﴾

{Vakave (Allah) vanotsidza kwauri chitendero (cheIslam) chavakaraira Nuh, uye neizvo zvatakadzikisa kwauri (iwe Muhammad), uye izvo zvatakaraira Abrahamu naMusa (Mozisi) na’Isa (Jesu), (zvekuti): “Chengetedzai chitendero uye musave munopatsanurana machiri (kuva mapoka akasiyana siyana).” Zvakaremera avo vanosanganisa Allah (Mwari) nevamwe anamwari izvo zvamunovakoka kwazviri. Allah vanozvisarudzira uyo wavanoda, uye vanotungamirira kwavari uyo anotendeuka (achikumbira ruregerero). 13} [Ash-Shuuraa:13].

Asi vatumwa vatisingazivi mazita avo pakati pavo; tinotenda mavari zvizere. Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا رُسُلٗا مِّن قَبۡلِكَ مِنۡهُم مَّن قَصَصۡنَا عَلَيۡكَ وَمِنۡهُم مَّن لَّمۡ نَقۡصُصۡ عَلَيۡكَۗ...﴾

{Uye zvirokwazvo takatuma vatumwa usati wavepo, pakati pavo pane vatakakuudza nhaurwa (nyaya) dzavo. Uye vamwe vavo hatina kuva tinokuudza nhaurwa (nyaya) dzavo ...} [Ghafir:78].

Chechitatu: Kutenda munhaurwa dzavo dzechokwadi.

Chechina: Kuita mabasa anoenderana nemutemo weuyo akatumwa kwatiri kubva pakati pavo, anova ndiye wekupedzisira pakati pavo Muhammad, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari, akatumwa kuvanhu vese. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿فَلَا وَرَبِّكَ لَا يُؤۡمِنُونَ حَتَّىٰ يُحَكِّمُوكَ فِيمَا شَجَرَ بَيۡنَهُمۡ ثُمَّ لَا يَجِدُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ حَرَجٗا مِّمَّا قَضَيۡتَ وَيُسَلِّمُواْ تَسۡلِيمٗا 65﴾

{Asi kwete, ndinopika naTenzi vako, havazovi vatendi kusvikira vakuita iwe mutongi pamusoro pekusawirirana kwavo, vozosara vasina kusagadzikana mumoyo yavo kubva pane zvawatonga, uye vozvipira zvizere. 65}

[An-Nisa:65].

Kutenda muvatumwa kune zvibereko zvikuru zvinosanganisira:

Chokutanga: Kuziva nezvetsitsi dzaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro nekuchengeta kwavo varanda vavo; zvekuti vakatumira kwavari vatumwa kuti vavatungamirire kunzira yaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro, kuti vatsanangure kwavari nzira yekunamata Allah (Mwari); nekuti njere dzemunhu hadzikwanisi kuziva izvozvo dzoga.

Chepiri: Kutenda Allah vari kumusoro-soro pamusoro penyasha idzi hurusa.

Chechitatu: kuda vatumwa (makomborero nerugare zvaAllah ngazvive pavari), kuvakudza, uye kuvarumbidza nenzira inoenderana navo; nekuti vatumwa vaAllah (Mwari) vekumusoro-soro, uye nekuti vanomunamata, vanosvitsa shoko rake kuvanhu, uye vanoraira varanda vake.

Zvirokwazvo avo vanopikisa vakaramba vatumwa vavo, vachitaura kuti vatumwa vaAllah (Mwari) vepamusoro-soro havagone kuva vanhu! Uye Allah (Mwari) vepamusoro-soro vakataura nezvekufunga uku, uye vakakuramba nemashoko avo ekuti:

﴿وَمَا مَنَعَ ٱلنَّاسَ أَن يُؤۡمِنُوٓاْ إِذۡ جَآءَهُمُ ٱلۡهُدَىٰٓ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ أَبَعَثَ ٱللَّهُ بَشَرٗا رَّسُولٗا94 قُل لَّوۡ كَانَ فِي ٱلۡأَرۡضِ مَلَٰٓئِكَةٞ يَمۡشُونَ مُطۡمَئِنِّينَ لَنَزَّلۡنَا عَلَيۡهِم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ مَلَكٗا رَّسُولٗا 95﴾

{94 Uye hapana chakatadzisa vanhu kuti vatende pavakauyirwa nenhungamiro, kunze kwekuti vakati: “Ko Allah vatumira munhu semutumwa here?”

95 Iti (Iwe Muhammad): “Dai paive nengirozi panyika dzichifamba dzakagadzikana, zvirokwazvo tingadai takadzikisa kwavari kubva kudenga ngirozi semutumwa.”} [Al-Israa:94-95].

Saka Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakashaisa basa chirevo ichi, vachiratidza kuti zvinotofanira kuti mutumwa ave munhu; nekuti akatumwa kuvagari vepasi rino vanove vanhu. Uye dai vagari vepasi vaive ngirozi, zvirokwazvo Allah vaizovaburutsira kubva kudenga ngirozi iri mutumwa; kuitira kuti ave akafanana navo, Uye saizvozvo Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakarondedzera nezve avo vakaramba vatumwa kuti vakati:

﴿...إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا بَشَرٞ مِّثۡلُنَا تُرِيدُونَ أَن تَصُدُّونَا عَمَّا كَانَ يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَا فَأۡتُونَا بِسُلۡطَٰنٖ مُّبِينٖ 10 قَالَتۡ لَهُمۡ رُسُلُهُمۡ إِن نَّحۡنُ إِلَّا بَشَرٞ مِّثۡلُكُمۡ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يَمُنُّ عَلَىٰ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦۖ وَمَا كَانَ لَنَآ أَن نَّأۡتِيَكُم بِسُلۡطَٰنٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِ...﴾

{...hamusi chinhu kunze kwevanhu vakafanana nesu, munoda kutidzivisa kubva pane izvo zvainamatwa nemadzitateguru edu. Saka tiunzirei humbowo huri pachena. Vatumwa vavo vakati kwavari: “Isu hatisi chinhu kunze kwevanhu vakafanana nemi, asi Allah (Mwari) vanopa nyasha dzavo kune uyo wavanoda kubva muvaranda vavo. Uye isu hatina simba rekuuya kwamuri nehumbowo kunze kwekunge tapiwa mvumo naAllah...”} [Ibrahim:10-11].

Kutenda muzuva rekupedzisira

Zuva remagumo: Zuva rekumutswa iro vanhu vachamutswa mariri kuitira kuti vazobvunzwa pamusoro pemabasa avo vopihwa mubairo kana kurangwa (zvichienderana nemabasa avo).

Uye rakapihwa zita iroro; nekuti hapana rimwe zuva shure kwaro. Pazuva iri vanhu vekuJannah vachagadzikana mudzimba dzavo, uye vanhu vekuMoto vachagadzikana munzvimbo dzavo.

Kutenda muzuva rekupedzisira kunosanganisira zvinhu zvitatu:

Chokutanga: Kutenda mukumutswa kwevakafa: Uko kuri kumutswa kwevakafa apo hwamanda icharidzwa kechipiri. Ipapo vanhu vachamira pamberi paTenzi wezvisikwa zvose, vasina kupfeka shangu, vari musvo vasina kupfeka zvipfeko, vasina kuchecheudzwa. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...كَمَا بَدَأۡنَآ أَوَّلَ خَلۡقٖ نُّعِيدُهُۥۚ وَعۡدًا عَلَيۡنَآۚ إِنَّا كُنَّا فَٰعِلِينَ﴾

{...Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga tichachidzosazve. Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita.}

[Al-Anbiyaa:104].

Uye kumutswa kwevakafa ichokwadi chakasimba, chinopupurwa nezvacho neQur'an, neSunnah, uye nekubvumirana kwemaMuslim.

Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿ثُمَّ إِنَّكُم بَعۡدَ ذَٰلِكَ لَمَيِّتُونَ 15 ثُمَّ إِنَّكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ تُبۡعَثُونَ 16﴾

{Zvadaro, zvirokwazvo, mushure meizvozvo muchafa 15 Zvadaro, zvirokwazvo, pazuva rekumutswa muchamutswa 16} [Al-Muʿminuun:15-16].

Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:

«يُحْشَرُ النَّاسُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ حُفَاةً عُرَاةً غُرْلًا».

«Vanhu vachaunganidzwa pazuva rekumutswa vasina shangu, vakashama, vasina kuchecheudzwa»13. Hadith yakabvumiranwa (yakarondedzerwa naAl-Bukhari naMuslim).

Uye maMuslim vakabvumirana pamusoro pekutsinhirwa kwezuva rekumutswa, uye ndizvo zvinotaridzwa nehuchenjeri; nokuti hunoratidza kuti Allah vari kumusoro-soro vakagadzirira zvisikwa izvi nzvimbo yekudzokera, kwavanovapa mubairo wavo kana kuvaranga zvichienderana kuti vakatii nezvakauya nevatumwa vawo. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿أَفَحَسِبۡتُمۡ أَنَّمَا خَلَقۡنَٰكُمۡ عَبَثٗا وَأَنَّكُمۡ إِلَيۡنَا لَا تُرۡجَعُونَ 115﴾

{Saka makafunga here kuti takangokusikai sedambe, uye kuti hamusikuzodzoswa kwatiri here?} [Al-Muʿminuun:115] Uye vakataura kuMuporofita wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari vachiti:

﴿إِنَّ ٱلَّذِي فَرَضَ عَلَيۡكَ ٱلۡقُرۡءَانَ لَرَآدُّكَ إِلَىٰ مَعَادٖ...﴾

{Zvirokwazvo, avo vakakupa (iwe Muhammad rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) Qur’an kwauri, vachakudzosera kunzvimbo yekudzokera...} [Al-Qasas:85].

Chechipiri: Kutenda mukutongwa nekupiwa mubairo kana kurangwa: Muranda anotongerwa mabasa ake, uye anopihwa mubairo kana murango wacho. Izvi zvinopupurirwa neBhuku (Qur'an), neSunnah, uye nekubvumirana kwemaMuslim.

Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ إِلَيۡنَآ إِيَابَهُمۡ 25 ثُمَّ إِنَّ عَلَيۡنَا حِسَابَهُم 26﴾

{Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kwavanodzokera 25 Uye zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kutongwa kwavo}. [Al-Ghaashiyah:25-26] Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿مَن جَآءَ بِٱلۡحَسَنَةِ فَلَهُۥ عَشۡرُ أَمۡثَالِهَاۖ وَمَن جَآءَ بِٱلسَّيِّئَةِ فَلَا يُجۡزَىٰٓ إِلَّا مِثۡلَهَا وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ 160﴾

{Uyo anouya nebasa rimwechete rakanaka, achawana mubairo wemabasa gumi akafanana naro, uye kune uyo anouya nebasa rimwechete rakaipa, haapihwi mubairo kunze kwewakafanana naro (bass rakaipa), uye havasi kuzodzvanyirirwa...} [Al-An'aam:160] Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَنَضَعُ ٱلۡمَوَٰزِينَ ٱلۡقِسۡطَ لِيَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ فَلَا تُظۡلَمُ نَفۡسٞ شَيۡـٔٗاۖ وَإِن كَانَ مِثۡقَالَ حَبَّةٖ مِّنۡ خَرۡدَلٍ أَتَيۡنَا بِهَاۗ وَكَفَىٰ بِنَا حَٰسِبِينَ 47﴾

{Uye tichaisa zvikero zvakarurama pazuva rekumutswa, saka hapana munhu achazodzvinyirirwa kana napadiki pose. Uye kunyangwe chiri chehuremu hwetsanga yemasitadhi, tichauya nacho. Tisu tinokwanisa kutonga. } [Al-Anbiyaa:47].

Ibn Umar, Allah ngavafara naye iye nababa vake, akati, Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari nemhuri yavo, vakataura kuti:

«إِنَّ اللَّهَ يُدْنِي الْمُؤْمِنَ، فَيَضَعُ عَلَيْهِ كَنَفَهُ - أَيْ سَتْرَهُ - وَيَسْتُرُهُ: فَيَقُولُ: أَتَعْرِفُ ذَنْبَ كَذَا؟ أَتَعْرِفُ ذَنْبَ كَذَا؟ فَيَقُولُ: نَعَمْ أَيْ رَبِّ، حَتَّى إِذَا قَرَّرَهُ بِذُنُوبِهِ، وَرَأَى فِي نَفْسِهِ أَنَّهُ هَلَكَ قَالَ: سَتَرْتُهَا عَلَيْكَ فِي الدُّنْيَا وَأَنَا أَغْفِرُهَا لَكَ الْيَوْمَ، فَيُعْطَى كِتَابَ حَسَنَاتِهِ، وَأَمَّا الْكُفَّارُ وَالْمُنَافِقُونَ فَيُنَادَى بِهِمْ عَلَى رُؤُوسِ الْخَلَائِقِ: هَؤُلَاءِ الَّذِينَ كَذَبُوا عَلَى رَبِّهِمْ، أَلَا لَعْنَةُ اللَّهِ عَلَى الظَّالِمِينَ».

«Zvirokwazvo Allah vanoswededza mutendi pedyo navo, voisa chidziviriro chavo paari – kureva, chifukidzo chavo – vomufukidza: Voti: ‘Unoziva here chivi chakati? Unoziva here chivi chakati?’ Oti: ‘Ehe, Tenzi vangu,’ kusvikira pavanenge vaita kuti abvume zvitadzo zvake zvese, uye ofunga kuti aparara, voti: ‘Ndakakufukidzira (zvitadzo izvi) panyika uye nhasi ndinokuregerera.’ Anobva apihwa bhuku remabasa ake akanaka. Asi kana vari vasingatendi nevanonyepera kutenda kuchashevedzerwa nezvavo pamberi pezvisikwa zvese kuti: ‘Ava ndivo vakareva nhema pamusoro paTenzi vavo. Zvirokwazvo, kutukwa kwaAllah kuri pavadzvanyiriri.’»14 Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim.

Uye zvakashumwa zvechokwadi kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari:

«أَنَّ مَنْ هَمَّ بِحَسَنَةٍ فَعَمِلَهَا؛ كَتَبَهَا اللَّهُ عِنْدَهُ عَشْرَ حَسَنَاتٍ إِلَى سَبْعِ مِئَةِ ضِعْفٍ إِلَى أَضْعَافٍ كَثِيرَةٍ، وَأَنَّ مَنْ هَمَّ بِسَيِّئَةٍ فَعَمِلَهَا؛ كَتَبَهَا اللَّهُ سَيِّئَةً وَاحِدَةً».

«Kuti uyo anoronga kuita basa rimwechete rakanaka ogoriita; Allah (Mwari) vanomunyorera pavari mubairo wemabasa gumi akanaka kusvika pakupetwa mazana manomwe, kusvikazve pakupetwa kakawanda zvikuru, uye kuti uyo anoronga kuita basa rimwechete rakaipa ogoriita; Allah vanomunyorera murango webasa rimwechete rakaipa»15.

Uye maMuslim vakabvumirana pamwechete panyaya yekutsinhira kuti kune kutongwa nekupiwa mubairo nemurango pamusoro pemabasa, uye izvi ndizvo zvinotsigirwa nehuchenjeri; nekuti zvirokwazvo Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakadzikisa mabhuku, uye vakatuma vatumwa, uye vakasungira varanda vavo kugamuchira izvo zvavakaunza, uye kuti vaite zvinosungirwa kuitwa kubva mazviri. Uyezve vakaita chisungo chekurwisa vanovapikisa, uye vakabvumidza kuteurwa kweropa ravo, nevana vavo, nevakadzi vavo, nekugoverwa kwepfuma yavo. Naizvozvo dai pasina kutongwa kana kupiwa mubairo kana murango, izvi zvaizova zvisina maturo, izvo zvinova zvinhu zvekuti Tenzi vehuchenjeri vari kure nazvo. Uye zvirokwazvo Allah (Mwari), vepamusoro-soro, vakaratidza izvozvo neshoko ravo vachiti:

﴿فَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلَّذِينَ أُرۡسِلَ إِلَيۡهِمۡ وَلَنَسۡـَٔلَنَّ ٱلۡمُرۡسَلِينَ 6 فَلَنَقُصَّنَّ عَلَيۡهِم بِعِلۡمٖۖ وَمَا كُنَّا غَآئِبِينَ 7﴾

{Naizvozvo, zvirokwazvo tichabvunza avo (vanhu) vakaritumirwa (Bhuku), uye zvirokwazvo tichabvunzawo vakatumwa 6 Zvirokwazvo, tichavaudza (nyaya dzavo dzose) neruzivo rwose; uye zvirokwazvo, hatina kunge tisipo.7}

[Al-A'raaf:6-7].

Chechitatu: Kutenda muJannah neMoto, uye kuti ndiwo magumo asingaperi ezvisikwa.

Saka Jannah ndiwo musha wemufaro wakakwana, uyo wakagadzirwa naAllah (Mwari) vekumusoro-soro kuti ugove musha wevatendi vanotya Allah (Mwari), avo vakatenda mune izvo Allah (Mwari) vakavasungira kutenda mazviri, uye vakateerera Allah neMutumwa wavo, vachizvipira kuna Allah uye vachitevera Mutumwa wavo. MuJannah mune mhando dzese dzemakomborero.

«مَا لَا عَيْنٌ رَأَتْ، وَلَا أُذُنٌ سَمِعَتْ، وَلَا خَطَرَ عَلَى قَلْبِ بَشَرٍ».

“Zvisina kumboonekwa neziso, kana kunzwikwa nenzeve, kana kumbofungwa nemoyo wemunhu.”16 Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ أُوْلَٰٓئِكَ هُمۡ خَيۡرُ ٱلۡبَرِيَّةِ 7 جَزَآؤُهُمۡ عِندَ رَبِّهِمۡ جَنَّٰتُ عَدۡنٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۖ رَّضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُۚ ذَٰلِكَ لِمَنۡ خَشِيَ رَبَّهُۥ 8﴾

{Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslam) uye vachiita mabasa akanaka, avo ndivo zvisikwa zvakanakisisa. 7 Mubairo wavo una Tenzi vavo ndiwo Paradhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro. Vachagara imomo nekusingaperi. Allah (Mwari) vachafadzwa navo, uye ivo vachafadzwa navo. Izvozvo ndezveuyo anotya Tenzi vake. 8} [Al-Bayyinah:7-8] Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿فَلَا تَعۡلَمُ نَفۡسٞ مَّآ أُخۡفِيَ لَهُم مِّن قُرَّةِ أَعۡيُنٖ جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ 17﴾

{Hapana kana munhu anoziva zvavaka vanzirwa zvinoyevedza meso semubairo wezvavaiita}

[As-Sajdah:17].

Zviri pamusoro peMoto: inzvimbo yemurango iyo yakagadzirwa naAllah (Mwari) vekumusoro-soro kuti izove musha wevasingatendi vanoita zvisina kururama, avo vakamuramba uye vasina kuteerera vatumwa vake. Mariri mune mhando dzemurango nekutambudzika zvisingambopinde mupfungwa. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَٱتَّقُواْ ٱلنَّارَ ٱلَّتِيٓ أُعِدَّتۡ لِلۡكَٰفِرِينَ 131﴾

{Uye ityai Moto uyo wakagadzirirwa avo vasingatendi. } [Aal-Imraan:131] Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَقُلِ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكُمۡۖ فَمَن شَآءَ فَلۡيُؤۡمِن وَمَن شَآءَ فَلۡيَكۡفُرۡۚ إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلظَّٰلِمِينَ نَارًا أَحَاطَ بِهِمۡ سُرَادِقُهَاۚ وَإِن يَسۡتَغِيثُواْ يُغَاثُواْ بِمَآءٖ كَٱلۡمُهۡلِ يَشۡوِي ٱلۡوُجُوهَۚ بِئۡسَ ٱلشَّرَابُ وَسَآءَتۡ مُرۡتَفَقًا 29﴾

{Uye iti (iwe Muhammad): “Chokwadi chinobva kuna Tenzi venyu. Naizvozvo uyo anoda ngaatende, uye uyo anoda ngaasatende.” Zvirokwazvo, Isu takagadzirira vanoita zvakaipa Moto madziro acho achavakomberedza. Uye kana vakakumbira rubatsiro, vachapihwa mvura inenge mafundo emafuta, iyo ichavaunyanidza (ichapisa) zviso zvavo. Chinwiwa chakaipisisa, uye inzvimbo yokugara yakaipa! 29} [Al-Kahf:29] Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ ٱللَّهَ لَعَنَ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَأَعَدَّ لَهُمۡ سَعِيرًا 64 خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۖ لَّا يَجِدُونَ وَلِيّٗا وَلَا نَصِيرٗا 65 يَوۡمَ تُقَلَّبُ وُجُوهُهُمۡ فِي ٱلنَّارِ يَقُولُونَ يَٰلَيۡتَنَآ أَطَعۡنَا ٱللَّهَ وَأَطَعۡنَا ٱلرَّسُولَا۠66﴾

{Zvirokwazvo, Allah vakatuka avo vasingatendi uye vakavagadzirira moto unopisa 64.Umo vachagara nekusingaperi, uye havafi vakawana muchengetedzi kana mubatsiri 65. Pazuva iro zviso zvavo zvichatendeudzwa mumoto, vachataura kuti, "Imi dai takateerera Allah uye neMutumwa (Muhammad)!” 66}. [Al-Ahzab:64-66].

Kutenda muzuva rekupedzisira kune zvibereko zvinokudzwa, zvinosanganisira:

Chekutanga: Kuva nechishuwo chekuita mabasa ekuteerera (Allah), nekushingairira pazviri; nekutarisira mubairo wezuva iroro (rekutongwa).

Chechipiri: Kutya kuita chivi pamwe nekuchifarira, uchityira murango wezuva iri (rekupedzisira).

Chechitatu: Kuzvigamuchira kwemutendi pane zvinomupfuura zvehupenyu hwepanyika, nezvaanotarisira kubva murufaro rwehupenyu hwemangwana, nemubairo wahwo.

Zvirokwazvo, vasingatendi vakaramba nyaya yekumutswa mushure merufu, vachiti izvozvo hazvigoneke.

Chirevo ichi ndechenhema, uye izvi zvinoratidzwa nemutemo, nezvinoonekwa nekunzwika, pamwe nenjere.

Pamusoro pemutemo, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿زَعَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَن لَّن يُبۡعَثُواْۚ قُلۡ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتُبۡعَثُنَّ ثُمَّ لَتُنَبَّؤُنَّ بِمَا عَمِلۡتُمۡۚ وَذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ 7﴾

{Avo vasingatendi vanofungidzira kuti havasi kuzomutswa. Iti (iwe Muhammad): “Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, zvirokwazvo muchamutswa, uyezve zvirokwazvo muchaudzwa pamusoro pezvamakaita. Uye izvozvo kuna Allah zviri nyore.” } [At-Taghaabun:7]. Uye zvirokwazvo, magwaro ese ekudenga akabvumirana pamusoro pazvo.

Zvino maererano nehumbowo hwezvinooneka nekunzwika: zvirokwazvo Allah (Mwari) vakaratidza varanda vavo kumutswa kwevakafa pasi pano, uye muSurah Al-Baqarah mune mienzaniso mishanu yeizvozvo, inoti:

Muenzaniso wokutanga: vanhu vaMusa pavakati kwaari:

﴿...لَن نُّؤۡمِنَ لَكَ حَتَّىٰ نَرَى ٱللَّهَ جَهۡرَةٗ ...﴾

{...Hatifi takatenda kwauri kusvikira taona Allah (Mwari) pachena...} [Al-Baqarah:55] Saka Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakaita kuti vafe, ndokuzovamutsa, Uye maererano naizvozvo, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vanotaura vachitaurira vana vaIsraeri vachiti:

﴿وَإِذۡ قُلۡتُمۡ يَٰمُوسَىٰ لَن نُّؤۡمِنَ لَكَ حَتَّىٰ نَرَى ٱللَّهَ جَهۡرَةٗ فَأَخَذَتۡكُمُ ٱلصَّٰعِقَةُ وَأَنتُمۡ تَنظُرُونَ 55 ثُمَّ بَعَثۡنَٰكُم مِّنۢ بَعۡدِ مَوۡتِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ 56﴾

{Uye (rangarirai) pamakati: “Iwe Musa! Hatimbofi takatenda kwauri kusvikira taona Allah (Mwari) pachena.” Asi mheni yakakurovai makatarisa. 55 Uyezve takakumutsai mushure merufu rwenyu kuti pamwe mungatende. 56}

[Al-Baqarah:55-56].

Muenzaniso wechipiri: Munyaya yemufi uyo vana veIsraeri vakakakavadzana pamusoro pake, saka Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakavaraira kuti vabaye mombe vachibva vamurova nechidimbu chayo; kuti avaudze kuti ndiani akange amuuraya. Uye maererano neizvozvo, Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَإِذۡ قَتَلۡتُمۡ نَفۡسٗا فَٱدَّٰرَٰءۡتُمۡ فِيهَاۖ وَٱللَّهُ مُخۡرِجٞ مَّا كُنتُمۡ تَكۡتُمُونَ 72 فَقُلۡنَا ٱضۡرِبُوهُ بِبَعۡضِهَاۚ كَذَٰلِكَ يُحۡيِ ٱللَّهُ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَيُرِيكُمۡ ءَايَٰتِهِۦ لَعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ 73﴾

{Uye (rangarirai) pamakauraya munhu mukapomerana mhosva pamusoro pazvo, asi Allah (Mwari) vakaburitsa pachena izvo zvamaivanza. (72) Saka takati: “Murovei (mufi) nechikamu chayo (mombe).” Saizvozvo Allah (Mwari) vanomutsa vakafa uye vanokuratidzai zviratidzo zvavo kuti muve vanonzwisisa. (73)} [Al-Baqarah:72-73].

Muenzaniso wechitatu: uri munyaya yevanhu vakabuda mudzimba dzavo vachitiza rufu, uye vakanga vari zviuru; Allah (Mwari), vari kumusoro-soro, vakaita kuti vafe, vakazovamutsa. Maererano nenyaya iyi, Allah, vari kumusoro-soro, vakataura kuti:

﴿أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ خَرَجُواْ مِن دِيَٰرِهِمۡ وَهُمۡ أُلُوفٌ حَذَرَ ٱلۡمَوۡتِ فَقَالَ لَهُمُ ٱللَّهُ مُوتُواْ ثُمَّ أَحۡيَٰهُمۡۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَذُو فَضۡلٍ عَلَى ٱلنَّاسِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَشۡكُرُونَ243﴾

{Ko, hauna kuona here (iwe Muhammad rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) avo vakabuda mumisha yavo vari zviuru vachitya rufu? Zvino Allah (Mwari) vakati kwavari: “Ifai!” Mushure mezvo vakazovamutsa. Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vane nyasha huru kuvanhu, asi vanhu vazhinji havatendi. 243} [Al-Baqarah:243].

Muenzaniso wechina: uri munyaya yeuyo akadarika napamusha wakanga usisina hupenyu, akakahadzika kuti Allah (Mwari) Vekumusoro-soro vaizouraramisa sei; saka Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakaita kuti afe kwemakore zana, ndokuzomumutsa. Pamusoro peizvi, Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿أَوۡ كَٱلَّذِي مَرَّ عَلَىٰ قَرۡيَةٖ وَهِيَ خَاوِيَةٌ عَلَىٰ عُرُوشِهَا قَالَ أَنَّىٰ يُحۡيِۦ هَٰذِهِ ٱللَّهُ بَعۡدَ مَوۡتِهَاۖ فَأَمَاتَهُ ٱللَّهُ مِاْئَةَ عَامٖ ثُمَّ بَعَثَهُۥۖ قَالَ كَمۡ لَبِثۡتَۖ قَالَ لَبِثۡتُ يَوۡمًا أَوۡ بَعۡضَ يَوۡمٖۖ قَالَ بَل لَّبِثۡتَ مِاْئَةَ عَامٖ فَٱنظُرۡ إِلَىٰ طَعَامِكَ وَشَرَابِكَ لَمۡ يَتَسَنَّهۡۖ وَٱنظُرۡ إِلَىٰ حِمَارِكَ وَلِنَجۡعَلَكَ ءَايَةٗ لِّلنَّاسِۖ وَٱنظُرۡ إِلَى ٱلۡعِظَامِ كَيۡفَ نُنشِزُهَا ثُمَّ نَكۡسُوهَا لَحۡمٗاۚ فَلَمَّا تَبَيَّنَ لَهُۥ قَالَ أَعۡلَمُ أَنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ 259﴾

{Kana semufananidzo weuyo akapfuura nemuguta, iro rakanga rakakoromoka pamusoro pematenga aro. Akati: “Allah (Mwari) vangamutsa sei guta rino mushure mekunge raparara?” Nokudaro, Allah (Mwari) vakaita kuti afe kwemakore zana, vakazomumutsa. Vakati: “Wagara kwenguva yakareba sei?” Akati: “Ndagara zuva rimwe chete kana chikamu chezuva.” Vakati: “Kwete, asi wagara makore zana (wakafa). Saka tarisa kuchikafu chako nechinwiwa chako, hazvina kushanduka. Uye tarisa kudhongi rako. Naizvozvo tava tinokuita chiratidzo kuvanhu. Uye tarisa kumapfupa, kuti tinomabatanidza sei mushure mazvo tozoapfekedza nyama.” Zvino pazvakava pachena kwaari, akati: “Ndava kuziva kuti zvirokwazvo Allah (Mwari) vane masimba pamusoro pechinhu chose.”} [Al-Baqarah:259].

Mufananidzo wechishanu: uri munyaya yaAbrahamu, shamwari yaAllah (Mwari), paakakumbira Allah (Mwari) vari kumusoro-soro kuti vamuratidze kuti vanomutsa sei vakafa; Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakabva vamuraira kuti abaye shiri ina, odzitsaura kuita zvidimbu pamusoro pemakomo aive akamukomberedza, zvekare odzidaidza; zvidimbu zvacho zvichibva zvasangana, chimwe kune chimwe, uye dzakuya kuna Abrahamu nekukasika. Maererano neizvi, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَإِذۡ قَالَ إِبۡرَٰهِـۧمُ رَبِّ أَرِنِي كَيۡفَ تُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰۖ قَالَ أَوَلَمۡ تُؤۡمِنۖ قَالَ بَلَىٰ وَلَٰكِن لِّيَطۡمَئِنَّ قَلۡبِيۖ قَالَ فَخُذۡ أَرۡبَعَةٗ مِّنَ ٱلطَّيۡرِ فَصُرۡهُنَّ إِلَيۡكَ ثُمَّ ٱجۡعَلۡ عَلَىٰ كُلِّ جَبَلٖ مِّنۡهُنَّ جُزۡءٗا ثُمَّ ٱدۡعُهُنَّ يَأۡتِينَكَ سَعۡيٗاۚ وَٱعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ عَزِيزٌ حَكِيمٞ 260﴾

{Uye (rangarira) panguva yakataura Abrahamu achiti: “Tenzi vangu! Ndiratidzei kuti munomutsa sei vakafa.” (Allah) vakati: “Ko, hautendi here?” Iye akati: “Ndinotenda, asi kuti moyo wangu ugadzikane.” Vakati: “Tora shiri ina wodziita kuti dzikujairire (wova unodzicheka zvibande zvibande), uye wova unotsveta chibande chadzo pagomo rimwe nerimwe, wozodzidaidza, dzichauya kwauri nokukasika. Uye ziva kuti zvirokwazvo Allah (Mwari) ndivo Samasimba ose, vane hungwaru hwakakwana.”}

[Al-Baqarah:260].

Zvino iyi mienzaniso inobatika yezvakaitika, inoratidza kugoneka kwekumutswa kwevakafa. Ndambotaura mumashure pamusoro pezviratidzo zvakapihwa Isa (Jesus) mwanakomana waMaryam (Maria) naAllah vari kumusoro-soro zvakaita sekumutsa vakafa, nekuvaburitsa kubva mumakuva - nemvumo yaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro.

Humbowo hwenjere: hunobva panzira mbiri:

Yekutanga yacho: ndeyekuti zvirokwazvo, Allah (Mwari) vekumusoro-soro ndivo Musiki wematenga nenyika nezviri mukati mazvo, Musiki wazvo kubva pakutanga. Uye vane masimba ekutanga kusika havaremerwi nekudzokororazve. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَهُوَ ٱلَّذِي يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ وَهُوَ أَهۡوَنُ عَلَيۡهِ...﴾

{Uye ndivo vakasika zvisikwa kekutanga, uye vachazvisika zvekare (mushure mekuparadzwa kwazvo), uye izvi zviri nyore kwavari...} [Ar-Rum:27]. Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...كَمَا بَدَأۡنَآ أَوَّلَ خَلۡقٖ نُّعِيدُهُۥۚ وَعۡدًا عَلَيۡنَآۚ إِنَّا كُنَّا فَٰعِلِينَ﴾

{...Sematangiro atakaita chisikwa chekutanga tichachidzokodzorodza. Ichi chivimbiso chiri kwatiri. Zvirokwazvo, Isu tichazviita.}

[Al-Anbiya:104]. Uye vachiraira kuti papindurwe kune uyo akaramba kumutswa kwemapfupa iwo aora vakataura kuti:

﴿قُلۡ يُحۡيِيهَا ٱلَّذِيٓ أَنشَأَهَآ أَوَّلَ مَرَّةٖۖ وَهُوَ بِكُلِّ خَلۡقٍ عَلِيمٌ 79﴾

{Iti (iwe Muhammad): ‘Achapihwa hupenyu (mapfupa iwayo) neavo vakaasika pakutanga. Uye Ivo ndivo Muzivi wezvisikwa zvese.’}

[Ya-Sin:79].

Chechipiri: Kuti nyika inenge yakafa isina hupenyu, isina kana muti mumwechete munyoro; mvura yobva yanaya pairi; yotanga kumera yova nyoro iine hupenyu, mairi muine mhando dzose dzinoyevedza. Uye avo vane simba rekuimutsa mushure mekufa kwayo, vane simbawo zvakare rekumutsa vakafa. Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنَّكَ تَرَى ٱلۡأَرۡضَ خَٰشِعَةٗ فَإِذَآ أَنزَلۡنَا عَلَيۡهَا ٱلۡمَآءَ ٱهۡتَزَّتۡ وَرَبَتۡۚ إِنَّ ٱلَّذِيٓ أَحۡيَاهَا لَمُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰٓۚ إِنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٌ 39﴾

{Uye chimwe chezviratidzo zvavo ndechekuti unoona nyika yakaoma isina hupenyu, asi patinodzikisa mvura pairi, inodzorwa kuhupenyu nekukura (kwezvinhu). Zvirokwazvo, avo vanoipa hupenyu ndivo vachamutsa vakafa. Zvirokwazvo, vanokwanisa kuita zvinhu zvese. 39} [Fussilat:39] Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَنَزَّلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ مُّبَٰرَكٗا فَأَنۢبَتۡنَا بِهِۦ جَنَّٰتٖ وَحَبَّ ٱلۡحَصِيدِ 9 وَٱلنَّخۡلَ بَاسِقَٰتٖ لَّهَا طَلۡعٞ نَّضِيدٞ 10 رِّزۡقٗا لِّلۡعِبَادِۖ وَأَحۡيَيۡنَا بِهِۦ بَلۡدَةٗ مَّيۡتٗاۚ كَذَٰلِكَ ٱلۡخُرُوجُ 11﴾

{9 Uye tinodzikisa mvura yakakomborerwa kubva kudenga, zvadaro toburitsa mapindu uye zvirimwa zvinokohwewa, 10 Uye miti yemadheti yakareba, ine bumburudzi dzakarongeka, dzimwe pamusoro pedzimwe, 11 Raramo yevaranda (vaAllah). Uye tinopa raramo nayo kunyika yakanga yaparara. Sekudaro kuchave kumutswa (kuchaitwa vakafa).} [Qaf:9-11].

Kutenda muzuva rekupedzisira kunosanganisira: Kutenda mune zvese zvichavepo shure kwerufu, zvakaita se:

(a) Miyedzo yemuguva: uku ndiko kubvunzwa kwemufi mushure mekuvigwa kwake nezvaTenzi vake, chitendero chake, uye Muporofita wake. Allah (Mwari) vanobva vasimbisa avo vakatenda neshoko rakasimba, (mutendi) obva ati: “Tenzi vangu ndiAllah (Mwari), uye chitendero changu iIslam, uye Muporofita wangu ndiMuhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.” Uye Allah (Mwari) vanoita kuti vasina kururama varasike. Munhu asingatendi achazoti: ‘Haa, haa, handizivi.’ Uye munyengeri kana kuti uya aisava nechokwadi (neIslam) achazoti: ‘Handizivi. Ndakangonzwa vanhu vachitaura chimwe chinhu ndikabva ndachitaurawo.’

(b) Murango wemuguva nemafaro aro: Uchava wevasina kururama sevanyengeri nevasingatendi. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذِ ٱلظَّٰلِمُونَ فِي غَمَرَٰتِ ٱلۡمَوۡتِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ بَاسِطُوٓاْ أَيۡدِيهِمۡ أَخۡرِجُوٓاْ أَنفُسَكُمُۖ ٱلۡيَوۡمَ تُجۡزَوۡنَ عَذَابَ ٱلۡهُونِ بِمَا كُنتُمۡ تَقُولُونَ عَلَى ٱللَّهِ غَيۡرَ ٱلۡحَقِّ وَكُنتُمۡ عَنۡ ءَايَٰتِهِۦ تَسۡتَكۡبِرُونَ﴾

{...Asi dai waikwanisa kuona avo vanoita zvisakarurama vari mukati mwematambudziko emarwadzo erufu, uye ngirozi dzichitambanudza maoko adzo (dzichiti): ‘Buritsai mweya yenyu! Nhasi muchave munopihwa murango wekudzikisirwa nekuda kwezvamaimbotaura pamusoro paAllah (Mwari) zvisiri zvechokwadi. Uye maizvitutumadza pamberi pendima dzavo.’} [Al-An’aam:93].

Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura maererano nezve mhuri yaFarawo kuti:

﴿ٱلنَّارُ يُعۡرَضُونَ عَلَيۡهَا غُدُوّٗا وَعَشِيّٗاۚ وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ أَدۡخِلُوٓاْ ءَالَ فِرۡعَوۡنَ أَشَدَّ ٱلۡعَذَابِ 46﴾

{Moto, vanoburitswa pachena kwauri, mangwanani nemanheru. Uye pazuva iro nguva ichasvika (zvichava zvinonzi kungirozi): ‘Itai kuti vanhu vaFarawo vapinde mumarwadzo akaomarara!’ 46} [Ghafir:46].

Uye muSahih Muslim, mune hadith yaZayd ibn Thabit, Allah ngavafare naye, yakabva kuMuporofita, makomborero nerugare zvaAllah ngazvive kwavari, vakataura kuti:

«فَلَوْلَا أَنْ لَا تَدَافَنُوا لَدَعَوْتُ اللَّهَ أَنْ يُسْمِعَكُمْ مِنْ عَذَابِ الْقَبْرِ الَّذِي أَسْمَعُ مِنْهُ».

"Dai zvisiri zvekuti hamuzovigane, ndingadai ndakakumbira kuna Allah kuti vakunzwiseyi chikamu chemarwadzo emuguva andinonzwa ini." Zvadaro akatendeuka nechiso chake (akatarisa vanhu), ndokubva ati:

«تَعَوَّذُوا بِاللَّهِ مِنْ عَذَابِ النَّارِ».

«Poterai kuna Allah kubva kumurango wekuMoto.» Vatevedzeri vavo vakati: “Tinopotera kuna Allah kubva kumurango weMoto.” Mutumwa vakati:

«تَعَوَّذُوا بِاللَّهِ مِنْ عَذَابِ الْقَبْرِ».

«Poterei kuna Allah kubva mukurangwa kwemuguva.» Vakati: “Tinopotera muna Allah kubva kumurango wemuguva.” Mutumwa vakati:

«تَعَوَّذُوا بِاللَّهِ مِنَ الْفِتَنِ، مَا ظَهَرَ مِنْهَا وَمَا بَطَنَ».

"Poterai kuna Allah kubva kumiedzo iri pachena kana yakavanzika." Vakati: Tinopotera kuna Allah kubva kumiedzo iri pachena neyakavanzika. Mutumwa vakati:

«تَعَوَّذُوا بِاللَّهِ مِنْ فِتْنَةِ الدَّجَّالِ».

"Poterai muna Allah kubva kumuedzo waAd-Dajjal." Vakati: “Tinopotera kuna Allah kubva kumuedzo waDajjal”17.

Asi makomborero emuguva, ndeevatendi vechokwadi. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ قَالُواْ رَبُّنَا ٱللَّهُ ثُمَّ ٱسۡتَقَٰمُواْ تَتَنَزَّلُ عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ أَلَّا تَخَافُواْ وَلَا تَحۡزَنُواْ وَأَبۡشِرُواْ بِٱلۡجَنَّةِ ٱلَّتِي كُنتُمۡ تُوعَدُونَ 30﴾

{Zvirokwazvo avo vakataura kuti: "Tenzi vedu ndiAllah," uye voramba vakarurama, ngirozi dzinodzika kwavari (panguva yavo yekufa dzichiti): "Musatye uye musasuwe, asi gamuchirai mashoko akanaka eParadhiso yamakavimbiswa."}

[Fussilat:30].

Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿فَلَوۡلَآ إِذَا بَلَغَتِ ٱلۡحُلۡقُومَ 83 وَأَنتُمۡ حِينَئِذٖ تَنظُرُونَ 84 وَنَحۡنُ أَقۡرَبُ إِلَيۡهِ مِنكُمۡ وَلَٰكِن لَّا تُبۡصِرُونَ 85 فَلَوۡلَآ إِن كُنتُمۡ غَيۡرَ مَدِينِينَ 86 تَرۡجِعُونَهَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ87 فَأَمَّآ إِن كَانَ مِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ 88 فَرَوۡحٞ وَرَيۡحَانٞ وَجَنَّتُ نَعِيمٖ 89﴾

{Naizvozvo, sei musingabatsiri kana mweya (weuyo ari kufa) wasvika pagurokuro? 83 Uye imi panguva iyoyo makatarisa, 84 Asi isu (ngirozi dzinotora mweya) tiri pedyo pedyo naye kukupfuurai imi, asi musingaoni. 85 Sei musingati kana chokwadi musingazotongwi: 86 Dzosai mweya (pamuviri wacho) kana imi muri pachokwadi 87 Zvino kana iye munhu ari kufa ari weavo vepedyo naAllah , 88 (Kwaari kune) kuzorora neraramo, uye Paradhiso rinonakidza.89}

[Al-Waaqi’ah:83-89].

Al-Baraa bin 'Aazib, Allah ngavafare naye, akati Muporofita, runyararo nemukomborero zvaAllah ngazvive pavari, akati nezvemutendi kana achinge apindura ngirozi mbiri muguva rake:

«يُنَادِي مُنَادٍ مِنَ السَّمَاءِ: أَنْ صَدَقَ عَبْدِي، فَافْرِشُوهُ مِنَ الْجَنَّةِ، وَأَلْبِسُوهُ مِنَ الْجَنَّةِ، وَافْتَحُوا لَهُ بَابًا إِلَى الْجَنَّةِ، قَالَ: فَيَأْتِيهِ مِنْ رَوْحِهَا وَطِيبِهَا، وَيُفْسَحُ لَهُ فِي قَبْرِهِ مَدَّ بَصَرِهِ».

“mushevedzeri anoshevedzera kubva kudenga achiti: ‘Muranda wangu ataura chokwadi, saka muwaridzirei zvekuwaridza zvinobva kuJannah, uye mupfekedzei nguvo dzinobva kuJannah, uye muzarurirei gonhi rinoenda kuJannah.’ (Mutumwa) akati: ‘Saka mweya weParadhiso nekunhuhwirira kwayo kunouya kwaari, uye guva rake rinobva rakudziridzwa kusvika paanogumira kuona napo.’” Yakarondedzerwa naAhmad naAbu Dawud muhadith refu18.

Zvirokwazvo pane vanhu vakarasika vari muvanhu vakatsauka vakaramba kuti kune murango wemuguva, nemaropafadzo mukati maro, vachiti izvozvo hazvigoneke nekuti zvinopesana nezvinhu zvinoitika. Vakati: "Kana mufi akafukunurwa muguva rake, anoonekwa sezvaakanga ari (paakavigwa), uye guva rinenge risina kuchinja pakuwedzera kufara kana kumanikana."

Kutaura uku hakuna hwaro mumutemo waAllah, nemuzvinhu zvino onekwa nekunzwika, uye nenjere:

Kana zviri maererano nemitemo yechitendero: magwaro anoratidza kutsinhirwa kwemurango wemuguva, nemufaro waro akanyorwa kare.

MuSahih al-Bukhari, mune hadith yakabva kuna Ibn Abbas (Allah ngavafare naye nababa vake), apo akati: "Muporofita (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive paari) vakabuda mune rimwe remapindu emuMadinah; vakabva vanzwa mazwi evanhu vaviri vairangwa mumakuva avo." Akabva apedzisa hadith inozotaura kumberi kwayo kuti:

«أَنَّ أَحَدَهُمَا كَانَ لَا يَسْتَتِرُ مِنَ الْبَوْلِ».

"Mumwe wevaviri ava anga asingazvidziviriri kubva kuweti (kuti isaende pamuviri wake paanoenda kunozvibatsira)." Uye mune imwe nhaurwa inoti:

«مِنْ بَوْلِهِ».

"kubva kuweti yake."

«وَأَنَّ الْآخَرَ كَانَ يَمْشِي بِالنَّمِيمَةِ».

«uye mumwe wacho aifamba nemakuhwa pakati pevanhu». Uye imwe nhaurwa yaMuslim inoti:

«لَا يَسْتَنْزِهُ مِنَ الْبَوْلِ».

«Ainge asingazvichenuri kubva kuweti»19.

Humbowo hwezvinoonekwa nekunzwikwa: zvirokwazvo munhu akarara anoona muhope dzake kuti ari munzvimbo yakafaranuka inofadza, achikomborerwa mairi, kana kuti ari munzvimbo yakamanikana inotyisa, achitambura mairi, uye pamwe dzimwe nguva anomuka nekuda kwezvaanenge arota. Zvisinei, iye anenge ari pamubhedha pake mukamuri make sezvaari. Hope munin'ina werufu; nekudaro Allah vari kumusoro-soro vakadzitumidza zita rekuti: rufu (wafaat pachiArabhu). Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿ٱللَّهُ يَتَوَفَّى ٱلۡأَنفُسَ حِينَ مَوۡتِهَا وَٱلَّتِي لَمۡ تَمُتۡ فِي مَنَامِهَاۖ فَيُمۡسِكُ ٱلَّتِي قَضَىٰ عَلَيۡهَا ٱلۡمَوۡتَ وَيُرۡسِلُ ٱلۡأُخۡرَىٰٓ إِلَىٰٓ أَجَلٖ مُّسَمًّى...﴾

{Allah (Mwari) vanotora mweya panguva dzerufu rwavo, uye avo vasingafi panguva yekurara kwavo. (Allah) vanochengeta avo vavakarongera kufa, uye vosiya vamwe vose kusvikira nguva yakatarwa....} [Az-Zumar:42].

Panyaya yenjere: zvirokwazvo munhu akarara anorota hope dzechokwadi dzinoenderana nezviri kuitika chaizvo, uye dzimwe nguva anogona kurota Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pamamiriro ake chaiwo, uye uyo anomuona pamamiriro ake chaiwo; zvirokwazvo anenge amuona zvechokwadi. Asi kunyangwe zvakadaro, munhu akarara anenge ari mukamuri make pamubhedha wake, ari kure nezvaanenge arota. Zvino kana izvi zvichigoneka panyaya dzepanyika pano, ko hazvingazogoneka here panyaya dzehupenyu hucha uya?

Maringe nekumira kwavo (avo vanoramba kurangwa kwemuguva) nemashoko avo ekuti: kana mufi akafukunurwa muguva rake, anoonekwa sezvaakavigwa ari, uye guva racho risina kuchinja pakufara kana pakumanikana kwaro; mhinduro yacho iri munzira dzakati wandei, dzimwe dzacho ndedzinoti:

Chekutanga: Hazvibvumidzwe kupikisa izvo zvakauya neShariah, nenharo dzenhema dzisina hwaro, idzo dzekuti dai anopikisa nadzo akafungisisa zvakadzama pamusoro pezvakauya nemutemo waAllah, angadai akaziva kuti nharo idzi hadzina maturo. Uyezve pane chirevo chinoti:

Vangani vanoshora mazwi akarurama.

zvichikonzereswa nekunzwisisa kusina kukwana.

Chechipiri: Mamiriro ezvinhu muBarzakh (nguva iri pakati pekuva muguva kusvika zuva rekutongwa) imwe yenyaya dezvinhu zvakavanzika dzisinganzwike kana kuonekwa. Uye dai dzainzwikwa kana kuonekwa kutenda mune zvisingaonekwe kwaishaya basa, uyezve vanotenda mazviri nevasingatendi vaifanana.

Chechitatu: Murango nemakomborero, pamwe nekufara kweguva nekumanikana kwaro, zvinongonzwikwa nemufi chete, kwete nevamwe. Uye izvi zvakafanana nemunhu akarara anorota ari munzvimbo yakamanikana inotyisa, kana kuti munzvimbo yakafara inofadza, asi avo vari padhuze naye hapana chavanoona kana kunzwa. Uye zvirokwazvo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vaizarurirwa vari pakati pemaSahaba (vadzidzi) vavo; ivo vainzwa zvirikuzarurwa, asi maSahaba vaisazvinzwa. Uye dzimwe nguva ngirozi yaizviratidza kwavari iri pachimiro chemurume yotaura navo, asi maSahaba vaisaona ngirozi yacho, kana kuinzwa.

Chechina: kunzwisisa kwezvisikwa kunogumira pane izvo zvazvakagoneswa naAllah (Mwari) vari kumusoro-soro kuti zvinzwisise, uye hazvibviri kuti zvinzwisise zvese zviripo. Nokuti matenga manomwe, nepasi, nezvose zviri mazviri, uye zvinhu zvese zvinokudza Allah nerumbidzo dzavo, kukudza kwechokwadi chaiko (kuita dhikr), uko Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vanoita kuti zvisikwa zvavo zvavanoda zvinzwe dzimwe nguva. Zvisinei kurumbidzwa uku kwakavanzika kwatiri. Uye pamusoro pazvo Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakati:

﴿تُسَبِّحُ لَهُ ٱلسَّمَٰوَٰتُ ٱلسَّبۡعُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهِنَّۚ وَإِن مِّن شَيۡءٍ إِلَّا يُسَبِّحُ بِحَمۡدِهِۦ وَلَٰكِن لَّا تَفۡقَهُونَ تَسۡبِيحَهُمۡ...﴾

{Matenga manomwe nepasi nezvese zviri imomo zvinovarumbidza, uye hapana chinhu kunze kwekuti chinorumbidza kukudzwa kwavo. Zviri mazviri zvinomukudza, asi imi hamunzwi kurumbidzwa kwavo....} [Al-Isra:44] Saizvozvowo vanasatani nemajinn vanofamba-famba panyika vachienda uye vachidzoka. Uye zvirokwazvo majinn akasvika pana Mutumwa waAllah (Mwari), Allah vavaropafadze nekuvape rugare, vakateerera kuverenga kwavo (Qur'an), vakanyarara vachiteerera, uye vakadzokera kuvanhu vavo vari vayambiri. Zvisinei, vana satani nemajinn akavanzwa kwatiri. Uye maererano neizvi Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ لَا يَفۡتِنَنَّكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ كَمَآ أَخۡرَجَ أَبَوَيۡكُم مِّنَ ٱلۡجَنَّةِ يَنزِعُ عَنۡهُمَا لِبَاسَهُمَا لِيُرِيَهُمَا سَوۡءَٰتِهِمَآۚ إِنَّهُۥ يَرَىٰكُمۡ هُوَ وَقَبِيلُهُۥ مِنۡ حَيۡثُ لَا تَرَوۡنَهُمۡۗ إِنَّا جَعَلۡنَا ٱلشَّيَٰطِينَ أَوۡلِيَآءَ لِلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ 27﴾

{Veduwe-e Imi vana vaAdam! Musaita kuti Shaitwani (Satani) akunyengedzei, sekubuditsa kwaakaita vabereki venyu (Adam naHawwa [Evha]) kubva muParadhiso, achivabvisa mbatya dzavo, kuti avaratidze nhengo dzavo dzakavandika. Zvirokwazvo, iye nedzinza rake vanokuonai vari kwamusingakwanise kuvaona. Zvirokwazvo, takaita kuti vana Shaitwani (Satani) vave shamwari dzeavo vasingatendi. 27} [Al-A’raaf:27] Kana zvisikwa zvisingakwanisi kunzwisisa zvese zviripo (panyika); hazvifanirwi kuramba zvakatsinhirwa kubva munyaya dzezvisingaonekwi, kunyange zvisina kuzvinzwisisa.

Kutenda mune zvakatarwa

Qadar: Kutara kwaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro pazvisikwa zvese, maererano nezvaakatotanga kuziva, uye zvinoenderana nehungwaru hwavo.

Kutenda mune zvakatarwa kunosanganisira zvinhu zvina:

Chekutanga: Kutenda kuti Allah (Mwari) vekumusoro-soro vanoziva zvinhu zvese, muchidimbu uye zvakazara, kubvira pasichigare uye nekusingaperi, zvisinei kuti zvine chekuita nemabasa avo, kana kuti mabasa evaranda vavo.

Chechipiri: Kutenda kuti Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakanyora izvozvo muGwaro Rakachengetedzwa. Maererano nenyaya mbiri idzi, Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿أَلَمۡ تَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ذَٰلِكَ فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ 70﴾

{Hauzivi here kuti Allah (Mwari) vanoziva zvose zviri kumatenga uye zviri panyika? Zvirokwazvo, zvese zviri muGwaro (rina Allah). Zvirokwazvo, izvozvo kuna Allah (Mwari) zviri nyore.}

[Al-Hajj:70].

Uye muSahih Muslim zvakaturwa kubva kuna Abdullah ibn 'Amr ibn al-'As, Allah ngavafare navo vose, akati: "Ndakanzwa Mutumwa waAllah, Allah ngavavape runyararo nemakomborero, vachiti:"

«كَتَبَ اللَّهُ مَقَادِيرَ الْخَلَائِقِ قَبْلَ أَنْ يَخْلُقَ السَّمَوَاتِ وَالْأَرْضَ بِخَمْسِينَ أَلْفَ سَنَةٍ».

«Allah (Mwari) vakanyora zvakatarwa zvese zvichaitika kuzvisikwa zvavo vasati vasika matenga nepasi nezviuru makumi mashanu zvemakore»20.

Chechitatu: Kutenda kuti zvisikwa zvese hazvivepo kunze kwekuti Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vada, zvisinei kuti zvine chekuita nezviito zvavo, kana kuti nezviito zvezvisikwa. Nemaererano nemaitiro avo, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kut:

﴿وَرَبُّكَ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُ وَيَخۡتَارُ...﴾

{Uye Tenzi vako vanosika zvavanoda uye zvavanosarudza...} [Al-Qasas:68] Allah vakati zvakare:

﴿...وَيَفۡعَلُ ٱللَّهُ مَا يَشَآءُ﴾

{Uye Allah (Mwari) vanoita zvavanoda.} [Ibrahim:27] Allah vakati zvekare:

﴿هُوَ ٱلَّذِي يُصَوِّرُكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡحَامِ كَيۡفَ يَشَآءُ...﴾

{Ndivo vanokuumbai muzvibereko sekuda kwavo...} [Aal 'Imran:6] Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura pamusoro pezviito zvezvisikwa vachiti:

﴿...وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَسَلَّطَهُمۡ عَلَيۡكُمۡ فَلَقَٰتَلُوكُمۡ...﴾

{...Uye dai Allah (Mwari) vaida, zvirokwazvo vaivapa simba pamusoro penyu, uye vaikurwisai...} [An-Nisaa:90] Zvekare Allah vakataura kuti:

﴿...وَلَوۡ شَآءَ رَبُّكَ مَا فَعَلُوهُۖ فَذَرۡهُمۡ وَمَا يَفۡتَرُون﴾

{...uye dai Tenzi vako vaida, dai vasina kuzviita. Naizvozvo vasiye vakadaro nemanyepo avo.}

[Al-An'am:112].

Chechina: Kutenda kuti zvisikwa zvese zvakasikwa naAllah (Mwari) vari kumusoro-soro pachisikirwo chazvo, maitirwo azvo, uye nemafambiro azvo. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿ٱللَّهُ خَٰلِقُ كُلِّ شَيۡءٖۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ وَكِيلٞ 62﴾

{Allah (Mwari) ndivo Musiki wezvinhu zvese; uye ndivo Muchengetedzi wezvinhu zvese. 62} [Az-Zumar:62] Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَخَلَقَ كُلَّ شَيۡءٖ فَقَدَّرَهُۥ تَقۡدِيرٗا﴾

{...Uye vakasika chinhu chose, vachiera chiyero chacho chakafanira.} [Al-Furqaan:2] Uye vakati maringe neMuporofita wavo Abrahamu, makomborero nerugare ngazvive paari akati kuvanhu vake:

﴿وَٱللَّهُ خَلَقَكُمۡ وَمَا تَعۡمَلُونَ 96﴾

{Uye Allah (Mwari) ndivo vakakusikayi imi, pamwechete nemabasa amaunoita.}

[As-Saffat:96]

Uye kutenda muqadar (muhurongwa hwaAllah) – sezvatatsanangura – hazvipesani nekuti muranda waAllah ave nechido muzviito zvake zvekusarudza, uye aine simba pazviri; nekuti Mutemo wechitendero (Shari’ah) pamwe nezvinoitika zvinopupura kutsinhirwa kweizvi kwaari.

Panyaya yemutemo wechitendero: zvirokwazvo Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura maererano nekuda kwavo:

﴿...فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ مَـَٔابًا﴾

{...saka uyo anoda ngaave anotsvaga nzira yakanaka yekuna Tenzi vake (nekuvateerera pasi rino.} [An-Nabaʿ:39] Uye Allah vakataura kuti:

﴿...فَأۡتُواْ حَرۡثَكُمۡ أَنَّىٰ شِئۡتُمۡ...﴾

{...saka pindai muminda yenyu nemutoo wamunoda...} [Al-Baqarah:223] Pamusoro pekukwanisa, Allah (Mwari) vakataura kuti:

﴿فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُمۡ وَٱسۡمَعُواْ وَأَطِيعُواْ...﴾

{Naizvozvo ityai Allah (Mwari) sekukwanisa kwamunoita, inzwai uye teererai...}

[At-Taghabun:16] Uye vakataura kuti:

﴿لَا يُكَلِّفُ ٱللَّهُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَاۚ لَهَا مَا كَسَبَتۡ وَعَلَيۡهَا مَا ٱكۡتَسَبَتۡ...﴾

{Allah (Mwari) havaremedzi munhu pane izvo zvaasingakwanisi kuita. Anowana mubairo pane zvakanaka zvaakaita, uye anotongwa pane zvakaipa zvaakaita....} [Al-Baqarah:286].

Asi pane zvinoitika, munhu wese anoziva kuti ane chido nekukwanisa, zvinoita kuti aite mabasa kana kuregera. Uyezve anosiyanisa pakati pezvinoitika nechido chake, sekufamba, nezvinoitika pasina chido chake, sekudedera. Asi chido chemuranda nesimba rake zvinoitika nechido chaAllah (Mwari) vekumusoro-soro nesimba ravo; nokuti Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿لِمَن شَآءَ مِنكُمۡ أَن يَسۡتَقِيمَ 28 وَمَا تَشَآءُونَ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ29﴾

{Kune wese kwamuri anoshuvira kutora nzira yakatwasuka. (28) Uye hapana chamunoshuvira kunze kweizvo zvinoshuvirwa naAllah (Mwari), Tenzi wenyika yese.} (29) [At-Takweer:28-29] Nekuti nyika yose ndeyaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro; saka hapana chinhu chinogona kuitika muhumambo hwavo pasina ruzivo rwavo nekuda kwavo.

Uye kutenda mune zvakatarwa – sezvandatsanangura – hakupi muranda humbowo hwekusiya zvakasungirwa, kana kuita zvitadzo. Naizvozvo akatora izvi sehumbowo, humbowo hwacho hunenge huri hwenhema nenzira dzakawanda:

Chekutanga: Shoko raAllah (Mwari) vari kumusoro-soro:

﴿سَيَقُولُ ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ لَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَآ أَشۡرَكۡنَا وَلَآ ءَابَآؤُنَا وَلَا حَرَّمۡنَا مِن شَيۡءٖۚ كَذَٰلِكَ كَذَّبَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ حَتَّىٰ ذَاقُواْ بَأۡسَنَاۗ قُلۡ هَلۡ عِندَكُم مِّنۡ عِلۡمٖ فَتُخۡرِجُوهُ لَنَآۖ إِن تَتَّبِعُونَ إِلَّا ٱلظَّنَّ وَإِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا تَخۡرُصُونَ 148﴾

{Avo vanosanganisa Allah (Mwari) nezvisikwa (mukunamata) vachati: “Dai Allah (Mwari) vaida, tingadai tisina kuvasanganisa nezvimwe zvisikwa (mukuvanamata), kunyangwe madzibaba edu, uye hapana chatingadai takarambidza." Saizvozvo vakaramba (chokwadi) avo vakavatangira kusvikira varavira mutongo wedu. Iti: “Mune ruzivo here rwamungatiburitsire? Hamuteveri chinhu kunze kwekufungidzira, uye hapana chamunoita kusara kwekunyepa.”} [Al-An’aam:148] Uye dai vaive nehumbowo mune zvakatarwa, dai Allah (Mwari) vasina kuvaravidzisa mutongo wavo.

Chechipiri: Shoko raAllah (Mwari), vari kumusoro-soro rekuti:

﴿رُّسُلٗا مُّبَشِّرِينَ وَمُنذِرِينَ لِئَلَّا يَكُونَ لِلنَّاسِ عَلَى ٱللَّهِ حُجَّةُۢ بَعۡدَ ٱلرُّسُلِۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَزِيزًا حَكِيمٗا 165﴾

{Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka uye eyambiro, kuti vanhu vasava nemashoko ekupokana naAllah (Mwari) mushure mekuuya kwevatumwa. Uye Allah (Mwari) ndivo vane masimba ose nehuchenjeri hwese.}

[Al-Nisaa:165] Dai qadar (hurongwa) yaive humbowo kune vanopikisa, yaisarambika nekutumwa kwevatumwa; nokuti kupikisa mushure mekutumwa kwavo kunoitikawo nekuda kwekutarwa naAllah (Mwari) vari kumusoro-soro.

Chechitatu: Zvakarondedzerwa naAl-Bukhari naMuslim - uye mashoko acho ndeaAl-Bukhari - kubva kuna Ali bin Abi Talib (Allah ngavafare naye) akati Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) vakataura kuti:

«مَا مِنْكُمْ مِنْ أَحَدٍ إِلَّا قَدْ كُتِبَ مَقْعَدُهُ مِنَ النَّارِ أَوْ مِنَ الْجَنَّةِ».

«Hakuna kana mumwe wenyu asi kuti akatonyorerwa nzvimbo yake kuMoto kana kuParadhiso.» Mumwe murume aive pavanhu akati: “Togona kuvimba nezvamataura here imi Mutumwa waAllah (torega kuita mabasa)?” Vakataura kuti:

«لَا، اعْمَلُوا فَكُلٌّ مُيَسَّرٌ».

«Kwete, shandai, nekuti mumwe nemumwe akarerutsirwa (mabasa anoenderana naye).» Pashure pazvo vakaverenga (ndima inoti):

﴿فَأَمَّا مَنۡ أَعۡطَىٰ وَٱتَّقَىٰ 5﴾

{Kune uye anopa (zvipo) uye achitya Allah (Mwari).﴿ [Al-Layl:5]. Imwe nhaurwa yemuna Muslim yakati:

«فَكُلٌّ مُيَسَّرٌ لِمَا خُلِقَ لَهُ».

«Saka mumwe nemumwe anorerutsirwa pane zvaakasikirwa»21 Saka Muporofita (Mwari vamuropafadze uye vamupe rugare) vakaraira kuita mabasa akanaka, uye vakarambidza kungomirira zvakatarwa usina zvauri kuita.

Chechina: Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakaraira muranda (kuti aite mabasa akanaka) uye vakamurambidza (kuita mabasa akashata), uye havana kumusungira basa kunze kweraanokwanisa. Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُمۡ وَٱسۡمَعُواْ وَأَطِيعُواْ...﴾

{Naizvozvo ityai Allah (Mwari) sekukwanisa kwamunoita, inzwai uye teererai...} [At-Taghaabun:16] Uye Allah (Mwari) vakataura kuti:

﴿لَا يُكَلِّفُ ٱللَّهُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَا...﴾

{Allah (Mwari) havaremedzi munhu kunze kwe izvo zvaano kwanisa kuita...} [Al-Baqarah:286] Uye dai muranda aimanikidzwa pakuita chiito, angadai apihwa mutoro wezvaasingakwanisi kupukunyuka mazviri, uye izvi hazvisi zvechokwadi; nokudaro, kana akaita chitadzo nekusaziva, kana kukanganwa, kana kumanikidzwa, haaverengerwi chitadzo; nekuti anenge aine chikonzero chinoita kuti aregererwa.

Chechishanu: Qadar yaAllah vari kumusoro-soro chinhu chakavanzika; hachizivikanwe kunze kwekunge zvakatarwa zvaitika. Uye chido chemuranda chezvaanoita chinotangira chiito chake; saka chido chake chekuita chiito chinenge chisina kubva paruzivo rwaanarwo rweqadar yaAllah. Panguva iyoyo, chikonzero chake chekuzvidzivirira ne qadar (zvakatemerwa naAllah) chinobva chapera, nekuti munhu haana humbowo pane zvaasingazive.

Chechitanhatu: Tinoona munhu achishingairira pane zvaanowirirana nazvo panyaya dzepasi rino kusvikira azviwana, uye haabve pazviri achienda kune zvisingawirirane naye. Pedzezvo anozoda kuhwanda neqadar pakutsaudzira. Ko sei achitsauka kubva pane zvinomubatsira panyaya dzechinamato chake achienda kune zvinomukuvadza, ozohwanda neqadar? Ko mamiriro enyaya mbiri idzi haasi mamwe chete here?

Heuno muenzaniso unojekesa izvozvo:

Dai pamberi pemunhu paine nzira mbiri: imwe yacho: inomusvitsa kunyika izere nemhirizhonga: kuuraya, kupamba, kubviswa kwechiremerera, kutya, nenzara. Uye yechipiri: inomusvitsa kunyika ine kurongeka kwakazara, yakachengeteka, ine hupenyu hwakanaka hwakagadzikana, nekuremekedzwa kwevanhu, chiremerera chavo, nepfuma yavo; ndeipi nzira yaanosarudza panzira mbiri idzi?

Zvirokwazvo, iye achatora nzira yechipiri iyo inomusvitsa kunyika yakarongeka ine runyararo, uye hazvigoneke zvachose kuti munhu upi zvake ane njere atore nzira yenyika yenyonganyonga nekutya, achihwanda nezvakatarwa (qadar). Saka sei, panyaya yehupenyu hwekupedzisira, anosarudza nzira yeMoto achisiya yeParadhiso, achihwanda nezvakatarwa naAllah (Mwari)?

Uye mumwe muenzaniso: Tinoona murwere achirairwa kunwa mushonga; obva aunwa, kunyangwe moyo wake usingaudi, uye anorambidzwa kudya chikafu chinomukuvadza; obva achirega, kunyangwe moyo wake uchichida. Zvose izvi anozviita achitsvaga kuporeswa nekuchengetedzeka. Uye hazvigoneke kuti arambe kunwa mushonga, kana kudya chikafu chinomukuvadza, achishandisa Qadar sechikonzero. Saka sei munhu achirega zvaakarairwa naAllah (Mwari) neMutumwa wavo, kana kuti achiita zvaakarambidzwa naAllah (Mwari) neMutumwa wavo ozoshandisa qadar sechikonzero chaizvozvo,

Chechinomwe: Uyo anoti qadar ndicho chikonzero chekuti asaite mabasa aakasungirwa kana kuita zvitadzo; pakauya mumwe munhu omurwisa omutorera pfuma yake, kana kutyora rukudzo rwake, ozoti aita izvi nechikonzero cheqadar achiti: "Usandipe mhosva, nekuti kukurwisa kwangu kwakonzerwa nekutarwa kwaAllah (Mwari)," - chikonzero chake ichocho hachigamuchirwe. Ko sei asingagamuchiri kuti qadar ndicho chikonzero chaita kuti umwe munhu amurwise, asi iye achishandisa qadar sechikonzero pakutyora kodzero dzaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro?

Zvinorondedzerwa kuti kwakaunzwa mbavha yaizofanirwa kudamburwa ruoko kuMutungamiri weVatendi, Umar mwana wa Al-Khattab (Allah vafare naye). Umar akaraira kuti agurwe ruoko rwake, asi mbavha iya yakati: “Chimbomirai, imi Mutungamiri weVatendi, nekuti ndakangoba chete nokuda kwekutara kwaAllah (Mwari).” Umar akapindura vachiti: “Isuwo tiri kungodambura (ruoko rwako) nekuda kwekutara kwaAllah.”

Kutenda muqadar kune zvibereko zvakakosha, zvimwe zvacho ndezvekuti:

Chekutanga: Kuvimba muna Allah (Mwari) vekumusoro-soro pakuita zviito, tisingavimbe nechiito chacho zvinopfurira mwero; nekuti chinhu chese chinoitika nekutara kwaAllah (Mwari) vekumusoro-soro.

Chechipiri: Munhu haafanirwe kuzvipembedza paanowana zvaanoda; nekuti kuwana kwake makomborero anobva kuna Allah (Mwari) vekumusoro-soro, kuburikidza nezvavakatara zvinokonzera zvakanaka nebudiriro. Saka munhu akazvipembedza anokanganwa kutenda makomborero aya.

Chechitatu: Kugadzikana nekudekara kwemoyo nepfungwa pamusoro pezvinomuwira kubva pane zvakatarwa naAllah (Mwari) vekumusoro-soro. Saka haashushikani nekurasikirwa nechinhu chaanoda, kana kuwana zvinosuruvatsa nekuti izvozvo zvakatarwa naAllah (Mwari), avo vanove muridzi wehumambo hwematenga nepasi, uye zvinenge zvaitika ndizvo zvaifanirwa kuitika pasina kupokana. Pamusoro peizvozvo, Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿مَآ أَصَابَ مِن مُّصِيبَةٖ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِيٓ أَنفُسِكُمۡ إِلَّا فِي كِتَٰبٖ مِّن قَبۡلِ أَن نَّبۡرَأَهَآۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ 22 لِّكَيۡلَا تَأۡسَوۡاْ عَلَىٰ مَا فَاتَكُمۡ وَلَا تَفۡرَحُواْ بِمَآ ءَاتَىٰكُمۡۗ وَٱللَّهُ لَا يُحِبُّ كُلَّ مُخۡتَالٖ فَخُورٍ 23﴾

{Hakuna dambudziko rinouya panyika, kana kwamuri pachenyu, asi kuti rinenge rakatonyorwa mubhuku mushure tisati tariunza pakurarama. Zvirokwazvo, izvozvo zviri nyore kuna Allah (Mwari). 22 Kuitira kuti musa surukirwe pane zvinhu zvamusina kuwana, kana kufadzwa nezvinhu zvamunopiwa. Uye Allah (Mwari) havadi munhu wese anozvikudza achizvitutumadza. 23}

[Al-Hadid:22-23]. Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari:

«عَجَبًا لِأَمْرِ الْمُؤْمِنِ إِنَّ أَمْرَهُ كُلَّهُ خَيْرٌ، وَلَيْسَ ذَاكَ لِأَحَدٍ إِلَّا لِلْمُؤْمِنِ، إِنْ أَصَابَتْهُ سَرَّاءُ شَكَرَ فَكَانَ خَيْرًا لَهُ، وَإِنْ أَصَابَتْهُ ضَرَّاءُ صَبَرَ فَكَانَ خَيْرًا لَهُ».

«Nhau yemutendi inoshamisa kwazvo, nokuti nhau dzake dzose dzakanaka. Uye izvi hazviitiki kune umwe munhu asi kumutendi chete. Kana akawana mufaro anotenda, uye izvozvo zvova zvakanaka kwaari. Uye kana akawirwa nenhamo anotsungirira, uye izvozvo zvova zvakanaka kwaari»22.

Zvirokwazvo kwakatsauka mapoka maviri panyaya yezvakatarwa naAllah:

Rokutanga: Boka remaAl-Jabriyyah, avo vanoti: "Zvirokwazvo munhu anomanikidzwa pazviito zvake, uye haana chido kana simba pazviri."

Chepiri: Boka remaAl-Qadariyyah, avo vanoti: Zvirokwazvo munhu akazvimiririra pamabasa ake, kureva kuti anoita zvaanoita nekuda kwake uye kugona Kwake ega, pasina kupindira kwaAllah (Mwari) Vekumusoro-soro.

Kupindura boka rekutanga (maAl-Jabriyyah) kuburikidza neShari'ah nezvinhu zvinoitika:

Maererano neShari'ah: Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakatsinhira kuti munhu ane kuda nekusarudza, uye vakati chiito ndechake. Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...مِنكُم مَّن يُرِيدُ ٱلدُّنۡيَا وَمِنكُم مَّن يُرِيدُ ٱلۡأٓخِرَةَ...﴾

{...pakati penyu pane avo vanoda nyika ino, uye pakati penyu pane avo vanoda hupenyu hwemangwana...} [Al-'Imraan:152], Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَقُلِ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكُمۡۖ فَمَن شَآءَ فَلۡيُؤۡمِن وَمَن شَآءَ فَلۡيَكۡفُرۡۚ إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلظَّٰلِمِينَ نَارًا أَحَاطَ بِهِمۡ سُرَادِقُهَا...﴾

{Uye iti: "Chokwadi chinobva kuna Tenzi venyu." Saka uyo anoda ngaatende, uye uyo anoda ngaasatende." Zvirokwazvo, takagadzirira vanoita zvakaipa moto madziro acho achavakomberedza....}

— Vhesi [Al-Kahf:29], Uye Allah (Mwari) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿مَّنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا فَلِنَفۡسِهِۦۖ وَمَنۡ أَسَآءَ فَعَلَيۡهَاۗ وَمَا رَبُّكَ بِظَلَّٰمٖ لِّلۡعَبِيدِ 46﴾

{Uyo anoita basa rakanaka, anenge azviitira iye pachake; uye uyo anoita zvakaipa, zvinenge zvakanangana naye. Uye Tenzi vako havasi mudzvinyiriri kuvaranda vavo.} [Fussilat:46].

Maererano nezvinoitika: zvirokwazvo munhu umwe neumwe anoziva musiyano uripo pakati pezviito zvake zvekuzvisarudzira zvaanoita nekuda kwake: sekudya, kunwa, kutengesa, nekutenga, nezvinoitika zvisiri zvekuda kwake: sekudedera nechikonzero chekupisa muviri, nekudonha kubva padenga remba. Pazvinhu zvekutanga, munhu anozviita nekuzvisarudzira nekuda kwake pasina kumanikidzwa, uye pazvinhu zvechipiri, haasi iye anenge asarudza, uye anenge asina kuda izvo zvinenge zvichiitika paari.

Mhinduro inopuwa kuboka rechipiri (reQadariyyah) neShar'iah nenjere:

Kubva kuShari'ah: Zvirokwazvo, Allah (Mwari) vari kumusoro-soro ndivo Musiki wechinhu chese, uye chinhu chese chinoitika nekuda kwavo. Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakajekesa muBhuku ravo kuti zviito zvevanhu zvinoitika nekuda kwavo, vachibva vataura kuti:

﴿...وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَا ٱقۡتَتَلَ ٱلَّذِينَ مِنۢ بَعۡدِهِم مِّنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَتۡهُمُ ٱلۡبَيِّنَٰتُ وَلَٰكِنِ ٱخۡتَلَفُواْ فَمِنۡهُم مَّنۡ ءَامَنَ وَمِنۡهُم مَّن كَفَرَۚ وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَا ٱقۡتَتَلُواْ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يَفۡعَلُ مَا يُرِيدُ﴾

{...Uye dai Allah (Mwari) vakada, avo vakauya mushure mavo vangadai vasina kurwisana mushure mekunge humbowo huri pachena hwasvika kwavari, asi vakapokana. Saka vamwe vavo vakatenda, uye vamwe havana kutenda. Uye dai Allah (Mwari) vakada, vangadai vasina kurwisana pachavo. Asi zvirokwazvo Allah (Mwari) vanoita zvavanoda.} [Al-Baqarah:253]، Uye Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلَوۡ شِئۡنَا لَأٓتَيۡنَا كُلَّ نَفۡسٍ هُدَىٰهَا وَلَٰكِنۡ حَقَّ ٱلۡقَوۡلُ مِنِّي لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنَ ٱلۡجِنَّةِ وَٱلنَّاسِ أَجۡمَعِينَ 13﴾

{Uye dai taida, zvirokwazvo taitungamira munhu wese, asi shoko rabva kwandiri rasimbiswa rekuti zvirokwazvo ndichazadza Gehena nemajinn nevanhu pamwechete. 13} [As-Sajdah:13].

Panyaya yenjere: zvirokwazvo, zvisikwa zvese ndezvaAllah (Mwari) vari kumusoro-soro, uye munhu chikamu chezvisikwa izvi; saka naizvozvo iye ndewaAllah vari kumusoro-soro. Hazvigoneke kuti muranda aite zvaanoda pazvinhu zvaTenzi asina mvumo yavo nekuda kwavo.

Zvinangwa zvekutenda kweIslam

Chinangwa (mumutauro): Izwi rekuti chinangwa (hadaf parurimi rwechiArabhu) rinoshandiswa kureva zvinhu zvakawanda, zvinosanganisira: (Chinhu chinomisirwa kuti chitemwe, uye chinhu chose chinonangwa)

Uye zvinangwa zvekutenda muIslam: zvinova zvainovavarira nezvishuviro zvayo zvakanaka zvinowanikwa neanoibatisisa, zvinova zvakawanda, uye zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvacho ndezvekuti:

Chekutanga: Kuzvipira pachinangwa nekunamata Allah (Mwari) vekumusoro-soro vari vega; nokuti ndivo Musiki, havana mubatsiri, saka zvinosungirwa kuti chinangwa chekuita mabasa akanaka nekunamata zvive zvavo voga.

Chechipiri: Kusunungura njere nepfungwa kubva mukuvhiringika kusina kurongeka kunokonzerwa nekushaikwa kwechitendero ichi mumoyo; nekuti uyo anenge asinacho mumoyo make, moyo wake unenge usingatendi mune chero chitendero uye anenge achingonamata zvinhu zvinooneka kana kunzwika chete, kana kuti anenge achidzungaira mukurasika kwedzidziso dzechitendero nekutenda kwenhema.

Chechitatu: Kugadzikana kwemoyo nepfungwa, zvekuti hapana kushushikana mumoyo kana kuvhiringika mupfungwa; nekuti kutenda uku kunobatanidza mutendi neMusiki wake. Saka anogutsikana naye saTenzi murongi wazvose, uye seMutongi anogadza mitemo. Zvino mwoyo wake unogadzikana nezvinotara (Allah), uye chipfuva chake chinozarukira Islam, zvekuti haazotsvage chimwe chinoitsiva.

Chechina: Kururama kwechinangwa nemabasa acho kubva mukutsauka mukunamata Allah (Mwari) vekumusoro-soro, kana mukudyidzana nezvisikwa; nokuti chimwe chehwaro dzacho kutenda muvatumwa, kunosanganisira kutevera nzira yavo yakarurama muchinangwa nezviito.

Chechishanu: Kutsunga nekushingaira pazvinhu, zvekuti haapotsi mukana wekuita basa rakanaka asi anoushandisa; achitarisira mubairo, uye haaoni mukana wechitema kunze kwekuti anotiza achienda kure navo; achitya murango; nokuti chimwe chehwaro hwazvo kutenda mukumutswa, uye nemubairo nekurangwa pamusoro pemabasa.

Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَلِكُلّٖ دَرَجَٰتٞ مِّمَّا عَمِلُواْۚ وَمَا رَبُّكَ بِغَٰفِلٍ عَمَّا يَعۡمَلُونَ 132﴾

{Uye vose vane zvidanho zvavo zvichienderana nemabasa avo. Uye Tenzi vako vanoziva zvavanoita. 132} [Al-An’aam:132] Uye zvirokwazvo Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakakurudzira chinangwa ichi mumashoko avo ekuti:

«الْمُؤْمِنُ الْقَوِيُّ خَيْرٌ وَأَحَبُّ إِلَى اللَّهِ مِنَ الْمُؤْمِنِ الضَّعِيفِ، وَفِي كُلٍّ خَيْرٌ، احْرِصْ عَلَى مَا يَنْفَعُكَ، وَاسْتَعِنْ بِاللَّهِ، وَلَا تَعْجِزْ، وَإِنْ أَصَابَكَ شَيْءٌ فَلَا تَقُلْ: لَوْ أَنِّي فَعَلْتُ كَذَا كَانَ كَذَا وَكَذَا، وَلَكِنْ قُلْ: قَدَّرَ اللَّهُ وَمَا شَاءَ فَعَلَ؛ فَإِنَّ (لَوْ) تَفْتَحُ عَمَلَ الشَّيْطَانِ».

«Mutendi akasimba ari nani uye anodiwa zvakanyanya kuna Allah (Mwari) pane mutendi asina kusimba, uye mune mumwe nemumwe wavo akanaka. Shingirira pane zvinokubatsira, otsvaga rubatsiro kuna Allah (Mwari), uye usapere simba. Uye kana chinhu chikakuwira, usati: ‘Dai ndakanga ndaita zvakati, zvaizova zvakati nezvakati.’ Asi iti: ‘Ndizvo zvakatarwa naAllah (Mwari), uye zvavanoda ndizvo zvavaita ’; nekuti zvirokwazvo shoko rekuti ‘dai’ rinovhura basa raShaytwaan.» Yakarondedzerwa naMuslim23.

Chechitanhatu: Kuumba ummah ine simba inoita zvose zvainogona mukusimbisa chitendero chayo, uye nekutsigira mbiru dzacho, isina hanya nezvinoiwira mukuita izvozvo. Maererano neizvi, Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿إِنَّمَا ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ ثُمَّ لَمۡ يَرۡتَابُواْ وَجَٰهَدُواْ بِأَمۡوَٰلِهِمۡ وَأَنفُسِهِمۡ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِۚ أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلصَّٰدِقُونَ 15﴾

{Zvirokwazvo, vatendi ndeavo vakatenda muna Allah (Mwari) nemuMutumwa wavo, uye mushure mezvo havana kusagutsikana, uye vanoshingirira pachavo nehupfumi hwavo munzira yaAllah (Mwari). Avo ndivo vari pachokwadi.}

[Al-Hujuraat:15].

Chechinomwe: Kuwana mufaro wepanyika pano newemuhupenyu hwemangwana kuburikidza nekugadzirisa vanhu nemapoka, uye nekuwana mubairo nemakomborero. Pamusoro peizvozvo, Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:

﴿مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةٗ طَيِّبَةٗۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ 97﴾

{Ani nani anoita mabasa akanaka, angave murume kana kuti mukadzi, ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa hupenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo nenzira iri nani kupfuura zvavaiita.} [An-Nahl:97].

Izvi ndizvo zvimwe zvezvinangwa zvekutenda muIslam. Tinovimba kuti Allah (Mwari) vekumusoro-soro vachaita kuti tizvizadzise, pamwe nemaMuslim vose. Zvirokwazvo, ndivo Mupi Mukuru, anopa nenyasha . Uye kurumbidzwa kose ndekwaAllah (Mwari), Tenzi wezvisikwa zvose.

Uye makomborero nerugare zvaAllah ngazvive kuna Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSahaba avo ese.

Bhuku rapera kunyorwa nemunyori waro.

Muhammad as-Salih al-Uthaymin

 

 

***

الفهرس

 

Nhanganyaya 2

Chitendero cheIslam 4

Mapango eIslam 11

Hwaro hwekutenda kweIslam 16

Kutenda muna Allah vari kumusoro-soro 17

Kutenda mune ngirozi. 41

Kutenda mumabhuku 49

Kutenda mune vatumwa 51

Kutenda muzuva rekupedzisira 62

Kutenda mune zvakatarwa 89

Zvinangwa zvekutenda kweIslam 105

 

***

 

sn71v1.2 - 19/04/2026


Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku rekutenda, nhamba (8), uye Muslim: bhuku rekutenda, chitsauko: mashoko eMuporofita (rugare rwaAllah nemakomborero avo ngazvive pavari ) ‘Islam yakavakirwa pazvinhu zvishanu’, nhamba (16).

Yakarondedzerwa naMuslim, bhuku rekutenda, nhamba (8), Abu Dawood: bhuku reSunnah, chitsauko chezvakatarwa, nhamba (4695).

Yakarondedzerwa na Al-Bukhari: mubhuku rezvemariro, pasi pemusoro unoti: “Kana mukomana apinda muIslam ozoshaya, anonamatirwa here, uye Islam inoparidzwa kumukomana here”, nhamba (1292), uye naMuslim: muBhuku rezvakatarwa, chitsauko chezvinoreva kuti mwana wese anozvarwa ari pachizvarirwo, uye mutemo wekufa kwevana vevasingatendi nevana vemaMuslim, nhamba (2658).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: Surah At-Tur, nhamba (4854).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku reJumu’ah, chitsauko chekukumbira mvura pakuparidza pazuva reJumu’ah, nhamba (891).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku reJumu’ah, chitsauko chekukumbira mvura panguva yekuparidza pazuva reJumu’ah, nhamba (891), uye Muslim: bhuku remunamato wekukumbira mvura, chitsauko chemunyengetero pakukumbira, nhamba (897).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku rekutenda, chitsauko chetsanangudzo yekutenda, Islam, nekunatsa pakuita mabasa uye kusungirwa kwekutenda mukutsinhira kwezvakatarwa naAllah, vanokudzwa, vari kumusorosoro, nhamba (8).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku rekutanga kwekusika, chitsauko chekutaurwa kwengirozi, nhamba (3037), uye Muslim: bhuku rekururama, kuchengetedza hukama, netsika dzakanaka, chitsauko chekuti Kana Allah vachida muranda, vanomuita kuti adiwe nevaranda vavo, nhamba (2637).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku reJumu’ah, chitsauko chekuteerera mashoko ekuparidza (khutbah), nhamba (887), uye Muslim: bhuku reJumu’ah, chitsauko chekukosha kwekukurumidza kuenda (kumasjid) pazuva reJumu’ah, nhamba (850).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku rehumwechete hwaAllah, chitsauko chekuti: mashoko aAllah (Mwari) vari kumusoro-soro ekuti: {kune izvo zvandakasika nemaoko angu maviri} Nhamba (7410), uye Muslim: bhuku rekutenda, chitsauko chekuti: munhu wepasi pasi wekuJannah pachinzvimbo , nhamba (193).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: zvitsauko zveQiblah, chitsauko chekutarisa kuQiblah kwese kwaunenge uri, nhamba (392), uye Muslim: bhuku remaMasjid nenzvimbo dzeSalah, chitsauko chekukanganwa paSalah, nesujud yacho, nhamba (572).

Yakarondedzerwa naMuslim, bhuku reParadhiso netsananguro yemakomborero ayo nevagari varo, chitsauko chekuparara kwenyika netsanangudzo yekuunganidzwa pazuva rekumutswa, nhamba (2859).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku rezvichemo, chitsauko chemashoko aAllah vari kumusoro-soro: { Pasina kugunun'una! Kutukwa kwaAllah kuri kuvatadzi}, nhamba (2309), naMuslim: bhuku rekutendeuka, Chitsauko chekugamuchirwa kwekutendeuka kwemuurayi, kunyangwe kuuraya kwake kukawanda sei, nhamba (2768).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku rekutenda, chitsauko: kana muranda afunga kuita chinhu chakanaka chinonyorwa, uye kana afunga kuita chakaipa hachinyorwi, Nhamba (131).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: mubhuku retsanangudzo yeQur'an (Tafsir), chitsauko chemashoko aAllah (Mwari) anoti: {Hapana kana munhu anoziva zvakavanzika zvinofadza}, nhamba (4501), naMuslim: mubhuku reJannah netsanangudzo yemufaro waro nevagari varo, nhamba (2824).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku reJannah netsanangudzo yemakomborero ayo nevagari vayo, chitsauko chekuratidzwa kwemufi chigaro chake muJannah kana kuMoto, uye nekutsinhirwa kwemurango wemuguva, uye nekutsvaga dziviriro kubva kwauri, Nhamba (2867).

Yakarondedzerwa na Abu Dawud: bhuku reSunnah, chitsauko chekubvunzurudzwa muguva uye murango wemuguva, nhamba (4753), uye naAhmad: Musnad yevanhu vekuKufa, hadith ya al-Baraa bin Aazib, nhamba (18534).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: bhuku rewudhu (kuzvichenura), chitsauko: zvakataurwa pamusoro pekugeza weti, nhamba (215).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku reQadar, chitsauko chenharo dzaAdam naMusa, rugare ngaruve pavari vese, nhamba (2653).

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari: Bhuku reQadar, chitsauko: uye mirairo yaAllah yakatorongwa, nhamba (6605), uye Muslim: bhuku reQadar, chitsauko: maumbirwo emwana waAdam (munhu) mudumbu raamai vake, nekunyorwa kweraramo yake, hupenyu hwake (nguva yaachararama), nemabasa ake, uye kana achazove anotambudzika kana anofara, nhamba (2647).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku rekuzvinyima zvinhu zvepanyika nezvidzidzo zvinonyorovesa moyo, chitsauko: nyaya dzemutendi dzose dzakanaka, Nhamba (2999).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku reqadar, chitsauko chemurairo wekuita zvinhu nesimba, nekuregeredza usimbe, kukumbira rubatsiro kuna Allah (Mwari), uye kusiira zvakatarwa kuna Allah (Mwari), nhamba (2664).

Yakarondedzerwa naMuslim: bhuku rekutenda, chitsauko chekusungirwa kwekutenda muhutumwa hweMuporofita wedu Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) kuvanhu vese, uye akatsiva zvimwe zvitendero nechitendero chake, nhamba (153).