الدُّرُوسُ المُهِمَّةُ لِعَامَّةِ الأُمَّةِ
Zvidzidzo Zvakakosha Kuvanhu vose (Ummah)
لِسَمَاحَةِ الشَّيْخِ العَلَّامَةِ
عَبْدِ العَزِيزِ بْنِ عَبْدِ اللهِ بْنِ بَازٍ
رَحِمَهُ اللهُ
Rakanyorwa nevanoremekedzwa Sheikh nyanzvi huru yezvidzidzo dzezvitendero
Abdulaziz ibn Abdullah ibn Baz
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Zvidzidzo Zvakakosha Kuvanhu vose (Ummah)
Allah ngavamunzwire tsitsi
Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni .
Nhanganyaya yemunyori
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye magumo akanaka ndeeavo vanotya Allah. Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaba vavo vose.
Ndichienderera mberi ndinoti:
Heano mashoko mapfupi anotsanangura zvimwe zvezvinofanirwa kuzivikanwa neveruzhinji pamusoro pechitendero cheIslam, andakatumidza zita rekuti: (Zvidzidzo Zvakakosha kuvanhu vose (Ummah)).
Uye ndinokumbira Allah kuti vabatsire maMuslim nawo, uye kuti vaagamuchire kubva kwandiri. Zvirokwazvo, ndivo Mupi Mukuru, vane rupo.
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz Zvidzidzo Zvinokosha zveruzhinji rweUmmah1
Chidzidzo Chekutanga:
Surah Al-Fatihah nemaSurah mapfupi
Surah Al-Fatihah nemaSurah mapfupi anokwanisika kubva paSurah Az-Zalzalah kusvika paSurah An-Nas, kudzidzisa kuverengwa kwawo, kugadzirisa maverengero, kudzidzisa kuziva maSurah aya nemusoro, uye nekutsanangura izvo zvinofanirwa kunzwisiswa.
Chidzidzo Chechipiri: Mapango eIslam
Kujekesa mapango eIslam mashanu, uye bango rekutanga riri hombe pane ese riri: Kupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah; pamwe nekutsanangura zvazvinoreva, uye kujekesa zvinodiwa nemashoko ekuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah. Zvaanoreva ndezvekuti: (Hapana chakakodzera kunamatwa) ndiko kuramba zvese zvinonamatwa kunze kwaAllah, uye (kunze kwaAllah) ndiko kutsinhira kuti kunamatwa ndekwaAllah vari vega, vasina mubatsiri. Zvinodiwa nemashoko ekuti (Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah) ndeizvi: ruzivo runopesana nekusaziva, chokwadi chakasimba chinobvisa kusava nechokwadi, kuzvipira kunobvisa kusanganisa Allah nezvisikwa (pakunamata), rudo runopesana neruvengo, kuteerera kunopesana nekusiya kuteerera, kugamuchira kunopesana nekuramba, uye kuramba zvese zvinonamatwa kunze kwaAllah. Mashoko aya akaunganidzwa mundima mbiri (dzenhetembo) dzinotevera:
Ruzivo, kusapokana, nekukuzvipira, uye kuva nechokwadi chako ... pamwe nerudo, kuteerera, nekugamuchira izvi. Uye wedzera chechisere chacho kusatenda kwako mune ... zvose zvinonamatwa kunze kwaAllah.
Kutsanangura zvinoreva kupupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah, uye zvinodiwa nehuchapupu uhwu ndezvekuti: kutenda mune zvavakataura, kuvateerera mune zvavakaraira, nekusaita zvavakarambidza nekuyambira kubva kwazviri, uye kuti Allah vasanamatwe kunze nenzira yavakatara ivo Allah vari kumusoro-soro neMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari). Zvadaro, (mudzidzisi) anotsanangurira mudzidzi mapango eiIslam asara, anoti: Swalah, Zakaah, kutsanya mwedzi weRamadhaan, uye Hajj kuImba inoera yaAllah kune uyo ane zvikwanisiro.
Chidzidzo chechitatu: nheyo dzekutenda
Inhanhatu: kutenda muna Allah, nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo, neZuva Rekupedzisira, uye kutenda mune zvakatarwa naAllah, zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho, zvinobva kuna Allah vekumusoro soro.
Chidzidzo chechina: Zvikamu zvehumwechete hwaAllah (Tawhid) pamwe nezvikamu zvekusanganisa Allah nezvisikwa pakunamata (Shirk)
Tsanangudzo yezvikamu zvehumwechete hwaAllah, izvo zvinova zvitatu: humwechete hwaAllah muhuTenzi hwavo, humwechete hwaAllah mukunamatwa kwavo, uye humwechete hwaAllah mumazita nemaitiro avo.
1- Humwechete hwehuTenzi: Uku kutenda kuti Allah Vanoremekedzeka ndivo Musiki wechinhu chese, neMutungamiri wechinhu chese, havana mubatsiri pazviri.
2- Humwechete hwekunamatwa: Ndiko kutenda kuti Allah Vanoremekedzwa ndivo vega vanofanirwa kunamatwa pachokwadi, uye hapana chimwe chinhu chine kodzero iyi. Izvi ndizvo zvinoreva kuti 'Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah', nokuti zvinoreva kuti: hapana akakodzera kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah. Saka kunamata kwese, seSwalah nekutsanya nezvimwe zvakadaro, zvinofanirwa kuitirwa Allah vari vega nekuzvipira, uye hazvitenderwe kuzviitira chimwe chinhu chisiri Ivo.
3- Humwechete hwemazita nemaitiro: Uku ndiko kutenda mune zvese zvakataurwa muQur'an rinoera, kana mumaHadeeth echokwadi, pamusoro pemazita aAllah nemaitiro avo, nekumatsinhira kuti ndeaAllah vega nenzira yakavakodzera Ivo vekumusoro-soro, pasina kushandura, kana kuramba, kana kutaura kuti akamira sei, kana kufananidza (nezvisikwa). Uku kuita zvinoenderana nemashoko aAllah vekumusoro-soro anoti:
﴿قُلۡ هُوَ ٱللَّهُ أَحَدٌ1 ٱللَّهُ ٱلصَّمَدُ2 لَمۡ يَلِدۡ وَلَمۡ يُولَدۡ 3 وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ كُفُوًا أَحَدُۢ4﴾
{Iti: NdiAllah, vamwechete.1}
{Allah, ndivo vanodiwa nezvisikwa zvese (asi ivo hapana chavanoda).}
{Havana kubereka uye havana kuberekwa 3}
{Uye hakuna akafanana navo kana kuenzaniswa navo.4} [Al-Ikhlaas: 1-4] Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakataura ku:
﴿...لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ﴾
{…Hapana chinhu chakafanana navo; uye Ivo ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose.} [Ash-Shura: 11], Uye vamwe vevanhu vane ruzivo vakati humwechete hwaAllah huri muzvikamu zviviri, uye vakapinza kutenda muhumwechete hwemazita nemaitiro aAllah mukati mekutenda muhumwechete hwehutenzi, uye hapana kupokana mune izvozvo; nekuti zvinorehwa zviri pachena muzvikamu zviviri zvese.
Zvikamu zveShirk zvitatu: Shirk huru, neShirk diki, neShirk yakavanzika.
Shirk huru: inokonzera kuparara kwemabasa ose pamwe nekugara mumoto nekusingaperi kune uyo anofa achiita izvi, sezvakataura Allah vekumusoro-soro kuti:
﴿...وَلَوۡ أَشۡرَكُواْ لَحَبِطَ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ﴾
{...Asi dai vakasanganisa vamwe mukunamata Allah, zvose zvavaiita zvaizoshaya basa kwavari.} [Al-An‘aam: 88], Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakatauri kuti:
﴿مَا كَانَ لِلۡمُشۡرِكِينَ أَن يَعۡمُرُواْ مَسَٰجِدَ ٱللَّهِ شَٰهِدِينَ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِم بِٱلۡكُفۡرِۚ أُوْلَٰٓئِكَ حَبِطَتۡ أَعۡمَٰلُهُمۡ وَفِي ٱلنَّارِ هُمۡ خَٰلِدُونَ17﴾
{Hazvina kukodzera kune vanobatanidza Allah nezvimwe zvinhu pakunamata kuti vagare mumamasjid (kunamata maari, kuachenesa pamwe nekuvaka), ivo vachipa huchapupu hwekusatenda munaAllah pachavo. Mabasa avo achashaya basa, uye vachagara kumoto nekusingaperi.17} [At-Tawbah: 17], Uye kuti uyo anofa achiita izvi haazomboregererwi, uye Paradhiso rakarambidzwa kwaari, sekutaura kwakaita Allah samasimba, vakuru:
﴿إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَغۡفِرُ أَن يُشۡرَكَ بِهِۦ وَيَغۡفِرُ مَا دُونَ ذَٰلِكَ لِمَن يَشَآءُ...﴾
{Zvirokwazvo Allah havaregereri kubatanidzwa kwavo nezvimwe zvinhu mukunamatwa, uye vanoregerera zvimwe zvese zvisiri izvozvo kuna uyo wavada...} [An-Nisaa: 48], Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakataura kuti:
﴿...إِنَّهُۥ مَن يُشۡرِكۡ بِٱللَّهِ فَقَدۡ حَرَّمَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِ ٱلۡجَنَّةَ وَمَأۡوَىٰهُ ٱلنَّارُۖ وَمَا لِلظَّٰلِمِينَ مِنۡ أَنصَارٖ﴾
{...zvirokwazvo, uyo anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukuvanamata, Allah vakamurambidza Jannah (Paradhiso), uye moto uchave nzvimbo yake yokugara. Uye vanoita zvakaipa havana vabatsiri.} [Al-Ma'idah: 72].
Uye dzimwe mhando dzaShirk: kuita du'a (munyengetero) kuvakafa, nezvifananidzo, nekutsvaga rubatsiro kwavari, nekuvaitira mhiko, nekuuraya mhuka muzita rezvifananidzo, nezvimwe zvakafanana neizvozvo.
Shirk Diki: Ndiyo yakatsinhirwa nemagwaro kubva muQuran kana muSunnah kuti inonzi Shirk, asi haisi yerudzi rweShirk Huru; sekuita zvimwe zvinhu zvakanaka kuti uonekwe nevanhu, nekupika nezvimwe zvinhu kwete Allah, uye kutaura kuti: “Zvinoda Allah uye zvinoda nhingi,” nezvimwe zvakadaro. Izvi zvinobva pamashoko eMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari Shirk avo vakataura kuti:
«أَخْوَفُ مَا أَخَافُ عَلَيْكُمْ الشِّرْكَ الَأصْغَرَ» فَسُئِلَ عَنْهُ، فَقَالَ: «الرِّيَاءُ».
«Chinhu chandinonyanya kukutyirai iShirk diki.» Vakazobvunzwa nezvayo, vakati: «Kuita mabasa akanaka kuti unonekwe nevanhu (Riyaa).»2 Yakarondedzerwa naImam Ahmad, At-Tabarani, naAl-Bayhaqi, kubva kuna Mahmud ibn Labeed al-Ansaari (Allah ngavafare naye) neIsnaad yakanaka, uye Yakarondedzerwa naat-Tabarani nemaIsnaad akanaka, kubva kuna Mahmud ibn Labeed, naRafi’ ibn Khadeej, kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Uyezve Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari vakataura kuti:
«مَنْ حَلَفَ بِشَيْءٍ دُونَ اللَّهِ فَقَدْ أَشْرَكَ».
«Ani nani anopika nechinhu chisiri Allah, anenge abatanidza Allah nezvimwe zvinhu.»3 Yakarondedzerwa naImam Ahmad neIsnaad yakasimba, kubva kuna Umar bin Al-Khattab, Allah ngavafare naye. Uye yakarondedzerwa naAbu Dawood, naat-Tirmidhi ne isnad yechokwadi, kubva muhadith yaIbn Umar (Allah ngavafare navo vose [iye nababa vake]), kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakataura kuti:
«مَنْ حَلَفَ بِغَيْرِ اللَّهِ فَقَدْ كَفَرَ أَوْ أَشْرَكَ».
«Ani nani anopika nezita risiri raAllah, zvirokwazvo anenge aita mabasa ekusatenda kana kuti asanganisa vamwe naAllah.»4 Uye Mutumwa (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive pavari) vakataura kuti:
«لَا تَقُولُوا: مَا شَاءَ اللَّهُ وَشَاءَ فُلانٌ، وَلَكِنْ قُولُوا: مَا شَاءَ اللَّهُ ثُمَّ شَاءَ فُلانٌ».
«Musataure kuti: ‘Zvinodiwa naAllah uye zvinodiwa nanhingi,’ asi itiyi: ‘Zvinodiwa naAllah pozoti zvinodiwa nanhingi.»5 Yakarondedzerwa naAbu Dawood neIsnaad yakasimba, kubva kuna Hudhayfah ibn al-Yaman (Allah ngavafare naye).
Uye mhando iyi (yeshirk) haikonzere kubuda muchitendero, uye haikonzere kugara muMoto nekusingaperi, asi inopesana nekukwana (kwekutenda) muhumwechete hwaAllah hunosungirwa.
Mhando yechitatu: Shirk yakavanzika; uye humbowo hwacho mashoko eMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) ekuti:
«أَلَا أُخْبِرُكُمْ بِمَا هُوَ أَخْوَفُ عَلَيْكُمْ عِنْدِي مِنَ المَسِيحِ الدَّجَّالِ؟» قَالُوا: بَلَى يَا رَسُولَ اللَّهِ، قَالَ: «الشِّرْكُ الخَفِيُّ، يَقُومُ الرَّجُلُ فَيُصَلِّي فَيُزَيِّنُ صَلَاتَهُ لِمَا يَرَى مِنْ نَظَرِ الرَّجُلِ إِلَيْهِ».
«Ko handingakuudziyi here nezve chinhu chandinokutyirai zvikuru kupfuura Mesiya Dajjal?» MaSahaba vakati: Hongu, imi Mutumwa waAllah, Vakati: «Kubatanidza Allah nevamwe pachivande (riya): munhu paanosimuka oita Swalaah (munamato), oita Swalaah yake nemazvo nekuda kwekuona mumwe munhu achimutarisa»6 Yakarondedzerwa naImam Ahmad mubhuku rake rinonzi Musnad, kubva kuna Abu Sa'id al-Khudri, Allah ngavafare naye.
Uye zvinotenderwa kuti Shirk ipatsanurwe kuita mhando mbiri chete:
Huru nediki, asi Shirk yakavanzika zvirokwazvo inosanganisira zvese zviri zviviri; Saka inowanikwa muShirk huru, seShirk yevanyengeri; nokuti vanoviga zvavanotenda zvenhema, uye vachinyepedzera kuva maMuslim vachiratidza kudaro kuvanhu, uye nekutya pamusoro peupenyu hwavo (kurangwa kana vazivikanwa kuti vanyengedzi).
Uye inowanikwa muShirk diki, seRiyaa, sezviri muHadith yaMahmud ibn Labeed Al-Ansari yamborehwa, neHadith yaAbu Sa'eed yarehwa. Uye Allah ndivo Mupi wekubudirira.
Chidzidzo Chechishanu: Al-Ihsaan (Kunamata nemazvo)
Mbiru yeIhsan, inova: kuti unamate Allah sekunge unovaona, nekuti kunyangwe usingavaoni, zvirokwazvo Ivo vanenge vachikuona.
Chidzidzo Chechitanhatu: Zviga zveSwaalah (munamato)
Uye zvipfumbamwe:
Islam (kuve muMuslim), kuva nenjere (dzakakwana) , kuziva zvakanaka nezvakaipa, kubvisa zvinorambidza kunamata pamuviri, kuzvichenura kubva mutsvina, kufukidza nhengo dzakavandika, kukwana kwenguva yekunamata, kutarisa kuQiblah, nekuva nechinangwa chekunamata mumoyo (niyyah).
Chidzidzo chechinomwe: Mbiru dzeSwalaah (munamato)
Igumi neina:
Kumira kune uyo anokwanisa, kutaura kuti Allahu Akbar (Takbirat al-Ihram - uchitanga kuita munamato), kuverenga Chitsauko Chekutanga muQuran (Surah Al-Fatihah), kukotama michibata mabvi (Ruku’), kusimuka kubva paRuku’, luisa chisvo pasi (Sajdah) nenhengo nomwe, kusimuka kubva paSajdah, kugara pakati pemaSajdah maviri, kuva neAt-Tuma’ninah (kudzikama) muzviito zvese, kuita zviito izvi zvichiteverana, kuverenga Tashahhud yekupedzisira, kugara pasi nguva yeTashahhud yacho, kutumira maropafadzo kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), uye kupa maTasleem maviri.
Chidzidzo chechisere: Zvinosungirwa paSwalaah
Zvisere:
MaTakbir (kutaura kuti Allahu Akbar) ese kunze kweTakbiratul Ihram, nekutaura kuti: “Sami‘a Allaahu liman hamidah” (Allah vanonzwa uyo anovarumbidza), izvi zvinotaurwa naImam neuyo anonamata ari ega, nekutaura kuti: “Rabbanaa wa laka al-hamdu” (Tenzi vedu, kurumbidzwa ndekwenyu) nemunhu wese (ari kunamata), nekutaura kuti: “Subhaana Rabbiyal ‘Adheem” (Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi wangu mukurukuru) muRuku, nekutaura kuti: “Subhāna Rabbiyal-A'lā” (Kukudzwa ngakuve kuna Tenzi vangu, vari kumusorosoro) muSajdah, nekutaura kuti: “Rabbighfir lee” (Tenzi vangu, ndiregerereiwo) pakati pemaSajdah maviri, neTashahhud yekutanga, uye nekugara pasi panguva yeTashahhud.
Chidzidzo chechipfumbamwe: Tsanangudzo yeTashahhud
Uye ndeyekuti munhu anotaura kuti:
At-taḥiyyātu lillāhi, waṣ-ṣalawātu waṭ-ṭayyibāt,. as-salāmu alayka ayyuhan-nabiyyu wa raḥmatullāhi wa barakātuh, as-salāmu ʿalaynā wa ʿalā
ʿibādillāhiṣ-ṣāliḥīn, ashhadu an lā ilāha illā Allāh, wa ashhadu anna Muḥammadan
ʿabduhu wa rasuluhu
Kwaziso dzose dzerukudzo ndedzaAllah, minamato yose, uye zvinhu zvose zvakanaka ndezvake. Rugare ngaruve kwamuri imi Muporofita, netsitsi dzaAllah nemakomborero avo. Rugare ngaruve kwatiri nevaranda vaAllah vatsvene. Ndinopupura kuti hapana chakafanira kunamatwa pachokwadi kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo uye Mutumwa wavo.
Pedzezvo anokumbirira Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) makomborero, uye anotaura kuti: (Allahumma ṣalli ʿala Muhammadin, wa ʿala ʿali Muhammadin, kamaa ṣallayta ʿala Ibraheema wa ʿala ʿali Ibraheema, innaka ḥameedun majeed, wa baarik ʿala Muhammadin, wa ʿala ʿali Muhammadin, kamaa baarakta ʿala Ibraheema, wa ʿala ʿali Ibraheema, innaka ḥameedun majeed ( Allah, ropafadzai Muhammad nemhuri yake, sekuropafadza kwamakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba, uye komborerai Muhammad nemhuri yake, sekukomborera kwamakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba))
Zvadaro anokumbira kudzivirirwa naAllah paTashahhud yekupedzisira kubva kumurango weGehena, kumarwadzo emuguva, kubva kumiedzo yehupenyu nerufu, uye kubva kumiedzo yaMesiya Dajjal. Zvadaro anosarudza minyengetero (du'ā) yaanoda kuita, kunyanya iyo yakashumwa mumagwaro, uye imwe yacho ndeyekuti:
Allāhumma aʿinnī ʿalā dhikrika wa shukrika wa ḥusni ʿibādatik. Allāhumma innī ẓalamtu nafsī ẓulman kathīran, wa lā yaghfiru l-dhunūba illā ant. Faghfir lī maghfiratan min ʿindik, warḥamnī innaka anta l-Ghafūru l-Raḥīm.
(Allah, ndibatsireiwo pakukurangarirai, nekukutendai, uye nekukunamatai nenzira yakanakisisa. Allah, zvirokwazvo ndazvidzvanyirira pachangu zvikuru kwazvo, uye hakuna anogona kuregerera zvitadzo kunze kwenyu. Saka ndiregerereiwo neruregerero runobva kwamuri, uye ndinzwireiwo tsitsi, zvirokwazvo imi ndimi Muregereri mukuru, ane tsitsi zhinji).
Kana ari paTashahhud yekutanga, munamati anosimuka mushure mekupupura huchapupu huviri oenda kuRaka’ah yechitatu paSwalaah yeŻuhr, Asr, Maghrib neIsha’a. Uye kana akatumira maropafadzo kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) zvinova zviri nani; nekuda kwemaHadeeth akawanda anotsigira izvozvo, pedzezvo ozosimuka kuenda kuRaka’ah yechitatu.
Chidzidzo cheGumi: maSunnah emuSwaalah.
Amwe acho ndeekuti:
1- Istiftaah (dua remavambo).
2- Kuisa ruoko rwerudyi pamusoro perweruboshwe pachipfuva munhu paanenge akamira, asati aita Ruku' nemushure mekuiita.
3- Kusimudza maoko kusvika pamapfudzi kana panzeve, zvigunwe zvakabatanidzwa uye zvakatwasanudzwa, paTakbeer yekutanga, pakuita Rukuʾ, pakusimuka kubva mairi, uye pakusimuka kubva paTashahhud yekutanga kuenda kuraka’ah yechitatu.
4- Kuita Tasbeeh kudarika kamwe chete murukuʾ nesajdah.
5- Mashoko anowedzerwa pamusoro pekutaura kuti: “Rabbanā wa lakal-ḥamd” (Tenzi vedu, uye kurumbidzwa ndokwenyu) mushure mekusimuka kubva paRukuʾ, uye kutaura kanodarika kamwe chete pakukumbira ruregerero pakati pemaSajdah maviri.
6- Kuita kuti musoro uve mumutsetse wakatwasuka unoenderana nemusana parukuʾ.
7- Kuita kuti maoko asati kwatikwati nemativi, dumbu risati kwatikwati nezvidya, uye zvidya zvisati kwatikwati netsapfu pasajdah.
8-Kusimudza maoko kubva pasi pasajdah.
9- Kugarira kwemunamati tsoka yake yekuruboshwe, achimisa yekurudyi, paTashahhud yekutanga uye pakati pemaSajdah maviri.
10- Kuita Tawarruk (kugara pasi) paTashahhud yekupedzisira yeSwalaah yemaRaka’ah mana nematatu: Munamati anogara pasi nemagaro ake, oisa tsoka yake yekuruboshwe pasi peyekurudyi, uye omisa tsoka yekurudyi.
11- Anonongedza nemunwe wekunongedzesa paTashahhud yekutanga neyechipiri kubva panguva yaanogara pasi kusvika kumagumo eTashahhud, uye anofambisa (munwe wake wekunongedza) paanoita du'a.
12- Kutumira maropafadzo nemakomborero kuna Muhammad, nemhuri yake, uye kuna Ibraheem, nemhuri yake, paTashahhud yekutanga.
13- Kuita du'a paTashahhud yekupedzisira.
14- Kuverenga neizwi rinonzwika paSwalaah yeFajr, neSwalaah yeJumu’ah, neSwalaah mbiri dzeEid, neyeIstisqaa, uye mumaRaka’ah maviri ekutanga eSwalaah yeMaghrib neIsha.
15- Kuverenga chinyararire paSwalaah yeŻuhr neAsr, uye paRaka’ah yechitatu yeMaghrib, nemumaRaka’ah maviri ekupedzisira eIsha’a.
16- Kuverenga dzimwe ndima mushure mekuverenga Al-Fatihah kubva muQur’an, pamwe nekucherechedza mamwe maSunnah andisina kutaura nezvavo paSwalaah. Uye kubva pane izvozvo kuwedzera pane zvinotaurwa nemunamati mushure mekusimuka kubva parikh achiti: "Rabbana walakal-hamdu" - izvi zvinobvumidzwa (Sunnah) kunutungamiri wemunamato (Imaam), kune vanotevera (ma'mum), uye kune uyo vanonamata ega (munfarid). Imwe Sunnah zvekare (yandanga ndisina kudoma): kuisa maoko pamabvi minwe yakaparadzaniswa panguva yerukuʾ.
Chidzidzo chegumi nerimwe: Zvinhu zvinoparadza Swalaah.
Zvinove zvisere:
1- Kutaura maune munhu achiziva uye achirangarira (kuti ari paSwalaah), asi kune anokanganwa kana asingazivi, Swalaah yake haiparadzwe naizvozvo.
2- Kuseka.
3- Kudya.
4- Kunwa zvinwiwa
5- Kubuda pachena kwenhengo dzakavanzika.
6- Kutsauka kukuru kubva mukutarisa kudivi reQiblah.
7- Kuita zvisina basa (paSwalah) zvakawandisa uye zvichitevedzana nguva yeSwalaah.
8- Kukanganisika kwekuchena (Taharah).
Chidzidzo chegumi nepiri: Zviga zveWudhu
Igumi:
Islam (kuve muMuslim), kuve nenjere dzakakwana, kuziva zvakanaka nezvakaipa, kuve neniyyah, kuchengetedza niyyah yacho pasina chinangwa chekuigura kusvikira kuzvichenesa (Taharah) kwapera, kumira kwechinhu chinokanganisa Wudhu, kuzvichenura kubva mutsvina nematombo (istijmaar) kana nemvura (istinja) usati watanga wudhu, kuchena nekubvumidzwa kwemvura yacho, kubvisa zvinodzivirira mvura kusvika paganda, uye kukwana kwenguva yeSwalah kune uyo ane dambudziko rekurasikirwa neTaharah risingaperi.
Chidzidzo Chegumi netatu: Zvinosungirwa paWudhu
Zvitanhatu:
Kugeza chiso, zvichisanganisira kukuchukudza muromo nekufema mvura nemhino (ozoiburitsa), nekugeza maoko pamwe nemagokora, nekupukuta musoro wese zvichisanganisira nzeve, nekugeza tsoka pamwe nezviziso, kuita zvese izvi chimwe mushure mechimwe, uye kuita zvese izvi zvakatevedzana (pasina kumira).
Zvinokurudzirwa kudzokorora kugeza chiso, maoko, netsoka katatu, saizvozvo kukuchukudza mukanwa nekupinza mvura mumhino. Asi chinomanikidzirwa pazviri ndechekuita kamwe chete. Hazvikurudzirwe kudzokorora kupukuta musoro, sezvinoratidzwa nemaHadeeth echokwadi.
Chidzidzo chegumi neina: Zvinokanganisa Wudhu
Uye izvi zvitanhatu:
Zvinobuda munzira mbiri dzekuzvibatsira nazvo, nezvinobuda zvakawandisa zvine tsvina kubva mumuviri, kurasa pfungwa nekuda kwehope kana zvimwe zvisiri idzo, kubata nhengo dzesikarudzi neruoko kungava kumberi kana kumashure pasina chinovharidzira, kudya nyama yengamera, nekubuda muchitendero cheIslam (Riddah), Allah ngavatichengetedze isu nemaMuslim kubva pane izvozvo.
Chiziviso chakakosha: Panyaya yekugezesa mufi: Zvechokwadi ndezvekuti hazvikanganise Wudhu, uye aya ndiwo mashoko evazhinji vevane ruzivo; nekuda kwekushaikwa kweumbowo pane izvi. Asi kana ruoko rwemugezesi rwakabata nhengo dzesikarudzi dzemufi pasina chidziviriro, zvinobva zvave zvakasungirwa kwaari kuti aite Wudhu.
Zvinosungirwa paari kuti asabate nhengo dzesikarudzi dzemufi kunze kwekunge pane chidziviriro. Uye saizvozvo, kubata mukadzi hakukanganisi Wudhu zvachose, zvisinei kuti zvaitwa nekunzwa kuda zvepabonde kana kuti pasina izvozvo, maererano nemaonero akasimba pakati pemaonero maviri enyanzvi, chero bedzi pasina chabuda maari. Nekuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakatsvoda mumwe wevakadzi vavo vachibva vanamata vasina kudzokorora Wudhu.
Kana kuri kutaura kwaAllah (kukudzwa ngakuve kwavari) mundima mbiri dzeAn-Nisaa, neAl-Maaidah kuti:
﴿...أَوۡ لَٰمَسۡتُمُ ٱلنِّسَآءَ...﴾
{... kana kuti mabata vakadzi ...} [An-Nisaa: 43] [Al-Ma'idah: 6], zvinorehwa nendima idzi ndezvekuti: kusangana pabonde, maererano nemaonero akasimba evadzidzi, uye ndirowo shoko raIbn Abbas, Allah ngavavafarire vose ivavo [iye nababa vake], pamwe neboka remaMuslim ekutanga nevakazotevera. Allah ndivo Mupi wekubudirira.
Chidzidzo chegumi neshanu: Kuzvishongedza nehunhu hwakatenderwa kumuMuslim wese
Kunosanganisira: kutaura chokwadi, kuvimbika, kuzvibata, kunyara, hushingi, rupo, nekutendeka; pamwe nekuzvidzivirira kubva kune zvese zvakarambidzwa naAllah, kugarisana zvakanaka nevavakidzani, nekubatsira vanoshaya zvichienderana nekugona, nezvimwewo zvehunhu hwakanaka izvo zvinoratidzwa neQur'an kana kuti maitiro eMutumwa kuti zviri pamutemo.
Chidzidzo chegumi nenhanhatu: Kuzvishongedza netsika dzechiIslam
Dzimwe dzacho ndezekuti: kukwazisa neSalaam, kuva nechiso chinogamuchira vamwe nekunyemwerera, kudya nekunwa neruoko rwerudyi, kutaura zita raAllah pakutanga kudya, nekurumbidza Allah kana wapedza kudya, kurumbidza Allah mushure mekuhotsira, nekuitira anohotsira du'a (munyengetero) kana achinge arumbidza Allah, kushanyira anorwara, kutevera mufi pakuenda kunomuitira Swalah (yejanaza) uye nekunomuviga, nekutevedzera tsika dzemutemo wechitendero pakupinda muMasjid kana mumba nekubuda mazviri, panguva yerwendo, uye pakugara nevabereki, hama, vavakidzani, vakuru nevadiki, kukorokotedza munhu anenge azvara mwana, kukorokotedza muhu anenge aroora neanenge aroorwa, nekunyaradzana panjodzi, nezvimwe zvakadaro zvetsika dzeIslam pakupfeka nhumbi, kubvisa, nekupfeka shangu.
Chidzidzo chegumi nenomwe: Yambiro pamusoro peShirk uye nemhando dzezvitadzo.
Uye zvinosanganisira: zvivi zvinomwe zvinoparadza (zvinouraya), izvo zvinoti: Kusanganisa Allah nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvimudza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vasina chavanoziva, vari vatendi mhosva yehupombwe.
Uyezve zvinosanganisira: kusateerera vabereki, nekugura hukama, nekupupura nhema, nekupika nhema, nekutadzira muvakidzani, nekudzvinyirira vanhu kusvika pakuvauraya, kuvadzvanyirira papfuma yavo, nechiremerera chavo, nekunwa zvinodhaka, nekutamba mitambo yekubheja - kunonzi: al-maysir - nekunyeya, nekufambisa mazwi anokonzera kusawirirana, nezvimwewo zvinhu zvakarambidzwa naAllah wemasimba ose, kana Mutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Chidzidzo chegumi nesere: Kugadzirira mufi (kuti avigwe), kumuitira Swaalah (munamato), nekumuviga
Regai ndikupei tsanangudzo yacho:
Chekutanga: Zviri pamutemo weSharia kuyeuchidza munhu ari pedyo nekufa kuti ati: Lā ilāha illallāh (Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah); nekuda kweshoko reMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) rekuti:
«لَقِّنُوا مَوْتَاكُمْ: لَا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ».
«Udzai vanhu vari pedyo nekufa kuti vati: Laa ilaaha illalah Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah»7 Yakarondedzerwa naMuslim muSahih yake. Uye zvinoreva izwi rekuti 'vari pedyo nekufa' muHadith iyi vanhu vave kutofa, avo vanenge vakuratidza zviratidzo zverufu pavari.
Chechipiri: Kana pave nechokwadi chekuti munhu afa, maziso ake anovharwa, uye shaya dzake dzinosungwa, nekuda kwekuti izvi zvakashumwa muSunnah.
Chechitatu: Mufi muMuslim anofanirwa kugezeswa kunze kwekuti ari munhu afa muhondo, nokuti haagezwi uye haaitirwi Swalah, asi anovigwa akapfeka hembe dzaanenge afa nadzo; nokuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, havana kugeza vakaurayiwa muhondo yekugomo reUhud, uye havana kuvaitira Swalah.
Nhengo dzake dzakavandika dzinofanira kuvharwa, obva asimudzwa zvishoma uye dumbu rake rosvinwa zvinyoronyoro. Zvadaro, mugezesi anoputira jira paruoko rwake kana chimwe chinhu chakadaro omubvisa tsvina inenge iri panzira dzekuzvibatsira nazvo. Anobva amuitisa Wudhu seWudhu inoitwa pakuita Swalaah. Zvadaro anogeza musoro wake nendebvu dzake nemvura nemashizha ehapa kana chimwe chinhu chakafanana nawo. Anobva ageza divi rake rekurudyi, ozogeza divi rekuruboshwe. Anomugeza saizvozvo kechipiri nekechitatu, achipfuudza ruoko rwake padumbu pake pese paanogeza. Kana paine chinhu chinobuda maari, anochigeza, ovhara panzvimbo yabuda chinhu ichocho nedonje kana chimwe chinhu chakadaro. Kana zvikaramba kubata, anovhara neivhu rakachena, kana nedzimwe nzira dzinoshandiswa pakurapa mazuva ano; sezvinonamira nezvimwe zvakadaro.
Uye anodzokorodza kumuitisa Wudhu, kana asina kuchena mushure mekumugezesa katatu, anowedzerwa kumugezasa kusvika kashanu, kana kuti kanomwe. Pedzezvo anomuomesa nemucheka, oisa zvinonhuwirira munzvimbo dzemuviri dzinopetana, nenzvimbo dzaaiisa pasi paaiita Sajdah (Huma, mhuno, maoko, mabvi, uye netsoka). Uye kana akamuzora zvinonhuwirira muviri wese zvinenge zvakanaka. Anopfungidzira machira ake ekumuviga neBukhūr (chinhu chinopfungaidzwa chinonhuwirira). Uye kana ndebvu dzake dzepamusoro pemuromo kana nzara dzake dzakareba, anodzidamburira. Uye kana akazvisiya hapana chakaipa. Bvudzi rake haripetwi, uyewo haagerwi bvudzi rakavanzika, uye haadzingiswe; nekuti hapana humbowo hunotsigira izvozvo. Uye kana ari mukadzi, bvudzi rake rinorukwa kuita mhotsi nhatu, dzobva dzaiswa kumusana kwake.
Chechishanu: Kupfekedzwa kwemufi
Zviri nani kuti murume apfekedzwe machira matatu machena pasina sheti kana tebheni, sezvakaitirwa Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare). Mufi anoputirwa mumachira zvakanaka. Uye kana akapfekedzwa sheti, jira remuchiuno, nejira rekufukidza muviri wese, hapana chakaipa.
Uye mukadzi anoputirwa nemachira mashanu: hembe, khimaar (jira rinovhara musoro), jira rinosungirirwa muchiuno, nemachira maviri anovhara muviri wese. Uye mwana mukomana anoputirwa nejira rimwe kusvika kumatatu, uye mwana musikana anoputirwa nejira rinoshanda sehembe nemachira maviri anovhara muviri wese.
Uye chinomanikidzwa kune mufi wese kuti afukidzwe nejira rimwe chete rinovhara muviri wake wese. Asi kana mufi aive Muhrim (ari pakuita Hajj kana umrah), anofanira kugezeswa nemvura nemashizha eSidr (muti unogeza), uye oputirwa mujira rinosungirwa muchiuno nejira rinovhara kumusoro zvake kana mamwe machira asiri iwayo. Uye musoro wake nechiso chake hazvifukidzwe, uye haazodzwi zvinonhuwirira; nekuti achamutswa pazuva rekutongwa achiita Talbiyah (achipindura kudanwa Kwame naAllah), sezvo zvakataurwa muHadith yechokwadi yakabva kuMutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari). Uye kana muMuhrim aive mukadzi, anoputirwa mumachira sevamwe, asi haazodzwi zvinonhuwirira, uye chiso chake hachifukidzwe neNiqab, uyewo maoko ake haapfekedzwe magirovhosi. Asi chiso chake nemaoko ake zvinofukidzwa nemachira aanenge aputirwa nawo (kafan), sezvatsanangurwa panzira yekuputira mufi mukadzi.
Chechitanhatu: Vanhu vanonyanya kukodzera kugezesa mufi, kumuitira Swalaah, nekumuviga.
Munhu waanenge akataura kuti achaita izvi, kozoti baba vake, sekuru vake, hama dzepedyo zvichienderana nekuve pedyo kwacho kana ari murume.
Vakanyanya kukodzera kugezesa mudzimai vanoti: waakasiya araira, kozoti amai vake, kozoti ambuya vake, kozoti vehukama hwake vechikadzi vachitanga nevari pedyo. Uye murume nemudzimai wake vanogona kugezesana; nekuti As-Siddiq (Allah ngavafare naye) akagezeswa nemudzimai wake, uye Ali (Allah ngavafare naye) akagezesa mudzimai wake Fatimah (Allah ngavafare naye).
Chechinomwe: Maitirwo emunamato wemufi:
Munamati anoita Takbeer kana. Mushure me (Takbeer) yekutanga anoverenga Surah Al-Fatihah. Uye kana akaverenga pamwechete nayo Surah pfupi kana kuti ndima imwe kana mbiri, zvakanaka; nekuda kweHadith yechokwadi yakataurwa maererano naizvozvo kubva kuna Ibn Abbas (Allah ngavafare navo vose [iye nababa vake]). Pedzezvo, anoita Takbeer yechipiri, otumira maropafadzo kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) sezvaanoita paTashahhud. Anobva aita Takbeer yechitatu, uye otaura kuti: Allahumma-ghfir lihayyina wa mayyitina, wa shahidina wa gha'ibina, wa saghirina wa kabirina, wa dhakarina wa unthana. Allahumma man ahyaytahu minna fa-ahyihi 'alal-Islam, wa man tawaffaytahu minna fa-tawaffahu 'alal-iman. Allahumma-ghfir lahu warhamhu, wa 'afihi, wa'fu 'anhu, wa akrim nuzulahu, wa wassi' mudkhalahu, waghsilhu bil-ma'i wath-thalji wal-barad, wa naqqihi minal-khataya kama yunaqqath-thawbul-abyadu minad-danas, wa abdilhu daran khayran min darihi, wa ahlan khayran min ahlihi, wa adkhilhul-jannah, wa a'idhhu min 'adhabil-qabri, wa 'adhabin-nar, wafsah lahu fi qabrihi, wa nawwir lahu fih. Allahumma la tahrimna ajrahu wa la tudillana ba'dah (Allah, kanganwiraiwo vapenyu vedu nevakafa vedu, varipo vedu nevasipo vedu, vadiki vedu nevakuru vedu, varume vedu nevakadzi vedu. Allah, uyo wamunopa hupenyu kubva kwatiri, muraramisei ari muIslam, uye uyo wamunoita kuti afe kubva kwatiri, itai kuti afe ari mutendi. Allah, mukanganwireiwo, munzwireiwo tsitsi, muchengetedzeiwo, muregerereiwo, mukudzireiwo nzvimbo yake yekuzororera, muwedzereiwo nzvimbo yake yekupinda, mugezeiwo nemvura, nechando, nechimvuramabwe, uye muchenureiwo pazvitadzo sokucheneswa kunoitwa nguo chena kubva kutsvina, uye mutsivireiwo musha uri nani pane wake, nemhuri iri nani pane yake, mupinzeiwo kuParadhiso, uye mudzivirireiwo kubva kumarwadzo emuguva nekumurango wemoto, muwedzereiwo nzvimbo muguva rake, uye muvhenekereiwo. Allah, musatinyime mubairo wake, uye musaite kuti tirasike mushure make), Pedzezvo anoita Takbeer yechina, uye anopa salaam imwechete kurudyi kwake.
Uye zvinokurudzirwa kuti asimudze maoko ake paanoita Takbirah yega yega. Uye kana mushakabvu ari mukadzi, panonzi: Allahumma-ghfir lahā..., uye kana vashakabvu vari vaviri, panonzi: Allahumma-ghfir lahumā..., uye kana vari vazhinji, panonzi: Allahumma-ghfir lahum….(mazwi ese aya anoreva kuti Allah muregererei, Allah varegererei zvichienderana nenhamba yevanhu vari kutaurwa). Asi kana mushakabvu aiva farat (mwana anofa asati asvika zera rekuyaruka), pachinzvimbo chekumukumbirira ruregerero, panonzi: (Allahumma-j'alhu faraṭan wa dhukhran liwālidayhi, wa shafīʿan mujāban. Allahumma thaqqil bihi mawāzīnahumā, wa aʿẓim bihi ujūrahumā, wa alḥiqhu biṣāliḥi salafi-l-muʾminīn, wajʿalhu fī kafālati Ibrāhīma ʿalayhiṣ-ṣalātu was-salāmu, wa qihi biraḥmatika ʿadhāba-l-jaḥīm) (Allah, muitei mutungamiri uye mubairo wakachengeterwa vabereki vake, uye murevereri anogamuchirwa. Allah, itai kuti zvikero zvevabereki vake zviremedzwe nemwana uyu, uye wedzerai naye mibairo yavo, uye mubatanidzei nevakafa kare, vatendi, vakarurama, uye muitei kuti achengetwe naIbraheem (rugare ngaruve kwaari), uye mudzivirirei netsitsi dzenyu kubva kumurango weMoto).
Uye zviri muSunnah ndezvekuti Imam amire pakanangana nemusoro wemurume, uye nepakati pemukadzi. Uye kana paine zvitunha zvakawanda, chitunha chemurume chinoiswa pedyo naImam, uye chemukadzi choiswa kudivi reQiblah. Kana paine vana, mukomana anoiswa pamberi pemukadzi, kwouya mukadzi, kwouya musikana. Uye musoro wemukomana unofanira kunge wakanangana nemusoro wemurume, uye pakati pemukadzi pakanangana nemusoro wemurume. Saizvozvowo musikana, musoro wake unofanirwa kunge wakanangana nemusoro wemukadzi, uye pakati pake pakanangana nemusoro wemurume. Uye vanonamata vese vanofanira kunge vari kumashure kwaImam, kunze kwekunge mumwe chete ashaya nzvimbo kumashure kwaImam, anomira kurudyi rwake.
Chechisere: Nzira yekuviga mufi
Zviri pamutemo wechiIslam kuti guva ridzikiswe kusvika pahudzamu wakaenzana nepakati nepakati pemunhu, uye kuti muve neLahd (gomba diki rinocherwa mukati merusvingo rweguva) kudivi reQiblah. Uye mufi anofanira kuiswa muLahd akarara nerutivi rwake rwerudyi. Mapfundo eKafan (jira rinoputirwa mufi) anofanira kusunungurwa; asi jira racho haribviswe, rinongosiiwa rakadaro. Chiso chake hachifugurwe, zvisinei kuti mufi aive murume kana mukadzi. Zvino pamusoro pake panovharwa nemaLabin (zvidhinha zvevhu zvisina kupiswa), uye zvinonamirwa nevhu kuti zvibate zvakasimba uye zvimudzivirire kubva kuivhu. Kana maLabin asipo, panogona kushandiswa zvimwe zvinhu zvakaita semapuranga, matombo, kana miti zvinomudzivirira kubva kuivhu. Pedzezvo guva rinozadzwa neivhu. Uye zvinokurudzirwa kuti panguva iyoyo pataurwe kuti: “Bismillāh, wa ‘alā millati Rasūlillāh” (Muzita raAllah, uye nenzira yechitendero cheMutumwa waAllah). Guva rinosimudzwa kubva pasi kusvika pamwero weshibr (urefu hwechanza), uye pamusoro paro panoiswa hurungudo kana zvichiita, uye rinosasirwa nemvura.
Zvinotenderwa kuti vaperekedzi vamire paguva vachiitira mufi dua; nekuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vaiti kana vapedza kuviga mufi, vaimira pariri, votaura kuti:
«اسْتَغْفِرُوا لِأَخِيكُمْ، وَاسْأَلُوا لَهُ التَّثْبِيتَ، فَإِنَّهُ الْآنَ يُسْأَلُ».
«Kumbirirai ruregerero hama yenyu, uye mumukumbirire kusimbiswa, nekuti panguva ino ari kubvunzwa»8.
Chepfumbamwe: Uye zvakaiswa pamutemo kune uyo asina kumunamitira kuti amunamitire mushure mekuvigwa;
Nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakaita izvozvo, asi izvi zvinofanira kuitwa mukati memwedzi umwe chete kana kuti mwedzi usati wapera. Kana nguva yacho ikapfuura ipapo, hazvitenderwi kunamatira paguva; nekuti hapana mashoko anoratidza kuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) vakanamatira paguva papfuura mwedzi kubva pakuvigwa kwemufi.
Chegumi: Hazvitenderwi kuti hama dzemufi dzibikire vanhu chikafu; Nekuda kwemashoko aJarir bin Abdullah Al-Bajali, muSahaba anokudzwa (Allah ngavafare naye), anoti:
«كُنَّا نَعُدُّ الِاجْتِمَاعَ إِلَى أَهْلِ الْمَيِّتِ وَصَنْعَةَ الطَّعَامِ بَعْدَ الدَّفْنِ مِنَ النِّيَاحَة».
«Taiona kuungana kumhuri yemufi nekubika zvekudya mushure mekuvigwa sechikamu chekuwungudza (kuchema zvisiri izvo)»9 Yakarondedzerwa naImam Ahmad neisnaad yakanaka,
Hapana chakaipa pakubikira vafirwa kana vaenzi vavo chekudya. Uye zvinokurudzirwa kuti hama dzavo nevavakidzani vavo vavagadzirire chikafu; nekuti Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pavakasvikirwa nenhau dzekushaya kwaJa’far mwanakomana waAbu Twalib (Allah ngavafare naye) kuShaam, vakaraira mhuri yavo kuti vagadzirire mhuri yaJa’far chikafu, vakati:
«إِنَّهُ أَتَاهُمْ مَا يَشْغَلُهُمْ».
«Zvirokwazvo vawirwa nezvinoita kuti vabatikane»10.
Hapana chakaipa pakuti hama dzemufi dzikoke vavakidzani vadzo, kana vamwewo, kuti vadye chikafu chavanenge vapihwa, uye hapana nguva yakatarwa yeizvi maererano nezvatinoziva kubva mumutemo weIslam.
Gumi nechimwe: Hazvitenderwe kumukadzi kuti acheme mufi kwemazuva anodarika matatu, kunze kwemurume wake.
Zvirokwazvo, zvinosungirwa kumukadzi kuti acheme murume wake kwemwedzi mina nemazuva gumi, kunze kwekunge aine pamuviri, nekuti nguva yake yekuchema inopera paanosununguka; nekuda kwekuti Sunnah yechokwadi yakabva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) yakatsinhira izvozvo.
Asi kana ari murume, haatenderwi kuchema ani nani zvake angave hama kana munhu kwenguva refu (semukadzi).
Chegumi nepiri: Zvinotenderwa kuvarume kushanyira makuva nguva nenguva kuti vaitire vafi du'a (munyengetero), nekuvakumbira kuti Allah vavaitire tsitsi, uyewo senzira yekurangarira rufu nezvinouya mushure marwo;
nekuti Muporofita (rugare nemakomborero a Allah ngazvive kwavari) vakataura kuti:
«زُورُوا الْقُبُورَ، فَإِنَّهَا تُذَكِّرُكُمُ الْآخِرَةَ».
(Shanyirai makuva, nekuti anokuyeuchidzai hupenyu hwamangwana)11 Yakarondedzerwa naMuslim muSahih make.
Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari ) vaidzidzisa maṢahābah avo kuti pavanoshanyira makuva vataure kuti:
«السَّلَامُ عَلَيْكُمْ أَهْلَ الدِّيَارِ مِنَ الْمُؤْمِنِينَ وَالْمُسْلِمِينَ، وَإِنَّا إِنْ شَاءَ اللَّهُ بِكُمْ لَاحِقُونَ، نَسْأَلُ اللَّهَ لَنَا وَلَكُمُ الْعَافِيَةَ، يَرْحَمُ اللَّهُ الْمُتَقَدِّمِينَ مِنَّا وَالْمُسْتَأْخِرِينَ».
As-salaamu ʿalaykum ahla ad-diyaari min al-mu’mineena wal-muslimeen, wa innaa in shaa’ Allaahu bikum laaḥiqoon, nas’alu-llaaha lanaa wa lakumu al-ʿaafiyah, yarḥamu-llaahu al-mustaqdimeena minnaa wal-musta’khireen (Rugare ngaruve kwamuri imi vagari vemisha ino, kubva kuvatendi nemaMuslim. Uye zvirokwazvo isu, kana Allah vachida, tichakuteverai. Tinokumbira kuna Allah kuti vatipe isu nemi kugarika kwakanaka. Allah ngavanzwire tsitsi avo vakatitangira pakati pedu, neavo vakasara shure)12.
Kana vari vakadzi havabvumirwi kushanyira makuva; nekuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatuka vakadzi vanoshanyira makuva, uye nekuti pakushanya kwavo panotyirwa kuti panoitika miedzo nekushaya moyo murefu. Saizvozvowo, hazvitenderwe kwavari kuti vaperekedze chitunha kumakuva; nekuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakavarambidza izvozvo. Panyaya yekunamatira mufi muMasjid, kana kuti paMuswalaah, zvinotenderwa kune vese varume nevakadzi pamwechete.
Aya ndiwo magumo ezvakakwanisika kuunganidzika. Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaba avo.
***
الفهرس
Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni . 2
Nhanganyaya yemunyori 2
Chidzidzo Chekutanga: Surah Al-Fatihah nemaSurah mapfupi 3
Chidzidzo Chechipiri: Mapango eIslam 3
Chidzidzo chechitatu: nheyo dzekutenda 4
Chidzidzo chechina: Zvikamu zvehumwechete hwaAllah (Tawhid) pamwe nezvikamu zvekusanganisa Allah nezvisikwa pakunamata (Shirk). 5
Chidzidzo Chechishanu: Al-Ihsaan (Kunamata nemazvo) 12
Chidzidzo Chechitanhatu: Zviga zveSwaalah (munamato) 12
Chidzidzo chechinomwe: Mbiru dzeSwalaah (munamato) 12
Chidzidzo chechisere: Zvinosungirwa paSwalaah 13
Chidzidzo chechipfumbamwe: Tsanangudzo yeTashahhud 14
Chidzidzo cheGumi: maSunnah emuSwaalah. 16
Chidzidzo chegumi nerimwe: Zvinhu zvinoparadza Swalaah. 18
Chidzidzo chegumi nepiri: Zviga zveWudhu 19
Chidzidzo Chegumi netatu: Zvinosungirwa paWudhu 20
Chidzidzo chegumi neina: Zvinokanganisa Wudhu 20
Chidzidzo chegumi neshanu: Kuzvishongedza nehunhu hwakatenderwa kumuMuslim wese 22
Chidzidzo chegumi nenhanhatu: Kuzvishongedza netsika dzechiIslam 22
Chidzidzo chegumi nenomwe: Yambiro pamusoro peShirk uye nemhando dzezvitadzo. 23
Chidzidzo chegumi nesere: Kugadzirira mufi (kuti avigwe), kumuitira Swaalah (munamato), nekumuviga 24
***
sn62v2.1 - 19/04/2026
Yakarondedzerwa naImam Ahmad (5/ 428), naAt-Tabarani muAl-Kabeer (4/ 338), naAl-Bayhaqi muAsh-Shu'ab (14/ 355). Munyori weMajma' Az-Zawa'id (1/ 121) akati: "Yakarondedzerwa naAhmad uye vanhu vakaitaura vanhu vaitaura mahadith echokwadi (anonzi Sahih).
Yakarondedzerwa naImam Ahmad, nhamba (1/ 47).
Yakarondedzerwa naAbu Dawood, nhamba (3251), uye naat-Tirmidhi, nhamba (1535).
Yakarondedzerwa naAbu Dawud, nhamba (4980), naAhmad (5/ 384).
Yakarondedzerwa naIbn Maajah, nhamba (4204), naImam Ahmad (3/ 30).
Yakarondedzerwa naMuslim, nhamba (916-917).
Yakarondedzerwa naAbu Dawud, nhamba (3221), naAl-Haakim (3/ 399).
Yakarondedzerwa naIbn Maajah, nhamba (1612), naImam Ahmad (2/ 204).
Muslim, bhuku rezvekufa (976), Nasaa'i, bhuku rezvekufa (2034), Abu Dawud, bhuku rezvekufa (3234), Ibn Maajah, zvakashumwa pamusoro pezvekufa (1569), Ahmad (2/441).
Yakarondedzerwa naIbn Maajah, nhamba (1569), uye ikanzi yakasimba naAl-Albani.
Yakarondedzerwa naMuslim, nhamba (975).
Majmuu' Fataawaa wa Maqaalaat Mutanawwi'ah (3/ 288- 298).