PHPWord

 

 

التَّحْذِيرُ مِنَ البِدَعِ

 

 

Kuyambira pamusoro peBid‘ah

 

 

 

 

 

لِسَمَاحَةِ الشَّيْخِ العَلَّامَةِ

عَبْدِ العَزِيزِ بْنِ عَبْدِ اللهِ بْنِ بَازٍ

رَحِمَهُ اللهُ

 

Munyori Vanoremekedzwa Sheikh

Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz

 

بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Tsamba yechishanu:

Mutemo wekupemberera kuzvarwa kwaMuporofita (Mawlid an-Nabawiyy) nedzimwewo mhembero dzekuzvarwa kwevanhu (Mawalid.)

Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwechete nemhuri yake nemaSwahaba vake, neavo vanotungamirirwa negwara rake.

Mushure meizvi: Mubvunzo wakadzokororwa nevanhu vazhinji maererano nemutongo wekupemberera kuzvarwa kweMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari, nekumusimukira panguva iyoyo, nekumutumira salaam, nezvimwewo kubva kune izvo zvinoitwa mumhemberero dzeMawlid.

Mhinduro ndeyekuti: hazvitenderwi kupemberera kuzvarwa kweMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kana ani zvake; nekuti izvi zviri muzvinhu zvitsva (bid'ah) zvakaiswa muchitendero; nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) havana kuzviita, kana vatevedzeri vake vakarurama, kana vamwe vese kubva kumaSahabah, Allah ngavafare navo, kana avo vakavatevera mune zvakanaka muzvizvarwa zvakanakisa. Uye ivo ndivo vanhu vane ruzivo rwakanyanya rweSunnah, nerudo rwakakwana kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), pamwe nekutevedzera mutemo wavo kudarika avo vakauya shure kwavo, Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakataura mubhuku ravo rakajeka kuti:

﴿...وَمَآ ءَاتَىٰكُمُ ٱلرَّسُولُ فَخُذُوهُ وَمَا نَهَىٰكُمۡ عَنۡهُ فَٱنتَهُواْ...﴾

{...Uye zvaanokupai Mutumwa zvitorei, uye zvaanokurambidzai zvisiyei...}

[Al-Hashr:7]. Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:

﴿...فَلۡيَحۡذَرِ ٱلَّذِينَ يُخَالِفُونَ عَنۡ أَمۡرِهِۦٓ أَن تُصِيبَهُمۡ فِتۡنَةٌ أَوۡ يُصِيبَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ﴾

{...Saka ngavachenjere avo vanopikisana nemurairo wake kuti vangawirwe nedambudziko kana kuwirwa nemurango unorwadza} [An-Nur : 63] Uye Allah vanorumbidzwa vakati:

﴿لَّقَدۡ كَانَ لَكُمۡ فِي رَسُولِ ٱللَّهِ أُسۡوَةٌ حَسَنَةٞ لِّمَن كَانَ يَرۡجُواْ ٱللَّهَ وَٱلۡيَوۡمَ ٱلۡأٓخِرَ وَذَكَرَ ٱللَّهَ كَثِيرٗا21﴾

{Zvirokwazvo muna Mutumwa waAllah (Muhammad), mune muenzaniso wakanaka kune uyo ane tariro (anovimba) muna Allah neZuva Rekupedzisira uye anorangarira Allah zvakanyanya.} [Al-Ahzaab:21]. Allah vari kumusoro-soro vakati:

﴿وَٱلسَّٰبِقُونَ ٱلۡأَوَّلُونَ مِنَ ٱلۡمُهَٰجِرِينَ وَٱلۡأَنصَارِ وَٱلَّذِينَ ٱتَّبَعُوهُم بِإِحۡسَٰنٖ رَّضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُ وَأَعَدَّ لَهُمۡ جَنَّٰتٖ تَجۡرِي تَحۡتَهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۚ ذَٰلِكَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ100﴾

{Uye avo vakatungamira vekutanga pakati pemaMuhajireen (vakatama) nemaAnsaar (vabatsiri), pamwe neavo vakavatevera mukuita zvakanaka, Allah vachafadzwa navo, uye ivo vachafadzwa navo. Uye vakavagadzirira mapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo. Vachagara imomo nekusingaperi. Ikoko ndiko kubudirira kukuru.} [At-Tawbah: 100]. Allah vari kumusoro-soro vakati:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3]. Uye mavhesi anoreva izvi akawanda. Uye zvakatsinhirwa kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakataura vachiti:

«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنهُ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani nani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi, chisiri cheimomo, zvirokwazvo chinorambwa.» Kureva kuti: chinodzorerwa kwaari. Uye vakataura mune imwe Hadith kuti:

«عَلَيكُم بِسُنَّتِي وَسُنَّةِ الخُلَفَاءِ الرَّاشِدِينَ المَهْدِيَّينَ مِنْ بَعدِي، تَمَسَّكُوا بِهَا، وَعَضُّوا عَلَيهَا بِالنَّوَاجِذِ، وَإِيَّاكُمْ وَمُحْدَثَاتِ الأُمُورِ، فَإِنَّ كُلَّ مُحْدَثَةٍ بِدْعَةٌ وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالةٌ».

«Munofanira kutevedzera gwara (Sunnah) rangu, negwara (Sunnah) revatungamiri (khalifah) vakatungamirirwa kugwara rakarurama, vachauya mumashure mangu, ribatisisei zvakasimba. Uye ngwarirai zvinhu zvitsva zvinounzwa, nokuti zvirokwazvo chinhu chitsva chese chinounzwa ibid'ah, uye bid'ah yese kurasika.» Saka mumaHadith maviri aya mune yambiro yakasimba pamusoro pekuunza zvinhu zvitsva muchitendero (bid'ah), uye nekuzviita.

Uye kuunza zvakaita semhembero dzeMawlid idzi zvinonzwisiswa kubva mazviri kuti Allah, vari kumusoro-soro, havana kuunza chitendero zvakakwana kune ummah ino, uye kuti Mutumwa, makomborero nerugare ngazvive kwavari, havana kuparidzira kuvanhu zvavaifanirwa kuita, kudzamara kwauya vanhu vekumashure, ndokuunza zvitsva mumutemo (Shari’ah) waAllah izvo zvavasina kunge vakabvumidza; vachiti izvozvo ndezvimwe zvezvinovaswededza pedyo naAllah. Uye izvi pasina mubvunzo zvine njodzi huru, uye kupikisa Allah vanorumbidzwa neMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari). Uye Allah (Mwari) vanorumbidzwa vakaita kuti chitendero chive chakanyatsokwana kuvaranda vavo, uye vakazadzikisa nyasha dzavo pavari. Uye Mutumwa, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare, vakasvitsa shoko rakajeka, uye havana kusiya nzira inosvitsa kuParadhiso, kana inobvisa kubva kuMoto, kunze kwekuti vakaitsanangurira kuvanhu, sezvakatsinhirwa muHadith yechokwadi kubva kuna Abdullah bin Amr, Allah ngavafare naye, akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) vakati:

«مَا بَعَثَ اللهُ مِن نَبِيٍ إِلَّا كَانَ حَقًّا عَلَيهِ أَن يَدُلَّ أُمَّتَهُ عَلَى خَيرِ مَا يَعْلَمُهُ لَهُم، وَيُنْذِرَهُمْ شَرَّ مَا يَعْلَمُهُ لَهُمْ».

"Hapana muporofita akatumwa naAllah (Mwari) kunze kwekuti zvaive zvinosungirwa kwaari kuti atungamirire vanhu venguva yake kune zvakanaka zvaaiziva kuti zvakavanakira, uye kuti avayambire pamusoro pezvakaipa zvaaiziva kuti zvakavaipira." Yakarondedzerwa naMuslim mubhuku rake rinonzi Sahih.

Uye zvinozivikanwa kuti Muporofita wedu (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) ndivo vakanakisisa pavaporofita vose uye NDIVO vekupedzisira vavo, uyezve ndivo vakakwana kupfuura vese mukusvitsa shoko nekupa mazano. Saka dai kupemberera mazuva ekuzvarwa (maMawlid) kwaive chikamu chechitendero chinofadza Allah (Mwari), vanorumbidzwa, Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vangadai vakajekesa kuvanhu vavo, kana kuti vangadai vakaiita ( mhembero iyi) muhupenyu hwavo, kana kuti ingadai yakaitwa nemaSwahaaba vavo, Allah ngavafadzwe navo. Saka sezvo pasina chero chimwe cheizvi chakaitika, zvakabva zvazivikanwa kuti (mhembero idzodzo) dzakange dzisiri chikamu cheIslam zvachose, asi kuti ndechimwe chezvinhu zvitsva zvakagadzirwa izvo Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakayambira vanhu vavo nezvazvo, sezvakambotaurwa kare mumaHadith. Uye ndima nemaHadith panyaya iyi dzakawanda.

Zvirokwazvo, boka revadzidzi rakataura zvakajeka pakuramba mhembero dzemaMawlid, nekuyambira pamusoro padzo; vachitevedzera humbowo hwataurwa nezvimwewo, uye vamwe vevakazotevera vakapesana nazvo: saka vakazvibvumidza kana zvisingasanganisire chero chinhu pane zvakaipa; sokupfurikidza mwero pakuremekedza Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), nekusangana kwevakadzi nevarume, nekushandisa zviridzwa zvekuvaraidza, nezvimwewo zvinhu zvinoshorwa nemutemo wakachena, uye vakafunga kuti izvozvo zviri muzvinhu zvitsva zvakanaka (bid'ah yakanaka).

Uye hwaro hwemutemo: kudzosera zvinopokana vanhu mazviri kuBhuku raAllah, neSunnah yeMutumwa wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, sezvakataura Allah vane hukuru kuti:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَ وَأُوْلِي ٱلۡأَمۡرِ مِنكُمۡۖ فَإِن تَنَٰزَعۡتُمۡ فِي شَيۡءٖ فَرُدُّوهُ إِلَى ٱللَّهِ وَٱلرَّسُولِ إِن كُنتُمۡ تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ وَأَحۡسَنُ تَأۡوِيلًا59﴾

{Imi vakatenda, teererai Allah uye teererai Mutumwa, nevane masimba pakati penyu. Naizvozvo kana mukasawirirana pane chimwe chinhu, chidzoserei kuna Allah nemuMutumwa, kana muchitenda muna Allah ) neZuva rekupedzisira. Izvozvo ndizvo zvakanaka uye zvine magumo akanakisa.} [An-Nisa: 59]. Allah vari kumusoro-soro vakatti:

﴿وَمَا ٱخۡتَلَفۡتُمۡ فِيهِ مِن شَيۡءٖ فَحُكۡمُهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِ ...﴾

{Uye chero chinhu chamunopesana pachiri, mutongo wacho uri kuna Allah...} [Ash-Shuura: 10].

Uye takadzosera nyaya iyi: inova yemhemberero dzekuzvarwa, kuBhuku raAllah anorumbidzwa, tikariona richitiraira kutevera Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) mune zvavakaunza, nekutiyambira kusaita zvavakarambidza, uye richitizivisa kuti Allah vanorumbidzwa vakazadzisa chitendero kuvanhu vacho. Uye mhemberero iyi haisi mukati meizvo zvakauya neMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari); saka haisi chikamu chechitendero chakazadziswa naAllah kwatiri, uye chavakatiraira kutevera Mutumwa machiri.

Uye takadzorera izvozvo - zvakare -: kuSunnah yeMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari); asi hatina kuwana mairi kuti vakaita izvozvo, uye havava kuraira kudaro. Uyezve maSwahaaba vake (Allah ngavafare navo) havana kuzviita. NaIzvozvo takabva taziva kubva mune izvozvo kuti hazvisi zvechitendero, asi kuti ibid'ah yakadzakagadzirwa, uye kutevedzera vanhu veBhuku, vanova maJudha nemaKristu mumhemberero dzavo.

Nokudaro zvinobva zvajeka kune munhu wese ane kunyange njere shoma dzekunzwisisa, ane chido chechokwadi uye akarurama mukuchitsvaga, kuti kupemberera maMawlid (mhemberero dzekurangarira zuva rekuzvarwa) hakusi muIslam, asi kuti zvinobva muzvinhu zvitsva muchitendero (bid'ah), izvo Allah vanorumbidzwa neMutumwa wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vakaraira kuti tizvisiye nekuzvingwarira. Uye munhu akachenjera haafaniri kunyengedzwa nehuwandu hwevanhu vanozviita mumatunhu ose, nokuti chokwadi hachizivikanwi nehuwandu hwevanozviita, asi chinozivikanwa nehumbowo hwechitendero, sekutaura kwaAllah vekumusoro-soro nezvemaJuda nemaKristu kuti:

﴿وَقَالُواْ لَن يَدۡخُلَ ٱلۡجَنَّةَ إِلَّا مَن كَانَ هُودًا أَوۡ نَصَٰرَىٰۗ تِلۡكَ أَمَانِيُّهُمۡۗ قُلۡ هَاتُواْ بُرۡهَٰنَكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ111﴾

{Uye vakati: “Hapana achapinda Paradhiso kunze kweavo vari MaJudha kana MaKristu.” Izvozvo Ndizvo zvishuviro zvavo. Iti: “Uyai nehumbowo hwenyu kana muchitaura chokwadi.”} [Al-Baqarah: 111]. Allah vari kumusoro-soro vakati:

﴿وَإِنْ تُطِعْ أَكْثَرَ مَنْ فِي الْأَرْضِ يُضِلُّوكَ عَنْ سَبِيلِ اللَّهِ...﴾

{Uye kana ukateerera vazhinji vari panyika, vachakutsausa kubva munzira yaAllah.....}

[Al-An‘aam: 116].

Uyezve ruzhinji rwemhemberero idzi dzemazuva ekuzvarwa, pamusoro pekuva dziri bid'ah, hadzishayi kusanganisira zvimwe zvinhu zvakarambidzwa; sekusangana kwevakadzi nevarume, nekushandisa nziyo nezviridzwa, nekunwa zvinodhaka, nezvimwewo zvakaipa. Uye mukati memhemberero idzi munogona kuitika zvakakura kudarika izvozvo, inova Shirk huru, uye izvi zvinouya kuburikidza nekunyanya kukudza Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kana vamwewo vanhu vakarurama (maAwliyaa), nekuita du'a kwaari, nekukumbira rubatsiro kwavari, nekukumbira rutsigiro kwaari, uye kutenda mumoyo kuti anoziva zvakavanzika, nezvimwewo zvakadaro muzvinhu zvinoratidza kusatenda zvinoitwa nevanhu vakawanda pavanopemberera kuzvarwa kweMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nevamwewo vavanoti maAwliyaa. Zvirokwazvo zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati:

«إِيَّاكُم وَالغُلُوُّ فِي الدِّينِ، فَإِنَّمَا أَهْلَكَ مَن كَانَ قَبْلَكُم الغُلُوَّ فِي الدِّينِ».

«Ngwarirai kupfurikidza mwero muchitendero, nekuti zvirokwazvo kupfurikidza muchitendero ndiko kwakaparadza avo vaive pamberi penyu.» Uye Mutumwa, rugare nemakomborero ngazvive pavari, vakati:

«لَا تُطْرُونِي كَمَا أَطْرَتِ النَّصَارَى ابْنَ مَرْيَمَ، إِنَّمَا أَنَا عَبدٌ، فَقُولُوا: عَبدُ اللهِ وَرَسُولُه».

«Musandirumbidze zvakanyanyisa sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya, chokwadi ini ndingori muranda, saka itai: Muranda waAllah uye Mutumwa wake». Yakarondedzerwa naAl-Bukhari muSahih yake, kubva muHadith yaUmar, Allah ngavafadzwe naye.

Pazvinhu zvinoshamisa nezvinokatyamadza pane zvekuti: vanhu vazhinji vanoshingaira nekuzvipira kuenda kumhemberero dzebid'ah idzi, vachidzirwira, asi vachisiya izvo zvakasungirwa pavari naAllah zvekuenda kuminamato yeJumu'ah neyegungano, vasingatombozvinetsi nazvo, uye havaoni kuti vaita chakaipa chikuru. Hapana mubvunzo kuti izvi zvinokonzerwa nekutenda kusina kusimba, kushomeka kwenzwisiso, nekuwanda kwemhando dzezvitadzo nekusateerera zvakafukidza. Tinokumbira kuti Allah vaite kuti tigare zvakanaka isu nemaMuslim ese.

Uye pane izvozvo: kuti vamwe vavo vanofunga kuti Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vanouya pamhembero yeMawlid. Naizvozvo vanovasimukira vachivakwazisa nekuvagamuchira, uye izvi inhema dzakakura zvikuru nekusaziva kwakaipisisa, nekuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) havabudi muguva ravo Zuva reKumutswa risati rasvika, uye havasangani nemunhu chero upi zvake muvanhu, uye havauye mumagungano avo, asi ivo vanoramba vari muguva ravo kusvika Zuva reKumutswa.Uye mweya wake uri munzvimbo dzepamusoro-soro dzeʿIlliyyīn kuna Tenzi wake, muImba yeKukudzwa, sezvakataurwa naAllah vekumusoro-soro.

﴿ثُمَّ إِنَّكُمْ بَعْدَ ذَلِكَ لَمَيِّتُونَ15 ثُمَّ إِنَّكُمْ يَوْمَ الْقِيَامَةِ تُبْعَثُونَ16﴾

{Zvadaro, zvirokwazvo, mushure meizvozvo muchafa 15}

{Zvadaro, zvirokwazvo, pazuva rekumutswa muchamutswa 16} [Al-Muʿminuun: 15, 16].

Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:

«أَنَا أَوَّلُ مَنْ يَنْشَقُّ عَنْهُ القَبْرُ يَومَ القِيَامَةِ، وَأَنَا أَوَّلُ شَافِعٍ، وَأَوَّلُ مُشَفَّعٍ».

«Ini ndini wekutanga achatsemurirwa guva paZuva reKumutswa, uye ini ndini murevereri wekutanga, uye wekutanga kugamuchirwa kureverera kwake». Makomborero nerugare zvakanakisa kubva kuna Tenzi wake ngazvive pavari.

Saka mavhesi maviri aya anoremekedzwa, neHadith inoremekedzwa, nezvakauya zvine zvinoreva zvakafanana nazvo kubva mumavhesi nemaHadith: zvose izvi zvinoratidza kuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nevamwewo vakafa, vanongobuda kubva mumakuva avo paZuva reKumutswa, uye iyi inyaya yakabvumiranwa pakati penyanzvi dzemaMuslim; uye hapana kupokana pakati pavo. Saka zvakakodzera kumuMuslim wese kungwarira zvinhu izvi, uye kuchenjerera izvo zvakaunzwa nevasingazivi nevakaita saivo pamabid'ah nekutenda kwenhema; izvo Allah vasina kudzikisa humbowo hwazvo. Uye Allah ndivo vanokumbirwa rubatsiro, uye ndivo vanovimbwa navo, uye hapana simba kana kugona kunze kwavo.

Asi kukumbirira makomborero nerugare kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari,: ndechimwe chezviito zvakanakisisa zvekuswedera pedyo naAllah, uye chiri chimwe chemabasa akanaka, sezvakataura Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿إِنَّ ٱللَّهَ وَمَلَٰٓئِكَتَهُۥ يُصَلُّونَ عَلَى ٱلنَّبِيِّۚ يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ صَلُّواْ عَلَيۡهِ وَسَلِّمُواْ تَسۡلِيمًا56﴾

{Zvirokwazvo, Allah (Mwari) nengirozi dzavo vanotumira makomborero kune Muporofita. Imi vanotenda, mutumirei makomborero uye mumukwazise nekwaziso yerugare.} [Al-Ahzaab: 56] Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:

«مَنْ صَلَّى عَلَيَّ وَاحِدَةً؛ صَلَّى اللهُ عَلَيهِ بِهَا عَشْرًا».

«Uyo anonditumira maropafadzo kamwechete; Allah vanomuropafadza nekuda kwazvo kagumi.» Uye zvinotenderwa panguva dzose, uye zvakatsinhirwa pakupera kweSwalaah yega yega, kana kutoti zvinosungirwa semaonero eboka renyanzvi dzechitendero muTashahhud yekupedzisira yeSwalaah yega yega. Uye kuve Sunnah kwazvo kunotsinhirwa panzvimbo zhinji; dzinosanganisira mushure meAdhaan, uye panotaurwa zit reMutumwa (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari), nepazuva reJumu’ah nehusiku hwaro, sezvo humbowo hunoratidza izvi huri mumaHadith mazhinji.

Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigonese, pamwe nemaMuslim vose, kunzwisisa chitendero chavo nekumira zvakasimba pachiri, uye kuti vaitire nyasha vose kuti vabatisise Sunnah, nekuchenjerera bid'ah. Zvirokwazvo, ndivo mupi, vane rupo.

Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaaba avo.

 

 

***

 


بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Tsamba yechitanhatu:

Mutongo wekupemberera husiku hweIsraa' neMi'raj

Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwe chete nemhuri yavo nemaSwahaaba vavo.

Ndichienderera mberi: hapana kupokana kuti rwendo rweIsra (kuenda kuBaytul Maqdis) neMi’rāj (kuenda kudenga) ndezvimwe zvezviratidzo zvikuru zvaAllah zvinoratidza chokwadi cheMutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari), nehukuru hwenzvimbo yavo pamberi paAllah (hukuru hwavo ngahukudzwe), sezvo zvirizve humbowo hwesimba raAllah rinoshamisa, nekuve kwavo ivo vanorumbidzwa pamusoro pezvisikwa zvavo zvese. Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakati:

﴿سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِيٓ أَسۡرَىٰ بِعَبۡدِهِۦ لَيۡلٗا مِّنَ ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِ إِلَى ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡأَقۡصَا ٱلَّذِي بَٰرَكۡنَا حَوۡلَهُۥ لِنُرِيَهُۥ مِنۡ ءَايَٰتِنَآۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ1﴾

{Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah vakaita kuti muranda wavo afambe husiku kubva kuMasjid Al-Haram kuenda kuMasjid Al-Aqsa, iyo yatakakomborera zvakaipoteredza, kuti timuratidze zvimwe zvezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru1} [Al-Isra: 1].

Zvinozivikanwa kuburikidza nhaurwa dzakawanda dzechokwadi kubva kuMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti vakakwidzwa kuenda kumatenga, vakavhurirwa misuwo yawo kwavari kusvika vadarika denga rechinomwe. Tenzi vavo vanorumbidzwa vakabva vataura navo zvavaida kutaura, uye vakaita kuti minamato mishanu (Swalāh) ive yakasungirwa kwavari. Pakutanga, Allah vanorumbidzwa vakanga vaita kuti minamato makumi mashanu ive yakasungirwa asi Mutumwa wedu Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) vakaramba vachidzokera kwavari vachikumbira kurerutsirwa, kusvika vaita kuti ive mishanu. Saka minamato iyi mishanu pakusungirwa, uye makumi mashanu pamubairo; nekuti chiito chakanaka chinopihwa mubairo wakapetwa kagumi zvakaenzana nacho, saka rumbidzo nekutenda ngazvive kuna Allah pamakomborero avo ese.

Uye husiku uhwu hwakaitika rwendo rwehusiku (Isra) nekukwidzwa kuenda kudenga (Mi'raj), hauna kudomwa mumahadith echokwadi, mungave mumwedzi weRajab kana mumwe mwedzi, uye zvese zvakataurwa pakutarwa kwahwo hazvina kutsinhirwa kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) sekutaura kwenyanzvi dzeHadith. Uye Allah vane huchenjeri hwepamusoro mukuita kuti vanhu vahukanganwe, uye kunyange dai kutarwa kwahwo kwakatsinhirwa, zvasaibvumirwa kumaMuslim kuti vahutsaure nechero ipi zvayo yenzira yekunamata, uye hazvaibvumirwa kwavari kuti vahupemberere; nekuti Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) nemaSwahaaba avo (Allah ngavafare navo) havana kuhupemberera, uye havana kuhutsaura nechero chii zvacho," Uye dai kupemberera kwacho chaive chinhu chakatarwa, Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vangadai vakazvijekesera kuUmmah nemashoko kana nezviito. Uye dai chimwe cheizvi zvakaitika dai chakazivikanwa uye chakaita mukurumbira, uye maSwahaabah, Allah (Mwari ngavafare navo) vangadai vakachisvitsa kwatiri, nekuti vakasvitsa kubva kuMuporofita wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) zvinhu zvose zvinodiwa neUmmah, uye havana kusiya kana chinhu chimwechete zvacho muchitendero, asi kuti ndivo vaive vekutanga kune zvakanaka zvose, saka dai kupemberera husiku uhwu chaive chinhu chakatarwa, vangadai vaive vanhu vekutanga kuzviita. Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) ndiye mupi wemazano akanaka kupfuura vanhu vese kuvanhu, uye akasvitsa hutumwa zvakakwana zvizere, ndokuzadzikisa chivimbo. Saka dai kukudza husiku uhwu pamwe nekuhupemberera zvaive chikamu chechitendero chaAllah, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) haaizoshaya hanya nazvo kana kuzvivanza. Asi sezvo pasina chero chinhu chaizvozvo chakaitika; zvinoratidza pachena kuti kuhupemberera nekuhukudza hakusi chikamu cheIslam pachero chinhu zvacho. Zvirokwazvo Allah vakaita kuti chitendero ichi chive chakakwana kuUmmah ino, ndokuzadzikisa nyasha dzavo pairi, uye vakaramba avo vanoisa mitemo muchitendero kune izvo zvisina kubvumirwa naAllah. Naizvozvo, Allah varikumusoro-soro muGwaro ravo rakajeka vakati:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3], Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:

﴿أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَٰٓؤُاْ شَرَعُواْ لَهُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا لَمۡ يَأۡذَنۢ بِهِ ٱللَّهُۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةُ ٱلۡفَصۡلِ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۗ وَإِنَّ ٱلظَّٰلِمِينَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ21﴾

{Kana kuti vane vabatsiri vakavagadzirira chitendero chisina mvumo kubva kuna Allah? Uye dai rakanga risiri shoko rechokwadi (rakataurwa) naAllah iyi nyaya ingadai yakatongwa pakati pavo. Uye zvirokwazvo, vanoita zvakaipa vachava nemurango unorwadza.} [Ash-Shuura: 21].

Uye zvakashumwa zvechokwadi kubva kuMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, mumahadith echokwadi: kuyambira pamusoro pekuunza mabid'ah, uye nekujekesa kuti ikoko kutsauka; kuitira kuyambira Ummah pamusoro pekukuru kwenjodzi yacho, uye nekuvadzivisa kuti vasaiite. Izvi zvinosanganisira: zvakashumwa zvechokwadi muSahihayn kubva kuna Aisha, Allah ngavafare naye, kubva kuMuporofita, makomborero nerugare zvaAllah (Mwari) ngazvive kwavari, kuti vakati:

«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ؛ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisingabvi machiri; zvirokwazvo chinorambwa». Uye imwe nhaurwa yaMuslim inoti:

«مَنْ عَمِلَ عَمَلًا لَيْسَ عَلَيهِ أَمْرَنَا؛ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani naani anoita basa risiri pamurairo wedu; rinorambwa.» Uye muSahih Muslim zvakaturwa kubva kuna Jaabir (Allah ngavafare naye), akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vaigarotaura mumharidzo (khutbah) yavo pazuva reJum'ah vachiti:

«أَمَا بَعْدَ، فَإِنَّ خَيرَ الحَدِيثِ كِتَابُ اللهِ، وَخَيرَ الهَدْيِ هَدْيُ مُحَمَّدٍ ﷺ، وَشَرَّ الأُمُورِ مُحْدَثَاتُهَا، وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».

"Ndichienderera mberi: Zvirokwazvo, mashoko akanakisisa iBhuku raAllah, uye nhungamiro yakanakisisa inhungamiro yaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pamusoro pake), uye zvinhu zvakaipisisa ndezviya zvakagadzirwa zvitsva (bid'ah), uye bid'ah yese kurasika." An-Nasaa'i akawedzera neSanad yakanaka:

«وَكُلَّ ضَلَالَةٍ فِي النَّارِ».

"«Uye kurasika kwese magumo acho kuMoto.»" Uye muSunan Al-Irbaad bin Sariyah (Allah ngavafare naye) avo vakati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatipa mharidzo inobaya mwoyo, yakaita kuti mwoyo ibatwe nekutya, uye maziso akayerera misodzi, ndokubva tati: “Imi Mutumwa waAllah, iyi inoita sekunge imharidzo yemunhu ari kuoneka, saka tipei rairo.” Ndokubva vati:

«أُوصِيكُم بِتَقْوَى اللهِ وَالسَّمعِ وَالطَّاعَةِ وَإِنْ تَأَمَّرَ عَلَيكُم عَبدٌ، فَإِنَّهُ مَنْ يَعِشْ مِنْكُم فَسَيَرَى اخْتِلَافًا كَثِيرًا، فَعَلَيكُم بِسُنَّتِي وَسُنَّةِ الخلُفَاءِ الرَّاشِدِينَ المَهْدِيِّينَ مِنْ بَعْدِي، تَمَسَّكُوا بِهَا وَعَضُّوا عَلَيْهَا بِالنَّوَاجِذِ، وَإِيَّاكُم وَمُحْدَثَاتِ الأُمُورِ، فَإِنَّ كُلَّ مُحْدَثَةٍ بِدْعَةٍ وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».

«Ndinokurairai kuti muve munotya Allah, nekunzwa uye kuteerera, kunyange mukatungamirirwa nemuranda, nekuti zvirokwazvo uyo achararama pakati penyu achaona kupesana kwakawanda. Naizvozvo, teverai Sunnah yangu neSunnah yemakhalifah akatungamirirwa kugwara rakarurama uye vakapihwa nhungamiro mushure mangu, ibatisisei zvakasimba. Uye chenjerai zvinhu zvitsva, nekuti chinhu chitsva chega chega ibid'ah, uye bid'ah yega yega kurasika.» Uye maHadith anoreva izvi mazhinji.

Uye zvakatsinhirwa kubva kumaSwahaaba aMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), uye nevatsvene vekare (As-Salaf Asw-Swaalih) mushure mavo; kuti vakayambira pamusoro pebid'ah nekutyisidzira vanhu nezvawo; uye izvi zvinodaro chete nekuti kuwedzeredza muchitendero, nekuisa zvinhu zvisina kupihwa mvumo naAllah, uyezve kufanana nevavengi vaAllah, maJudha nemaKristu mukuwedzera kwavo muchitendero chavo, nekuunza mabid'ah) machiri zvisina kupihwa mvumo naAllah. Uyezve mhedzisiro yazvo kudzikisira chitendero cheIslam, nekuchipomera mhosva yekuti hachina kukwana. Zvinonyatsozivikanwa kuti mune izvi mune huipi kukuru, nezvakaipa zvinonyangadza, pamwe nekupikisana nekutaura kwaAllah (hukuru hwavo ngahukudzwe) kuti:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri...} [Al-Maaidah: 3]. Uye mune kupesana kuri pachena nemaHadith eMutumwa, makomborero nerugare ngazvive paari, anoyambira nezvebida'h nekurambidza vanhu kuzviita.

Zvadaro, ndinovimba kuti mune zvandataura zvehumbowo mune zvakakwana uye zvinogutsa kune anotsvaga chokwadi pakuramba bid'ah iyi; ndinoreva: bid'ah yekupemberera husiku hweIsra' neMi'raj, nekuyambira nezvayo, uye kuti haisi chikamu chechitendero cheIslam zvachose.

Uye nemhaka yezvakasungirwa naAllah zvekupa mazano kumaMuslim, nekujekesa mitemo yechitendero yakatarwa naAllah kwavari, uye nekurambidza nyaya yekuvanza ruzivo; ndakaona zvakakodzera kuyambira hama dzangu maMuslim pamusoro peBid'ah iyi, iyo yatekeshera munzvimbo zhinji, kusvika vamwe vanhu vafunga kuti chikamu chechitendero.

Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vagadzirise mamiriro emaMuslim vose, nekuvagovera nzwisiso muchitendero, uye kuti vatigonese isu naivo kubatisisa pachokwadi nekumira takasimba pachiri, nekusiya zvinopikisana nacho. Zvirokwazvo, ndivo vane masimba pamusoro pazvo, uye vanokwanisa kuzviita.

Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare nekuropafadza Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaaba avo.

 

 

***

 


بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Tsamba yechinomwe:

Mutemo wekupemberera husiku hwepakati pemwedzi weSha'baan

Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, avo vakapedzisa kwatiri chitendero, uye vakatizadzisira makomborero avo. Tsitsi nerugare rwaAllah ngazvive kune Muporofita wavo uye Mutumwa wavo Muhammad, Muporofita wekutendeuka netsitsi.

Ndichienderera mberi ndinoti: zvirokwazvo Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Ma'idah: 3]. Allah varikumusoro-soro vakati:

﴿أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَٰٓؤُاْ شَرَعُواْ لَهُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا لَمۡ يَأۡذَنۢ بِهِ ٱللَّهُ...﴾

{Kana kuti vane vamwe vavanosanganisa mukunamata Allah vakavagadzirira chisina mvumo kubva kuna Allah...} [Ash-Shura: 21]. Uye mumabhuku maviri eSahih mune nhaurwa kubva kuna Aisha (Allah ngavafare naye) kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kuti vakati:

«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ؛ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisina kubva machiri; chinorambwa.» Uye muSahih Muslim mune hadith yakabva kuna Jaabir, Allah ngavafare naye, yekuti Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vaiwanzotaura mumharidzo yeJumu'ah vachiti:

«أَمَّا بَعْدُ: فَإِنَّ خَيرَ الحَدِيثِ كِتَابُ اللهِ، وَخَيرَ الهَدْيِ هَدْيُ مُحَمَّدٍ صَلَّى اللهُ عَلَيهِ وَسَلَّمَ، وَشَرَّ الأُمُورِ مُحْدَثَاتُهَا، وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».

"«Tichienderera mberi: Zvirokwazvo, mashoko akanakisa iBhuku raAllah, uye gwara rakanakisa igwara raMuhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), uye zvinhu zvakaipisisa ndizvo zvitsva zvinogadzirwa mazviri, uye chinhu chitsva choga choga muchitendero kurasika.»" Uye mavhesi nemaHadith anoreva izvi akawanda, uye anoratidza zvakajeka kuti Allah vari kumusoro-soro vakazadzisa chitendero kuummah ino, uye vakazadzikisa nyasha dzavo kwairi. Uye Muporofita wavo, makomborero nerugare ngazvive kwavari, havana kushaya kusvikira vapedza kusvitsa shoko zvakajeka, uye vakajekesera vanhu zvese zvakarairwa naAllah zvemashoko neazviito. Uye Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatsanangura kuti zvese zvinotangwa nevanhu mushure make vachizvibatanidza nechitendero cheIslam pamashoko kana zviito; zvese izvozvo ibid'ah isingatambirwi kubva kune uyo anenge aitanga, kunyange kana chinangwa chake chaive chakanaka. Uye maSwahaaba vaMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaiziva nyaya iyi, uye nevadzidzi vechitendero cheIslam vakauya mushure mavo vaiizivawo. Saka vakaramba bid'ah, uye vakayambira nezvayo, sezvakataurwa nemunhu wese akanyora mabhuku pamusoro pekukudza Sunnah nekuramba bid'ah saIbn Waddaah, at-Twurtwuushi, Abu Shaamah, nevamwewo.

Uye zvirokwazvo mabid'ahakatangwa nevamwe vanhu muchitendero anosanganisira: bid'ah yekupemberera husiku hwepakati pemwedzi waSha'baan, nekutsaurwa kwezuva racho kuriita musi wekutsanya. Uye hapana humbowo pane izvozvo hunotenderwa kuvimbwa naho, uye kune maHadith asina kusimba akataurwa maererano nekunaka kwekutsanya kwacho, ayo asingatenderwi kuvimbwa nawo.

Zvakarondedzerwa pamusoro pekukosha kweSwalaah pazuva iri; zvese izvi ndezvekugadzirwa, sekujekesa kwakaita vadzidzi vazhinji nezvazvo, uye mamwe mashoko avo ndichazomataura kana Allah vachida.

Uye kwakarondedzerwa nezvezuva iri - zvakare - nhaurwa kubva kune mamwe maSalaf vekuShaam nevamwe vavo.

Zvakawirirana vadzidzi vazhinji pamusoro pazvo ndezvekuti kupembererwa kwehusiku uhwu ibid'ah, uye kuti maHadith akataurwa pamusoro pekukosha kwahwo ose haana kusimba, uye mamwe acho ndeenhema. Pakati peavo vakayambira pamusoro peizvi pana Al-Haafidhh Ibn Rajab, mubhuku rake rinonzi: Latwaa'if Al-Ma'aarif, nevamwe. Zvinozivikanwa kuti maHadith asina kusimba anoshandiswa chete muzviito zvekunamata izvo hwaro hwazvo hwakatsinhirwa nehumbowo hwakasimba. Kupemberera husiku hwepakati pemwedzi weSha'ban hakuna hwaro hwechokwadi zvekuti kungatsigirwe nemaHadith asina kusimba. Imaam Abul Abbas Sheikh al-Islam Ibn Taymiyyah, Allah ngavamunzwire tsitsi vakataura mutemo uyu mukuru.

Uye ndinokuunzira - iwe muverengi - zvakataurwa nevamwe vadzidzi vechitendero panyaya iyi, kuitira kuti uve nenzwisiso yakajeka pamusoro pazvo.

Vadzidzi vechitendero (Allah ngavavanzwire tsitsi) vakabvumirana pamwechete kuti zvinosungirwa ndeizvi: kudzorera nyaya idzo vanhu vanopikisana pamusoro padzo kuBhuku raAllah, hukuru hwavo ngahukudzwe, uye kuSunnah yaMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare). Saka izvo zvinotarwa nezvinhu zviviri izvi kana chimwe chazvo, ndiyo Shari'ah inosungirwa kuteverwa, uye izvo zvinopikisana nazvo zvinosungirwa kuraswa, uye izvo zvisina kuuya mazviri pamusoro pemabasa ekunamata ibid'ah isingabvumidzwi kuitwa, uye hazvibvumirwe kukoka vanhu kwazviri nekuzvikurudzira. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَ وَأُوْلِي ٱلۡأَمۡرِ مِنكُمۡۖ فَإِن تَنَٰزَعۡتُمۡ فِي شَيۡءٖ فَرُدُّوهُ إِلَى ٱللَّهِ وَٱلرَّسُولِ إِن كُنتُمۡ تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ وَأَحۡسَنُ تَأۡوِيلًا59﴾

{Imi vanotenda! teererai Allah uye teererai Mutumwa, neavo vane masimba pakati penyu. Uye kana mukasawirirana pane chimwe chinhu, chidzoserei kuna Allah nemuMutumwa, kana muchitenda muna Allah neئuva rekupedzisira. Izvozvo ndizvo zvakanaka uye zvine magumo akanakisa. 59} [An-Nisa: 59]. Allah varikumusoro-soro vakati:

﴿وَمَا ٱخۡتَلَفۡتُمۡ فِيهِ مِن شَيۡءٖ فَحُكۡمُهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِ...﴾

{Uye chero chinhu chamunopesana machiri, mutongo wacho uri kuna Allah ...} [Ash-Shuura: 10]. Allah varikumusoro-soro vakati:

﴿قُلۡ إِن كُنتُمۡ تُحِبُّونَ ٱللَّهَ فَٱتَّبِعُونِي يُحۡبِبۡكُمُ ٱللَّهُ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡ...﴾

{Iti: Kana muchida Allah, nditeverei Ini, Allah vachakudai uye vachakuregererai zvivi zvenyu...} [Aal Imraan: 31]. Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:

﴿فَلَا وَرَبِّكَ لَا يُؤۡمِنُونَ حَتَّىٰ يُحَكِّمُوكَ فِيمَا شَجَرَ بَيۡنَهُمۡ ثُمَّ لَا يَجِدُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ حَرَجٗا مِّمَّا قَضَيۡتَ وَيُسَلِّمُواْ تَسۡلِيمٗا65﴾

{Asi kwete, ndinopika naTenzi vako, havazovi vatendi kusvikira vakuita iwe mutongi mune izvo zvavanopokana pakati pavo, uye voshaiwa dambudziko mumoyo nezvaunenge watonga, uye vozvipira zvizere.} [An-Nisa: 65]. Ndima dzinoreva izvi dzakawanda, uye humbowo hunoratidza kusungirwa kwekudzorera nyaya dzekusawirirana kuQur'an neSunnah, nekusungirwa kwekugutsikana nemutongo wazvo, uye kuti izvozvo ndizvo zvinodiwa nekutenda, uye zvakanakira varanda munguva ino neinozouya, uye zvine dudziro yakanakisa: zvichireva mhedzisiro.

Al-Hafidh Ibn Rajab (Allah ngavamunzwire tsitsi) mubhuku rake: (Lataif Al-Ma'arif) panyaya iyi - mushure memashoko apfuura - akataura mashoko anoti:

«MaTabi'un aibva kuvanhu vekuSham; vakaita saKhalid bin Ma'dan, Mak-hul, Luqman bin 'Amir, vaikudza husiku hwepakati peSha'ban, vachishanda nesimba mahuri pakunamata, uye vanhu vakatora kubva kwavari kukosha nekukudzwa kwehusiku uhwu." Uye zwakataurwa kuti: vakawana dzimwe nhaurwa kubva kumaIsraeri pamusoro pazvo. Saka izvi pazvakaita mukurumbira munyika mavo, vanhu vakasiyana pane izvozvo. Vamwe vakazvitambira kubva kwavari, uye vakabvumirana navo pakuzvikudza. Pakati pavo paine boka revanamati vekuBasra nevamwewo. Vadzidzi vakawanda vekuHijaz vakaramba izvozvo, vanosanganisira 'Atwaa, naIbn Abi Mulaykah, uye zvakarondedzerwa naAbdur-Rahman bin Zaid bin Aslam, kubva kuvadzidzi vefiqh vekuMadinah, uye ndiwo maonero evateveri vaMalik nevamwe, uye vakati: "Izvozvo zvose ibid'ah."

Uye vadzidzi vekuShaam vakasiyana pamusoro pemaitirwo ekupedza husiku hwepakati peSha'ban uchinamata uye vakave nemaonero maviri:

Mamwe acho: Kuti zvinokurudzirwa kupedza husiku uhwu muchinamata mugungano mumaMasjid. Khalid bin Ma'daan naLuqmaan bin Aamir nevamwewo vaipfeka nhumbi dzavo dzakanakisa husiku uhwu, nekuzvipfungaidzira zvinonhuhwirira nekuzora kohl, uye vaimira vachinamata muMasjid husiku ihwohwo. Uye Ishaaq bin Raahawayh akawirirana navo pane izvozvo. Pamusoro pekumira vachinamate husiku mumasjid mugungano, akati: "Izvozvo hazvisi bid'ah." Izvi zvakataurwa naHarb mubhuku rake rinonziMasaa'il.

Echipiri acho: kuti zvakavengwa kuunganira mhembero idzi mumaMasjid nekuita Swalaah, kutaura nyaya, uye du'a. Uye hazvina kuvengwa kuti munhu aite Swalaah yake ega. Aya ndiwo maonero aAl-Awza'i, Imaam wevanhu vekuShaam, nyanzvi yavo yefiqh, uyemudzidzi wavo mukuru, uye izvi ndizvo zviri pedyo nechokwadi, kana Allah vachida. Kusvikira paakati: «Hapana mashoko anozivikanwa aImam Ahmad pamusoro pehusiku hwepakati peSha'ban, uye panoburitswa nzira mbiri dzerondedzero kubva kwaari maererano nekukurudzirwa kwekuita minamato husiku hwemhembero dze Eid, nekuti zvirokwazvo (mune imwe nzira yerondedzero ) haana kukurudzira kuita minamato iyoyo negungano (Jama'ah); nekuti hazvina kurondedzerwa kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) nemaSwahabah avo. "Uye akaikurudzira (mune imwe nhoroondo), nekuda kwekuti Abdur-Rahman bin Yaziid bin Al-Aswad akazviita, uye aive mumwe wemaTaabi'iin.Saka zvakadarowo kuita munamato pakati pehusiku hwepakati peSha'ban, hapana chakatsinhirwa nezvazvo kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahaaba avo, asi zvakatsinhirwa kubva kune rimwe boka remaTaabi'iin pakati penyanzvi dzefiqh dzine mukurumbira dzevanhu vekuShaam»."

Pano ndipo papera zvandaida mumashoko aAl-Hafidh Ibn Rajab, Allah ngavamunzwire tsitsi, uye maari anotaura zvakajeka kuti hapana chinhu chakatsinhirwa kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahaabah vavo, Allah ngavafadzwe navo, maererano nehusiku hwepakati peSha'ban.

Asi zvakasarudzwa naAl-Awzaa'i (Allah vamunzwire tsitsi) zvekukurudzira kuita munamato uyu kuvanhu mumwe nemumwe, nekusarudza kwakaita Al-Hafidh Ibn Rajab maonero aya, zvirokwazvo izvi zvinoshamisa uye hazvina simba; nekuti chinhu chese chisina kutsinhirwa nehumbowo hweShari'ah kuti chinotenderwa, hazvitenderwi kumuMuslim kuti achiise muchitendero chaAllah, kungava kuchiita ari ega kana ari muboka, uye kungava kuchiita pakavanda kana pachena. Izvi zvinobva pakuzara kwechirevo cheMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):

«مَنْ عَمِلَ عَمَلًا لَيْسَ عَلَيهِ أَمْرُنَا؛ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani naani anoita basa risingaenderani nemurairo wedu; rinorambwa». Uye kune humwe humbowo hunoratidza kuramba mabid'ah nekuyambira nezvazvo.

Imam Abu Bakr al-Twurtwuushi, Allah ngavamunzwire tsitsi, akati mubhuku rake rinonzi Al-Hawaadith wal-Bida':

«Ibn Wadaah akarondedzera kubva kuna Zayd bin Aslam, kuti akati: Hatina kumboona ani zvake muvakuru vedu kana munyanzvi dzedu dzechitendero aipa hanya kumunamato wepakati peSha’ban, kana kupa hanya kuhadith yaMakhul, uye vaisaiona iine hukuru kudarika zvimwe zvese».

Uye zvakanzi kuna Ibn Abi Mulaykah: Zvirokwazvo Ziyad an-Numayri anoti: «Zvirokwazvo mubairo wehusiku hwepakati pemwedzi weSha'ban wakafanana nemubairo wehusiku hweQadr», Akabva ati: «Dai ndakamunzwa ndiine muti muruoko rwangu, ndingadai ndamurova» Uye Ziyad aive mutauri wenyaya, ndipo pagumira zvandanga ndichida kutaura pamusoro peizvi.

Al-'Allaamah ash-Shawkaani (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati mubhuku rinonzi: al-Fawa'id al-Majmu'ah anotevera:

"«Hadeeth inoti: «Iwe Ali, uyo anonamata maraka'ah zana muhusiku hwepakati peSha'baan, achiverenga muRak'ah yega yega Surah Al-Fatihah neSurah Al-Ikhlaas kagumi; Allah vachamuzadzisira chido chese» zvichingodaro." ndeyekugadzirwa, uye mashoko ayo anoburitsa pachena nezvemubairo unowanikwa nemuiti wazvo mune zvisingapokanwi nemunhu ane nzwisiso pamusoro pekugadzirwa kwayo, uye varondedzeri vayo havazivikanwi. Uye yakarondedzerwa kuburikidza nenzira yechipiri neyechitatu idzo dzose dziri dzekugadzirwa uye varondedzeri vadzo havazivikanwi, Uye akati mubhuku rinonzi: al-Mukhtasar: Hadeeth yemunamato wepakati peSha’ban ndeye nhema. Uye Ibn Hibban akaronderedza hadith kubva kuna Ali yekuti: «Kana hwave husiku hwepakati peSha’ban, namatai husiku uhwu, uye tsanyai masikati acho», asina haina kusimba. Uye akati mubhuku rinonzi Al-La'ali': Hadith inoti «Maraka'ah zana pakati peSha'baan anonamatwa zvichibva pasi pemoyo kagumi» nezvakawanda zvayakaronderedzera pamusana pekunaka kwehusiki uhwu, yakabva kuna Al-Dailami nevamwe yakagadzirwa, uye ruzhinji rwevarondedzeri vayo munzira dzacho nhatu havazivikanwi uye havana simba. Akati: Hadith inoti «Uye maraka'ah gumi nemaviri aunonamata zvichibva pasi pemoyo kanokwana makumi matatu» yakagadzirwa, inoti « maraka'ah gumi nemana» yakagadzirwa.

Uye boka revadzidzi veFiqh rakanyengerwa neHadith iyi; semunyori webhuku rinonzi Ihyaa’ nevamwewo, kusanganisira vadzidzi veTafsir. Uye kwakarondedzerwa nezveSwalaah yehusiku uhwu — ndiri kureva: husiku hwepakati peSha’baan — nenzira dzakasiyana-siyana idzo dzose dziri dzenhema uye dzakagadzirwa, Izvi hazvipikisane nenhaurwa yaat-Tirmidhi kubva muHadith ya'Aisha (Allah ngavafadzwe naye) yekuenda kweMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) kuBaqi', nekudzika kwaTenzi pahusiku hwepakati peSha'baan vachiuya padenga repasi, uye kuti vanoregerera vakawanda kudarika huwandu hwemakushe emakwai edzinza reKalb, nekuti chiri kutaurwa pano inongova nyaya yemunamato uyu wakagadzirwa pahusiku uhwu. Naizvozvo zvirokwazvo hadith iyi ya'Aishah ine utera nekudambuka. Saizvozvowo, hadith ya'Ali iyo yambotaurwa nezvayo maererano nekuita Swalaah muhusiku hwepakati peSha'baan, haipikisani nechokwadi chekuti Swalaah iyi ndeyekugadzirwa, zvisinei neutera huri mairi sezvatataura» Pano ndipo panoperera zvandanga ndichida kutaura pamusoro peizvi.

Uye Al-Hafidh Al-Iraqi akataura kuti: «Hadith yemunamato wehusiku hwepakati (peSha'baan) yakagadzirwa ichipomerwa Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dza Allah ngazvive kwavari) uye kuvanyepera .» Mubhuku ravo al-Majmu' Imaam an-Nawawii vakati: «Swalaah inozivikanwa seSwalaah yeRaghaa'ib, inova maraka'ah gumi nemaviri pakati peMaghrib neIshaa, muhusiku hweChishanu chekutanga chaRajab, neSwalaah yehusiku hwepakati paSha'baan yemaraka'ah zana, maSwalaah maviri aya iBid'ah anorambwa, uye munhu haafanirwe kunyengerwa nekutaurwa kwawo mubhuku rinonzi Quut al-Quluub, neIhyaa' 'Uluum ad-Diin, kana nehadiith inotaurwa maererano nezvazvo, nekuti zvese izvozvo hazvina hwaro. Uye muMuslim haafanirwe kunyengerwa nevamwe vanamazvikokota vakavhiringidzika pamusoro pemutemo wemunamato iwoyo, vakabva vanyora magwaro anokurudzira minamato iyoyo, nekuti vakakanganisa pane izvozvo.»

Uye zvirokwazvo Sheikh Imam: Abu Muhammad Abdur-Rahman bin Isma'il Al-Maqdisi vakanyora bhuku rakakosha zvikuru pakuratidza kuti zviviri izvi hazvina maturo, uye vakaita izvi nehunyanzvi hukuru nekugona kwazvo. Uye kutaura kwevane ruzivo panyaya iyi kwakawanda chaizvo, uye dai taida kunyora zvose zvatakaverenga maererano nemashoko avo pamusoro penyaya iyi, kutaura kwedu kwaizoreba zvikuru. Asi zvimwe mune izvo zvatataura mune zvakakwana uye zvinogutsa kune anenge achitsvaga chokwadi.

Kubva mumavhesi, mahadith, nemashoko evanhu veruzivo apfuura: zvinova pachena kune uyo anenge achitsvaga chokwadi kuti kupemberera husiku hwepakati pemwedzi waSha'baan neSwalaah kana zvimwewo, pamwe nekutsaura zuva nekutsanya; ibid'ah inoshorwa nevadzidzi vakawanda, uye hazvina hwaro muShari'ah yakachena, asi kuti ndezvimwe zvezvinhu zvakagadzirwa muIslam mushure menguva yemaSwahaabah, Allah ngavafadzwe navo. Uye kutaura kwaAllah (Mwari), Hukuru hwavo ngahukudzwe, kunokwanira uyo anotsvaga chokwadi panyaya iyi nedzimwewo. Vakati:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri...} [Al-Maaidah: 3]. Uye nendima dzakauya nechirevo ichocho, uye mashoko aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) anoti:

«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ فَهُوَ رَدٌّ».

«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisingabvi machiri, chinorambwa.» Uye maHadith akauya nechirevo ichocho.

MuSahih Muslim mune nhaurwa kubva kuna Abu Hurairah, Allah ngavafare naye, akataura kuti: Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:

«لَا تَخُصُّوا لَيْلَةَ الْجُمُعَةِ بِقِيَامٍ مِنْ بَيْنِ اللَّيَالِي، وَلَا تَخُصُّوا يَوْمَهَا بِالصِّيَامِ مِنْ بَيْنِ الْأَيَّامِ، إِلَّا أَنْ يَكُونَ فِي صَوْمٍ يَصُومُهُ أَحَدُكُمْ».

«Musatsaura husiku hweJumu’ah pakunamata pakati pehumwe husiku, uye musatsaura zuva racho pakutsanya pakati pemamwe mazuva, kunze kwekuti kuri kutsanya kwagara kuchaitwa nemumwe wenyu». Dai kutsaura humwe husiku, neimwe nzira yekunamata kwaibvumidzwa, zvirokwazvo husiku hweJumu’ah ndihwo hwaizova hwakakodzera kudarika humwe; nekuti zuva rahwo ndiro zuva rakanakisa rakabudia nezuva, sekutaura kwendima dzemahadith echokwadi kubva kuna Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari). Saka apo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakayambira nezvekusarudza husiku ihwohwo kuti huitirwe minamato pakati pehumwe husiku, izvi zvinoratidza kuti humwe husiku hautokodzera zvakatonyanya kuita izvozvo. Hazvitenderwe kutsaura humwe husiku nechero chii zvacho chekunamata, kunze kwekunge paine humbowo hwakavimbika hunoratidza kutsaura ikoko.

Uye sezvo zviri pamutemo kuita minamato nekushanda nesimba nekushingirira pakunamata muhusiku hweQadr (Laylatul Qadr) nehusiku hweRamadan, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akayeuchidza nezvazvo, uye akakurudzira Ummah kuita minamato husiku ihwohwo, uye iye pachake akazviita izvi, sezviri mumabhuku maviri eSahih kubva kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) kuti akati:

«مَنْ قَامَ رَمَضَانَ إِيمَانًا وَاحْتِسَابًا، غُفِرَ لَهُ مَا تَقَدَّمَ مِنْ ذَنْبِهِ، وَمَنْ قَامَ لَيْلَةَ الْقَدْرِ إِيمَانًا وَاحْتِسَابًا، غُفِرَ لَهُ مَا تَقَدَّمَ مِنْ ذَنْبِهِ».

«Uyo anonamata husiku hweRamadhan aine kutenda achitarisira mubairo, acharegererwa zvitadzo zvake zvakapfuura, uye uyo anonamata husiku hweLaylatul-Qadr aine kutenda achitarisira mubairo, acharegererwa zvitadzo zvake zvakapfuura». Saka dai husiku hwepakati peSha’ban, kana husiku hweJumu’ah yekutanga yeRajab, kana husiku hweIsra neMi’raj hwaive hwakatarwa pamutemo kuti hutsaurwe nemhemberero kana nechimwe chinhu chekunamata, zvirokwazvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vangadai vakatungamirira Ummah kune izvi, kana kuti vakazviita ivo pachavo. Uye dai paine zvakadai zvakaitika, maSwahaaba (Allah ngavafadzwe navo) vangadai vakazvisvitsa kuUmmah, uye dai vasina kuzvivanza kwavari, nokuti ndivo vanhu vakanakisa, uye vanhu vanopa mazano kwazvo mushure meMaporofita (rugare nemakomborero ngazvive pavari). Uye Allah vakafadzwa nemaSwahaaba veMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) uye vakaita kuti ivo vavafarire.

Uye watoziva kare kubva pamashoko evadzidzi vechitendero kuti hapana chinhu chakatsigirwa kubva kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahabah vavo, Allah ngavafadzwe navo, maererano nekukosha kwehusiku hweJumu'ah yekutanga yemumwedzi weRajab, kana husiku hwepakati paSha'ban. Zvakabva zvava zvinozivikanwa kuti kupemberera husiku huviri uhwu chinhu chitsva (ibid'ah) chakatangwa muIslam. Naizvozvowo kuzvitsaura nechimwe chinhu chekunamata, ibid'ah inorambwa, Saizvozvowo husiku hwemazuva makumi maviri nenomwe aRajab, uhwo vamwe vanhu vanotenda kuti ndihwo husiku hweIsraa neMi'raj, hazvitenderwi kuhutsaura nechero mhando yekunamata, uye hazvitenderwi zvakare kuhupemberera; pamusana pehumbowo hwapfuura. Izvi zvaizova zvakadaro kunyange dai zuva racho raizivikanwa. Saka zvinotopfuura apa nekuti mashoko echokwadi kubva mune zvakataurwa nenyanzvi dzechitendero ndeekuti hahuzivikanwi. Uye kutaura kweuyo anoti: uhwu husiku hwezuva remakumi maviri nechinomwe hwemwedzi waRajab, kutaura kwenhema kusina hwaro mumahadith akavimbika, uye akataura zvakanaka uya akati:

"Uye zvakanakisa pazvinhu ndeizvo zvakapfuura zviri pagwara... uye zvakaipisisa pazvinhu ndeizvo zvitsva zvakagadzirwa."

Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigonese, pamwe nemaMuslim vose, kubatisisa Sunnah nekumira zvakasimba pairi, nekungwarira zvose zvinopesana nayo. Zvirokwazvo, ndivo mupi, vane rupo.

Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaba avo vose.

 

 

***

 


بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Tsamba yechisere:

Yambiro yakakosha nezvekunyepa kwekuraira kunonzi kwakabva kuna

Sheikh Ahmad, Muchengeti weMasjid Tsvene yeMutumwa inoremekedzwa

Kubva kuna Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz kuenda kune wese achaverenga izvi ari mumuMuslim, Mwari ngavavachengetedze neIslam, uye ngavatidzivirire isu naivo kubva kune zvakaipa zvenhema dzakagadzirwa nevanhu vasingazivi uye vasina njere, Ameen.

Rugare, makomborero, netsitsi dzaAllah ngazvive pamuri.

Mushure meizvi: zvirokwazvo ndakaverenga mashoko anonzi akabva kuna Sheikh Ahmad, mushandi wemasjid inoera, inoremekedzwa yeMuporofita, ane musoro unoti: «Iyi irairo inobva kuMadinah al-Munawwarah kubva kuna Sheikh Ahmad, mushandi wemasjid inoera, inoremekedzwa yeMuporofita», maari vakati:

«Ndakanga ndakasvinura husiku hweJumu’ah ndichiverenga Qur’aan inoera, mushure mekuverenga mazita aAllah. Pandakapedza izvozvo ndakagadzirira kurara, ndikaona muridzi wechitarisiko chinopenya, Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, avo akauya nemavhesi eQur’aan, nemitemo inoremekedzwa; setsitsi kune zvisikwa zvose, mukuru wedu Muhammad, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vakati: Iwe Sheikh Ahmad, ndikati: Ndiri pano iwe Mutumwa waAllah, iwe unoremekedzwa zvakanyanya pazvisikwa zvaAllah," Zvino akati kwandiri: “Ini ndinonyara zvikuru nemabasa evanhu akashata, uye handikwanisi kusangana naTenzi vangu kana nengirozi; nekuti kubva paJumu'ah kusvika pane imwe Jumu'ah kwakafa vanhu zviuru zana nemakumi matanhatu vasiri pachitendero cheIslam” -ndokubva ataura zvimwe zvezvitadzo zvakaitwa nevanhu. Shure kwaizvozvo vakati: - Saka rairo iyi itsitsi kwavari kubva kuna Samasimba, vane simba guru. Zvadaro akataura zvimwe zviratidzo zvezuva rekutongwa, kusvika pakuti akati: - Saka vazivise iwe Sheikh Ahmad nezverairo iyi; nokuti yakanyorwa nechinyoreso chezvakatarwa kubva muGwaro Rakachengetedzwa, uye kuti uyo anoinyora agoitumira kubva kune rimwe guta kuenda kune rimwe guta, uye kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe nzvimbo, anovakirwa muzinda muJannah, uye uyo asingainyori nekuitumira haawane kureverera kwangu ) pazuva rekutongwa. Uye uyo anoinyora iye ari murombo, Allah vanomupfumisa, kana kuti iye aine chikwereti, Allah vanopedza chikwereti chake, kana kuti aine chivi, Allah vanomuregerera, iye, nevabereki vake, nemakomborero erairo iyi. Uye ani naani wevaranda vaAllah asina kuinyora, chiso chake chinosviba pasi pano nemune remangwana. "Akati: Ndinopika naAllah Mukuru katatu, ichi ichokwadi, uye kana ndichinyepa, ngandibude panyika ndisiri muIslam, uye ani naani anotenda mazviri anoponeswa kubva kumurango weMoto, uye ani naani anozviramba anenge aramba kutenda»."

Iyi ndiyo pfupikiso yezviri murairo yekunyepa pamusoro peMutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, uye zvirokwazvo takanzwa rairo yekunyepa iyi kazhinji kwemakore akawanda, ichiitwa kuti itekeshere pakati pevanhu nguva nenguva, uye ichifambiswa pakati pevanhu vakawanda zvavo, uye mumashoko ayo muine misiyano, Uye murevi wenhema wayo anoti: zvirokwazvo akaona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuhope, ndokubva vamupa rairo iyi. Uye mugwaro iri rekupedzisira ratataura nezvaro kwauri, iwe muverengi, murevi wenhema akataura imomo kuti akaona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) paanga achigadzirira kurara, saka zvinoreva kuti: akavaona akasvinura!

Mugadziri wenhema uyu akataura murairo iyi zvinhu zvizhinji; izvo zvinova nhema dziri pachena, uye zviri pachena kuti hazvina maturo. Ndichakuyambira pamusoro pazvo munguva pfupi iri kutevera mumashoko ano kana Allah achida. Zvirokwazvo ndakayambira pamusoro pazvo mumakore akapfuura, uye ndakajekesera vanhu kuti inhema dziri pachena, uye kuti zviri pachena kuti hazvina maturo. Saka pandakaongorora chinyorwa ichi chekupedzisira ndakazeza kunyora pamusoro pacho, nekuda kwekuti zviri pachena kuti hachina maturo, pamwe nehushingi hukuru hwemugadziri wacho pakutaura nhema, uyezve handina kufunga kuti kushaya maturo kwacho kungagamuchirwa neuyo ane nzwisiso shoma, kana hunhu hwakarurama. Asi hama zhinji (maMuslim) dzakandiudza kuti tsamba iyi yakatekesheea kuvanhu vazhinji, uye vakapanana pakati pavo vamwe vavo vakatenda mairi; nokudaro ndakaona kuti zvinosungirwa kune vakaita seni kunyora nezvayo, kuitira kujekesa kunyepa kwayo, uye kuti inhema dzakagadzirwa pamusoro peMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuitira kuti pasave nemunhu anonyengedzwa nayo. Uye ani naani anoongorora tsamba iyi ari munhu weruzivo nekutenda, kana avo vane chizvariro chakatwasuka nenjere dzakarurama; anobva aziva kuti inhema nehunyengeri kuburikidza nenzira dzakawanda.

Uye zvirokwazvo ndakabvunza vamwe vehama dzaSheikh Ahmad, uyo anopomerwa nhema idzi, maererano nerairo iyi, vakandipindura vachiti: idzi inhema dzakanzi mashoko aSheikh Ahmad, uye kuti haana kumbobvira ataura izvozvo zvachose. Uye Sheikh Ahmad vataurwa ava vakafa nguva yadarika, uye kunyangwe tikati Sheikh Ahmad vataurwa ava, kana munhu mukuru kuvapfuura, akataura mashoko ekuti aona Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) muhope kana kuti akasvinura, uye vakamupa rairo iyi, taizoziva zvechokwadi chekuti murevi wenhema, kana kuti uyo akataura izvozvo kwaari ndiShaytwaan, haasi Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nenzira dzakati wandei, dzimwe dzacho ndedzinoti:

Chekutanga: Kuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) havaonekwe nemunhu akasvinura mushure mekufa kwavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uye ani naani anotaura mashoko kubva kune avo vasingazivi vechiSufi kuti anoona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pakusvinura, kana kuti vanouya pamhemberero yekuzvarwa kwavo (Mawlid), kana zvakafanana neizvozvo; zvirokwazvo anenge akanganisa zvikuru, uye anenge anyengerwa zvikuru, uye anenge akangamisa zvikuru. Uyezve anenge apikisa Bhuku neSunnah pamwe nekubvumirana kwevadzidzi; nekuti vafi vanongobuda chete mumakuva avo pazuva rekumutswa kwevakafa kwete panyika ino. Uye ani naani anotaura zvinopesana neizvozvo, zvirokwazvo iyeyo munyepi anotaura nhema dziri pachena, kana kuti akanganisa achivhiringidzwa, haana kuziva chokwadi chakazivikanwa nemaSalaf asw-Swaalih, uye chakatevedzwa nemaSwahaabah veMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, neavo vakavatevera mune zvakanaka. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿ثُمَّ إِنَّكُم بَعۡدَ ذَٰلِكَ لَمَيِّتُونَ15 ثُمَّ إِنَّكُمْ يَوْمَ الْقِيَامَةِ تُبْعَثُونَ16﴾

{Zvadaro, zvirokwazvo, mushure meizvozvo muchafa 15}

Zvadaro, zvirokwazvo, pazuva rekutongwa muchamutswa 16} [Al-Muʿminuun: 15, 16], Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:

«أَنَا أَوَّلُ مَنْ تَنْشَقُّ عَنْهُ الْأَرْضُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ، وَأَنَا أَوَّلُ شَافِعٍ وَأَوَّلُ مُشَفَّعٍ».

«Ini ndichava wekutanga uyo guva rake richazarurwa pasi richipatsanuka paZuva reKumuka kweVakafa, uye ndichava wekutanga kureverera vamwe, uye wekutanga achagamuchirwa kureverera kwake.» Uye ndima nemaHadith ane chirevo ichi mazhinji.

Chechipiri: kuti Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, havatauri zvinopesana nechokwadi, mungave muhupenyu hwavo kana pakufa kwavo, uye rairo iyi inopesana neShari'ah yavo kupesana kuri pachena, uye izvi zvinoonekwa nenzira dzakawanda — sezvinotevera —, uye ivo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vanogona kuonekwa kuhope. Uye uyo anovaona muhope pachimiro chavo chinoremekedzwa; zvirokwazvo anenge avaona, nekuti Shaitwani haazviratidzi pachimiro chavo, sekuziviswa kwazvakaitwa muHadith yechokwadi inoremekedzwa. Asi nyaya yose inokosha iri pakutenda kweiye aona, kutaura kwake chokwadi, kururama kwake, kunyatsoyeuka kwake, kuzvipira kwake pachitendero, nekuvimbika kwake, uye kuti akaona Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pachimiro chake here kana kuti pane chimwe.

Uye dai kwakauya kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive kwavari, hadith yavakataura pahupenyu hwavo, kuburikidza negwara risiri revanhu vanovimbika, vakarurama uye vanorangarira zvizere, yaisazovimbwa nayo, uye yaisazoshandiswa sehumbowo, kana kuti yakauya kuburikidza negwara revanhu vanovimbika uye vanochengetedza zvizere mupfungwa, asi ichipikisa kurondedzera kweuyo akavapfuura pakurangarira, uye anovimbika zvakanyanya, kupikisa kusingakwanisiki kubatanidza kurondedzerwa kuviri uku, imwe yadzo ingadai yakatsiviwa isingashandiswi pamabasa, uye yechipiri: inotsiva inoshandiswa pamabasa, nekuti izvi zvinokwanisika pachitevedzerwa zviga zvacho. Kana zvisingakwanisiki kubatanidza kana kutsiva, zvinosungirwa kuti kuiswe parutivi kushumwa kweuyo akaderera pakurangarira, uye akaderera pakururama, uye popiwa mutongo wekuti nhaurwa yacho yakatsauka, isingashandiswi pamabasa.

Zvadaro, tingatii pamusor perairo isingazivikanwi muridzi wayo akaiunza kubva kuna Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uye kururama kwake nekuvimbika kwakekusingazivikanwi? Kana zvadai, zvirokwazvo, nhaurwa iyi inofanira kuraswa, yoregedza kuteererwa, kunyangwe kana pasina chiri mairi chinopesana nemitemo yeIslam. Saka zvakadini kana rairo yacho ichisanganisira zvinhu zvakawanda zvinoratidza kushaya hwaro kwayo, uye kuti kunyebera Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uyezve inosanganisira kugadzira mitemo yechitendero isina kubvumidzwa naAllah?!

Uye Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:

«مَنْ قَالَ عَلَيَّ مَا لَمْ أَقُلْ؛ فَلْيَتَـبَوَّأْ مَقْعَدَهُ مِنَ النَّارِ».

«Uyo anotaura pamusoro pangu izvo zvandisina kutaura, ngaagadzirire nzvimbo yake kuMoto.» Uye zvirokwazvo, mugadziri wenhema dzeshoko iri akataura pamusoro peMutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) zvavasina kutaura, uye akavarevera nhema dziri pachena dzine njodzi. Naizvozvo, akakodzera zvikuru yambiro huru inotyisa iyi, kana akasakurumidza kutendeuka, ozivisa vanhu nezvenhema dzeshoko iri dzakanenerwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari); nokuti uyo anoita kuti nhema dzitekeshere pakati pevanhu, odzibatanidza nechitendero, kutendeuka kwake pazviri hakugamuchirwi kusvikira azvizivisa pachena uye aratida pachena kuti zvaaita kuti zvitekeshere zvaive zvisiri zvechokwadi, kuitira kuti vanhu vazive kudzoka kwake kubva munhema dzake, nekubvuma kwake pachake kuti aive murevi wenhema; sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ يَكۡتُمُونَ مَآ أَنزَلۡنَا مِنَ ٱلۡبَيِّنَٰتِ وَٱلۡهُدَىٰ مِنۢ بَعۡدِ مَا بَيَّنَّٰهُ لِلنَّاسِ فِي ٱلۡكِتَٰبِ أُوْلَٰٓئِكَ يَلۡعَنُهُمُ ٱللَّهُ وَيَلۡعَنُهُمُ ٱللَّٰعِنُونَ159 إِلَّا ٱلَّذِينَ تَابُواْ وَأَصۡلَحُواْ وَبَيَّنُواْ فَأُوْلَٰٓئِكَ أَتُوبُ عَلَيۡهِمۡ وَأَنَا ٱلتَّوَّابُ ٱلرَّحِيمُ160﴾

{Zvirokwazvo, avo vanovanza zvatakadzikisa muzviratidzo zviri pachena nenhungamiro mushure mekunge tazvijekesa kuvanhu muBhuku, avo ndivo vanotukwa naAllah, uye vanotukwa neavo vanotuka. 159}

{Kunze kweavo vakanotendeuka, vogadzirisa, uye vojekesa, zvino ivavo ndinogamuchira kutendeuka kwavo. Uye ndini ndinogamuchira kutendeuka, ndine tsitsi zhinji. 160} [Al-Baqarah: 159, 160], Saka Allah vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vakajekesa mundima iyi inoremekedzwa kuti: zvirokwazvo uyo anovanza chero chidimbu chechokwadi, kutendeuka kwake kubva pazviri hakugamuchirwi kunze kwekunge agadzirisa nekujekesa. Uye Allah vanorumbidzwa, vakaita kuti chitendero chive chakanyatsokwana kuvaranda vavo, uye vakazadzikisa nyasha dzavo pavari nekutumira Mutumwa wavo Muhammad, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare. Uye zvakazarurwa naAllah kwavari zvemutemo zvakakwana, uye Allah havana kumuita kuti afe vasati vazadzikisa nekujekesa, sekutaura kwavakaita Tenzi, vane rukudzo rwakakura, kuti:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3]

Uye mugadziri werairo yenhema iyi akauya muzana remakore rechigumi nemana, achida kunyengedza vanhu nechitendero chitsva, chinoita kuti kupinda muParadhiso kuve kune uyo anotevedzera mutemo wake, uye kurambidzwa Paradhiso pamwe nekupinda muMoto kune uyo asingatevedzeri mutemo wake. Uye anoda kuita kuti rairo iyi yaakanyepedzera ive huru uye yakanakisa kudarika Qur'aan, apo akanyepa mairi kuti: uyo anoinyora achiitumira kubva kune rimwe guta kuenda kune rimwe guta, kana kubva pane imwe nzvimbo kuenda pane imwe nzvimbo; anovakirwa muzinda wake kuJannah, uye uyo asingainyori nekuitumira anonyimwa kurevererwa kwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pazuva rekumutswa. Uku ndiko kumwe kwekunyepa kwakaipisisa, uye humwe humbowo hwakajeka hunoratidza kunyepa kwerayiro iyi, pamwe nekushaya nyadzi kwemugadziri wayo, nehukuru hwekushinga kwake pakunyepa; nokuti uyo anonyora Qur'an rinoera akaritumira kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe nyika, kana kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe nzvimbo; haawani makomborero aya kana asingatevedzeri Qur'an rinoera, saka angawanikwa sei nemunyori wenhema idzi uye neanodzitakura kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe nyika? Uye uyo asina kunyora Qur'an uye asina kuritumira kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe, haanyimwi kurevererwa kwaMuporofita (rugare nemakomborero zvaMwari ngazvive paari) kana achitenda maari, achitevedzera mutemo wake. Uye nhema imwechete iyi iri murairo iyi, inokwana yega kuratidza kuti ndeyekunyepaa, nekunyepa kweuyo anoita kuti itekeshere, nekushaya nyadzi kwake, nehupenzi hwake, pamwe nekuva kure kwake nekuziva gwara rakarurama rakaunzwa neMutumwa, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari.

Uye murairo iyi — kunze kweizvo zvataurwa — mune zvimwe zvinhu, zvose zvinoratidza kuti haina hwaro uye ndeyemanyepo, kunyangwe munhu akanyepa nezvayo akapika mhiko chiuru kana kudarika pamusoro pechokwadi chayo, uye kunyangwe akazvikumbirira chirango chikuru nekutambudzwa kwakaipisisa, achiti ari kutaura chokwadi; anenge asiri kutaura chokwadi, uye haingave yechokwadi, asi kuti, ndinopika naAllah, uye naAllah zvakare, iri pakati penhema huru uye dzakaipisisa dzisina hwaro. Tinoti Allah vanorumbidzwa pamwe nengirozi dziri pano nesu dzive zvapupu. Uye kune wese muMuslim achaona chinyorwa ichi — tinopa huchapupu hwatinosangana nahwo pamberi paTenzi vedu vari kumusoro-soro — : kuti rairo iyi ndeye manyepo uye ndeye nhema dzakanyepwa pamusoro peMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). Allah ngavanyadzise uyo akagadzira manyepo aya, uye ngavamuite zvinokodzerana naye.

Uye humbowo hunoratidza kuti rairo iyi ndeyenhema, uye haina hwaro, kunze kwezvambotaurwa, huri muzvinhu zvizhinji zvinobva mundima yayo yataurwa, zvinosanganisira:

Chekutanga: Mashoko ari mairi ekuti: ('Nekuti kubva pamunato weJumu'ah kusvika pane mumwe munamato weJumu'ah, vanhu zviuru zana nemakumi matanhatu vakafa vasiri pachitendero cheIslam'); nekuda kwekuti izvozvo zviri muruzivo rwakavanzika, uye kuzarurirwa kuna Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kwakaguma mushure mekushaya kwavo, uye panguva yehupenyu hwavo vakanga vasingazivi zvisingaonekwi, zvino zvingaita sei mushure mekushaya kwavo. Allah vanorumbidzwa vakati:

﴿قُل لَّآ أَقُولُ لَكُمۡ عِندِي خَزَآئِنُ ٱللَّهِ وَلَآ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ...﴾

{Iti: “Handikuudzei kuti ini ndine matura aAllah, uye ini handizivi zvakavanzika...”} [Al-An'aam: 50] Uye Allah vari kumusoro-soro vakati:

﴿قُل لَّا يَعۡلَمُ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ ٱلۡغَيۡبَ إِلَّا ٱللَّهُ...﴾

{Iti: Hapana ari kumatenga nepanyika anoziva zvakavanzika kunze kwaAllah ...} [An-Naml: 65]. Uye muHadith yechokwadi kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero zvaAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakati:

«يُذَادُ رِجَالٌ عَنْ حَوْضِي يَوْمَ القِيَامَةِ، فَأَقُولُ: يَا رَبِّ! أَصْحَابِي أَصْحَابِي، فَيُقَالُ لِي: إِنَّكَ لَا تَدْرِي مَا أَحْدَثُوا بَعْدَكَ، فَأَقُولُ كَمَا قَالَ العَبْدُ الصَّالِحُ: ﴿وَكُنتُ عَلَيۡهِمۡ شَهِيدٗا مَّا دُمۡتُ فِيهِمۡۖ فَلَمَّا تَوَفَّيۡتَنِي كُنتَ أَنتَ ٱلرَّقِيبَ عَلَيۡهِمۡۚ وَأَنتَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدٌ [المائدة: 117]».

«Vamwe varume vachadzingwa kubva padziva rangu pazuva rekutongwa, saka ndichati: "Tenzi vangu! vadzidzi vangu, vadzidzi vangu, zvichabva zvanzi kwandiri: Zvirokwazvo iwe hauzivi zvavakaunza zvitsva mushure mako, saka ndichataura sezvakataurwa nemuranda akarurama: {Uye ndaive mupupuri pamusoro pavo bedzi pandaive pakati pavo, asi pamakanditora, imi ndimi maive Murindiri pamusoro pavo. Uye imi muri Mupupuri pazvinhu zvose.}

[Al-Maa'idah: 117]».

Nyaya yechipiri: -Pazvinhu zvinotaridza kushaya maturo kwerairo iyi, uye kuti manyepo-: mashoko emunyori ari mairi ekuti: (Ani naani anoinyora kana ari murombo Allah vanomupfumisa, kana aine chikwereti Allah vanomubhadharira chikwereti chake, kana aine chitema Allah vanomuregerera iye nevabereki vake nekuda kwemakomborero erairo iyi) zvichingodaro. Uku ndiko kumwe kunyepa kukuru, uye humbowo hwakajeka hwekunyepa kwemugadziri wazvo, pamwe nekushaya kwake nyadzi kuna Allah nekuvaranda vavo; nekuti zvinhu zvitatu izvi hazviwanikwe nekungonyora chete Qur'an Rinokudzwa, saka zvingawanikwa sei kune uyo akanyora rairo iyi yenhema?! Zvirokwazvo uyu muipi anongoda kuvhiringidza vanhu, nekuita kuti vakoshese rairo iyi; kuitira kuti vainyore uye vavimbe nemakomborero aya ekunyepa, vachisiya nzira idzo Allah vakavata semutemo kuvaranda vavo, uye dzavakaita kuti dzinge dzichisvitsa kupfuma nekubhadhara zvikwereti, nekuregererwa kwezvivi. Saka tinokumbira dziviriro kuna Allah kubva kuzvikonzero zvekuraswa, nekuteerera zvido zvedu naSatani.

Nyaya yechitatu: -pazvinhu zvinoratidza kuti kuraira uku ndekwenhema-, kutaura kwemuntori mairi kuti: "Uye uyo asingainyori pavaranda vaAllah; chiso chake chichasviba panyika nepahupenyu hwemangwana". Uye izvi -zvakare - dzimwe nhema dzakaipisisa, uye humwe humbowo huri pachena hwekushaya hwaro kwerairo iyi, nenhema dzeuyo akaigadzira. Zvingagamuchirika sei munjere dzemunhu ane njere kuti anyore rairo iyi yakaunzwa nemurume asingazivikanwe muzana remakore rechigumi nemana, achinyepa pamusoro peMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) uye achinyepa kuti uyo asinganyori rairo iyi chiso chake chichasviba panyika pano nemuHupenyu Huchatevera, uye uyo anoinyora achava mupfumi mushure mehurombo, nekusunungurwa muzvikwereti mushure mekunge zvamuwandira, pamwe nekukanganwirwa pane zvitadzo zvaakaita!!

Kurumbidzwa ngakuve kwamuri (Allah), idzi inhema huru!! Uye zvirokwazvo humbowo nechokwadi chiripo zvinopupura nezvenhema dzemugadziri wenhema uyu, nekukurisa hwekuzvitutumadza kwake pamberi paAllah, nekushaya kwake nyadzi kuna Allah uye kuvanhu. Kune vanhu vazhinji vasina kuinyora, asi zviso zvawo hazvina kusviba, uye pane vanhu vakawanda, hakuna anoziva huhwandu hwavo kunze kwaAllah (Mwari), vakainyora kakawanda, asi zvikwereti zvavo hazvina kubhadharwa, uye hurombo hwavo hauna kupera. Saka tinotsvaga dziviriro kuna Allah kubva mukutsauka kwemwoyo, nekusviba kwezvivi. Uye izvi zvimiro nemibairo zvisina kuunzwa neShari'ah inoremekedzwa kune uyo akanyora Gwaro rakanakisa uye guru kupfuura ose, rinova Qur'aninoremekedzwa, saka zvingawanikwa sei kune uyo akanyora rairo yekunyepa inosanganisira mhando dzakasiyana dzezvisizvo, nemitsara mizhinji yemhando dzekuramba kutenda. Kurumbidzwa ndekwaAllah!! vane moyo murefu kune avo vanoshinga kunyepa pamusoro pavo.

Chinhu chechina: - Pazvinhu zvinoratidza kuti rairo uku inhema dzisina maturo zvachose, uye nhema dziri pachena-: mashoko ake mairi anoti: (Uyo anotenda mairi achanunurwa kubva kumurango weMoto, uye uyo anoiramba anenge aramba kutenda). Uye izvi - zvakare - ndehumwe hwehushingi hukuru pakureva nhema, uye ndedzimwe dzenhema dzakaipisisa. Munyengedzi uyu anokoka vanhu vese kuti vatende mukunyepa kwake uku, achitaura kuti nekudaro vanoponeswa kubva kumurango chemoto, uye kuti uyo anozviramba anowira mukusatenda. Zvirokwazvo — ndinopika naAllah — murevi wenhema uyu akaumba nhema huru pamusoro paAllah, uye akataura — ndinopika naAllah — zvisiri chokwadi. Zvirokwazvo uyo anotenda madziri ndiye akakodzera kuva asingatendi, kwete uyo anodziramba; nekuti idzo inhema dzakaumbwa, uye hadzina hwaro , uye kunyepa kusina hwaro hwechokwadi, uye tinopupura kuna Allah kuti idzodzo inhema, uye kuti muumbi wadzo munyepi, anoda kugadzirira vanhu mutemo wezvisina kupihwa mvumo naAllah, uye kuisa muchitendero chavo zvisiri zvemo. Zvirokwazvo, Allah vakakwanisa chitendero nekuchizadzisa kune ummah mazana emakore gumi nemana nhema idzi dzisati dzavapo. Saka chenjerai: imi vaverengi nehama, uye ngwarirai kutenda munhema dzekugadzirwa dzakaita seidzi, uye kuti dzitekeshere pakati penyu, nokuti zvirokwazvo chokwadi chine chiedza chisingavhiringidzi uyo anochitsvaga, saka tsvagai chokwadi nehuchapupu hwacho, uye bvunzai vanhu veruzivo nezve izvo zvinokunetsai, uye musanyengerwe nemhiko dzevanyepi, nokuti zvirokwazvo Iblis akatukwa akapikira vabereki venyu Adam naHawwa [Evha], kuti aiva mumwe wevanovapa mazano, asi iye ari munyengeri mukurusa uye munyepi mukurusa pavanyepi vese, sekurondedzera kwakaita Allah zvozvo pamusoro pake. Naizvozvo ivo vanorumbidzwa vari kumusoro-soro vakati:

﴿وَقَاسَمَهُمَآ إِنِّي لَكُمَا لَمِنَ ٱلنَّٰصِحِينَ21﴾

{Uye akavapikira achiti: “Zvirokwazvo, ini kwamuri vaviri ndiri mumwe wevanopa mazano akanaka.”} [Al-A'raaf:21]. Saka mungwarirei, uye ngwarirai vateveri vake vanyepi, nekuti vane mhiko zhinji dzenhema, nezvibvumirano zvekunyengera, nemashoko akashongedzwa kuitira kutsausa nekurasisa! Asi zvakataurwa nemurevi wenhema uyu pamusoro pekuonekwa kwezvakaipa; chinhu chinoitika zvechokwadi, uye Qur’an rinoera neSunnah yakachena zvakayambira nezvazvo zvakasimba kwazvo, uye mazviri ndimo munowanikwa nhungamiro nezvakakwana.

Kana zviri maererano nezvakataurwa pamusoro pezviratidzo zvezuva rekupedzisira, mahadith aMuporofita akajekesa zvichange zviri muzviratidzo zvezuva rekupedzisira, uye Qur’an rinoera rakataura pamusoro pazvo. Saka ani naani anoda kuziva izvozvo anozviwana munzvimbo dzazvo mumabhuku eSunnah, nemuzvinyorwa zvevadzidzi nevatendi. Uye vanhu havana chikonzero chekuda tsananguro yemurevi wenhema akadai, nekunyengera kwake, nekusanganisa kwake chokwadi nenhema. Allah ngavandidzivirire ini nemi, pamwechete nemaMuslim ose, kubva kuhuipi hwevana Shaitwani, nekubva kumiedzo yevanotsaudzira, nekurasika kwevakarasika, uye nekunyengedza kwevavengi vaAllah vemanyepo, avo vanoda kudzima chiedza chaAllah nemiromo yavo, uye kuvhiringidza vanhu pachitendero chavo. Zvisinei, Allah vachazadzisa chiedza chavo, uye vachatsigira chitendero chavo, kunyange zvazvo vavengi vaAllah sevana Shaitwani nevateveri vavo kubva kune avo vasingatendi neavo vanoramba Allah. Uye tinokumbira Allah kuti vagadzirise mamiriro emaMuslim, uye kuti vavakomborere mukutevera chokwadi, nekumira zvakasimba pachiri, uye nekutendeuka kuna Allah, vanorumbidzwa kubva muzvitadzo zvese. Zvirokwazvo, ndivo vanogamuchira kutendeuka, vane tsitsi, Vane simba pamusoro pezvinhu zvese. Uye Allah ndivo vanotikwanira, uye ndivo Muchengeti akanakisa, uye hapana kugona kana simba kunze kwekuna Allah, vekumusoro-soro, vakuru.

Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo, wechokwadi uye anovimbika, nemhuri yake, nemaSwahaabag ake, neavo vose vachamutevera mune zvakanaka kusvikira pazuva rekutongwa.

Mutongo wehuroyi nekushopera uye nezvose zvinoenderana nazvo

Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz

 

 

***

 

 

sn397v5.0 - 01/08/2026