Zvisingatenderwi kuti muMuslim asazive (Shona)

  • earth Mutauro
    (Shona)
  • earth Munyori:
    اللجنة العلمية برئاسة الشؤون الدينية بالمسجد الحرام والمسجد النبوي
PHPWord

 

 

مَا لَا يَسَعُ المُسْلِمَ جَهْلُهُ

 

 

Zvisingatenderwi kuti muMuslim asazive

 

 

 

اللَّجْنَةُ العِلْمِيَّةُ

بِرِئَاسَةِ الشُّؤُونِ الدِّينِيَّةِ بِالمَسْجِدِ الحَرَامِ وَالمَسْجِدِ النَّبَوِيِّ

 

Dare rezvidzidzo mubazi reHutungamiri hweNyaya dzeChitendero paMasjid al-Haram neMasjid an-Nabawi

 


بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ

Zvisingatenderwi kuti muMuslim asazive

Nhanganyaya

Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye makomborero nerugare ngazvive kune uyo akatumwa setsitsi kuzvisikwa zvese, pamwechete nemhuri yake nevatevedzeri vake (maSahaba), neavo vose vanotevera Sunnah yake vachitungamirirwa negwara rake kusvika kuZuva reKutongwa. Mushure meizvi:

Iri igwaro pfupi, rinosanganisira zvinhu zvakanyanya kukosha zvinodiwa nemuMuslim mukutenda kwake, mukunamata kwake, uye mumaitiro ake kune vamwe, ratakagadzirira vashanyi vechirume nevechikadzi vekunzvimbo mbiri dzinoremekedzwa (dzeMasjid al-Haram neMasjid an-Nabawi), kuti vave neruzivo nekujekerwa panyaya dzechitendero chavo. Tichitarisira kuna Mupi anorupo rukuru anopa zvipo zvizhinji kuti ribatsire, uye kuti ariite rakarurama, rakaitirwa Iye oga. Zvirokwazvo, ndiye akanakisisa kukumbirwa, uye ane rupo rukuru kune vanotarisira kwaari.

 

***

 

Muzita raAllah, Vane Nyasha zhinji, Vane Tsitsi zhinji

Chitsauko Chekutanga:

Zvinhu zvinoenderana nekutenda (Aqeedah)

Chikamu chekutanga: Zvinoreva Islam nemapango ayo:

Islam: Ndiko kuzvipira kuzere kuna Allah muhumwechete hwavo(Tawheed), nekuteerera mirairo yavo, nekuzvitsaura kubva mukusanganisa Allah nechimwe chinhu (Shirk) nevanhu vanoita izvozvo.

Mapango ayo mashanu:

Chokutanga: Kupupura kuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah.

Chepiri: Kuita munamato (Swalah).

Chechitatu: Kupa chipo kune vanotambura (Zakaah).

Chechina: Kutsanya mumwedzi weRamadan.

Chechishanu: Kushanyira Imba Tsvene (Hajj), kune uyo anokwanisa rwendo rwacho.

Kukosha kweTawheed (Humwechete hwaAllah):

Ziva kuti Allah, Samasimba, vanoremekedzwa, vakasika zvisikwa kuti zvimunamate, uye kuti zvisamubatanidze nechimwe chinhu, Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَمَا خَلَقۡتُ ٱلۡجِنَّ وَٱلۡإِنسَ إِلَّا لِيَعۡبُدُونِ 56﴾

{Uye handina kusika maJinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate 56} [Adh-Dhaariyaat: 56] Uye kunamata uku hakugone kuzivikanwa kunze kwekuva neruzivo, Sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿فَٱعۡلَمۡ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا ٱللَّهُ وَٱسۡتَغۡفِرۡ لِذَنۢبِكَ وَلِلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِۗ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ مُتَقَلَّبَكُمۡ وَمَثۡوَىٰكُمۡ 19﴾

{Naizvozvo ziva kuti hapana mumwe mwari akafanirwa kunamatwa kunze kwaAllah, uye kumbira ruregerero pazvitadzo zvako, uye zvevatendi vechirume nevatendi vechikadzi. Uye Allah vanoziva mafambiro enyu pamwe nenzvimbo yenyu yekuzororera. 19} [Muhammad: 19], Saka vakatanga neruzivo pamberi peshoko nebasa. Saka chinhu chakanyanya kukosha kuti muMuslim achidzidze kutenda muhumwechete hwaAllah (Tawheed), vemasimbaose, vakakwirira; nokuti ndiwo musimboti wechitendero nenheyo yacho. Uye chitendero hachigone kumira kunze kwekunge chineTawhid, uye ichi ndicho chinhu chekutanga chinosungirwa pamuMuslim, uye ndicho chinhu chekupedzisira chaanosungirwa. Uye Tawheed ndiro bango rekutanga pamapango eIslam, ayo anosungirwa pamuMuslim wese kumaziva nekuita mabasa anoenderena nawo, uye mapango aya mashanu. Sezvakauya munhaurwa yaAbdullah bin Umar, Allah vafadzwe navo vose (iye nababa vake), vakataura kuti: Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) achiti:

«بُنِيَ الإسْلَامُ عَلَى خَمْسٍ: شَهَادَةِ أنْ لَا إلَهَ إلَّا اللَّهُ وأنَّ مُحَمَّدًا رَسُولُ اللَّهِ، وَإقَامِ الصَّلَاةِ، وَإيتَاءِ الزَّكَاةِ، وَحَجِّ البَيْتِ، وصَوْمِ رَمَضَانَ».

«Islam yakavakwa nemapango mashanu: kupupura kuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, nekuita Swalah, nekupa Zakaah, nekuita Hajj, uye kutsanya mumwedzi weRamadhan»1.

Zvinosungirwa pamuMuslim kudzidza zvinoreva Tawhid; kunova kunamata Allah vari voga. Naizvozvo ngaarege kusanganisa chero ani zvake navo mukunamata kwake; zvisinei kuti ingirozi yepedyo kana kuti muporofita akatumwa.

Zvinoreva “Huchapupu hwekuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah”:

kuti muranda apupure nekutenda kwakasimba kuti hapana anofanirwa kunamatwa nechokwadi kunze kwaAllah, Samasimba, vakurusa, Saka anonamata Allah vari voga, uye anoitira Ivo vega vanoremekedzwa mhando dzose dzeminamato; sekukumbira (dua), kutya, kuve netariro, kuvimba nezvimwe zvakadaro.

Huchapupu (shahaadah) hahuzadzikiswi kunze kwekunge paine mapango maviri:

Rekutanga: Kuramba humwari nekunamata zvese zvisiri Allah; sevamwe vanamwari vese vakaenzaniswa naAllah, vanamwari venhema, uye chinhu chese chinomatwa kunze kwaAllah.

Repiri: Kutsinhira kuti humwari nekunamata kwechokwadi ndekwaAllah, vari vega, pasina zvimwe zvisiri ivo. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿‌وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾

{Uye zvirokwazvo takatumira murudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah uye siyanai naAt-Twaghuut(vana mwari venhema)} [An-Nahl: 36].

Zviga zve(Laa ilaaha illa Allaah) [hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah], ndezvinotevera:

Chekutanga: Ruzivo runobvisa kusaziva.

Chepiri: Kuve nechokwadi chakazara kunoramba kupokana.

Chechitatu: Kuzvipira kunopesana neShirk.

Chechina: Chokwadi chemoyo chinopesana nenhema.

Chechishanu: Rudo runopesana neruvengo.

Chechitanhatu: Kuteerera kunopesana nekusateerera.

Chechinomwe: Kugamuchira kunopesana nekuramba.

Chechisere: Kusatenda mune zvese zvinonamatwa kunze kwaAllah vekumusoro-soro.

Uye zviga izvi zvakasungirwa kuti zvitevedzerwe, uye zvakaunganidzwa mundima mbiri (dzenhetembo) dzinotevera:

Ruzivo, kugutsikana, kuzvipira, nechokwadi chako pamwechete *** nerudo, kuteerera, nekugamuchira kwazvo.

Uye chechisere chayo chakawedzerwa, ndiko kuramba kwako zvose *** zvinomatwa zvisiri Allah.

Huchapupu hunozadzikidzwa nekunamata Allah vekumusoro-soro vari voga vasina mubatsiri, uye kuzvipira pakunamata Allah vari voga, Saka haakumbire kune chimwe chinhu kunze kwaAllah, uye haavimbe mune chimwe chinhu kunze kwaAllah, uye haatarisire kune chimwe chinhu kunze kwaAllah, uye haanamate chimwe chinhu kunze kwaAllah, uye haauraye mhuka sechibairo kune chimwe chinhu kunze kwaAllah, ngavarumbidzwe uye ngavakudzwe.

Nokudaro, zvinoitwa nevamwe vanhu zvekutenderera makuva, nekukumbira rubatsiro kune vari maari, uye kuvanyengetera vachisiya Allah; iShirk (kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu) mukunamata. Saka zvinosungirwa kungwarira izvozvo uye kuyambira vamwe nezvazvo; nekuti izvi zvinofanana nezvinoitwa nevabatanidzi (mushrikuun) mukunamata kwavo zvifananidzo, matombo, nemiti, kunze kwaAllah vekumusoro-soro. Uye uku ndiko kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu, kwakadzikisirwa mabhuku nekutumwa vatumwa kuti vayambire pamusoro pazvo nekudzivisa kubva kwazviri.

Zvinoreva huchapupu hwekuti Muhammad Mutumwa waAllah:

Kumuteerera mune zvaakaraira, nekutenda mune zvaakataura, nekusaita zvaakarambidza nekutsiura, uye kuti Allah vasanamatwe kunze nemukutevera nzira yavakatara. Saka muMuslim anopupura kuti Muhammad mwanakomana waAbdullah, wechiQuraysh wechiHashim, ndiye Mutumwa waAllah – Samasimba, vane hukuru – kuzvisikwa zvavo zvese; kubva kumaJinn nevanhu. Sekutaura kwakaita Ivo vekumusoro-soro kuti:

﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا...﴾

{Iti: “Imi vanhu! Zvirokwazvo ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose…”}

[Al-A'raaf: 158].

Uye kuti Allah vakamutuma kuti aparidze chitendero chavo nekutungamira zvisikwa, Sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro:

﴿‌وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا كَآفَّةٗ لِّلنَّاسِ بَشِيرٗا وَنَذِيرٗا وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ28﴾

{Uye hatina kukutuma kunze kwekuve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vese, asi vanhu vazhinji havazivi. 28} [Saba: 28]. Uye sekutaura kwavakaita Ivo vekumusoro-soro kuti:

﴿‌وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا رَحۡمَةٗ لِّلۡعَٰلَمِينَ 107﴾

{Uye hatina kukutuma asi kuti uve nyasha kune zvisikwa zvese 107} [Al-Ambiya: 107].

Zvinorehwa nekupupura uku ndezvekuti: usatende kuti Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) ane kodzero muhutenzi, uye kuti ane simba rekutonga kana kuronga zvenyika, kana kuti ane kodzero yekunamatwa, Asi iye, rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari, muranda asinganamatwe, uye Mutumwa asingarambwe. Uye haana simba rekuzviwanira kana kuwanira vamwe rubatsiro, kana kudzivirira zvakaipa, kunze kwezvinenge zvadiwa naAllah, Sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿‌قُل لَّآ أَقُولُ لَكُمۡ عِندِي خَزَآئِنُ ٱللَّهِ وَلَآ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ وَلَآ أَقُولُ لَكُمۡ إِنِّي مَلَكٌۖ إِنۡ أَتَّبِعُ إِلَّا مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ...﴾

{Iti: “Handikuudzei kuti ini ndine matura aAllah, uye ini handizivi zvakavanzika, uye ini handikuudzei kuti ndiri ngirozi. Ndinongotevera chete izvo zvinozarurwa kwandiri...”}

[Al-An'aam: 50].

Chikamu chechipiri: Zvinoreva kutenda (Iman) nemapango acho:

Kutenda: kubvuma nemoyo, kutaura nerurimi, uye kuita mabasa nemoyo nenhengo dzemuviri, kunowedzera nekuteerera (mirairo yaAllah), uye kunoderera nekusateerera.

Saka, kutenda ndiwo musimboti wekunaka nekugamuchirwa kwemabasa ekunamata. Saizvozvowo, kusanganisa Allah nevamwe anamwari pamwe nekusatenda zvinoparadza mabasa ose ekuteerera, Sezvo Allah vasingagamuchiri munamato usina wudhu (kuzvichenesa), saizvozvowo havagamuchiri kunamata kusina kutenda (Imān). Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿وَمَن يَعۡمَلۡ مِنَ ٱلصَّٰلِحَٰتِ مِن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَأُوْلَٰٓئِكَ يَدۡخُلُونَ ٱلۡجَنَّةَ وَلَا يُظۡلَمُونَ نَقِيرٗا 124﴾

{Uye uyo anoita mabasa akanaka angave murume kana mukadzi uye ari mutendi, ivavo ndivo vachapinda kuJannah (Paradhiso) uye havazombodzvinyirirwi kunyangwe nepadiki pose pakafanana nemhodzi yemadheti.124}

[An-Nisa: 124].

Uye vakatsanangura kuti kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata kunoparadza mabasa, Sekutaura kwaAllah vekumusoro-soro:

﴿وَلَقَدۡ أُوحِيَ إِلَيۡكَ وَإِلَى ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكَ لَئِنۡ أَشۡرَكۡتَ لَيَحۡبَطَنَّ عَمَلُكَ وَلَتَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ 65﴾

{Uye zvirokwazvo kwakadzikiswa kwauri (mashoko kubva kuna Allah), uye nekune vaya vakakutangira, kuti: “Kana ukasanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata, zvirokwazvo mabasa ako achaparadzwa, uye zvirokwazvo uchava pakati peavo vakarasikirwa.” 65}

[Az-Zumar: 65].

Mapango ekutenda matanhatu: kutenda muna Allah, nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo, neZuva Rekupedzisira, uye nezvakatarwa, zvakanaka nezvakaipa zvacho.

1) Kutenda muna Mwari Wvekumusoro-soro kunosanganisira zvinhu zvitatu:

1- Kutenda muHutenzi hwavo:

Uye ndiwo humwechete hwaAllah vekumusoro-soro mumabasa avo; sekusika, nekuriritira, nekupa hupenyu, uye nekukonzera rufu, Hakuna mumwe Musiki kunze kwaAllah, uye hakuna Mupi weraramo kunze kwaAllah, uye hakuna Mupi wehupenyu kunze kwaAllah, uye hakuna Mupi werufu kunze kwaAllah, uye hapana anofambisa zvinhu panyika kunze kwavo, ngavarumbidzwe ivo vari kumusoro-soro.

Uye hazvizivikanwe kuti kune kana mumwechete wezvisikwa akaramba hutenzi hwaAllah vanorumbidzwa, kunze kwekunge ari anozvitutumadza, asingatendi mune zvaanoreva. Sezvakaitika kuna Farao, paakataura kuvanhu vake achiti:

﴿‌...أَنَا ‌رَبُّكُمُ ‌الْأَعْلَى﴾

{...Ndini Tenzi wenyu wepamusoro-soro.} [An-Naazi’aat: 24], Asi mashoko aya aisabva mukutenda maari, sokutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro nezvaMusa, rugare ngaruve paari kuti:

﴿‌قَالَ لَقَدۡ عَلِمۡتَ مَآ أَنزَلَ هَٰٓؤُلَآءِ إِلَّا رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ بَصَآئِرَ وَإِنِّي لَأَظُنُّكَ يَٰفِرۡعَوۡنُ مَثۡبُورٗا 102﴾

{(Musa) akati: “Zvirokwazvo unoziva kuti hapana akadzikisa zviratidzo izvi kunze kwaTenzi vematenga nenyika sehumbowo huri pachena, uye zvirokwazvo ini ndinofunga kuti uchaparadzwa iwe Farawo.” 102} [Al-Isra: 102], Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿‌وَجَحَدُوا بِهَا وَاسْتَيْقَنَتْهَا أَنْفُسُهُمْ ظُلْمًا وَعُلُوًّا... ﴾

{Uye vakamba (zviratidzo) kunyangwe hazvo hana dzavo dzaive nechokwadi nazvo, vachizviita nekuzvitutumadza uye nekuzvikudza ... }

[An-Naml: 14].

Zvirokwazvo zvisikwa izvi (zvepanyika) zvinotofanirwa kuva neMusiki, nekuti hazvigoneke kuti zvingazvisika zvega; nekuti chinhu hachikwanise kuzvisika, uye hachigone kuvepo nemasanga: Nokuti chiitiko chose chinofanira kuva nemuiti, Uye nokuti kuvapo kwazvo muhurongwa uhu hunishamisa uye nekuwirirana kwakanyatsobatana zvinorambidza kuti kuvepo kwazvo kuve masanga. Saka zviri pachena kuti zvinofanirwa kuva neMusiki, uyo anove Allah, Tenzi wezvisikwa zvese. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿‌أَمۡ خُلِقُواْ مِنۡ غَيۡرِ شَيۡءٍ أَمۡ هُمُ ٱلۡخَٰلِقُونَ 35 أَمۡ خَلَقُواْ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَۚ بَل لَّا يُوقِنُونَ 36﴾

Kana kuti vakasikwa pasina chiripo? Kana kuti ivo vakazvisika pachavo? 35

Kana kuti vakasika matenga nenyika here? Asi ivo havatendi. 36 [At-Tuur: 35-36].

Mamushrikuun(vanobatanidza Allah nevamwe nezvimwe zvinhu pakunamata) vaitenda muhutenzi hwaAllah vekumusoro-soro, panguva imwechete vachivasanganisa nezvimwe zvinhu mukunamata, uye izvozvo hazvina kuvapinza muIslam. Uye Muporofita (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive paari) akarwa navo, uye akatendera kuteurwa kweropa ravo nekutorwa kwepfuma yavo; nekuti vakabatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukunamata. Saka vakanamata zvimwe zvinhu zvisiri ivo pamwechete navo; sezvifananidzo, matombo, ngirozi, nezvimwewo.

2- Kutenda muhuMwari hwavo:

Kutenda muhuMwari hwavo, kureva kuti: Ivo vega ndivo Mwari vechokwadi, vasina mubatsiri. Uye (Al-Ilāh) zvinoreva kuti (Al-Ma'lūh), kureva kuti (vanonamatwa) nerudo, nekukudza, nekuzvininipisa.

Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿‌وَإِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞۖ لَّآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلرَّحۡمَٰنُ ٱلرَّحِيمُ 163﴾

Uye Mwari wenyu ndiMwari mumwechete; hakuna mumwe anokodzera kunamatwa kunze kwavo, vane ngoni zhinji, vanetsitsi dzakanyanya. 163 [Al-Baqarah: 163].

Uye wese anotora mumwe mwari kunze kwaAllah achimunamata,humwari hwacho ndehwe nhema. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ هُوَ ٱلۡبَٰطِلُ وَأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ 62﴾

Zvakadaro nekuti Allah ndivo Chokwadi, uye izvo zvavanonamata zvisiri Ivo ndezvenhema. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro pezvese, uye ndivo mukuru wezvose.62﴾ [Al-Hajj: 62].

Naizvozvo vatumwa (Rugare ngaruve kwavari), kubva kuna Nuh kusvika kuna Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), vaidaidza vanhu vavo kuhumwechete hwaAllah uye kuvanamata Ivo vega pasina mumwe kunze kwavo. Uye zvirokwazvo Allah vari kumusoro-soro vakaramba zvinoita avo vanobatanidza Allah nezvimwe vozvinamata pamwechete naAllah, ngavarumbidzwe uye ngavakudziridzwe, vachitsvaga rubetsero kwazviri, uye vachikumbira kununurwa kubva kwazviri; uye izvi zvinoratidzwa nehumbowo huviri hwepfungwa:

Hwekutanga: Kuti muvanamwari ava vavanotora hamuna kana chimwe chemaitiro ehuMwari, nekuti zvisikwa, hazvisike, uye hazviunze batsiro kune vanozvinamata, uye hazvibvisi matambudziko pavari, uye hazvina masimba pamusoro pehupenyu, kana rufu, kana kumutswa kwevakafa. Sezvakataura wekumusoro-soro kuti:

﴿وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةٗ لَّا يَخۡلُقُونَ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ وَلَا يَمۡلِكُونَ لِأَنفُسِهِمۡ ضَرّٗا وَلَا نَفۡعٗا وَلَا يَمۡلِكُونَ مَوۡتٗا وَلَا حَيَوٰةٗ وَلَا نُشُورٗا 3﴾

Uye vakatora vanamwari vasiri Ivo, vasingasiki chinhu asi ivo vachisikwa, uye havana simba rekuzvikuvadza kana kuzvibatsira, uye havana simba rekukonzera rufu, kana kupa hupenyu, kana kumutsa vafi. 3 [Al-Furqaan: 3].

Chechipiri: Vanosanganisa Allah nezvimwe pakunamata ava vaibvuma kuti Allah vekumusoro-soro ndivo vega Musiki neMurongi, uye izvi zvinoreva kuti vaifanira kumunamata vari vega muhuMwari hwavo sekutenda kwavakaita kuti ndivo Tenzi vari vega. Sokutaura kwakaita vekumusoro-soro kuti:

﴿قُل لِّمَنِ ٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهَآ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 84 سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ85 قُلۡ مَن رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ ٱلسَّبۡعِ وَرَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡعَظِيمِ 86 سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ 87 قُلْ مَنْ بِيَدِهِ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيْءٍ وَهُوَ يُجِيرُ وَلَا يُجَارُ عَلَيْهِ إِنْ كُنْتُمْ تَعْلَمُونَ 88 سَيَقُولُونَ لِلَّهِ قُلْ فَأَنَّى تُسْحَرُونَ 89﴾

Iti: “Ndeyani nyika nevose vari mairi, kana imi muchiziva?” 84

Vachati: “NdezvaAllah.” Iti: “Ko hamurangariri here?” 85

Iti: “Ndiani Tenzi vematenga manomwe, uye Tenzi veChigaro cheHumambo chikuru?” 86

Vachati: "NdezvaAllah." Iti: "Saka hamuvatyi here?" 87

Iti: ‘Mumaoko ani mune ushe hwezvinhu zvese, uye vanodzivirira asi ivo hapana anovadzivirira kana muchiziva?’ 88

Vachati: “NdezvaAllah.” Iti: “Ko zvino sei muchinyengedzwa?” 89 [Al-Muʾminuun: 84-89] Zvino kana vachinge vapupura Hutenzi hwaAllah vari voga; zvinova zvakasungirwa pavari kuti vanamate Allah vanokudzwa vega uye vasavasanganise chero naani zvake mukumunamatwa kwavo.

3- Kutenda mumazita nemaitiro:

Kureva kuti: kutsinhira zvakatsinhirwa naAllah nezvavo mubhuku ravo, kana zvakatsinhirwa kwavari neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muSunnah yake; zvemazita nemaitiro aAllah, nenzira inokodzera kunaAllah vekumusoro-soro, pasina kuchinja, kana kuramba, kana kutsanangura kuti zvakamira sei, kana kuenanzanisa (nezvimwe zvinhu). Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿‌وَلِلَّهِ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰ فَٱدۡعُوهُ بِهَاۖ وَذَرُواْ ٱلَّذِينَ يُلۡحِدُونَ فِيٓ أَسۡمَٰٓئِهِۦۚ سَيُجۡزَوۡنَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ 180﴾

Uye Allah ndivo vane mazita akanakisisa, saka vadanei nawo; uye siyanai neavo vanotsaudzira mumazita avo. Vacharangwa maererano nezvavaiita﴿. 180 [Al-A'araaf: 180], Uye vekumusoro-soro vakati:

﴿‌...لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ﴾

...Hapana chakafanana navo; uye Ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese﴿. [Ash-Shuura: 11].

Mhando dzeShirk nhatu:

1- Shirk huru.

2- Shirk diki.

3- Shirk yakavandika.

1- Shirk huru:

Tsanangudzo yacho ndeiyi: kuenzanisa zvisiri Allah naAllah pazvinhu zvinovanoita ivo voga. Sezvakataura naAllah, vekumusoro-soro kuti:

﴿‌إِذۡ نُسَوِّيكُم بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ 98﴾

Pataikuenzanisai naTenzi vezvisikwa zvese﴿ [Ash-Shu'araa: 98].

Zvinova zvinosanganisira: kunamata chinhu chisiri Allah vekumusoro-soro, kana kuti kunamata chinhu chisiri Allah vanoremekedzwa nenzira dzekunamata dzakaita sekukumbira(dua), kutsvaga rubatsiro, kuita mhiko, nekuuraya mhuka yekupira, nedzimwe mhando dzekunamata.

Zvinogona kusanganisa: kuibvumira zvakarambidzwa naAllah vanoremekedzwa, kana kurambidza zvakatenderwa naAllah, kana kusiya zvinosungirwa naAllah, vane simba nehukuru, sekutendera zvinhu zvinozivikanwa zviri pachena kuti zvakarambidzwa muchitendero; sekutendera hupombwe kana zvinodhaka kana kusateerera vabereki kana chimbadzo kana zvimwe zvakafanana neizvozvo.

kana kurambidza zvinhu zvakanaka zvaakabvumidza naAllah, Samasimba vanokudzwa, kana kuti kubvisa zvaakasungirwa naAllah; sokutenda kuti Salah haisungirwe, kana kuti kutsanya hakusungirwe, kana kuti Zakaah haina kusungirwa .

Uye Shirk huru inokonzera kuparadzwa kwemabasa, nekugara nekusingaperi mumoto kune uyo anofira mairi. Sekutaura kwaAllah vekumusoro-soro kuti:

﴿‌...وَلَوۡ أَشۡرَكُواْ لَحَبِطَ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ﴾

...asi kana vakasanganisa vamwe mukunamata Allah, zvose zvavaiita hazvaive nebatsiro kwavari. ﴿ [Al-An’aam: 88].

Uye aninani anofa achiita Shirk; Allah havazombomuregereri, uye Paradhiso yakarambidzwa kwaari. Sezvakataura naAllah vekumusoro-soro kuti:

﴿‌إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَغۡفِرُ أَن يُشۡرَكَ بِهِۦ وَيَغۡفِرُ مَا دُونَ ذَٰلِكَ لِمَن يَشَآءُ...﴾

﴿Zvirokwazvo, Allah havaregereri kusanganiswa kwavo nemumwe mukunamatwa, uye vanoregerera zviri pasi peizvozvo kune wavanoda...﴾ [An-Nisa: 48], Uye vekumusoro-soro vakati:

﴿...إِنَّهُۥ مَن يُشۡرِكۡ بِٱللَّهِ فَقَدۡ حَرَّمَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِ ٱلۡجَنَّةَ وَمَأۡوَىٰهُ ٱلنَّارُ...﴾

Zvirokwazvo, uyo anosanganisa Allah nemumwe, zvirokwazvo Allah Vamurambidza Paradhiso, uye pekugara pake imoto... ﴿

[Al-Maaidah: 72].

2- Shirk diki:

Iyi ndiyo yakatsinhirwa nemagwaro kuti iShirk ikaphiwa zita iroro asi haina kuzosvika padanho reShirk huri, nokudaro inonziShirk diki; sekupika nechinhu chisiri Allah vekumusoro-soro; sekupika neKa’bah, nevaporofita, nekuvimbika, nehupenyu hwemunhu (kuti, "Ndopika nanhingi") nezvimwe zvakadaro, Sezvakataura neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):

«مَنْ حَلَفَ بِغَيرِ اللهِ فَقَدْ كَفَرَ أَو أَشْرَكَ».

«Uyo anopika nezvisiri Allah, zvirokwazvo atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah»2.

Uye shirk iyi inogona kuva huru zvichienderana nezviri mumoyo meanoiita. Saka kana munhu anopika neMuporofita kana naSheikh nhingi achitenda mumoyo make kuti ava vakafanana naAllah, kana kuti vanoitirwa du'a (kukumbira) kunze kwaAllah, kana kuti vane zvavanoronga voita pasi pano (zvisina Allah mukati); zvirokwazvo izvi zvinova Shirk huru.

Asi kana munhu anopika nezvimwe zvisiri Allah asina kureva kudaro, asi kuti zvingori zvabuda parurimi rwake pasina chinangwa ichocho, nekuda kwekuti anga ajaira tsika iyoyo; zvinova Shirk diki, Uye izvi zvinoitika kazhinji mune dzimwe nzvimbo, nokudaro zvinosungirwa kungwarira izvozvo, nekuyambira nezvazvo, kuitira kuchengetedza Tawheed nekuidzivirira.

3- Shirk yakavanzika:

Ndeiyo inove mumoyo yevanhu sekuita mabasa kuti uonekwe nevanhu; semunhu anonamata kana anoverenga (Qur'an) kuitira kuratidza vanhu, kana anorumbidza Allah kuti arumbidzwe navo, kana anopa zvipo kuti arumbidzwe navo. Uye izvi zvinoparadza mubairo webasa rinoitirwa kuratidza vanhu, kwete wemamwe mabasa anoitirwa Allah vekumusoro-soro chete.

Muporofita, rugare rwaAllah nemakomborero avo ngazvive kwaari akati:

«الشِّرْكُ فِي هَذِهِ الْأُمَّةِ أَخْفَى مِنْ دَبِيبِ النَّمْلَةِ السَّودَاءِ عَلَى الصَّفَاةِ السَّودَاءِ فِي ظُلْمَةِ اللَّيْلِ، وَكَفَّارَتُهُ أَنْ يَقُولَ: "اللَّهُمَّ إِنِّي أَعُوذُ بِكَ أَنْ أُشْرِكَ بِكَ شَيْئًا وَأَنَا أَعْلَمُ، وَأَسْتَغْفِرُكَ مِنَ الذَّنْبِ الَّذِي لَا أَعْلَمُ».

«Shirk muUmmah ino yakavanzika kudarika kufamba kwesvosve dema pamusoro pedombo dema murima rehusiku, uye muripo wacho ndewe kuti ataure kuti: "Allahumma inni a'uudhu bika an ushrika bika shayʿan wa anaa a'lamu, wa astaghfiruka mina adh-dhambi alladhi la a'lamu. Allah, zvirokwazvo ndinopotera kwamuri kubva pakukubatanidzai nechimwe chinhu ndichizviziva, uye ndinokumbira ruregerero kwamuri pachitadzo chandisingazive»3.

Mhando dzekusatenda:

Mhando yekutanga: Kusatenda kukuru:

Uye ndiko kunokonzera kugara muMoto nekusingaperi, uye kune mhando shanu:

1- Kusatenda kwekuramba:

Uye ndiko kutenda mukunyepa kwevatumwa, izvi zvishoma kune vasingatendi; nekuti Allah, Samasimba vukuru, vakatsigira vatumwa vavo nehumbowo huri pachena. Asi mamiriro evanoramba vatumwa ava akangoita sezvakavatsanangura Allah kuti:

﴿‌وَجَحَدُوا ‌بِهَا ‌وَاسْتَيْقَنَتْهَا أَنْفُسُهُمْ ظُلْمًا وَعُلُوًّا...﴾

﴿Uye vakazviramba nekutadza uye nekuzvitutumadza kunyangwe moyo havo yaive nechokwadi nazvo...﴾ [An-Naml: 14].

2- Kusatenda kwekuramba nekuzvitutumadza:

Izvi zvakafanana nekusatenda kwaIblis, nekuti zvirokwazvo haana kuramba kana kupikisa murairo waAllah, asi akautambira nekuzvidza nekuzvitutumadza. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَإِذۡ قُلۡنَا لِلۡمَلَٰٓئِكَةِ ٱسۡجُدُواْ لِأٓدَمَ فَسَجَدُوٓاْ إِلَّآ إِبۡلِيسَ أَبَىٰ وَٱسۡتَكۡبَرَ وَكَانَ مِنَ ٱلۡكَٰفِرِينَ 34﴾

Uye (rangarirai) panguva yatakati kungirozi: “Pfugamirai Adam.” Vakabva vapfugama kusara kwaIblis. Akaramba uye akazvikudza, uye akanga ari umwe wevasingatendi. 34 [Al-Baqarah: 34].

3- Kusatenda kwekufuratira:

Uku kufuratira chokwadi nenezveve nemoyo wake orega kuchitevera, zvekuti haacheukiri kwachiri, uye haaiti hanya nacho. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّن ذُكِّرَ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِۦ ثُمَّ أَعۡرَضَ عَنۡهَآۚ إِنَّا مِنَ ٱلۡمُجۡرِمِينَ مُنتَقِمُونَ22﴾

﴿Uye ndeupi anotadza zvakanyanya kupfuura uyo anoyeuchidzwa nezvendima dzaTenzi vake, obva adzifuratira? Zvirokwazvo, Isu tichatsiva pavatadzi. 22﴾ [As-Sajdah: 22].

Asi kufuratira kwechidimbu; chinova chitadzo, kwete kusatenda; semunhu anofuratira kudzidza zvimwe zvakasungirwa zvechitendero; zvakaita semitemo yekutsanya kana yeHajj nezvimwe zvakadaro.

4- Kusatenda kwekusava nechokwadi:

Uye uku ndiko kuti anove nemoyo miviri , uye haatambire chokwadi nechivimbo chakazara, asi anopokana nacho, sekutaura kwaAllah vekumusoro-soro kuti:

﴿وَدَخَلَ جَنَّتَهُ وَهُوَ ظَالِمٌ لِنَفْسِهِ قَالَ مَا أَظُنُّ أَنْ تَبِيدَ هَذِهِ أَبَدًا 35 وَمَا أَظُنُّ السَّاعَةَ قَائِمَةً وَلَئِنْ رُدِدْتُ إِلَى رَبِّي لَأَجِدَنَّ خَيْرًا مِنْهَا مُنْقَلَبًا 36﴾

Uye akapinda mubindu rake asina kururama iye pachake, akati: “Handifungi kuti izvi zvinoparara zvachose.” 35

Uye handifungi kuti nguva ichasvika, uye kana ndikadzoserwa kuna Tenzi vangu, zvirokwazvo ndichawana ndichawana zviri nani pane izvi kana ndadzokera kwavari 36 [Al-Kahf: 35-36].

5- Kusatenda kwehunyengeri:

Uku ndiko kuratidza kutenda nerurimi rwake, asi achivanza kusatenda mumoyo make. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يَقُولُ ءَامَنَّا بِٱللَّهِ وَبِٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ وَمَا هُم بِمُؤۡمِنِينَ 8﴾

Uye pakati pevanhu kune vamwe vanoti: “Tinotenda muna Allah uye nezuva rekupedzisira,” asi havasi vatendi. ﴿ [Al-Baqarah: 8].

Idzi ndidzo mhando dzekusatenda kukuru dzinoburitsa munhu muchitendero.

Mhando yechipiri: Kufr Diki:

Uye rudzi urwu harutongerwi kugara zvachose muMoto. Uye ndirwo rwakauya muBhuku (Qur’an) neSunnah risina kudomwa sekusatenda kukuru kunoratidzwa nemavara echiArabhu anoti alif nalaam (rwakanyorwa kuti kufr kwete al-kufr). Mienzaniso yacho mizhinji inosanganisira: Nhaurwa ya Abu Hurairah (Allah ngavafare naye) umo vakati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«اثْنَتَانِ فِي النَّاسِ هُمَا بِهِمْ كُفْرٌ: الطَّعْنُ فِي النَّسَبِ، وَالنِّيَاحَةُ عَلَى المَيِّتِ».

«Zvinhu zviviri zviri muvanhu ndezvekusatenda: kushora dzinza, nekuungudza»4.

2) Kutenda muNgirozi:

Idzo zvisikwa zvisingaonekwi. Allah, vekumusoro-soro, vakadzisika kubva muchiedza, uye idzo vanamati vaAllah vekumusoro-soro. Hadzina chero chikamu chehutenzi kana humwari madziri. Uye idzo hadzityori mirairo yaAllah. Uye dzinoita zvadzinorairwa. Uye dzizhinji, hakuna anoziva huhwandu hwadzo kunze kwaAllah vekumusoro-soro.

Kutenda mungirozi kunosanganisira zvinhu zvina:

1- Kutenda mukuvapo kwadzo.

2- Kutenda mune idzo dzatinoziva mazita adzo kubva madziri; saJibril, Mikail, naIsrafil, nevamwe. Uye iyo yatisingazivi zita rayo, tinotenda mairi zvakazara (pasina kuziva zita rayo).

3- Kutenda mune mamiriro adzo atakaziviswa, izvo zvakauya muQur'an neSunnah; semamiriro aJibril. Muporofita, Allah (rugare rwaAllah nemakomborero avo ngazvive paari) akazivisa kuti akamuona ane chimiro chake chaakasikwa nacho naAllah vekumusoro-soro, aine mapapiro mazana matanhatu, akavhara denga rose kusvika kwarakagumira.

4- Kutenda mumabasa avo atakaziviswa; sekurumbidza kwavo Allah vekumusoro-soro, uye kunamata kwavari husiku nemasikati pasina kufinhwa kana kuneta.

Semuenzaniso: Jibril: ndiye anotumwa nechizaruro.

Uye Israfil: ndiye akapiwa basa rekufuridza hwamanda.

Uye ngirozi yeRufu: ndiye akatpihwa basa rekutora mweya panguva yerufu.

Uye Mālik: muchengeti weMoto. Uye Riḍwān: muchengeti weParadhiso, nevamwe.

3) Kutenda muMabhuku:

Uye zvinorehwa nemabhuku: ndiwo mabhuku ekudenga akadzikiswa naAllah vekumusoro-soro kuvatumwa vavo, senhungamiro kuvanhu netsitsi kwavari, kuti vawane mufaro wehupenyu huno nehuchauya.

Kutenda mumabhuku kunosanganisira zvinhu zvina:

1- Kutenda kuti akadzikiswa kubva kuna Allah zvechokwadi.

2- Kutenda mune awo atinoziva mazita awo; seQur'an iro rakadzikiswa kuna Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), Uye Torah iro rakadzikiswa kuna Musa, rugare rwaAllah ngarwuve kwaari, uye Injili rakadzikiswa kuna Isa, rugare ngarwuve kwaari, Uye Zabur raakapihwa Dawud, rugare ngarwuve kwaari.

Asi bhuku ratisingazive zita raro; tinotenda mariri zvakazara.

3- Kutenda nhaurwa dzawo; senhaurwa dzeQur'an, uye nhaurwa dzezvisina kutsiviwa kubva mumagwaro akare.

4- Kuita mabasa anoenderana nemirairo isina kushandurwa, nekugamuchira nekuzviisa pasi payo, zvisinei kuti tanzwisisa huchenjeri hwayo here kana kuti hatina kunzwisisa. Uye magwaro ose akare akatsiviwa neQur'an rinoera. Naizvozvo, hazvitenderwi kutevedzera mutemo upi zvawo wemumabhuku ekare, kunze kweuyo wakarurama kubva maari, uye wakatsinhirwa neQur'an rinoera kana Sunnah yeMuporofita.

4) Kutenda muvatumwa, rugare ngarwuve pavari:

Vatumwa (Ar-Rusul): Uzhinji hwaMutumwa (Rasul); uye uyu munhu anobva muvanhu anozarurirwa mutemo waAllah, uye achirayirwa kuuparidza. Wekutanga wavo ndiNuh, rugare ngarwuve paari, uye wekupedzisira wavo ndiMuhammad, rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari. Uye ivo vanhu vakasikwa, Havana kana chinhu pamamiriro kana maitiro ehutenzi nehumwari zviri pavari.

Uye kutenda muvatumwa kunosanganisira:

1- Kutenda kuti hutumwa hwavo ichokwadi kubva kuna Allah. Saka ani naani anoramba kutenda muhutumwa hwemumwe wavo, anenge aramba kutenda mavari vose.

2- Kutenda kune avo vatinoziva mazita avo pakati pavo: saMuhammad, Ibrahim, Musa, Isa, naNuh, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari. Uye ivo ndivo vatumwa vane kutsunga kukuru.

Asi avo vatisingazivi mazita avo; tinotenda mavari muzvizere. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿‌وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا رُسُلٗا مِّن قَبۡلِكَ مِنۡهُم مَّن قَصَصۡنَا عَلَيۡكَ وَمِنۡهُم مَّن لَّمۡ نَقۡصُصۡ عَلَيۡكَ...﴾

Uye zvirokwazvo takatuma vatumwa pamberi pako; pakati pavo pane vatakakurondedzerera nezvavo, uye pakati pavo pane vatisina kukurondedzerera nezvavo... ﴿ [Ghafir: 78].

3- Kutenda chokwadi chenhaurwa dzakashumwa kubva kwavari, rugare ngaruve kwavari.

4- Kuita mabasa anoenderana nemutemo weMutumwa akatumwa kwatiri kubva pakati pavo, uye ndiye Muporofita wavo wekupedzisira, Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari).

5) Kutenda muZuva Rekupedzisira:

Uye ndiro Zuva reKumutswa, iro vanhu vachamutswa kuti vatongwe uye vapihwe mubairo kana murango wavo. Rakatumidzwa zita iroro nekuti hapana rimwe zuva rinoritevera, nekuti vagari vemuParadhiso vanenge vagadzikana mudzimba dzavo, uye vagari vemuMoto vanenge vave mudzimba dzavo.

Uye kutenda muZuva reKupedzisira kunosanganisira zvinhu zvitatu:

A- Kutenda mukumutswa:

Uku ndiko kumutswa kwevakafa, apo panofuridzwa hwamanda kwechipiri (yorira). Vanhu vachazomira pamberi paTenzi wenyika dzose, vasina shangu, vasina mbatya, vasina kuchecheudzwa. Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿كَمَا بَدَأْنَا أَوَّلَ خَلْقٍ نُعِيدُهُ ‌وَعْدًا ‌عَلَيْنَا إِنَّا كُنَّا فَاعِلِينَ 104﴾

Sokuvamba kwatakaita chisikwa chekutanga tichachidzokorora. Ichi chivimbiso chechokwadi kwatiri. Zvirokwazvo, tichazviita. ﴿

[Vaporofita: 104].

B- Kutenda mukubvunzwa nekupiwa mubairo kana murango:

Apo muranda achabvunza pamusoro pemabasa ake, uye achapihwa mubairo kana murango nawo.Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿إِنَّ إِلَيۡنَآ إِيَابَهُمۡ 25 ثُمَّ إِنَّ عَلَيۡنَا حِسَابَهُم 26

Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kwavanodzoka 25

Uye zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kutongwa kwavo﴿. [Al-Ghashiyah: 25-26].

J- Kutenda muParadhiso uye neGehena:

Uye kuti ndizvo magumo asingaperi ezvisikwa; Paradhiso ndiwo musha wemakomborero uyo Allah, vekumusoro-soro, vakagadzirira vatendi vanovatya, uye avo vakateerera Allah neMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari). Imomo mune zvisina kumboonekwa neziso, uye zvisina kumbonzwikwa nenzeve, uye zvisina kumbofungwa nemwoyo wemunhu.

Asi Moto; ndiwo musha wemurango, uyo wakagadzirwa naAllah vekumusoro-soro kuti uve weavo vakaramba kutenda muna Allah uye vakasateerera vatumwa vavo. Mauri mune mhando dzemurango nekutambudzwa izvo zvisingambofungidziriki mupfungwa.

 

 

6) Kutenda mukutara kwaAllah, kunaka kwakwo nekuipa kwakwo:

Uye zvinorehwa nenekutara kwaAllah (Qadr): Kutara kwaAllah, Samasimba vaneremekedzwa, kwezvinhu zvichazovapo maererano neruzivo rwavo rwavanoziva kubva kare, uye nezvinoenderana neuchenjeri hwavo.

Kutenda muQadar kunosanganisira zvinhu zvina:

1- Ruzivo: kunova kutenda muruzivo rwaAllah vVepamusoro-soro, uye kuti Ivo ndivo Muzivi wezvinhu zvese zvakavapo nezvichavapo, uye kuti zvichavapo sei, zvese zvakazara zvakadzama, kubvira pakutanga nekusingaperi. Ndiye Muzivi-vanorumbidzwa- wezvisina kuvapo, kuti dai zvaivapo zvingadai zviri sei, Sezvavakataura vanorumbidzwa kuti:

﴿‌وَلَوۡ رُدُّواْ لَعَادُواْ لِمَا نُهُواْ عَنۡهُ ...﴾

Asi kana vakadzoserwa (kunyika), muzvokwadi, vaidzokerazve kune izvo zvavakarambidzwa... ﴿ [Al-An’aam: 28]

2- Kunyora: Ndiko kuti Allah vekumusoro-soro vakanyora zvinhu zvese zvakatarwa zvakatemerwa kusvika kuzuva rekumututswa. Sezvakataura Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿أَلَمۡ تَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ذَٰلِكَ فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ 70

Ko hauzivi here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga nepanyika? Zvirokwazvo, izvozvo zviri muGwaro (Bhuku Rakachengetedzwa). Zvirokwazvo, izvozvo kuna Allah zviri nyore.﴿

[Al-Hajj:70].

3- Kuda (kwaAllah): Ndiko kutenda kuti hakuna chinoitika munyika kunze kweizvo zvinodiwa naAllah, Samasimba vanorumbidzwa. Vekumusoro-soro vakati:

﴿وَرَبُّكَ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُ وَيَخۡتَارُ ...﴾

Uye Tenzi vako vanosika zvavanoda uye vosarudza...﴿ [Al-Qasas: 68]. Munhu ane kuda kwake, uko kuri pasi kwekuda kwaAllah, sekutaura kwavo Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿وَمَا تَشَآءُونَ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ 29

Uye hamugoni kuda kunze kwekunge Allah, Tenzi vepasi rose, vada. ﴿ [At-Takwir: 29].

4- Kusika: Uku kutenda kuti Allah, Samasimba vanoremekedzwa, vakasika zvisikwa pamwe nemabasa avo nezviito zvavo, zvingave zvakanaka kana zvakaipa, Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿ٱللَّهُ خَٰلِقُ كُلِّ شَيۡءٖۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ وَكِيلٞ 62

Allah ndivo Musiki wezvinhu zvese; uye ndivo Mutariri wezvinhu zvese. ﴿ [Az-Zumar: 62].

Uye zvikamu izvi zvakaunganidzwa mundima (yenhetembo) ino yekuti:

Ruzivo, kunyora kwaTenzi Vedu, kuda Kwavo *** Uye kusika Kwavo, kunova kusika kubva pasina nekuumba.

Chikamu chechitatu: Ihsaan (kuita zvakanaka zvikuru kana kuti kunamata Allah kunge uri kuvaona):

Ihsaan: ibango rimwechete; kunamata Allah sekunge unovaona, nekuti kana usiri kuvaona, zvirokwazvo ivo vanokuona.

Kureva kuti: munhu anoita mabasa ekunamata aakarairwa naAllah sekunge akamira pamberi paAllah, Samasimba vanoremekedzwa, uye izvi zvinoda kutya Allah kuzere pamwe nekutendeuka kwavari, ngavarumbidzwe. Uye zvinodawo kunamata maererano neSunnah yeMutumwa (rugare nerukomborero aAllah ngazive paari).

Ihsaan ine matanho maviri, uye vanhu vanoita Ihsaan vari pamatanho maviri akasiyana:

Danho rekutanga: uye ndiro repamusoro, rinove rekuita kunge uri kuona Allah; Apa muranda waAllah anoita mabasa ake sekunge ari kuona Allah, Samasimba vanorumbidzwa, nemoyo wake, zvoita kuti moyo uiswe chiedza nerutendo, kusvikira zvisingaonekwe zvaita sezvinoonekwa.

Danho rechipiri: Danho rekuzvipira nekuzvichengeta uchiziva kuti Allah varikukuona. Zvinoreva kuti muranda anofanira kugara achiziva kuti Allah vanomuona uye vanoziva zvese nezvake. Saka, paanenge achiziva izvi, anova anozvipira kuna Mwari vemasimbaose.

Chikamu Chechina: Nhoroondo pfupi yenheyo dzeAhlu Sunnah wa al-Jama'ah:

Chekutanga: kutevedzera zvakaunzwa muBhuku(Qur’an) neSunnah, mumoyo nepanze (kuti nhengo dzemuviri dzinotenda mazviri dzoita mabasa anoenderana nazvo). Uye kusatungamidza mashoko emunhu upi zvake pamberi pemashoko aAllah, vemasimba ose vanorumbidzwa, nemashoko eMutumwa wawo, makomborero nerugare zvaAllah ngazvive paari.

Chepiri: kusave neruvengo kumaSahaba eMutumwa waAllah, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive paari, uye nekusataura zvakaipa pamusoro pavo. ﷺ, Uye vanotenda kuti Khalifa mushure meMutumwa waAllah (makomborero nerugare zvaAllah ngazvive paari) ndi: Abu Bakr, kozoti Umar, kozoti Uthman, kozoti Ali, Allah ngavafadzwe navo vese.

Chechitatu: Kuda mhuri yeMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), uye kuvatsigira, uye mhuri yake (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari): ndivo vakarurama pakati pavo kunyanya.

Chechina: Kusapandukira mutungamiri wenyika, nevatongi, kunyangwe vakadzvinyirira, uye vanonamatirwa kuti varurame vagare zvakakanaka, uye havaitirwa madu'a ekuti vawirwe nezvakaipa. Uye kuvateerera chikamu chekuteerera Allah vemasimbaose uye zvakasungirwa kuvateerera kana vasingarayire vanhu kuti vaite zvitadzo. Asi kana vakaraira vanhu kuti zvitadzo; zvirokwazvo havateererwi mazviri. Uye kunosara kuti vateererwe mune zvakanaka nezvimwe zvacho zvakadaro.

Chechishanu: Kutenda muzvishamiso zveshamwari dzaAllah; Uye izvi ndizvo zviitiko zvinoshamisa zvinove zvinhu zvisingawanzoitika zvavanopihwa simba rekuita naAllah.

Chechitanhatu: Havati vanhu vanonamata vakatarisa kuQiblah havasi vatendi pamusana pekusateerera Allah nekuita zvitadzo zvikuru, sezvinoita maKhawaarij. Hukama hwekutenda hunoramba hwuripo kunyangwe paine zvitadzo. Uye (vaAhlu Sunnah wa al-Jama'ah) vanoti nezvemutadzi: iye mutendi nekutenda kwake, asi mutadzi nechitadzo chake chikuru.

 

 

 

 

Chitsauk: Zvinoenderana nezvekunamata

Chikamu Chekutanga: Kuchena.

Izwi rekuti Taharah pamutauro wechiArab zvinoreva hutsanana uye kuzvichenesa kubva kutsvina inoonekwa neisingaonekwe.

MuShar'iah Taharah zvinoreva: kubviswa kwekusachena kwemuchitendero [hadath] (kunoda wudhu kana kugeza muviri wose) uye kubviswa kwetsvina. Uye kuchena ndiyo svombonoro (kiyi)yeSwalaah. Nokudaro, kudzidza nezvazvo ndeimwe yenyaya dzakakosha zvikuru muchitendero, zvinova zvinosungirwa kune muMuslim wese kuti azvidzidze uye ave nehanya nazvo.

Chekutanga: Mhando dzemvura:

1- (Twahuur) iyi imvura yakachena inochenesa; zvinotenderwa kuzvichenesa nayo, Zvisinei kuti yaramba iri sezvayakasikwa iri; semvura yekunaya, kana yemunzizi, kana yemumakungwa, kana kuti yakasanganiswa nechinhu chakachena chisina kuikurira (kuwanda kuidarika) uye chisina kuita kuti ichinje zita rayo.

2- (Najis) Yakasviba; haibvumidzwi kushandisa. Nokudaro, haibvisi hadath, uye haibvisi tsvina. Iyo ndiyo mvura yakachinja ruva rwayo , kana hwema hwayo, kana manakiro acho netsvina.

Chechipiri: Tsvina:

Najāsa: itsvina yakatarwa, rudzi rwayo runoita kuti munhu arambidzwe kuita Swalaah; seweti, tsvina, ropa nezvimwe zvakadaro, uye inowanikwa pamuviri, panzvimbo, nepanhumbi.

Uye mutemo wekutanga pazvinhu: kuti zvinhu zvese zvinobvumidzwa uye zvakachena. Saka ani nani anoti chinhu chine tsvina anofanirwa kuve nehumbowo. Zvinhu zvakaita segararwa, dikitira remunhu, uye dikitira rembongoro hazvitorwe setsvina (najasah); asi kuti zvakachena, kunyangwe zvichinge zvakasviba. Uye chinhu chese chine najasah itsvina, asi tsvina yese haisi najasah.

Uye tsvina ine matanho matatu:

Rekutanga: Tsvina yakanyanya;

setsvina yemudziyo wekubikira kana wekupakuirira unonanzwa nembwa. Uye nzira yekuchenurwa kwawo: ndeyekuti ugezwe kanomwe, kekutanga kacho kachiva nevhu.

Rechepiri: Tsvina yakareruka:

seweti yemwana mukomana mucheche achiri kuyamwa kana yaenda panhumbi nezvinhu zvakadaro. Nzira yekuchenura kwayo ndeyekuti: imwayiwe mvura kusvikira yaipedza, uye hapadiwi kukwiza kana kusvina.

Yechitatu: Tsvina Yepakati nepakati:

seweti yemunhu netsvina yake, pamwe nemhando zhinjisa dzetsvina, kana dzaenda pasi kana panhumbi nezvimwewo zvakadaro. Uye nzira yekuichenura: ndeyekubvisa tsvina yacho kana iripo, kana kuchenesa panzvimbo payo nemvura kana nezvimwe zvinoshandiswa pakuchenesa.

Zvinhu zvakaratidzwa nehumbowo kuti zvakasviba zvinosanganisira:

1- Weti yemunhu uye tsvina yake.

2- Mvura inobuda panhengo yemurume kana ave kuda kusangana nemukadzi kana kufunga nezvebonde (Madhi) nemvura yakakora inobuda mushure mekuita weti (Wadhi)5.

3- Ndove yemhuka dzisingadyiwi nyama yadzo.

4- Ropa rekumwedzi neropa rinobuda mumukadzi mushure mekunge azvara.

5- Mate embwa.

6- Chinhu chakafa, asi izvi hazvisanganisire:

A- Munhu kana afa.

b- Hove nehwiza zvakafa.

c- Chinhu chinofa chisina ropa rinoyerera; senhunzi, masvosve nenyuchi, nezvimwewo zvakadaro.

d- Pfupa rechinhu chakafa nenyanga yacho nenzwara yacho nemvere dzacho neminhenga yacho.

Kucheneswa kwetsvina kunoitwa sezvizvi:

1- Nemvura, uye ndihwo hwaro mukuchenura tsvina, saka haitsiviwi nechimwe chinhu.

2- Zvinotaurwa nemutemo weIslam maererano nemaitirwo ekucheneswa kwezvinhu zvine tsvina kana izvo zvakasvibiswa:

a- Dehwe remhuka yakafa rinocheneswa nedibaagh (kucheneswa nemunyu, makwati emiti nezvimwe zvakadaro).

b- Kucheneswa kwemudziyo kana wananzviwa nembwa; kuugeza kanomwe; kekutanga kacho nevhu.

J- Kucheneswa kwenhumbi kana yasvibiswa neropa rekumwedzi; inotanga yaparwa, yozokwizwa nemvura, yozosukurudzwa. Uye kana pashure peizvozvo pakasara zvinosaririra, hazvikanganisi.

d) Kucheneswa kwemupendero wenhumbi yemukadzi; inocheneswa ne(ivhu re)pasi pakachena panotevera (apo panofamba munhu).

h- Kucheneswa kwenhumbi kubva muweti yemukomana mucheche achiri kuyamwa kunoitwa nekumwaya mvura; uye weti yemusikana mucheche inocheneswa nekugeza nhumbi.

Kuchenesa hembe kubva kuMadhi; kumwaya mvura panzvimbo pacho (paendwa neaMadhi).

Z- Kuchenesa pasi peshangu; kuipukutira pamavhu akachena.

H. Kucheneswa kwepasi kubva kutsvina; kudira bhagidhi remvura panzvimbo yacho, kana kuparega kusvikira paoma nezuva kana nemhepo. Kana zviratidzo zvetsvina zvabva, nzvimbo inenge yachena.

Chechitatu: Zvinorambidzwa kuita kune munhu anenge ane hadath:

Zvinhu zvinorambidzwa kune munhu ane hadath, ingava diki kana huru:

1- Munamato wakamanikidzirwa kana usina kumanikidzirwa. Pamusana pezvakataurwa kubva kuna Ibn Umar, Allah ngavafadzwe naye nababa vake, kuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, akati:

«لَا يَقْبَلُ اللَّهُ صَلَاةً بِغَيْرِ طُهُورٍ».

«Allah havatambiri Swalah pasina kuchena»6.

2- Kubata Qur’an; sezvazvakataurwa mutsamba yakanyorwa neMutumwa (Allah ngavamuropafadze nekumupa rugare) kuna 'Amr ibn Hazm, umo maiva nemashoko ake achiti:

«لَا يَمَسُّ الْقُرْآنَ إِلَّا طَاهِرٌ».

“Hapana anobata Qur’an kunze kweakachena.”7.

3- Kupoterera imba yaAllah yekare (Ka'bah); nekuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«الطَّوَافُ بِالْبَيْتِ صَلَاةٌ، إِلَّا أَنَّ اللَّهَ أَبَاحَ فِيهِ الْكَلَامَ».

«Kupoterera Imba Tsvene kunamata, kunze kwekuti Allah vakabvumidza kutaura kana munhu achiita izvozvo»8. Uye Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) vakaita wudhu yeTawaf, Uye zvakatsinhirwa kubva kwaari, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari, kuti vakarambidza mukadzi ari kumwedzi kupoterera Ka'bah kusvikira achena.

Zvinhu zvinorambidzwa kune uyo ane hadath huru, ndeizvi:

1- Kuverenga Qur'an; izvi zvinoba muHadith ya Ali (Allah ngavafare naye) inoti: "Hapana chaimudzivirira - kureva Muporofita (rugare nemakomborero zvaMwari ngazvive paari) - kubva mukuverenga Qur’an, kunze kwekunge aine eJanābah (hadath inoitika mushure mekuita bonde"9.

2- Kugara muMasjid usina wudhu; nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَقۡرَبُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَأَنتُمۡ سُكَٰرَىٰ حَتَّىٰ تَعۡلَمُواْ مَا تَقُولُونَ وَلَا جُنُبًا إِلَّا عَابِرِي سَبِيلٍ حَتَّىٰ تَغۡتَسِلُواْ...﴾

Imi vanotenda! musaswedere pedyo nemunamato muchinge makadhakwa, kusvikira maziva zvamunenge muchitaura, uye kana muine Janaba, kunze kwekungopfuura (nemumasjid), kusvikira mageza...﴿ [An-Nisa: 43]

Kana uyo ane hadath huru akaita wudhu, anotenderwa kugara muMasjid. Saizvozvowo, zvinotenderwa kune ane hadath huru kuti angopfuura nemuMasjid, asi asingagaremo.

Chechina: Tsika dzekuzvibatsira:

Zvinokurudzirwa panguva yekuzvibatsira:

1- Kuve kure nekuzvihwandisa kubva kuvanhu panguva yekuzvibatsira.

2- Kutaura munamato wakashumwa pakupinda, uye unoti:

«اللَّهُمَّ إِنِّي أَعُوذُ بِكَ مِنَ الْخُبْثِ وَالْخَبَائِثِ».

«O Allah, ndinopotera kwamuri kubva kumweya yakaipa yechirume neyechikadzi»10.

Uye zvinosungirwa pakuzvibatsira:

1- Kuzvidzivirira kubva kuweti.

2- Kufukidza nhengo dzinonyadzisa.

Uye zvinorambidzwa pakuzvibatsira:

1- Kutarisa kuQiblah kana kuifuratira.

2- Kuzvibatsira munzira dzinofamba vanhu uye panzvimbo dzavo dzeruzhinji.

3- Kuita weti mumvura yakajenga.

Uye hazvikurudzirwe panguva yekuzvibatsira:

1- Kubata nhengo yechirume neruoko rwerudyi panguva yekuzvibatsira.

2- Kuzvigeza nekuzvipukuta neruoko rwerudyi.

3- Zvinovengwa kutaura, zvikurusei kurangarisa Allah Samasimba vanoremekedzwa, panguva yekuzvibatsira.

Chechishanu: Mitemo yeIstinjaa (kuzvigeza nhengo neIstijmaar:

Istinjaa: Kugeza nemvura tsvina inosarira kumashure kana kumberi nemvuri.

Istijmaar: kubvisa tsvina inosarira kumberi kana kumashure nechinhu chisiri mvura sematombo kana matishu.

Zviga zvezvinhu zvinoshandiswa pakuita istijmaar:

1- Kuti chive chinotenderwa.

2- Kuva chakachena.

3- Kuva chinochenesa.

4- Kuti chisave pfupa kana ndove.

5- Kusave chinhu chinoremekedzwa; semapepa ane zita raAllah Samasimba vanoremekedzwa.

Uye zvinotenderwa kuita istijmaar kana zviga zviviri zvazadziswa:

1- Kuti izvo zvinobuda zvisapfuure nzvimbo yazvo yazviniwanzogara.

2- Kuti istijmaar iitwe nematombo matatu anochenesa zvakakwana, zvichikwira.

Chechitanhatu: Mitemo yeWudhu:

Zvinosungirwa kuita Wudhu pamhando nhatu dzeminamato:

1- Swalah; ingave iri yakamanikidzirwa kana isina.

2- Kubata Mushaf (Quran).

3- Tawaf.

Zviga zvewudhu:

1- Kuve muMuslam.

2- Kuve nepfungwa dzakakwana.

3-Kusvika zera rekuziva kusiyanisa pakati pechakaipa nechakanaka.

4- Chinangwa (niyyah): Nzvimbo yayo iri mumwoyo, uye kuitaura nemuromo zvinhu zvakazounzwa muchitendero zvisina tsarukano (bid’ah). Uye wese anoda kuita Wudhu, anenge atoita niyyah. Kugeza nhengo dzeWudhu nechinangwa chekutonhorerwa kana kuzvichenesa; haisi Wudhu.

5- Kuenderera mberi neniyyah yacho: nekusava nechinangwa chekuigura kusvikira kushambidzika kwake kwakwana.

6- Kuguma kwezvinogura Wudhu. Vanoregererwa pane izvi vanoti: munhu ane chirwere chekubuda weti zvisingaperi, uye mukadzi anobuda ropa rechirwere (risiri rekumwedzi).

7- Kuita istinjaa kana istijmaar asati aita Wudhu, kune uyo anenge aita weti kana tsvina.

8- Kuchena kwemvura, uye kubvumirwa kwayo.

9- Kubvisa chinodzivisa kusvika kwemvura paganda.

10- Kupinda kwenguva yeSwalah kune yemunhu ane Hadath isingaperi.

Zvinomanikidzirwa paWudhu:

1- Kugeza kumeso, izvo zvinosanganisira: kukuchukudza mukanwa uye kukweva mvura nemumhino (ozoibuditsa).

2- Kugeza maoko kusanganisira magokora.

3- Kupukuta musoro wose, kusanganisira nzeve.

4- Kugeza makumbo maviri kusanganisira zviziso.

5- Kugeza nhengo dzeWudhu imwe mushure meimwe (at-tarteeb).

6- Kutevedza (pakugeza nhengo) Haafaniri kuita nguva yakareba pakati pekugeza nhengo.

Maitirwo eWudhu:

1- Kutaura kuti, "Bismillah".

2- Kugeza maoko katatu.

3- Kugeza chiso katatu, uye izvi zvinosanganisira kukuchukudza mukanwa nekugeza mumhino.

4- Kugeza maoko kusvika kumagokora katatu, zvichitanga neruoko rwerudyi, kuchitevera rweruboshwe.

5- Kupukuta musoro pamwe nenzeve.

6- Kugeza makumbo kusvika kuzviziso zvetsoka katatu, uchitanga netsoka yekurudyi, wozotevera neyekuruboshwe.

Zvinogura Wudhu:

1- Zvinobuda kubva kumberi nekumashure, senge: weti, mweya, netsvina.

2- Chinobuda chakawandisa chine tsvina kubva mumuviri.

3- Kushaikwa kwenjere pamusana pehope kana neimwe nzira.

4- Kubata nhengo dzesikarudzi neruoko, kungava kumberi kana kumashure, pasina chidziviriro.

5- Kudya nyama yengamera.

6- Kubuda muchitendero cheIslam, Allah ngavatichengetedze isu nemaMuslim kubva pane izvozvo.

Chechinomwe: Mitemo yekupukuta pamusoro pemasokisi eganda nemasokisi [khuffayn] (anogadzirwa nedonje kana zvinhu zvisina kuomarara):

1- Al-Khuff: Chipfeko chinopfekwa mutsoka chakagadzirwa neganda nezvakafanana naro.

2- Sokisi: Ndicho chinopfekwa kutsoka chakagadzirwa nemvere dzehwai kana kuti donje nezvimwewo zvakadaro.

Zviga zvekupukuta pamusoro pawo:

1- Kuti munhu aapfeke mushure mekunge azvichenesa.

2- Masokisi anofanirwa kuve anovhara tsoka mbiri pamwechete nezviziso zvemakumbo zviviri.

3- Kuva ave akachena.

4- Kuti kupukuta kuitwe munguva yakatarwa.

5- Kuti kupukuta kuitwe nemunhu ari kuita Wudhu, kwete kweGhusl.

6- Sokisi reganda nezvimwe zvakafanana naro rive rinotenderwa. Kana rakatorwa zvisiri pamutemo kana kuti riri resirika rakapfekwa nemurume, hazvitenderwi kupukuta pamusoro paro, nekuti mvumo yekurerutsirwa haitenderwi pachinhu chinorambidzwa.

Nguva yekupukuta:

Kumunhu asiri parwendo: zuva rimwe nehusiku hwaro, uye kumufambi: mazuva matatu nehusiku hwawo.

Mapukutirwo:

Unonyorovesa ruoko nemvura, wopukuta pamusoro pemasokisi (anogadzirwa nedonje nezimwe zvakadaeo kana kuti masokisi eganda, kutangira pazvigunwe zvetsoka kusvika patsapfu kamwe chete.

Zvinogura kupukuta:

1- Kupera kwenguva yekupukuta.

2- Kubvisa masokisi maviri kana rimwe rawo.

3- Kuitika kwehadath huru.

Mutemo eekupukuta pamusoro pemasokisi eganda:

Zvirokwazvo kurerutsirwa, uye kuzviita kuri nani pane kubvisa masokisi eganda nekushambidza tsoka; nekuti izvi kutora kurerutsa kwaAllah Samasimba vanoremekedzwa, uye kutevedzera Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari), uye kupesana neavo vanoita mabid’ah (zvinhu zvitsva pachitendero).

3- Kupukuta pamusoro pemabhandeji (jabaaʾir), zvinotsigira mapfupa ('asaaʾib), nezvinonamirwa pamaronda:

AlJabaaʿir: Zvinhu zvinosungwa panzvimbo dzakatyoka; zvakaita sepurasita kana matanda nezvimwe zvakafanana nazvo.

Al-Asaa'ib: ndizvo zvinosungirirwa pamusoro peronda, kana pakapwanyika, kana pakatsva; zvichigadzirwa nemachira nezvimwe zvakafanana nazvo.

Al-luswuuq: zvinhu zvinonamirwa pamaronda kana pamota kuti papore.

Mutemo wekupukuta pamusoro pazvo:

Zvinobvumidzwa: panguva yazvinodikanwa kuti zvigare zviripo,nechiga chekuti zvisadarika nzvimbo inoda kuvharwa.

Uye hazvitenderwe kuramba zviripo: kana zvisisina basa kuti zvivepo, kana kuti kubviswa kwazvo kusinga konzeri kuomerwa kana kukuvadza.

Maitirwo ekupukuta pamusoro pazvo:

Munhu anogeza nzvimbo yakakomberedza zvinhu izvi, uye anopukuta pamusoro pazvo kumativi ose, uye ngaasapukuta zvinopfuura panhengo dzeWudhu.

8. Mitemo yeTayammum:

Tayammum:kunova kupukuta chiso nemaoko nevhu rakachena, nechinangwa chekuchena, nenzira yakatarwa.

Mutongo wayo:

Zvinosungirwa kuita Tayammum pachinzvimbo cheWudhu uye Ghusl pakashaikwa mvura, kana kusakwanisa kuishandisa.

Huchenjeri hwekutarwa kwayo:

Tayammum ndechimwe chezvinhu zvakasarudzirwa ummah yaMuhammad, rugare netsitsi zvaAllah ngazvive paari, uye yakanga isingazivikanwe kumarudzi ekare. Yakatarwa kuti ive rerutso kunobva kuna Allah kuUmmah ino, uye chinhu chakanaka kubva kuna Allah chakapihwa ummah.

Panobvumidzwa kuita Tayammum:

1- Kana pashaikwa mvura, zvisinei kuti munhu ari pamusha kana parwendo, uye akaitsvaga oishaya.

2- Kana aine mvura yaanoda pakunwa kana kubika, zvekuti kana akaishandisa pakuzvi chenesa anozvityira kuzoita nyota iye pachake, kana kuti vamwe vanhu kana mhuka dzine basa dzinogona kuzoita nyota (dzashaiwa mvura).

3- Kana achitya kuti akashandisa mvura anozvikuvadza muviri wake nekuda kwechirwere, kana kunonoka kupora.

4- Kana akatadza kushandisa mvura nekuda kwehurwere hunomutadzisa kufamba, uye asina munhu wekumuitisa wudhu, uye achitya kudarika kwenguva (yeSwalaah).

5- Kana akatya kupindwa nechando mushure mekushandisa mvura, uye akashaya chekuidziisisa nacho, anoita Tayammum onamata.

Maitirwo eTayammum:

Anorova ivhu nemaoko ake minwe yakaparadzaniswa, zvadaro opukuta chiso chake nemukati meminwe yake, uye opukuta zvanza zvake, rumwe ruchipukuta rumwe, achifukidza chiso nezvanza zvose pakupukuta.

Zvinoputsa Tayammum:

1- Kuvapo kwemvura, kana Tayammum yainge yaitwa nekuda kwekushayikwa kwayo, kana kuti kugona kuishandisa kana Tayammum yacho yaive yekusagona kuishandisa.

2. Inogurwa nechimwe chezvinogura Wudhu, kana nechimwe chezvinoita kuti Ghusl isungirwe, zvakaita seJanabah, kuenda kumwedzi, neropa rinobuda pamukadzi mushure mekuzvara.

Mutemo weasingakwanisi kushandisa mvura neTayammum:

Uyo anenge asina mvura nevhu, kana kuti asvika pachidanho chaasingakwanisi kubata ganda rake nemvura kana nevhu; ngaaite Swalah zvichienderana nemamiriro ake, pasina Wudhu kana Tayammum; nokuti Allah havaremedze munhu pane zvaasingakwanise kuita. Uye kana zvikaitika kuti mushure mezvo owana mvura nevhu, kana kuti okwanisa kuzvishandisa; haafanire kudzokorora Swalaah yaanenge aita; nekuti anenge azadzisa zvaakarairwa, nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿...فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُمۡ...﴾

...Saka ityai Allah nepamunogona napo... ﴿

[At-Taghaabun: 16], Uyezve nekuti Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aaAllah ngazvive paari akati:

«إِذَا أَمَرْتُكُمْ بِأَمْرٍ فَأْتُوا مِنْهُ مَا اسْتَطَعْتُمْ».

«Kana ndakupai murayiro, chiitai zvamunokwanisa pauri.»11.

Chidzidzo: Kana munhu akaita tayammum nekuda kwejanābah, ozowana mvura, anofanira kugeza muviri wese (kuita ghusl).

Chepfumbamwe: Mitemo yekuenda kumwedzi neropa rinobuda mushure mekuzvara:

Chekutanga: Haidh (ropa rekumwedzi):

Iropa rechisikirwo, rinobuda kubva mukati-kati mechibereko panguva dzakatarwa. Uye kazhinji ropa iri rinobuda mwedzi wega wega kwemazuva matanhatu kana manomwe, uye rinogona kuwedzera kana kudzikira. Uye mwedzi wemukadzi unoreba nekupfupika; zvichienderana nemaumbirwo aakaitwa nawo naAllah vekumusoro-soro.

Mitemo yeHaidhi:

1- Panguva yekumwedzi, mukadzi haanamati kana kutsanya, uye hazvitambirwi kubva kwaari.

2- Mukadzi ari kumwedzi anotsiva kutsanya kwete Swalaah, kana achena apo panopera ropa kubuda (ogeza).

3- Hazvitenderwi kwaari kuita Tawaf paImba Tsvene (Ka'bah), uye haaverengi Qur'an, uye haagari muMasjid. 4- Zvakarambidzwa kumurume wake kuti aite zvebonde naye kusvikira ropa rekumwedzi ramira uye ageza.

5- Zvinotenderwa kumurume kuti anakidzwe nemudzimai wake ari kumwedzi nenzira dzisiri dzekusangana pabonde munhengo yesikarudzi, sekutsvodana, kubatana, nezvimwewo zvakadaro.

6- Hazvibvumidzwe kumurume wake kuti amurambe ari kumwedzi.

Uye kuchena kumira kubuda kweropa, saka kana ropa ramira; anenge achena, uye nguva yake yemwedzi inenge yapera, nokudaro zvinosungirwa paari kuti ageze (kuita ghusl). Zvadaro anobvumidzwa kuita zvaanenge arambidzwa nekuda kweHaidh.

Uye mushure mekuchena akabuda zvinhu zveruvara rushava (brown) kana yero, haafanirwe kuita basa nazvo (nekuti hazvikanganisa kuchena kwake).

Chechipiri: Nifaas:

Iropa rinoburitswa nechibereko panguva yekuzvara uye nemushure mekuzvara , uye ndiro ropa rinenge rakavharirwa panguva yekuzvitakura.

Uye Nifas yakafanana neHaidh pane zvinotenderwa; sekunakidzwa nemukadzi nezviri kunze kwenhengo yake yesikarudzi.

Uye pazvinhu zvinorambidzwa; sokuita zvepabonde, nekutsanya, nekuita Swalah, nekumuramba (kumupa Twalāq), nekuita Twawāf, nekuverenga Qur’an, nekugara muMasjid, Uye kusungirwa kwake kugeza kana ropa rake rapera kubuda kwakafanana nekwemukadzi ari panguva yeHaidh.

Uye anosungirwa kutsiva kutsanya asi kwete Swalaah, saka haatsivi semukadzi ari panguva yehaidh.

Uye nguva yayo yakawanda mazuva makumi mana. Kana ropa renifaas rikamira mazuva makumi mana asati apera, nifaas yake inenge yapera, saka anofanira kuita ghusl, onamata, uye otangazve kuita zvaanga achirambidzwa nekuda kwenifaas.

Chikamu Chechipiri: Swalaah:

Chekutanga: Mitemo yeAdhaan neIqaamah:

Adhaan yakasungirwa mugore rekutanga reHijrah yeMuporofita, uye chikonzero chekusungirwa kwayo: chaive chekuti vanhu vakanetseka nekuziva nguva, vakarangana zvekuisa chiratidzo chayo. Saka Abdullah bin Zaid, Allah ngavafare naye, akaratidzwa Adhaan iyi kuhope, uye yakatsinhirwa nechizaruriro.

Uye Adhaan: Kuzivisa kupinda kwenguva yeSwalaah. Uye Iqaamah: ndiko kuzivisa kwekuda kutanga kweSwalaah.

Adhaan neIqaamah zvakasungirwa kuitwa nemunhu mumwe chete pagungano revarume paSwalaah dzakamanikidzirwa. Uye zvinhu zviviri izvi ndizvo zvimwe zviratidzo zveiIslam zviri pachena, saka hazvitenderwi kuzvisiya.

Zviga zveAdhaan:

1- Kuti Muadhin (anoita adhaan)ave murume.

2- Kuti Adhaan ive yakarongeka.

3- Kuti Adhaan ive yakatevedzana.

4- Kuti Adhaan iitwe mushure mekukwana kwenguva, asi izvi hazvisanganise: Adhaan yekutanga yeFajr neyeJumu'ah.

MaSunnah aAdhan:

1- Kutimuadhin aise minwe yake mukati menzeve dzake.

2- Adhaan inoitwa pakutanga kwenguva (yeSwalaah).

3- Kucheuka kurudyi nekuruboshwe panguva yaanoti, "Hayya 'alaa as-swalaah (huyai kuswalaah), Hayya 'alaa al-falaah (huyai kubudiriro)."

4- Kuti muadhin ave neizwi rakanaka.

5- Kuita nemashoko eAdhan zvishoma nezvishoma pasina kukweva kana kurebesa zvakanyanyisa.

6- Kumbomira apedza kuita mutsara wega wega.

7- Kutarisa kuQiblah panguva yeAdhaan.

Uye Adhan ine mitsara gumi neshanu, sezvaiita Bilal (Allah ngavafare naye) achiishevedzera pamberi pemutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, nguva dzose.

Mazwi eAdhaan:

(Allahu Akbar) Allah ndiye mukurusa: kana.

(ِِِAsh-hadu allaa ilaaha illa llah) Ndinopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah: kaviri.

(Ash-hadu anna Muhammadun Rasuulullah) Ndinopupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah: kaviri.

(Hayya 'ala swalaah) Huyai kuSwalaah: kaviri,

(Hayyaa alal falaah) Huyai kubudiriro: kaviri.

Zvadaro anoti: (Allahu Akbar) Allah ndivo mukuru: kaviri.

Zvadaro opedzisa nekuti (La ilaha illa Allah) Hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah: kamwechete.

Uye muAdhaan yeFajr anowedzera mushure mekuti: (Hayya 'alal Falaah) Huyai kubudiriro, kuti:(Asw-swalaatu khairun Mina nnawm) Swalaah iri nani kudarika kurara kaviri; Nokuti inguva iyoyo vanhu vazhinji vanenge vakarara.

Uye Iqāmah ine mitsara gumi nechimwe, inoverengwa nekukasira; nekuti ndeyekuzivisa avo vatovepo (mumasjid), saka hapana chikonzero chekuinonotsa.

Uye inotaurwa sezvinotevera:

Allahu Akbar(Allah ndivo vakuru): kaviri.

(Ash-hadu allaa ilaah illalah (Ndinopupura kuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah): kamwechete.

Ash-hadu anna Muhammadan Rasuulullah(Ndinopupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah): kamwe.

Hayya 'ala asw-swalaah (Huyai kuSwalah): kamwechete.

Hayya 'alal falaah (Huyai kubudiriro): kamwe.

Qad qaamati Swalaah(Swalaah yavekutanga): kaviri.

Allahu Akbar (Allah ndivo mukurusa): kaviri.

Laa ilaah illalah (Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah): kamwechete.

Zvinokurudzirwa kune uyo anonzwa Adhaan kuti ataure sezvinotaurwa neMuadhin, kunze kwemazwi anoti: (Hayya 'ala asw-Swalaah) Huyai kuSwalaah ne(Hayya 'alal-Falaah) Huyai kubudiriro, paanoti: (Laa hawla wa laa quwwata illaa billaah) Hapana simba kana kugona kunze kwaAllah, Obva anamatira Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaar ﷺ. Shure kwaizvozvo anobva ati:

«اللهمَّ رَبَّ هَذِهِ الدَّعْوَةِ التَّامَّةِ، وَالصَّلَاةِ القَائِمَةِ، آتِ مُحَمَّدًا الوَسِيلَةَ وَالفَضِيلَةَ، وَابْعَثْهُ مَقَامًا مَحْمُودًا الَّذِي وَعَدْتَهُ، إِنَّكَ لَا تُخْلِفُ الْمِيعَادَ».

(Allahumma rabba haathihi da’wati taammah waswalaatul qaaimah aati muhammadanil wasiilata walfadhiilah wab’athuhu maqaamah mahmuudah ladzi wa’attah«O Allah imi, Tenzi veshevedzo iyi yakakwana, uye weSwalah wekudanwa uku kwakakwana, ipai Muhammad chinzvimbo chepamusoro nerukudzo, uye mozomumutsa (musi wekutongwa) momuisa pachinzvimbo chinorumbidzwa chamakamuvimbisa, zvirokwazvo imi hamutyori chivimbiso» )12.

Uye anoti:

«رَضِيتُ بِاللَّهِ رَبًّا، وَبِالْإِسْلَامِ دِينًا، وَبِمُحَمَّدٍ ﷺ نَبِيًّا».

(Radhiitu billahi rabban wabil Islaami Diinan wabi muhammadin rasuulah)«Ndagutsikana naAllah saTenzi, neIslam sechitendero, uye naMuhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari seMuporofita»13.

Zvinorambidzwa kubuda mumasjid mumashure mekunge Adhaan yaitwa pasina chikonzero chinogamuchirika uye pasina chinangwa chekuzodzoka.

Uye pakubatanidza maSwalaah maviri, zvakakwana kuita Adhaan imwechete neIqaamah imwechete paSwalaah yegayega.

Chechipiri: Chinzvimbo cheSwalaah uye kukosha kwayo:

Swalaah ndiro bango reIslam rakanyanya kutsinhirwa mushure meshahaadataini (kupupura humwechete hwaAllah nehutumwa hwaMuhammad), uye ine chinzvimbo chakakosha, nekuti Mwari vakaita kuti ive yakasungirwa kuMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) husiku hweMi'raj vari kudenga, Naizvozvo izvi zvinoratidza hukuru hwayo, kutsinhirwa kwekusungirwa kwayo, uye chinzvimbo chayo pamberi paAllah Samasimba vanoremekedzwa.

Uye zvirokwazvokukosha kwayo nekusungirwa kwayo kumunhu wose kwakataurwa mumaHadith mazhinji, uye kusungirwa kwayo kunozivikanwa zviri pachena muchitendero cheIslam.

Uye humbowo hunoratidza kusungirwa kwayo nekutsinhirwa kwayo huri mundima zhinji anobva muQur’an neSunnah, uye dzimwe dzacho ndedzinoti:

1- Mazwi aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...إِنَّ ٱلصَّلَوٰةَ كَانَتۡ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ كِتَٰبٗا مَّوۡقُوتٗا﴾

…Zvirokwazvo, Swalaah kune vatendi yakasungirwa panguva dzakatarwa.﴿ [An-Nisaa: 103]. Kureva kuti: yakamanikidzirwa panguva idzo dzakatsanangurwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari).

2- Uye mazwi aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَمَا أُمِرُوا إِلَّا لِيَعْبُدُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ حُنَفَاءَ وَيُقِيمُوا الصَّلَاةَ...﴾

Uye havana kurairwa kunze kwekunamata Allah, vachizvipira muchitendero chavo kuna Allah voga, vasingasanganise Allah nechimwe chinhu mukunamata, uye vachiita Swalah... ﴿

[Al-Bayyinah: 5].

3- Uye mazwi avo varikumusoro-soro ekuti:

﴿فَإِنْ تَابُوا وَأَقَامُوا الصَّلَاةَ وَآتَوُا الزَّكَاةَ فَإِخْوَانُكُمْ فِي الدِّينِ...﴾

Asi kana vakatendeuka, vakaita Swalaah, uye vakapa Zakaah, zvino madzikoma nevanin'ina dzenyu muchitendero...﴿ [At-Tawbah: 11].

4- Jaabir (Allah ngavafare naye nababa vake), akati Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«إِنَّ بَيْنَ الرَّجُلِ وَبَيْنَ الشِّرْكِ وَالْكُفْرِ تَرْكُ الصَّلَاةِ».

«Zvirokwazvo, zviri pakati pemunhu nekubatanidza Allah nevanamwari venhema mukunamata (shirk) nekusatenda, kusiya Swalaah»14.

5- Uye Buraydah (Allah ngavafare naye) akati: “Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) akati:

«العَهْدُ الَّذِي بَيْنَنَا وَبَيْنَهُمُ الصَّلَاةُ، فَمَن تَرَكَهَا فَقَدْ كَفَرَ».

«Sungano iri pakati pedu nepakati pavo iSwalaah, saka anoisiya, zvirokwazvo aramba kutenda»15.

Uye vadzidzi vakawiririna pamusoro pekusatenda kweuyo anoramba kuti Swalaah yakasungirwa. Asi uyo anoisiya nekuda kwehusimbe uye kusava nehanya, maonero akasimba ndeekuti anopindawo mukusatenda, nekuda kweHadith yakasimba yambotaurwa, uye nekuda kwekubvumirana kwemaSwahaba pane izvozvo.

Chechitatu: Zviga zveSwalaah:

1- Kukwana kwenguva yayo:

Izvi zvinobva mumazwi aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...إِنَّ ٱلصَّلَوٰةَ كَانَتۡ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ كِتَٰبٗا مَّوۡقُوتٗا﴾

Zvirokwazvo, Swalaah yakamanikidzirwa kune vatendi panguva dzayo dzakatarwa.﴿ [An-Nisaa: 103] Kureva kuti: yakamanikdzirwa panguva dzakatarwa.

Nguva dzeSwalaah dzakamanikidzirwa ndezvinotevera:

A- Fajr: Kubva panotanga nguva dzemambakwedza kusvika pakubuda kwezuva.

b- Zuhr: Inotanga panobva zuva pakati nepakati pedenga kusvikira mumvuri wechinhu chese wareba saicho.

c- Asr: Kubva pakupera kwenguva yeZuhr kusvika zuva raita yero, uye nguva yeavo vanonoka kuiita nezvikonzero zvinobvumirwa kusvika pakudoka kwaro.

d- Maghrib: Kubvira pakudoka kwezuva kusvikira panotsakatika hutsvuku hwedenga.

h- Isha: Kubva pakupera kwenguva yeMaghrib kusvika pakati nepakati pehusiku.

2- Kufukidza nhengo dzinonyadzisa:

Idzi inhengo dzinosungirwa kufukidzwa, dzinonyadzisa kuonekwa, uye dzinonyarwa. Nhengo dzinonyadzisa dzemurume kubvira paguvhu kusvika pamabvi, Uye mukadzi, muviri wake wese unofanirwa kufukidzwa muSwalaah, kunze kwechiso chake, uye anofukidza chiso chake paanenge ari pamberi pevarume vasiri hama dzake, kureva kuti: avo vasiri maMahram (vanhu vanokwanisa kumuroora) kwaari.

3- Kusava netsvina:

Uye tsvina (Najāsah): itsvina yakatarwa, iyo inodzivisa munamato; senge weti, tsvina, ropa nezvimwewo, uye inowanikwa pamuviri, panzvimbo, nepachipfeko.

4-Kutarisa kuQiblah:

Qiblah iKa'bah inoremekedzwa, yakanzi Qiblah nekuti vanhu vanotarisa kwairi (panguva yekuSwalaah).

Naizvozvo Swalah haitambirwi ikaitwa pasina kutarisa kuQiblah, nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿...وَحَيۡثُ مَا كُنتُمۡ فَوَلُّواْ وُجُوهَكُمۡ شَطۡرَهُ...﴾

...Uye kwese kwamunenge muri, tendeutsai zviso zvenyu kudivi rayo... ﴿ [Al-Baqarah: 144].

5- Chinangwa (niyyah):

Mumutauro wechiArab inoreva chinangwa: uye mumutemo weIslam (Shari'ah): inoreva kutsidza kuita basa rekunamata nechinangwa chekuswedera pedyo naAllah vekumusoro-soro. Nzvimbo yayo (niyyah) mumoyo, saka hazvidiwi kuti itaurwe nemuromo, asi kuita saizvozvo ibid'ah.

Chechina: Mbiru(mapango) dzeSwalaah:

Uye idzo imbiru gumi neina:

Mbiru: Yekutanga: Kumira kana uchikwanisa :

Nekuti Alla vekumusoro-soro vakati:

﴿‌...وَقُومُواْ لِلَّهِ قَٰنِتِينَ﴾

...uye mirai pamberi paAllah makazvininipisa nemoyo wese.﴿ [Al-Baqarah: 238], Uye Hadith ya Imran, Allah ngavafare naye, yakabva kuna Mutumwa yekuti:

«صَلِّ قَائِمًا، فَإِن لَمْ تَسْتَطِعْ فَقَاعِدًا، فَإِن لَمْ تَسْتَطِعْ فَعَلَى جَنْبٍ».

«Namata wakamira, uye kana usingakwanise, namata wakagara, uye kana usingakwanise, namata wakarara nerutivi»16.

Kana munhu asingagone kumira nekuda kwehurwere, ngaanamate maererano nemamiriro ake, akagara kana kuti akarara nerutivi. Uye munhu ane mutemo wakafanana nemurwere: munhu anotya, neasina chekupfeka, uye uyo anoda kugara pasi kana kurara nekuda kwemushonga unoda kuti asasimuke. Saizvozvowo, munhu anonamata mumashure maImaam wenguva dzese asingakwanisa kumira anobvumidzwa kunamata asina kumira. Saka kana Imaam iyeye akaita Swalah akagara, avo vari kumashure kwake vanoitawo Swalaah vakagara, vachitevera Imaam wavo. Zvinotenderwa kunamata manaafil (maSwalaah asingamanikidzirwe) wakagara pasi, kunyangwe uchigona kumira, asi mubairo wacho haufanane nemubairo weanomata akamira.

Mbiru Yechipiri: Takbiir yepakutanga pemunamato:

Nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«ثُمَّ اسْتَقْبِلِ الْقِبْلَةَ، وَكَبِّرْ».

«Wobva watarisa kuQiblah, woita Takbīr»17.

Mataurirwo acho ndeekuti: (Allahu Akbar), uye hapana mamwe mashoko anotora nzvimbo yeiwaya.

Mbiru yechitatu: Kuverenga Surah Al-Fātiḥah:

Nekuti Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, akati:

«لَا صَلَاةَ لِمَنْ لَمْ يَقْرَأْ بِفَاتِحَةِ الْكِتَابِ».

«Hapana Swalaah kune uyo asina kuverenga Fatihatul Kitaab (chizaruro cheQur'an)»18.

Mbiru yechina: Rukuu' (kukotama) murak'ah imwe neimwe:

nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿يَاأَيُّهَا الَّذِينَ آمَنُوا ارْكَعُوا وَاسْجُدُوا...﴾

Imi imi vakatenda, kotamai uye pfugamai...﴿

[Al-Hajj: 77].

Mbiru yechishanu neyechitanhatu:

Kusimuka kubva murukuu', nekumira akatwasanuka sezvaanga akaita akamira pakutanga, nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) aiita izvi nguva dzose.

Uye Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) akati kune uyo akakanganisa muSwalah yake:

«ثُمَّ ارْفَعْ حَتَّى تَعْتَدِلَ قَائِمًا».

«Wobva wasimuka kudzamara wanyatsomira wakatwasuka»19.

Mbiru yechinomwe: Kupfugama nenhengo nomwe:

Uye nhengo idzi ihuma pamwe nemhuno, maoko, mabvi, nezvigunwe zvetsoka, Sekutaura kwakaita Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari akati:

«أُمِرْنَا أَنْ نَسْجُدَ عَلَى سَبْعَةِ أَعْظُمٍ: الجَبْهَةِ، وَأَشَارَ بِيدِهِ عَلَى أَنْفِهِ، وَالكَفَّيْنِ، وَالرُّكْبَتَيْنِ، وَأَطْرَافِ القَدَمَيْنِ».

«Takarairwa kuti tiite sajdah panhengo nomwe: pahuma, uye vakanongedza neruoko rwavo kumhuno yavo, pazvanza zviviri, pamabvi maviri, nepazvigunwe zvetsoka mbiri»20.

Nheyo yechisere: Kusimuka kubva muSajda nekugara pakati pemaSajda maviri:

nekuti hadith yaAisha, Allah ngavafare naye vakati:

«كَانَ النَّبِيُّ ﷺ إِذَا رَفَعَ رَأْسَهُ مِنَ السَّجْدَةِ، لَمْ يَسْجُدْ حَتَّى يَسْتَوِيَ جَالِسًا».

“Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari, akasimudza musoro wake kubva muSajda, haaiita Sajdah kusvikira agara akatwasanuka”21.

Mbiru yechipfumbamwe: Kugadzikana mumbiru dzese:

Ndiro kudzikama, kunyangwe kukave kushoma, nekuda kwemashoko avo Mutumwa (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) kune uyo akatadza munamato wake ekuti:

«حَتَّى تَطْمَئِنَّ».

«Kudzamara wadzikama»22.

Mbiru Mbiri: Yechigumi neyechigumi neimwe:

Tashahhud yekupedzisira nekugara pakuiita: nekuti hadith yaIbn Mas'uud (Allah ngavafare naye) inobva kuMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) yakati:

«إِذَا صَلَّى أَحَدُكُمْ فَلْيَقُلْ: التَّحِيَّاتُ لِلَّهِ وَالصَّلَوَاتُ وَالطَّيِّبَاتُ، السَّلَامُ عَلَيْكَ أَيُّهَا النَّبِيُّ وَرَحْمَةُ اللَّهِ وَبَرَكَاتُهُ، السَّلَامُ عَلَيْنَا وَعَلَى عِبَادِ اللَّهِ الصَّالِحِينَ، أَشْهَدُ أَنْ لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَأَشْهَدُ أَنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ وَرَسُولُهُ».

«Kana mumwe wenyu achiita Swalaah ngaati “attahiyyaatu lillahi wa swalaawaatu wa thwayyibaati, assalaamu Alayka ayyuha an-nabiyyu wa rahmatullahi wabakaatuh assalaamu alayna wa alaa ibaadi swaalihiin, ash’hadu alaa ilaaha illallahu muhammadan abduhu warasooluh."

Kukwazisa kwose, minamato, nezvinhu zvakanaka ndezvaMwari. Rugare ngaruve pauri, O Muporofita, pamwe netsitsi nemakomborero avo. Rugare ngaruve kwatiri uye kuvaranda vakarurama vaAllah. Ndinopupura kuti hapana chakafanirwa kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad Muranda neMutumwa wake .»23

Nheyo yegumi nembiri: Kunamatira Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari, muTashahhud yekupedzisira:

Achiti:

«اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ».

«Allahumma swalli ala Muhammad Allah ropafadzai Muhammad»24 Uye zvinowedzerwa pane izvozvo iSunnah.

Nheyo yechigumi netatu: Kutevedzana kwenheyo:

Nekuti Muporofita ﷺ vaizviita zvakatevedzana, Uye vakati:

«صَلُّوا كَمَا رَأَيْتُمُونِي أُصَلِّي».

“Namatai sezvamakandiona ndichinamata”25. Uye zvirokwazvo vakadzidzisa uyo akakanganisa Swalaah yake kuti aite zvakatevedzana neizwi rekuti «Zvino».

Nheyo yechigumi nechina: Kuita Salaam :

nekuda kwemashoko aMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) ekuti:

««‌وَخِتَامُهَا ‌التَّسْلِيمُ».

“Uye magumo ayo kuita tasliim.” Uye mazwi ake ekuti:

«وَتَحْلِيلُهَا التَّسْلِيمُ».

«Uye kupedzisa kwayo iTasliim»26.

Chechishanu: Zvinosungirwa paSwalaah:

Zvisere:

1- MaTakbiir ese kunze kweTakbiir yeIhram (yekutanga munamato).

2- Kutaura kuti «Subhaana rabbiyal aziim» Kukudzwa ngakuve kuna Tenzi wangu Mukuru zvikuru, murukuu' kamwe chete, uye iSunnah kuwedzera kusvika katatu, uye uku ndiko kutaura mazwi kashoma kakakwana, uye kutaura mashoko aka kusvika pagumi, ndiko kwepamusoro pacho (kunoperera kutaurwa kwemashoko aya).

3- Kuti: «Sami’a llāhu liman ḥamidah» Allah vanonzwa uyo anovarumbidza, pakusimuka kubva muRukuu'; izvi zvinotaurwa naImaam neanonamata ari ega.

4- Kutaura kuti: «Rabbana walakal hamdu» Tenzi wedu, kurumbidzwa kwose ndekwenyu, pakusimuka wakatwasanuka uchibva mukukotama (Rukuu’).

5- Kutaura kuti: «Subhaana rabbiyal a’laa» Kukudzwa ngakuve kuna Tenzi wangu wepamusoro-soro, muSujuud kamwe chete, Uye kuwedzera kusvika katatu iSunnah.

6- Kutaura kuti: «rabbighfiri lii» "Tenzi ndiregerei" pakati pemaSajdah maviri kamwe chete, uye kuwedzera kusvika katatu iSunnah.

7- Tashahhud yekutanga; kunova kutaura kuti:

«التَّحِيَّاتُ لِلَّهِ، وَالصَّلَوَاتُ وَالطَّيِّبَاتُ، السَّلَامُ عَلَيْكَ أَيُّهَا النَّبِيُّ وَرَحْمَةُ اللَّهِ وَبَرَكَاتُهُ، السَّلَامُ عَلَيْنَا وَعَلَى عِبَادِ اللَّهِ الصَّالِحِينَ، أَشْهَدُ أَنْ لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَأَشْهَدُ أَنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ وَرَسُولُهُ».

«Attahiyaatu lillahi wa swalawaatu wa thwayyibaatu assalaamu alayka ayyuha an nabiyyu warahmatullahi wabarakaatuh,assalaamu alayna wa alaa ibaadillahi swaalihiin, ash’hadu allaa ilaaha illallahu wa ash’hadu wa Anna muhammadan abduhu warasooluh»

Kukwazisa kwose, minamato, nezvinhu zvakanaka ndezvaMwari. Rugare ngaruve pauri , O Muporofita, pamwe netsitsi nemakomborero zvaAllah. Rugare ngaruve kwatiri uye kune varanda vakarurama vaAllah. Ndinopupura kuti hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad ndiye Muranda wake neMutumwa wake».27

8- Kugara paTashahhud yekutanga.

Chechitanhatu: maSunnah eSwalah:

Uye maSunnah eSwalaah haaparadze Swalah kana akasiyiwa, Uye ane zvikamu zviviri: maSunnah ekutaura, nemaSunnah ekuita.

Chekutanga: MaSunnah ekutaura:

1- Du'a wekuvhurisa Swalaah, uye une mhando dzakasiyana, dzimwe dzacho dzinoti:

«سُبْحَانَكَ اللَّهُمَّ وَبِحَمْدِكَ، وَتَبَارَكَ اسْمُكَ، وَتَعَالى جَدُّكَ، وَلا إِلٰهَ غَيْرُكَ».

«Subhaanaka llahumma wabihamdika watabaarakasmuka wataala jadduka walaa ilaaha ghairuk » "Kukudzwa ngakuve kwamuri, imi Allah, uye rumbidzo ndeyenyu. Zita renyu rakaropafadzwa, hukuru hwenyu hwakakwirira, uye hapana akakodzera kunamatwa kunze kwenyu."28

2- Kukumbira dziviriro usati waita Surah Al-Fatiha, Uye ndiwo mashoko ekuti: «Audhu billahi min ash-shaytwaani ar-rajiim» "Ndinokumbira kudzivirirwa naAllah kubva kuna Satan akatukwa.

3- Kuita Basmalah usati watanga kuverenga, uye ndiwo mashoko ekuti: «Bismillaahi ar rahmaani ar rahiim» "Muzita raAllah vane tsitsi vane ngoni".

4- Zvinopfuura kamwe paTasbiih yeRukuu neSujuud.

5- Zvinopfuura kamwe chete pakutaura kuti:

«رَبِّ اغْفِرْ لِي».

“Rabbighfirlii” "Tenzi ndiregererei pakati pemasajdah maviri.

6- Kutaura kuti:

«مِلْءَ السَّمَاوَاتِ، وَمِلْءَ الْأَرْضِ، وَمِلْءَ مَا بَيْنَهُمَا، وَمِلْءَ مَا شِئْتَ مِنْ شَيْءٍ بَعْدُ».

"Mil’a as samawaati wa mial’a ardhwi wa mil’a ma baynahumaa wa mol’a maa shiita min shay’in ba’ad" "(Rumbidzo) inozadza matenga, ichizadza nyika, ichizadza zviri pakati pazvo, uye ichizadza chero chamunoda kupfuura izvozvo," Mushure mukutaura kuti:

«رَبَّنَا ولَكَ الحَمْدُ».

«Rabbana walakal hamdu» "Ishe wedu, kurumbidzwa kwese ndekwenyu".29

7- Kuverenga mushure meSurah Al-Fatihah.

8- Mahoko ekuti:

«اللَّهُمَّ إِنِّي أَعُوذُ بِكَ مِنْ عَذَابِ جَهَنَّمَ، وَمِنْ عَذَابِ الْقَبْرِ، وَمِنْ فِتْنَةِ الْمَحْيَا وَالْمَمَاتِ، وَمِنْ فِتْنَةِ الْمَسِيحِ الدَّجَّالِ».

«Allahumma innii authu bika min athaabi jahannam, wa min athaabi alqbr wa min fitnatil mahyaa wal maamaat wa min fitnatil masiihi dajjaal» "O Allah, ndinotsvaga utiziro kwamuri kubva mukurangwa kweMoto weGehena, kubva mukurangwa muguva, kubva kumiedzo yehupenyu nerufu, uye kubva pamuedzo waMesia wenhema (Dajjal)30. Uye kuita du'a pamusoro peizvozvo muTashahhud yekupedzisira.

Chechipiri: MaSunnah ezviito:

1- Kusimudza maoko kusvika mumapfudzi kana nzeve munzvimbo ina:

A- Panguva yeTakbiir yekutanga munamato.

b- PaRukuu'.

c-Pakusimuka kubva muRukuu'.

d- Pakusimuka kuenda kuRaka'ah yechitatu.

2- Kuisa ruoko rwerudyi pamusoro perweruboshwe pachipfuva panguva yekumira, usati waita Rukuu' uye pashure payo.

3- Kutarisa panzvimbo yeSujuud.

4- Kupatsanura maoko (kumusoro kwemaoko) kubva padivi pemuviri panguva yesujuud.

5- Kuti dumbu risati kwati kwati nedumbu pamasajdah maviri.

6- Kuita ifiraash (kugara pamusoro petsoka yeruboshwe (yakaradzikwa pasi). Uyetsoka yekurudyi inomiswa yakatwasuka, zvigunwe zvayo zvakatarisa kumberi, kuQibla)pakugara kwese kunoitwa muSwalaah, kunze kweTashahhud yekupedzisira yeSwalah dzemaRaka'ah matatu nemana.

7- Kuita Tawarruk (kubuditsa tsoka yeruboshwe pasi pemuviri zvekuti inoenda pasi pegumbo rerudyi nekugara pasi, kwete pamusoro petsoka. Tsoka yekurudyi inomiswa yakatwasuka, zvigunwe zvayo zvakatarisa kumberi, kuQibla) muTashahhud yekupedzisira yeSwalah yemarak'ah matatu kana mana.

Chechinomwe: Muitirwo weSwalaah:

1- Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) aiti kana kana amira kuti aite Swalaah, aitarisa kuQiblah, osimudza maoko ake, mukati mezvanza zvake makatarisa kuQiblah, oti:

«اللهُ أَكْبَرُ».

"Allahu Akbar" "Allah ndivo vakurusa."

2- Zvadaro obata ruoko rwake rweruboshwe nerwerudyi, oaisa pachipfuva chake.

3- Zvadaro aivhura munamato, uye anga asingagari achishandisa du'a rimwechete rekuvhura munamato. Saka maDu'a ese ekuvhura Swalaah akatsinhirwa kubva kwaari anotenderwa kushandiswa, uye mamwe acho ndeaya:

«سُبْحَانَكَ اللَّهُمَّ وَبِحَمْدِكَ، وَتَبَارَكَ اسْمُكَ، وَتَعَالى جَدُّكَ، وَلَا إِلٰهَ غَيْرُكَ».

« Subhaanak Allahumma wabihamdika watabaarakasmuka wata'ala jadduka walaa ilaaha ghairuk» "Mukurumbira ndowenyu, O Allah, uye kurumbidzwa ndokwenyu. Zita renyu rakaropafadzwa, hukuru hwenyu hwakakwirira, uye hapana akakodzera kunamatwa kunze kwenyu

4- Zvadaro anoti:

«أَعُوذُ بِاللَّهِ مِنَ الشَّيْطَانِ الرَّجِيمِ، بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَٰنِ الرَّحِيمِ».

«Audhu billahi min ash-shaytwaan rajiim, bismillahi ar rahmaan ar raheem» "Ndotsvaga kudzivirirwa naAllah kubva kunaSatani akatukwa".

5- Zvadaro anoverenga SurahAl-Fatiha, paanopedza anoti: “Ameen” "Allah tambirai munamato".

6- Pedzezvo anoverenga zvaanokwanisa kubva muQur'an, uye anoverenga zvinonzwika muSwalaah yeFajr, nemumarak'ah maviri ekutanga eMaghrib neIsha, uye mune mamwe Swalaah (asiri adomwa) kuverenga kunoitwa chinyararire. Uye anorebesa Rak'ah yekutanga muSwalaah yega yega kupfuura yechipiri.

7- Zvadaro anosimudza maoko ake semasimudziro aaita pakutanga, Zvadaro anoti: «Allahu Akbar» "Allah ndivo mukurusa." uye anobva anoita ruku’, oisa maoko ake pamabvi ake, zvigunwe zvakaparadzana, obata zvakasimba, uye otwasanudza musana wake, oita kuti musoro wake uenderane nawo; asingausimudzi kana kuudzikisa. Uye anoti:

«سُبْحَانَ رَبِّيَ الْعَظِيمِ» مرةً.

«Subhaana rabbiyal azwiim» "Kurumbidzwa kanguve kuna Tenzi vangu vakuru,"kamwe, Uye hushoma hwekukwana: kutaura katatu, sezvazambotaurwa.

8- Zvadaro anosimudza musoro wake achiti:

«سَمِعَ اللَّهُ لِمَنْ حَمِدَهُ».

"Sami'allahu liman hamidah," "Allah vanonzwa uyo anomurumbidza.” Uye anosimudza maoko ake semasimudziro aanoita paruku'.

9- Kana atwasanuka akamira, anobva ati:

«اللَّهُمَّ رَبَّنَا وَلَكَ الْحَمْدُ، حَمْدًا كَثِيرًا طَيِّبًا مُبَارَكًا فِيهِ، مِلْءَ السَّمَاءِ، وَمِلْءَ الْأَرْضِ، وَمِلْءَ مَا بَيْنَهُمَا، وَمِلْءَ مَا شِئْتَ مِنْ شَيْءٍ بَعْدُ، أَهْلَ الثَّنَاءِ وَالْمَجْدِ، أَحَقُّ مَا قَالَ الْعَبْدُ، وَكُلُّنَا لَكَ عَبْدٌ، لَا مَانِعَ لِمَا أَعْطَيْتَ، وَلَا مُعْطِيَ لِمَا مَنَعْتَ، وَلَا يَنْفَعُ ذَا الْجَدِّ مِنْكَ الْجَدُّ».

«Allahumma rabbanaa walakal hamdu hamdan kathiirah thwayyiban mubaarakan fiihi mala’ samaawaati wal ardhwi wa ma mala’ ma baynahumaa wa mal’a ma shi’ta min shay’in ba’d ahlu thanaa wal majdi ahaqu ma qaala al abdu wa kullunaa laka abdu, laa maaniah Limaa a’athwaiita walaa mu’thwiya limaa mana’ta walaa yanfau thal Jaddi minkal jaddi" “O Allah, kurumbidzwa kwese kuri kwamuri, kwakawanda, kwakanaka, uye kwakaropafadzwa; kunozadza matenga, kunozadza nyika, kunozadza zviri pakati pazvo, uye kunozadza chero chamunoda kupfuura izvozvo. Makakodzera kurumbidzwa uye kuve nerukudzo rwese. Ichi ndicho chokwadi chizere chinotaurwa nemuranda, uye tese tiri varanda venyu. Hapana anogona kudzivisa zvamunopa, uye hapana anogona kupa izvo zvamunorambidza, uye pfuma yemupfumi haibatsiri pamberi penyu.”31 . Mutumwa waAllah aimera nguva yakareba akatwasuka.

10- Munamati anozoti 'Allahu Akbar' 'Allah ndivo mukurusa', opfugama (kuita sajdah), uye haasimudzi maoko ake. Uye anoita sajda nehuma yake nemhino yake, nemaoko ake, nemabvi ake, uye nezvigunwe zvetsoka dzake, uye anonangisa minwe yemaoko nezvigunwe zvetsoka kuQiblah. Uye anotwasanuka musajdah yake, uye anonyatsoisa huma yake nemhino yake pasi, ozvitsigira nezvanza zvake, uye osimudza magokora ake. Uye anosudurudza maoko ake kubva pamativi ake, uye anosimudza dumbu rake kubva pazvidya zvake, Uye anoparadzanisa zvidya zvake nemipimbiri yake. Uye musujuud yake anoti:

«سُبْحَانَ رَبِّيَ الأَعْلَى».

"Subhaana rabbiyal a’alaa" (kurumbidzwa ndekwa Ishe wangu, wepamusoro kwazvo) kamwe, Uye hushoma hwekukwana kutaura izvi katatu, sezvambotaurwa. Uye anokumbira Allah kuburikidza mumadu'a akashumwa.

11- Osimudza musoro wake achiti «Allahu Akbar» (Allah ndivo vakuru pane zvese), Zvadaro anowaridza tsoka yake yekuruboshwe, ogara pamusoro payo, omisa gumbo rekurudyi. Uye anoisa maoko ake pazvidya zvake, oti:

«اللَّهُمَّ اغْفِرْ لِي، وَارْحَمْنِي، وَاجْبُرْنِي، وَاهْدِنِي، وَارْزُقْنِي».

«Allahumma ighfir lii warhamnii wajburnii wahdinii warzuqnii» ("O Allah, ndiregerereiwo, ndiitirei nyasha, ndisimbiseiwo, nditungamirireiwo, uye ndipeiwo raramo.")32.

12- Zvadaro oita takbiir, oita sajda, ozoitawo musajdah yechipiri sezvaaita mune yekutanga.

13- Pashure pacho anosimudza musoro wake achiti "Allahu Akbar" (Allah ndivo mukuru pazvese), uye anomuka akatsika nekumberi kwetsoka dzake, achizvitsigira nemabvi ake nezvidya zvake.

14- Paanenge amira zvizere; anotanga kuverenga, onamata rak'ah yechipiri sezvaaita mune yekutanga.

15- Anobva agara paTashahhud yekutanga, achigara semagariro epakati pemasajdah maviri. Uye anoisa ruoko rwake rwerudyi pachidya chake cherudyi, neruoko rwake rweruboshwe pachidya chake cheruboshwe, oisa chigunwe chihombe cheruoko rwake rwerudyi pamunwe wake wepakati, achiumba denderedzwa, achinongedzera nemunwe wake wekunongedzesa, achiutarisa, Obva ati:

«التَّحِيَّاتُ لِلَّهِ وَالصَّلَوَاتُ وَالطَّيِّبَاتُ، السَّلَامُ عَلَيْكَ أَيُّهَا النَّبِيُّ وَرَحْمَةُ اللَّهِ وَبَرَكَاتُهُ، السَّلَامُ عَلَيْنَا وَعَلَى عِبَادِ اللَّهِ الصَّالِحِينَ، أَشْهَدُ أَنْ لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَحْدَهُ لَا شَرِيكَ لَهُ، وَأَشْهَدُ أَنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ وَرَسُولُهُ».

"Attahiyaatu lillahi wa swalawaatu wa thwayyibaatu assalaamu alayka ayyuha an nabiyyu warahmatullahi wabarakaatuh, assalaamu alayna wa alaa ibaadillahi swaalihiin, ash-hadu allaa ilaaha illallahu wa ash-hadu wa anna muhammadan abduhu warasuuluh (Mazwi ose ekukwazisa, minamato, uye zvakanaka ndezvaAllah. Rugare ngaruve pauri, iwe Muporofita, pamwe nerunyararo rwaAllah uye makomborero ake. Rugare ngaruve patiri uye pane varanda vaAllah vakarurama. Ndinopupura kuti hapana chakafanira kunamatwa kunze kwaAllah, oga asina mubatatsiri, uye ndinopupura kuti Muhammad Muranda wake uye Mutumwa wake).

Mutumwa waAllah aisagara paTashahhud kwenguva refu.

16- Zvadaro munamati anosimuka achiita Takbiir, onamata rak'ah yechitatu neyechina, achidziita pfupi pane mbiri dzekutanga. Uye muma rak'ah maviri aya (yechitatu neyechina) anoverenga Surah al-Fatiha.

17- Zvadaro anogara muTashahhud yekupedzisira achiita Tawarruk, Uye Tawarruk ndiko kuwaridza gumbo rake rekuruboshwe oriburitsa nekudivi rekurudyi, omisa rekurudyi, oisa magaro ake pasi.

18- Zvadaro anoita Tashahhud yekupedzisira, iyo inova: seTashahhud yekutanga. Uye anowedzera pamusoro payo kuti:

«اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ، كَمَا صَلَّيْتَ عَلَى آلِ إِبْرَاهِيمَ، إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ، وَبَارِكْ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ، كَمَا بَارَكْتَ عَلَى آلِ إِبْرَاهِيمَ، إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ».

«Allahumma swalli alaa Muhammad wa ala aali muhammad kama swallayta alaa aali ibraahim innaka hamiidu majiid wa baarik alaa Muhammad wa alaa aali muhammad kama baarakta alaa ibraahim wa alaa aali ibraahim innaka hamiidu majiid»(O Allah, rumbidzai Muhammad nemhuri yaMuhammad, sekurumbidza kwamakaita mhuri yaIbraahim. Zvirokwazvo, imi makakodzera kurumbidzwa uye muri Mukuru-kuru. O Allah, komborerai Muhammad nemhuri yaMuhammad, sekukomborera kwamakaita mhuri yaIbraahim. Zvirokwazvo, Imi munokodzera kurumbidzwa uye muri Mukuru-kuru.)

19- Uye anopotera kuna Allah kubva kumurango weGehena, nekubva kumurango wemuguva, nekubva kumuedzo wehupenyu nerufu, nekubva kumuedzo waMesiya wenhema (Dajjaal). Uye anomanata nemadu'a akataurwa muQur'an neSunnah.

20- Zvadaro anopa Salaam kurudyi rwake, achiti:

«السَّلَامُ عَلَيْكُمْ وَرَحْمَةُ اللَّهِ».

"Assalaamu alaykum warahmatullah (Rugare netsitsi zvaAllah ngazvive pamuri)," Uye anoita saizvozvo kuruboshwe kwake; Anotanga Tasliim akatarisa kuQiblah, uye anoipedzisa nekutendeuka kwakazara.

Chechisere: Zvinhu zvisingakurudzirwe paSwalaah:

1- Kucheuka pasina chikonzero.

2- Kutarisa kudenga.

3- Kuvhara maziso pasina chikonzero.

4- Kuwaridza maoko muSajdah.

5- Kufukidza muromo nemhino pasina chikonzero.

6- Kuita Swalaah uchidzivisa kubuda kweweti kana tsvina, kana kuti paine chikafu chaanoshuvira chabikwa (iwe wonamata usati wadya).

7- Kupukuta huma yake nemhino yake kubvisa izvo zvinenge zvanamatira pazviri zvasarira kubva yeSujuudu, asi hapana chakaipa pakupukuta izvozvo mushure mekupedza Swalaah.

8- Kutsamira madziro kana zvimwe zvakafanana nawo panguva yekumira pasina chikonzero.

Chepfumbamwe: Zvinogura swalaah:

1- Kudya uye kunwa.

2- Kutaura mashoko arikunze kweSwalaah.

3- Kuseka uye kugegedza.

4- Kusiya maune chimwechete chembiru dzeSwalaah kana zvakasungirwa pairi.

5- Kuwedzera maune mbiru kana Raka'ah.

6- Kuita Salaam maune Imam asati aita.

7- Kuita mafambiro akawanda anotevedzana asiri ezviito zvemunamato, pasina chikonzero.

8- Kuita zvinopesana nechimwe chinodiwa zveSwalaah; sekugura Wudhu, nekuvhura nhengo dzinofanirwa kuvharwa maune, nekutsauka zvakanyanya nemuviri kubva kuQiblah pasina chikonzero chekumanikana, nekugura niyyah yeSwalaah.

 

 

Chegumi: Sujuud yekukanganwa:

Sahw: Kukanganwa, uye Muporofita (Rugare neMakomborero aAllah ngazvive paari) akambokanganwa ari muSwalaah; nekuti kukanganwa kuri muchisikirwo chevanhu. Uye kukanganwa kwake kwaive kuzadzikidzwa kwenyasha dzaAllah paUmmah yake nekukwaniswa kwechitendero chavo, kuitira kuti vatevedzere muenzaniso maari pane zvaakavatarira semutemo panguva yekukanganwa.

Zvikonzero zvinotendera kuti Sujuud as-Sahw iitwe:

1- Mamiriro ekutanga:

Kuwedzera mumunamato, uye uku kunova kuwedzera kwezviito kana kuti kuwedzera kwemashoko:

A- Kuwedzerwa kwezviito: Kana chiwedzerwa chacho chiri chemhando yezviito zvemuSwalaah: sekumira panzvimbo yekugara, nekugara panzvimbo yekumira, kana kuti munhu anenge awedzera Rukuu' kana Sujuud; kana aita izvozvo nekukanganwa, anoita Sujuud yekukanganwa (Sahw).

b- Kuwedzera kwemashoko: senge kuverenga muRukuu' nemuSujuud.

Kana aita izvozvo; zvinokurudzirwa kwaari kuita Sajdah yekukanganwa.

2- Mamiriro echipiri:

Kushomeka muSwalaah nekuda kwekanganwa, uye kunoitika nenzira imwe yezviviri:

a- Kusiya bango reSwalaah: Kana bango iri riri Takbiiratul Ihraam, Swalaah yake inenge isina kutanga kuitwa, uye haigadziriswe neSajdat-us-Sahw. Uye kana iri Rukn isiri Takbiirat al-Ihram, sekukotama (Rukuu') kana kuita Sajdah (Sujud), uye munhu ozozvirangarira asati atanga kuverenga imwe Rak’ah; zvinosungirwa kuti adzokere, oita zvaanenge asia pamwechete nezvinotevera shure kwacho.

Uye kana azvirangarira atanga kuverenga imwe Rak'ah, Rak'ah yaange azvisiya mairi inodzimwa, uye inotevera yacho yotora nzvimbo yayo.

b- Kusiya chinosungirwa: sokuti: kukanganwa Tashahhud yekutanga, kana Tasbiih yepaRukuu'. Saka pakadai: anoita Sajdah as-Sahw.

3- Mamiriro echitatu: kusava nechokwadi:

Muenzaniso: Kana munhu akanganwa kuti anamata maraka’ah matatu here kana mana muSwalaah yeZuhr, pakadai:

A- Kana pane zvaanonyatsovimba kuti ndizvo zvaitika; anoita maererano nazvo, ozoita Sujud as-Sahw.

b- Kuti hapana zvaari kunyatsovimba kuti ndizvo zvaitika; anorerekera pane zvaane chokwadi nazvo, obva aita Sujuud as-Sahw.

Akasava nechokwadi mushure meSwalaah, kana kuti ari munhu anogara achipokana-pokana; ngaarege kuita basa nekusave nechokwadi uku.

Pfundo: Sajdat as-Sahw inoitwa Salaam isati yaitwa : kana iri yekushomeka muSwalaah, kana kuti yekusava nechokwadi pasina chaanofunga kuti ndicho chaitika zvechokwadi. Uye inoitwa mushure meSalaam: kana zvabva pakuwedzera, kana kuti pakusava nechokwadi pazvakaita asi iye anenge atevedzera zvaanofunga kuti ndizvozvo. Uye nyaya yacho ine kurerukirwa, kana Allah vekumusoro-soro vachida.

Chechigumi nechimwe: Nguva dzakarambidzwa Kuita Swalaah:

Murawu wekutanga ndewekuti zvinotenderwa kuita Swalaah panguva dzose, Asi mutemo weIslam wakauya uchirambidza kuita Swalaah mune dzimwe nguva, dzinova dzinotevera:

1- Kubva mushure meSwalah yeFajr kusvika pakubuda kwezuva, uye parinenge rakakwira kusvika pauhurefu hwepfumo kubva pasi sezvinoonekwa nemaziso.

2- Panguva iyo rinenge riri pakati nepakati pedenga kusvikira rabva ipapo, uye iyi ndiyo nguva ipfupi pane dzose dzinorambidzwa.

3- Kubva paSwalah yeAsr kusvikira zuva ranyura, uye iyi ndiyo nguva yakarebesesa yekurambidzwa.

MaSwalaah anobvumirwa panguva dzokurambidzwa:

1- Kutsiva maSwalaah anosungirwa anenge asina kuitwa.

2-  Swalaah dzine zvikonzero, zvakaita se: Swalaah yekukwazisa Masjid, maRak'ah maviri eTwawaaf, Swalaah yeKusuuf (kuora kwezuva kana mwedzi), uye Swalaah yeJanaazah (yemufi).

3- Kutsiva Sunnah yeFajr pashure pemunamato weFajr.

Chegumi nembiri: Swalaah yeJama'ah (yepagungano):

Ichi chiratidzo chikuru pazviratidzo zveIslam, chinova munamato wegungano mumaMasjid. MaMuslim akabvumirana kuti kuita minamato mishanu mumaMasjid ndechimwe chemabasa anokosheseswa ekuteerera Allah uye makurusa ekuswedera pedyo naAllah; zvekutoti, ndicho chiratidzo chikurusa cheIslam.

1- Mutemo weMunamato wegungano:

Uye munamato weJama'ah unosungirwa kuitirwa muMasjid paminamato mishanu kuvarume vanokwanisa, vari munzvimbo dzavo nevari neparwendo, munguva yerunyararo neyekutya, zvinosungirwa pamunhu mumwe nemumwe.

Kusungirwa kweSwalaah yeJama'ah kunopupurwa ne: Bhuku (Qur’an) neSunnah, pamwe nemaitiro emaMuslim panguva dzese kubva kare, vateveri vachigashira (mutemo uyu) kubva kune vakatanga.

Kubva muQur'an: Mashoko evekumusoro-soro ekuti:

﴿وَإِذَا كُنتَ فِيهِمۡ فَأَقَمۡتَ لَهُمُ ٱلصَّلَوٰةَ فَلۡتَقُمۡ طَآئِفَةٞ مِّنۡهُم مَّعَكَ...﴾

Uye kana uri pakati pavo wovaitisa Swalaah, boka rinobva mavari ngarimire newe... [An-Nisa: 102]. Apa ndimi iyi inotsinhira kusungirwa kweSwalah yeJama'ah, Sezvo zvisina kutenderwa kumaMuslim kuisiya panguva yekutya. Dai yakanga isina kusungirwa , zvirokwazvo chikonzero chaikodzera kupfuura zvimwe chekusiiwa kwayo chingadai chiri chekutya. Uye kusiya Swalaah yeJama'ah nekuremerwa nayo, ndihwo mamwe maitito anonyanyozivikanwa evanyengedzi (Munaafiquun).

Uye kubva muSunnah: mune maHadith mazhinji, anosanganisira:

izvo zvakauya muSahih Muslim

أَنَّ رَجُلًا أَعْمَى قَالَ: يَا رَسُولَ اللَّهِ، لَيْسَ لِي قَائِدٌ يَقُودُنِي إِلَى الْمَسْجِدِ، فَسَأَلَهُ أَنْ يُرَخِّصَ لَهُ أَنْ يُصَلِّيَ فِي بَيْتِهِ، فَرَخَّصَ لَهُ، فَلَمَّا وَلَّى دَعَاهُ فَقَالَ: «هَلْ تَسْمَعُ النِّدَاءَ؟» قَالَ: نَعَمْ، قَالَ: «فَأَجِبْ».

Kuti mumwe murume bofu akati: "O Mutumwa waAllah, handina anonditungamirira kuMasjid," saka akakumbira mvumo yekunamatira kumba kwake, uye akamupa mvumo yacho. Asi paakafuratira, akamudaidza ndokuti: «Unonzwa here Adhaan?» Iye akati: "Ehe". Mutumwa akabva ati: «Saka daira»33.

Saka Muporofita, rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive paari, akamuraira kuti auye kuMasjid kuzonamata Swalah yegungano nekudavira kushevedzo, kunyangwe aive bofu nyangwe zvazvo paive nematambudziko aaisangana nawo pakuuya. Saka izvozvo zvinoratidza kusungirwa kweSwalah yeJama’ah.

2- Zvinobatwa nazvo Jama'ah:

Jama'ah inowanikwa nekubata Raka'ah imwe yeSwalaah naImaam, nekuda kweshoko rake Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) rekuti:

«مَنْ أَدْرَكَ رَكْعَةً مِنَ الصَّلَاةِ فَقَدْ أَدْرَكَ الصَّلَاةَ».

«Anenge abata Rak'ah imwe yeSwalaah, anenge abata Swalaah.»34.

3- Zvinoita kuti Rak'ah ibatwe:

Rak'ah inobatwa nekubata Rukuu'. Kana uyo anonoka akawana Imaam wake ari paRukuu': zvinosungirwa kwaari kuti aite Takbīratul Ihrām akamira, ozoita imwe Takbīr yekuenda kuRukuu'. Uye kana akangoita Takbiir yekuvhura Swalaah akamira, zvinomukwanira pachinzvimbo cheTakbiir yeRukuu'.

4- Zvikonzero zvinobvumidza munhu kusiya Swalaah yeJama'ah:

1- Hurwere, kana kupinda Jum'ah neJama'ah kuchirema nekuda kwahwo.

2- Kudzivira weti kana tsvina; nekuti zvinokonzera kurasika kwekuzvininipisa nerunyararo rwepfungwa muSwalaah, uye nekuti zvinokuvadza muviri.

3- Kuvapo kwechikafu munhu aine nzara kana kuti moyo wake uchichishuvira zvikuru, chero bedzi izvi zvisingaitwe tsika kana manomano ekusara paSwalaah yeJama’ah.

4- Kutyira hupenyu kana pfuma kana zvimwevo kwechokwadi.

Chechigumi nechitatu: Munamato wekutya:

Munyengetero wekutya unosungirwa muhondo yese inobvumidzwa nemutemo, sekurwa nevasingatendi, nevapanduki, uye nevarwisi , nekuda kweshoko raAllah vekumusoro-soro rekuti:

﴿...إِنۡ خِفۡتُمۡ أَن يَفۡتِنَكُمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ...﴾

...Kana muchitya kuti avo vasingatendi vangakurwisei...﴿ [An-Nisa: 101], Uye enzanisa vose vasara vanobvumidzwa kurwiwa navo (pakutevedzera mutemo uyu).

Swalaah yeKutya inobvumirwa nezviga zviviri:

1) Kuti muvengi ave uyo anotenderwa kumurwisa.

2) Kutyira kuti muvengi uyu anorwiswa maMuslim vari muSwalaah.

Maitirwo eSwalaah yeKutya:

Ine maitirwo akasiyana-siyana, uye anonyanyozivikanwa a zvikuru ndiwo akataurwa muHadith yaSahl, Allah ngavafare naye:

أَنَّ طَائِفَةً صَفَّتْ مَعَ النَّبِي ﷺ، وَطَائِفَةً وِجَاهَ العَدُوِّ، فَصَلَّى بِالَّتِي مَعَهُ رَكْعَةً، ثُمَّ ثَبَتَ قَائِمًا، وَأَتَمُّوا لِأَنْفُسِهِمْ، ثُمَّ انْصَرَفُوا، وَصَفُّوا وِجَاهَ العَدُوِّ، وَجَاءَتِ الطَّائِفَةُ الأُخْرَى، فَصَلَّى بِهِمُ الرَّكْعَةَ الَّتِي بَقِيَتْ مِنْ صَلَاتِهِ، ثُمَّ ثَبَتَ جَالِسًا، وَأَتَمُّوا لِأَنْفُسِهِمْ، ثُمَّ سَلَّمَ بِهِمْ.

Kuti rimwe boka rakamira neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muSwalaah, uye rimwe boka rakatarisana nemuvengi. Vakabva vanamata neboka ravakanga vainaro Rak'ah imwe, ndokuramba vakamira, uye vanhu vaive mumashure mavo vakapedzisa Swalaah vega. Vakazoenda, ndokunomira vakatarisana nemuvengi. Boka rechipiri riya rakabva rauya, Mutumwa vakabva vanamata naro rak'ah yakanga yasara paSwalaah yavo, ndokuramba vakagara pasi, uye vakazvipedzisira vega Swalaah yavo. Mutumwa vakazopa Salaam pamwechete navo35.

Uye tinowana zvidzidzo kubva muSwalaah yekutya zvinoti:

1- Kukosha kweSwalaah muIslam, uye kukosha kwemunamato wegungano, zvekuti hauna kuregedzwa mumamiriro ezvinhu akaoma aya.

2- Kubviswa kuomeserwa paUmmah ino, uye kureruka kweShari’ah nekukodzera kwayo munguva dzese nenzvimbo dzese.

3- Kukwanira kwemutemo weIslam,uye kuti wakatarwa pazvinhu zvese nenzira inoenderana nazvo.

Chegumi nechina: Munamato wemusi wechishanu (Jumu'ah):

Chekutanga: Mutongo wayo:

SwalaahyeJumu'ah inosungirwa kune muMuslim wese murume, ane, abve zera, ane pfungwa dzakakwana, asiri parwendo, asina chikonzero chinomurambidza kunamata.

Nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا نُودِيَ لِلصَّلَوٰةِ مِن يَوۡمِ ٱلۡجُمُعَةِ فَٱسۡعَوۡاْ إِلَىٰ ذِكۡرِ ٱللَّهِ وَذَرُواْ ٱلۡبَيۡعَۚ ذَٰلِكُمۡ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 9﴾

imi vanotenda, kana kwadaidzirwa kumunamato pazuva reJumu’ah, kurumidzai kuenda kunorangarira Allah uye siyai kutengeserana. Izvozvo zviri nani kwamuri kana muchiziva. ﴿ [Al-Jumu’ah: 9].

Uye nekuda kwemashoko eMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) ekuti:

«لَيَنْتَهِيَنَّ أَقْوَامٌ عَنْ وَدْعِهِمُ الْجُمُعَاتِ، أَوْ لَيَخْتِمَنَّ اللَّهُ عَلَى قُلُوبِهِمْ، ثُمَّ لَيَكُونُنَّ مِنَ الْغَافِلِينَ».

“Vanhu ngavarege kusiya minamato yeJumu’ah, zvikasadaro Allah vachaisa chivharo pamwoyo yavo, uyezve vachazova vamwe vevasina hanya (nekuita zvinovabatsira nekurega zvinovakuvadza.”36.

Chepiri: Zviga zvekuti kweSwalaah yeJumu'ah ive yakarurama:

a) Nguva: Uye nguva yayo yakafanana nenguva yemunamato weZuhr, Saka haitambirwe nguva yayo isati yasvika, uyewo mushure mekunge nguva yayo yapera.

2) Kuti iitirwe pagungano, uye nhamba dikisa inobvumirwa pagungano vanhu vatatu, pamaonero echokwadi (anoenderana nehumbowo). Saka haitenderwi nemunhu ari ega, kana nevaviri.

3) Kuti vanonamata vave vagari vemudzimba dzakavakwa maererano netsika dzinowanzo shandiswa pakuvaka, zvisinei kuti dzakavakwa nesimende yakasimbiswa, kana nematombo, kana nedhaka (ivhu), nezvimwewo zvinhu. Naizvozvo, haitenderwi kuitwa nevanhu vemurenje, vagari vemumatende, nedzimba dzematehwe avo vasingagari panzvimbo imwechete, asi vanotama-tama vachitevera mafuro ezvipfuyo zvavo.

4) Kuti patange kuitwa khutbah mbiri, nekuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, aigara achidziita.

Chechitatu: Mbiru dzeKhutbah mbiri dzeJumu'ah:

1- Kurumbidza Allah nekuita Shahaadah mbiri.

2-Kunamatira muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari).

3-Kuraira vanhu kuti vatye Allah.

4-Kuverenga chikamu cheQur'an.

5-Kuraira vanhu kuti vaite zvakanaka.

Chechina: Zvinokurudzirwa mukhutbah mbiri dzeJumu'ah:

1- Kuita khutbah paminbar.

2- Kupatsanura pakati pemakhutbah maviri nekugara pasi kwenguva pfupi. 3- Kuitira du'a maMuslim nevatungamiri vavo.

4- Kuti khutbah ive pfupi.

5- Muparidzi (khatiib) anomhoresa vanhu paanokwira paminbar.

 

 

Chechishanu: Zvinokurudzirwa pazuva reJumu’ah:

1- Kushandisa miswaak.

2-Kuzora zvinonhuwirira kana zviripo.

3- Kukurumidza kubuda kuenda kuSwalaah yeJumu'ah.

4- Kufamba netsoka kuenda kuMasjid uye kusakwira zvokufambisa.

5-Kuswedera pedyo naImaam.

6- Kuita du'a.

7- Kuverenga Surah al-Kahf.

8- Kunamatira Muporofita, rugare netsitsi zvaAllaah ngazvive paari.

Chechitanhatu: Zvinorambidzwa kune uyo auya kuJumu'ah:

1- Zvinorambidzw kutaura Imam achipa khutbah pazuva reJum'ah, nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):

«إِذَا قُلْتَ لِصَاحِبِكَ يَوْمَ الْجُمُعَةِ: أَنصِتْ، وَالْإِمَامُ يَخْطُبُ، فَقَدْ لَغَوْتَ».

«Kana ukaudza shamwari yako musi weJumu’ah kuti: “Nyarara,” Imaam achipa khutbah, zvirokwazvo wataura zvisina maturo (uye ucharasikirwa nemubairo wako weJumu'ah).»37. Kureva kuti, kutaura mashoko asina maturo, uye mashoko asina maturo chivi.

2- Zvakavengwa kudarika pamusoro pevanhu, kunze kwekunge ari Imaam, kana kuti uchienda panzvimbo isina munhu isingasvisvike kunze kwekunge waita izvozvo.

Kubata Jumu'ah:

Uyo anoira Rukuu' pamwechete naImam muRaka'ah yechipiri yeSwalaah yeJumu'ah; anenge abata Jumu'ah, saka anozopedzisa Swalaah ove anoita maRaa'ah maviri. Uye kana asina kubata Rukūʿ yeRak'ah yechipiri; anenge apotsa Jumu'ah, uye anoipedzisa seZuhr, oita maRak'ah mana. Saizvozvowo, uyo anenge apotsa Swalaah yeJumu’ah nekuda kwehope kana nechimwewo chikonzero; zvirokwazvo anofanira kunamata Zuhr.

Chegumi neShanu: Swalaah yeavo vasingakwanise kuita Swalaah zvakazara:

Chekutanga: Munamato wemurwere:

Chokutanga: Murwere anofanirwa kuita Swalaah sekugona kwake, uye hazvitenderwi kwaari kunonoka kuiita kusvikira nguva yacho yapfuura, chero bedzi pfungwa dzake dzichiri panzvimbo.

Chechipiri: Murwere anonamata sei?

1- Murwere anofanira kunamata akamira kana achikwanisa kumira pasina kuomerwa kana kukuvara, uye anoita rukuu' nesajdah.

2- Kana zvichimuremera kuita Rukuu' kana Sujud asi achikwanisa kumira, ngaakotame zvishoma kana kudzikisa musoro akamira pachinzvimbo cheRukuu', uye anokotama zvishoma kana kudzikisa musoro akagara pachinzvimbo cheSujuud.

3- Kana asingakwanisi kuita Swalaah akamira; ngaaite akagara. Uye Sunnah ndeyekuti agare akapeta makumbo panzvimbo yekumira, okotama zvishoma kana kudzikisa musoro pachinzvimbo cheRukuu', uye oita Sajdah pasi kana zvichibvira; kana zvisingaite, okotama zvishoma kana kudzikisa musoro pachinzvimb cheSajdah, uye pakuita izvi Sajdah yake inofanirwa kuva yakaderera pane kweRukuu'.

4- Kana asingakwanisi kuita Swalaah akagara; ngaaite Swalaah akarara parutivi pake, uye chiso chake chakatarisa kuQiblah, uye zviri nani kuti ave akarara kurutivi rwerudyi kana zvichigoneka, uye anoita chiratidzo nemusoro pachinzvimbo cheRukuu' neSujuud.

5- Kana asingakwanisi kuita Swalaah akarara nerutivi rwake, ngaite Swalaah akarara nemusana, tsoka dzake dzakatarisa kuQiblah, achiratidzira Rukuu' neSujuud.

6- Kana zvisingabviri kwaari kuratidza nemuviri wake paRukuu' neSujuud, ngaaratidze nemusoro wake. Zvino kana izvozvo zvikamuomera; kuratidza kunobviswa, uye oita mabasa eSwalaah mumoyo make, zvekuti anoita niyyah yezviito zveSwalaah zvakaita seRukuu', Sujuud, nekugara ari sezvaari, uye otaura maAdhkaar acho.

7- Murwere anoita zvaanogona pazvinodiwa paSwalaah, se: kutarisa kuQiblah, kuita Wudhu nemvura, kana kuita Tayammum paanenge asingakwanisi, uye kuzvichenura kubva kutsvina. Uye kana akatadza kuita chimwe cheizvi, chinobviswa paari, uye anonamata maererano nemamiriro ake, uye haafaniri kunonoka kuita Swalaah kusvika nguva yayo yapera.

8- Sunnah ndeyekuti murwere agare akapeta makumbo pachinzvimbo chekumira neRukuu', uye agare pamusoro petsoka yake yekuruboshwe (iftiraash) mune zvimwe zvese.

Chepiri: Swalaah yemunhu ari parwendo:

1- Vanhu vanobvumirwa kuita Swalaah nenzira isina kukwana vanosanganisira: munhu ari parwendo. Naizvozvo anobvumirwa kupfupikisa Swalah yemaRak'ah mana, kuti ive yemaRak'ah maviri, nekuti Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَإِذَا ضَرَبۡتُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَلَيۡسَ عَلَيۡكُمۡ جُنَاحٌ أَن تَقۡصُرُواْ مِنَ ٱلصَّلَوٰةِ...﴾

Uye kana muchifamba panyika, hapana chitadzo pamuri pakupfupisa Swalah...﴿

[An-Nisaa: 101].

Anas bin Malik, Allah ngavafare naye, akati:

«خَرَجْنَا مَعَ النَّبِيِّ ﷺ مِنَ الْمَدِينَةِ إِلَى مَكَّةَ، فَكَانَ يُصَلِّي رَكْعَتَيْنِ رَكْعَتَيْنِ، حَتَّى رَجَعْنَا إِلَى الْمَدِينَةِ».

«Takabuda pamwechete neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) tichibva kuMadina tichienda kuMakka, saka aiita Swalaah maraka'a maviri maviri, kusvikira tadzokera kuMadina»38.

Uye kupfupiswa kweSwalah kunotanga kana mufambi abuda kunze kwenzvimbo dzinogarwa dzedhorobha rake; nokuti Allah vakabvumidza kupfupisa kune avo vanofamba panyika. Uye kana munhu asati abva muguta rake, haanzi ari parwendo kana kuti mufambi, nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) aingopfupisa chete kana ainge atanga.

2- Chinhambwe chekuti munhu ari parwendo kana kana afamba anobvumidzwa kupfupikisa Swalah makiromita angangoita makumi masere.

3- Munhu ari parwendo anopfupikisa pakudzoka kwake kusvikira apinda muguta rake raakabva.

4- Kana munhu ari parwendo asvika panzvimbo uye ave nechinangwa chekugaramo; ane mamiriro matatu:

A) Kana ane chinangwa chekugara kwemazuva anodarika mana, anofanirwa kuita Swalaah izere kutangira pazuva rekutanga raanogara, uye haabvumirwi kushandisa rerutso dzerwendo.

b) Kana ane chinangwa chekugara mazuva mana kana kuti mashoma; anotenderwa kupfupikisa Swalaah uye kushandisa rerutso dzeparwendo.

c) Kana asina chinangwa chekugara kwenguva yakatarwa, asi anogona kugara zuva rimwe kana mazuva gumi zvichienderana nekukodzera kwenzvimbo kwaari, kana kuti ane chinangwa chekurapwa kana chekuongororwa, uye kana chinangwa chake chapera, anodzokera kunyika kwake; munhu uyu anotenderwa kupfupikisa Swalaah nekushandisa rerutso dzerwendo kudzamara adzoka, kunyangwe nguva yekugara kwake ikapfuura mazuva mana.

5- Mufambi akanamata achitevera Imaam asiri parwendo; zvinosungirwa kwaari kuti aite Swalaah yakakwana, kunyangwe akasvika paSwalaah Imaam uyu ari paTashahhud yekupedzisira.

6- Kana munhu asiri parwendo akanamata kumashure kwemufambi anopfupikisa Swalaah; zvinosungirwa pamunhu asiri parwendo kupedzisa Swalaah yake mushure mekunge Imaam apa Salaam.

Chechigumi nenhanhatu: Swalah yemaEid maviri

Ma'Eid emaMuslim ma'Eid aTenzi, Allah vari kumusoro-soro vakaatara pavari, uye havana kuzvitarira kwavari pachavo, uye havana mamwe ma'Eid kunze kwemaviri chete, anoti: 'Eid al-Fitr, ne'Eid al-Adha. Zvakasiyana nemhemberero dzevasingatendi kana mhemberero dzebid'ah, idzo dzisina kutarwa naAllah vekumusoro-soro uye havana kuraira nezvadzo, asi kuti vanhu vakazvitarira vega mhemberero idzi.

Mutemo weSwalaah dze'Eid mbiri:

Ma'Eid aya anomanikidzirwa kuti aitwe nemamwe maMuslim, uye Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pairi vaigoramaita, uyezve makhalifah akatungamirirwa kugwara rakarurama, Allah ngavafarire vese, vaigara vachimaita nguva dzese. Uye ma'Eid aya ndezvimwe zvezviratidzo zvechitendero nemanamatiro acho ari pachena.

Nguva yeSwalaah dzeEid mbiri: Nguva yeSwalaah yeEid inotanga kana zuva rakakwira kusvika pahurefu hwepfumo, zvinoreva kuti: maminetsi angangoita gumi nemashanu mushure mekubuda kwezuva, uye nguva yayo inopera panguva inosvika zuva pakati nepakati pedenga (Zawaal).

Maitirwo eSwalah yema'Eid maviri:

1- MuRak'ah yekutanga munhu anoita Takbiiratul Ihraam, zvadaro anoverenga du'a rekuvhura Swalaah, zvadaro anoita mamwe maTakbiir matanhatu achisimudza maoko ake neTakbiir imwe neimwe, uye pakati pemaTakbiir anorumbidza Allah nekuvakudza uye okumbira Allah kuti vakomborere Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), zvadaro anoita Ta’awwudh (kuti: A'udhu billahi min aSha-Shaytwaani ar-Rajiim [Ndinotsvaga utiziro kuna Allah kubva kuna Satani akatukwa]) neBasmalah (kuti: Bismillaahi ar-Rahmaani ar-Rahiim [Muzita raAllah vane tsitsi vane ngoni], ochitanga kuverenga Qur'an.

2- MuRaka'ah yechipiri, mushure meTakbiir yekusimuka, anoita maTakbiir mashanu, obva vaita Isti’aadhah neBasmalah, otanga kuverenga Qur'an. Uye zvinokurudzirwa kuti muRak'ah yekutanga averenge Surah Al-A'laa mushure meSurah Al-Fatihah, uye muyechipiri anoverenga Surah Al-Ghaashiyah.

3- Kana Imaam vaita salaam, anokwira paMinbar, opa Khutbah mbiri, uye anogara pakati padzo kwekanguva kadiki, sezvinoitwa muKhutbah yeJumu’ah.

MaSunnah eEid:

a- Kugeza muviri wese (ghusl).

b) Kuzvichenesa uye kuzvizora zvinonhuwirira.

J- Kudya munhu asati abuda pazuva reEid al-Fitr, uye pazuva reEid al-Adha anodya adzoka, kubva pachibayiro chake kana aine chibayiro.

d- Kubuda achifamba netsoka.

h- Kuenda neimwe nzira, nekudzoka neimwe yakasiyana neyaaenda nayo.

Kuti munhu anonamata kumashure kwaImaam (maʿmuum) akurumidze kuenda kunzvimbo yekunamatira asi Imaam anogona kunonoka.

Takbiir:

Zviri Sunnah kuita Takbiir muhusiku hwemaEid maviri, nemumazuva gumi ekutanga eDhul Hijjah, nemumazuva eTashriiq, uye iri pamhando mbiri:

Mhando yekutanga: Takbiir inongoitwa pese pese: ndiyo isina nguva yakatarwa yainoitwa.

1- Pa'Eid al-Fitr: Kubva pakunyura kwezuva husiku hweEid kusvika pakutanga kweSwalah yeEid.

2- PaEid yeAdha: Kubvira pakunyura kwezuva kwehusiku hwezuva rekutanga reDhul-Hijjah kusvika pakunyura kwezuva kwezuva rekupedzisira remazuva eTashriiq.

Mhando yechipiri: Takbīr yakatarwa: Uye ndiyo yakatarwa kuitwa mushure meSwalaah dzakamanikidzirwa.

1- Kuna munhu asiri muIhraam: Anoita Takbiir Kubva paFajr yezuva reArafah kusvika paAsr yezuva rekupedzisira remazuva eTashriiq.

2- Munhu ari muIhraam: Anoita Takbiir kubva paSwalaah yeDhuhr pazuva re'Eid kusvika paAsr yezuva rekupedzisira remazuva eTashriiq.

Chegumi nechinomwe: Swalaah yekuoora kwemwedzi (Swaalatul kusuuf):

Zvinoreva Khusuuf ne Kusuuf:

Khusuuf: ndiko kushaikwa kwechiedza chemwedzi kana chimwe chikamu chacho usiku.

Uye Kusuuf: ndiko kuenda kwechiedza chezuva kana chimwe chikamu chacho masikati.

Mutemo weSwalaah yeKusuuf:

iSunnah yakatsinhirwa,humbowo weizvi huri pazvaiitwa neMutumwa (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari), sezvo akainamata apo zuva rakaora munguva yake. Zvinotsigirwa zvakare nekuti Mutumwa akaraira vanhu kuti vaite Swalaah iyi, uye vadzidzi vakabvumirana kuti yakatenderwa.

Nguva yayo:

Kubva pakutanga kwekuora kwezuva kana kwemwedzi kusvika kwachena, zvinova kuti kupera kwekuora kwemwedzi kana kwezuva.

Maitirwo ayo:

Huwandu hwemaRak’ah ayo maviri, umo munoverengwa zvinonzwika, uye maitirwo ayo ndeanotevera:

a- Anoita Takbiir yekuvhura Swalaah, oita dua' rekuvhura Swalaah, oita ta’udh, otaura Basmalah, overenga Surah Al-Faatihah, obva averenga ndima refu yemuruka.

b- Zvadaro anobva aita Rukuu' yakareba.

J- Zvadaro anosimuka kubva muRukuu', oti: "Sami’a Allahu liman hamidah" (Allah vanonzwa uyo anovarumbidza), obva anoverenga Surah Al-Faatihah, zvadaro anoverenga ndima yakareba muQur'an asiri iri pfupi pane yaaverenga pekutanga.

d- Pedzezvo anoita Rukuu' refu, asi iri pfupi pane yekutanga.

h- Anosimuka kubva kuRukuu', oti: "Samiallahu liman hamidah" (Allah vanonzwa uyo anovarumbidza.

Anobva aita Sajda mbiri dzakareba.

z- Zvadaro anosimuka kuti aite Rak'ah yechipiri, iyo yakafanana neRak'ah yekutanga, asi isina kureba seyekutanga.

Masunnah ayo:

A) Kudanidzirwa kwayo kuchinzi: "Asw-swalatu jaami'ah" (Munamato wegungano).

b) Kuti inamatwe mugungano.

J) Kurebesa Swalaah iyi mukumira, paRukuu' nepaSujuud.

d) Kuti Rak’ah yechipiri ive ipfupi kudarika yekutanga.

h) Yeuchidzo mushure meSwalaah iyi, nekukurudzira kuita mabasa ekuteerera nekusiya mabasa akaipa.

w) Kuwanza kuita du'a nekuzvininipisa nekukumbira ruregerero nekupa zvipo.

Chegumi nesere: Munamato wekukumbira mvura (Istisqaa):

1) Istisqaa: ndiko kukumbira kuna Allah vekumusoro-soro kuti vadzikise mvura panguva yekushaikwa kumvura.

Nguva yakatarwa kuita Swalah yekukumbira mvura:

Munamato wekukumbira mvura unobvumidzwa kana nyika yaoma, mvura ikarega kunaya, uye dambudziko rikamuka nekuda kwekushaika kwayo, zvekuti havana vanenge vasina kwekutizira kunze kwekunge vateterera kuna Tenzi wavo vachivakumbira kuti vanaise mvura, uye vachivakumbira ruponeso nenzira dzakasiyanasiyana dzekuteterera.

A- Dzimwe nguva nekuita Swalaah mugungano, kana kuti munhu anoita Swalaah ega.

B- Uye dzimwe nguva kuburikidza nedu'a mumharidzo yemusi wechishanu, muparidzi anenge achiita du'a, maMuslim achidaira vachiti “Aamin” (O Tenzi wedu tambirai) kumunamato wake.

J- Uye dzimwe nguva kuburikidza nedu’a panguva ipi zvayo, pasina Swalaah kana kuparidza.

Mutemo weSwalaah yekukumbira mvura:

ISunnah inotsinhirwa kana chikonzero chayo chiripo, nekuti ndizvo zvaiita Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, sezviri muHadith yaAbdullah bin Zayd, Allah ngavafare naye, uyo akati:

«خَرَجَ النَّبِيُّ ﷺ إِلَى الْمُصَلَّى، فَاسْتَسْقَى، وَاسْتَقْبَلَ الْقِبْلَةَ، وَقَلَبَ رِدَاءَهُ، وَصَلَّى رَكْعَتَيْنِ».

«Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakabuda vakaenda kunzvimbo yekunamatira (Musalla), vakakumbira kunayiswa kwemvura, vakatarisa kuQiblah, vakapindurudza jasi ravo, uye vakanamata maRak'ah maviri»39.

Maitirwo eSwalaah yeIstisqaa:

Maitirwo eSwalaah al-Istiqaa nenzvimbo yainoitirwa zvakafanana neSwalaah ye'Eid. Saka zvinokurudzirwa kuiita kuMuswallah seSwalaah yeEid, uye mitemo yayo yakafanana nemitemo yeSwalaah yeEid; panhamba yemaRaka’ah, nekuverenga zvinonzwika, nemukuti inonamatwa Khutbah isati yaitwa, uye pemaTakbiir ekuwedzera muRaka’ah yekutanga neyechipiri kuverenga kusati kwaitwa. Sezvambotsanangurwa muSwalaah yema'Eid maviri. Uye Imaam anoita khutbah imwe.

 

19: Mitemo yezvemariro:

Chekutanga: Kune anenge aine munhu ari pedyo nekufa:

1- Sunnah ndeyekuti uyo anenge aripo pamunhu ava kufa amukurudzire kuti at: «Laa ilaah illallah» (Hapana chakakodzerwa kunamatwa kunze kwaAllah).

2- Zviri Sunnah kuti ataridziswe kuQiblah.

3-Zvinokurudzirwa kuvhara maziso ake.

4- Zvinokurudzirwa kufukidza mufi nejira mushure mekushaya kwake.

5- Zvinosungirwa kukurumidza kugadzirira kuvigwa kwake.

6- Uye zvinosungirwa kukurumidza kubhadhara zvikwereti zvake.

7- Mufi anofanirwa kugezeswa nekupfekedzwa kafan (machira aanovigwa akapfeka), uye mabasa maviri aya anosungirwa kuitwa nevamwe vanhu kubva mumaMuslim.

Chepiri: Mitemo yeSwalaah yemufi:

Mutemo wayo: Yakasungirwa kuitwa nevamwe vanhu kubva mumaMuslim.

Zviga zvayo

1) Kutarisa kuQiblah.

2) Kufukidza nhengo dzinonyadzisira.

3) Kusave netsvina.

4) Kuchena kwemunamati uye mushakabvu.

5) Munhu akuita Swalaah yemufi anofanirwa kuve muMuslim uye ari kunamatirwa anofanirwa kuve ari muMuslim.

6) Kuenda kunhamo kana munhu ari munharaunda yayaitikira.

7) Kuti munhu akuita Swalaah iyi ave mukallaf (munhu abve zera, ane pfungwa dzakakwana akasungirwa kuita mabasa eIslam).

Mbiru dzayo:

1) Kumira pakuita Swalaah iyi.

2) Kuita maTakbiir mana.

3) Kuverenga Surah Al-Faatihah.

4) Kukumbira kuti Allah vakomborero Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari).

5) Kuitira mufi du'a.

6) Kuita zvese zvataurwa zvakatevedzana.

7) Kuita salaam.

Sunnah dzayo:

1) Kusimudza maoko neTakbiir yega yega.

2) Kuita Isti'aadhah (kukumbira Allah kudzivirirwa kubva kuna Satani akatukwa).

3) Kuzviitira du'a uye kuitira maMuslim du'a.

4) Kuverenga chinyararire.

5) Kumbomira pashure peTakbiir yechina uye mumashure meTasliim.

6) Kuisa ruoko rwerudyi pamusoro perweruboshwe pachipfuva.

7) Kucheukira kurudyi pakupa Salaam.

Maitirwo ayo:

Kuti Imaam neuyo anonamata ari ega vamire pachipfuva chemurume nepakati pemukadzi, voita Takbiir yekupinda mumunamato, voita Ta’awudh , uye havaiti du'a rekutanga Swalaah, voverenga Basmallah , uye voverenga Surah Al-Faatiha.

Pedzezvo anoita Takbiir, otumira makomborero kuneMuporofita ( rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari), ozoita Takbiir zvekare, uye onamatira mushakabvu neminamato yakataurwa mumagwaro; semashoko eMutumwa (rugare zvaAllah nemakomborero aAllah ngazvive paari) ekuti:

«اللَّهُمَّ اغْفِرْ لِحَيِّنَا وَمَيِّتِنَا، وَصَغِيرِنَا وَكَبِيرِنَا، وَذَكَرِنَا وَأُنثَانَا، وَشَاهِدِنَا وَغَائِبِنَا، اللَّهُمَّ مَنْ أَحْيَيْتَهُ مِنَّا فَأَحْيِهِ عَلَى الإِيمَانِ، وَمَنْ تَوَفَّيْتَهُ مِنَّا فَتَوَفَّهُ عَلَى الإِسْلَامِ، اللَّهُمَّ لَا تَحْرِمْنَا أَجْرَهُ، وَلَا تُضِلَّنَا بَعْدَهُ».

«Allahumama ighfir lihayyina wa mayyitinah wa swaghiirina wa unthaanaah wa shaahidinah wa ghaaibinah Allahumma man ahyaytahu minnaa fa,ahyihi alal imaan waman tawaffaitahu minnaa fatawffihi alal islaam Allahumma Laa tahrimnaa ajrahu walaa tudhwillana ba’dah» ( O Allah, regererai vapenyu vedu nevakafa vedu, vadiki vedu nevakuru vedu, varume vedu nevakadzi vedu, avo vari pano nesu naavo vasipo. O Allah, uyo wamunochengetedza ari mupenyu pakati pedu, muchengetedzei ari mukutenda (Iman); uye uyo wamunotora pakati pedu, mutorei ari muIslam. Allah, musatinyime mubairo wake, uye musatirege tichirasika mushure make.)40.

Nemashoko eMutumwa ekuti:

«اللَّهُمَّ اغْفِرْ لَهُ وَارْحَمْهُ، وَعَافِهِ وَاعْفُ عَنْهُ، وَأَكْرِمْ نُزُلَهُ، وَوَسِّعْ مَدْخَلَهُ، وَاغْسِلْهُ بِالْمَاءِ وَالثلْجِ وَالْبَرَدِ، وَنَقِّهِ مِنَ الْخَطَايَا كَمَا نَقَّيْتَ الثَّوْبَ الْأَبْيَضَ مِنَ الدَّنَسِ، وَأَبْدِلْهُ دَارًا خَيْرًا مِنْ دَارِهِ، وَأَهْلًا خَيْرًا مِنْ أَهْلِهِ، وَزَوْجًا خَيْرًا مِنْ زَوْجِهِ، وَأَدْخِلْهُ الْجَنَّةَ، وَأَعِذْهُ مِنْ عَذَابِ الْقَبْرِ، وَمِنْ عَذَابِ النَّارِ».

«Allahumma ighfir Lahu warhamhu wa aafiihi wa’fu anhu wa akrim nuzulahu wa wassi’i madkhlahu wa ighsilhu bilmaa’ wa thalj wal bard wa naqqihi minal khataayaa kama naqqayta thawbal abyadhwu Mina ad danas wa abdilhu daaran khairan min daarihi wa zawjan khairan min jawjihi wa adkhilhul jannata wa aithuhu min athaabil qabr wa min adhaabi nnaar» ( O Allah, muregererei uye mumunzwire tsitsi, mupei hutano uye mumuregerere. Gadzirai nzvimbo yake zvakanaka, muwedzere kukura kwenzvimbo yaanopinda, uye mumuchenese nemvura, nechando nechando chakaoma (aizi). Mumubvise zvivi sekubviswa kunoitwa tsvina panguo chena. Mumutsivire imba iri nani kupfuura yake, mhuri iri nani kupfuura yake, uye mudzimai ari nani kupfuura wake. Mumupinze muParadhiso uye mumudzivirire kubva kumarwadzo emuguva uye marwadzo emoto(41. Zvadaro oti 'Allahu Akbar', omira kwechinguva chidiki, obva oita salaam imwechete kurudyi kwake.

Chikamu Chechitatu: Zakaat:

1- Tsanangudzo yeZakat nechinzvimbo chayo:

Zakat pamutauro wechiArabhu: kukura uye kuwanda.

Zakat pachitendero: ikodzero inosungirwa nemutemo wechitendero mupfuma yakatarwa, yeboka revanhu rakatarwa.

Uye ndiro bango rechitatu pamapango eIslam. Uye yakabatanidzwa neSwalaah muQur’an munzvimbo makumi masere nembiri, zvinova zvinoratidza hukuru hwechinzvimbo chayo.

Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتُواْ ٱلزَّكَوٰةَ...﴾

Uye itai Swalaah uye ipai Zakaah...﴿

[Al-Baqarah: 43].

Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura vachiti:

«بُنِيَ الإِسْلَامُ عَلَى خَمْسٍ: شَهَادَةِ أَنْ لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّـهُ، وَأَنَّ مُحَمَّدًا رَسُولُ اللَّـهِ، وَإِقَامِ الصَّلَاةِ، وَإِيتَاءِ الزَّكَاةِ، وَحَجِّ الْبَيْتِ، وَصَوْمِ رَمَضَانَ».

«Islam yakavakwa nemapango mashanu: kupupura kuti hapana anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, uye kuita Swalah, uye kupa Zakaah, uye kuita Hajj kuImba Tsvene, uye kutsanya muRamadhaan»42.

Uye maMuslim vakawirirana kuti Zakaah inosungirwa, uye kuti uyo anoramba kusungirwa kwayo munhu asingatende (muIslam), uye kuti uyo anorambidza kuti ibviswe anofanirwa kurwiswa.

2- Zviga zvekusungirwa kweZakaah:

a) Kusununguka: Haisungirwe kumuranda; nokuti haana pfuma yake, uye izvo zvaainazvo ipfuma yatenzi vake, saka Zakaat yazvo inobviswa natenzi wake.

b) Islam: Haisungirwe kumunhu asingatendi; nokuti Zakaat kunamata pamwe nekuteerera Allah, saka munhu asati ave mutendi haakodzeri kunamata nenzira yeIslam nekuteerera Allah.

c) Kuva muridzi neniswaab (mwero wakatarwa wepfuma inofanira kuti Zakaat ibviswe pairi): Saka haisungirwe pahupfumi huri pasi peniswaab, inova chiyero chinozivikanwa chehupfumi.

d) Kuva muridzi wehupfumi zvakakwana: kureva kuti pfuma ive mumaoko emuridzi wayo zvizere, saka hapana Zakaat papfuma isati yave mumaoko emuridzi wayo zvakakwana, nechikwereti chine muranda pamari yaanopa tenzi vake kuti awane rusunguko (al-Kitaabah).

h) Kupfuura kwegore munhu aine pfuma: zvichibva paHadith yaAisha (Allah ngavafare naye), yakabva kuMuPorofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) yekuti:

«لَا زَكَاةَ فِي مَالٍ حَتَّى يَحُولَ عَلَيْهِ الْحَوْلُ».

«Hapana Zakat papfuma kusvikira yapedza gore rose»43.

3- Mhando dzepfuma dzinofanirwa kubvisirwa Zakaat:

Chokutanga: Mhuka dzezvipfuwo,

uye idzo ingamera, mombe, nehwai nembudzi, uye Zakaat inosungirwa padziri nezviga zviviri:

1- Kuchengeterwa kuti dzipe mukaka nekuti dziberekane (dziwande), kwete kuita basa.

2- Kuti dzive dzinofura (dzinodya mumafuro). Saka Zakat haisungirwe pazvipfuyo zvinopihwa chikafu chazvinotengerwa nemuridzi wazvo, kana kuti chaanounganidza kubva mumafuro kana kumwewo, uye hakuna Zakat pazvipfuyo zvinofura chikamu chegore, kwete gore rose kana ruzhinji rwaro.

4- Zviyero zvezvipfuyo zvinofura:

1- Zaka yengamera:

Kana zviga zvikazadzikiswa; pangamera shanu dzega panosungirwa kuburitswa hwai imwe, uye pagumi hwai mbiri, uye pagumi neshanu hwai nhatu, uye pamakumi maviri hwai ina, Sezvinotsigirwa neSunnah nekubvumirana kwevadzidzi veIslam (Ijmaa'). Kana dzasvika makumi maviri neshanu, Zakaath yacho ibint makhadh, inova ngamera hadzi inenge yazadza gore rimwechete yopinda mugore rayo rechipiri. Kana ikashaikwa, zvinokwana kubvisa ibn labuun (ngamera hono ine makore maviri (yapinda mugore rechitatu).

Uye kana ngamera dzikasvika 36; panosungirwa kubvisa bint labuun, inova: iyo ngamera hadzi ine makore maviri.

Kana ngamera dzikasvika makumi mana nenhanhatu; zvinosungirwa kuburitsa ḥiqqah, inova ngamera yasvitsa makore matatu.

Kana ngamera dzikasvika makumi matanhatu neimwe, panofanirwa kuburitswa jadha’ah, inova ngamera ine makore mana.

Kana huwandu hwengamera hwasvika makumi manomwe nematanhatu; zvinosungirwa kuburitswa mabint labuun maviri.

Kana ngamera dzasvika makumi mapfumbamwe neimwe; panoburitswa ngamera hadzi mbiri dzine makore matatu.

Kana huwandu hwengamera hukadarika zana nemakumi maviri neimwe chete, zvinosungirwa kuburitswa ngamera hadzi nhatu dzine makore maviri. Zvadaro, pangamera makumi mana dzega dzega panoburitswa ngamera hadzi ine makore maviri, uye pangamera makumi mashanu dzega dzega panoburitswa ngamera hadzi ine makore matatu.

2- Zakaat yeMombe:

Zvinosungirwa padziri kana zviga zvadzikiswa, uye mombe dzikave makumi matatu: panobviswa Tabii’ kana kuti Tabii’ah; inove mombe yapedza gore rimwe chete yopinda mugore rechipiri.

Uye hapana chinobviswa kana mombe dzisingasviki makumi matatu.

Kana dzasvika makumi mana; zvinosungirwa kuburitsa mhou inonzi musinnah, iyo ndiyo mombe inenge yapedza makore maviri iri mhenyu.

Kana mombe dzikawanda kupfuura makumi mana; pamakumi matatu ega ega panoburitswa mhuru hono kana hadzi ine gore rimwe, uye pamakumi mana ega ega panoburitswa mombe hadzi ine makore maviri.

3- Zaka yehwai:

Kana huwandu hwehwai nembudzi hwasvika makumi mana, zvisinei kuti ihwai kana kuti ombudzi, panobviswa Gwayana rimwe chete, ringava hwayi diki (shere) kana mbudzi hadzi.

Zakaat haibviswe pahwai kana huwandu hwadzo huri pasi pemakumi mana. Kana huwandu hwemakwai hwasvika zana nemakumi maviri neimwe; zvinobva zvasungirwa kubvisa hwai mbiri. Zvino kana dzasvika mazana maviri neimwe; zvinosungirwa kubvisa hwai nhatu.

Zvino murayiro uyu unozomira pahuwandu uhwu; saka pazana rega rega rehwai panobviswa hwai imwechete. Pahwai mazana mana, panobviswa hwayi ina, zvichingodaro.

Chechipiri: Zakaat yezvinobuda muvhu:

Zvinobuda muvhu zvine mhando mbiri:

1) Zviyo neMichero.

2) Zvicherwa.

Mhando yokutanga: Zviyo nemichero:

Zakaah inosungirwa muzviyo; senge: gorosi, bhari nemupunga. Uye mumichero; senge: madheti nemazambiringa akaomeswa, uye haisungirwe pane dzimwe mhando dzezvinomera; zvakaita senyemba nemiriwo.

Zviga zvekusungirwa kweZakaah pazviyo nemichero:

1) Kuti zvive inochengeteka: nokudaro, hakuna Zakaah pazvinhu zvisingachengeteki, semichero nemiriwo.

2) Kuti chive chinoyerwa nechiyero chemukombe (volume): nokudaro, hapana Zakat pazvinhu zvinotengeswa nekuverenga kana nehuremu; semavisi, hanyanisi, mapomogirenati, nezvimwewo.

3) Kuti isvike paniswaab: iyo inova mawasq mashanu (900 kg), saka hapana Zakaat pane zviri pasi pechiyero ichi.

4) Kuti niswaab ive mumaoko emuridzi panguva yekusungirwa kweZakaat.

Naizvozvo, uyo anowana niswaab pashure penguva yekusungirwa kweZakaat, Zakat haisungirwe paari, semunhu anotenga zvirimwa kana kuti anozvipihwa sechipo pashure pekunge zvakohwa.

Nguva yekusungirwa kweZakat yacho:

Zakat inosungirwa pazviyo nemichero kana zvotanga kuibva, uye chiratidzo chekuonekwa kwekuibva ndezvinotevera:

A- Muzviyo: kana zvasimba, zvokukuta uye zvoomarara.

b- Pamichero yemiti yemadheti: kana yatanga kutsvuka kana kuita yero.

g- Pamazambiringa: kuva akapfava uye achitapira.

Niswaab yacho:

Niswab yezviyo nemichero: Maawsuq mashanu, uye Wasaq imwe maswaa’ makumi matanhatu. Saka niswaab inova masaa' mazana matatu pachiyero cheMuporofita, uye inoenzana mumakirogiramu angangosvika 900.

Huwandu hweZakaah inosungirwa pazviri:

Zvinosungirwa kuburitsa chegumi pane izvo zvinodiridzirwa pasina mutengo kana kushanda nesimba; sezvakaita zvinodiridzirwa nemvura yekunaya nezvitubu.

Uye zvinosungirwa kuburitsa hafu yechegumi pazvirimwa zvinodiridzirwa pachishandiswa mari nebasa; sezvinodiridzirwa nemvura inopombwa kubva mumatsime nenzizi, pachishandiswa mhuka kana michina yemazuva ano.

Mhando yechipiri: Zvicherwa:

Pamarudzi ezvinobuda muvhu: pane zvicherwa, Ndizvo zvinoburitswa muvhu zvisiri zverudzi rwevhu pacharwo; segoridhe, sirivha, simbi, nemabwe anokosha.

Nguva yekusungirwa kweZakaah yacho:

Kana munhu azviwana uye oita muridzi wazvo; anofanira kuburitsa Zakaah yazvo pakarepo, sezvo pasina chiga chekumirira kupfuura kwegore. Uye niswaab yacho ndiyo niswaab yegoridhe nesirivha, uye anobviswa chikamu chimwe chete pazvikamu makumi mana (2.5%) yemutengo wacho.

Chechitatu: Zakaah yepfuma yemari (Athmaan):

Athmaan i: goridhe, sirivha, nemari yemapepa, uye Zakaat yazvo inosungirwa. Uye humbowo hwach: mashoko avo vari kumusoro-soro ekuti:

﴿...وَالَّذِينَ يَكْنِزُونَ الذَّهَبَ وَالْفِضَّةَ وَلَا يُنْفِقُونَهَا فِي سَبِيلِ اللَّهِ فَبَشِّرْهُمْ بِعَذَابٍ أَلِيمٍ﴾

Uye avo vanounganidza goridhe nesirivha vasingazvishandisi munzira yaAllah, vape mashoko emurango unorwadza. ﴿

[At-Tawbah: 34].

Uye muHadith makanzi:

«مَا مِنْ صَاحِبِ ذَهَبٍ وَلَا فِضَّةٍ لَا يُؤَدِّي فِيهَا حَقَّهَا؛ إِلَّا إِذَا كَانَ يَوْمَ الْقِيَامَةِ صُفِّحَتْ لَهُ صَفَائِحُ مِنْ نَارٍ».

«Hakuna muridzi wegoridhe kana sirivha asingaburitse kodzero yadzo; kunze kwekuti pazuva reQiyaamah achagadzirirwa mahwendefa emoto»44.

Vadzidzi vechitendero vakawirirana kuti Zakat inosungirwa pagoridhe nesirivha, uye mari yemapepa inotora mutemo wegoridhe nesirivha; nekuti yakatora nzvimbo yazvo mukudyidzana kwehupfumi.

Niswaab yeZakat muupfumi hwemari, uye huwandu hwezvakasungirwa pairi:

Ndiwo mwero wakatarwa wegoridhe kana sirivha; nekuti yakatora nzvimbo yazvo pakuva mutengo wezvinhu, saka kana yasvika pamwero wakatarwa wechimwe chazvo, zvinobva zvasungirwa kubvisirwa Zakaat. Uye chinowanzoitwa mazuva ano kuyera niswaab yemari yemapepa pachishandiswa sirivha; nekuti ndiyo ine mutengo wakaderera kudarika goridhea, saka niswaab yayo inokasika kukwana. Kana MuMuslim ava nepfuma inokosha zvakaenzana nemagiramu mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemashanu (595) esirivha, uye ikaita gore rose ainayo, Zakaat inobva yasungirwa paari. Mutengo wegirama resirivha unoshanduka panguva nenguva. Saka, munhu ane mari shoma asingazive kuti yasvika paNisāb here kana kuti kwete, anofanira kubvunza vatengesi vesirivha nezvemutengo wegirama resirivha, ozouita multiply nenhamba (595), uye zvinobuda ndiyo niswaab yacho.

Chiziviso Chinobatsira: Kana munhu achida kubvisa Zakaat yehupfumi hwake; anopatsanura niswaab muzvikamu makumi mana, uye zvinobuda ndiho huwandu hunosungirwa.

Chechina: Zakaah yezvinhu zvekutengesa:

Ndizvo zvakagadzirirwa kutenga nekutengesa kuitira pundutso. Zvinosanganisira zvinhu zvinotengeswa zvemhando dzose dzepfuma isiri mari; senge mota, mbatya, machira, simbi, nematanda, nezvimwewo zvakagadzirirwa kutengeserana.

Zviga zvekusungirwa kubvisa Zakaat pazvinhu zvinotengeswa:

1- Kuti aive muridzi wazvo kuburikidza nezviito zvake; sekutengesa, kurendesa, nedzimwewo nzira dzakadaro dzekuwana pfuma.

2- Kuti aive muridzi wazvo nechinangwa chekutengeserana; kureva kuti chinangwa chake chive chekuwana pundutso kubva mazviri, nekuti zviito zvinoyenderana nezvinangwa, uye kutengeserana chiito, saka zvinosungirwa kuti chinangwa chibatanidzwe nacho semamwe mabasa ose.

3- Kuti mutengo hwazvo husvike niswaab yegoridhe kana kuti sirivha.

4- Kukwara kwegore pazviri, zvinova kupfuura kwegore zviri mumaoko emunhu.

Maitirwo ekubvisa Zakaat yezvinhu zvekutengesa:

,Kuti zvinhu zvekutengesa zviwonekwe mutengo wazvo pakupera kwegore zvichiyerwa nemari imwe yemhando mbiri: goridhe kana sirivha. Kana zvinhu izvi zvaverengwa kukosha kwazvo uye kukosha kwazvo kukapfuura niswaab yegoridhe kana sirivha; muridzi wacho anofanirwa kubvisa chikamu chimwe chete pazvikamu makumi mana (2.5%) zvemutengo wazvo.

Chechishanu: Zakatul-Fitr:

Ndicho chipo chinosungirwa pakupera kwemwedzi weRamadhan, uye yakasungirwa mugore rechipiri reHijrah.

Mutongo wacho:

Zakaat yeFitr inosungirwa pamMuMuslim wese anenge aine chikafu chinodarika chinomukwanira iye nevaanochengeta pazuva reEid nehusiku hwaro. Uye inosungirwa kune muMuslim wese; angave murume kana kuti mukadzi, mudiki kana kuti mukuru, akasununguka kana kuti muranda, nokuda kweHadith inoti:

«فَرَضَ رَسُولُ اللَّهِ ﷺ زَكَاةَ الْفِطْرِ عَلَى الْعَبْدِ وَالْحُرِّ، وَالذَّكَرِ وَالْأُنثَى، وَالصَّغِيرِ وَالْكَبِيرِ، مِنَ الْمُسْلِمِينَ».

«Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakaita kuti Zakaatul Fitr isungirwe pemuranda nemuhu akasununguka, murume nemukadzi, mudiki nemukuru, pamaMuslim ese»45. Izwi rekuti "farada" riri muhadith pachiArabhu rinoreva kuti: kusungira nekumanikidzira.

Uchenjeri hwekutsungirwa kwayo:

Ibn Abbas (Allah ngavafare naye iye nababa vake) akati:

«فَرَضَ رَسُولُ اللَّهِ ﷺ زَكَاةَ الْفِطْرِ؛ طُهْرَةً لِلصَّائِمِ مِنَ اللَّغْوِ وَالرَّفَثِ، وَطُعْمَةً لِلْمَسَاكِينِ».

«Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) akaita kuti Zakatul Fitr isungirwe; sechenuro kune anotsanya kubva kumashoko asina maturo nemashoko anonyadzisira, uye sekudya kune varombo»46.

Nguva yekusungirwa kwayo nekubviswa kwayo:

Zakaatul Fitr inosungirwa pakuvira kwezuva rehusiku hweEid. Uye zvinokurudzirwa kuti ibviswe pazuva reEid munhu asati aenda kuSwalaat yeEid. Uye hazvitenderwi kuti inonotswe yozobviswa Swalaah yeEid yaitwa. Kana munhu akanonoka kuibvisa kusvika Swalaah yeEid yaitwa, anosungirwa kuibvisa achitsiva (qadaa), uye anenge aita chitadzo nekuda kwekunonoka kuibvisa panguva yakatarwa.

Uye zvinotenderwa kuibvisa zuva rimwe kana mazuva maviri Eid isati yaitwa.

Chiyero chayo nezvinhu zvinopihwa neainoibvisa.

Swāʿ yechekudya chinowanzodyiwa nevanhu vemunzvimbo iyoyo; semupunga, madheti, gorosi, kana zvimwewo. Uye chiyero cheSwaa’: chiri pedyo nemakirogiramu matatu. Uye hazvitenderwe kubvisa iri mari inoenderana nechikafu; nekuti zvinopesana nemurairo weMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari).

Kuburitsa Zakaat nevanhu vainopihwa:

Nguva yekubviswa kwayo:

Zvinosungirwa kubvisa Zakaah pakarepo kana nguva yekusungirwa kwayo yasvika. Hazvitenderwe kunonoka kubvisa Zakaah kunze kwekunge paine chikonzero chinomanikidza kudaro, sekuti mari yacho ingave iri munyika iri kure naye uye pasina waanokwanisa kutuma kumbvisira.

Nzvimbo yekubviswa kwayo:

Zvakanakisisa kubvisa Zakaat munyika mune pfuma yacho, Uye zvinotenderwa kuitakura kubva munzvimbo mune hupfumi kuenda kune imwe nzvimbo muzviitiko zvinotevera:

A- Kana munharaunda musina anoda Zakaat.

B- Kana pakawanikwa hama inoshaya mune imwe nyika.

C- Kana paine chikonzero chiri pamutemo weIslam chinoda kuti itakurwe, sekuti: kuitakura kuenda kunzvimbo dzemaMuslim vawirwa nenjodzi yenzara nemafashamu emvura.

Zakaat inosungirwa papfuma yemwana mudiki neyemunhu anopenga, zvichibva muhumbowo hwakazara , uye muchengeti wavo (mwana mudiki nemunhu anopenga) ndiye anoibvisa kubva papfuma yavo. Hazvibvumidzwe kubvisa Zakaat pasina niyyah, nekuti Mutumwa (makomborero aAllah nerunyararo ngazvive pavari) vakati:

«إِنَّمَا الْأَعْمَالُ بِالنِّيَّاتِ».

“Zvirokwazvo, zviito zvinotongwa nezvinangwa.”47.

Avo vanofanirwa kupihwa Zakaat:

Mhando dzevanhu vanopihwa Zakaat dzisere:

Boka rekutanga: Varombo

Ava ndivo vanhu vasingawani zvinovakwanira pazvinhu zvakakosha sekugara, chekudya, uye zvipfeko. Uye huwandu hweZakaat hwavanopihwa zvinhu zvinovakwanira uye zvinokwanira avo vavanochengeta kwegore rimwe.

Boka rechipiri: Vanhu vanoshaya:

Ndivo vanowana chikamu chikuru chezvinovakwanira, asi vasingawani zvese, semunhu anotambira mari asi isingakwane zvese zvaanoda pagore.

Huwandu hwezvavanopihwa zveZakaat: Vanopihwa zvinovakwanira nezvinokwanira vavanochengeta kwegore rese.

Boka rechitatu: Avo vanoshanda mubasa rezveZakaat:

Ndeavo vanopihwa basa nemutungamiri wenyika rekuunganidza Zakaat, kana avo vane basa rekuichengeta kana kuisvitsa kuvanoshaiwa.

Huwandu hweZakaat yavanopihwa: vanopihwa nezvinoenderana emubhadharo wavo webasa ravo, kana vasina mubhadharo kubva kuhurumende.

Boka rechina: Avo vanopfaviswa moyo yavo:

Ava ndivo vose vanotarisirwa kuti vakapihwa: vanogamuchira Islam, kana kuti kutenda kwavo kunosimba, kana kuti mabasa avo akaipa kumaMuslim anodziviswa.

Huwandu hwezvavanopihwa kubva muZakaat: vanopiwa zvinokwana kuti moyo yavo ipfave.

Boka rechishanu: Varanda.

Uye izvi zvinorevai: kusunungurwa kwevaranda pamwe nemaMukaatabiin (avo vane chibvumirano chekuzvitenga kubva kuvana tenzi vavo).

Uye Mukātab: ndiye muranda uyo akazvitenga kubva kumuridzi wake, uye pano panopindawo kudzikinura maMuslim vanosungwa muhondo.

Boka rechitanhatu: vane zvikwereti, uye ivo imhando mbiri:

Wekutanga: Ndiye ane chikwereti pamusana pezvaanoda, uye asingawani chekuripa nacho chikwereti chake, uye anopihwa zvinokwana kuripa chikwereti chake.

Chechipiri: Uyo akapinda muchikwereti nekuda kwekuyananisa pakati pevanhu, uye anopihwa zvinokwana chikwereti chake, kunyange ari mupfumi.

Boka rechinomwe: Munzira yaAllah:

Uye ndivo avo vanorwira munzira yaAllah.

Huwandu hwavanopihwa kubva muZakaat: izvo zvinovakwanira kuita Jihad munzira yaAllah; sechekufambisa, zvombo, zvekudya, nezvimwe zvakadaro.

Boka rechisere: Mufambi apererwa nemari parwendo:

Ndiye mufambi anenge apererwa nemari yake, kana kuti abirwa, uye asisina mari inomusvitsa kunyika kwake.

Huwandu hweZakaat yaanopihwa: anopihwa zvinokwana kumusvitsa kunyika yake, kunyangwe ari mupfumi ikoko.

Chikamu Chechina: Kutsanya:

Kutsanya ndiko:

Kunamata Allah vekumusoro-soro nekuzvidzora kubva pane zvinoputsa kutsanya, kubva panotanga nguva dzemambakwedza kusvika pakunyura kwezuva.

Uye ndiro rimwe bango kubva kumapango eIslam. Uye chinhu chakasungirwa kubva muzvinhu zvakasungirwa naAllah vekumusoro-soro. Chinozivikanwa muchitendero pasina kupokana. Uye kusungirwa kwacho kunopupurwa neQur'an, neSunnah, uye kubvumirana kwemaMuslim.

Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿‌شَهۡرُ رَمَضَانَ ٱلَّذِيٓ أُنزِلَ فِيهِ ٱلۡقُرۡءَانُ هُدٗى لِّلنَّاسِ وَبَيِّنَٰتٖ مِّنَ ٱلۡهُدَىٰ وَٱلۡفُرۡقَانِۚ فَمَن شَهِدَ مِنكُمُ ٱلشَّهۡرَ فَلۡيَصُمۡهُ...﴾

Mwedzi weRamadhaan ndiwo mwedzi wakadzikiswa Qur’aan, senhungamiro kuvanhu, uye humbowo huri pachena hwenhungamiro nechinopatsanuro. Saka uyo pakati penyu anoona mwedzi, ngaatsanye...﴿ [Al-Baqarah: 185].

Zviga zvekusungirwa kutsanya Ramadhan:

1- Islam; naizvozvo haigamuchirwi kubva kumunhu asiri mutendi.

2- Kuyaruka, hazvisungirwe kumwana mudiki. Zvinotenderwa kuti mwana mudiki asvika pakuziva zvakanaka nezvakaipa atsanye, uye kutsanya kwake kunoverengerwa sekutsanya kwekuzvidira.

3- Njere, saka hazvisungirwe kutsanya kumunhu anopenga, uye hakutambirike kubva kwaari; nekuda kwekushaikwa kweniyyah paari.

4- Kukwanisa kuzviita, aaka hazvisungirwe kumurwere asingakwanise, kana kmufambi. Uye vaviri ava vanotsiva kutsanya panguva yokunge chikonzero chinotadza kutsanya chapera: sehurwere nerwendo. Zviga zvekuti kutsanya kutambirwe kubva kumukadzi: kupera kweropa rekumwedzi neropa rinobuda mushure mekuzvara mwana.

Kutanga kwemwedzi weRamadhan kunozivikanwa neimwe yenzira mbiri, dzinoti:

A- Kuonekwa kwemwedzi mutsva weRamadhan, nokuda kweshoko reMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) rekuti:

«صُومُوا لِرُؤْيَتِهِ، وَأَفْطِرُوا لِرُؤْيَتِهِ».

«Tsanyai kana maona mwedzi mutsva, uye pedzai kutsanya kana maona mwedzi.»48.

b- Kukwana kwemazuva makumi matatu, uye izvi zvinoitwa kana mwedzi yeRamadhan usina kuonekwa, kana kuti pakavapo chinodzivirira kuonekwa kwawo semakore kana guruva nezvimwe zvakadaro, zvichibva pashoko reMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):

«فَإِنْ غُمَّ عَلَيْكُمْ؛ فَأَكْمِلُوا عِدَّةَ شَعْبَانَ ثَلَاثِينَ يَوْمًا».

«Kana mwedzi ukavharidzirwa kwamuri; pedzisai kuverenga mazuva eSha’baan kuita mazuva makumi matatu.»49.

Niyyah mukutsanya:

Kutsanya kwakafanana nemimwe minamato, saka hakutambirwe pasina niyyah. Nguva yekusungirwa kweniyyah pakutsanya kunomanikidzirwa inosiyana neyekutsanya kusiri kwekumanikidzirwa, uye tsananguro yeizvozvo ndeinotevera:

Chekutanga: Kutsanya kunomanikidzirwa; sekutsanya kweRamadan, kana kwekutsiva, kana kwemhiko, kunosungirwa kuita niyyah husiku, nguva yemambakwedza isati yakwana, nokuda kweshoko reMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) rekuti:

«مَن لَمْ يُبَيِّتْ الصِّيَامَ مِنَ اللَّيْلِ فَلَا صِيَامَ لَهُ».

«Uyo asina kuita niyyah yekutsanya husiku, haana kutsanya kwaaita»50.

Chepiri: Kutsanya kusina kusungirwa, uye zvinotenderwa kuti munhu aite niyyah yacho panguva yemasikati, nechiga chekuti asave aita chinoputsa kutsanya pashure pekutanga kwenguva dzemambakwedza.

Zvinokanganisa kutsanya:

Chokutanga: Kusangana pabonde: Munhu akangosangana pabonde nemudzimai anobva atoputsa kutsanya, uye zvinova zvakasungirwa kwaari kuti atsive zuva iroro raaasangana pabonde nemudzimai. Zvekare pamusoro pekutsiva zuva iri anofanirwa kubvisa kaffaarah, inova: kusunungura muranda, kana atadza kuita izvi, anofanirwa kutsanya mwedzi miviri inotevedzana. Zvino kana akange asingakwanisi kuita izvi nekuda kwechikonzero chinotenderwa neShari'ah, anofanira kupa varombo makuni matanhatu chekudya, murombo mumwe nemumwe achipihwa hafu yeSwaa’ (kilogiramu imwechete nehafu) kubva muchikafu chinowanzodyiwa munyika iyoyo.

Chechipiri: Kubuda kwehurume: nekuda kwekutsvoda, kana kubata, kana kuita bonyora, kana kuramba wakatarisa mukadzi. Munhu anodai anofanirwa kutsiva zuva iri chete pasina kaffaarah; nekuti kaffaarah yakatarirwa kusangana pabonde. Kana munhu akarara akazvirotera, obuda hurume; hapana mhosva paari; nekuti zvinenge zvaitika asina kuda, saka anogeza kuti abvise Janaabah.

Chechitatu: Kudya nekunwa maune: Nokuti Allah vekumusoro-soro vanoti:

﴿...وَكُلُواْ وَٱشۡرَبُواْ حَتَّىٰ يَتَبَيَّنَ لَكُمُ ٱلۡخَيۡطُ ٱلۡأَبۡيَضُ مِنَ ٱلۡخَيۡطِ ٱلۡأَسۡوَدِ مِنَ ٱلۡفَجۡرِۖ ثُمَّ أَتِمُّواْ ٱلصِّيَامَ إِلَى ٱلَّيۡلِ...﴾

Uye idyai nekunwa kudzamara maona chiedza chekunze (mambakwedza) chichiparadza rima rehusiku, zvino pedzisai kutsanya kwenyu kusvika husiku...﴿ [Al-Baqarah: 187].

Asi uyo anenge adya kana kunwa pamusana pekukakanganwa; hapana mhosva paari; nekuda kwenhaurwa inoti:

«مَن نَسِيَ وَهُوَ صَائِمٌ، فَأَكَلَ أَوْ شَرِبَ، فَلْيُتِمَّ صَوْمَهُ، فَإِنَّمَا أَطْعَمَهُ اللَّهُ وَسَقَاهُ».

«Uyo anokanganwa akatsanya, obva adya kana kunwa, ngaapedzise kutsanya kwake, nekuti zvirokwazvo ndiAllah vamudyisa nekumunwisa»51.

Chechina: Kurutsa maune, asi uyo anokurirwa nemarutsi asingade; hazvikanganisi kutsanya kwake. Nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

«مَنْ ذَرَعَهُ الْقَيءُ فَلَيْسَ عَلَيْهِ قَضَاءٌ، وَمَن اسْتَقَاءَ عَمْدًا فَلْيَقْضِ».

«Uyo anokurirwa nekurutsa haafaniri kutsiva (zuva iri), uye uyo anozvirutsisa nekuda ngaatsive»52.

Chechishanu: Kuburitsa ropa mumuviri; neHijaama (kubvisa ropa rine tsvina mumuviri pachishandiswa makapu), kana kuburitsa ropa mutsinga, kana kupa ropa kununura murwere; munhu anogura mutsanyo nezvose izvi. Asi kuburitsa ropa shoma kuti riongororwe hakukanganise kutsanya. Saizvozvowo kubuda kweropa kusingabvi mukuda kwemunhu; semututu, maronda, kana kubviswa kwezino hazvikanganisi kutsanya.

Vanotenderwa kusatsanya muRamadhan:

Chikamu Chekutanga: Avo vanobvumidzwa kusatsanya, uye vanosungirwa kutsiva, ndeava:

Chekutanga: Murwere ane hurwere hunotarisirwa kupora, uyo kutsanya kunomukuvadza kana kumuremera.

Chechipiri: Mufambi; zvisinei kuti awana kuomerwa parwendo kana kuti haana kuwana kuomerwa.

Humbowo hwezviri zviviri: kutaura kwavo Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿...وَمَن كَانَ مَرِيضًا أَوۡ عَلَىٰ سَفَرٖ فَعِدَّةٞ مِّنۡ أَيَّامٍ أُخَرَ...﴾

...Uye ani naani anenge achirwara kana ari parwendo, ngaatsanye mamwe mazuva (akafanana neasina kutsanya)...﴿ [Al-Baqarah: 185].

Chechitatu: Mudzimai ane pamuviri kana anoyamwisa, kana kutsanya kuchivanetsa, kana kuti kunovakuvadza ivo kana vana vavo. Ava vanotorwa sevarwere, nokudaro vanobvumidzwa kusatsanya. Asi vanosungirwa kutsiva kutsanya pane imwe nguva.

Chechina: Mukadzi ari panguva yake yomwedzi nomukadzi arikubuda ropa mushure mekuzvara; vanosungirwa kuti vasatsanye. Kutsanya kwavo hakutambirwe, uye vanofanira kutsiva mumazuva mamwe.

Chikamu chechipiri: Avo vanotenderwa kusatsanya, vachisungirwa kubvisa Kaffarah chete pasina kutsiva, uye ivo ndivo vanoti:

Chekutanga: Murwere ane hurwere husingatarisirwi kupora.

Chechipiri: Munhu akwegura asingakwanise kutsanya.

Saka ava havatsanye, uye vanopa varombo zvekudya pazuva rega rega remwedzi waRamadan. Asi kana mukweguru asvika padanho rekurasika pfungwa, kusungirwa kwekuti aite mabasa echitendero chinobviswa paari; saka anorega kutsanya uye hapana mhosva paari.

Nguva yekutsiva uye mutongo wekuinonotsa:

Zvinosungirwa kutsiva kutsanya kweRamadan munguva iri pakati payo neRamadan inotevera, Uye zviri nani kukurumidza kutsiva, uye hazvibvumidzwe kunonoka kutsiva kusvika mushure peRamadhani inotevera. Aisha, Allah ngavafadzwe nayo, akati:

«كَانَ يَكُونُ عَلَيَّ الصَّوْمُ مِنْ رَمَضَانَ، فَمَا أَسْتَطِيعُ أَنْ أَقْضِيَ إِلَّا فِي شَعْبَانَ لِمَكَانِ رَسُولِ اللهِ ﷺ».

«Ndaimbove nechikwereti chekutsanya kweRamadan, uye ndaisakwanisa kuchiripa kunze kwekunge ndave muna Sha’ban, nekuda kweMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari)»53.

Zvino, uyo anononoka kutsiva kusvika pashure peRamadan inotevera, ane mamiriro maviri:

1- Kunonoka nechikonzero chepamutemo weIslam, senge: kuti hurwere hunoramba huri paari kusvika Ramadan inotevera.Uyu anofanirwa kutsiva chete.

2- Munhu anonoka kutsiva asina chikonzero chiri pamutemo weIslam, anowana chitema nekuda kwekunonoka, uye zvinosungirwa paari kutendeuka, kutsiva, nekudyisa munhu murombo chekudya pazuva rega rega raanofanirwa kutsanya.

Kutsanya kusina kusingirwa kweuyo anofanira kutsiva:

Munhu anenge aine mazuva ekutsiva eRamadan, zvakanakisisa kwaari kukurumidza kuatsiva asati kutsanya kusingasungirwe. Asi kana kutsanya kusingamanikidzirwe (Naafil) kuri kwerudzi runoti nguva yarwo inopfuura - sekutsanya kwemusi weArafah nemusi weAashura - ngaatsanye mazuva iwayo asati atsiva; nekuti nguva yekutsiva yakakura, asi Arafah neAashura zvinopfuura. Asi haatsanye mazuva matanhatu eShawwaal asati atsiva.

Kutsanya kunorambidzwa:

1- Kutsanya pazuva reEid al-Fitr, uye pazuva reEid al-Adha; nekuti kwakarambidzwa.

2- Kutsanya mazuva eTashriiq emwedzi weDhul-Hijjah, kunze kwemunhu ari kuita Tamattu' neQiraain muHajj, kana vashaya chibayiro. Uye mazuva eTashriiq ndeaya: zuva rechigumi nerimwe, nerechigumi nembiri, nerechigumi nenhatu emwedzi weDhul Hijjah.

3- Zuva rekusava nechokwadi kuti Ramadan yatanga here kana kuti kwete, iro rinova zuva remakumi matatu remwedzi waSha'baan, Kana husiku hwacho huine makore kana kuti huruva zvinotadzisa kuonekwa kwemwedzi mutsva.

Kutsanya kunovengwa:

A- Kutsaura mwedzi weRajab pakutsanya. b- Kutsaura zuva reJum’ah pakutsanya, nekuti izvi zvakarambidzwa. Kana munhu akatsanya zuva rimwe pamberi paro kana kuti shure kwaro, kusafarirwa kwacho kunobviswa.

Mazuva ari Sunnah kutsanya:

A- Mazuva matanhatu mumwedzi weShawwal. b- Kutsanya kwemazuva mapfumbamwe eDhu al-Hijjah, uye rakanyanya kutsinhirwa paari izuva reArafah, kunze kweuyo ari paHajj; nokudaro haisi Sunnah kwaari kuti atsanye, uye kutsanya kwacho kunodzimura zvivi zvemakore maviri. J- Kutsanya mazuva matatu pamwedzi wega wega, uye chakanakisisa ndechokuti azviite pamazuva ejenaguru, ayo anoti: zuva regumi nenhatu, regumi nechina, nerechigumi neshanu. d- Kutsanya Muvhuro neChina svondo rega rega, nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) aaitsanya mazuva iwayo; nokuti mabasa evaranda anoendeswa kudenga kunoratidzwa Allah pamazuva aya.

Kutsanya kwekuzvidira:

A- Kutsanya kwaDhavhidha, rugare ngaruve kwaari, aive achitsanya zuva orega kutsanya zuva rinotevera.

b- Kutsanya mwedzi waAllah, Muharram, uye ndiwo mwedzi wakanakisisa unokurudzirwa kutsanya. Uye zuva rinonyanyotsinhirwa kutsanya mauri izuva reAashura, rinova zuva regumi remwedzi waMuharram, uye munhu anotsanya zuva rechipfumbamwe pamwe chete naro; nekuda kwekutaura kwavo Mutumwa (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) kuti:

«لَئِنْ بَقِيتُ إِلَى قَابِلٍ لَأَصُومَنَّ التَّاسِعَ».

“Kana ndikararama kusvika gore rinouya, zvirokwazvo ndichatsanya zuva rechipfumbamwe”54. Uye munhu anotsanya zuva reAashuara anoregerererwa zvitadzo zvegore rapfuura.

Chitsauko Chechishanu: Hajj neUmrah

Hajj parurimi rwechiArabhu: Chinangwa. MuShari'ah: zvinoreva kunanga Imba Inoyera yaAllah pamwechete nenzvimbo dzinoyera panguva yakatarwa, kuitira kuita mabasa matsvene akatarwa.

Uye Umrah: parurimi rweArabhu zvinoreva: kushanya.

Muchitendero: zvinoreva kushanyira Imba Inoyera panguva ipi zvayo nechinangwa chekuita minamato yakatarwa.

Uye Hajj ndiyo imwe yembiru dzeIslam nenheyo dzayo huru, uye yakasungirwa mugore rechipfumbamwe reHijira. Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akaita Hajj kamwe chete; inova Hajj yekuonekana.

Uye zvinosungirwa kuita Hajj kamwe chete muhupenyu kune uyo anokwanisa, uye Hajj dzinowedzerwa pamusoro payo, dzinove chiito chekuzvidira. Asi 'Umrah inosungirwa pakuona kwevadzidzi vakawanda, nehumbowo huri pamashoko eMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pavakabvunzwa kuti: ‘Ko vakadzi vanosungirwa kuita Jihaad here?’ Vakati:

«نَعَمْ، عَلَيْهِنَّ جِهَادٌ لَا قِتَالَ فِيهِ: الْحَجُّ وَالْعُمْرَةُ».

«Hongu, vakasungirwa kuita Jihaad isina kurwa: Hajj neUmrah»55.

Zviga zvekusungirwa kweHajj neUmrah:

1- Islam

2- Njere

3- Kuyaruka

4- Rusununguko

5- Kukwanisa

Uye kumukadzi kunowedzerwa chiga chechitanhatu; chinova kuvepo kwemahram anomuperekedza parwendo kuti aite basa iroro. Nokuti hazvitenderwe kwaari kufamba rwendo rweHajj kana rumwe rupi zvarwo asina mahram, Pamusana peshoko reMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) rekuti:

«لَا تُسَافِرُ الْمَرْأَةُ إِلَّا مَعَ ذِي مَحْرَمٍ، وَلَا يَدْخُلُ عَلَيْهَا رَجُلٌ إِلَّا وَمَعَهَا مَحْرَمٌ».

«Mukadzi haatenderwi kuita rwendo asina mahram wake, uye murume haatenderwi kupinda paari asina mahram wake»56.

Mahram wemukadzi ndiye: murume wake, kana uyo anorambidzwa kumuroora kusvika rinhi narinhi; pamusana pehukama hweropa; sehanzvadzi yake, nababa vake, nemukoma wababa vake, nemwana wehanzvadzi yake, nehanzvadzi yeamai vake, kana kuburikidza nechikonzero chiri pamutemo; sehama yehanzvadzi yake pakuyamwa, kana kuburikidza nehukama hwekuroorana; semurume waamai vake nemwanakomana wemurume wake.

Uye kukwanisa: ndiko kugona panyaya dzezvemari nedzemuviri, zvekuti munhu anokwanisa kukwira chokufambisa uye nekutsungirira rwendo, uye anowana mari inomukwanira pakuenda nekudzoka, uye zvakare, anowana zvinokwana vana vake pamwe neavo vaanofanira kuriritira kusvikira adzokera kwavari.

Uye nzira yeHajj inofanirwa kuve ngaive yakachengeteka kuhupenyu hwake nepfuma yake.

Uye uyo anenge achikwanisa nepfuma yake, asi kwete nemuviri wake, sekuti anenge achembera zvekushaya simba, kana kuti ane chirwere chisingaperi chisina tariro yekupora; anosungirwa kutumira munhu anomuitira Hajj neUmrah.

Uye zvinosungirwa kune uyo anomiririra mumwe muHajj neUmrah, kuti azadzikise zviga zviviri:

1- Anofanira kuva mumwe weavo vanotenderwa kuita Hajj yakasungirwa, uyo anove muMuslim, abve zera, uye ane pfungwa dzakakwana.

2- Anofanirwa kunge akazviitira Hajj yeIslam inosungirwa.

 

Nzvimbo dzakatarwa kuitira Ihraam:

Izwi rekuti Al-Mawaaqiit: huwandu hwe izvi rekuti al-Miqaat, uye pamutauro wechiArabhi zvinoreva: muganhu. Uye muShari'ah: inzvimbo yekunamata kana nguva yayo.

Hajj ine miganhu yayo yenguva neyenzvimbo:

A- Nguva dzakatarwa: Allah vakadzireva mushoko ravo vachiti:

﴿ٱلۡحَجُّ أَشۡهُرٞ مَّعۡلُومَٰتٞۚ فَمَن فَرَضَ فِيهِنَّ ٱلۡحَجَّ...﴾

Hajj (inoitwa) mwedzi inozivikanwa. Saka kune uyo anoita kuti Hajj isungwire kwaari...﴿

[Al-Baqarah: 197].

Uye mwedzi iyi ndiyo: Shawwaal, Dhul Qa’dah, nemazuva gumi eDhul Hijjah.

b- Mawaqiit enzvimbo: Ndiyo miganhu iyo munhu anoita Hajj asingatenderwe kudzipfuura achienda kuMakkah asina kupinda muIhram, Yakamira sezvizvi:

1- Dhul Hulayfah: Miqaat yevagari vekuMadinah.

2- Al-Juhfah: Miqaat yevanhu vekuLevant, Egypt neMorocco.

3- Qarnul Manaazil: Parizvino inozivikanwa nezita rekuti As-Sail; iMiqaat yevanhu vekuNajd.

4- Dhaat ‘Irq: Miqaat yevanhu vekuIraq.

5- Yalamlam: Miqaat yevanhu veYemen.

Uye munhu anogara pamba iri mukati memiganhu yeMawaqiit; anoita Ihraam yeHajj neUmrah kubva pamba pake. Vagari vekuMakkah; vanopinda muIhraam vari muMakkah, uye hazvidikanwi kuti vabude vaende kuMiqaat kuti vapinde muIhraam. Asi kana iri Umrah; vanobuda vachienda kunzvimbo yepedyo iri kunze kwenzvimbo tsvene, vopinda muIhraam. Uye ani naani anoda kuita Hajj kana Umrah, anotofanirwa kupinda muIhraam achibva kunzvimbo dzakatarwa neMutumwa, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari, idzo dzinova Mawaqiit dzenzvimbo dzambotsanangurwa. Saka hazvitenderwi kune anenge achida kuita Hajj kana Umrah kuti adzipfuure asina kupinda muIhraam.

- Wese anopfuura nepaMawaqiit arehwa asi asiri mugari wemo; anopinda muIhraam ipapo.

- Uyo ane nzira inoenda kuMakkah, asi asingapfuure neimwe yeMawaqit adudzwa nemunzira, kana negungwa, kana nemumhepo; anofanirwa kupinda muIhram paanenge ava padanho rakaenzana neMiqaat iri pedyo naye, nekuti Umar bin Al-Khattaab, Allah ngavafare naye, akati: «Tarirai pakanangana napo (paMiqaat) munzira yenyu»57.

- Kune uyo anenge achifamba nendege kunoita mabasa eHajj kana Umrah, zvinosungirwa kwaari kuti apinde muIhram kana ndege yapfuura pakanangana neMiqat iri munzira yayo, uye hazvibvumidzwe kwaari kuti anonoke kupinda muIhraam kusvika pakumhara kwendege panhandare yendege.

Ihraam:

Iniyyah yekupinda mumabasa eHajj kana umrah. Panyaya yeHajj, ndiyo:niyyah yekupinda muHajj, Uye paUmrah, ndiyo niyyah yekupinda muUmrah. Uye munhu haave muhrim kunze kwekunge aita niyyah yekupinda mubasa eHajj kana Umrah. Asi kungopfeka nguwo dzeIhraam pasina niyyah, hakusi Ihraam.

Zvinokurudzirwa muIhraam:

1- Kugeza muviri wese usati wapinda muIhraam.

2- Kuti murume azore pefiyumu pamuviri wake, kwete panguwo dzake dzeIhraam.

3- Kupinda kwake muIhram nekupfeka Izaar (jira rinosungirwa muchiuno) neRidhaa (jira rinovhara kumusoro kwemuviri) zvichena, nehwashu.

4- Kupinda muIhram ari ari muchaarikushandisa kuenda kuMakkah, uye akatarisa kuQiblah.

Mhando dzemabasa eHajj:

Munhu ari muIhraam (Muhrim) anopihwa sarudzo yezvaanoda pakati pemhando nhatu dzemabasa emuHajj, dzinova:

1- Tamattu’; zvinoreva kupinda muIhram ye‘Umrah mumwedzi yeHajj, woipedza, wozopindazve muIhram yeHajj mugore rimwe chetero.

2- Al-Ifraad; zvinoreva kupinda muIhram neniyyah yekuita Hajj chete kubva paMiqaat, uye anoramba ari muIhraam kusvikira apedza mabasa eHajj.

3- Qirān; Inova ndiko kuita niyyah yeHajj neUmrah pamwechete, kana kuti munhu anotanga aita niyyah yeUmrah, ozopinza Hajj mairi asati atanga Twawaaf yayo. Anobva aita niyyah yeUmrah neHajj kubva paMiqaat, kana kuti asati atanga Twawaaf yeUmrah, uye anoita Twawaaf neSa'y yazvo zviviri.

Munhu anenge achita Tamattu' neanoita Qiraan vanosungirwa kupa mhuka yechibairo, kana vasiri vagari venzvimbo dziri pedyo neMasjid Al-Haraam.

Nzira yakanakisa pazira nhatu idzi iTamattu'; nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akaraira Masahaba ake kuti vaiite58. Inoteverwa iQiran; nekuti iHajj pamwechete neUmrah, yozoteverwa neIfraad.

c) Kana munhu aita Ihraam achisarudza imwe yemhando idzi dzeHajj; anobva anodaidzira Talbiyah, achiti:

«لَبَّيْكَ اللَّهُمَّ لَبَّيْكَ، لَبَّيْكَ لَا شَرِيكَ لَكَ لَبَّيْكَ، إِنَّ الْحَمْدَ وَالنِّعْمَةَ لَكَ وَالْمُلْكَ لَا شَرِيكَ لَكَ».

«Labbaykallahumma labbayak labbayka Laa shareekalaka labbayk innal hamda wanni’mata laka walmulk Laa shareekalak" (Ndiri pano, O Allah, ndiri pano. Ndiri pano, hamuna mumwe wamunobatana naye, ndiri pano. Zvirokwazvo

kurumbidzwa, makomborero, uye hushe zvose ndezvenyu. Hamuna mumwe wamunobatana

naye.")59.

 

Iyi iSunnah, uye zvinokurudzirwa kuiita kakawanda, varume vachitaura nenzwi riri pamusoro asi vakadzi vachitaura nezwi riri pasi.

Nguva yacho: Inotanga mushure meIhraam, uye nguva yayo yekupedzisira ndeinotevera:

Chokutanga: Munhu ari kuita Umrah anomira kuiita asáti atanga Twawaaf.

Chepiri: Munhu ari kuita Hajj anomira kuiita kana atanga kutemaa Jamrat al-Aqabah musi weEid.

Zvinorambidzwa muIhraam:

Chinorambidzwa chekutanga: Kuveura vhudzi kana kuri gera kana kuridzura kubva panzvimbo ipi neipi pamuviri.

Chinorambidzwa chechipiri: Kucheka nzara dzeruoko kana dzekutsoka pasina chikonzero. Asi kana nzara ikatyoka, munhu akazoibvisa, hapana muripo waanobvisa.

Chinorambidzwa chechitatu: Kufukidza musoro wemunhurume nechinhu chinobata pamusoro, sekupfeka topi neghutrah.

Chinorambidzwa chechina: kuti murume apfeke zvipfeko zvakasonerwa kutevedza muviri wake kana chimwe chikamu chawo; zvakaita sesheti, chiremba, kana bhurukwa. Uye zvipfeko zvakasonerwa: ndizvo zvinogadzirwa kuti zvikwane nhengo dzemuviri, seshangu dzematehwe, magurovhosi, nemasokisi, Kana ari mukadzi, anopfeka nhumbi dzaanoda panguva yeIhraam nekuda kwekuti anofanirwa kugara akazvifukidza muviri wake, asi haapfeke burqa', uye anovhara chiso chake nezvimwe zvinhu zvakaita sekhimaar nejilbaab kana varume vasiri mamahram ake vapfuura pedyo naye. Uye ngaasapfeke magurovhosi pamaoko ake.

Chinorambidzwa chechishanu: Pefiyumu; nekuti munhu ari muIhraam anofanirwa kuti abve pakuva

neupenyu hwekuzvifadza, zvishongo zvenyika, nemafaro ayo, asi kuti atarise kune

hupenyu hwemangwana.

Chinorambidzwa chechitanhatu: Kuuraya mhuka yemusango nekuivhima. Nokudaro, munhu ari muIhraam haavhimi mhuka yemusango, haabatsiri pakuivhima, uye haaibayi.

Muhrim anorambidzwa kudya zvaanenge avhima, kana zvaavhimirwa, kana kuti zvaabatsira kuvhima; nekuti kwaari zvakafanana nemhuka yafa yoga.

Asi kana dziri mhuka dzinovhimwa dzemugungwa; hazvirambidzwe kumunhu ari muIhraam kudzivhima. Uye hazvirambidzwe kwaari kuuraya mhuka dzinopfuyiwa sehuku nezvipfuyo; nekuti hadzisi mhuka dzinovhimwa.

Chinorambidzwa chechinomwe: Kuita nikah (kuroora) kana kuiitisa umwe, kana kuva chapupu.

Chnoirambidzwa chechisere: Kusangana pabonde; saka ani naani anosangana pabonde asati abuda muIhraam kekutanga (tahallul yekutanga), Hajj yake inenge yakanganisika. Anosungirwa kuti aenderere mberi apedzise mabasa eHajj, uye anofanira kuidzokorora gore rinotevera, uyezve anofanira kuuraya mhuka yechibairo.

Asi akaita izvi mushure metahallul yekutanga, Hajj yake haikanganisike, uye anofanirwa kuuraya mhuka yechibairo.

Uye mukadzi panyaya iyoyo akafanana nemurume, kana abvuma (kuita bonde).

Chinorambidzwa chechipfumbamwe: Kugumhana nemukadzi zvisingasvike pakusangana pabonde, saka hazvitenderwe kuti Muhrim agumhane nemukadzi, nekuti inzira inosvitsa pakusangana pabonde kwakarambidzwa, uye chinorehwa nekugumhana uku: kubata mukadzi neruchiva.

Umrah:

A- Mbiru dzeUmrah:

1- Ihraam.

2- Twawaaf.

3- Sa'y.

B- Mabasa anosungirwa eUmrah:

1- Kupinda muIhraam kubva paMiqaat yakatarwa.

2- Kuveura vhudzi kana kuri damburira.

c- Maitirwo eUmrah:

Chinhu chekutanga chinoitwa nemunhu akuita Umrah, ndechekuti anoita Twawaaf kainomwe, achitangira paDombo Dema uye achigumira pariri, Uye pakuita Twawaaf kwake, ngaave akachena, akavhara nhengo dzinonyadzisira kubva paguvhu kusvika pamabvi. Uyezve zviri Sunnah kwaari kuita Idtibāʿ panguva yese yeTwawaaf; zvinoreva kuti afukure bendekete rake rerudyi, uye oisa Ridaa' pasi paro, uye oisa micheto miviri yeRidaa' pamusoro pebendekete rake reruboshwe, Kana apedza kutenderera kwechinomwe; anorega Idhtibaa, ofukidza mapfudzi ake nejira rake.

Anotarisana neIbwe Dema, kana akwanisa kuritsvoda anoritsvoda, zvikasadaro anoribata neruoko rwake rwerudyi kana zviri nyore, otsvoda ruoko rwake. Uye kana zvisina kumurerukira kubata Ibwe, ngaanongedzere kwariri achisimudza ruoko rwake rwerudyi achiti: «Allahu Akbar» kamwe chete, uye ngaasatsvode ruoko rwake, uyezve ngaasamire. Anobva aenderera mberi neTwawaaf yake; Ka'bah iri kuruboshwe kwake. Uye zviri Sunnah kuti aite Raml mukutenderera kutatu kwekutanga. Uye Raml ndiko kufamba nekukasika pamwe nekupfupisa nhanho.

Uye kana achipfuura nepaRukni al-Yamaani - inova kona yechina yeKa'bah - kana zviri nyore, anoibata neruoko rwake rwerudyi asingaiti Takbiir uye asingaitsvodi, uye kana zvisingaite kuti aibate, anopfuurira mberi asingainongedzeri uye asingaiti Takbiir. Uye pakati peRukni al-Yamaan nepakona pane Dombo Dema anoti:

﴿...رَبَّنَآ ءَاتِنَا فِي ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٗ وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِ حَسَنَةٗ وَقِنَا عَذَابَ ٱلنَّارِ﴾

...Rabbana aatina fiddun’ya hasanah wafil aakhirati hasanah wa qinaa adhaaba nnaari. (Tenzi wedu, tipei zvakanaka munyika muno nezvakanaka muhupenyu hwemangwana, uye tidzivirirei kubva kumurango wemoto).﴿ [Al-Baqarah: 201].

Kana apedza Twawaaf; anonamata maRak'ah maviri kumashure kweMaqaam Ibrahiim (rugare ngaruve kwaari) kana zvichikwanisika, zvikasadaro, anonamata munzvimbo ipi zvayo yeMasjid Al-Haraam. Uye zviri sunnah kuti muRak'ah yekutanga, mushure meAl-Faatihah, averenge Surah al-Kafiruun), uye muRaa'ah yechipiri, mushure meAl-Faatihah, anoverenga Surah al-Ikhlaas. Zvadaro anonanga kunzvimbo yekuitira sa'y (Mas'aa), uye anofamba kanomwe pakati peSafa neMarwa; kuenda kwake kunoverengwa sechikamu, nekudzoka kwake kunoverengwa sechikamu.

Sa'y inotanga paSafa, munhu okwira pamusoro pacho, kana kuti anomira ipapo, uye kukwira pamusoro peSafa ndizvo zviri nani kana zviri nyore. Uye panguva iyoyo anoverenga mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿‌إِنَّ ٱلصَّفَا وَٱلۡمَرۡوَةَ مِن شَعَآئِرِ ٱللَّهِ...﴾

"(Inna aṣ-Ṣafā wal-Marwah min shaʿāʾiri Allāh) Zvirokwazvo, Safa neMarwah ndezvimwe zvezviratidzo zvaAllah..." [Al-Baqarah: 158].

Zvinokurudzirwa kuti atarise kuQiblah, orumbidza Allah, ovakudzaa, oti:

«لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ، وَاللَّهُ أَكْبَرُ، لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَحْدَهُ لَا شَرِيكَ لَهُ، لَهُ الْمُلْكُ وَلَهُ الْحَمْدُ، يُحْيِي وَيُمِيتُ، وَهُوَ عَلَى كُلِّ شَيْءٍ قَدِيرٌ، لَا إِلٰهَ إِلَّا اللَّهُ وَحْدَهُ، أَنْجَزَ وَعْدَهُ، وَنَصَرَ عَبْدَهُ، وَهَزَمَ الْأَحْزَابَ وَحْدَهُ».

«Laa ilaaha illallahu wallahu Akbar Laa ilaaha illallahu wahdahu Laa shareekalahu lahul mulku walahul hamdu yuhyii wayumeetu wahuwa alaa Kulli Shay’i qadeeri Laa ilaaha illallahu wahdahu ,anjaza wa’dah wa naswara abdah wa hazamal ahzaabah wahdah.»(Hakuna mumwe mwari kunze kwaAllah, uye Allah ndivo Mukurusa. Hakuna mumwe mwari kunze kwaAllah vari voga, havana mubatsiri. Humambo ndohwavo uye rumbidzo ndeyavo. Vanopa hupenyu uye vanounza rufu, uye vane masimba pamusoro pezvinhu zvese. Hakuna mumwe mwari kunze kwaAllah vari voga; vakazadzisa vimbiso yavo, vakapa kukunda kumuranda wavo, uye vakakurira mapoka emuvengi vari voga60.

Zvadaro anokumbira zvaanokwanisa akasimudza maoko ake, uye anodzokorora kurangarira Allah uku nemunamato uyu katatu. Zvadaro anoburuka, ofamba achienda kuMarwah, kusvikira asvika pachiratidzo chekutanga, ipapo murume anokurumidzisa kufamba kudzamara asvika pachiratidzo chechipiri, asi kana ari mukadzi, hazvisi pamutemo kwaari kuti amhanye pakati pezviratidzo zviviri, nekuti chimiro chake chinofanirwa kuchengetedzwa. Zvakaiswa pamutemo kwaari kungori kufamba muSa'y yese. Zvadaro anofamba, okwira paMarwa kana kumira pairi, uye kukwira pairi ndizvo zviri nani kana zvichibvira. Anotaura uye anoita ari paMarwa sezvaataura nekaita ari paSwafa, kunze kwekuverenga ndima, inova shoko raAllah vekumusoro-soro rekuti:

﴿‌إِنَّ ٱلصَّفَا وَٱلۡمَرۡوَةَ مِن شَعَآئِرِ ٱللَّهِ...﴾

(Inna aṣ-Ṣwafā wal-Marwata min shaʿāʾiri Allāh...)Zvirokwazvo, Swafa neMarwah ndizvo zvimwe zvezviratidzo zvaAllah...﴿ Nekuti izvi zvinobvumidzwa pakukwira Swafa pachikamu chekutanga chete, zvadaro anoburuka, ofamba panofanirwa kufambwa, uye omhanya panofanirwa kumhanywa, kusvikira asvika kuSwafa. Anoita izwi kanomwe, kuenda chikamu chimwe, uye kudzoka chikamu chimwe. Uye zvinokurudzirwa kuti awanze kuita Dhikr neDu'a zviri nyore kwaari muSa'y yake. Anofanirwa kuve akachena kubva mukusachena kuhombe (Hadath al-Akbar) nekusachena kukuru (Hadath al-Asghar), asi kana akaita Sa’y asina kuchena, izvozvo zvinomukwanira. Saizvozvowo, kana mukadzi akaenda kumwedzi kana kubuda ropa rekuzvara mushure meTwawaaf; anoita Sa'y, uye izvozvo zvinotambirika kwaari; nekuti hutsanana hausingirwe muSa'y, asi kuti hunongokurudzirwa.

Kana apedza Sa'y; anoveura musoro wake kana kuudamburira, uye kuveura ndiko kuri nani kumurume.

Akadai anenge apedza mabasa eUmrah.

Hajj:

A- Mbiru dzeHajj:

1- Ihraam.

2- Kumira paArafah.

3- Twawaaf ye Ifaadha.

4-Sa'y.

B- Zvakasungirwa muHajj:

1- Kuita Ihraam kubva paMiqaat.

2- Kumira paArafah pazuva rechipfumbamwe reDhul-Hijjah kusvika pakunyura kwezuva kune uyo amira ipapo masikati.

3- Kupedza husiku hwezuva regumi remwedzi weDhul-Hijjah kuMuzdalifah kusvika pakati pehusiku.

4- Kurara kuMina muhusiku hwemazuva eTashriiq.

5- Kutema Jamaraat.

6- Kuveura kana kugera musoro.

7- Twawaaf yechionekedzo.

c- Maitirwo eHajj:

Kuti MuMuslim aiite niyyah yeHajj seIfraad kana asvika paMiqat kana nguva iri shoma (isingakwane juita Tamattu'). Zvino kana asvika kuMakkah anoita Twawaaf neSa'y, uye anoramba ari muIhraam yake kusvikira aenda kuArafah pazuva reArafah, rinova zuva rechipfumbamwe, uye anogara ikoko kusvika zuva ranyura.

Zvadaro anobva ipapo achiita Talbiyah achienda kuMuzdalifah. Anogarapo kusvikira anamata munamato weFajr, zvadaro oramba aripo achirangarira Allah, achiita Talbiyah uye achiita du'a kusvikira kwaedza zvakanyanya.

Kana kwaedza oenda kuMina zuva risati rabuda, otema Jamrat al-Aqabah netumatombo tunomwe. Anobva aveura musoro kana kudamburira vhudzi, uye kuveura kuri nani.

Pedzezvo anoita Twawaaf al-Ifaadah, uye Sa'y yekutanga inomukwanira. Neizvozvo Hajj yake inenge yazadzikiswa, uye anenge aita tahallul yekutanga.

Zvinenge zvasara paari kutema maJamaraat pazuva regumi nerimwe neregumi nembiri, kana achikasira kupedza Hajj. Anotema maJamaraat matatu, Jamrah imwe neimwe netumatombo tunomwe, achiita Takbir pakukanda kadombo kamwe nekamwe. Anotanga neJamrah diki iyo iri padyo neMasjid Al-Khayf, ozoenda paJamrah yepakati, uye ozoti Jamrat al-Aqaba inova yekupedzisira. Jamrah imwe neimwe anoitema netumatombo tunomwe. Uye kana achida kunonoka kubva kuMina mushure mezuva regumi nembiri; anofanira kukanda mabwe pazuva regumi nenhatu, nenzira imwecheteyo yaakakanda nayo pazuva regumi nembiri nepazuva regumi neimwe.

Uye nguva yekukanda mabwe: mushure mekunge zuva rabva pakati nepakati pedenga mumazuva matatu.

Uye kana akabva pazuva regumi nembiri zuva risati radoka, hapana mhosva paari; uye kana akasara kusvikira akanda pazuva regumi nenhatu mushure meZawaal, izvo ndizvo zviri nani, nekuda kwekutaura kwaAllah vekumusoro-soro kuti:

﴿‌...فَمَن تَعَجَّلَ فِي يَوۡمَيۡنِ فَلَآ إِثۡمَ عَلَيۡهِ وَمَن تَأَخَّرَ فَلَآ إِثۡمَ عَلَيۡهِۖ لِمَنِ ٱتَّقَىٰ...﴾

...saka uyo anokasira mumazuva maviri, hapana chitadzo paari, uye uyo anononoka, hapana chitadzo paari; kune uyo anotya Allah...﴿

[Al-Baqarah: 203].

Uye kana oda kufamba, anoita Twawaaf yechionekedzo otendere Ka'bah kanomwe pasina Sa'y.

Uye chakanakisisa, kana asina mhuka yekubayira (Hady): ndechekuti apinde muIhram achiita Umrah (Tamattu'), ozoreva chinangwa cheHajj (Talbiyah) pazuva rechisere, uye oita zviito zveHajj zvambotaurwa. Uye kana akapinda muIhraam nechinangwa cheHajj neUmrah pamwechete, hazvina mhosva, uye izvi zvinonzi Qiraan, zvinova kupinda muIhram yeUmrah neHajj pamwechete neTwawaaf imwechete neSa'y imwechete.

 

 

 

Chitsauko Chechitatu:

Zvinoenderana nekudyidzana

Vadzidzi, Allah vekumusoro-soro ngavave netsitsi navo, vakajekesa ruzivo rwakasungirwa kuti munhu ega ega arwudzidze. Uye vakataura pamusoro pechiyero icho chinofanirwa kudzidzwa nemuMuslim wese. Uye pakati pazvo vakataura: kudzidza mitemo yekutengeserana kune munhu anoshanda mukutengesa Kuti asaite zvisingabvumidzwe kana chimbadzo asingazive. Uye kwakashumwa kubva kumamwe maSwahaaba, Allah ngavafare navo, zvinotsigira izvozvo.

Umar bin al-Khattab (Allah ngavafare naye) akati: «Pamusika pedu hapafaniri kutengesa munhu asati awana kunzwisisa kwakadzama muchitendero»61.

Uye Ali bin Abi Talib, Allah ngavafare naye, akati: «Uyo anoita zvekutengeserana asati adzidza mitemo yacho; anowira muRiba (chimbadzo), uye achawirazve, uye achawirazve. Kureva kuti: achapinda muRiba»62.

Ibn 'Aabidin achitora kubva kuna al-'Allaami akati: "Uye zvakarovekedzerwa kumurume wese nemukadzi wese ari mukallaf kuti apedza kudzidza ruzivo rwechitendero nenhungamiro, adzidze ruzivo rwewudu, ghusl, Swalaah, kutsanya, Zakaah kune uyo ane Niswaab, neHajj kune uyo akasungirwa kuiita, uye neruzivo rwekutengeserana kune vanotengesa, kuti vazvidzivirire kubva kuzvinhu zvavasina chokwadi nazvo nezviito zvisingadikanwi mukudyidzana kwese. Saizvozvowo vanhu vemabasa emaoko, uye wese anoita basa ripi zvaro, zvinosungirwa paari kuziva ruzivo nemutemo waro, kuitira kuti arege kuita zvisingabvumirwe pariri."63.

Uye An-Nawawi, Allah ngavamuitire tsitsi, akati: "Kana zviri zvekutengeserana (kutenga nekutengesa) uye kuroorana nezvimwe zvakafanana—zvisiri zvekumanikidzwa pakutanga—hazvibvumidzwi kuzviita usati waziva zviga zvacho."64

Heino mimwe mitemo yakanangana nezvekudyidzana panyaya dzemari, iyo yakauya neShari'ah yeIslam:

1- Kubvumidzwa kwezvose zvine pundutso iri pachena kana pundutso yakawanda; sekutengesa zvinhu zvinobvumidzwa nekuzvitenga, kurendesa, nekodzero yekutanga kutenga (ash-shuf'ah)65.

2- Kubvumidzwa kwezvose zvinochengetedza nekusimbisa kodzero dzevanhu; zvakadai sechibatiso (rahn) uye kupa huchapupu.

3- Kutenderwa kwezvese zvinobatsira mapato ari muchibvumirano; zvakaita sekuramba kuenderera mberi nekutengeserana, kodzero yesarudzo, nezviga mukutengeserana.

4- Kurambidza zvese zvinosanganisira kudzvinyirira vanhu, nekudya pfuma yavo zvisina kururama; zvakaita seRiba, kutorera vanhu zvinhu nechisimba, nekuvanza zvinhu kuitira kukwidza mitengo.

5- Kutenderwa kwekubatsirana kwese pane zvakanaka; sechikwereti, kubwereka, nekuchengeta zvinhu.

6- Kurambidza zvese zvinosanganisira kuwana pfuma pasina basa, kana rubatsiro, kana kushanda; sekubheja nechimbadzo.

7- Kurambidza kutengeserana kwese kwakazara nekusaziva pamwe nekusajeka; sokutengesa kwemunhu chaasina uye kutengesa chinhu chisingazivikanwe.

8- Kurambidza chero nzira yehunyengeri inoshandiswa kusvika pane zvakarambidzwa; sekutengeserana kwe’Inah66.

9- Kurambidza izvo zvinokanganisa pakuteerera Allah; sekutengesa pashure peAdhaan yechipiri yeJumu'ah.

10- Kurambidza zvese zvinokuvadza, kana kuti zvinounza ruvengo pakati pemaMuslim; sekutengesa zvinhu zvinorambidzwa, uye kutengesa kwemunhu pamusoro pekutengesa kwehama yake.

Uye kana muMuslim akashaya kujekerwa pamusoro pemutongo weimwe yenyaya; anofanira kubvunza vadzidzi vechitendero nezvayo, uye haafaniri kuiita asati aziva mutongo weShari'ah maererano nayo. Sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:

﴿‌...فَاسْأَلُوا ‌أَهْلَ ‌الذِّكْرِ إِنْ كُنْتُمْ لَا تَعْلَمُونَ﴾

…saka bvunzai vanhu veruzivo kana musingazivi. [An-Nahl: 43].

Izvi ndizvo zvareruka kuunganidzwa, uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigovere ruzivo runobetsera nemabasa akarurama. Zvirokwazvo, Ndivo mupi, vane rupo. Uye Allah ngavatumire makomborero nerugare kune Muporofita wedu Muhammad, mhuri yake, nemaSwahaabah ake, uye vave nerugare navo rwakawanda.

الفهرس

 

Nhanganyaya 2

Chitsauko Chekutanga: 3

Zvinhu zvinoenderana nekutenda (Aqeedah). 3

Chikamu chekutanga: Zvinoreva Islam nemapango ayo: 3

Kukosha kweTawheed (Humwechete hwaAllah): 3

Zvinoreva “Huchapupu hwekuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah”: 5

Zviga zve(Laa ilaaha illa Allaah) [hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah], ndezvinotevera: 6

Zvinoreva huchapupu hwekuti Muhammad Mutumwa waAllah: 8

Chikamu chechipiri: Zvinoreva kutenda (Iman) nemapango acho: 10

1) Kutenda muna Mwari Wvekumusoro-soro kunosanganisira zvinhu zvitatu: 11

1- Kutenda muHutenzi hwavo: 11

2- Kutenda muhuMwari hwavo: 14

3- Kutenda mumazita nemaitiro: 17

2) Kutenda muNgirozi: 25

3) Kutenda muMabhuku: 26

4) Kutenda muvatumwa, rugare ngarwuve pavari: 27

5) Kutenda muZuva Rekupedzisira: 29

A- Kutenda mukumutswa: 29

B- Kutenda mukubvunzwa nekupiwa mubairo kana murango: 30

J- Kutenda muParadhiso uye neGehena: 30

6) Kutenda mukutara kwaAllah, kunaka kwakwo nekuipa kwakwo: 31

Chikamu chechitatu: Ihsaan (kuita zvakanaka zvikuru kana kuti kunamata Allah kunge uri kuvaona): 33

Chikamu Chechina: Nhoroondo pfupi yenheyo dzeAhlu Sunnah wa al-Jama'ah: 34

Chitsauk: Zvinoenderana nezvekunamata 36

Chikamu Chekutanga: Kuchena. 36

Chekutanga: Mhando dzemvura: 36

Chechipiri: Tsvina: 37

Chechitatu: Zvinorambidzwa kuita kune munhu anenge ane hadath: 40

Chechina: Tsika dzekuzvibatsira: 42

Chechishanu: Mitemo yeIstinjaa (kuzvigeza nhengo neIstijmaar: 43

Chechitanhatu: Mitemo yeWudhu: 44

Chechinomwe: Mitemo yekupukuta pamusoro pemasokisi eganda nemasokisi [khuffayn] (anogadzirwa nedonje kana zvinhu zvisina kuomarara): 46

8. Mitemo yeTayammum: 49

Chepfumbamwe: Mitemo yekuenda kumwedzi neropa rinobuda mushure mekuzvara: 52

Chikamu Chechipiri: Swalaah: 54

Chekutanga: Mitemo yeAdhaan neIqaamah: 54

Chechipiri: Chinzvimbo cheSwalaah uye kukosha kwayo: 59

Chechitatu: Zviga zveSwalaah: 61

Chechina: Mbiru(mapango) dzeSwalaah: 63

Chechishanu: Zvinosungirwa paSwalaah: 69

Chechitanhatu: maSunnah eSwalah: 71

Chechinomwe: Muitirwo weSwalaah: 74

Chechisere: Zvinhu zvisingakurudzirwe paSwalaah: 81

Chepfumbamwe: Zvinogura swalaah: 82

Chegumi: Sujuud yekukanganwa: 83

Chechigumi nechimwe: Nguva dzakarambidzwa Kuita Swalaah: 85

Chegumi nembiri: Swalaah yeJama'ah (yepagungano): 86

Chechigumi nechitatu: Munamato wekutya: 89

Maitirwo eSwalaah yeKutya: 90

Chegumi nechina: Munamato wemusi wechishanu (Jumu'ah): 91

Chechishanu: Zvinokurudzirwa pazuva reJumu’ah: 94

Kubata Jumu'ah: 95

Chegumi neShanu: Swalaah yeavo vasingakwanise kuita Swalaah zvakazara: 95

Chechigumi nenhanhatu: Swalah yemaEid maviri 99

Chegumi nechinomwe: Swalaah yekuoora kwemwedzi (Swaalatul kusuuf) : 103

Chegumi nesere: Munamato wekukumbira mvura (Istisqaa): 105

19: Mitemo yezvemariro: 107

Chikamu Chechitatu: Zakaat: 111

1- Tsanangudzo yeZakat nechinzvimbo chayo: 111

2- Zviga zvekusungirwa kweZakaah: 112

3- Mhando dzepfuma dzinofanirwa kubvisirwa Zakaat: 113

Chikamu Chechina: Kutsanya: 127

Zviga zvekusungirwa kutsanya Ramadhan: 128

Chitsauko Chechishanu: Hajj neUmrah 138

Zviga zvekusungirwa kweHajj neUmrah: 139

Nzvimbo dzakatarwa kuitira Ihraam: 141

Ihraam: 143

Umrah: 148

Hajj: 153

Chitsauko Chechitatu: 156

Zvinoenderana nekudyidzana 156

 

***

 

sn227v3.0 - 19/04/2026


Yakashumwa naAhmad muMusnad yake, panhamba (6072), naat-Tirmidhi panhamba (1535), uyo akati: "Hadith iyi yakanaka."

Yakashumwa naAl-Bukhari mu Al-Adab Al-Mufrad nhamba (716), na Ahmad muAl-Musnad nhamba (19606), na Ad-Diya' Al-Maqdisi mu Al-Ahaadith Al-Mukhtaarah (1/ 150), uye yakanzi Sahih na Al-Albaani mu Sahih Al-Jaami’ As-Saghir nhamba (3731).

Yakashumwa naMuslim nenhamba (121), uye Ahmad muMusnad nenhamba (10434).

(Madhi): Imvura nhete isina ruvara inobuda panguva yokubatana-batana vanhu vasati vaita bonde, kana kurangarira bonde, kana kuda bonde, kana kutarisa (nhengo dzinopa havi yebonde), kana zvimwewo zvakadaro. Inobuda semadonhwe uye pamwe munhu haanzwe kubuda kwayo. (Wadhi): Imvura yakakora chena inobuda mushure mekuita weti, kana pakutakura chinhu chinorema.

Yakashumwa naMuslim panhamba (224).

Yakashumwa naMaalik muMuwatta nenhamba (680 ne 219), naad-Darimi nenhamba (312), uye naAbd al-Razzaaq muMusannaf yake nenhamba (1328). Yakanzi ihadith yechokwadi naal-Albaani muIrwaa' al-Ghalil nenhamba (122).

Yakashumwa naAn-Nasaa’i panhamba (12808), uye Ahmad panhamba (15423), uye yakanzi ndeyechokwadi naAl-Albani mubhuku rinonzi Irwa al-Ghalil panhamba (121).

Yakashumwa naIbn Maajah panhamba (594), uye naIbn Hibbaan panhamba (799), uye Al-Albaani akati haina kusimba mubhuku reDha’if Sunan At-Tirmidhi panhamba (146).

Yashumwa naAl-Bukhari panhamba(142), uye Muslim panhamba (122).

Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (7288), uye naMuslim, nhamba (6066).

Anoremekedzwa Sheikh Abdul-Aziz bin Baaz, Allah ngavamuitire nyasha, akati muMajmuu' al-Fataawa yavo (29/141): (Al-Bayhaqi akawedzera nesanad (vanhu vakafambisa mashoko) yakanaka kubva kuna Jabir, pashure pemashoko avo ekuti: «Chamakamuvimbisa»: «Zvirokwazvo, imi hamuputse chivimbiso»).

Yashumwa naAt-Tirmidhi, panhamba (2635).

Yakashumwa naMuslim panhamba (82).

Yakashumwa naat-Tirmidhi panhamba (265), achibva ati: "Yakanaka, ndeyechokwadi asi yakataurwa nevanhu vashoma, uye hadith iyi yakanzi ndeyechokwadi naal-Albani muSahih at-Targhib wat-Tarhib.

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1117).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (6251), uye naMuslim panhamba (884).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (756), uye Muslim panhamba (872).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (793), uye naMuslim panhamba (398).

Yakashumwa naAl-Bukhari nhamba (812), uye Muslim nhamba (490).

Yakashumwa naMuslim (498).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (724), uye Muslim panhamba (398).

Yakashumwa naAl-Bukhari (797), uye Muslim (402).

Yakashumwa naat-Tirmidhi, panhamba (839).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (6008).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1110).

Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (835).

Yakashumwa naAl-Bukhari, panhamba (743), uye Muslim, panhamba (399).

Yakashumwa naat-Tirmidhi, panhamba (266).

Yakashumwa naMuslim, panhamba (588).

Yakashumwa naAbu Dawud, panhamba (5168).

Yakashumwa na At-Tirmidhi, nhamba (284).

Yakashumwa naMuslim nenhamba (1484).

Yakaburitswa naAl-Bukhaari panhamba (609), uye Muslim panhamba (602).

Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (4130), uye naMuslim, nhamba (842).

Yakashumwa naMuslim nenhamba (865).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (934), uye Muslim panhamba (851).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1081), uye naMuslim panhamba (693).

Yakashumwa naAl-Bukhaari panhamba (1012), uye Muslim panhamba (894).

Yakashumwa naAbu Dawuud panhamba (3201), uye naAt-Tirmidhi panhamba (1024), uye vakati: "IHadith yakanaka uye yechokwadi."

Yakashumwa naMuslim panhamba (962).

Yakashumwa naAl-Bukhari nenhamba (8), uye naMuslim nenhamba (111).

Yakashumwa na Ibn Maajah panhamba (1792), uye at-Tirmidhi panhamba (63) ne (631).

Yakashumwa na Al-Bukhari panhamba (1402), uye naMuslim panhamba (2287).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1432), naMuslim panhamba (984).

Yakashumwa naAbu Dawuud panhamba (1609), uye Ibn Majah panhamba (1827), uye yakanzi yakasimba naAl-Albani muSahih Abi Dawuud panhamba (1609).

Yakashumwa naAl-Bukhari nhamba (1), uye Muslim nhamba (1907).

Yakashumwa naAl-Bukhaari panhamba (1810), uye Muslim panhamba (1086).

Yakashumwa naAl-Bukhaari nhamba (1909).

Yakashuwa naAhmad panhamba (26457), naAbu Dawuud panhamba (2454), naAn-Nasaa’i panhamba (2331) uye aya ndiwo mashoko ake.

Yakashumwa naAl-Bukhaari (6669), uye naMuslim (2709).

Yakashumwa naAbu Dawuud panhamba (2380), at-Tirmidhi panhamba (719), uye Ibn Maajah panhamba (676).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1849), uye naMuslim panhamba (1846).

Yakashumwa naMuslim panhamba (1134).

Yakashumwa naAhmad panhamba (25198), uye An-Nasaa’i panhamba (2627), uye Ibn Majah panhamba (2901).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1862), naMuslim panhamba (1341).

Yakashumwa naAl-Bukhari panhamba (1531).

Yakashumwa naMuslim panhamba (1211).

Yakashumwa naAl-Bukhaari, panhamba (1549).

Yakashumwa naMuslim, panhamba (1218).

Yakashumwa naat-Tirmidhi paenhamba (487), uye akati: "Hadith yakanaka yakashumwa nevanhu vashoma." Uye Al-Albaani akati yakanaka.

Tarisai: Mughnī al-Muḥtāj (2/22).

Haashiyah yaIbn Aabidiin (1/ 42).

Tarisa: Al-Majmuu' (1/50).

Ash-Shuf‘ah: ikodzero yemubatsiri kutora chikamu chemumwe wake kubva kumunhu anenge achipihwa nemubhadharo wemari.

Bay'i al-'Iinah: Ndiko kuti munhu anotengesera mumwe chinhu nemutengo unozobhadharwa pashure, obva amugamuchidza icho, zvekare iye ozochitengazve asati agamuchira mutengo wacho, nemutengo wakaderera pane iwoyo uri mari inobhadharwa pakarepo.

Yakashumwa naBukhari, nhamba (8).