كَيْفِيَّةُ صَلَاةِ النَّبِيِّ صَلَّى اللَّهُ عَلَيْهِ وَسَلَّمَ
Maitirwo eSwaalah (munamato) yaMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari)
لِفَضِيلَةِ الشَّيْخِ العَلَّامَةِ
عَبْدِ العَزِيزِ بْنِ عَبْدِ اللَّهِ بْنِ بَازٍ
غَفَرَ اللَّهُ لَهُ وَلِوَالِدَيْهِ وَلِلْمُسْلِمِينَ
Vanoremekedzwa Sheikh
Abdulaziz ibn Abdullah ibn Baz
بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ
Maitirwo eSwaalah (munamato) yaMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari)
Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni .
Rumbidzo yose ndeya Allah vari vega, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, pamwe chete nemhuri yavo nemaSwahabah (avo vakamuona ari mupenyu vakamutevedzera). Ndichienderera mberi ndinoti:
Heano mashoko mapfupi anotsanangura maitiro eSwalaah (kunamata) aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), andada kupa kune muMuslim wese, murume nemukadzi, kuitira kuti wese anoaverenga ashingaire mukutevedzera Mutumwa waAllah mukuita Swalaah, nekuda kwemashoko ake (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) ekuti:
(صَلُّوا كَمَا رَأَيْتُمُونِي أُصَلِّي).
(Namatai sezvamakandiona ndichinamata)1. Kumuverengi, tsanangudzo yacho ndeiyi:
1- Kunyatsoita Wudhu (kushambidzika kwedzimwe nhengo dzemuwiri) zvakakwana, uku kunova kuita Wudhu sezvakarairwa naAllah nekutevera mazwi avo, vanorumbidzwa vari kumusorosoro, apo vakati:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا قُمۡتُمۡ إِلَى ٱلصَّلَوٰةِ فَٱغۡسِلُواْ وُجُوهَكُمۡ وَأَيۡدِيَكُمۡ إِلَى ٱلۡمَرَافِقِ وَٱمۡسَحُواْ بِرُءُوسِكُمۡ وَأَرۡجُلَكُمۡ إِلَى ٱلۡكَعۡبَيۡنِ...﴾.
{ Veduwe-e, Imi vatendi! Kana mava kuda kuita Swalaah (munamato), gezai zviso zvenyu nemaoko enyu kusvika mumagokora, pukutai (muchifambisa maoko akanyorova) mumisoro yenyu, uye (gezai) tsoka dzenyu kusvika muzviziso... } [Al-Ma'idah: 6]. Aya.
Uye mashoko aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) anoti:
(لَا تُقْبَلُ صَلَاةٌ بِغَيْرِ طُهُورٍ).
(Swalah haigamuchirwi pasina kuchena)2.
Uye mashoko aMutumwa (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) kune uyo asina kuita Swalaah yake nemazvo:
(إِذَا قُمْتَ إِلَى الصَّلَاةِ، فَأَسْبِغِ الْوُضُوءَ).
(Kana wave kuda kuita Swalah (munamato), ita Wudhu nemazvo)3.
2- Munamati anotarisa kuQiblah, inova ndiyo Ka'bah, nemuviri wake wese, panzvimbo ipi neipi yaanenge ari. Mumoyo make muine chinangwa chekuita Swalah yaanenge achida, ingave yeFariḍah (inomanikidzwa) kana Naafilah (yekuzvidira). Uye haataure (niyyah) iyi nerurimi rwake; nekuti kutaura chinangwa nerurimi hakubvumirwe, asi kuti iBid'ah (chinhu chitsva muchitendero chisina hwaro), sezvo Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) vasina kutaura chinangwa ichi nerurimi rwavo, uye maSwahabah avo (Allah ngaavafarire vese) havana kuita saizvozvo. Munamati anofanira kuisa Sutrah (chivharidzo) pamberi pake chaanonamata akatarisana nacho kana ari Imam (mutungamiri wemunamato) kana kuti achinamata ega. Kutarisa kuQiblah ndicho chezvimwe zvinodiwa kuti Swalaah igone kuitwa, kunze kwemuzviitiko zvishoma zvinozivikanwa uye zvakatsanangurwa zvakajeka mumabhuku evadzidzi vechitendero.
3- Anoita Takbiratul Ihram achiti: "Allahu Akbar" (Allah ndivo mukuru pane zvese), akatarisa panzvimbo yeSajdah (yaanoisa musoro pasi akaguma pasi nehuma, nemhuno, nemaoko, nemabvi nezvigunwe zvemumakumbo sezvichatsanangurwa)..
4- Anosimudza maoko ake paanoita Takbeer, kusvika pamapfudzi ake kana kuti panzeve dzake.
5- Anoisa maoko ake pachipfuva chake, ruoko rwerudyi ruri pamusoro pechanza chake cheruboshwe, chiningoningo, neruoko rwake; nekuda kwekuti izvi zvakatsinh kuMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ).
6- Zviri Sunnah kuita Du'a reIstiftaah (munyengetero wemavambo), uyo unoti :
(اللَّهُمَّ بَاعِدْ بَيْنِي وبيْنَ خَطَايَايَ، كَمَا بَاعَدْتَ بَيْنَ المَشْرِقِ وَالمَغْرِبِ، اللَّهُمَّ نَقِّنِي مِنَ الخَطَايَا كَمَا يُنَقَّى الثَّوْبُ الأَبْيَضُ مِنَ الدَّنَسِ، اللَّهُمَّ اغْسِلْ خَطَايَايَ بالمَاءِ والثَّلْجِ والبَرَدِ).
Allāhumma bāʿid baynī wa bayna khaṭāyāy, kamā bāʿadta bayna l-mashriqi wa l-maghrib.
Allāhumma naqqinī mina l-khaṭāyā kamā yunqa l-thawbu l-abyadu mina l-danas.Allāhumma ighsil khaṭāyāy bil-mā’i wa l-thalji wa l-barad.
(Veduw-e Allah, itai kuti ndive kure nezvitadzo zvangu, semaitiro amakaita kuti mabvazuva nemadokero zvive kure nakure. Veduwe-e Allah, ndichenurei pazvitadzo, sokucheneswa kunoitwa nguwo chena kubva kutsvina, Veduwe-e Allah, gezai zvitadzo zvangu nemvura, nechando, uye nechimvuramabwe)4.
Uye kana achida, anotaura pachinzvimbo cheizvozvo kuti:
(سُبْحَانَكَ اللَّهُمَّ وبِحَمْدِكَ، وَتَبَارَكَ اسْمُكَ، وَتَعَالَى جَدُّكَ، ولَا إلَهَ غَيْرُكَ).
Subḥānaka Allāhumma wa biḥamdika, wa tabāraka ismuka, wa
taʿālā jadduka, wa lā ilāha ghayruka.
(Hutsvene ndohwenyu imi Allah, nerumbidzo, ndeyenyu, zita renyu rakakomborerwa, hukuru hwenyu hwakakwirira, uye hakuna mumwe anofanirwa kunamatwa kunze kwenyu)5,
Uye kana akaita mamwe madu'a ekutanga Swalah kunze kweaya maviri, kubva kune ayo anozivikanwa kuti akabva kuna muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) zvechokwadi, hapana chakaipa. Uye chakanakisisa ndechekuti aite madu'a akasiyanasiyana nguva dzakasiyanasiyana, nekuti ikoko ndiko kunyatsotevedzera Mutumwa waAllah zvizere. Munamati anobva ati:
Aʿūdhu billāhi min ash-shayṭāni r-rajīm, Bismillāhi r-raḥmāni r-raḥīm.
(Ndinopotera kuna Allah kuti ndichengetwe kubva kuna Satani, uyo akadzingwa munyasha dzaAllah. Muzita raAllah, vane tsitsi vane ngoni), uye anoverenga chitsauko (Surah )Al-Fatihah, nekuda kwekuti Mutumwa waAllah akati :
(لَا صَلَاةَ لِمَنْ لَمْ يَقْرَأْ بفَاتِحَةِ الكِتَابِ).
"(Hapana Swalaah (munamato) kune uyo asingaverengi Fatihatul Kitāb (chitsauko chekutanga muQur'an)6." Uye mushure mekuverenga Surah Al-Fatihah anoti "Ameen" neizwi rinonzwika mumaSwalaah anoverengwa Qur'an zvinonzwikwa , uye anoti "Ameen" chinyararire mumaSwalaah anoverengwa Qur'an chinyararire. Pedzezvo anoverenga izvo zviri nyore kwaari kubva muQur'an. Uye zviri nani kuti mushure meSurah Al-Fatihah averenge paSwalaah yeŻuhr, Asr, neIsha kubva kumaSurah epakati nepakati eMufassal, uye pamunamato weFajr averenge maSurah eMufassal akareba. Pamunamato weMaghrib anogona kuverenga maSurah eMufassal akareba, asi dzimwe nguva anogona kuverenga maSurah eMufassal mapfupi, achiatevedzere maHadeeth akataurwa maererano naizvozvo.
7- Anokotama (Ruku)achiti “Allahu Akbar”, achi simudza maoko ake kusvika pamapfudzi ake kana nzeve dzake, oita kuti musoro wake uve mumutsetse wakatwasuka unoenderana nemusana wake, oisa maoko ake pamabvi ake akapatsanura minwe yake, obva adzikama murukuʾ yake, otaura kuti: “Subhaana Rabbiyal ‘Adheem (Kurumbidzwa ngakuve kuna Tenzi wangu mukurukuru).” Zvinenge zvakanaka kudzokorora izvi katatu kana kupfuura, uye zvinokurudzirwa kuti pamwe naizvozvo ataure kuti:
(سُبْحَانَكَ اللَّهُمَّ وَبِحَمْدِكَ، اللَّهُمَّ اغْفِرْ لِي).
(Subhaanak Allahuma wabihamdika, Allahumma ghfirli) "Kukudzwa ngakuve kwamuri imi Allah, uye nekurumbidzwa; Veduwe-e Allah, ndiregerereiwo. "7.
8- Munamati anosimudza musoro wake kubva murukuʾ achisimudza maoko ake kusvika pamapfudzi ake kana panzeve dzake achiti: ( Sami Allahu loman hamidahu.)
Allah vanonzwa uyo anovarumbidza. Kana achinge ari Imam (mutungamiri) kana kuti achinamata ari ega-, anotaura achinge aka simuka kuti:
(رَبَّنَا وَلَكَ الحَمْدُ حَمْدًا كَثِيرًا طَيِّبًا مُبَارَكًا فِيهِ مِلْءَ السَّمَواتِ وَمِلْءَ الأرضِ، وَمِلْءَ مَا شِئتَ مِن شَيءٍ بَعدُ).
Rabbanaa wa laka al-hamdu hamdan kathīran ṭayyiban mubārakan
fīhi mil'a as-samāwāti wa mil'a al-arḍi, wa mil'a mā shi'ta min shay’in ba‘du
(Tenzi vedu, kurumbidzwa ndekwenyu, kurumbidzwa kwakawanda kwazvo, kwakanaka, uye kwakakomborerwa mukati makwo, kunozadza matenga nenyika, uye kunozadza chero chinhu chamunoda mushure meizvi)8.
Asi kana ari muteveri (anonamata mushure maImam), achi simuka anoti:
"Rabbanaa wa laka al-hamdu."
Tenzi vedu, kurumbidzwa ndekwenyu... kusvika kumagumo ezvambotaurwa mumashure. Uye kana mumwe nemumwe wavo akawedzera - ndinoreva Imam, muteveri, pamwe neuyo anonamata ari ega kuti -
(أَهْلَ الثَّنَاءِ وَالْمجْدِ، أَحَقُّ مَا قَالَ العَبْدُ، وَكُلُّنَا لَكَ عَبْدٌ: اللَّهُمَّ لَا مَانِعَ لِمَا أعْطَيْتَ، وَلَا مُعْطِيَ لِمَا مَنَعْتَ، وَلَا يَنْفَعُ ذَا الجَدِّ مِنْكَ الجَدُّ).
Ahluth-thanaaʿi wa al-majd, ahhaqu ma qaalahu al-ʾabd wa kulluna laka ʾabd: Allahumma laa maaniʾa limaa aʾṭayta wa laa muʾṭiya limaa manaʾta wa laa yanfaʾu dha al-jaddi minka al-jadd. (Imi makakodzera kurumbidzwa nekukudzwa, ndimi mune kodzero huru pane zvinotaurwa nemuranda wenyu, uye isu tese tiri varanda venyu: Veduwe-e Allah, hapana anodzivisa zvamakapa, uye hapana anopa zvamadzivisa, uye hukuru hwemunhu mukuru hahumubatsiri pamberi penyu)9. zvinove zvakanaka nekuti zvakabva kuna Mutumwa (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari)
Zvinokurudzirwa kuti mumwe nemumwe wavo - ndinoreva Imam, muteveri, neuyo anonamata ari ega - aise maoko ake pachipfuva chake sezvaaita pakumira kwake asati aita rukuʾ, nekuda kwehumbowo hunosimbisa izvozvo kubva kuMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) kubva muHadith yaWa’il bin Hujr naSahl bin Sa’d, Allah ngaavafarire vose ivavo.
9- Munamati anopfugama achiti 'Allahu Akbar' achitanga kuisa mabvi ake pasi asati aisa maoko ake pasi kana zviri nyore kwaari. Asi kana zvichimuomera, anotanga kuisa maoko ake asati aisa mabvi ake pasi, zvigunwe zvetsoka dzake nezvemaoko ake zvakatarisa kuQiblah, zvigunwe zvemaoko ake zvakabatanidzwa uye akazvitwasanudza. Uye anopfugama nenhengo dzake nomwe dzinoti: huma pamwechete nemhino, maoko maviri, mabvi maviri, uye pasi pezvigunwe zvetsoka mbiri. Uye anoti: "Subhāna Rabbiyal-A'lā." (Kukudzwa ngakuve kuna Tenzi vangu, vari kumusorosoro). Zviri muSunnah kuti azvitaure katatu kana kudarika. Uye zvinokurudzirwa kuti ataurewo pamwechete naizvozvo kuti:
(سُبْحانَكَ اللَّهُمَّ رَبَّنا وبِحَمْدِكَ، اللَّهُمَّ اغْفِرْ لِي).
Subhaanakallahumma rabbanaa wa bihamdika, Allahuma ghfirli (Kukudzwa ngakuve kwamuri imi Allah, uye nekurumbidzwa; Veduwe-e Allah, ndiregerereiwo.), Munamati anofanira kuita madu'ā akawanda nekuti Muporofita (rugare netsitsi dza Allah ngazvive kwaari) akati:
(أَمَّا الرُّكُوعُ، فَعَظِّمُوا فِيهِ الرَّبَّ، وَأَمَّا السُّجُودُ، فَاجْتَهِدُوا فِي الدُّعَاءِ، فَقَمِنٌ أَنْ يُسْتَجَابَ لَكُمْ).
(Kana iri rukuʾ, kudzai Tenzi mairi, uye kana iri Sujud, shingirirai pakuita du'a (minyengetero), nekuti mune mukana mukuru wekuti mupindurwe)10.
Uye anokumbira Tenzi wake zvakanaka zvehupenyu hwepasi pano nehupenyu hunotevera. zvisinei kuti munamato wacho wakamanikidzirwa here (Fard) kana kuti hauna kumanikidzirwa (Naafil). Munamati anoita kuti maoko ake asati kwatikwati nemativi ake, dumbu rake harifanire kuti kwatikwati nezvidya zvake, uye zvidya zvake hazvifanire kuti kwatikwati netsapfu dzake. Anosimudza maoko ake kuti asave pasi, nekuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) vakati:
(اعْتَدِلُوا في السُّجُودِ، وَلَا يَبْسُطْ أَحَدُكُمْ ذِرَاعَيْهِ انْبِسَاطَ الكَلْبِ).
(Itai Sujud zvakadzikama, uye pakati penyu hapafanirwi kuve nemunhu anowaridza maoko ake pasi sekuwaridza kwembwa)11.
10- Anosimudza musoro wake achiti, "Allahu Akbar", owaridza tsoka yake yekuruboshwe oigarira, omisa tsoka yake yekurudyi oisa maoko ake pazvidya zvake nemabvi ake, otaura kuti:
(رَبِّ اغْفِرْ لِي وَارْحَمْنِي وَاهْدِنِي وَارْزُقْنِي وَعَافِنِي وَاجْبُرْنِي) .
Rabbi ghfirli warhmani wahdeeni wa ʾaafini wajburni (Tenzi vangu, ndikanganwireiwo, ndinzwireiwo tsitsi, nditungamirireiwo, ndipeiwo chouviri, ndipeiwo utano, uye ndisimbaradzeiwo)12. Anofanirwa kugadzikana mukugara kwake uku.
11- Anoita sajdah yechipiri achiita Takbeer, uye anoita mairi sezvaaita musajdah yekutanga.
12- Anosimudza musoro wake achiti “Allahu Akbar”, ogara pasi zvishoma semagariro ari pakati pemasajdah maviri. Kugara uku kunonzi Jalsat al-Istiraahah (kugara kwekuzorora), uye kunokurudzirwa (Mustahab). Kana munhu akasiya kugara uku, hapana chakaipa paari. Pakugara apa hapaitwe Dhikr kana Du’a. Munamati anobva asimuka achimira achienda kuraka’ah yechipiri, achizvitsigira nemabvi ake kana zviri nyore kwaari. Kana zvakamuomera, anozvitsigira nekubata pasi. Pedzezvo anoverenga chitsauko (Surah) Al-Fatihah uyezve nechimwe chinenge chiri nyore kwaari kubva muQur’an mushure mayo, ozoita sezvaaita muraka’ah yekutanga.
13- Kana Swalaah iine maRak’ah maviri – seSwalaah yeFajr, yeJumu’ah, uye nema’Eid maviri – munamati anogara pasi mushure mekusimuka kubva muSajdah yechipiri, achimisa tsoka yake yekurudyi uye achigarira tsoka yake yekuruboshwe. Anoisa ruoko rwake rwekurudyi pachidya chake chekurudyi, achipeta minwe yake yese kunze kwemunwe wekunongedzesa. Anonongedza munwe uyu kumberi uri mucherechedzo hwehumwechete hwaAllah (Tawheed). Uye zvakanakawo kana akapeta chigunwe chidiki nechigunwe chechina cheruoko rwake rwerudyi, oita denderedzwa nechigunwe chikuru nechekepakati, uye onongedzera nechigunwe chekunongedzesa; nekuti maitiro maviri aya aiitwa neMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ). Uye zvakanakisisa ndezvekuti aite imwe nzira pane dzimwe nguva, oita imwe yacho pane dzimwe nguva. Anoisa ruoko rwake rweruboshwe pachidya chake cheruboshwe neibvi reruboshwe. Akagara kudaro anoverenga Tashahhud iyo inoti:
(التَّحِيَّاتُ للهِ وَالصَّلَوَاتُ وَالطَّيِّبَاتُ، السَّلَامُ عَلَيْكَ أيُّهَا النبَّيُّ وَرَحْمَةُ اللهِ وَبَرَكَاتُهُ، السَّلَامُ عَلَيْنَا وَعَلَى عِبَادِ الله الصَّالِحِينَ، أَشْهَدُ أنْ لَا إلَهَ إلَّا اللهُ وَأَشْهَدُ أنَّ مُحَمَّدًا عَبْدُهُ ورَسولُهُ).
Aṭṭahiyaatu lillaahi wa aṣ-ṣalawaat waṭ-ṯayyibaat, as-salaam ʾalayka ayyuha an-nabiyyu wa rahmatullahi wa barakatuhu. As-salaam ʾalaynaa wa ʾala ʾibaadillahi as-saaliheen. Ashhadu an laa ilaaha illallah wa ashhadu anna Muhammadan ʾabduhu wa rasuluhu (Kwaziso dzose dzerukudzo ndedza Allah, minamato yose, uye zvinhu zvose zvakanaka ndezvake. Rugare ngaruve kwamuri imi Muporofita, netsitsi dzaAllah nemakomborero avo. Rugare ngaruve kwatiri nevaranda vaAllah vatsvene. Ndinopupura kuti hapana hapana chakafanira kunamatwa kunze kwaAllah, uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wake uye Mutumwa Wake), Pedzezvo anotaura kuti:
(اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ، كَمَا صَلَّيْتَ عَلَى إِبْرَاهِيمَ وَعَلَى آلِ إبْرَاهِيمَ؛ إنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ، وَبَارِكْ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ، كَمَا بَارَكْتَ عَلَى إبْرَاهِيمَ وَعَلَى آلِ إبْرَاهِيمَ؛ إنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ).
Allahumma ṣalli ʾala Muhammadin wa ʾala ʿali Muhammadin kamaa ṣallayta ʾala Ibraheema wa ʿali Ibraheema innaka ḫameedun majeed wa baarik ʾala Muhammadin wa ʾala ʿali Muhammadin kamaa baarakta ala Ibraheema wa ʿali Ibraheema innaka ḫameedun majeed ( Veduwe-e Allah, ropafadzai Muhammad nemhuri yake, sekuropafadza kwamakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba, uye komborerai Muhammad nemhuri yake, semakomborero amakaita Ibraheem nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba.) 13.
Munamati anobva akumbira kudzivirirwa naAllah kubva kuzvinhu zvina, otaura kuti:
(اللَّهُمَّ إنِّي أَعُوذُ بِكَ مِن عَذَابِ جَهَنَّمَ، وَمِنْ عَذَابِ القَبْرِ، وَمِنْ فِتْنَةِ المَحْيَا وَالْمَمَاتِ، وَمِنْ شَرِّ فِتْنَةِ المَسِيحِ الدَّجَّالِ).
Allahumma inni aʾudhu bika min ʾadhaabi jahannama wa min ʾadhaabil qabr, wa min fitnatil mahyaa wa al-mamaat, wa min sharri fitnatil maṡeeh ad-Dajjaal (Veduwe-e Allah ndinokumbira kudzivirirwa nemi kubva kumurango weGehena, kubva kumarwadzo emuguva, kubva kumiedzo yehupenyu nerufu, uye kubva kuhuipi hwemiedzo hwaMesiya Dajjal)14.
Zvadaro anoita munamato wekukumbira zvaanoda kubva kune zvakanaka zvepasi pano nezvehupenyu hwunotevera, uye kana akakumbirira vabereki vake kana vamwewo maMuslim hapana chakaipa - zvisinei kuti iSwalaah yakamanikidzirwa kana kuti isina kumanikidzirwa. Izvi zvinobva mumashoko aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) muhadith yaIbn Mas’ud (Allah ngavafare naye) pavakamudzidzisa Tashahhud vakazoti:
(ثُمَّ لِيَتَخَيَّرْ مِنَ الدُّعَاءِ بَعْدُ أَعْجَبَهُ إِلَيْهِ فَيَدْعُو).
(Pashure ngaasarudze kubva mumaduʾā aanonyanyofarira okumbira)15. Uye mune mamwe mashoko Mutumwa (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) vakati:
(ثُمَّ لِيَخْتَرْ مِنَ الْمَسْأَلَةِ مَا شَاءَ).
(Zvadaro ngaasarudze chikumbiro chaanoda)16.
Izvi zvinosanganisira zvese zvinobatsira muranda waAllah muhupenyu hwepasi nehunotevera. Pedzezvo anopa salaam kurudyi kwake nokuruboshwe kwake, achiti: "As-Salaamu alaikum wa rahmatullah, As-Salaamu alaikum wa rahmatullah." (Rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwamuri, rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwamuri.)
14- Kana Swalaah iri yemaRaka’ah matatu seMaghrib, kana kuti yemaRaka’ah mana seDhuhr, Asr neIsha’a, munamati anoverenga Tashahhud yambotaurwa pamwechete nekutumira maropafadzo kuMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ). Anobva asimuka omira achizvitsigira nemabvi ake, achisimudza maoko ake kusvika pamapendekete ake kana kuti nzeve dzake achiti: "Allahu Akbar", oisa maoko ake pachipfuva chake sezvambotaurwa. Anobva averenga Surah Al-Fatihah chete. MuRaka’ah yechitatu neyechina yeŻuhr akaverenga dzimwe ndima pamusoro peSurah Al-Fatihah dzimwe nguva, hapana chakaipa, nekuda kwehumbowo hunoratidza izvozvo kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) kubva muHadith yaAbu Sa’id (Allah ngavafare naye). Uye kana akasiya kutumira maropafadzo kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) mushure meTashahhud yekutanga, hapana chakaipa; nekuti kutumira maropafadzo kunokurudzirwa asi hakuna kumanikidzirwa paTashahhud yekutanga. Pedzezvo anoita Tashahhud mushure meRaka’ah yechitatu yemunamato weMaghrib, uye mushure meRaka’ah yechina yemunamato weŻuhr, neAsr neIsha’a, sezvambotaurwa muSwalah yemaRaka’ah maviri. Anobva apa Salaam (kutaura kuti: Assalamu Alaykum wa rahmatullah) kurudyi nekuruboshwe kwake, okumbira ruregerero kuna Allah katatu, Obva ataura kuti:
(اللَّهُمَّ أَنْتَ السَّلَامُ وَمِنْكَ السَّلَامُ، تَبَارَكْتَ يَا ذَا الجَلَالِ وَالإِكْرَامِ).
Allahumma anta as-salaam wa minka as-salaam, tabaarakta ya dhal jalal wa al-ʿikraam (Veduwe-e Allah, ndimi rugare, uye rugare runobva kwamuri. Mune maropafadzo, imi ndimi muridzi wehukuru nerukudzo)17. Kana ari Imam asati atendeukira kuvanhu anoti:
(لَا إلَهَ إلَّا اللهُ وَحْدَهُ لَا شَرِيكَ لَه، لَهُ المُلْكُ، وَلَهُ الحَمْدُ، وَهُوَ عَلَى كُلِّ شَيءٍ قَدِيرٌ، لَا حَوْلَ وَلَا قُوَّةَ إلَّا بالله، اللَّهُمَّ لَا مَانِعَ لِمَا أعْطَيْتَ، ولَا مُعْطِيَ لِمَا مَنَعْتَ، وَلَا يَنْفَعُ ذَا الجَدِّ مِنْكَ الجَدُّ، لَا إلَهَ إلَّا اللهُ، وَلَا نَعْبُدُ إلَّا إيَّاهُ، لَهُ النِّعْمَةُ وَلَهُ الفَضْلُ، وَلَهُ الثَّنَاءُ الحَسَنُ، لَا إلَهَ إلَّا الله مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ وَلَو كَرِهَ الكَافِرُونَ).
Lā illā Allāhu waḥdahu lā sharīka lah, lahu l-mulku wa lahu l-ḥamdu, wa huwa a'la kulli shay’in qadīr. Lā ḥawla wa lā quwwata illā billāh. Allāhumma lā māniʿa limā aʿṭayta, wa lā muʿṭiya limā manaʿta, wa lā yanfaʿu dhal-jaddi minka l-jadd. Lā ilāha illā Allāh, wa lā naʿbudu illā iyyāh, lahu n-niʿmatu wa lahu l-faḍlu, wa lahu th-thanā’u l-ḥasan. Lā ilāha illā Allāh mukhliṣīna lahu d-dīna wa law kariha l-kāfirūn.
(Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, vari vega, havana mubatsiri. Hushe ndehwavo uye kurumbidzwa kwose ndekwavo, uye ivo vanogona kuita zvinhu zvese. Hakuna simba kana kugona kunze kwaAllah.
Veduwe-e Allah, hapana anodzivisa izvo zvamunopa, uye hapana anopa izvo zvamunodzivisa. Hupfumi hweakapfuma hahumubatsiri pamberi penyu. Hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye hatinamati mumwe kunze kwake. Makomborero ndeake, uye nyasha dzose ndedzake. Kurumbidzwa kwose ndekwake. Hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, takazvipira kwaari pachitendero chedu kunyangwe vasingatendi vakazvivenga)18.
Munamati anorumbidza Allah achiti "Subhaanallah" kanokwana makumi matatu nematatu, uye anovatenda saizvozvo achiti, "Alhamdulillah", uye anovakudza saizvozvo, achiti, "Allahu Akbar." Anobva azadzisa kechizana achiti:
"Lā ilāha illā Allāhu waḥdahu lā sharīka lah, lahu l-mulku lahu l-ḥamdu, wa huwa ʿalā kulli shay’in qadīr."
"‘Hapana anofanira kunamatwa kunze kwaAllah, vari vega, havana mubatsiri. Humambo ndehwavo, uye kurumbidzwa kwese ndekwavo, uye ndivo vanokwanisa kuita zvinhu zvese." Munamati anobva averenga Ayatul Kursiy, neSurah Al-Ikhlaas, neSurah Al-Falaq, neSurah An-Naas mushure meSwalaah yega yega. Uye zvinokurudzirwa kudzokorora maSurah matatu aya katatu mushure meSwalah yeFajr neSwalaah yeMaghrib; nekuda kwemaHadeeth akataurwa pamusoro pazvo kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ). Nzira dzese idzi dzekurumbidza Allah iSunnah, hadzimanikidzirwe.
Zvinotenderwa kune wese muMuslim murume nemukadzi kuti anamate marakaʾat mana asati aita Swalah yeŻuhr, ozonamata marakaʾat maviri mushure mayo. Anonamata marakaʾat maviri mushure meMaghrib neIshaa, nemarakaʾat maviri asati aita Fajr. Marakaʾat ese aya igumi nemaviri. Marakaʾat aya anonzi Sunan ar-Rawatib (maSunnah enguva dzose); nekuti Muporofita (Rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) vaigara vachianamata kana vasiri parwendo. Kana vari parwendo, vaisanamata maSunnah aya kunze kweSunnah yeFajr neWitr, nekuti ivo, makomborero nerugare ngazvive pavari) vaigaroita maSunnah aya kana vari pamba kana parwendo. Zvinenge zvakanaka kuti maSunan ar-Rawatib aya neWitr zvinamatirwe mumba, asi kana zvikaitirwa muMasjid hapana chakaipa; nekuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) vakati:
(أَفْضَلُ صَلَاةِ المَرْءِ في بَيْتِهِ، إلَّا الصَّلَاةَ المَكْتُوبَةَ).
(Swalaah yemunhu yakanakisisa ndeiyo yaanoitira mumba make, kunze kweSwalaah dzakasungirwa)19.
Kugaroita maraka'at aya ndechimwe chezvikonzero zvekupinda kuParadhiso, sekutaura kwa Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) achiti:
(مَنْ صَلَّى اثْنَتَيْ عَشْرَةَ رَكْعَةً فِي يَومٍ وَلَيْلَةٍ، بُنِيَ لَه بِهِنَّ بَيْتٌ فِي الجَنَّةِ).
(Uyo anonamata maraka'ah gumi nemaviri pazuva nehusiku hwacho, achavakirwa nekuda kwavo, imba kuParadhiso)20.
Kana munhu akanamata marak'ah mana asati aita Asr, nemaraka'ah maviri asati aita Maghrib, nemaraka'ah maviri asati aita 'Ishaa, , zvakangonaka; nekuti kune mashoko mashoko aMuporofita (rugars netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) anotsigira izvozvo. Uyezve kana akanamata marak'ah mana mushure meŻuhr, uye marak'ah mana asati aita Żuhr, zvakanaka; nekuda kwekuti Mutumwa (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) akati:
(مَنْ حَافَظَ عَلَى أَرْبَعِ رَكَعَاتٍ قَبْلَ الظُّهْرِ، وَأَرْبَعٍ بَعْدَهَا حَرَّمَهُ اللَّهُ عَلَى النَّارِ).
(Uyo anogaroita maraka'ah mana asati aita Zuhr, nemaraka'ah mana mushure mayo, Allah vachaita kuti asapinde kumoto (weGehena)21. Izvi zvinoreva kuti anowedzera pamusoro peSunnah Rātibah marak'ah maviri mushure meẒuhr. Zvinodaro nekuti Sunnah Rātibah marakaʾah mana munhu asati aita Żuhr nemaviri mushure mayo. Saka kana akawedzera maviri mushure mayo, anenge aita zvakataurwa muHadeeth yaUmm Habibah, Allah ngavafare naye.
Allah ndivo Mupi wekubudirira. Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad mwanakomana waAbdullah, nemhuri yake, maSwahaba ake, neavo vose vachavatevera mune zvakanaka kusvikira pazuva rekutongwa.
***
sn395v2.1 - 19/04/2026
Yakashumwa naMuslim, nhamba (224).
Yakashumwa naBukhari, nhamba (5782).
Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (744), uye naMuslim, nhamba (598).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (399).
Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (756).
Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (817), naMuslim, nhamba (484).
Yakashumwa naBukhari, nhamba (711), naMuslim, nhamba (598).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (477).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (479).
Yashumwa naAl-Bukhari, nhamba (788), naMuslim, nhamba (493).
Yakashumwa naTirmidhi, nhamba (284), Abu Dawood, nhamba (850), naIbn Maajah, nhamba (898).
Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (797), naMuslim, nhamba (402).
Yakashumwa naAl-Bukhari, nhamba (1311), naMuslim, nhamba (588).
Yakashumwa naNasaa’i, nhamba (1298).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (402).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (591).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (402)
Yakashumwa naBukhari, nhamba (6860).
Yakashumwa naMuslim, nhamba (728).
Yakashumwa naAhmad, nhamba (25547), Tirmidhi, nhamba (393), naAbu Dawud, nhamba (1077).
Yakashumwa naBukhari, panhamba (605).