حِرَاسَةُ التَّوحِيدِ
Kuchengetedza Tawheed
لِسَمَاحَةِ الشَّيْخِ العَلَّامَةِ
عَبْدِ العَزِيزِ بْنِ عَبْدِ اللهِ بْنِ بَازٍ
رَحِمَهُ اللهُ
Munyori Vanoremekedzwa Sheikh
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Kuchengetedza Tawheed
Gwaro rekutanga:
Kutenda Kwakarurama nezvinopikisana nako
Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah vari vega, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune avo vasina mumwe Muporofita mumashure mavo, pamwe chete nemhuri yavo nemaSwahaaba avo.
Ndichienderera mberi: Zvirokwazvo, sezvo kutenda kwakarurama kuri iko musimboti wechitendero cheIslam, uye hwaro hwechitendero, ndakaona zvakakosha kutaura pamusoro penyaya iyi, nekunyora pamwe nekugadzira mabhuku mukuitsanangura nekuijekesa.
Uye zvinozivikanwa neumbowo hwemitemo hunobva muBhuku (Qur'an) neSunnah: kuti mabasa nemashoko anongova akarurama nekugamuchirwa kana achibva mukutenda kwakarurama, asi kana kutenda kusina kururama, mabasa nemashoko anobva pakuri anoshaya basa, sezvakataurwa naAllah vari kumusoro-soro kuti:
﴿...وَمَن يَكۡفُرۡ بِٱلۡإِيمَٰنِ فَقَدۡ حَبِطَ عَمَلُهُۥ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ﴾
{...Uye uyo anoramba kutenda, zvirokwazvo mabasa ake anenge aparara, uye muhupenyu hwamangwana achange ari pakati peavo vakarasikirwa.} [Al-Ma'idah: 5].
Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَلَقَدۡ أُوحِيَ إِلَيۡكَ وَإِلَى ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكَ لَئِنۡ أَشۡرَكۡتَ لَيَحۡبَطَنَّ عَمَلُكَ وَلَتَكُونَنَّ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ 65﴾
{Uye zvirokwazvo kwakadzikiswa kwauri (mashoko kubva kuna Allah), uye nekune vaya vakakutangira, kuti: “Kana ukasanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata, zvirokwazvo mabasa ako achaparadzwa, uye zvirokwazvo uchava pakati peavo vakarasikirwa.”}
[Az-Zumar: 65].
Uye ndima dzinoreva izvi dzizhinji. Zvirokwazvo bhuku raAllah riri pachena, neSunnah yeMutumwa wavo akavimbika, kwaari ngakuve nemaropafadzo nerugare rwepamusoro-soro rwunobva kuna Tenzi vake; zvakaratidza kuti hwaro hwekutenda kwakarurama hunopfupikiswa muzvinhu zvitanhatu, izvo zvinoti: kutenda muna Allah, nengirozi dzavo, nemabhuku avo, nevatumwa vavo, neZzuva rekupedzisira, uye nezvakatarwa, zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho. Saka zvinhu zvitanhatu izvi ndizvo: misimboti yekutenda kwakarurama yakaunzwa neBhuku raAllah rinokudzwa, uye Allah vakatuma nayo Mutumwa wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari.
Uye humbowo hwakawanda hunowanikwa pamusoro penheyo nhanhatu idzi muQur’an nemuSunnah yechokwadi, uye pakati pahwo semuenzaniso pane zvinotevera:
Chekutanga: Humbowo hunobva muQur'an; humwe hwacho: mashoko aAllah vane simba nehukuru ekuti:
﴿لَّيۡسَ ٱلۡبِرَّ أَن تُوَلُّواْ وُجُوهَكُمۡ قِبَلَ ٱلۡمَشۡرِقِ وَٱلۡمَغۡرِبِ وَلَٰكِنَّ ٱلۡبِرَّ مَنۡ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ وَٱلۡكِتَٰبِ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾
{Kururama hakusi (chete) pakuti mutendeutse zviso zvenyu kutarisa divi rekumabvazuva nekumadokero (pakunamata), asi kururama ndekweuyo anotenda muna Allah, muzuva rekupedzisira, mungirozi, mumabhuku, uye nemaporofita...} [Al-Baqarah: 177].
Uye Allah vanorumbidzwa, vekumusoro-soro vakati:
﴿ءَامَنَ ٱلرَّسُولُ بِمَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِ مِن رَّبِّهِۦ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَۚ كُلٌّ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَمَلَٰٓئِكَتِهِۦ وَكُتُبِهِۦ وَرُسُلِهِۦ لَا نُفَرِّقُ بَيۡنَ أَحَدٖ مِّن رُّسُلِهِ...﴾
{Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi. Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo...} [Al-Baqarah: 285].
Uye Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ ءَامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلَّذِي نَزَّلَ عَلَىٰ رَسُولِهِۦ وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ مِن قَبۡلُۚ وَمَن يَكۡفُرۡ بِٱللَّهِ وَمَلَٰٓئِكَتِهِۦ وَكُتُبِهِۦ وَرُسُلِهِۦ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ فَقَدۡ ضَلَّ ضَلَٰلَۢا بَعِيدًا 136﴾
{O imi vatendi, tendai muna Allah nemuMutumwa wavo, nemubhuku iro ravakadzikisa kuMutumwa wavo, uye nemubhuku iro ravakadzikisa kubva kare. Uye ani nani anoramba kutenda muna Allah, nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira, zvirokwazvo anenge arasika kurasika kure kure.} [An-Nisa: 136].
Uye Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿أَلَمۡ تَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ذَٰلِكَ فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ 70﴾
{Hauzivi here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga uye zviri panyika? Zvirokwazvo, zvese zviri muGwaro (rina Allah). Zvirokwazvo, izvozvo kuna Allah zviri nyore.} [Al-Hajj: 70].
Chechipiri: Humbowo kubva muSunnah; mune Hadith yakarurama inozivikanwa yakarondedzerwa naMuslim mubhuku rake rinonzi: Sahih kubva muHadith yemutangamiri wevatendi Umar bin Al-Khattab (Allah ngavafare naye) yekuti Jibril (rugare ngaruve kwaari) akabvunza Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nezvekutenda, vakati kwaari:
«الإِيمَانُ أَنْ تُؤْمِنَ بِاللَّهِ، وَمَلَائِكَتِهِ، وَكُتُبِهِ، وَرُسُلِهِ، وَاليَوْمِ الآخِرِ، وَتُؤْمِنَ بِالقَدَرِ خَيْرِهِ وَشَرِّهِ».
"“Kutenda ndekwekuti utende muna Allah, mungirozi dzavo, mumabhuku avo, muvatumwa vavo, nemuzuva rekupedzisira, uye kuti utende mune zvakatarwa naAllah (Qadar), zvakanaka nezvakaipa zvacho”1." Hadith. Uye yakarondedzerwa nemaSheikh maviri - nemutsauko mudiki - kubva muhadith yaAbu Hurayrah (Allah ngavafare naye).
Uye mumbiru nhanhatu idzi munobva : zvose zvinosungirwa kune muMuslim kuti atende mazviri, zvine chekuita naAllah vane masimba nembiri, uye nenyaya yekumutswa kuvakafa, nezvimwewo munyaya dzezvinhu zvisingaonekwi; kubva pane zvakaziviswa naAllah vane hukuru nemasimba ose, neMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari).
Uye tsananguro yemisimboti mitanhatu iyi yakamira sezvizvi:
Musimboti wekutanga: Kutenda muna Allah vari kumusoro-soro.
Kunosanganisira zvinhu zvakati wandei, zvimwe zvacho ndezvizvi: Kutenda kuti ndivo Mwari vechokwadi vakakodzera kunamatwa pasina zvimwe zvisiri ivo; nokuti ndivo Musiki wevaranda, Muitiri wezvakanaka kwavari, Mupi weraramo yavo, Muzivi wezvakavanzika zvavo nezviri pachena, uye vane simba rekupa mubairo kune vanovateerera nekuranga vasingavateereri.
Uye Allah vakasika maJinn nevanhu; nechinangwa chekunamata uku, uye vakavaraira kuti vazviite, sezvakataura Allah vekumusoro-soro kuti:
﴿وَمَا خَلَقۡتُ ٱلۡجِنَّ وَٱلۡإِنسَ إِلَّا لِيَعۡبُدُونِ 56 مَآ أُرِيدُ مِنۡهُم مِّن رِّزۡقٖ وَمَآ أُرِيدُ أَن يُطۡعِمُونِ 57 إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلرَّزَّاقُ ذُو ٱلۡقُوَّةِ ٱلۡمَتِينُ 58﴾
{Uye handina kusika majinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate 56}
{Handitsvagi raramo kubva kwavari, uye handitsvagi kuti vandipe kudya 57}
{Zvirokwazvo, Allah ndivo Mupi wemakomborero, vane masimba ese, vakasimba zvikuru. 58} [Adh-Dhaariyaat: 56-58].
Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱعۡبُدُواْ رَبَّكُمُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ21 ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ فِرَٰشٗا وَٱلسَّمَآءَ بِنَآءٗ وَأَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَخۡرَجَ بِهِۦ مِنَ ٱلثَّمَرَٰتِ رِزۡقٗا لَّكُمۡۖ فَلَا تَجۡعَلُواْ لِلَّهِ أَندَادٗا وَأَنتُمۡ تَعۡلَمُونَ 22﴾
{Imi vanhu, namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya (vatsvene).} 21
{Avo vakakusikirai nyika kuti ve nzvimbo yenyu yekuzorora, uye denga rive chivakwa, uye vanonaisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu; saka musabatanidza Allah nevamwe vanamwari mukunamata imi muchiziva. 22}
[Al-Baqarah: 21-22].
Uye zvirokwazvo Allah vakatumira vatumwa, uye vakadzikisa mabhuku: kuti vajekese chokwadi ichi, nekukoka vanhu kwachiri, nekuvayambira pamusoro pezvinopikisana nacho, sezvavakataura, ivo vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, kuti:
﴿وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾
{Uye zvirokwazvo takatumira murudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah uye siyanai naAt-Twaghuut (vana mwari venhema).’...}
[An-Nahl: 36].
Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رَّسُولٍ إِلَّا نُوحِيٓ إِلَيۡهِ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنَا۠ فَٱعۡبُدُونِ25﴾
{Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwangu, saka ndinamatei.”}
[Al-Ambiyaa: 25].
Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿الر كِتَابٌ أُحْكِمَتْ آيَاتُهُ ثُمَّ فُصِّلَتْ مِنْ لَدُنْ حَكِيمٍ خَبِيرٍ1 أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا اللَّهَ إِنَّنِي لَكُمْ مِنْهُ نَذِيرٌ وَبَشِيرٌ2﴾
{Alif Lam Ra. (Iri )iGwaro rakasimbiswa ndima dzaro, uyezve dzikatsanangurwa zvakadzama, kubva kuna (Allah) vane hungwaru, vanoziva zvose1}
{Kuti musanamate chimwe chinamatwa kunze kwaAllah. Zvirokwazvo, ini ndiri muyambiri uye mupi wemashoko akanaka kwamuri kubva kwavari. 2} [Hud: 1-2].
Uye chokwadi chekunamata uku: ndiko kuitira Allah vanoremekedzwa vekumusoro-soro vari voga zvose zvinonamatwa nazvo nevaranda; sekukumbira (kuita du'a), kutya, kuve netariro, Swalaah, kutsanya, kuuraya mhuka, mhiko, nezvimwe zvakadaro kubva mumhando dzeminamato, nenzira yekuzvininipisa kwavari, nechido chemubairo wavo, nekutya murango wavo, pamwe chete nerudo rwakakwana kwavari, nekuzvideredza pamberi pehukuru hwavo.
Uye uyo anofungisisa pamusoro peQur'an rinoera: anoona kuti (ndima) dzakawanda dzaro dzakadzikiswa panheyo iyi huru; semashoko avo ivo vanorumbidzwa vekumusoro-soro ekuti:
﴿إِنَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ فَاعْبُدِ اللَّهَ مُخْلِصًا لَهُ الدِّينَ 2 أَلَا لِلَّهِ الدِّينُ الْخَالِصُ وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ3﴾
{Zvirokwazvo takadzikisa kwauri (Iwe Muhammad) Gwaro nechokwadi, saka namata Allah, uchizvipira muchitendero chako kuna Allah voga. 2}
{Zvirokwazvo, kuna Allah (Mwari) ndiko kune chitendero chakachena. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwavo (vachiti): “Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze padyo naAllah.” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo mune izvo zvavanopikisana mazviri. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri murevi wenhema, asingatendi. 3} [Az-Zumar: 2-3].
Uye ivo vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakati:
﴿وَقَضَىٰ رَبُّكَ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّآ إِيَّاهُ...﴾
{Uye Tenzi vako vakaraira kuti musanamate (chimwe chinhu) kunze kwavo...} "[Al-Isra: 23]."
Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿فَٱدۡعُواْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡكَٰفِرُونَ14﴾
{Saka namatai Allah makachenesa chitendero kwavari, kunyangwe avo vanoramba kutenda vachizvivenga.} [Ghafir: 14].
Saizvozvowo, ani nani anofungisisa nezveSunnah yeMuporofita achawana zvakare kukosheswa kwenheyo iyi huru. izvi zvinosanganisira: zvakashumwa muSahihayn kubva kuna Muadh, Allah ngavafadzwe naye, kuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«حَقُّ اللهِ عَلَى العِبَادِ أَن يَعْبُدُوهُ وَلَا يُشْرِكُوا بِهِ شَيْئًا».
«Kodzero yaAllah (Mwari) pavaranda vavo ndeyekuti vavanamate, uye kuti vasavabatanidze nechimwe chinhu»2.
Uye zvinosanganisirwa mukutenda muna Allah zvakare: kutenda mune zvese zvavakasungira kuvaranda vavo, uye zvavakavapa semirairo yekutevera; kubva pamapango eIslam mashanu anooneka.
Ndeaya: kupupura kuti hapana anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, kuita Swalaah, uye kupa Zakaah, uye kutsanya muRamadhaan, uye kuita Hajj kuImba Tsvene yaAllah kune uyo anokwanisa kuwana nzira yekuenda ikoko, nezvimwe zvinosungirwa zvakaunzwa neMutemo wakachena.
Bango rinonyanya kukosha pamapango aya uye riri guru: nderekupupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah. Uye zvinodiwa nehuchapupu uhwu ndeizvi: kuzvipira pakunamata Allah vari voga, nekuramba zvese zvinonamatwa kunze kwavo. Uye izvi ndizvo zvinoreva kuti: hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, saka zvinoreva mashoko aya ndezvekuti - sezvakataurwa nenyanzvi dzechitendero (tsitsi dzaAllah ngadzive padziri): hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah. Naizvozvo: zvese zvinonamatwa kunze kwaAllah - angava munhu, ngirozi, jinn kana zvimwewo - zvinonamatwa zvenhema, uye chinofanirwa kunamatwa pachokwadi ndiAllah vari vega, vasina mubatsiri, sezvakataura Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro kuti:
﴿ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ هُوَ ٱلۡبَٰطِلُ...﴾
{Nokuti Allah ndivo chokwadi, uye izvo zvavanonamata kunze kwavo ndizvo zvenhema...}
[Al-Hajj: 62].
Uye zvirokwazvo zvakatsanangurwa pakutanga kuti: Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakasika vanhu nemajini nekuda kwehwaro uhu hwakakosha zvikuru, uye vakavaraira nezvahwo, uye vakatuma vatumwa vavo nekuda kwahwo, uye vakadzikisa mabhuku avo pamusoro pahwo; saka zvinosungirwa pamuranda kuti afungisise izvozvo zvakanaka, uye achizviongorora zvakanyanya; kuitira kuti zvijeke kwaari izvo ruzhinji rwemaMuslim rwakawira mazviri mukusaziva kukuru pamusoro pehwaro uhu; kusvikira vakanamata zvimwe pamwechete naAllah, uye vakapa kodzero yavo yakachena kune avo vasiri ivo, saka Allah ndivo vanokumbirwa rubatsiro.
Kutenda muna Allah vanorumbidzwa, kunosanganisira kutenda kuti ndivo Musiki wenyika neMurongi wezvirongwa zvayo, uye ndivo vanofambisa zvinhu mairi neruzivo rwavo nesimba ravo sezvavanoda ngavarumbidzwe, uye kuti ndivo Muridzi wenyika ino nehupenyu hwamngwana uye Tenzi wezvisikwa zvose. Hakuna mumwe Musiki kunze kwavo, uye hakuna mumwe Tenzi kunze kwavo. Uye vakatuma vatumwa, uye vakadzikisa mabhuku; kuti vagadzirise varanda, nekuvakoka kune izvo zvine ruponeso rwavo nekunaka kwavo panyika nekuhupenyu huchauya. Uye kuti ivo (kukudzwa ngakuve kwavari) havana anosanganiswa navo mune zvese izvozvo. Allah vari kumusoro-soro vakatai:
﴿ٱللَّهُ خَٰلِقُ كُلِّ شَيۡءٖۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ وَكِيلٞ 62﴾
{Allah ndivo Musiki wezvinhu zvese; uye ndivo Muchengetedzi wezvinhu zvese.} [Az-Zumar: 62].
Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَ يَطۡلُبُهُۥ حَثِيثٗا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ وَٱلنُّجُومَ مُسَخَّرَٰتِۭ بِأَمۡرِهِۦٓۗ أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُۗ تَبَارَكَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ54﴾
{Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, avo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakaenda pamusoro peChigaro cheHumambo. Vanofukidza masikati nehusiku, (husiku) uchitevera (masikati) nekukasika, uye (vakasika) zuva nemwedzi nenyeredzi, zvose zvichiteerera murairo wavo. Zvirokwazvo, kusika nekutonga ndezvavo. Vanokomborerwa ndiAllah, Tenzi wezvisikwa zvose.} [Al-A'raaf: 54].
Zvekare kutenda muna Allah vekumusoro-soro kunosanganisira: kutenda mumazita avo akanaka nemaitiro avo epamusoro-soro ari mubhuku ravo rinokudzwa, uye akatsinhirwa kubva kuMutumwa wavo akavimbika, pasina kushandura zvazvinoreva, kana kuramba, kana kutsanangura mamiriro azvo, kana kufananidza nezvisikwa,
﴿...لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ﴾
{...Hapana chakafanana navo; uye Ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese.} [Ash-Shuura: 11].
Saka zvinofanira kutorwa sekuuya kwazvakaita (mundima dzechitendero) pasina kubvunza kuti sei, pamwechete nekutenda muzvirevo zvikuru zvazvinoratidza ari iwo maitiro aAllah, vane simba nehukuru. Uye zvinosungirwa kuvatsanangura ivo vekumusoro-soro nazvo nenzira yakavakodzera, pasina kufananidza nezvisikwa zvavo mune chero chimwe chemaitiro avo, sekutaura kwavakaita Allah vekumusoro-soro. Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿فَلَا تَضۡرِبُواْ لِلَّهِ ٱلۡأَمۡثَالَۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ وَأَنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ74﴾
{Naizvozvo musaitira Allah mienzaniso. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye imi hamuzivi.}
[An-Nahl: 74].
Saka iyi ndiyo: dzidziso yekutenda yeboka reAhlu Sunnah wal-Jama'ah kubva kumaSwahaabah veMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) neavo vakavatevera nenzira yakanaka; pamusoro pemazita aAllah (Mwari) nemaitiro avo, anova ari ivo akataurwa naImaam: Abu Al-Hasan Al-Ash'ari (tsitsi dzaAllah ngadzive pavari) mubhuku rinonzi "Al-Maqalaat" kubva kuvanhu veHadith neAhlu Sunnah, akataurwawo nevamwe kunze kwavo kubva muvanhu veruzivo nekutenda.
Al-Awza'i, Allah ngavamuitire tsitsi, akati: (Az-Zuhri naMakhul vakabvunzwa nezvendima dzemamimiro (aAllah), vakati: Dzisiyei dzive sekuuya kwadzakaita...)3.
Uyezve Al-Awzaa'i, Allah ngavamuitire tsitsi, akati: (Taiwanzotaura isu ivo maTabi'un varipo tichiti: Zvirokwazvo Allah vakarumbidzwa vari pamusoro peChigaro chavo chehushe, uye taitenda mune izvo zvakauya muSunnah pamusoro pemamiriro avo)4.
Uye Al-Walid bin Muslim, Allah (Mwari) ngavamunzwire tsitsi, akati: (Malik, naAl-Awza'i, naAl-Layth bin Sa'd, uye Sufyan Al-Thawri (tsitsi dzaAllah ngadzive pavari) vakabvunzwa nezvenhaurwa dzakauya maererano nemamiro aAllah; vese vakabva vati: Dzitorei semauyiro adzakaita pasina kubvunza kuti Allah vakamira sei)5.
Uye pakabvunzwa Rabi'ah bin Abi 'Abdur-Rahman - mudzidzisi waMalik, tsitsi dzaAllah ngadzive pavari vose - nezvekuenda kwaAllah pamusoro pechigaro chavo, akati: (Kuenda pamusoro kunozivikanwa, uye mamiriro acho chaiwo haanzwisisike, uye shoko rinobva kuna Allah, uye basa reMutumwa kuparidza shoko zviri pachena, uye basa redu kutenda (mazviri)...)6, Uye Imam Malik (Allah ngavamunzwire tsitsi) paakabvunzwa maererano neizvozvo, akati: "(Kuenda pamusoro (Istiwaa) kunozivikanwa, kuti zvinoitika sei hazvizivikanwe, kutenda mazviri kunosungirwa, uye kubvunza nezvazvo iBid'ah) Kubva ipapo vakati kune aibvunza: Handikuoni kunze kwekuti uri murume akaipa! Uye vakaraira kuti abviswe pavaive7." Zvekare, zvinoreva izvi zvakarondedzerwa kubva kuna amai vevatendi Umm Salamah, Allah ngavafare naye8.
Uye Imam Abu Abdul Rahman bin Al-Mubarak, tsitsi dzaAllah ngadzive pavari, vakati: (Tinoziva Tenzi vedu vanorumbidzwa kuti vari pamusoro pematenga avo, pamusoro pechigaro chavo chehumambo, vari pakasiyana nezvisikwa zvavo)9.
Uye mashoko emaImam pachikamu chino akawanda zvikuru zvekuti haagone kutorwa ese muhurukuro ino, uye uyo anoda kunyatsoziva zvizhinji pane izvozvo ngaverenge zvakanyorwa nenyanzvi dzeSunnah pachikamu chino, zvakaita sebhuku rinonzi "As-Sunnah" raAbdullah mwanakomana waImaam Ahmad, nebhuku rinonzi "At-Tawhid" raImaam mukuru Muhammad bin Khuzaymah, nebhuku rinonzi "As-Sunnah" raAbu Al-Qaasim Al-Laalaka'i At-Tabari, nebhuku rinonzi "As-Sunnah" raAbu Bakr bin Abi 'Aasim, pamwe nemhinduro yaShaykh Al-Islam Ibn Taymiyyah kune vanhu vekuHamah inova mhinduro huru ine pundutso zhinji yaakatsanangura mairi (Allah ngavamunzwire tsitsi) nheyo dzekutenda dzeAhlu Sunnah. Uye akaunza mairi zvizhinji kubva pamashoko avo, pamwe nehumbowo hwechitendero nehwepfungwa hwekuratidza chokwadi pane zvakataurwa neboka reAhlu Sunnah, nekuratidza kuti zvakataurwa nevanovapikisa hazvina kururama.
Saizvozvo, vane gwaro ravo rinonzi At-Tadmuriyyah; umo vakatsanangura zvakadzama mariri, uye vakajekesa mariri kutenda kweboka reAhl-us-Sunnah nehumbowo hwezvinyorwa nehwepfungwa, nekupindura vanopikisa nenzira inoratidza chokwadi pachena uye inoramba nhema zvakasimba kune wese munhu ane ruzivo anoiongorora aine chinangwa chakanaka uye chido chekuziva. Muchidimbu: Kutenda kweAhlu Sunnah wa al-Jama'ah panyaya yemazita nemaitiro (aAllah); ndekwekuti vanotsinhira kuna Allah vanorumbidzwa vari kumusorosoro izvo zvakatsinhirwa naAllah pachavo mubhuku ravo, kana zvakatsinhirwa kwavari neMutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) muSunnah yavo, vachitsinhira pasina kufananidza nezvisikwa, uye vanovachenura ivo vanorumbidzwa vari kumusorosoro kubva mukuvafananidza nezvisikwa zvavo, nekuchenura kwakachena kubva mukuramba mamiriro avo.Nenzira iyi, vakawana ruponeso (kukunda) pakupesana kwezvavanotenda. Uye vakashandisa humbowo hwese; kuburikidza nerutsigiro kubva kuna Allah, nekuti inzira yaAllah vanorumbidzwa kune uyo anoramba ari pachokwadi chavakatumira nevatumwa vavo, achiita nepese paanogona pazviri, uye akava anozvipira kuna Allah mukutsvaga kwake chokwadi ichocho; kuti vanomutungamirira kuchokwadi nekuita kuti humbowo hwake huve pachena, sezvakataurwa naAllah (Mwari) vari kumusoro-soro kuti:
﴿بَلۡ نَقۡذِفُ بِٱلۡحَقِّ عَلَى ٱلۡبَٰطِلِ فَيَدۡمَغُهُۥ فَإِذَا هُوَ زَاهِقٞ...﴾
{Asi isu tinokanda chokwadi pamusoro penhema, chobva chadziparadza, uye tarisai, dzinobva dzatsakatika...} [Maporofita: 18].
Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَلَا يَأۡتُونَكَ بِمَثَلٍ إِلَّا جِئۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ وَأَحۡسَنَ تَفۡسِيرًا33﴾
{Uye havauyi kwauri (iwe Muhammad) nemuenzaniso, kunze kwekuti tinouya kwauri nechokwadi uye netsananguro yakanakisisa.}
[Al-Furqaan: 33].
Asi uyo anopikisa Ahl as-Sunnah: mune zvavanotenda panyaya yemazita nemaitiro; anowira, pasina mubvunzo, mukupikisa humbowo hwemagwaro nehwepfungwa; pamwe nekupokana kuri pachena mune zvose zvaanotsinhira nezvaanoramba. Uye Hafiz Ibn Kathir (Allah ngavamunzwire tsitsi) akataura mashoko akanaka muTafsir yake ine mukurumbira panyaya iyi, pamusoro pemashoko aAllah vemasimba nekukudzwa avakataura kuti:
﴿إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِ...﴾
{Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, avo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakaenda pamusoro peChigaro cheHumambo...} [Al-A'raaf: 54].
Uye zvakanaka kutaunra mashoko acho pano; nekuda kwekubatsira kwawo kukuru; saka ibn Kathir (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati:
(Vanhu vane zvirevo zvakawanda kwazvo panyaya iyi, asi ino handiyo nzvimbo yekuzvitsanangura zvizere, asi panyaya iyi tinotevera gwara revanhu vakarurama vekare (As-Salafusw-Swalih): Mālik, Al-Awzā'ī, Ath-Thawrī, Al-Layth bin Sa'd, Ash-Shāfi'ī, Ahmad bin Hanbal, naIshāq bin Rāhwayh, nevamwewo pakati pevadzidzi vechiMuslim vekare nevanhasi. Gwara racho nderekuti: kutambira ndima sekuuya kwadzakaita pasina kutsanangura kuti zvakaita sei, kana kufananidza, kana kuramba, uye chirevo chiri pachena chinouya mupfungwa dzeAl-Mushabbihah (avo vanofananidza Allah nezvisikwa) chinorambwa kuna Allah, nekuti hapana chinhu chakafanana naAllah pazvisikwa zvavo uye
﴿...لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ﴾
{...Hapana chakafanana navo; uye ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvese.} [Ash-Shuura: 11]. Asi nyaya yacho yakangoita sezvakataurwa nemaImaam, - anosanganisira Nu’aym bin Hammad Al-Khuza’i, akange ari Sheikh waAl-Bukhari, uyo akati: (Ani naani anofananidza Allah nezvisikwa zvavo anenge aramba kutenda, uye ani naani anoramba zvimwe zvezvinhu izvo Allah vakazvitsanangura nazvo, zvirokwazvo anenge aramba kutenda)10. Uye hapana kufananidza nezvisikwa pane izvo Allah pachavo vakazvitsanangura nazvo, kana zvakatsanangurwa neMutumwa wavo. Naizvozvo, uyo anotsinhira kuna Allah vari kumusoro-soro izvo zvakauya mumavhesi akajeka, nenhaurwa dzechokwadi; nenzira inokodzera pahukuru hwaAllah, uye achiramba kuti Allah vari kumusorosoro vane kushomeka. Anodaro, zvirokwazvo anenge atevedzera nzira yegwara chairo11. Ndiwo magumo emazwi aIbn Kathir (Allah ngavamunzwire tsitsi).
Uye kutenda muna Allah kunosanganisira: kutenda kuti kutenda kutaura uye kuita mabasa, kunowedzera nekuteerera (mirairo yaAllah), uye kunoderera nekusateerera, uye kuti hazvibvumirwi kuti chero upi zvake wemaMuslim anzi haatendi pamusana pechimwe chezvitadzo chisiri kubatanidza Allah nezvimwe pakutenda (shirk) nekusatenda (kufr); seupombwe, kuba, kudya mari yechimbadzo, kunwa zvinodhaka, nekusateerera vabereki, nezvimwewo zvitadzo zvikuru chero bedzi asingazvitori sezvinotenderwa, nekuti Allah vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro vakati:
﴿إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَغۡفِرُ أَن يُشۡرَكَ بِهِۦ وَيَغۡفِرُ مَا دُونَ ذَٰلِكَ لِمَن يَشَآءُ...﴾
{Zvirokwazvo Allah havaregereri kubatanidzwa kwavo nezvimwe zvinhu mukunamatwa, uye vanoregerera zvimwe zvese zvisiri izvozvo kuna uyo wavada...} [An-Nisa: 48]. Uyezve zvakatsinhirwa mumahadith akasvika nenzira yemutawātir (akaparidzirwa nevanhu vakawanda zvekuti hazvigoni kufungidzirwa kuti vakabvumirana pakunyepa) kubva kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, mashoko anosanganisira mazwi eMutumwa, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavare anoti:
«إِنَّ اللهَ يُخْرِجُ مِنَ النَّارِ مَنْ كَانَ فِي قَلْبِهِ مِثْقَالُ حَبَّةٍ مِنْ خَرْدَلٍ مِنْ إِيْمَانٍ».
«Zvirokwazvo Allah vanoburitsa kubva muMoto munhu wese ane mumwoyo make kutenda kunorema sechiyero chemhodzi yemasitadhi.»12.
Nheyo yechipiri: Kutenda mungirozi,
uye kunosanganisira zvinhu zviviri: Chinhu chekutanga: Kutenda mungirozi zvakazara; izvo zvinoreva kutenda kuti Allah vane ngirozi dzavakasika kuti dzivateerere, uye vakadzitsanangura kuti:
﴿وَقَالُواْ ٱتَّخَذَ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَلَدٗاۗ سُبۡحَٰنَهُۥۚ بَلۡ عِبَادٞ مُّكۡرَمُونَ 26 لَا يَسۡبِقُونَهُۥ بِٱلۡقَوۡلِ وَهُم بِأَمۡرِهِۦ يَعۡمَلُونَ27 يَعۡلَمُ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡ وَلَا يَشۡفَعُونَ إِلَّا لِمَنِ ٱرۡتَضَىٰ وَهُم مِّنۡ خَشۡيَتِهِۦ مُشۡفِقُونَ28﴾
{Uye vanotaura kuti: "Muridzi wetsitsi dzose vakaita mwanakoma." Rumbidzo ngadzive kwavari! Asi avo (vavanoti vana vavo sengirozi, Jesu naEzira) varanda vanoremekedzwa. 26}
{Havataura kusvika ivo (Allah) vataura, uye vanoita mabasa semaudzirwo avanenge vaitwa navo. 27}
{Vanoziva zviri mberi kwavo, uye zviri kumashure kwavo, uye havamiriri (munhu) kunze kweuyo wavafadza naye (Allah), uye (zvisikwa) zvinozvininipisa nekutya (Allah).}
[Al-Ambiyaa: 26-28].
Uye ngirozi dzine mhando dzakawanda; dzimwe dzadzo dzinoona nezvekutakura chigaro chehumambo chaAllah, uye dzimwe dzinochengeta Paradhiso neMoto, uye dzimwe dzinoona nezvekuchengeta mabasa evaranda. Chepiri: Kutenda mune ngirozi zvakadzama; uye izvi zvinoreva kutenda mune idzo dzakataurwa mazita adzo naAllah neMutumwa wavo kubva madziri; saJibril akapihwa basa rekuuya nechizaruriro kuvatumwa, naMikail akapihwa basa remvura inonaya, naMalik muchengeti weMoto. NaIsrafil akapihwa basa rekuridza hwamanda. Sezvakataurwa munhaurwa dzechokwadi dzinosanganisira: hadith yakarondedzerwa zvechokwadi kubva kuna Aisha (Allah ngavafare naye), kuti MuPorofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakati:
«خُلِقَتِ الـمَلَائِكَةُ مِن نُورٍ، وَخُلِقَ الجَانُّ مِنْ مَارِجٍ مِنْ نَارٍ، وَخُلِقَ آدَمُ مِمَّا وُصِفَ لَكُم».
«Ngirozi dzakasikwa kubva muchiedza, uye majinn akasikwa kubva mumurazvo wemoto, uye Adamu akasikwa kubva pane zvakarondedzerwa kwamuri»13 Yakarondedzerwa naMuslim muSahih make.
Nheyo yechitatu:
Kutenda mumabhuku, uye kunosanganisira zvinhu zviviri zvakare :
Chinhu chekutanga: Kutenda mumabhuku zvakazara; izvi zvinoreva kuti Allah vakadzikisa mabhuku kumaporofita avo nenhume dzavo; kuitira kujekesa kodzero dzavo, nekukoka vanhu kwavari, sekutaura kwakaita Allah vari kumusoro-soro kuti:
﴿لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا رُسُلَنَا بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَأَنزَلۡنَا مَعَهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡمِيزَانَ لِيَقُومَ ٱلنَّاسُ بِٱلۡقِسۡطِ...﴾
{Zvirokwazvo takatuma vatumwa vedu nezviratidzo zviri pachena, uye takadzikisa pamwe chete navo Gwaro nechikero kuti vanhu vaite zvakarurama...} [Al-Hadid: 25]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿كَانَ ٱلنَّاسُ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗ فَبَعَثَ ٱللَّهُ ٱلنَّبِيِّـۧنَ مُبَشِّرِينَ وَمُنذِرِينَ وَأَنزَلَ مَعَهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ لِيَحۡكُمَ بَيۡنَ ٱلنَّاسِ فِيمَا ٱخۡتَلَفُواْ فِيهِ...﴾
{Vanhu vaive rudzi rumwechete, saka Allah vakatumira Maporofita vari vatakuri vemashoko akanaka uye eyambiro, uye vakaburutsa pamwechete navo Gwaro nechokwadi kuti ritonge pakati pevanhu pane zvavaipokana mazviri...}
[Al-Baqarah: 213].
Chinhu chechipiri: Kutenda mumabhuku nenzira yakadzama; uye izvi zvinoreva kutenda mune awo akataurwa mazita naAllah; seTorah, neInjil, neZabur neQur'an. Uye tinotenda kuti Qur'an ndiro rakanakisisa paari uye ndiro rekupedzisira, mutongi pamusoro pawo, uye rinosimbisa nekutsinhira mamwe. Uye kuti ndiro rinosungirwa kuUmmah yose kuritevera nekurishandisa pakutonga; pamwe chete neSunnah yechokwadi yakabva kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari); nekuti Allah vanorumbidzwa vakatumira Mutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) semutumwa kune zvisikwa zvose (vanhu nemajini), uye vakadzikisa kwaari Qur'an iri; kuti vatonge naro pakati pavo, uye vakariita kuva mushonga kune izvo zviri muzvipfuva, netsananguro kuzvinhu zvose, nenhungamiro netsitsi kune vatendi, sezvavakataura vekumusoro-soro kuti:
﴿وَهَٰذَا كِتَٰبٌ أَنزَلۡنَٰهُ مُبَارَكٞ فَٱتَّبِعُوهُ وَٱتَّقُواْ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ155﴾
{Uye iri iGwaro ratakadzikisa, rakakomborerwa, saka riteverei uye ityai (Allah) kuti munzwirwe tsitsi.} [Al-An'aam: 155]. Uye Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿...وَنَزَّلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ تِبۡيَٰنٗا لِّكُلِّ شَيۡءٖ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٗ وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُسۡلِمِينَ﴾
{...Uye takadzikisa kwauri Gwaro richijekesa zvinhu zvese, uye riri nhungamiro, nenyasha nemashoko anofadza kumaMuslim} [An-Nahl: 89]. Allah vari kumusoro-soro vakataura kuti:
﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ158﴾
{Iti (Iwe Muhammad): “Imi vanhu! Zvirokwazvo, ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Hapana chimwe chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vanopa hupenyu uye ndivo vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemuMutumwa wavo, anova Muporofita asingakwanisi kuverenga nekunyora, uyo anotenda muna Allah nemashoko avo. Naizvozvo muteverei kuitira kuti mugove makatungamirirwa.”} [Al-A'raaf: 158]. Uye ndima dzinoreva izvi dzakawanda.
Nheyo yechina: Kutenda muvatumwa
Uye kunosanganisira zvakare zvinhu zviviri: Chinhu chekutanga: Kutenda muvatumwa zvakazara; uye izvi ndezvekuti titende kuti Allah, vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vakatuma vatumwa kuvaranda vavo vanobva pakati pavo vari vazivisi vemashoko akanaka nevayambiri, uye vakoki kuchokwadi; saka uyo anovadavira anobudirira achiwana rufaro, uye uyo anovapikisa anoshungurudzika ozvidemba. Uye wekupedzisira pavatumwa uye akanakisisa pavari ndiMuporofita wedu Muhammad mwanakomana waAbdullah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari, sekutaura kwakaita Allah vanorumbidzwa:
﴿وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾
{Uye zvirokwazvo takatumira murudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah uye siyanai naAt-Twaghuut (vanamwari venhema).’...} [An-Nahl: 36]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿رُّسُلٗا مُّبَشِّرِينَ وَمُنذِرِينَ لِئَلَّا يَكُونَ لِلنَّاسِ عَلَى ٱللَّهِ حُجَّةُۢ بَعۡدَ ٱلرُّسُلِ...﴾
{Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka uye eyambiro, kuti vanhu vasava nemashoko ekupokana naAllah mushure mekuuya kwevatumwa...} [An-Nisa: 165]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿مَّا كَانَ مُحَمَّدٌ أَبَآ أَحَدٖ مِّن رِّجَالِكُمۡ وَلَٰكِن رَّسُولَ ٱللَّهِ وَخَاتَمَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾
{Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi Mutumwa waAllah uye mutumwa wekupedzisira...} [Al-Ahzaab: 40].
Chechipiri: Kutenda muvatumwa zvakadzama; uye izvi ndezvekuti titende zvakadzama nekuziva mune avo vakataurwa mazita naAllah pakati pavo kana avo vakatsinhirwa mazita avo kubva kuMutumwa waAllah, Allah ngavavakomborere pamwe nekuvapa rugare; saNuh, Hud, Salih, Ibrahim, nevamwewo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, pamwe nemhuri dzavo nevateveri vavo.
Nheyo yechishanu: Kutenda muZuva Rekupedzisira
Uye kunosanganisira:
Kutenda mune zvese zvakaziviswa naAllah nemutumwa wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, mune zvichavepo shure kwerufu; zvakaita semiyedzo yemuguva, nemirango yacho, nemufaro wacho, nezvichavepo muzuva rekumutswa sezvinhu zvinotyisa, nenjodzi dzakaoma, nezambuko (Swiraat), nechiyero, nekutongwa, nemuripo, nekuvhurwa kwemabhuku pakati pevanhu; umwe achatora bhuku rake neruoko rwake rwerudyi, uye umwe achazotora bhuku rake neruoko rwake rweruboshwe, kana nekumashure kwemusana wake.
Uye izvi zvinosanganisirawo: Kutenda mudziva (hawdh) reMuporofita wedu Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nekutenda muParadhiso neMoto, nekuona kwevatendi Tenzi vavo vanorumbidzwa vari kumusoro-soro, nekutaura kwavo navo, nezvimwewo mune izvo zvakauya muQur'an rinoera neSunnah yechokwadi inobva kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari. Naizvozvo zvinosungirwa pamuranda kutenda mune zvese izvi, nekuzvibvuma nenzira yakatsanangurwa naAllah neMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari.
Nheyo yechitanhatu: Kutenda mune zvakatarwa
Uye kutenda kunosanganisira zvinhu zvina:
Chinhu chekutanga: Kutenda kuti Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vanoziva zvakavapo nezvichavapo, uye vanoziva mamiriro evaranda vavo, neraramo yavo, nenguva dzavo dzakatarwa, nemabasa avo, nezvimwewo mune zvine chekuita navo. Saka hapana chakavanzika kwavari ivo vanorumbidzwa vekumusoro-soro pane izvozvo, sekutaura kwavo ivo vanorumbidzwa kuti:
﴿...وَٱعۡلَمُوٓاْ أَنَّ ٱللَّهَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٞ﴾
{...Uye zivai kuti Allah vanoziva zvinhu zvese.} [Al-Baqarah: 231]. Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿...لِتَعۡلَمُوٓاْ أَنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ وَأَنَّ ٱللَّهَ قَدۡ أَحَاطَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عِلۡمَۢا﴾
{...kuti muzive kuti Allah vane simba pamusoro pezvinhu zvese, uye zvirokwazvo Allah vakakomberedza zvinhu zvese neruzivo rwavo...}
[At-Twalaaq: 12].
Nyaya yechipiri: Kutenda kuti Allah vakanyora zvinhu zvese zvavakatara nekuzvirongaa; sezvakataura Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro kuti:
﴿قَدۡ عَلِمۡنَا مَا تَنقُصُ ٱلۡأَرۡضُ مِنۡهُمۡۖ وَعِندَنَا كِتَٰبٌ حَفِيظُۢ 4﴾
{Zvirokwazvo, tinoziva izvo zvinotorwa nevhu kubva kwavari (vafi), uye tine gwaro rakachengetedzwa.)} [Qaf: 4]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَكُلَّ شَيۡءٍ أَحۡصَيۡنَٰهُ فِيٓ إِمَامٖ مُّبِينٖ﴾
{...Uye chinhu chose takachinyora muGwaro riri pachena.} [Yaa-Sin: 12]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿أَلَمۡ تَعۡلَمۡ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ذَٰلِكَ فِي كِتَٰبٍۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ70﴾
{Hauzivi here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga uye zviri panyika? Zvirokwazvo, zvese zviri muGwaro (rina Allah). Zvirokwazvo, izvozvo kuna Allah zviri nyore.} [Al-Hajj: 70].
Chinhu chechitatu: Kutenda mukuda kwaAllah vari kumusoro-soro kusingadziviswe; saka izvo zvavanoda zvinoitika, uye izvo zvavasingade hazviitike, sekutaura kwavo Allah Vvanorumbidzwa uye vekumusoro-soro kuti:
﴿...إِنَّ ٱللَّهَ يَفۡعَلُ مَا يَشَآءُ﴾
{...Zvirokwazvo Allah vanoita zvavanoda.} [Al-Hajj: 18]. Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿إِنَّمَآ أَمۡرُهُۥٓ إِذَآ أَرَادَ شَيۡـًٔا أَن يَقُولَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ82﴾
{Zvirokwazvo, murairo wavo kana vada chinhu vanoti kwachiri: "Iva", chobva chava.} [Ya-Sin: 82]. Uye Allah (Mwari) vanorumbidzwa vakati:
﴿وَمَا تَشَآءُونَ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ29﴾
{Uye hamugoni kuda kunze kwekunge Allah, Tenzi vepasi rose, vada.} [At-Takwir: 29].
Chinhu chechina: Kutenda kuti Allah vari kumusoro-soro vakasika zvisikwa zvese; hakuna mumwe Musiki kunze kwavo, uye hakuna mumwe Tenzi kunze kwavo; sezvakataura ivo vanorumbidzwa kuti:
﴿ٱللَّهُ خَٰلِقُ كُلِّ شَيۡءٖۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ وَكِيلٞ62﴾
{Allah ndivo Musiki wezvinhu zvese; uye ndivo Muchengetedzi wezvinhu zvese.} [Az-Zumar:62]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱذۡكُرُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡۚ هَلۡ مِنۡ خَٰلِقٍ غَيۡرُ ٱللَّهِ يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۖ فَأَنَّىٰ تُؤۡفَكُونَ3﴾
{Imi vanhu, rangarirai makomborero aAllah kwamuri. Pane mumwe musiki here kunze kwaAllah anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Hapana chinhu chakakodzera kunamatwa kunze kwavo. Saka munotsaudziswa sei?}
[Faatwir: 3].
Saka kutenda mune zvakatarwa (Qadar): kunosanganisira kutenda muzvinhu zvina izvi zvose, sekutenda kweboka reAhlus-Sunnah wal-Jama'ah; kusiyana nevaya vanoramba zvimwe zvacho, kubva kuvanhu veBid'ah.
Uye muzvinhu zvakakosha mukutenda kwechokwadi kunotendwa neAhlus-Sunnah: kuda (zvinhu kana vanhu) pamusana paAllah, kuvenga (zvinhu kana vanhu) pamusana paAllah, kutsigira pamusana paAllah, nekupikisa pamusana paAllah. Uye uku ndiko kutenda kunonzi Al-Walaa wal-Baraa, uye chidimbu chekutenda muna Allah vekumusoro-soro.
Saka mutendi anoda vatendi uye anovatsigira, uye anovenga vasingatendi nekuvavengai. Vari pamusoro pevatendi veummah ino maSwahaaba veMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), -sezvazvakatsinhirwa neveAhlus-Sunnah wal-Jama'ah-; naizvozvo vanovada uye vanovatsigira, uye vanotenda kuti ndivo vanhu vakanakisa mushure memaporofita, nekuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
«خَيْرُ القُرُونِ قَرْنِي ثُمَّ الَّذِينَ يَلُونَهُمْ ثُمَّ الَّذِينَ يَلُونَهُم».
«Zvizvarwa zvakanakisisa zvizvarwa zvenguva yangu, kuzotevera avo vanovatevera, kuzotevera avo vanovatevera»14 Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim pamusoro pechokwadi chayo.
Uye vanotenda kuti vakanakisa vavo ndi: Abu Bakr As-Siddiq, kozoti Umar Al-Faruq, kozoti Uthman Dhun-Nurayn, kozoti Ali Al-Murtadha, Allah ngavafadzwe navo vese, mushure mavo mozouya vamwe vasara pavanhu gumi (vakaudzwa neMuporofita kuti vachapinda muParadhiso), kozoti mamwe maSwahaaba asara, Allah ngavafadzwe navo vese. Uyezve havataure pamusoro pekunetsana kwakaitika pakati pavo – kureva: maSwahaaba –, uye vanotenda kuti pane izvozvo vaiedza napose pavaigona kutsvaga chokwadi, uyo akaita zvakarurama ane mibairo miviri uye uyo akakanganisa ane mubairo mumwechete.
Uye vanoda mhuri yeMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) avo vanotenda maari uye vanovatsigira, uye vanotsigira madzimai aMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), vanaMai vevatendi, uye vanoti Allah ngavafadzwe navo vese. Uye vanozvibvisa kubva munzira yeboka remaRawaafidh avo vanovenga maSwahaabah veMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) uye vanovatuka, uye vanopfuuridza mwero pamusoro pemhuri yeMutumwa, uye vanovaisa pamusoro pechinzvimbo chavo chavakapihwa naAllah vane simba nehukuru. Zvakare vanozvibvisa kubva munzira yemaNawaaswib avo vanoshungurudza mhuri yeMutumwa nemashoko kana nezviito.
Saka zvese zvatataura izvi: zvinopinda mukutenda (Aqidah) kwakarurama uko Allah vakatuma nako Mutumwa wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, uye uku ndiko kutenda kunofanirwa kuitwa, nekukubatisisa, nekuva takarurama nako, nekuchenjerera zvose zvinopokana nako, uye ndiko kutenda kweboka rakaponeswa reAhlu Sunnah wal Jama'ah, iro Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura nezvaro vachiti:
«لَا تَـزَالُ طَائِفَةٌ مِنْ أُمَّتِي ظَاهِرِينَ عَلَى الحَقِّ، لَا يَضُرُّهُمْ مَنْ خَذَلَهُمْ، حَتَّى يَأْتِيَ أَمْرُ اللهِ وَهُمْ كَذَلِكَ».
«Pacharamba paine boka kubva muUmmah yangu rakamira pachokwadi, vasingakuvadzwi kana kukanganiswa neavo vanovasiya, kusvikira murairo waAllah wauya ivo vari mumamiriro iwayo»15، Uye mune imwe nhaurwa inoti:
«لَا تَزَالُ طَائِفَةٌ مِنْ أُمَّتِي عَلَى الحَقِّ مَنْصُورَةٌ».
«Kucharamba kuine boka kubva kuvateveri vangu riri pachokwadi richikunda»16, Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«افْتَرَقَتِ اليَهُودُ عَلَى إِحْدَى وَسَبْعِينَ فِرْقَةً، وَافْتَرَقَتِ النَّصَارَى عَلَى اثْنَتَيْنِ وَسَبْعِينَ فِرْقَةً، وَسَتَفْتَرِقُ هَذِهِ الأُمَّةُ عَلَى ثَلَاثِ وَسَبْعِينَ فِرْقَةً كُلُّهَا فِي النَّارِ إِلَّا وَاحِدَةً فَقَالَ الصَّحَابَةُ: مَنْ هِيَ يَا رَسُولَ اللهِ؟ قَالَ: مَنْ كَانَ عَلَى مِثْلِ مَا أَنَا عَلَيْهِ وَأَصْحَابِي».
“MaJudha akapatsanuka kuva mapoka makumi manomwe nerimwe, uye MaKristu akapatsanuka kuva mapoka makumi manomwe nemaviri, uye ummah ino ichapatsanuka kuva mapoka makumi manomwe nematatu, ose achave kumoto kunze kwerimwechete.” MaSwahaabah akati: “Nderipi iro, imi Mutumwa waAllah?” Vakati: “Ndeavo vachatevera nzira yandiri kufamba nayo ini nemaSwahaaba v angu.”17
Zvitendo zvinopikisana nekutenda kwechokwadi
Vanhu vakarasika kubva pakutenda uku, nevanofamba munzira inopesana nako; imhando dzakawanda; saka pakati pavo pane: vanonamata zvifananidzo, zvidhori, ngirozi, vanhu vatsvene, majinn, miti, matombo, nezvimwewo. Vanhu ava havana kugamuchira kukoka kwevatumwa, asi vakavapikisa uye vakaramba chokwadi vachisindimara, sezvakaitwa neveQuraysh nemamwe mapoka emaArab kuMuporofita wedu Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). Vaikumbira kune zvavainamata kuti zvivaitire zvavaida, kuporesa varwere, uye kukunda vavengi. Vaizvibayira mhuka, uye vachizviitira mhiko. Saka Mutumwa (Allah ngavavaropafadze nekuvapa rugare) pavakarambidza izvozvo, nekuvaraira kuti vanamate Allah vega vakazvipira, vakashamiswa nazvo uye vakazviramba, vakati:
﴿أَجَعَلَ ٱلۡأٓلِهَةَ إِلَٰهٗا وَٰحِدًاۖ إِنَّ هَٰذَا لَشَيۡءٌ عُجَابٞ5﴾
{Akaita vanamwari kuti vave Mwari mumwechete here? Zvirokwazvo, ichi chinhu chinoshamisa.} [Swaad: 5].
Saka Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakaramba vachivadaidza kuna Allah (Mwari), vachivayambira nezveShirk, uye vachivatsanangurira chokwadi chezvavaidaidzirwa kwazviri; kusvikira Allah vatungamira avo vavakatungamira kubva mavari. Pashure pezvo vakapinda muchitendero chaAllah vari mapoka mapoka, chitendero chaAllah chikabva chakunda zvimwe zvitendero zvose zvichitevera daidzo yaienderera mberi, nekushingirira kwenguva refu kubva kuMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), nemaSahābah vavo (Allah ngavafare navo), neavo vakavatevera mune zvakanaka. Zvadaro zvinhu zvakashanduka, uye kusaziva kwakatekeshera pakati pevanhu vakawanda. Saka ruzhinji rwakadzokera kuchitendero chenguva yekusaziva, nekupfurikidza mwero mukuremekedza Maporofita nevakarurama, vachiita du'a kwavari, uye vachikumbira kuyamurwa navo, nezvimwewo zvemhando dzeshirk. Uye havana kuziva zvinoreva kuti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah; sekuziva kwaiita maArabhu ekare vakange vasingatende (kuti zvinoreva kusiya kunamata zvimwe zvese kunze kwaAllah). Allah ngavatibatsire.
Uye Shirk iyi yakaramba ichipararira muvanhu kusvika panguva yedu ino; nekuda kwekupararira kwekusaziva, uye nekuti nguva (ino) yave kure nenguva yeHuporofita.
Kusava nechokwadi kweava vakazouya mushure kwakafanana nekusava nechokwadi kwevakambovapo kare, uye ndiko kutaura kwavo kuti:
﴿...هَٰٓؤُلَآءِ شُفَعَٰٓؤُنَا عِندَ ٱللَّهِ...﴾
{...Ava ndivo varevereri vedu kuna Allah...} [Yunus: 18]. Uye mazwi avo ekuti:
﴿...مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ...﴾
{...Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze pedyo naAllah...} [Az-Zumar: 3] Uye Allah vakabvisa kusava nechokwadi uku, uye vakatsanangura kuti ani naani anonamata chero chimwe chisiri ivo atopinda mushirk uye atoramba (kutenda), sezvakataurwa naAllah, vekumusoro-soro kuti:
﴿وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَضُرُّهُمۡ وَلَا يَنفَعُهُمۡ وَيَقُولُونَ هَٰٓؤُلَآءِ شُفَعَٰٓؤُنَا عِندَ ٱللَّهِ...﴾
{Uye vanonamata kunze kwaAllah izvo zvisingavakuvadzi kana kuvabatsira, uye vanoti: “Ava ndivo varevereri vedu kuna Allah...”} [Yunus: 18]. Saka Allah vanorumbidzwa vakavapindura vakati:
﴿قُلۡ أَتُنَبِّـُٔونَ ٱللَّهَ بِمَا لَا يَعۡلَمُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ18﴾
{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Munozivisa Allah (Mwari) here nezvavasingazivi kumatenga kana pasi? Rumbidzo nehukuru ndezvavo vari pamusoro pezvose zvavanosanganisa nazvo!”}
[Yunus: 18].
Saka Allah vari kumusoro-soro vakajekesa mundima iyi kuti: kunamata chinhu chisiri ivo, semaporofita, nevatsvene kana vamwewo ishirk huru, kunyangwe avo vanozviita vachizvitumidza nerimwe zita. Uye Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ...﴾
{...Uye avo vakatora vamwe vatsigiri vasiri Ivo (vachiti): Hativanamati asi kuti vatiswededze pedyo zvikuru naAllah ...} [Az-Zumar: 3]. Zvadaro Allah vekumusoro-soro vakavapindura vachiti:
﴿...إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ﴾
{...Zvirokwazvo Allah vachatonga pakati pavo pane izvo zvavanopokana mazviri. Zvirokwazvo Allah havatungamiriri uyo anonyepa, asingatendi.}
[Az-Zumar: 3].
Saka Allah vanorumbidzwa vakajekesa kuti kunamata kwavo zvimwe zvinhu zvisiri ivo nenzira dzekuita du'a, kutya, tariro, nezvimwewo; kusatenda mavari ivo vanorumbidzwa. Uye vakavaratidza kuva vanonyepa mukutaura kwavo kwekuti vanamwari vavo vanovaswededza pedyo navo.
Uye pakati pezvitendero zvekusatenda zvinopikisa kutenda kwakarurama, uye zvinopesana nezvakaunzwa nevatumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari): pane zvinotendwa neavo vasingatendi kuti Allah variko munguva ino, sevateveri vaMarx naLenin, nevamwewo vanokoka kukuramba Allah nekusatenda, kunyangwe vakazviti Socialism, Communism, kana Ba'athism, kana mamwewo mazita. Zvirokwazvo pamisimboti yeavo vanoramba Allah pane wekuti: hakuna Mwari uye hupenyu hungori zvinhu zvinobatika,
Uye pakati pembiru dzavo: kuramba nyaya yekumutswa kwevakafa, nekuramba kuti kune Paradhiso neMoto, nekuramba zvitendero zvese, uye uyo anotarisa mumabhuku avo nekudzidza zvavanotevedzera anoziva izvi nemazvo. Uye hapana kupokana kuti dzidziso iyi yekutenda inopikisana nezvitendero zvese zvekudenga, uye inosvitsa vanhu vayo kumagumo akaipisisa panyika pano nemuhupenyu hunotevera.
Uye pane izvo zvitendero zvinopikisana nechokwadi: kutenda kwemamwe maSufi kwekuti vamwe veavo vavanodaidza kuti maAwliya vanobatsirana naAllah pakuronga, uye vane zvavanoronga voita muzvinhu zvepanyika, uye vanovadaidza kuti maAqtaab, nemaAwtaad, nemaAghwaath, nemamwewo mazita avakagadzirira vanamwari vavo. Izvi iShirk muhuTenzi, uye imwe yemhando dzakaipisisa dzeShirk kuna Allah vekumusoro-soro.
Uyo anofungisisa nezveShirk yevanhu vekare veJahiliyyah achienzanisa neShirk irikupararira pakati pevanhu vemazuva ano; anowana kuti Shirk yemazuva ano yakanyanya kuipa, uye yakakura, uye tsananguro yazvo inotevera seizvi: Kuti vasingatendi vechiArabhu panguva yeJaahiliyyah vaisiyaniswa nezvinhu zviviri: Chekutanga: Kuti havaisanganisa Allah nezvimwe muHutenzi hwavo, asi kusanganisa kwavo kwaive pakunamata; nekuti vaibvuma Hutenzi hwaAllah, vane mbiri nehukuru, vari voga, sekutaura kwavakaita ivo vanorumbidzwa vekumusoro-soro kuti:
﴿وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُ...﴾
{Uye kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, zvirokwazvo vachataura kuti: “Allah”...} [Az-Zukhruf: 87]. Uye Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿قُلۡ مَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ أَمَّن يَمۡلِكُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَمَن يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَمَن يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَۚ فَسَيَقُولُونَ ٱللَّهُۚ فَقُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ31﴾
{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa mupenyu kubva kumufi uye achiburitsa mufi kubva kumupenyu? Uye ndiani anoronga zvinhu zvese?” Vachataura kuti: “Allah ” Saka taura kuti: “Ko hamutyi here?”} [Yunus: 31]. Uye ndima dzinoreva izvi dzizhinji chaizvo.
Chinhu chechipiri: ndechekuti kusanganisa kwavo Allah nevamwe anamwari venhema mukunamata hakwaive panguva dzese, asi kuti kwaiitika munguva dzekugarika, asi munguva dzekuomerwa vainamata Allah vega, sezvakataurwa naAllah vari kumusoro-soro kuti:
﴿فَإِذَا رَكِبُواْ فِي ٱلۡفُلۡكِ دَعَوُاْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ فَلَمَّا نَجَّىٰهُمۡ إِلَى ٱلۡبَرِّ إِذَا هُمۡ يُشۡرِكُونَ65﴾
{Uye kana vachikwira ngarava, vanokumbira (kuchengetedzwa) naAllah vachichenesa kunamata kwavo kwavari, asi pavanovaponesa vachivasvitsa panyika, pakarepo vanobva vasanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata.}
[Al-Ankabut: 65].
Vanosanganisa Allah nezvimwe pakunamata vekupedzisira, zvirokwazvo vakawedzera pane vekutanga pamativi maviri: Rutivi rwekutanga: Kuita shirk muHutenzi kwevamwe vavo . Rutivi rwechipiri: ishirk yavo panguva dzekugarika nedzekuomerwa, sezvinozivikanwa neavo vanosangana navo, uye vanoongorora mamiriro avo, vachiona zvavanoita pamakuva aHussein naAl-Badawi nemamwewo ari muEgypt, uye nepaguva raEidaroos kuAden, neraHadi muYemen, neraIbn Arabi kuSham, neraSheikh Abdul Qadir Jilani kuIraq, nemamwe makuva ane mukurumbira ayo vanhuwo zvavo vakapfurikidza mwero mukuakudza, vachipa kwaari kodzero dzaAllah- vane simba nehukuru- dzakawanda. Uye vanhu vashoma vanovatsiura pane izvi, kana kuvatsanangurira chokwadi cheTawhid iyo Allah vakatumira nayo Muporofita wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, pamwe nevatumwa vakamutangira, rugare nemakomborero ngazvive pavari. Zvirokwazvo tiri vaAllah uye kwavari ndiko kwatichadzokera.
Uye mune zvinotendwa zvinopikisana nekutenda kwechokwadi panyaya yemazita nemaitiro: kune zvinotendwa nevanhu vakaunza zvitsva muchitendero (bid'ah) veboka reAl-Jahmiyyah, nereAl-Mu'tazilah, neavo vakatevera nzira yavo pakuramba maitiro aAllah, vane simba nehukuru, nekuramba zvakataurwa pamusoro paAllah, vanorumbidzwa, zvemaitiro akakwana, uye nekuvatsanangura, vane simba nehukuru, nemaitiro ezvinhu zvisipo, zvisina hupenyu, nezvisingakwanisiki. Allah vari kumusorosoro zvakanyanya, kure pane zvavanotaura izvi.
Uye mune izvi munosanganisirwa: avo vakaramba mamwe maitiro aAllah uye vachitsinhira mamwe acho; sezviri mukutenda kwemaAsh'ari. Uye vanhu ava, zvinovamanikidza kuti mune izvo zvavatsinhira pamaitiro, zvive zvakafanana neizvo zvavakatiza pamaitiro avakaramba, uye vakatsanangura humbowo hwawo neimwe nzira. Saka naizvozvo vakapikisana nehumbowo hwemagwaro nehumbowo hwenjere, uye vakapokana mune izvi kupokana kuri pachena.
Asi boka reAhlus-Sunnah wal-Jama'ah: rakatsinhira kuna Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro izvo zvavakatsinhira pachavo, kana izvo zvakatsinhirwa pamusoro pavo neMutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kubva mumazita nemaitiro nenzira yakakwana, uye vakavachenura panyaya yekuvafananidza nezvisikwa zvavo, kuchenura kwakachena kusina kuramba, saka vakaita zvinoenderana nehumbowo hwese, havana kushandura zvazvinoreva kana kuramba, uye vakachengetedzeka kubva mukupokanidzana kwakawira vamwe - sekutsanangurwa kwamboitwa kare.
Iyi ndiyo nzira yeruponeso, nemufaro panyika nemuhupenyu huchauya, uye ndiyo nzira yakatwasuka yakatevedzwa nemaSalaf veUmmah ino nevatungamiri vayo, uye vekupedzisira vavo (veUmmah) havazogadzirike kana kururama kunze kwekunge vatevera izvo zvakagadzirisa vekutanga vavo, izvo zvinova kutevedzera Bhuku (Qur’an) neSunnah, nekusiya izvo zvinopikisana nazvo. Tinokumbira Allah vanorumbidzwa vari kumusoro-soro kuti vadzosere ummah kugwara rayo rakarurama, uye kuti vawanze mairi vakoki venhungamiro, uye vabatsire vatungamiri vayo nevadzidzi mukurwisa shirk, nekuipedza zvachose, nekuyambira pamusoro penzira dzayo... Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvose, vari pedyo. Allah ndivo Mupi wekubudirira, uye ndivo vanotikwanira uye ndivo vakanakisisa vekuvimba navo, uye hapana simba kana kugona kunze kwavo. Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo nenhume yavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaba avo.
Kupa humbowo pamusoro pemutongo hwemunhu anokumbira rubatsiro kune chinhu chisiri Allah.
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Gwaro Rechipiri:
Pamusoro pemutongo wekukumbira rubatsiro kuna Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari)
Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwechete nemhuri yake nemaSwahaaba (vadzidzi) vake, neavo vose vanotungamirirwa negwara rake.
Zvino mushure mezvo: Pepanhau reAl-Mujtama' rekuKuwait rakaburitsa muchinyorwa charo chechi15, chakabuda musi wa19/4/1390 H, ndima dzenhetembo pasi pemusoro unoti: (Muchiyeuchidzo Chekuzvarwa kwaMuporofita Kunokudzwa), uye ndima idzi dzaisanganisira kutsvaga rubatsiro kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nekukumbira rutsigiro kubva kwavari; kuitira kununura Ummah nekuiwanira kukunda, nekuisunungura kubva mukupesana nekusawirirana kwayakaita, dzakasainwa neuyo akati anonzi: Aaminah, uye aya ndiwo mashoko endima idzi dziri kurehwa:
Imi Mutumwa waAllah, nunurai nyika... inotanga hondo uye ichitsva nemirazvo yayo.
Imi Mutumwa waAllah, ponesai Ummah... murima rekusava nechokwadi uko rwendo rwayo rwehusiku rwatoreba.
Imi Mutumwa waAllah, nununurai rudzi... rwarasikirwa nezviratidzo zvarwo munzira dzekurasika dzinoshungurudza.
Kusvika paakataura kuti:
"Kurumidza kuunza kukunda sekukurumidza kwamakaita ... pazuva reBadr apo pamakadana kuna Allah"
Naizvozvo kudzikisirwa kwakashanduka kukave kukunda kunoshamisa... zvirokwazvo Allah vane mauto ausingaoni.
(Saizvozvo munyori uyu anosvitsa shevedzo yake nekukumbira kwake rubatsiro kune Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), achikumbira kwavari kuti vanunure Ummah kuburikidza nekukurumidza nekuunza kukunda. Munyori akakanganwa — kana kuti haazive — kuti kukunda kuri mumaoko aAllah chete, kwete mumaoko eMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) kana chero chimwe chezvisikwa, sekutaura kwakaita Allah (rumbidzo ngadzive kwavari) muBhuku ravo rakajeka:
﴿...وَمَا النَّصْرُ إِلَّا مِنْ عِنْدِ اللَّهِ الْعَزِيزِ الْحَكِيمِ﴾
"{...Uye hakuna kukunda kunze kwekunobva kuna Allah, vane masimba ose, vane huchenjeri.}" [Aal Imraan: 126], Uye Allah vane hukuru nekukudzwa vakataura kuti:
﴿إِنْ يَنْصُرْكُمُ اللَّهُ فَلَا غَالِبَ لَكُمْ وَإِنْ يَخْذُلْكُمْ فَمَنْ ذَا الَّذِي يَنْصُرُكُمْ مِنْ بَعْدِهِ...﴾
{Kana Allah vakakubatsirai, hapana anokukundai, uye kana vakakusiyai, ndiani uyo anokubatsirai mushure mavo...} [Aal Imraan: 160].
Basa iri rekukumbira (dua) nekutsvaga rubatsiro: kuitira imwe yemhando yekunamata kune chinhu chisiri Allah vekumusoro-soro; Zvirokwazvo zvinozivikanwa kuburikidza nendima dzechitendero nekubvumirana kwenyanzvi dzeIslam: kuti izvozvo hazvibvumidzwi, uye kuti Allah - vanorumbidzwa - vakasika zvisikwa kuti zvivanamate, uye vakatuma vatumwa uye vakadzikisa mabhuku kuti vatsanangure kunamata ikoko nekudana vanhu kwakuri, sezvavakataura - ivo vanorumbidzwa kuti:
﴿وَمَا خَلَقْتُ الْجِنَّ وَالْإِنْسَ إِلَّا لِيَعْبُدُونِ56﴾
{Uye handina kusika maJinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate.} [Adh-Dhaariyaat: 56] Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَلَقَدْ بَعَثْنَا فِي كُلِّ أُمَّةٍ رَسُولًا أَنِ اعْبُدُوا اللَّهَ وَاجْتَنِبُوا الطَّاغُوتَ...﴾
{Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah (Mwari) uye siyanai naAt-Twaghuut (vanamwari venhema).’...} [An-Nahl: 36], Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَا أَرْسَلْنَا مِنْ قَبْلِكَ مِنْ رَسُولٍ إِلَّا نُوحِي إِلَيْهِ أَنَّهُ لَا إِلَهَ إِلَّا أَنَا فَاعْبُدُونِ 25﴾
{Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwangu, saka ndinamatei.”} "[Al-Ambiyaa: 25]," Uye Allah vanokudzwa vakati:
﴿الر كِتَابٌ أُحْكِمَتْ آيَاتُهُ ثُمَّ فُصِّلَتْ مِنْ لَدُنْ حَكِيمٍ خَبِيرٍ1 أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا اللَّهَ إِنَّنِي لَكُمْ مِنْهُ نَذِيرٌ وَبَشِيرٌ2﴾
{Alif, Laam, Raa. (Iri i) Gwaro rine ndima dzaro dzakanatsudzurudzwa, dzikabva dzatsanangurwa zvizere neavo (Allah - Mwari) vane hungwaru, vanoziva zvose 1}
{Kuti musanamate mumwe kunze kwaAllah (Mwari). Zvirokwazvo, ini ndiri muyambiri uye mupi wemashoko akanaka kwamuri kubva kwavari. 2} [Huud: 1, 2].
Saka vakajekesa, ivo vekumusoro-soro, mumavhesi akanatsurudzwa, kuti havana kusika vanhu nemajinn kunze kwekuti vavanamate vari vega, vasina mubatsiri. Uye vakajekesa kuti vakatumira vatumwa, maropafadzo nerugare ngazvive kwavari, kuti varayire kunamata uku, nekurambidza zvakapesana nakwo. Uye vakatiudza, Samasimba, vanoremekedzwa, kuti vakanatsurudza mavhesi eBhuku ravo nekuatsanangura zvakajeka kuitira kuti parege kunamatwa chero chinhu chisiri ivo, vanoremekedzwa.
Uye zvinozivikanwa kuti kunamata zvinoreva: kunamata Allah vari vega nekuvateerera, kuburikidza nekuita zvavakaraira nekusaita zvavakarambidza, uye Allah vakaraira nekutaura izvi mumavhesi akawanda, anosanganisira: mashoko avo vanoremekedzwa ekuti:
﴿وَمَا أُمِرُوا إِلَّا لِيَعْبُدُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ حُنَفَاءَ...﴾
{Uye havana kurairwa kunze kwekunamata Allah, vachizvipira muchitendero chavo kuna Allah voga, vasingasanganise Allah nechimwe chinhu mukunamata...} [Al-Bayyinah: 5], Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿وَقَضَى رَبُّكَ أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا إِيَّاهُ...﴾
{Uye Tenzi vako vakaraira kuti musanamate ani zvake kunze kwavo...} [Al-Isra: 23], Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakati:
﴿إِنَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ فَٱعۡبُدِ ٱللَّهَ مُخۡلِصٗا لَّهُ ٱلدِّينَ2 أَلَا لِلَّهِ ٱلدِّينُ ٱلۡخَالِصُۚ وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ3﴾
{Zvirokwazvo isu takadzikisa kwauri Gwaro nechokwadi, saka namata Allah, uchizvipira muchitendero chako kuna Allah voga. 2}
{Zvirokwazvo, chitendero chakachena ndechaAllah. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwavo (vachiti): “Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze pedyo naAllah.” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo pane izvo zvavanopesana mazviri. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anenge ari munyepi, asingatendi. 3}
[Az-Zumar: 2-3].
Uye ndima dzinoreva izvi zizhinji, uye dzose dzinoratidza kuti zvakasungirwa kuzvipira pakunamata Allah vari voga, uye kusiya kunamata zvimwe zvisiri Ivo, semaporofita nevamwewo.
Uye hapana kupokana kuita dua ndeimwe yemhando dzinonyanya kukosha dzeminamato uye inobatanidza zvese, saka zvinosungirwa kuzvipira pakukumbira uku kuna Allah vari voga, sekutaura kwakaita Allah vane simba nehukuru kuti:
﴿فَادْعُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ وَلَوْ كَرِهَ الْكَافِرُونَ14﴾
{Saka kumbirai Allah makazvipira muchitendero kwavari, kunyangwe vasingatendi vachizvivenga.} [Ghafir: 14], Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿وَأَنَّ الْمَسَاجِدَ لِلَّهِ فَلَا تَدْعُوا مَعَ اللَّهِ أَحَدًا18﴾
{Uye kuti mamasjid ndeaAllah, saka musanamata mumwe pamwechete naAllah.} [Al-Jinn: 18], Nhungamiro iyi yekuita dua kuna Allah vega inobata zvisikwa zvose kubva kuvaporofita nevamwe. Uye mashoko aAllah ekuti:
﴿وَلَا تَدْعُ مِنْ دُونِ اللَّهِ مَا لَا يَنْفَعُكَ وَلَا يَضُرُّكَ فَإِن فَعَلۡتَ فَإِنَّكَ إِذٗا مِّنَ ٱلظَّٰلِمِينَ106﴾
{Uye usadana kunze kwaAllah izvo zvisingakubatsiri kana kukukuvadza, nekuti kana ukaita izvozvo, zvirokwazvo uchava pakati peavo vanoita zvakaipa.} [Yunus: 106], mashoko akanangana naMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, uye zvinozivikanwa kuti Allah vanoremekedzwa vakavadzivirira kubva pakusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata, asi chinangwa chaizvozvo ndechekuyambira vamwe. Pedzezvo ivo vanokudzwa, vanoremekedzwa vakati:
﴿وَلَا تَدۡعُ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَنفَعُكَ وَلَا يَضُرُّكَ فَإِنْ فَعَلْتَ فَإِنَّكَ إِذًا مِنَ الظَّالِمِينَ106﴾
{Uye usadane chimwe chinhu kunze kwaAllah icho zvisingakubatsiri kana kukukuvadza. Saka kana ukaita izvozvo, zvirokwazvo ipapo uchava pakati pevadzvinyiriri.} "[Yunus: 106]," Uye mashoko aya akanangana neMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, uye chinangwa chawo ndechekuyambira vamwe; nekuti zvinozivikanwa kuti Allah vekumusoro-soro vakachengetedza Mutumwa wavo kubva mukusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata, ndokubva Allah vekumusoro-soro vasimbisa zvakanyanya pakudzivisa nekuyambira; vachiti:
﴿...فَإِنْ فَعَلْتَ فَإِنَّكَ إِذًا مِنَ الظَّالِمِينَ﴾
{...Saka kana ukaita izvozvo, zvirokwazvo ipapo uchava pakati pevadzvinyiriri.} Uye kudzvanyirira kana kuchinge kwataurwa zvakazara, zvirokwazvo panenge pachirehwa: Shirk huru, sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:
﴿...وَالْكَافِرُونَ هُمُ الظَّالِمُونَ﴾
{...Uye vasingatendi ndivo vadzvanyiriri} [Al-Baqarah: 254] Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...إِنَّ الشِّرْكَ لَظُلْمٌ عَظِيمٌ﴾
{...zvirokwazvo, Shirk (kusanganisa Allah vekumusoro-soro nechimwe chinhu pakunamata) kutadza kukuru.} [Luqman: 13]. Dai Mutungamiri wevana vaAdam (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) dai akaita du'a kune chimwe chinhu kunze kwaAllah aizova pakati pevadzvanyiriri, ko vanhu vamwewo zvavo vakadaro vanozoei?
Nokudaro, zvakabva zvava zvinozivikanwa kubva kundima idzi nedzimwe kuti kuita du'a kune zvimwe zvinhu zvisiri Allah — sevakafa, miti, zvifananidzo, nezvimwe zvakafanana neizvozvo — kusanganisa Allah, Samasimba vane hukuru, nezvimwe zvinhu pakunamata. Uye zvinopikisana nenamata Allah vega, icho chinova chiri chinangwa chekusikwa kwemaJinn nevanhu naAllah , nekutumirwa kwevatumwa, nekudzikiswa kwemabhuku, uye kunopikisana nezvinoreva kuti: Laa ilaaha illaa Allah (Hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah); mashoko aya anoramba kunamatwa kwechinhu chipi zvacho kunze kwaAllah, uye anotsinhira kuti Allah vega ndivo vanofanirwa kunamatwa, sekutaura kwakaita Allah vari kumusoro-soro kuti:
﴿ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ هُوَ ٱلۡبَٰطِلُ وَأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ62﴾
{Nokuti Allah ndivo chokwadi, uye kuti izvo zvavanonamata kunze kwavo ndizvo zvenhema. Uye zvirokwazvo, Allah ndivo vari pamusoro pezvese, uye ndivo mukuru wezvose.} [Al-Hajj: 62].
Uye uyu ndiwo musimboti wechitendero nenheyo yekutenda, uye mabasa ekunamata haanaki kunze kwekunge musimboti uyu wanaka, sekutaura kwaAĺlah vekumusoro-soro kuti:
﴿وَلَقَدْ أُوحِيَ إِلَيْكَ وَإِلَى الَّذِينَ مِنْ قَبْلِكَ لَئِنْ أَشْرَكْتَ لَيَحْبَطَنَّ عَمَلُكَ وَلَتَكُونَنَّ مِنَ الْخَاسِرِينَ65﴾
{Uye zvirokwazvo kwakadzikiswa kwauri (mashoko kubva kuna Allah - Mwari), uye nekune vaya vakakutangira, kuti: “Kana ukasanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata, zvirokwazvo mabasa ako achaparadzwa, uye zvirokwazvo uchava pakati peavo vakarasikirwa.”} [Az-Zumar: 65] Uye Allah, kukudzwa ngakuve kwavari vekumusoro-soro vakati:
﴿...وَلَوْ أَشْرَكُوا لَحَبِطَ عَنْهُمْ مَا كَانُوا يَعْمَلُونَ﴾
{...Asi dai vakasanganisa vamwe naAllah mukunamata, zvose zvavaiita zvaizoshaya basa kwavari.} "[Al-An’aam: 88]."
Kubva pane zvapfuura, zvinobuda pachena kuti chitendero cheIslam, nehuchapupu hwekuti: (hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah) zvine nheyo mbiri huru:
Imwe yacho: kuti hakuna anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah vari voga, havana mubatsiri; saka wese anoita dua kune vakafa sevaporofita nevamwewo, kana kukumbira kuzvidhori, miti, matombo, kana kuzvimwe zvisikwa, kana kukumbira rubatsiro kwazviri, kana kutsvaga kuswedera pedyo nazvo kuburikidza nezvibayiro nemhiko, kana kunamata kwazviri, kana kuzvipfugamira; anenge azvitora sevanamwari kunze kwaAllah, uye anenge azviita vanamwari vakaenzaniswa naAllah, vanoremekedzwa uye vari kumusoro-soro, uyezve anenge apokana nekuramba zvinoreva kuti Laa ilaaha illaa Allah (hapana anofanira kunamatwa kunze kwaAllah).
Yepiri: Kuti Allah vari kumusoro-soro vasanamatwe kunze nenzira yakatarwa neMuporofita wavo neMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), saka uyo anovamba zvitsva muchitendero zvisina kutenderwa naAllah; haana kuzadzisa zvinoreva kupupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah, uye basa rake harimubatsiri uye haritambirwi kubva kwaari. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَقَدِمْنَا إِلَى مَا عَمِلُوا مِنْ عَمَلٍ فَجَعَلْنَاهُ هَبَاءً مَنْثُورًا23﴾
{Uye tichatendeukira kune mabasa avakaita, tigoaita huruva rinopeperetswa.} [Al-Furqaan: 23]. Uye chinorehwa nemabasa ataurwa mundima mabasa euyo anofa achiita Shirk kuna Allah samasimba, vanokudzwa zvikuru.
Izvi zvinosanganisirawo: mabasa ebid'ah asina kubvumirwa naAllah, nokuti pazuva rekumutswa achava guruva rakaparadzirwa, sezvo asina kuwirirana nemutemo wavo wakachena, sezvakataurwa neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari):
«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani nani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisiri chacho, chinorambwa». Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim kuti ndeyechokwadi.
Muchidimbi: munyori uyu akanangisa kukumbira kwake rubatsiro nmudu'a make kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari, ndokufuratira Tenzi vezvisikwa zvose, avo mumaoko avo mune kukunda, kukuvadza, uye kubatsira, asi izvi zvese hazvisi mumaoko emumwe munhu kunze kwaAllah.
Hapana kupokana kuti uku kudzvinyirira zvikuru kune mhedzisiro yakapa kwazvo. Allah vane masimba, vakuru vakaraira kuti vanhu vaita madu'a kwavari, uye vakavimbisa kupindura uyo anoita du'a kwavari, uye vakayambira uyo anozvikudza achirega izvi kuti vachapinda muGehena, sezvakataura Allah vane masimba, vakuru kuti:
﴿وَقَالَ رَبُّكُمُ ادْعُونِي أَسْتَجِبْ لَكُمْ إِنَّ الَّذِينَ يَسْتَكْبِرُونَ عَنْ عِبَادَتِي سَيَدْخُلُونَ جَهَنَّمَ دَاخِرِينَ 60﴾
{Uye Tenzi venyu vakataura kuti: “Ndidanei, ndichakupindurai. Zvirokwazvo, avo vanozvikudza vachisiya kundinamata vachapinda muGehena vakadzikisirwa.} [Ghafir: 60] Kureva kuti: vakaderedzwa nekuzvidzwa, Naizvozvo ndima iyi inoremekedzwa inoratidza kuti kuita du'a kuna Allah kunamata, uye kuti uyo anozvikudza oregedza kunamata Allah, nzvimbo yake yekugara ichava Gehena. Zvino kana aya ari mamiriro euyo anozvikudza pakusaita du'a kuna Allah, ko zvino achava sei mamiriro euyo anoita kune chinhu chisiri Allah, du'a achivafuratira, ivo Samasimba vari pedyo, muridzi wezvinhu zvese, uye vane masimba pane zvese? Allah Samasimba vakati:
﴿وَإِذَا سَأَلَكَ عِبَادِي عَنِّي فَإِنِّي قَرِيبٌ أُجِيبُ دَعْوَةَ الدَّاعِ إِذَا دَعَانِ فَلْيَسْتَجِيبُوا لِي وَلْيُؤْمِنُوا بِي لَعَلَّهُمْ يَرْشُدُونَ 186﴾
{Uye kana varanda vangu vakakubvunza nezvangu, zvirokwazvo Ini ndiri pedyo. Ndinopindura chikumbiro chemukumbiri kana achikumbira kwandiri. Saka ngavandipindure, uye ngavatende mandiri kuti vawane gwara rakarurama.} "[Al-Baqarah: 186]," Uye Muporofita ﷺ akazivisa muhadith yechokwadi kuti du'a ndiko kunamata, uye akati kumwana wabamunini vake Abdullah bin Abbas, Allah ngavafare navo vose:
«احْفَظِ اللهَ يَحْفَظْكَ، احْفَظِ اللهَ تَجِدْهُ تُجَاهَكَ، إِذَا سَأَلْتَ فَاسْأَلِ اللهَ، وَإِذَا اسْتَعْنَتَ فَاسْتَعِنْ بِاللهِ».
«Chengetedza Allah, vachakuchengetedza, chengetedza Allah, uchavawana vari pamberi pako, kana uchikumbira, kumbira kubva kuna Allah, uye kana uchitsvaga rubatsiro, tsvaga rubatsiro kubva kuna Allah.» Yakashumwa naat-Tirmidhi nevamwe.
Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:
«مَنْ مَاتَ وَهُوَ يَدْعُو لِلَّهِ نِدًّا؛ دَخَلَ النَّارَ».
«Ani naani zvake anofa achida pamwechete naAllah, achimuenzanisa navo; achapinda muMoto (Gehena).» Yakashumwa naAl-Bukhari. Uye mumaSahih maviri zvakaturwa kubva kuMuporofita, runyararo nemakomborero zvaAllah (Mwari) ngazvive pavari, kuti vakabvunzwa kuti: "Ndechipi chitadzo chikuru?" Vakati:
«أَنْ تَجْعَلَ لِلَّهِ نِدًّا وَهُوَ خَلَقَكَ».
«Kuti uenzanise chimwe chinhu naAllah, vari ivo vakakusika». Izwi rekuti nidd (kuenzanisa chimwe chinhu naAllah) rakataurwa muhadith: rinoreva uyo anofananidzwa uye uyo kuenzaniswa, saka wese anoitira du'a kune zvese zvisiri Allah, kana kukumbira rubatsiro kwazviri, kana kuzviitira mhiko, kana kuzvibayira mhuka, kana kuzviitira chero chinhu chekunamata kunze kwezvambotaurwa izvi; zvirokwazvo anenge azvienzanisa kana kuzvifananidza naAllah, zvisinei kuti Muporofita here, kana Wali (munhu akarurama), kana ngirozi, kana Jinn, kana chifananidzo, kana chisikwa chipo zvacho.
Uye panyaya iyi mumwe angataura kuti: Zvino ko ndeupi mutongo wekukumbira munhu mupenyu aripo pane zvaanokwanisa kuita, nekutsvaga rubatsiro kwaari panyaya dzinobatika dzaanokwanisa kuita? Mhinduro ndeyekuti: izvi hazvisi zvinhu zveShirk, asi zvinhu zvakajairika zvinotenderwa pakati pemaMuslim, sokutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro munyaya yaMusa kuti:
﴿...فَاسْتَغَاثَهُ الَّذِي مِنْ شِيعَتِهِ عَلَى الَّذِي مِنْ عَدُوِّهِ...﴾
{...saka uyo wedivi rake akamukumbira rubatsiro kurwisa uyo aive wekuvavengi vake...} [Al-Qasas: 15], Uye sekutaura kwavakaita Ivo vekumusoro-soro munyaya yaMusa zvakare kuti:
﴿فَخَرَجَ مِنْهَا خَائِفًا يَتَرَقَّبُ...﴾
{Saka akabuda (muguta iroro) achitya, achitarisa-tarisa...} [Al-Qasas: 21], Zvekare munhu anobvumirwa kukumbira rubatsiro kubva kune shamwari dzake muhondo, nemune zvimwewo zvinhu zvinoitika kuvanhu, zvavanenge vachida rubatsiro rwemumwe nemumwe wavo pazviri.
Uye Allah vakaraira Muporofita wavo, Allah ngavamuropafadze nekumupa rugare, kuti audze Ummah yavo kuti haana simba rekuwanira chero ani zvake rubatsiro, kana kudzivirira zvakaipa. Allah, Samasimbaose, vekumusoro-soro vakati:
﴿قُلْ إِنَّمَا أَدْعُو رَبِّي وَلَا أُشْرِكُ بِهِ أَحَدًا21 قُلْ إِنِّي لَا أَمْلِكُ لَكُمْ ضَرًّا وَلَا رَشَدًا22﴾
{Iti (iwe Muhammad): ‘Zvirokwazvo, ndinongonamata Tenzi wangu chete, uye handimusanganise nemumwe munhu (kana chinhu)’ 21}
{Iti (iwe Muhammad): ‘Zvirokwazvo, ini handina simba rekukonzera marwadzo kwamuri, kana kukuunzai kunzira yakanaka.’ 22} [Al-Jinn: 21, 22], Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati:
﴿قُلْ لَا أَمْلِكُ لِنَفْسِي نَفْعًا وَلَا ضَرًّا إِلَّا مَا شَاءَ اللَّهُ وَلَوْ كُنْتُ أَعْلَمُ الْغَيْبَ لَاسْتَكْثَرْتُ مِنَ الْخَيْرِ وَمَا مَسَّنِيَ السُّوءُ إِنْ أَنَا إِلَّا نَذِيرٌ وَبَشِيرٌ لِقَوْمٍ يُؤْمِنُونَ188﴾
{Iti (iwe Muhammad): ‘Handina simba pachangu rekuunza zvinobatsira kana zvakaipa, kunze kweizvo zvinodiwa naAllah. Uye dai ndaiziva zvakavanzika, ndingadai ndakazviwanzira zvinhu zvakanaka, uye hapana chakaipa chaizondibata. Zvirokwazvo ini ndingori muyambiri chete nemupi wemashoko akanaka kuvanhu vanotenda.’}
[Al-A'raaf: 188].
Uye ndima dzine zvinoreva izvi izhinji.
Uye zvinozivikanwa kuti Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) havaite du'a kune chimwe chinhu kunze kwaTenzi vavo. Zvakare zvakashumwa kubva kune Muporofita kuti pazuva rehondo yeBadr vaikumbira rubatsiro kuna Allah kuti vakunde vavengi vavo, uye vaishingirira pazviri, vachiti: «O Tenzi wangu! Zadzisai kwandiri zvamakandivimbisa». Kusvikira munhu aive pachokwadi zvizere Abu Bakr (Allah ngavafare naye) ati: "Zvakwana O Mutumwa waAllah. Zvirokwazvo Allah vachazadzisa kwamuri zvavakakuvimbisa." Allah vanorumbidzwa vakaburitsa maererano neizvi mashoko avo ekuti:
﴿إِذۡ تَسۡتَغِيثُونَ رَبَّكُمۡ فَٱسۡتَجَابَ لَكُمۡ أَنِّي مُمِدُّكُم بِأَلۡفٖ مِّنَ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ مُرۡدِفِينَ9﴾
{(Rangarirai) Panguva yamakakumbira rubatsiro kuna Tenzi venyu, vakabva vakupindurai (vachiti): "Zvirokwazvo, ndichakubatsirai nechiuru chengirozi dzinotevedzana."} "[Al-Anfaal: 9]," Saka Allah vakavayeuchidza mumavhesi aya nezvekukumbira kwavo rubatsiro, uye vakazivisa kuti vakavapindura ndokuvatsigira nengirozi; kuitira kupa mashoko akanaka ekukunda, nekugadzikana, uye Allah vakajekesa kuti kukunda hakubvi kungirozi, asi kuti kukunda kunobva kwavari. Uye Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿وَمَا النَّصْرُ إِلَّا مِنْ عِنْدِ اللَّهِ...﴾
{Uye hapana kukunda kunze kwekunobva kuna Allah...} [Aal Imraan: 126], Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:
﴿وَلَقَدْ نَصَرَكُمُ اللَّهُ بِبَدْرٍ وَأَنْتُمْ أَذِلَّةٌ فَاتَّقُوا اللَّهَ لَعَلَّكُمْ تَشْكُرُونَ123﴾
{Uye zvirokwazvo Allah vakakubatsirai paBadr imi musina simba, saka ityai Allah (Mwari) kuti pamwe mungatende.} [Aal Imraan: 123]. Saka Allah vekumusoro-soro vakajekesa mundima iyi kuti ivo, ngavarumbidzwe, ndivo Mupi werukundo kwavari pazuva rehondo yeBadr, nokudaro zvakava zvinozivikanwa neizvi kuti zvavakavapa sezvombo nesimba, uye nekuvatsigira kwavakaita nengirozi, zvese izvozvo zvikonzero zvekukunda, nemashoko akanaka, nekugadzikana, asi kukunda hakubvi kwazviri, asi kunobva kuna Allah vega. Zvino munyori uyu, kana vamwewo, angatsunga sei kunangisa kukumbira kwake rubatsiro nekukumbira kwake kukunda kuna Muporofita ﷺ, achifuratira Tenzi vepasi rose, varidzi vezvinhu zvese, uye vane simba pamusoro pezvinhu zvese?!
Hapana kupokana kuti uku kusaziva kwakaipisisa, uye zvakare ishirk yakakurisa. Saka zvinosungirwa pamunyori kuti atendeuke kuna Allah - vanorumbidzwa - nekutendeuka kwechokwadi. Uye kutendeuka kwechokwadi kunosanganisira zvinhu zvinoverengeka, zvinoti: Chekutanga: Kuzvidemba pane zvaakaita izvozvo. Chechipiri: Kusiya zvitadzo zvaakaita, Uye chechitatu: Kutsunga kusadzokera kwazviri, achikudza Allah nekuzvipira kwavari, nekuita zvavanorayira, pamwe nekuchenjerera kuita zvavakarambidza. Uku ndiko kutendeuka kwechokwadi. Uye pane chinhu chechina chine chekuita nekuti kana kukanganisa kwacho kuri pakodzero dzezvisikwa, chinova: : kudzorera kodzero kune muridzi wayo, kana kukumbira ruregerero kwaari.
Uye zvirokwazvo Allah vakaraira varanda vavo kuti vatendeuke, uye vakavavimbisa kugamuchira kutendeuka kwacho, sezvakutaur kwavakaita vari kumusoro-soro kuti:
﴿...وَتُوبُوا إِلَى اللَّهِ جَمِيعًا أَيُّهَ الْمُؤْمِنُونَ لَعَلَّكُمْ تُفْلِحُونَ﴾
{Uye tendeukai kuna Allah mose, imi vatendi, kuti mubudirire. 31} [An-Nur: 31]. Uye vakataura nezvemaKristu vakati:
﴿أَفَلَا يَتُوبُونَ إِلَى اللَّهِ وَيَسْتَغْفِرُونَهُ وَاللَّهُ غَفُورٌ رَحِيمٌ74﴾
{Saka havatendeuki here kuna Allah, uye vokumbira ruregerero kwavari? Uye Allah ndivo Muregereri, vane tsitsi.} "[Al-Maaidah: 74]." Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَالَّذِينَ لَا يَدْعُونَ مَعَ اللَّهِ إِلَهًا آخَرَ وَلَا يَقْتُلُونَ النَّفْسَ الَّتِي حَرَّمَ اللَّهُ إِلَّا بِالْحَقِّ وَلَا يَزْنُونَ وَمَنْ يَفْعَلْ ذَلِكَ يَلْقَ أَثَامًا68 يُضَاعَفْ لَهُ الْعَذَابُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ وَيَخْلُدْ فِيهِ مُهَانًا69 إِلَّا مَنْ تَابَ وَآمَنَ وَعَمِلَ عَمَلًا صَالِحًا فَأُولَئِكَ يُبَدِّلُ اللَّهُ سَيِّئَاتِهِمْ حَسَنَاتٍ وَكَانَ اللَّهُ غَفُورًا رَحِيمًا70﴾
{Uye avo vasingadani mumwe mwari pamwe chete naAllah, uye vasingaurayi munhu uyo akarambidzwa naAllah kunze pane chinangwa chakakodzera, uye vasingaiti upombwe. Uye uyo anoita izvi achawana murango 68}
{Murango wavo uchapamhidzirwa kwaari pazuva rokumutswa, uye achagara mauri nekusingaperi akadzikisirwa. 69}
{Kunze kweuyo anotendeuka, uye anotenda, uye achiita mabasa akanaka, avo ndivo Allah vachashandura mabasa avo akaipa kuva mabasa akanaka. Uye Allah ndivo Muregereri, Vvane tsitsi zvikuru. 70} [Al-Furqaan: 68-70]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَهُوَ الَّذِي يَقْبَلُ التَّوْبَةَ عَنْ عِبَادِهِ وَيَعْفُو عَنِ السَّيِّئَاتِ وَيَعْلَمُ مَا تَفْعَلُونَ25﴾
{Uye Ndivo vanogamuchira kutendeuka kubva kuvaranda vavo, uye vanoregerera zvitadzo, uye vanoziva zvamunoita.} [Ash-Shuura: 25].
Uye zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kuMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati:
«الإِسْلَامُ يَهْدِمُ مَا كَانَ قَبْلَهُ، وَالتَّوْبَةُ تَجُبُّ مَا كَانَ قَبْلَهَا».
"«Islam inodzima zvitadzo zvakaitwa nemunhu asati aigashira, uye kutendeuka kunodzima zvitadzo zvakaitwa mumashure.»"
Uye mashoko mapfupi aya ndakaanyora; nekuda kwehukuru hwenjodzi yeShirk, uye kuva kwayo chitadzo chikuru pazvitadzo zvese, uye nekutya kunyengerwa nezvakabuda kubva kumunyori uyu, uye nekusungirwa kwekuzvipira kuna Allah, nekupa zano kuvaranda vavo. Uye ndinokumbira Allah, hukuru hwavo ngahukudzwe, kuti vabatsire nawo, uye kuti vagadzirise mamiriro edu nemamiriro emaMuslim vose, uye kuti vatikomborere tose nekunzwisisa chitendero, nekusimba pachiri, uye kuti vatidzivirire pamwe nemaMuslim kubva kuhuipi hwedu, uye kubva kuhuipi hwemabasa edu. Zvirokwazvo, ndivo Muridzi wazvo, uye ndivo vanozvikwanisa.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare nekuropafadza Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaaba vavo.
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Gwaro rechitatu:
Pamutongo wekutsvaga rubatsiro kumaJinn nemaSatani nekuvaitira mhiko
Kubva kuna Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz kuenda kune muMuslim wese achariona, Allah ngavandibatsire ini naivo kuti tibatisise chitendero chavo, nekuramba takatsiga pachiri, Ameen.
"Assalaamu alaykum wa rahmatullahi wa barakatuhu (Rugare ngaruve kwamuri, netsitsi dzaAllah uye nemakomborero avo)."
Zvinotevera: Dzimwe hama dzakandibvunza maererano nezvinoitwa nevamwe vanhu vasingazivi; zvekukumbira (du'a) kune zvisiri Allah vanoremekedzwa, nekutsvaga rubatsiro kwazviri muzvinhu zvakakosha; zvakaita sekukuita du'a kumaJinn, nekutsvaga rubatsiro kwavari, nekuvaitira mhiko, nekuuraya mhuka dzekupira kwavari. Uye zvinosanganisirawo izvi zvakare kutaura kwevamwe vavo kwekuti: "Imi vanomwe", kureva: vatungamiri vanomwe vemaJinn mutorei, tyorai mapfupa ake, inwai ropa rake, mugure-gurei, imi vanomwe muitirei zvakati. Kana kuti kutaura kwevamwe vavo kwekuti: "Mutorei imi maJinn emasikati, imi maJinn ekupera kwemasikati", uye izvi zvinowanikwa zvakanyanya mune dzimwe nzvimbo dzekuchamhembe. Uye zvinobatanidzwa nenyaya iyi zvinosanganisira: kuita du'a kuvakafa kubva kuVaporofita, nevanhu vakarurama nevamwewo, nekuita du'a kungirozi, nekutsvaga rubatsiro kwavari. Nokudaro zvese izvi nezvakafanana nazvo zvinoitika kuvazhinji avo vanozviita maMuslim, nekuda kwekusaziva kwavo, uye nekutevedzera kwavo avo vakavatangira, uye pamwe vamwe vavo vanorerutsa izvozvo vachipa chikonzero chekuti: Ichi chinhu chinongotaurika parurimi, hatirevi kudaro uye hatizvitendi.
Uye akandibvunzawo: nezve mutemo wekuroorana neavo vanozivikanwa nemabasa aya, nekudya mhuka dzavo dzavanouray, nekuvaitira Swalaah, nekuita Swalaah kumashure kwavo, uye nezvekutenda muvanyengeri nevafemberi; seuyo anoti anoziva chirwere nezvikonzero zvacho nekungotarisa chete pachinhu chakabata muviri wemurwere; sechiremba, tirauzi, dhuku, nezvimwe zvakafanana neizvozvo.
Mhinduro: Rumbidzo yose ndeya Allah vari vega, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune uyo asina Muporofita anouya mushure make, pamwechete nemhuri yake nemaSwahaaba vake, neavo vose vanotevedzera gwara rake kusvika paZuva reKutongwa.
Mushure meizvi: Zvirokwazvo Allah, vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vakasika vanhu nemajinn kuti vavanamate, kwete zvese zvisiri ivo, uye kuti vaitire ivo vega du'a, vokumbira kununurwa navo vega, nekubaya zvibayiro kwavari chete, nemhiko, nedzimwe nzira dzose dzekunamata. Uye zvirokwazvo vakatumira vatumwa nechikonzero ichocho, uye vakavaraira izvozvo, vakaburutsa mabhuku ekudenga, hurusa rawo riri Qur'an inoremekedzwa, kuti atsanangure izvozvo uye nekudana vanhu kwazviri, uye kuyambira vanhu kubva pakubatanidza Allah nezvimwe zvinhu, nekunamata zvimwe kunze kwavo. Uye uyu ndiwo mudzi wemidzi yese uye hwaro hwekutenda nechitendero, uye ndizvo zvinoreva huchapupu hwekuti hapana chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah. Chokwadi ndechekuti: hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah. Mashoko aya anoramba humwari nekunamata zvese zvisiri Allah, uye anotsinhira - kureva kuti: kunamatwa - kwaAllah vari vega, kusiya zvese zvisiri ivo pazvisikwa zvese. Humbowo hweizvi kubva muBhuku raAllah neSunnah yeMutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, huzhinji chaizvo, hunosanganisira: mashoko aAllah vane vanoremekedzwa zvikuru ekuti:
﴿وَمَا خَلَقْتُ الْجِنَّ وَالْإِنْسَ إِلَّا لِيَعْبُدُونِ56﴾
{Uye handina kusika majinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate.} [Adh-Dhaariyaat: 56] Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakati:
﴿وَقَضَى رَبُّكَ أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا إِيَّاهُ...﴾
{Uye Tenzi vako vakaraira kuti musanamate chimwe chinhu kunze kwavo ...} [Al-Isra: 23], Uye Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿وَمَا أُمِرُوا إِلَّا لِيَعْبُدُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ حُنَفَاءَ...﴾
{Uye havana kurairwa kunze kwekuti vanamate Allah, vachizvipira muchitendero chavo kuna Allah voga, vasingasanganise Allah nechimwe chinhu mukunamata...} [Al-Bayyinah: 5], Uye Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿وَقَالَ رَبُّكُمُ ادْعُونِي أَسْتَجِبْ لَكُمْ إِنَّ الَّذِينَ يَسْتَكْبِرُونَ عَنْ عِبَادَتِي سَيَدْخُلُونَ جَهَنَّمَ دَاخِرِينَ60﴾
{Uye Tenzi venyu vakati: “Ndikumbirei, ndichakupindurai. Zvirokwazvo, avo vanozvikudza vasingandinamate vachapinda mkuGehena vakazvidzwa.”} [Ghafir: 60] Uye Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَإِذَا سَأَلَكَ عِبَادِي عَنِّي فَإِنِّي قَرِيبٌ أُجِيبُ دَعْوَةَ الدَّاعِ إِذَا دَعَانِ...﴾
{Uye kana varanda vangu vakakubvunza nezvangu, zvirokwazvo ini ndiri pedyo. Ndinopindura chikumbiro cheanokumbira kana achikumbira kwandiri...} [Al-Baqarah: 186].
Saka Allah vanorumbidzwa, vakatsanangura mumavhesi aya kuti vakasika vanhu nemajinn kuti vavanamate, uye kuti vakatara - kureva kuti: vakaraira uye vakakomekedza - varanda vavo muQur'aan rakajeka, uye nerurimi rwaMutumwa, rugare nemakomborero ngazvive kwavari, kuti hapana chakafanirwa kunamatwa kunze kwaTenzi vavo.
Uye vakajekesa - vakakwirira uye vanoremekedzwa - kuti kuita du'a kuna Allah kunamata kukuru, uyo anozvikudza achiusiya (munamato) achapinda muMoto. Uye vakaraira varanda vavo kuti vaite du'a kwavari vari voga, uye vakazivisa kuti vari pedyo uye vanopindura zvikumbiro zvavo. Naizvozvo zvinosungirwa kuvaranda vese kuti vaitire Tenzi vavo vega du'a; nokuti imhando yekunamata yavakasikirwa, uye yavakarairwa kuita. Allah (vanerukudzo rukuru) vakati:
﴿قُلْ إِنَّ صَلَاتِي وَنُسُكِي وَمَحْيَايَ وَمَمَاتِي لِلَّهِ رَبِّ الْعَالَمِينَ162 لَا شَرِيكَ لَهُ وَبِذَلِكَ أُمِرْتُ وَأَنَا أَوَّلُ الْمُسْلِمِينَ163﴾
{Iti (Iwe Muhammad): “Zvirokwazvo, munamato wangu, nezvibayiro zvangu, nehupenyu hwangu, nerufu rwangu ndezvaAllah, Tenzi vezvisikwa zvese.” 162}
{Havana mubatsiri, uye ndizvo zvandakarairwa, uye ndini wekutanga wemaMuslim...163}
[Al-An'aam: 162, 163].
Saka Allah vakaraira Muporofita wavo, rugare nemakomborero aAlllah ngazvive pavari, kuti vazivise vanhu kuti munamato wake, nezvibairo zvake - zvinova: kuuraya mhuka sechibairo -, nehupenyu hwake, nerufu rwake; ndezvaAllah Tenzi wezvisikwa zvose vasina mubatsiri. Naizvozvo uyo anouraya mhuka sechibairo kune chimwe chinhu kunze kwaAllah, zvirokwazvo anenge asanganisa Allah nevamwe, zvakangofanana nekuti anamata chimwe chinhu kunze kwaAllah; nekuti Allah vanokudzwa vakaita kuti munamato nekuuraya mhuka sechibairo zvifambirane, uye vakazivisa kuti zvese zviri zviviri ndezvaAllah vari voga vasina mubatsiri. Saka uyo anouraya mhuka muzita rechinhu chisiri Allah, semajinn, nengirozi, nevakafa, nevamwewo, achitsvaga kuswedera pedyo nazvo nekuita izvi, zvirokwazvo anenge akafanana neuyo anonamata chinhu chisiri Allah. Uye muHadith yechokwadi zvinotaurwa kuti Muporofita, maropafadzo nerunyararo ngazvive kwavari, vakataura kuti:
«لَعَنَ اللهُ مَنْ ذَبَحَ لِغَيْرِ اللهِ».
«Allah vakatuka uyo anouraya mhuka sechibairo kune zvimwe zvinhu zvisiri Allah.» Imaam Ahmad akashuma hadith ine sanad yakanaka, kubva kuna Twariq bin Shihaab (Allah ngavafare naye), kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) kuti vakati:
«مرَّ رَجُلَانِ عَلَى قَومٍ لَهُم صَنَمٌ لَا يَجُوزُهُ أَحَدٌ حَتَّى يُقرِّبَ لَهُ شَيئًا، فَقَالُوا لِأَحَدِهِمَا: قَرِّبْ. قَالَ: لَيسَ عِندِي شَيءٌ أَقَرِّبُهُ، قَالُوا: قَرِّبْ وَلَوْ ذَبَابًا، فَقَرَّبَ ذُبَابًا، فَخَلُّوا سَبِيلَهُ، فَدَخَلَ النَّارَ، وَقَالُوا لِلآخَرِ: قَرِّبْ. قَالَ: مَا كُنْتُ لِأُقَرِّبَ لِأَحَدٍ شَيْئًا دُونَ اللهِ جَلَّ جَلَالُهُ، فَضَرَبُوا عُنُقَه، فَدَخَلَ الجَنَّةَ».
«Varume vaviri vakapfuura nepakange paine boka revanhu vaive nechidhori, apo hapana munhu aibvumidzwa kupfuura napo kusvika apa chibayiro chechinhu kwachiri. Saka vakati kune mumwe wavo: 'Ipa chibayiro.' Iye akati: 'Handina chinhu chandingapa sechibayiro.' Vakati: 'Ipa chibayiro, kunyange iri nhunzi zvayo.' Saka akapa nhunzi sechibayiro, vakabva vamuregedza achienda zvake, saka akaenda kumoto. Uye vakati kune mumwe wacho: 'Ipa chibayiro.' Iye akati: 'Handingambopi chibayiro chechinhu kune ani nani asiri Allah, vane hukuru hwakakwirira.' Saka vakabva vadimbura mutsipa wake, uye akapinda muParadhiso.»
Saka kana uyo anoswedera kuchifananidzo nezvimwe zvakafanana nacho nekupa nhunzi nezvimwe zvakafanana nayo sechibayiro achive mubatanidzi (Mushrik), anokodzera kupinda mumoto, ko uyo anoita du'a kumajinn, kungirozi, nevatsvene (awliyaa) anenge akamira sei? Ko uyo anotsvaga rubatsiro kwavari, nekuvaitira mhiko, uye nekuswedera kwavari kuburikidza nekuuraya mhuka, achitarisira kuburikidza neizvi kuchengetedzwa kwepfuma yake, kana kupora kwemurwere wake, kana kuchengetedzwa kwezvipfuyo zvake nezvirimwa zvake, andnege akamira sei? Ko uyo anoita izvozvo nekutya huipi hwemajinn, kana zvimwe zvakafanana neizvozvo anenge akamira sei?! Hapana kupokana kuti uyo anoita izvi nezvakafanana nazvo ndiye anonyanya kukodzera kuva Mushrik, anokodzera kupinda mumoto, kupfuura murume uyu akapa nhunzi kuchifananidzo sechibayiro.
Uye zvakauya pamusoro peizvozvo -zvakare- zvinosanganisira mazwi aAllah vane hukuru hwakakura ekuti:
﴿إِنَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ فَٱعۡبُدِ ٱللَّهَ مُخۡلِصٗا لَّهُ ٱلدِّينَ2 أَلَا لِلَّهِ ٱلدِّينُ ٱلۡخَالِصُۚ وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ3﴾
{Zvirokwazvo, takadzikisa kwauri Gwaro nechokwadi, saka namata Allah uchipira chitendero kwavari. 2}
{Zvirokwazvo, chitendero chakachena ndechaAllah chete. Uye avo vanotora vabatsiri kunze kwavo (vachiti): “Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze pedyo naAllah .” Zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo pane izvo zvavanopikisana mazviri. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anonyepa, asingatendi. 3} "[Az-Zumar: 1-3]," Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَيَعْبُدُونَ مِنْ دُونِ اللَّهِ مَا لَا يَضُرُّهُمْ وَلَا يَنْفَعُهُمْ وَيَقُولُونَ هَؤُلَاءِ شُفَعَاؤُنَا عِنْدَ اللَّهِ قُلْ أَتُنَبِّئُونَ اللَّهَ بِمَا لَا يَعْلَمُ فِي السَّمَاوَاتِ وَلَا فِي الْأَرْضِ سُبْحَانَهُ وَتَعَالَى عَمَّا يُشْرِكُونَ18﴾
{Uye vanonamata kunze kwaAllah (Mwari) avo vasingavakuvadzi kana kuvabatsira, uye vanoti: “Ava ndivo varevereri vedu kuna Allah.” Iti (Iwe Muhammad): “Muri kuzivisa Allah here nezveizvo zvavasingazivi kumatenga kana pasi?” Ngavarumbidzwe uye vari kumusoro-soro pane izvo zvavanosanganisa naye (mukunamata).}
[Yunus: 18].
Saka Allah, ngavarumbidzwe, vakazivisa mumavhesi maviri aya, kuti avo vanobatanidza Allah nezvimwe vakatora vabatsiri muzvisikwa kunze kwaAllah , vachivanamata pamwechete naAllah kuburikidza nekutya, tariro, kubaya mhuka, mhiko, du'a nezvimwewo zvakadaro, vachiti vabatsiri ivavo vanoswededza avo vanovanamata pedyo naAllah, uye vanovareverera kwavari. Ndokubva Allah, ngavarumbidzwe, varatidza kunyepa kwavo, uye vakaburitsa pachena nhema dzavo, ndokuvati vanyepi, vasingatendim uye maMushrik. Uye vakazvichenesa kubva mukubatanidza kwavo nezvimwe. Vakataura, vanoremekedzwa uye vari kumusoro-soro, kuti:
﴿...سُبْحَانَهُ وَتَعَالَى عَمَّا يُشْرِكُونَ﴾
{...Kurumbidzwa ngakuve kwavari uye vari pamusoro pezvese zvavanovabatanidza nazvo mukunamata.} [An-Nahl: 1]. Saka zvinozivikanwa kubva pane izvi kuti wese anotora ngirozi, Muporofita, jinn, muti, kana dombo, achizviitira du'a pamwechete naAllah, nekukumbira rubatsiro kwazviri, uye nekutsvaga kuswedera pedyo nazvo kuburikidza nekuita mhiko, nekubaya mhuka, aine tariro yekurevererwa nazvo kuna Allah, nekumuswededza pedyo navo, kana tariro yekupora kwemurwere, kana kuchengetedzwa kwepfuma, kana kuchengetedzeka kune uyo ari kure, kana zvimwewo zvakafanana neizvi; zvirokwazvo anenge awira muShirk iyi huru, nedambudziko rakaipisisa, iro Allah vakataura nezvaro kuti:
﴿إِنَّ اللَّهَ لَا يَغْفِرُ أَنْ يُشْرَكَ بِهِ وَيَغْفِرُ مَا دُونَ ذَلِكَ لِمَنْ يَشَاءُ وَمَنْ يُشْرِكْ بِاللَّهِ فَقَدِ افْتَرَى إِثْمًا عَظِيمًا48﴾
{Zvirokwazvo, Allah havaregereri kusanganiswa kwavo nechimwe mukunamatwa, uye vanoregerera zviri pasi peizvozvo kune wavanoda. Uye uyo anosanganisa Allah nezvimwe, zvirokwazvo anenge aita chivi chikuru...} [An-Nisa: 48], Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati:
﴿...إِنَّهُ مَنْ يُشْرِكْ بِاللَّهِ فَقَدْ حَرَّمَ اللَّهُ عَلَيْهِ الْجَنَّةَ وَمَأْوَاهُ النَّارُ وَمَا لِلظَّالِمِينَ مِنْ أَنْصَارٍ﴾
{Zvirokwazvo, uyo anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukuvanamata, Allah vakamurambidza Paradhiso, uye moto uchave nzvimbo yake yokugara. Uye avo vanoita zvakaipa havana vabatsiri...} [Al-Maaidah: 72].
Uye kureverera kuchangowanikwa pazuva rekutongwa kune vanhu vanotenda kuna Allah vari voga uye vakazvipira kwavari, kwete kune avo vanosanganisa Allah nevamwe, sezvakataura nemuMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) pavakavhumzwa kuti: O Mutumwa waAllah, ndiani muvanhu achanyanya kufadzwa nekureverera kwenyu? Vakati:
«مَنْ قَالَ: لَا إِلَهَ إِلَّا اللهُ خَالِصًا مِنْ قَلْبِهِ».
"Ani nani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, achizvipira kubva mumoyo make." Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«لِكُلِّ نَبِيٍّ دَعْوَةٌ مُسْتَجَابَةٌ، فَتَعَجَّلَ كُلُّ نَبِيٍ دَعْوَتَهُ، وَإِنِّي اخْتَـبَأْتُ دَعْوَتِي شَفَاعَةً لِأُمَّتِي يَومَ القِيَامَةِ، فَهِيَ نَائِلَةٌ إِنْ شَاءَ اللهِ مَن مَاتَ مِنْ أُمَّتِي لَا يُشْرِكُ بِاللهِ شَيْئًا».
«Muporofita wese ane du’a rinopindurwa, saka muporofita wese akakurumidzira kuita du’a rake, uye zvirokwazvo ini ndakachengeta du’a kuti ugova unoreverera Ummah yangu Musi weKutongwa, uye uchasvika, kana Allah vachida, kune uyo anofa kubva muUmmah yangu asingasanganisi Allah nechero chii zvacho.»
Uye maMushrikuun (avo vanobatanidza Allah nezvimwe zvinhu pakunamata) vekutanga vaitenda kuti Allah ndivo Tenzi wavo, Musiki wavo, neMupi wavo weraramo. Asi vakazobatirira pavaporofita, vatsvene, ngirozi, miti, matombo, nezvimwe zvakadaro, vachitarisira kuti zvinhu izvozvo zvaizovareverera kuna Allah uye kuvavaswededza pedyo navo, sezvambotaurwa mumavhesi. Asi Allah havana kuvaregerera nekuda kweizvozvo. Allah Allah vakavashora muBhuku Ravo Guru uye vakavati vanhu vasingatendi nevanhu vanoita shirk). Uye Allah vakaramba zvavaitaura kuti vanamwari ava vaizovareverera uye kuvavaswededza pedyo naAllah. Uye Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, havana kuvaregererawo; asi vakarwa navo pamusoro peshirk iyi kusvikira vanatsa kunamata kwavo kuna Allah chete, vachitevera mashoko aMwari Wekumusoro
Zvavaiita izvi muBhuku ravo Guru, uye vakavadana kuti vasingatendi nevanobatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukunamata, uye vakavaita vanyepi mukutaura kwavo kuti vanamwari vavo venhema ava vachavareverera uye nekuvaswededza pedyo naAllah. Uye Mutumwa waAllah (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive paari) haana kuvapembedza, asi Muporofita (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive paari) akavarwisa pamusoro pekubatanidza kwavo Allah (Mwari) nezvimwe zvinhu mukunamata uku kusvikira vachenesa kunamata kwavo kuna Allah (Mwari) chete, vachitevedzera mashoko avo, Ngavarumbidzwe:
﴿وَقَاتِلُوهُمْ حَتَّى لَا تَكُونَ فِتْنَةٌ وَيَكُونَ الدِّينُ لِلَّهِ...﴾
{Uye varwisei kusvikira kusisina Fitnah (kunamata zvimwe zvinhu kunze kwaAllah ), uye chitendero chova chaAllah voga...} [Al-Baqarah: 193]. Uye Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
«أُمِرْتُ أَنْ أُقَاتِلَ النَّاسَ حَتَّى يَشْهَدُوا أَنْ لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ وَأَنَّ مُحَمَّدًا رَسُولُ اللهِ، وَيُقِيمُوا الصَّلَاةَ، وَيُؤتُوا الزَّكَاةَ، فَإِذَا فَعَلُوا ذَلِكَ عَصَمُوا مِنِّي دِمَاءَهُم وَأَمْوَالَهُمْ إِلَّا بِحَقِّ الإِسْلَامِ، وَحِسَابُهُم عَلَى اللهِ».
«Ndakarairwa kuti ndirwise vanhu kusvikira vapupura kuti hapana anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, uye vaite Swalah (munamato), uye vape Zakaah, saka kana vaita izvozvo vanenge vachengetedza ropa ravo nepfuma yavo kubva kwandiri, kunze nekodzero yeIslam, uye mutongo wavo uri kuna Allah». Uye zvinoreva zvaakataura Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vachiti:
«حَتَّى يَشْهَدُوا أَن لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ».
«Kusvikira vapupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah» kureva kuti: vanamate Allah vari vega, pasina zvimwe zvese zvisiri ivo.
Uye zvirokwazvo avo vainamata Allah nevanamwari venhema vaitya majinn uye vaipotera kwavari, saka Allah vari kumusoro-soro vakadzikisa maererano neizvozvo mashoko avo ekuti:
﴿وَأَنَّهُ كَانَ رِجَالٌ مِنَ الْإِنْسِ يَعُوذُونَ بِرِجَالٍ مِنَ الْجِنِّ فَزَادُوهُمْ رَهَقًا6﴾
{Uye zvirokwazvo kwaive nevarume kubva muvanhu vaipotera kuvarume vemajinn, saka (majinn) vakavawedzera mukutadza nekupfurikidza mwero 6} [Al-Jinn: 6]. Nyanzvi dzeTafsir dzakataura pamusoro pezvinoreva ndima inoera yekuti:
﴿...فَزَادُوهُمْ رَهَقًا﴾
{...saka vakavawedzera mukutadza nekupfurikidza mwero.} kuti zvinoreva kuti: kuvhunduka nekutya; nekuti majinn anozvikudza pachawo nekuzvitutumadza, kana achiona vanhu vachitsvaga dziviriro kwavari, uye nokudaro anowedzera kuvatyisa nekuvavhundutsa, kuitira kuti vawedzere kuvanamata, nekupotera kwavari.
Uye Allah vakatsiva maMuslim pachinzvimbo chaizvozvo nekutsvaga dziviriro kwavari (kurumbidzwa ngakuve kwavari), nemashoko avo akakwana, uye vakadzikisa maererano neizvozvo mashoko avo (vane hukuru nekukudzwa) ekuti:
﴿وَإِمَّا يَنْزَغَنَّكَ مِنَ الشَّيْطَانِ نَزْغٌ فَاسْتَعِذْ بِاللَّهِ إِنَّهُ سَمِيعٌ عَلِيمٌ200﴾
{Uye kana zevezeve rakaipa kubva kuna Shaitwani (Satani) rikakuzevezera, potera kuna Allah. Zvirokwazvo, Iye anonzwa zvose, anoziva zvose.} [Al-A'araaf: 200]. Uye Allah vekukudzwa nehukuru vakati:
﴿قُلْ أَعُوذُ بِرَبِّ الْفَلَقِ1﴾
{Iti: Ndinokumbira kudzivirirwa naTenzi wemambakwedza...} Uye zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, kuti vakati:
«مَنْ نَزَلَ مَنْزِلًا فَقَالَ: (أَعُوذُ بِكَلِمَاتِ اللهِ التَّامَّاتِ مِنْ شَرِّ مَا خَلَقَ)؛ لَم يَضُرَّهُ شَيءٌ حَتَّى يَرْتَحِلَ مِنْ مَنْزِلِهِ ذَلِكَ».
«Ani nani anosvika panzvimbo otaura kuti: (Ndinopotera kumashoko aAllah akakwana kubva kune zvakaipa zvezvaakasika); hapana chinhu chinomukuvadza kusvikira abva panzvimbo yake iyoyo».
Uye kubva pane zvakapfuura mumavhesi nemaHadith, munhu anotsvaga ruponeso, anoshuvira kuchengetedza chitendero chake, nekuchengetedzeka kubva kuShirk, ingava diki kana huru, anoziva; kuti kuvimba nevakafa, ngirozi, majinn, nezvimwewo zvisikwa, nekuita du'a kwazviri, nekutsvaga dziviriro kwazviri, nezvimwe zvakafanana neizvozvo; ndemamwe mabasa evanhu venguva yekusaziva (Jahiliyyah) avo vaive maMushrikuun, uye iShirk yakaipisisa kuna Allah, vanoremekedzwa. Naizvozvo zvinosungirwa kuzvisiya, nekungwarira izvozvo, nekukurudzirana kuzvisiya, uye kushora uyo anozviita.
Uye uyo anozivikanwa muvanhu nemabasa aya eShirk: hazvitenderwi kuroorana naye, kana kudya mhuka yaauraya, kana kumunamatira, kana kunamata kumashure kwake, kusvika azivisa kutendeuka kwake kuna Allah, vanoremekedzwa kubva pazviri, uye ozvipira pakuita du'a nekunamata Allah vari voga. Uye kuita du'a ndiko kunamata, uye ndiwo musimboti wacho, sekutaura kwakaita Muporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, kuti:
«الدُّعَاءُ هُوَ العِبَادَةُ».
«Kuita du'a kuna Allah ndiko kunamata». Uye zvakarondedzerwa kubva kune Mutumwa (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) mune mamwe mashoko kuti vakati:
«الدُّعَاءُ مُخُّ العِبَادَةِ».
"«Kuita du'a ndiwo musimboti wekunamata»." Panyaya yekuroorana nemaMushirik: Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿وَلَا تَنْكِحُوا الْمُشْرِكَاتِ حَتَّى يُؤْمِنَّ وَلَأَمَةٌ مُؤْمِنَةٌ خَيْرٌ مِنْ مُشْرِكَةٍ وَلَوْ أَعْجَبَتْكُمْ وَلَا تُنْكِحُوا الْمُشْرِكِينَ حَتَّى يُؤْمِنُوا وَلَعَبْدٌ مُؤْمِنٌ خَيْرٌ مِنْ مُشْرِكٍ وَلَوْ أَعْجَبَكُمْ أُولَئِكَ يَدْعُونَ إِلَى النَّارِ وَاللَّهُ يَدْعُو إِلَى الْجَنَّةِ وَالْمَغْفِرَةِ بِإِذْنِهِ وَيُبَيِّنُ آيَاتِهِ لِلنَّاسِ لَعَلَّهُمْ يَتَذَكَّرُونَ221﴾
{Uye musaroora vakadzi vanobatanidza Allah (Mwari) nezvimwe zvinhu kusvikira vatenda. Uye zvirokwazvo, murandakadzi mutendi ari nani pane mukadzi anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu, kunyange akakufadzai. Uye musarooredza varume vanobatanidza Allah nezvimwe zvinhu kusvikira vatenda. Uye zvirokwazvo, muranda ari mutendi wechirume ari nani pane murume anobatanidza Allah nezvimwe zvinhu, kunyange akakufadzai. Avo vanokukokerai kumoto, asi Allah vanokukokerai kuParadhiso neruregerero nemvumo yavo. Uye vanojekesa zviratidzo zvavo kuvanhu kuti zvimwe vangayeuka.} [Al-Baqarah: 221], Saka Allah, ngavarumbidzwe, vakarambidza maMuslim kuroora vakadzi vanobatanidza Allah nezvimwe, kubva kune avo vanonamata zvidhori, majinn, ngirozi, nezvimwe zvakadaro, kusvika vatenda nekuzvipira kunamata kwavo kuna Allah vari vega, nekubvuma Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pane zvavakauya nazvo, nekutevera nzira yavo. Uye vakarambidza kuroodza varume vanobatanidza Allah nezvimwe kuvakadzi maMuslim, kusvika vatenda nekuzvipira kuna Allah vari vega pakunamata kwavo, nekubvuma Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), nekuvatevera.
Uye Allah vekumusoro-soro vakazivisa kuti murandakadzi mutendi ari nani pane mukadzi asiri muranda asingatendi, kunyangwe akakwezva uyo anomutarisa, uyo waanonzwa zvaanotaura, nekuda kwekunaka kwake nekunaka kwekutaura kwake, uye kuti muranda mutendi ari nani pane murume asiri muranda asingatendi, kunyangwe akakwezva uyo anomunzwa neanomutarisa, nekuda kwekunaka kwake, nekugona kwake kutaura, nehushingi hwake, nezvimwe zvakafanana naizvozvo. Zvadaro vakajekesa zvikonzero zvekusarudzwa uku nemashoko avo, ivo vekumusoro-soro ekuti:
﴿...أُولَئِكَ يَدْعُونَ إِلَى النَّارِ...﴾
{...Avo ndivo vanokoka kuMoto...} [Al-Baqarah: 221]. Izvi zvinoreva: avo vanonamata vamwe vanamwari pamwechete naAllah (varume nevakadzi); nokuti vari pakati pevanokoka kuMoto nemazwi avo, nemabasa avo, nemararamiro avo, uye netsika dzavo. Asi vatendi (varume nevakadzi) vari pakati pevanokoka kuParadhiso netsika dzavo, nemabasa avo, uye nemararamiro avo. Saka ava neavo vangave vakaenzana sei!
Panhau yekuitira Swalaah kunemuMushrik: zvirokwazvo Allah vanoremekedzwa uye vari kumusoro-soro vakataura nezvevanyengeri (Munafiqun) vakati:
﴿وَلَا تُصَلِّ عَلَى أَحَدٍ مِنْهُمْ مَاتَ أَبَدًا وَلَا تَقُمْ عَلَى قَبْرِهِ إِنَّهُمْ كَفَرُوا بِاللَّهِ وَرَسُولِهِ وَمَاتُوا وَهُمْ فَاسِقُونَ84﴾
{Uye usambofa wakanamatira chero mumwe wavo kana afa, uye usamire paguva rake. Zvirokwazvo, ivo havana kutenda munaAllah neMutumwa wavo, uye vakafa vari vatadzi.} [At-Tawbah: 84]. Saka Allah (vanoremekedzwa, vari kumusoro-soro) vakajekesa muvhesi iyi inokudzwa kuti munyengeri nemunhu asingatendi havaitirwi Swalaah; pamusana pekusatenda kwavo muna Allah neMutumwa wavo, uye saizvozvo Swalaah haiitwi kumashure kwavo, uye havaitwi maImaam emaMuslim; pamusana pekusatenda kwavo nekushaikwa kwekuvimbika kwavo, nepamusana peruvengo rukuru ruri pakati pavo nemaMuslim, uye nekuti havasi vanhu veSwalaah nekunamata; nekuti hapana basa rinotambirwa rinoitwa nemunhu asingatendi nemuMushrik. Tinokumbira kuna Allah kuchengetedzwa kubva kune izvozvo. Panyaya yekudya mhuka dzakabayiwa nemaMushrik: chokwadi Allah vanorumbidzwa, vari kumusoro-soro vakataura vachijekesa kurambidzwa kwemhuka dzakafa dzega pamwe nemhuka dzakabayiwa nemaMushrik vakati:
﴿وَلَا تَأْكُلُوا مِمَّا لَمْ يُذْكَرِ اسْمُ اللَّهِ عَلَيْهِ وَإِنَّهُ لَفِسْقٌ وَإِنَّ الشَّيَاطِينَ لَيُوحُونَ إِلَى أَوْلِيَائِهِمْ لِيُجَادِلُوكُمْ وَإِنْ أَطَعْتُمُوهُمْ إِنَّكُمْ لَمُشْرِكُونَ121﴾
{Uye musadya kubva pane izvo zvisina kutaurwa zita raAllah (Mwari) pazviri (pazvinourayiwa), uye zvirokwazvo ikoko kutadza. Uye zvirokwazvo, vanaSatani vanozevezera kushamwari dzavo kuti dzikakavadzane nemi. Uye kana mukavateerera, zvirokwazvo munenge mava vaiti veShirk.} [Al-An‘aam: 121], Saka Allah, Samasimba vanokudzwa, vakarambidza maMuslim kudya mhuka yakafa yoga, pamwe nemhuka yakaurayiwa nemaMushrik; nekuti yakasviba. Mhuka yaanenge auraya yakafanana nemhuka yakafa yega, kunyangwe akataura zita raAllah pakuiuraya; nekuti kutaura kwaanoita zita raAllahhakushande uye hakuna zvakunobatsira; nekuti ikoko kunamata, uye Shirk inoparadza kunamata nekuita kuti kusashande, kusvikira atendeuka kuna Allah, vanorumbidzwa. Uye zvirokwazvo Allah. Samasimba, vanorumbidzwa vakabvumidza kudya mhuka dzinourayiwa nevanhu vakapihwa maGwaro kare (maJudha nemaKristu) mukutaura kwavo (kukudzwa ngakuve kwavari) kuti:
﴿...وَطَعَامُ الَّذِينَ أُوتُوا الْكِتَابَ حِلٌّ لَكُمْ وَطَعَامُكُمْ حِلٌّ لَهُمْ...﴾
{...Uye zvokudya zveavo vakapihwa Gwaro zvinotenderwa kwamuri, uye zvokudya zvenyu zvinotenderwa kwavari...} [Al-Ma'idah: 5]. Zvinodaro nekuti ivo vanozviti vanotevera chitendero chekudenga, uye vachiti vateveri vaMusa (Mozisi) naIsa (Jesu), kunyangwe zvazvo vachinyepa pakudaro. Uye Allah vakatsiva chitendero chavo nekuchipedza kuburikidza nekutumwa kwaMuhammad (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive paari) kuvanhu vose, asi Allah vekumusoro-soro vakatitendera kudya mhuka dzakaurayiwa nevanhu vakapihwa maGwaro kare nekuroora vakadzi vekurudzi rwavo; nekuda kwehuchenjeri hwakadzama nezvakavanzika zvine chinangwa, izvo zvakatsanangurwa nevanhu veruzivo. Izvi zvakasiyana nemaMushrik vanonamata zvifananidzo nevakafa, vanosanganisira maporofita, vatsvene nevamwevo; nekuti chitendero chavo hachina hwaro, kana fungidziro yekuti ndechokwadi, asi chingori chenhema kubva pahwaro hwacho, naizvozvo mhuka inobaiwa nevanhu vacho inenge yakangofanana nemhuka yakafa yega, uye hazvitenderwi kuidya.
Panyaya yekuti munhu anoti kune uyo waari kutaura: "Jinn rakubata, jinn rakutora, Satani abhururuka newe, nezvimwewo zvakafanana neizvozvo, izvi zviri muchikamu chekutuka nekunyomba, uye izvozvo hazvibvumirwi pakati pemaMuslim, semamwe marudzi ose ekutuka nekunyomba, uye izvozvo hazvisi muchikamu cheShirk, kunze kwekunge uyo ari kutaura izvozvo achitenda kuti majinn anoita zvaanoda kuvanhu pasina mvumo yaAllah uye kuda kwavo, Saka uyo anotenda izvozvo mumaJinn kana muzvimwe zvisikwa, anove munhu asingatendi nekuda kweizvozvo; nekuti Allah ngavarumbidzwe ndivo muridzi wezvinhu zvese, uye vane simba pamusoro pezvinhu zvese, uye ndivo Mupi werubatsiro nezvakaipa, uye hapana chinovapo kunze kwekuti vabvumira, vada, uye nehurongwa hwavo hwepakutanga, sekutaura kwavakaita ivo vane hukuru hwese, vachiraira Muporofita wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kuti vaudze vanhu nemusimboti mukuru uyu, vakati:
﴿قُلْ لَا أَمْلِكُ لِنَفْسِي نَفْعًا وَلَا ضَرًّا إِلَّا مَا شَاءَ اللَّهُ وَلَوْ كُنْتُ أَعْلَمُ الْغَيْبَ لَاسْتَكْثَرْتُ مِنَ الْخَيْرِ وَمَا مَسَّنِيَ السُّوءُ إِنْ أَنَا إِلَّا نَذِيرٌ وَبَشِيرٌ لِقَوْمٍ يُؤْمِنُونَ188﴾
{Iti (iwe Muhammad): ‘Handina simba pachangu rekuunza zvinobatsira kana zvakaipa, kunze kweizvo zvinodiwa naAllah. Uye dai ndaiziva zvakavanzika, ndingadai ndakazviwanzira zvinhu zvakanaka, uye hapana chakaipa chaizondibata. Zvirokwazvo ini ndingori muyambiri chete nemupi wemashoko akanaka kuvanhu vanotenda.’} [Al-A'raaf: 188]. Saka kana mutungamiri wezvisikwa uye akanakisisa pazviri, rugare nekuropafadzwa ngakuve kwavari, vasina simba pachavo rekuunza zvinobatsira kana zvakaipa, kunze kwezvinenge zvadiwa naAllah, saka zvakadini kune vamwe kunze kwavo muzvisikwa?! Uye ndima dzinoreva izvi dzakawanda.
Nyaya kubvunza vafemberi, nevanoita zvemashiripiti, nevaongorori venyeredzi, nevamwewo vakafanana navo, vanoti vanoziva zvakavanzika, chiito chakaipa uye hazvibvumidzwe, uye kutenda mune zvavanotaura kwakatonyanya kuipa; uye kunotova rimwe remapazi ekusatenda; zvichibva pamashoko eMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, anoti:
«مَنْ أَتَى عَرَّافًا فَسَأَلَهُ عَنْ شَيءٍ؛ لَمْ تُقْبَلْ لَهُ صَلَاةٌ أَرْبَعِينَ يَومًا».
«Anenge aenda kumushoperi kunobvunzira nezvechimwe chinhu; Swalaah yake haigamuchirwi kwemazuva makumi mana.» Yakarondedzerwa naMuslim muSahih yake. Uye mubhuku rake raSahih zvakare, mune nhaurwa kubva kuna Mu'awiyah bin al-Hakam al-Sulami, Allah ngavafare naye:
«أَنَّ النَّبيَّ ﷺ نَهَى عَنْ إِتْيَانِ الكُهَّانِ وَسُؤَالِهِم».
"«Kuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakarambidza kuenda kuvafemberi nekuvabvunza»."
Uye vanyori vemabhuku eSunan vakarondedzera kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakataura kuti:
«مَنْ أَتَى كَاهِنًا، فَصَدَّقَهُ بِمَا يَقُولُ؛ فَقَدْ كَفَرَ بِمَا أُنْزِلَ عَلَى مُحَمَّدٍ ﷺ».
«Ani nani anoenda kumushoperi, ndokutenda mune zvaanotaura; zvirokwazvo anenge atoramba kutenda mune zvakadzikiswa kuna Muhammad ﷺ». Uye maHadith anoreva izvi mazhinji. Saka zvinosungirwa kumaMuslim: kungwarira kubvunza n'anga nevafemberi, nevamwewo vese vanoita zvemashiripiti, vanoita basa rekuzivisa nezvezvinhu zvakavanzika, nekurasisa maMuslim, zvingave muzita rekurapa kana zvimwewo, nekuda kwekurambidzwa kweizvozvo neMuporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, uye kuyambira kwake nezvazvo, Uye izvi zvinosanganisira: izvo zvinotaurwa nevamwe vanhu muzita rekurapa, sezvinhu zvakavanzika, kana akanhuwidza chiremba chemurwere, kana dhuku remurwere wechikadzi, kana zvimwe zvakadaro, obva ati: "Murwere uyu kana murwere wechikadzi uyu akaita chakati, nekugadzira chakati", achireva zvinhu zvakavanzika izvo zvisina zvinotaridzwa nazvo muchiremba kana zvimwe zvakadaro, zvisina humbowo. Chinangwa chaicho cheizvi ndechekunyengedza ruzhinji, kuitira kuti vati: "Anoziva zvekurapa, uye mhando dzehurwere nezvikonzero zvahwo." Uye pamwe anovapa mimwe mishonga, izvo zvinogona kupindirana nekuporeswa nekutara kwaAllah, vobva vafunga kuti zvikonzerwa nemushonga wake. Uye pamwe hurwere hunokonzerwa nemamwe majinn nemaSatani, avo vanobatsira uyo anozviti murapi, uye vanomuudza nezvezvimwe zvakavanzika zvavanoona, obva avimba neizvozvo, ofadza majinn nemaSatani nezvinovakodzera mukunamata, vobva vasiyana nemurwere iyeye, uye vanosiya zvese zvavainge vakazvipinza mazviri pamwechete naye zvine kukuvadza kana zvakaipa, uye ichi chinhu chinozivikanwa kuti ndiko kuita kwemajinn nemaSatani neavo vanovashandisa.
Zvinosungirwa kumaMuslim zvakare: kuchenjerera izvozvo, nekurayirana kuzvisiya, nekuvimba naAllah vanorumbidzwa, uye nekuvimba navo muzvinhu zvese. Hapana chakaipa pakushandisa Ruqyah inotenderwa nemishonga inobvumirwa, nekurapwa nevanachiremba avo vanoongorora murwere, nekuve nechokwadi chechirwere chake, kuburikidza nenzira dzinobatika nedzinonzwisisika. Uye zvakatsinhirwa pachokwadi kubva kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti vakataura kuti:
«مَا أَنْزَلَ اللهُ دَاءً إِلَّا أَنْزَلَ لَهُ شِفَاءً، عَلِمَهُ مَنْ عَلِمَهُ، وَجَهِلَهُ مَنْ جَهِلَهُ».
«Allah havana kuunza chirwere kunze kwekuti vakaunza zvakare mushonga wacho, unozivikanwa neuyo anouziva, uye hauzivikanwi neuyo asingauzivi.» Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura vakati:
«لِكُلِّ دَاءٍ دَوَاءٌ، فإِذَا أُصِيبَ دَوَاءٌ الدَّاءَ بََرَأَ بِإِذْنِ اللهِ».
«Chirwere chimwe nechimwe chine mushonga, saka kana mushonga ukaenderana nechirwere, murwere anopora nemvumo yaAllah». Uye Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura vakati:
«عِبَادَ اللهِ، تَدَاوَوا وَلَا تَدَاوَوا بِحَرَامٍ».
«Varanda vaAllah, tsvagai kurapwa, uye musatsvaga kurapwa nechinhu chakarambidzwa.» Uye maHadith anoreva izvi mazhinji.
Saka tinokumbira kuna Allah, vane hukuru hwakakudzwa, kuti vagadzirise mamiriro emaMuslim ese, uye kuti varape moyo yavo nemiviri yavo kubva mune zvakaipa zvese, uye vavaunganidze panhungamiro, uye vatidzivirire isu navo kubva kumiedzo inorasisa, uye kubva mukuteerera Satani nevatsigiri vake. Zvirokwazvo, ivo vane simba pazvinhu zvese, uye hakuna kugona kana simba kunze kwekuna Allah, vekumusoro-soro, vakuru.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare nekuropafadza Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaaba avo.
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Gwaro rechina:
Rinotaura nezvemutongo wekunamata neminyengetero (maAwraad) yebid'ah neshirk
Kubva kuna Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz kuenda kuhama inoremekedzwa (.........), Allah ngavamutungamirire kune zvakanaka zvese, Amin.
Rugare netsitsi zvaAllah nemakomborero avo ngazvive pamuri.
Mushure meizvi: Gwaro renyu rinoremekedzwa rakasvika kwandiri, Allah ngavakutungamirirei negwara ravo, uye nezviri mukati maro zvinopa ruzivo rwekuti munyika menyu mune vanhu vakabatisisa minamato nemaAwrad izvo zvisina kudzikiswa naAllah , mamwe acho anove bid'ah, uye mamwe acho anova eshirk, uye vanoti izvozvo zvinobva kuMutungamiri weVatendi: Ali bin Abi Talib, Allah ngavafare naye, nevamwewo. Uye vanoverenga maAwraad iwayo mumagungano eDhikr, kana mumaMasjid mushure meSwalaah yeMaghrib, vachiti inzira yekuswedera pedyo naAllah, semashoko avo ekuti: Nekodzero yaAllah, imi varume vaAllah, tibatsirei nerubatsiro rwaAllah, uye muve vabatsiri vedu kuburikidza naAllah. Uye sekutaura kwavo kuti: “O imi vatungamiri, O imi madzishe, tipindurei imi varidzi veruyamuro matiri, mutireverere kuna Allah, uyu muranda wenyu akamira, akazvipira pamusuwo wenyu, uye achitya pamusoro pekutadza kwake, tibatsirei imi Mutumwa waAllah, handina mumwe wandingaende kwaari kunze kwenyu, kubva kwamuri ndiko kunowanikwa zvinodiwa, uye imi muri vanhu vaAllah, naHamzah mutungamiri wevakafira chitendero, uye ndiani pakati penyu angave ruyamuro kwatiri, tibatsirei O imi Mutumwa waAllah. Uye sekutaura kwavo kuti: O Imi Allah, ropafadzai uyo wamakaita chikonzero chekuzarurwa kwezvakavanzika zvenyu zvemasimba, nekubuda pachena kwechiedza chenyu chengoni, akabva ava mumiririri weruzivo rwehumwari, uye Khalifa (mutevedzeri) wezvakavanzika zvemamiriro enyu.
Uye chido chenyu chekutsanangurirwa izvo zviri Bid'ah, neizvo zviri Shirk, uye kuti Swalaah inotenderwa here kumashure kwaImaam anoita du'a iri, zvese izvozvo zvanga zvichizivikanwa?
Mhinduro: Rumbidzo yose ndeya Allah vari vega, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune uyo asina mumwe Muporofita mushure make, pamwe chete nemhuri yake nemaSwahaba vake, neavo vose vanotungamirirwa negwara rake kusvika kuZuva reKutongwa.
Kutevera izvozvo: Ziva - Allah ngavakupe budiriro - kuti Allah, vanorumbidzwa, vakasika zvisikwa uye vakatumira vatumwa, maropafadzo nerugare ngaruve kwavari, kuti vanamatwe vari voga vasina mubatsiri anovabatsira, kusiya zvose zvisiriivo, sekutaura kwavakaita, ivo vekumusoro-soro vachiti:
﴿وَمَا خَلَقْتُ الْجِنَّ وَالْإِنْسَ إِلَّا لِيَعْبُدُونِ56﴾
{Uye handina kusika majinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate.} [Adh-Dhaariyaat: 56].
Uye kunamata - sezvakatsanangurwa pakutanga - ndiko: kuvateereraivo vanoremekedzwa nekuteerera Mutumwa wavo Muhammad ﷺ; nekuita zvaakaraira Allah neMutumwa wavo, nekusaita zvavakarambidza ivo Allah neMutumwa wavo, kuburikidza nekutenda muna Allah neMutumwa wavo, nekuzvipira kuzere kuna Allah muzviito, pamwe chete nerudo rwakanyanya kuna Allah, nekuzviisa pasi pavo zvakakwana vari vega vari kumusoro-soro pasina zvimwe zvisiri ivo; sezvakataura Allah vari kumusoro-soro:
﴿وَقَضَى رَبُّكَ أَلَّا تَعْبُدُوا إِلَّا إِيَّاهُ...﴾
{Uye Tenzi vako vakaraira kuti musanamate chimwe chinhu kunze kwavo...} [Al-Isra: 23] Kureva kuti: vakaraira uye vakakurudzira kuti vanamatwe ivo vari vega, Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿الْحَمْدُ لِلَّهِ رَبِّ الْعَالَمِينَ2 الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ3 مَالِكِ يَوْمِ الدِّينِ4 إِيَّاكَ نَعْبُدُ وَإِيَّاكَ نَسْتَعِينُ5﴾
{Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese 2}
{Vane tsitsi, vane ngoni 3}
{Muridzi wezuva rekutongwa 4}
{Imi moga ndimi vatinonamata, uye Imi moga ndimi vatinokumbira rubatsiro 5} [Al-Fatihah: 2-5], Saka Allah vanoremekedzwa uye vari kumusoro-soro vakajekesa nemavhesi aya kuti: ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, uye kukumbirwa rubatsiro vari vega. Uye vakataura ivo vane hukuru kuti:
﴿إِنَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ فَٱعۡبُدِ ٱللَّهَ مُخۡلِصٗا لَّهُ ٱلدِّينَ2 أَلَا لِلَّهِ ٱلدِّينُ ٱلۡخَالِصُ...﴾
{Zvirokwazvo, takadzikisa kwauri Gwaro nechokwadi, saka namata Allah (Mwari) uchichenesa chitendero kwavari .2}
{Zvirokwazvo, chitendero chakachena ndechaAllah...} [Az-Zumar: 2-3], Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿فَادْعُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ وَلَوْ كَرِهَ الْكَافِرُونَ14﴾
{Saka namatai Allah muchizvipira pachitendero kwavari, kunyangwe vasingatendi vachizvivenga.} [Ghafir: 14], Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَأَنَّ الْمَسَاجِدَ لِلَّهِ فَلَا تَدْعُوا مَعَ اللَّهِ أَحَدًا18﴾
{Uye kuti mamasjid ndeaAllah, saka musanamate ani zvake pamwechete naAllah.} [Al-Jinn: 18]. Uye mavhesi anoreva izvi mazhinji, uye ose anoratidza kusungirwa kwekunamata Allah vari voga.
Uye zvinozivikanwa kuti kuita du’a nemhando dzako dzose chikamu chekunamata, nokudaro hazvitenderwi kuna ani naani zvake kuti aite du'a kunze kwekuna Tenzi vake, kana kukumbira rubatsiro kana kununurwa kunze kwavo, mukutevedzera mavhesi aya anoremekedzwa, nezvakauya zvinoreva izvozvo. Uye izvi hazvisinganisire zvinhu zvamazuva ose, nenzira dzinooneka, zvinokwaniswa kuitwa nechisikwa chipenyu chiripo, nokuti izvozvo hazvisi zvekunamata, asi zvinotenderwa nendima dzechitendero uye nekubvumirana (kwevadzidzi) kuti munhu anokwanisa kutsvaga rubatsiro kumunhu mupenyu anokwanisa, muzvinhu zvamazuva ose zvaanokwanisa kuita; zvakaita sekutsvaga rubatsiro kwaari kana kukumbira kuyamurwa kwaari mukudzivirira huipi hwemwana wake, kana mushandi wake, kana imbwa yake, nezvimwe zvakafanana neizvozvo. Semuenzaniso munhu anokumbira rubatsiro kune mumwe munhu mupenyu, aripo uye anokwanisa, kana asipo, kuburikidza nenzira dzinobatika sekutumirana tsamba kana zvimwe zvakafanana nazvo pakuvaka imba yake, kana kugadzira motokari yake, kana zvimwe zvakafanana neizvi. Izvi zvinosanganisira: kukumbira rubatsiro kwemunhu kushamwari dzake muJihad nehondo, nezvimwe zvakafanana neizvozvo. Izvi zvinosanganisa mashoko aAllah vekumusoro-soro munyaya yaMusa, makomborero nerugare ngazvive paari, ekuti:
﴿...فَاسْتَغَاثَهُ الَّذِي مِنْ شِيعَتِهِ عَلَى الَّذِي مِنْ عَدُوِّهِ...﴾
{...Saka uyo aive weboka rake akabva amukumbira rubatsiro kurwisa uyo aive muvengi wake...} [Al-Qasas: 15].
Asi kukumbira rubatsiro kuvakafa, kumajinn nengirozi, nemiti, nematombo: izvozvo ishirk huru, uye zvakafanana nezvaiitwa nemaMushrik vekutanga nevanamwari vavo; vakaita saAl-'Uzza naAl-Laat nevamwewo. Uye saizvozvowo, kutsvaga rubatsiro nekukumbira kuyamurwa kune avo vanofungidzirwa kuva vatsvene pakati pevapenyu muzvinhu zvisingakwaniswe kuita nani ani zvake kunze kwaAllah; sekuporesa varwere, nekutungamirira woyo yevanhu, nekupinza vanhumuJannah (paradhiso), nekuponesa kubva kuMoto, nezvimwe zvakafanana neizvozvo.
Uye mavhesi akapfuura nezvakauya zvichireva izvozvo kubva mumavhesi nemaHadith: zvose zvinoratidza kuti zvinosungirwa kunangisa moyo kuna Allah muzvinhu zvose, nekuzvipira mukunamata Allah vari vega; nokuti varanda vakasikirwa izvozvo, uye ndizvo zvavakarairwa - mumavhesi ambotaurwa-, uye sezviri mukutaura kwavo vanoremekedzwa kuti:
﴿وَاعْبُدُوا اللَّهَ وَلَا تُشْرِكُوا بِهِ شَيْئًا...﴾
{Uye namatai Allah uye musasanganise Allah nechimwe chinhu...} [An-Nisa: 36]. Uye Allah (kurumbidzwa ngakuve kwavari) vakati:
﴿وَمَا أُمِرُوا إِلَّا لِيَعْبُدُوا اللَّهَ مُخْلِصِينَ لَهُ الدِّينَ...﴾
{Uye havana kurairwa kunze kwekunamata Allah, vachizvipira muchitendero chavo kuna Allah voga...} [Al-Bayyinah: 5]. Uye mashoko aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) muHadith yaMuadh (Allah ngavafadzwe naye) anoti:
«حَقُّ اللهِ عَلَى العِبَادِ أَنْ يَعْبُدُوهُ وَلَا يُشْرِكُوا بِهِ شَيْئًا».
«Kodzero yaAllah pavaranda ndeyekuti vamunamate, uye kuti vasamubatanidze nechimwe chinhu.» Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim pamusoro pekuvimbika kwayo. Uyezve Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari vakataura muhadith yaIbn Mas'ud (Allah ngavafadzwe naye) vachiti:
«مَنْ مَاتَ وَهُوَ يَدْعُو لِلَّهِ نِدًّا؛ دَخَلَ النَّارَ».
«Ani naani anofa achiita du'a kune chimwechinhu chaanoenzanisa naAllah; anopinda muMoto.» Yakarondedzerwa naBukhari. Uye mumaSahih maviri, mune hadith yaIbn Abbas, Allah ngavafadzwe naye nababa vake, inoti Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, apo vakatumira Mu'adh kuYemen, vakataura kwaari kuti:
«إِنَّكَ تَأْتِي قَومًا أَهْلَ كِتَابٍ، فَلْيَكُنْ أَوَّلَ مَا تَدْعُوهُم إِلَيهِ شَهَادَةِ أَنْ لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ».
«Zvirokwazvo uri kuenda kuvanhu vakapihwa maGwaro kare, saka chekutanga chaunovakoka kwachiri ngachive kupupura kuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah». Uye imwe nhaurwa yakati:
«اُدْعُهُمْ إِلَى شَهَادَةِ أَنْ لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ وَأَنِّي رَسُولُ اللهِ».
«Vadaidze kuhuchapupu hwekuti hakuna chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye kuti ni ndiri Mutumwa waAllah.» Uye imwe nhaurwa yaAl-Bukhari inoti:
«فَلْيَكُنْ أَوَّلَ مَا تَدْعُوهُم إِلَى أَنْ يُوَحِّدُوا اللهَ».
«Saka chinhu chekutanga chaunovakoka kwachiri ngachive humwechete hwaAllah». Uye muSahih Muslim zvakaturwa kubva kuna Tariq ibn Ashyam al-Ashja'i, Allah ngavafare naye, kuti Muporofita (runyararo nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakati:
«مَنْ قَالَ: لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ، وَكَفَرَ بِمَا يُعْبَدُ مِن دُونِ اللهِ؛ حَرُمَ مَالُهُ وَدَمُهُ، وَحِسَابُهُ عَلَى اللهِ جَلَّ جَلَالُهُ».
«Ani naani anoti: Hakuna chinokodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye anoramba kutenda mune zvinonamatwa zvisiri Allah; pfuma yake neropa rake zvinochengetedzwa, uye kutongwa kwake kunenge kuri kuna Allah vane hukuru hwepamusoro-soro». Uye maHadith anoreva izvi akawanda.
Uye kutenda muhumwechete hwaAllah ndiwo musimboti wechitendero cheIslam, uye ndiyo nheyo yekutenda, uye ndiwo musoro wenyaya, uye ndicho chinhu chakanyanya kukosha pane zvinosungirwa, uye ndicho chinangwa mukusikwa kwevanhu nemajinn, nechinangwa chekutumirwa kwevatumwa vese, runyararo nemaropafadzo ngazvive kwavari, sekutaurwa kwamboitwa mavhesi anoratidza izvozvo, uye mavhesi aya anosanganisira mashoko aAllah vekumusoro-soro anoti:
﴿وَمَا خَلَقْتُ الْجِنَّ وَالْإِنْسَ إِلَّا لِيَعْبُدُونِ56﴾
{Uye handina kusika majinn nevanhu kunze kwekuti vandinamate.} [Adh-Dhaariyaat: 56] Humwe humbowo hweizvozvo zvakare: mashoko aAllah vane hukuru ekuti:
﴿وَلَقَدْ بَعَثْنَا فِي كُلِّ أُمَّةٍ رَسُولًا أَنِ اعْبُدُوا اللَّهَ وَاجْتَنِبُوا الطَّاغُوتَ...﴾
{Uye zvirokwazvo takatumira murudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah uye siyanai naAt-Twaghuut (vana mwari venhema).’...} [An-Nahl: 36], Uye Allah (kurumbidzwa ngakuve kwavari) vekumusoro-soro vakati:
﴿وَمَا أَرْسَلْنَا مِنْ قَبْلِكَ مِنْ رَسُولٍ إِلَّا نُوحِي إِلَيْهِ أَنَّهُ لَا إِلَهَ إِلَّا أَنَا فَاعْبُدُونِ25﴾
{Uye hatina kutumira mutumwa usati wavapo kunze kwekuti takamudzikisira shoko rekuti: “Zvirokwazvo, hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwangu, saka ndinamatei.”} [Al-Anbiyaa: 25]. Uye Allah vane hukuru vakataura maererano naNuh, naHūd, naSaleh, naShu'aib – makomborero aAllah nerugare ngazvive pavari – kuti vakataura kuvanhu vavo vachiti:
﴿...اعْبُدُوا اللَّهَ مَا لَكُمْ مِنْ إِلَهٍ غَيْرُهُ...﴾
{...Namatai Allah, hamuna chimwe chinamatwa kunze kwavo...} [Al-A'araaf: 59]. Uye uku ndiko kukoka kwevatumwa vose, sezvinoratidzwa nendima mbiri dzakapfuura, uye zvirokwazvo vavengi vevatumwa vakabvuma kuti vatumwa vakavarayira kunamata Allah vari vega, uye kuramba vanamwari vanonamatwa kunze kwaAllah, sezvakataura Allah vane hukuru nekukudzwa munyaya yerudzi rweAad, kuti vakati kuna Hud (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari):
﴿...أَجِئْتَنَا لِنَعْبُدَ اللَّهَ وَحْدَهُ وَنَذَرَ مَا كَانَ يَعْبُدُ آبَاؤُنَا...﴾
{...Wauya kwatiri here kuti tinamate Allah voga uye tisiye izvo zvainamatwa nemadzitateguru edu...} [Al-A'araaf: 70], Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakataura nezvemaQuraish apo Muporofita wedu Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, aivadaidza kuti vatsaurire Allah mukunamata, uye vasiye zvavainamata kunze kwavo zvinoti ngirozi, vatsvene, zvidhori, nemiti, nezvimwewo, vakati:
﴿أَجَعَلَ الْآلِهَةَ إِلَهًا وَاحِدًا إِنَّ هَذَا لَشَيْءٌ عُجَابٌ5﴾
{Ko aita vanamwari kuti vave Mwari mumwechete? Zvirokwazvo, ichi chinhu chinoshamisa.} [Swaad: 5]. Uye Allah vanoremekedzwa vekumusoro-soro vakataura nezvavo kuti:
﴿إِنَّهُمْ كَانُوا إِذَا قِيلَ لَهُمْ لَا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ يَسْتَكْبِرُونَ35 وَيَقُولُونَ أَئِنَّا لَتَارِكُوٓاْ ءَالِهَتِنَا لِشَاعِرٖ مَّجۡنُونِۭ36﴾
{Zvirokwazvo, pavazvainzi kwavari: “Hakuna anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari)”, vaizvikudza 35}
{Uye vanoti: “Ko zvirokwazvo isu tingasiya vanamwari vedu nokuda kwemudetembi anopenga here?” 36} [As-Saffat: 35-36] Uye ndima dzinoratidza zvinoreva izvi dzizhinji.
Kubva pane zvatataura mumavhesi nemaHadith: zvinova pachena kwauri — Allah ngavatipe ini newe rutsigiro mukuwana nzwisiso muchitendero, nekuona zvakajeka kodzero yaTenzi vezvisikwa zvose — kuti kuita du'a uku nemhando dzekutsvaga rubatsiro idzi - dzawajekesa pamubvunzo wako -, dzose idzodzo imhando dzeshirk huru; nekuti ndiko kunamata vamwe anamwari kunze kwaAllah, uye kukumbira zvinhu zvisingakwaniswe nemumwe kunze kwavo, kune vakafa nevasipo, uye izvozvo zvakaipisisa kudarika shirk yevakatanga; nekuti vakatanga ava vaingoita shirk yavo panguva yekugadzikana chete, asi munguva dzematambudziko vaizvipira kunamata kwavo kuna Allah chete; nokuti vaiziva kuti ivo (Allah) - ngavarumbidzwe - ndivo vega vaikwanisa kuvanunura kubva mumatambudziko pasina vamwe, sezvakataura Allah vekumusoro-soro muBhuku ravo rakajeka maererano neivavo maMushrik kuti:
﴿فَإِذَا رَكِبُواْ فِي ٱلۡفُلۡكِ دَعَوُاْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ فَلَمَّا نَجَّىٰهُمۡ إِلَى ٱلۡبَرِّ إِذَا هُمۡ يُشۡرِكُونَ65﴾
{Uye kana vachipinda mungarava vanokumbira chengetedzo kubva kuna Allah vachizvipira chitendero kwavari. Asi pavaivanunura kuvasvitsa panyika, ipapo vaibva vasanganisa Allah nezvimwe zvisikwa mukunamata.} [Al-Ankabut: 65]. Uye Allah kurumbidzwa ngakuve kwavari vari kumusoro-soro vakataura navo mune imwe ndima vachiti:
﴿وَإِذَا مَسَّكُمُ ٱلضُّرُّ فِي ٱلۡبَحۡرِ ضَلَّ مَن تَدۡعُونَ إِلَّآ إِيَّاهُۖ فَلَمَّا نَجَّىٰكُمۡ إِلَى ٱلۡبَرِّ أَعۡرَضۡتُمۡۚ وَكَانَ ٱلۡإِنسَٰنُ كَفُورًا67﴾
{Uye kana dambudziko rikakubatai mugungwa, avo vamunodana vanonyangarika kunze kwavo (Allah). Asi kana vakakuponesai kuenda panyika, munobva mafuratira. Uye munhu haatendi.}
[Al-Isra: 67].
Kana mumwe wemaMushrik akataura kuti: “Chokwadi hatisi kureva kuti ivavo vanobatsira pachezvavo, nekuporesa varwere vedu pachezvavo, kana kutibatsira pachezvavo, kana kutikuvadza pachezvavo, asi kuti tiri kureva kureverera kwavo kuna Allah, vari kumusoro-soro, pane izvozvo?”
Mhinduro ndeyekuti: Zvinonzi kwaari: Zvirokwazvo ichi ndicho chinangwa chevasingatendi vekutanga nechido chavo, uye chido chavo chaive chisiri chekuti vanamwari vavo vanosika kana kugovera raramo, kana kuunza batsiro kana kukonzera njodzi pachezvavo, nekuti izvozvo zvinorambwa nezvakataurwa naAllah nezvavo muQur'aan, uye kuti ivo vaida kurevererwa navo uye chinzvimbo chavo, uye nekuvaswededza pedyo naAllah zvikuru, sekutaura kwavakaita (ivo Allah), ngavarumbidzwe, vari kumusoro-soro.
﴿وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَضُرُّهُمۡ وَلَا يَنفَعُهُمۡ وَيَقُولُونَ هَٰٓؤُلَآءِ شُفَعَٰٓؤُنَا عِندَ ٱللَّهِ...﴾
{Uye vanonamata kunze kwaAllah izvo zvisingavakuvadzi kana kuvabatsira, uye vanoti: “Ava ndivo varevereri vedu kuna Allah.....”} [Yunus: 18]. Saka Allah vakavapindura pane izvozvo nekutaura kwavo kuti:
﴿...قُلۡ أَتُنَبِّـُٔونَ ٱللَّهَ بِمَا لَا يَعۡلَمُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ﴾
{...Taura (iwe Muhammad) kuti: “Munozivisa Allah (Mwari) here nezvechinhu chavasingazivi kumatenga kana pasi? Kurumbidzwa ndekwavari, uye vari pamusoro peizvo zvavanosanganisa navo.”} [Yunus: 18]. Saka Allah vakajekesa kuti havazive chero murevereri pamberi pavo kumatenga kana pasi pano nenzira inorehwa nemaMushrik, uye izvo zvisingazivikanwe naAllah kuvepo kwazvo hazviko; nekuti hapana chinhu chinovanzika kwavari. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿تَنزِيلُ ٱلۡكِتَٰبِ مِنَ ٱللَّهِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ 1 إِنَّآ أَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ فَٱعۡبُدِ ٱللَّهَ مُخۡلِصٗا لَّهُ ٱلدِّينَ2 أَلَا لِلَّهِ ٱلدِّينُ ٱلۡخَالِصُۚ وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ3﴾
{Kudzikiswa kweGwaro kunobva kuna Allah, Samasimba, vane huchenjeri 1}
{Zvirokwazvo, takadzikisa kwauri (Iwe Muhammad) Gwaro nechokwadi, saka namata Allah uchichenesa chitendero kwavari. 2}
{Zvirokwazvo, chitendero chakachena ndechaAllah. Uye avo vanotora vadziviriri kunze kwavo (vachiti): “Hativanamati asi kuti vatiswededze pedyo naAllah zvikuru,” zvirokwazvo, Allah vachatonga pakati pavo pane izvo zvavanopokana mazviri. Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri uyo anenge ari munyepi, asingatendi. 3} [Az-Zumar: 1-3].
Uye zvinoreva chitendero pano: kunamata, kunova: kuteerera Allah nekuteerera Mutumwa wavo, rugare nemakomborero ngazvive pavari - sezvakambotaurwa -, uye kunosanganisira: kuita du'a, kutsvaga rubatsiro, kutya, tariro, kubaya mhuka dzechibayiro, nekuita mhiko. Zvekarewo kunosanganisira: Swalaah, kutsanya, nezvimwewo zvakarirwa naAllah neMutumwa wavo. Saka vakajekesa ivo vanokudzwa kuti kunamata kunoitirwa ivo vari voga, uye kuti zvinosungirwa kuvaranda kuzvipira pakunamata ivo vanoremekedzwa; nokuti murairo wavo kuMuporofita, rugare nemakomborero ngazvive pavari, wekuzvipira pakuvanamata, murairo kuvana vese veUmmah ino.
Shure kwaizvozvo Allah (Samasimba, vane hukuru) vakatsanangura nezvevasingatendi ndokubva vati:
﴿...وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ مَا نَعۡبُدُهُمۡ إِلَّا لِيُقَرِّبُونَآ إِلَى ٱللَّهِ زُلۡفَىٰٓ...﴾
{Uye avo vakatora vabatsiri vasiri ivo, (vachiti): Hativanamati kunze kwekuti vatiswededze pedyo naAllah.} [Az-Zumar: 3]. Saka Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakavapindura vachitaura kuti:
﴿...إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ﴾
{...Zvirokwazvo Allah vanotonga pakati pavo pane izvo zvavanopokana. Zvirokwazvo Allah havatungamiriri uyo anenge ari munyepi, asingatendi.} [Az-Zumar: 3]. Naizvozvo Allah, ngavarumbidzwe, vakazivisa mundima iyi inoremekedzwa kuti: avo vasingatendi havana kunamata vatsigiri vavo kunze kwaAllah kunze kwekuti vavaswededze padyo naAllah zvikuru; uye ichi ndicho chinangwa cheavo vasingatendi kare nanhasi. Uye zvirokwazvo Allah vakaramba izvozvo, Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...إِنَّ ٱللَّهَ يَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ فِي مَا هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَنۡ هُوَ كَٰذِبٞ كَفَّارٞ﴾
{...Zvirokwazvo Allah vanotonga pakati pavo pane izvo zvavanopokana mazviri. Zvirokwazvo Allah havatungamiri uyo anenge ari munyepi, asingatendi.} [Az-Zumar: 3], Naizvozvo Allah ngavarumbidzwe vakajekesa: kunyepa kwavo mukufunga kwavo kuti vanamwari vavo vanovaswededza pedyo naAllah, uye kusatenda kwavo kuburikidza nekunamata kwavakavapa, uye neizvi wese ane njere dzishoma dzekusiyanisa anoziva kuti vasingatendi vekutanga (vekare) kusatenda kwavo kwakabva pakutora kwavakaita maporofita, nevanhu vatsvene, miti nematombo, nezvimwewo zvisikwa; sevarevereri pakati pavo naAllah. Uye kutenda kwavo kuti vanozadzisa zvido zvavo pasina mvumo yavo (Allah) nekufadzwa kwavo, ngavarumbidzwe, vari kumusoro-soro, sekureverera kunoita makurukota kumadzimambo, saka vakavaenzanisa, hukuru hwavo ngahukudzwe, nemadzimambo nevatungamiri. Uye vakati: "Sezvo uyo ane chaanoda kuna mambo kana mutungamiri anotsvaga murevereri kwaari achishandisa vanhu vake vepedyo naye nemakurukota ake, saizvozvo nesu tinoswedera pedyo naAllah kuburikidza nekunamata maporofita vavo nevadiwa vavo." Uye aya manyepo anopfuura manyepo ose; nokuti Ivo (Allah) vanokudzwa hapana chakafanana navo, uye havaenzaniswi nezvisikwa zvavo, uye hapana anoreverera pamberi pavo kunze kwekuti vapa mvumo pakureverera kwacho, uye havapi mvumo iyi kunze kune vanhu vanotenda muhumwechete hwaAllah, uye ivo vanokudzwa vari kumusoro-soro vanokwanisa kuita zvinhu zvose, uye vanoziva zvinhu zvose, uye ndivo vane ngoni dzinopfuura vane ngoni vose, havatyi kana kuvhunduka chero ani zvake; nokuti ivo vanokudzwa ndivo Mukundi Mukuru ari pamusoro pevaranda vavo, uye Murongi anoita navo zvavanoda. Izvi zvinosiyananemadzimambo nevatungamiri. zvirokwazvo ivo havakwanisi kuita zvinhu zvose, saka nokudaro vanoda avo vanovabatsira pane zvavanotadza; semakurukota avo, vanhu vavo vepedyo, nemauto avo, sezvo vachidawo kuti vasvitsirwe zvido zveavo vavasina ruzivo nezvezvido zvavo, saka vanoda avo vanovakumbirira tsitsi nekuvafadza kubva mumakurukota avo nevanhu vavo vepedyo. Asi Tenzi vane simba nehukuru, vanorumbidzwa ndivo Mupfumi vasingatarisire chinhu pazvisikwa zvavo zvose, uye vane tsitsi nazvo kudarika vanaamai vazvo, uye ndivo Mutongi akarurama, vanoisa zvinhu panzvimbo dzazvo, maererano nehuchenjeri hwavo, ruzivo rwavo, nesimba ravo, saka hazvibvumirwi kuti vaenzaniswe nezvisikwa zvavo nenzira chero ipi zvayo. Nokuda kwaizvozvo, Allah vari kumusoro-soro vakatsanangura mubhuku ravo kuti: zvirokwazvo maMushrik, vakabvuma kuti ivo ndivo Musiki, Muriritiri, Murongi, uye kuti ndivo vanopindura uyo ari mumatambudziko, nekubvisa zvakaipa, nekupa hupenyu nekutora hupenyu, pamwechete nezvimwe zvakadaro kubva muzviito zvavo. Uye zvirokwazvo kupokana pakati peavo vainamata Allah nemaMushrik nevatumwa kwaiva pakuzvipira kunamata kwavo kuna Allah vari voga, sezvo Allah vane hukuru vakataura kuti:
﴿وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُ...﴾
{Uye kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, zvirokwazvo vachataura kuti: “Allah.”...} [Az-Zukhruf: 87], Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿قُلۡ مَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ أَمَّن يَمۡلِكُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَمَن يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَمَن يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَۚ فَسَيَقُولُونَ ٱللَّهُۚ فَقُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ31﴾
{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Ndiani anokupai makomborero kubva kudenga nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa mupenyu kubva kumufi uye achiburitsa mufi kubva kumupenyu? Uye ndiani anoronga zvinhu zvese?” Vachataura kuti: “Allah.” Saka taura kuti: “Ko hamutyi here?”} [Yunus: 31]. Uye ndima dzine zvinoreva izvi dzizhinji.
Zvirokwazvo kumashure: ndambotaura ndima dzinotaridza kuti kukakavadzana pakati pevatumwa nemarudzi, kwaingova pakuzvipira mukunamata Allah vari vega, sekutaura kwavo vanorumbidzwa kuti:
﴿وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾
{Uye zvirokwazvo takatumira kurudzi rwese Mutumwa (achiti): ‘Namatai Allah uye siyanai neAt-Twaghuut (vanamwari venhema).’...} [An-Nahl: 36]. Uye pane ndima dzinoreva izvi dzandataura. Uye Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakajekesa nyaya yekureverera munzvimbo zhinji dzebhuku ravo rinokudzwa. Saka Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿...مَن ذَا ٱلَّذِي يَشۡفَعُ عِندَهُۥٓ إِلَّا بِإِذۡنِهِ...﴾
{...Ndiani angareverere pamberi pavo kunze nekuda kwemvumo yavo?...} [Al-Baqarah: 255]. Uye Allah vemasimba nekukudzwa vakati:
﴿وَكَم مِّن مَّلَكٖ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ لَا تُغۡنِي شَفَٰعَتُهُمۡ شَيۡـًٔا إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ أَن يَأۡذَنَ ٱللَّهُ لِمَن يَشَآءُ وَيَرۡضَىٰٓ26﴾
{Uye kune ngirozi dzakawanda kumatenga idzo kureverera kwadzo kusingabatsiri chinhu, kunze kwekunge pashure pekuti Allah vapa mvumo kune uyo wavanoda uye wavanofadzwa naye.}
[An-Najm: 26].
Uye pakutsanangura mamiriro engirozi, Allah vakati:
﴿...وَلَا يَشۡفَعُونَ إِلَّا لِمَنِ ٱرۡتَضَىٰ وَهُم مِّنۡ خَشۡيَتِهِۦ مُشۡفِقُونَ﴾
{...uye havarevereri kunze kwekune uyo wavanofarira (ivo Allah), uye ivo (ngirozi) nekumutya (ivo Allah) vanodedera.}
[Maporofita: 28].
Uye vakazivisa (hukuru ngahuve kwavari) kuti havafadzwi nekusatenda kubva kuvaranda vavo, asi kuti vanofadzwa nekutenda kubva kwavari, uye kutenda ikoko ndeuku: kuvanamata ivo vari vega nekuita mabasa ekuvateerera. Saka Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿إِن تَكۡفُرُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَنِيٌّ عَنكُمۡۖ وَلَا يَرۡضَىٰ لِعِبَادِهِ ٱلۡكُفۡرَۖ وَإِن تَشۡكُرُواْ يَرۡضَهُ لَكُمۡ...﴾
{Kana mukasatenda, zvirokwazvo Allah havana chavanoda kwamuri, uye havafariri kusatenda kuvaranda vavo, uye mukatenda, vanofadzwa nemi...} [Az-Zumar: 7].
Uye Al-Bukhari akarondedzera mubhuku rake rinonzi Sahih kubva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye) kuti akati: O Mutumwa waAllah! Ndiani pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwenyu? Vakati:
«مَنْ قَالَ: لَا إِلهَ إِلَّا اللهُ خَالِصًا مِنْ قَلْبِهِ».
"Ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, akazvipira kubva pamoyo pake." Kana vakataura kuti:
«مِنْ نَفْسِهِ».
«Kubva maari pachake».
Uye mubhuku reSahih mune nhaurwa kubva kuna Anas, Allah ngavafare naye, yaakanzwa kubva kuMuporofita, runyararo nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kuti vakati:
«لِكُلِّ نَبِيٍّ دَعْوَةٌ مُسْتَجَابَةٌ، فَتَعَجَّلَ كُلُّ نَبِيٍّ دَعْوَتَهُ، وَإِنِّي اخْتَبَأْتُ دَعْوَتِي شَفَاعَةً لِأُمَّتِي يَوْمَ الْقِيَامَةِ، فَهِيَ نَائِلَةٌ إِنْ شَاءَ اللَّهُ مَنْ مَاتَ مِنْ أُمَّتِي لَا يُشْرِكُ بِاللَّهِ شَيْئًا».
«Muporofita wese ane du’a rinopindurwa, saka muporofita wese akakurumidza du'a rake. Zvirokwazvo ini ndakachengeta du'a rangu kuti uzove rureverero kune Ummah yangu musi wekutongwa, saka uchasvika, kana Allah vachida, kune uyo anofa kubva muUmmah yangu asina kusanganisa Allah nechimwe chinhu pakunamata». Uye maHadith anereva zvakafanana neizvi mazhinji.
Zvese zvatataura kubva kundima dzeQur'an nemaHadith zvinoratidza kuti kunamata ikodzero yaAllah (Mwari) vari vega, uye kuti hazvibvumidzwi kuitira chero mhando yekunamata kune zvimwe zvisiri Allah, zvisinei kuti kuvaporofita kana kune vamwewo vanhu, uye kuti kureverera ndekwaAllah vari kumusoro-soro, sekutaura kwavakaita ivo vanoremekedzwa kuti:
﴿قُل لِّلَّهِ ٱلشَّفَٰعَةُ جَمِيعٗا...﴾
{Iti: “Kureverera kose ndekwaAllah.....”} [Az-Zumar: 44] Uye hapana anokodzera kurevererwa kunze kwekunge awana mvumo yekuve murevereri kubva kuna Allah, uye kunge vafadzwa nemurevererwi wacho. Uye ivo, ngavarumbidzwe, havafadzwi nechimwe chinhu kunze kwekutenda muhumwechete hwavo - sezvambotaurwa-. Naizvozvo: zvirokwazvo avo vanonamata Allah nevanamwari venhema havana mugove mukureverera, uye zvirokwazvo Allah vari kumusoro-soro vakajekesa izvi mumashoko avo ekuti:
﴿فَمَا تَنفَعُهُمۡ شَفَٰعَةُ ٱلشَّٰفِعِينَ 48﴾
{Saka kureverera kwevarevereri hakuvabatsiri.} [Al-Muddaththir: 48], Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...مَا لِلظَّٰلِمِينَ مِنۡ حَمِيمٖ وَلَا شَفِيعٖ يُطَاعُ﴾
{...vanoita zvakaipa havana shamwari yepedyo kana murevereri anoteererwa.} [Ghafir: 18].
Uye zvinozivikanwa muIslam kuti kana shoko rekuti "kudzvinyirira" rikataurwa pasina kutsanangurwa rinoreva kubatanidza Allah nezvimwe zvinhu mukunamata, sekutaura kwakaita Allah vari kumusoro-soro kuti:
﴿...وَٱلۡكَٰفِرُونَ هُمُ ٱلظَّٰلِمُونَ﴾
{... Uye vasingatendi ndivo vadzvanyiriri.} [Al-Baqarah: 254], Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati:
﴿...إِنَّ ٱلشِّرۡكَ لَظُلۡمٌ عَظِيمٞ﴾
{...Zvirokwazvo, kubatanidza Allah (Mwari) nezvimwe zvinhu mukunamatwa hudzanyiriri hukuru.} [Luqman: 13].
Pazvamataura mumubvunzo: zvekutaura kwevamwe maSufi mumaMasjid nedzimwe nzvimbo kuti: Imi Allah, isai makomborero kune uyo wamakaita chikonzero chekuvhurika kwezvakavanzika zvenyu zvehukuru, nekupenya kwechiedza chenyu chengoni, zvokuti akazova mumiriri waTenzi anoremekedzeka, uye mumiriri wezvakavanzika zvemamiriro enyu... zvichingodaro:
Mhinduro ndeyekuti: Zvirokwazvo, mashoko aya nezvimwe zvakafanana nawo chikamu chekuzviomesera nekupfurikidza mwero; izvo zvakayambirwa nezvazvo naMuporofita wedu Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari); mune zvakarondedzerwa muSahih Muslim kubva kuna Abdullah ibn Mas'ud, Allah ngavafare naye, akati Mutumwa waAllah, Allah rugare nemakomborero aAllah nagzvive pavari, vakati:
«هَلَكَ المُتَنَطِّعُونَ» قَالَهَا ثَلَاثًا.
"Vanhu vanopfurikidza mwero vachaparara.” Vakazvitaura katatu.
Imam Al-Khattabi, Allah ngavamuitire tsitsi, akati: Munhu anopfurikidza mwero: Ndiye anonyanya kupinda zvakadzama pachinhu, achizvinetesa nekuchitsvakurudza; achitevedzera nzira dzevadzidzi vemashoko ezvechitendero (Ahl al-Kalam) avo vanopindira muzvinhu zvisinei navo, vachinyura muzvinhu zvisingasvikirwi nenjere dzavo.
Uye Abu al-Sa'aadaat Ibn al-Athiir akati: Ndivo vanhu vanopfurikidza mwero nekuwedzeredza pakutaura, avo vanotaura nemukati-kati mehuro dzavo. Izwi iri (rekuti tanattu' [kupfurikidza mwero]) rakatorwa kubva kuizwi rekuti 'an-Nat'' inova nzvimbo yepamusoro yemukanwa, uye rakazove rinoshandiswa kureva munhu wese anopfurikidza mwero pamazwi nepamabasa.
Kubva mune zvakataurwa nenyanzvi mbiri idzi dzemutauro wechiArab, zvinobuda pachena kwauri uye kune wese ane nzwisiso kana shoma zvayo, kuti maitiro aya pakunamatira nekukumbira rugare kuMuporofita wedu uye mukuru wedu Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari); ndezvimwe zvezvinhu zvekuwedzeredza nekunpfurikidza mwero zvakarambidzwa. Uye zvakatarwa kumuMuslim panyaya iyi ndezvekuti atsvage maitirwo akatsinhirwa kubva kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) pakuvaukumbirira rugare nemakomborero, uye mune izvozvo mune zvakakwana zvekuti hapachadiwi zvimwe.
Izvi zvinosanganisira: Zvakarondedzerwa naAl-Bukhari naMuslim mumaSwahih maviri kubva kuna Ka'b bin Ujrah, Allah ngavafare naye, kuti maSwahaba, Allah ngavafare navo vose, vakati: O Mutumwa waAllah! Allah vakatirayira kuti tisvitse minamato pamuri; saka tingasvitsa sei minamato pamuri? Mutumwa vakabva vati:
«قُولُوا: اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ كَمَا صَلَّيْتَ عَلَى إِبرَاهِيمَ وَعَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ، إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ، وَبَارِكْ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ كَمَا بَارَكْتَ عَلَى إِبرَاهِيمَ وَعَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ».
"«Itii: Allahumma ṣwalli ʿala Muhammadin wa ʿala ʿaali Muhammadin kamaa ṣwallayta ʿala Ibrahima wa ʿala ʿaali Ibrahima, innaka ḥamiidun majiid, wa baarik ʿala Muhammadin wa ʿala ʿaali Muhammadin kamaa baarakta ʿala Ibrahiima wa ʿala ʿali Ibrahiima innaka ḥamiidun majiid» (Itii: O Allah, ropafadzai Muhammad nemhuri yake, sekuropafadza kwamakaita Ibrahiim nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba, uye komborerai Muhammad nemhuri yake, semakomborero amakaita Ibrahiim nemhuri yake; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba.)"
Uye mumabhuku maviri anonzi Swahihayn, mune nhaurwa kubva kuna Abu Humayd as-Saa'idi (Allah ngavafadzwe naye): kuti maSwahaabah vakati: O Mutumwa waAllah! Tingakunamatirai sei? Akati:
«قُولُوا: اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى أَزْوَاجِهِ وَذُرِّيَّتِهِ كَمَا صَلَّيْتَ عَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ، وَبَارِكْ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى أَزْوَاجِهِ وَذُرِّيَّتِهِ كَمَا بَارَكْتَ عَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ، إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ».
«Itai: Allahumma ṣwalli ʿala Muhammadin wa ʿala azwaajihi wa dhurriyyatihi kamaa ṣwallayta ʿala aali Ibrahiima, wa baarik ʿala Muhammadin wa ʿala azwaajihi wa dhurriyyatihi kamaa baarakta ʿala aali Ibrahiima, innaka ḥamiidun majiid» (Itai: O Allah, ropafadzai Muhammad nemadzimai ake, nevana vake, sekuropafadza kwamakaita mhuri yaIbrahiim, uye komborerai Muhammad nemadzimai ake, nevana vake, semakomborero amakaita mhuri yaIbrahiim; zvirokwazvo, ndimi munorumbidzwa, mune masimba.)
Uye muSahih Muslim zvakarondedzerwa kubva kuna Abu Mas'ud al-Ansari, Allah ngavafare naye, akati: Bashir ibn Sa'd akati: "O Mutumwa waAllah! Allah vakatirayira kuti tikukumbirire makomborero; saka tokukumbirira sei makomborero?" Akanyarara, pedzezvo akati:
«قُولُوا: اللَّهُمَّ صَلِّ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ؛ كَمَا صَلَّيْتَ عَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ، وَبَارِكْ عَلَى مُحَمَّدٍ وَعَلَى آلِ مُحَمَّدٍ؛ كَمَا بَارَكْتَ عَلَى آلِ إِبرَاهِيمَ فِي العَالَمِينَ، إِنَّكَ حَمِيدٌ مَجِيدٌ، وَالسَّلَامُ كَمَا عَلِمتُم».
«Itai: Allahumma swalli alaa Muhammad wa alaa aali Muhammad; kama swallayta alaa aali Ibraahim, wa baarik alaa Muhammad wa alaa aali Muhammad; kama baarakta alaa aali Ibraahiim fil aalamiin, innaka hamiidu majiid, wassalaamu kama alimtum» (Itii: "O Allah, ropafadzai Muhammad nemhuri yaMuhammad; sekuropafadza kwamakaita mhuri yaIbraahiIm, uye komborerai Muhammad nemhuri yaMuhammad; sekukomborera kwamakaita mhuri yaIbraahim muzvisikwa zvose. Zvirokwazvo, imi makakodzera kurumbidzwa uye muri Mukuru-kuru," )uye nzira yekuita salaam munoiziva.
Naizvozvo, mazwi aya neakafanana nawo nemamwewo - kubva pane zvakatsinhirwa kuti akabva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, - ndiwo anofanira kushandiswa nemuMuslim pakunamatira nekukumbirira rugare Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari); nokuti Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, ndivo vanoziva kupfuura vanhu vose pane zvinokodzera kushandiswa kwavari. Zvekre ndivo vanoziva kupfuura vanhu vose mazwi anofanirwa kushandiswa kuna Tenzi wavo.
Mashoko ekuwedzeredza neakazounzwa nevanhu, nemashoko anogona kupa chirevo chisiri chokwadi; semashoko ataurwa mumubvunzo, hazvikodzeri kuashandisa; nekuda kwekuwedzeredza kuri maari, uye nekuti anogona kududzirwa nezvirevo zvenhema, pamwe nekuti anopesana nemashoko akasarudzwa neMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) avakatungamirira ummah yavo kwaari, uye ivo ndivo vanonyanya kuziva pane zvisikwa zvose, uye mupi wemazano akavimbika kwazvo kwavari, uyezve ndivo vari kure zvikuru nekuwedzeredza, makomborero nerugare rwakanakisisa kubva kuna Tenzi vavo ngazvive pavari.
Naizvozvo, ndinovimba kuti mune zvatataura zvehumbowo pakutsanangura chokwadi chehumwechete hwaAllah, nechokwadi cheShirk, nemusiyano pakati pezvaiitwa nemaMushrik vekutanga, nemaMushrik vekupedzisira panyaya iyi, pamwe nepakutsanangura maitirwo akatarwa ekunamatira Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), mune zvakakwana uye zvinogutsa kumutsvagi wechokwadi. Asi kune uyo asina chido chekuziva chokwadi; iyeye anenge achitevera zvishuwo zvake, Allah (hukuru ngahuve kwavari) vakataura kuti:
﴿فَإِن لَّمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَكَ فَٱعۡلَمۡ أَنَّمَا يَتَّبِعُونَ أَهۡوَآءَهُمۡۚ وَمَنۡ أَضَلُّ مِمَّنِ ٱتَّبَعَ هَوَىٰهُ بِغَيۡرِ هُدٗى مِّنَ ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّٰلِمِينَ50﴾
{Naizvozvo kana vakasakupindura, ziva kuti vanongotevera zvishuvo zvavo. Uye ndiani akanyanya kurasika kudarika uyo anotevera chishuvo chake asina nhungamiro inobva kuna Allah? Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vanoita zvakaipa.} [Al-Qasas: 50].
Naizvozvo vakajekesa, ivo vanoremekedzwa, mundima inoera iyi: kuti vanhu maererano nezvakatumwa naAllah kuburikidza neMuporofita wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, zvinova nhungamiro nechitendero chechokwadi, vari mumapoka maviri:
Rekutanga racho: vanoteerera Allah neMutumwa wavo.
Boka rechipiri: ndere avo vanotevera zvishuvo zvavo; pedzezvo Allah, vanorumbidzwa, vakazivisa kuti hapana akanyanya kurasika kupfuura uyo anotevera zvishuvo zvake pasina nhungamiro inobva kuna Allah.
Saka tinokumbira Allah - vane Hukuru hwose - kuti vatichengetedze kubva mukutevera zvishuvo, uye kuti vatiite isu, nemi, pamwe nedzimwe hama dzedu dzose maMuslim, kuti tive pakati pevanoteerera Allah neMuporofita wavo (Allah ngavakomborere nekuvapa rugare), nevanokudza mutemo wavo, nevanoyambira kubva kune zvose zvinopikisana nemutemo wavo muzvinhu sebid'ah nezvishuvo zvakaipa .... Zvirokwazvo, ndivo Mupi Mukuru, vane rupo.
Uye Allah ngavakomborere muranda wavo, neMutumwa wavo; Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yake, nemaSwahaaba ake, neavo vose vachavatevera mune zvakanaka kusvikira pazuva rekutongwa.
Yambiro pamusoro peBid'ah (zvinhu zvitsva muchitendero)
Abdulaziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yechishanu:
Mutemo wekupemberera kuzvarwa kwaMuporofita (Mawlid an-Nabawiyy) nedzimwewo mhembero dzekuzvarwa kwevanhu (Mawalid.)
Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwechete nemhuri yake nemaSwahaba vake, neavo vanotungamirirwa negwara rake.
Mushure meizvi: Mubvunzo wakadzokororwa nevanhu vazhinji maererano nemutongo wekupemberera kuzvarwa kweMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari, nekumusimukira panguva iyoyo, nekumutumira salaam, nezvimwewo kubva kune izvo zvinoitwa mumhemberero dzeMawlid.
Mhinduro ndeyekuti: hazvitenderwi kupemberera kuzvarwa kweMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kana ani zvake; nekuti izvi zviri muzvinhu zvitsva (bid'ah) zvakaiswa muchitendero; nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) havana kuzviita, kana vatevedzeri vake vakarurama, kana vamwe vese kubva kumaSahabah, Allah ngavafare navo, kana avo vakavatevera mune zvakanaka muzvizvarwa zvakanakisa. Uye ivo ndivo vanhu vane ruzivo rwakanyanya rweSunnah, nerudo rwakakwana kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari), pamwe nekutevedzera mutemo wavo kudarika avo vakauya shure kwavo, Uye Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakataura mubhuku ravo rakajeka kuti:
﴿...وَمَآ ءَاتَىٰكُمُ ٱلرَّسُولُ فَخُذُوهُ وَمَا نَهَىٰكُمۡ عَنۡهُ فَٱنتَهُواْ...﴾
{...Uye zvaanokupai Mutumwa zvitorei, uye zvaanokurambidzai zvisiyei...}
[Al-Hashr:7]. Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:
﴿...فَلۡيَحۡذَرِ ٱلَّذِينَ يُخَالِفُونَ عَنۡ أَمۡرِهِۦٓ أَن تُصِيبَهُمۡ فِتۡنَةٌ أَوۡ يُصِيبَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ﴾
{...Saka ngavachenjere avo vanopikisana nemurairo wake kuti vangawirwe nedambudziko kana kuwirwa nemurango unorwadza} [An-Nur : 63] Uye Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿لَّقَدۡ كَانَ لَكُمۡ فِي رَسُولِ ٱللَّهِ أُسۡوَةٌ حَسَنَةٞ لِّمَن كَانَ يَرۡجُواْ ٱللَّهَ وَٱلۡيَوۡمَ ٱلۡأٓخِرَ وَذَكَرَ ٱللَّهَ كَثِيرٗا21﴾
{Zvirokwazvo muna Mutumwa waAllah (Muhammad), mune muenzaniso wakanaka kune uyo ane tariro (anovimba) muna Allah neZuva Rekupedzisira uye anorangarira Allah zvakanyanya.} [Al-Ahzaab:21]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَٱلسَّٰبِقُونَ ٱلۡأَوَّلُونَ مِنَ ٱلۡمُهَٰجِرِينَ وَٱلۡأَنصَارِ وَٱلَّذِينَ ٱتَّبَعُوهُم بِإِحۡسَٰنٖ رَّضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُ وَأَعَدَّ لَهُمۡ جَنَّٰتٖ تَجۡرِي تَحۡتَهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۚ ذَٰلِكَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ100﴾
{Uye avo vakatungamira vekutanga pakati pemaMuhajireen (vakatama) nemaAnsaar (vabatsiri), pamwe neavo vakavatevera mukuita zvakanaka, Allah vachafadzwa navo, uye ivo vachafadzwa navo. Uye vakavagadzirira mapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo. Vachagara imomo nekusingaperi. Ikoko ndiko kubudirira kukuru.} [At-Tawbah: 100]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3]. Uye mavhesi anoreva izvi akawanda. Uye zvakatsinhirwa kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakataura vachiti:
«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنهُ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani nani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi, chisiri cheimomo, zvirokwazvo chinorambwa.» Kureva kuti: chinodzorerwa kwaari. Uye vakataura mune imwe Hadith kuti:
«عَلَيكُم بِسُنَّتِي وَسُنَّةِ الخُلَفَاءِ الرَّاشِدِينَ المَهْدِيَّينَ مِنْ بَعدِي، تَمَسَّكُوا بِهَا، وَعَضُّوا عَلَيهَا بِالنَّوَاجِذِ، وَإِيَّاكُمْ وَمُحْدَثَاتِ الأُمُورِ، فَإِنَّ كُلَّ مُحْدَثَةٍ بِدْعَةٌ وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالةٌ».
«Munofanira kutevedzera gwara (Sunnah) rangu, negwara (Sunnah) revatungamiri (khalifah) vakatungamirirwa kugwara rakarurama, vachauya mumashure mangu, ribatisisei zvakasimba. Uye ngwarirai zvinhu zvitsva zvinounzwa, nokuti zvirokwazvo chinhu chitsva chese chinounzwa ibid'ah, uye bid'ah yese kurasika.» Saka mumaHadith maviri aya mune yambiro yakasimba pamusoro pekuunza zvinhu zvitsva muchitendero (bid'ah), uye nekuzviita.
Uye kuunza zvakaita semhembero dzeMawlid idzi zvinonzwisiswa kubva mazviri kuti Allah, vari kumusoro-soro, havana kuunza chitendero zvakakwana kune ummah ino, uye kuti Mutumwa, makomborero nerugare ngazvive kwavari, havana kuparidzira kuvanhu zvavaifanirwa kuita, kudzamara kwauya vanhu vekumashure, ndokuunza zvitsva mumutemo (Shari’ah) waAllah izvo zvavasina kunge vakabvumidza; vachiti izvozvo ndezvimwe zvezvinovaswededza pedyo naAllah. Uye izvi pasina mubvunzo zvine njodzi huru, uye kupikisa Allah vanorumbidzwa neMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari). Uye Allah (Mwari) vanorumbidzwa vakaita kuti chitendero chive chakanyatsokwana kuvaranda vavo, uye vakazadzikisa nyasha dzavo pavari. Uye Mutumwa, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare, vakasvitsa shoko rakajeka, uye havana kusiya nzira inosvitsa kuParadhiso, kana inobvisa kubva kuMoto, kunze kwekuti vakaitsanangurira kuvanhu, sezvakatsinhirwa muHadith yechokwadi kubva kuna Abdullah bin Amr, Allah ngavafare naye, akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) vakati:
«مَا بَعَثَ اللهُ مِن نَبِيٍ إِلَّا كَانَ حَقًّا عَلَيهِ أَن يَدُلَّ أُمَّتَهُ عَلَى خَيرِ مَا يَعْلَمُهُ لَهُم، وَيُنْذِرَهُمْ شَرَّ مَا يَعْلَمُهُ لَهُمْ».
"Hapana muporofita akatumwa naAllah (Mwari) kunze kwekuti zvaive zvinosungirwa kwaari kuti atungamirire vanhu venguva yake kune zvakanaka zvaaiziva kuti zvakavanakira, uye kuti avayambire pamusoro pezvakaipa zvaaiziva kuti zvakavaipira." Yakarondedzerwa naMuslim mubhuku rake rinonzi Sahih.
Uye zvinozivikanwa kuti Muporofita wedu (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) ndivo vakanakisisa pavaporofita vose uye NDIVO vekupedzisira vavo, uyezve ndivo vakakwana kupfuura vese mukusvitsa shoko nekupa mazano. Saka dai kupemberera mazuva ekuzvarwa (maMawlid) kwaive chikamu chechitendero chinofadza Allah (Mwari), vanorumbidzwa, Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vangadai vakajekesa kuvanhu vavo, kana kuti vangadai vakaiita ( mhembero iyi) muhupenyu hwavo, kana kuti ingadai yakaitwa nemaSwahaaba vavo, Allah ngavafadzwe navo. Saka sezvo pasina chero chimwe cheizvi chakaitika, zvakabva zvazivikanwa kuti (mhembero idzodzo) dzakange dzisiri chikamu cheIslam zvachose, asi kuti ndechimwe chezvinhu zvitsva zvakagadzirwa izvo Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakayambira vanhu vavo nezvazvo, sezvakambotaurwa kare mumaHadith. Uye ndima nemaHadith panyaya iyi dzakawanda.
Zvirokwazvo, boka revadzidzi rakataura zvakajeka pakuramba mhembero dzemaMawlid, nekuyambira pamusoro padzo; vachitevedzera humbowo hwataurwa nezvimwewo, uye vamwe vevakazotevera vakapesana nazvo: saka vakazvibvumidza kana zvisingasanganisire chero chinhu pane zvakaipa; sokupfurikidza mwero pakuremekedza Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari), nekusangana kwevakadzi nevarume, nekushandisa zviridzwa zvekuvaraidza, nezvimwewo zvinhu zvinoshorwa nemutemo wakachena, uye vakafunga kuti izvozvo zviri muzvinhu zvitsva zvakanaka (bid'ah yakanaka).
Uye hwaro hwemutemo: kudzosera zvinopokana vanhu mazviri kuBhuku raAllah, neSunnah yeMutumwa wavo Muhammad, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, sezvakataura Allah vane hukuru kuti:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَ وَأُوْلِي ٱلۡأَمۡرِ مِنكُمۡۖ فَإِن تَنَٰزَعۡتُمۡ فِي شَيۡءٖ فَرُدُّوهُ إِلَى ٱللَّهِ وَٱلرَّسُولِ إِن كُنتُمۡ تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ وَأَحۡسَنُ تَأۡوِيلًا59﴾
{Imi vakatenda, teererai Allah uye teererai Mutumwa, nevane masimba pakati penyu. Naizvozvo kana mukasawirirana pane chimwe chinhu, chidzoserei kuna Allah nemuMutumwa, kana muchitenda muna Allah ) neZuva rekupedzisira. Izvozvo ndizvo zvakanaka uye zvine magumo akanakisa.} [An-Nisa: 59]. Allah vari kumusoro-soro vakatti:
﴿وَمَا ٱخۡتَلَفۡتُمۡ فِيهِ مِن شَيۡءٖ فَحُكۡمُهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِ ...﴾
{Uye chero chinhu chamunopesana pachiri, mutongo wacho uri kuna Allah...} [Ash-Shuura: 10].
Uye takadzosera nyaya iyi: inova yemhemberero dzekuzvarwa, kuBhuku raAllah anorumbidzwa, tikariona richitiraira kutevera Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) mune zvavakaunza, nekutiyambira kusaita zvavakarambidza, uye richitizivisa kuti Allah vanorumbidzwa vakazadzisa chitendero kuvanhu vacho. Uye mhemberero iyi haisi mukati meizvo zvakauya neMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari); saka haisi chikamu chechitendero chakazadziswa naAllah kwatiri, uye chavakatiraira kutevera Mutumwa machiri.
Uye takadzorera izvozvo - zvakare -: kuSunnah yeMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari); asi hatina kuwana mairi kuti vakaita izvozvo, uye havava kuraira kudaro. Uyezve maSwahaaba vake (Allah ngavafare navo) havana kuzviita. NaIzvozvo takabva taziva kubva mune izvozvo kuti hazvisi zvechitendero, asi kuti ibid'ah yakadzakagadzirwa, uye kutevedzera vanhu veBhuku, vanova maJudha nemaKristu mumhemberero dzavo.
Nokudaro zvinobva zvajeka kune munhu wese ane kunyange njere shoma dzekunzwisisa, ane chido chechokwadi uye akarurama mukuchitsvaga, kuti kupemberera maMawlid (mhemberero dzekurangarira zuva rekuzvarwa) hakusi muIslam, asi kuti zvinobva muzvinhu zvitsva muchitendero (bid'ah), izvo Allah vanorumbidzwa neMutumwa wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vakaraira kuti tizvisiye nekuzvingwarira. Uye munhu akachenjera haafaniri kunyengedzwa nehuwandu hwevanhu vanozviita mumatunhu ose, nokuti chokwadi hachizivikanwi nehuwandu hwevanozviita, asi chinozivikanwa nehumbowo hwechitendero, sekutaura kwaAllah vekumusoro-soro nezvemaJuda nemaKristu kuti:
﴿وَقَالُواْ لَن يَدۡخُلَ ٱلۡجَنَّةَ إِلَّا مَن كَانَ هُودًا أَوۡ نَصَٰرَىٰۗ تِلۡكَ أَمَانِيُّهُمۡۗ قُلۡ هَاتُواْ بُرۡهَٰنَكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ111﴾
{Uye vakati: “Hapana achapinda Paradhiso kunze kweavo vari MaJudha kana MaKristu.” Izvozvo Ndizvo zvishuviro zvavo. Iti: “Uyai nehumbowo hwenyu kana muchitaura chokwadi.”} [Al-Baqarah: 111]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَإِنْ تُطِعْ أَكْثَرَ مَنْ فِي الْأَرْضِ يُضِلُّوكَ عَنْ سَبِيلِ اللَّهِ...﴾
{Uye kana ukateerera vazhinji vari panyika, vachakutsausa kubva munzira yaAllah.....}
[Al-An‘aam: 116].
Uyezve ruzhinji rwemhemberero idzi dzemazuva ekuzvarwa, pamusoro pekuva dziri bid'ah, hadzishayi kusanganisira zvimwe zvinhu zvakarambidzwa; sekusangana kwevakadzi nevarume, nekushandisa nziyo nezviridzwa, nekunwa zvinodhaka, nezvimwewo zvakaipa. Uye mukati memhemberero idzi munogona kuitika zvakakura kudarika izvozvo, inova Shirk huru, uye izvi zvinouya kuburikidza nekunyanya kukudza Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kana vamwewo vanhu vakarurama (maAwliyaa), nekuita du'a kwaari, nekukumbira rubatsiro kwavari, nekukumbira rutsigiro kwaari, uye kutenda mumoyo kuti anoziva zvakavanzika, nezvimwewo zvakadaro muzvinhu zvinoratidza kusatenda zvinoitwa nevanhu vakawanda pavanopemberera kuzvarwa kweMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nevamwewo vavanoti maAwliyaa. Zvirokwazvo zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati:
«إِيَّاكُم وَالغُلُوُّ فِي الدِّينِ، فَإِنَّمَا أَهْلَكَ مَن كَانَ قَبْلَكُم الغُلُوَّ فِي الدِّينِ».
«Ngwarirai kupfurikidza mwero muchitendero, nekuti zvirokwazvo kupfurikidza muchitendero ndiko kwakaparadza avo vaive pamberi penyu.» Uye Mutumwa, rugare nemakomborero ngazvive pavari, vakati:
«لَا تُطْرُونِي كَمَا أَطْرَتِ النَّصَارَى ابْنَ مَرْيَمَ، إِنَّمَا أَنَا عَبدٌ، فَقُولُوا: عَبدُ اللهِ وَرَسُولُه».
«Musandirumbidze zvakanyanyisa sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya, chokwadi ini ndingori muranda, saka itai: Muranda waAllah uye Mutumwa wake». Yakarondedzerwa naAl-Bukhari muSahih yake, kubva muHadith yaUmar, Allah ngavafadzwe naye.
Pazvinhu zvinoshamisa nezvinokatyamadza pane zvekuti: vanhu vazhinji vanoshingaira nekuzvipira kuenda kumhemberero dzebid'ah idzi, vachidzirwira, asi vachisiya izvo zvakasungirwa pavari naAllah zvekuenda kuminamato yeJumu'ah neyegungano, vasingatombozvinetsi nazvo, uye havaoni kuti vaita chakaipa chikuru. Hapana mubvunzo kuti izvi zvinokonzerwa nekutenda kusina kusimba, kushomeka kwenzwisiso, nekuwanda kwemhando dzezvitadzo nekusateerera zvakafukidza. Tinokumbira kuti Allah vaite kuti tigare zvakanaka isu nemaMuslim ese.
Uye pane izvozvo: kuti vamwe vavo vanofunga kuti Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vanouya pamhembero yeMawlid. Naizvozvo vanovasimukira vachivakwazisa nekuvagamuchira, uye izvi inhema dzakakura zvikuru nekusaziva kwakaipisisa, nekuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) havabudi muguva ravo Zuva reKumutswa risati rasvika, uye havasangani nemunhu chero upi zvake muvanhu, uye havauye mumagungano avo, asi ivo vanoramba vari muguva ravo kusvika Zuva reKumutswa.Uye mweya wake uri munzvimbo dzepamusoro-soro dzeʿIlliyyīn kuna Tenzi wake, muImba yeKukudzwa, sezvakataurwa naAllah vekumusoro-soro.
﴿ثُمَّ إِنَّكُمْ بَعْدَ ذَلِكَ لَمَيِّتُونَ15 ثُمَّ إِنَّكُمْ يَوْمَ الْقِيَامَةِ تُبْعَثُونَ16﴾
{Zvadaro, zvirokwazvo, mushure meizvozvo muchafa 15}
{Zvadaro, zvirokwazvo, pazuva rekumutswa muchamutswa 16} [Al-Muʿminuun: 15, 16].
Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«أَنَا أَوَّلُ مَنْ يَنْشَقُّ عَنْهُ القَبْرُ يَومَ القِيَامَةِ، وَأَنَا أَوَّلُ شَافِعٍ، وَأَوَّلُ مُشَفَّعٍ».
«Ini ndini wekutanga achatsemurirwa guva paZuva reKumutswa, uye ini ndini murevereri wekutanga, uye wekutanga kugamuchirwa kureverera kwake». Makomborero nerugare zvakanakisa kubva kuna Tenzi wake ngazvive pavari.
Saka mavhesi maviri aya anoremekedzwa, neHadith inoremekedzwa, nezvakauya zvine zvinoreva zvakafanana nazvo kubva mumavhesi nemaHadith: zvose izvi zvinoratidza kuti Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nevamwewo vakafa, vanongobuda kubva mumakuva avo paZuva reKumutswa, uye iyi inyaya yakabvumiranwa pakati penyanzvi dzemaMuslim; uye hapana kupokana pakati pavo. Saka zvakakodzera kumuMuslim wese kungwarira zvinhu izvi, uye kuchenjerera izvo zvakaunzwa nevasingazivi nevakaita saivo pamabid'ah nekutenda kwenhema; izvo Allah vasina kudzikisa humbowo hwazvo. Uye Allah ndivo vanokumbirwa rubatsiro, uye ndivo vanovimbwa navo, uye hapana simba kana kugona kunze kwavo.
Asi kukumbirira makomborero nerugare kune Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari,: ndechimwe chezviito zvakanakisisa zvekuswedera pedyo naAllah, uye chiri chimwe chemabasa akanaka, sezvakataura Allah vekumusoro-soro kuti:
﴿إِنَّ ٱللَّهَ وَمَلَٰٓئِكَتَهُۥ يُصَلُّونَ عَلَى ٱلنَّبِيِّۚ يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ صَلُّواْ عَلَيۡهِ وَسَلِّمُواْ تَسۡلِيمًا56﴾
{Zvirokwazvo, Allah (Mwari) nengirozi dzavo vanotumira makomborero kune Muporofita. Imi vanotenda, mutumirei makomborero uye mumukwazise nekwaziso yerugare.} [Al-Ahzaab: 56] Uye Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«مَنْ صَلَّى عَلَيَّ وَاحِدَةً؛ صَلَّى اللهُ عَلَيهِ بِهَا عَشْرًا».
«Uyo anonditumira maropafadzo kamwechete; Allah vanomuropafadza nekuda kwazvo kagumi.» Uye zvinotenderwa panguva dzose, uye zvakatsinhirwa pakupera kweSwalaah yega yega, kana kutoti zvinosungirwa semaonero eboka renyanzvi dzechitendero muTashahhud yekupedzisira yeSwalaah yega yega. Uye kuve Sunnah kwazvo kunotsinhirwa panzvimbo zhinji; dzinosanganisira mushure meAdhaan, uye panotaurwa zit reMutumwa (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari), nepazuva reJumu’ah nehusiku hwaro, sezvo humbowo hunoratidza izvi huri mumaHadith mazhinji.
Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigonese, pamwe nemaMuslim vose, kunzwisisa chitendero chavo nekumira zvakasimba pachiri, uye kuti vaitire nyasha vose kuti vabatisise Sunnah, nekuchenjerera bid'ah. Zvirokwazvo, ndivo mupi, vane rupo.
Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaaba avo.
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yechitanhatu:
Mutongo wekupemberera husiku hweIsraa' neMi'raj
Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwe chete nemhuri yavo nemaSwahaaba vavo.
Ndichienderera mberi: hapana kupokana kuti rwendo rweIsra (kuenda kuBaytul Maqdis) neMi’rāj (kuenda kudenga) ndezvimwe zvezviratidzo zvikuru zvaAllah zvinoratidza chokwadi cheMutumwa wavo Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari), nehukuru hwenzvimbo yavo pamberi paAllah (hukuru hwavo ngahukudzwe), sezvo zvirizve humbowo hwesimba raAllah rinoshamisa, nekuve kwavo ivo vanorumbidzwa pamusoro pezvisikwa zvavo zvese. Allah vanorumbidzwa vekumusoro-soro vakati:
﴿سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِيٓ أَسۡرَىٰ بِعَبۡدِهِۦ لَيۡلٗا مِّنَ ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡحَرَامِ إِلَى ٱلۡمَسۡجِدِ ٱلۡأَقۡصَا ٱلَّذِي بَٰرَكۡنَا حَوۡلَهُۥ لِنُرِيَهُۥ مِنۡ ءَايَٰتِنَآۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ1﴾
{Kurumbidzwa ngakuve kuna Allah vakaita kuti muranda wavo afambe husiku kubva kuMasjid Al-Haram kuenda kuMasjid Al-Aqsa, iyo yatakakomborera zvakaipoteredza, kuti timuratidze zvimwe zvezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo ndivo vanonzwa zvese, vanoona zvikuru1} [Al-Isra: 1].
Zvinozivikanwa kuburikidza nhaurwa dzakawanda dzechokwadi kubva kuMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti vakakwidzwa kuenda kumatenga, vakavhurirwa misuwo yawo kwavari kusvika vadarika denga rechinomwe. Tenzi vavo vanorumbidzwa vakabva vataura navo zvavaida kutaura, uye vakaita kuti minamato mishanu (Swalāh) ive yakasungirwa kwavari. Pakutanga, Allah vanorumbidzwa vakanga vaita kuti minamato makumi mashanu ive yakasungirwa asi Mutumwa wedu Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) vakaramba vachidzokera kwavari vachikumbira kurerutsirwa, kusvika vaita kuti ive mishanu. Saka minamato iyi mishanu pakusungirwa, uye makumi mashanu pamubairo; nekuti chiito chakanaka chinopihwa mubairo wakapetwa kagumi zvakaenzana nacho, saka rumbidzo nekutenda ngazvive kuna Allah pamakomborero avo ese.
Uye husiku uhwu hwakaitika rwendo rwehusiku (Isra) nekukwidzwa kuenda kudenga (Mi'raj), hauna kudomwa mumahadith echokwadi, mungave mumwedzi weRajab kana mumwe mwedzi, uye zvese zvakataurwa pakutarwa kwahwo hazvina kutsinhirwa kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) sekutaura kwenyanzvi dzeHadith. Uye Allah vane huchenjeri hwepamusoro mukuita kuti vanhu vahukanganwe, uye kunyange dai kutarwa kwahwo kwakatsinhirwa, zvasaibvumirwa kumaMuslim kuti vahutsaure nechero ipi zvayo yenzira yekunamata, uye hazvaibvumirwa kwavari kuti vahupemberere; nekuti Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) nemaSwahaaba avo (Allah ngavafare navo) havana kuhupemberera, uye havana kuhutsaura nechero chii zvacho," Uye dai kupemberera kwacho chaive chinhu chakatarwa, Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vangadai vakazvijekesera kuUmmah nemashoko kana nezviito. Uye dai chimwe cheizvi zvakaitika dai chakazivikanwa uye chakaita mukurumbira, uye maSwahaabah, Allah (Mwari ngavafare navo) vangadai vakachisvitsa kwatiri, nekuti vakasvitsa kubva kuMuporofita wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) zvinhu zvose zvinodiwa neUmmah, uye havana kusiya kana chinhu chimwechete zvacho muchitendero, asi kuti ndivo vaive vekutanga kune zvakanaka zvose, saka dai kupemberera husiku uhwu chaive chinhu chakatarwa, vangadai vaive vanhu vekutanga kuzviita. Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) ndiye mupi wemazano akanaka kupfuura vanhu vese kuvanhu, uye akasvitsa hutumwa zvakakwana zvizere, ndokuzadzikisa chivimbo. Saka dai kukudza husiku uhwu pamwe nekuhupemberera zvaive chikamu chechitendero chaAllah, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) haaizoshaya hanya nazvo kana kuzvivanza. Asi sezvo pasina chero chinhu chaizvozvo chakaitika; zvinoratidza pachena kuti kuhupemberera nekuhukudza hakusi chikamu cheIslam pachero chinhu zvacho. Zvirokwazvo Allah vakaita kuti chitendero ichi chive chakakwana kuUmmah ino, ndokuzadzikisa nyasha dzavo pairi, uye vakaramba avo vanoisa mitemo muchitendero kune izvo zvisina kubvumirwa naAllah. Naizvozvo, Allah varikumusoro-soro muGwaro ravo rakajeka vakati:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3], Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:
﴿أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَٰٓؤُاْ شَرَعُواْ لَهُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا لَمۡ يَأۡذَنۢ بِهِ ٱللَّهُۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةُ ٱلۡفَصۡلِ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۗ وَإِنَّ ٱلظَّٰلِمِينَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ21﴾
{Kana kuti vane vabatsiri vakavagadzirira chitendero chisina mvumo kubva kuna Allah? Uye dai rakanga risiri shoko rechokwadi (rakataurwa) naAllah iyi nyaya ingadai yakatongwa pakati pavo. Uye zvirokwazvo, vanoita zvakaipa vachava nemurango unorwadza.} [Ash-Shuura: 21].
Uye zvakashumwa zvechokwadi kubva kuMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, mumahadith echokwadi: kuyambira pamusoro pekuunza mabid'ah, uye nekujekesa kuti ikoko kutsauka; kuitira kuyambira Ummah pamusoro pekukuru kwenjodzi yacho, uye nekuvadzivisa kuti vasaiite. Izvi zvinosanganisira: zvakashumwa zvechokwadi muSahihayn kubva kuna Aisha, Allah ngavafare naye, kubva kuMuporofita, makomborero nerugare zvaAllah (Mwari) ngazvive kwavari, kuti vakati:
«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ؛ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisingabvi machiri; zvirokwazvo chinorambwa». Uye imwe nhaurwa yaMuslim inoti:
«مَنْ عَمِلَ عَمَلًا لَيْسَ عَلَيهِ أَمْرَنَا؛ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani naani anoita basa risiri pamurairo wedu; rinorambwa.» Uye muSahih Muslim zvakaturwa kubva kuna Jaabir (Allah ngavafare naye), akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vaigarotaura mumharidzo (khutbah) yavo pazuva reJum'ah vachiti:
«أَمَا بَعْدَ، فَإِنَّ خَيرَ الحَدِيثِ كِتَابُ اللهِ، وَخَيرَ الهَدْيِ هَدْيُ مُحَمَّدٍ ﷺ، وَشَرَّ الأُمُورِ مُحْدَثَاتُهَا، وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».
"Ndichienderera mberi: Zvirokwazvo, mashoko akanakisisa iBhuku raAllah, uye nhungamiro yakanakisisa inhungamiro yaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pamusoro pake), uye zvinhu zvakaipisisa ndezviya zvakagadzirwa zvitsva (bid'ah), uye bid'ah yese kurasika." An-Nasaa'i akawedzera neSanad yakanaka:
«وَكُلَّ ضَلَالَةٍ فِي النَّارِ».
"«Uye kurasika kwese magumo acho kuMoto.»" Uye muSunan Al-Irbaad bin Sariyah (Allah ngavafare naye) avo vakati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatipa mharidzo inobaya mwoyo, yakaita kuti mwoyo ibatwe nekutya, uye maziso akayerera misodzi, ndokubva tati: “Imi Mutumwa waAllah, iyi inoita sekunge imharidzo yemunhu ari kuoneka, saka tipei rairo.” Ndokubva vati:
«أُوصِيكُم بِتَقْوَى اللهِ وَالسَّمعِ وَالطَّاعَةِ وَإِنْ تَأَمَّرَ عَلَيكُم عَبدٌ، فَإِنَّهُ مَنْ يَعِشْ مِنْكُم فَسَيَرَى اخْتِلَافًا كَثِيرًا، فَعَلَيكُم بِسُنَّتِي وَسُنَّةِ الخلُفَاءِ الرَّاشِدِينَ المَهْدِيِّينَ مِنْ بَعْدِي، تَمَسَّكُوا بِهَا وَعَضُّوا عَلَيْهَا بِالنَّوَاجِذِ، وَإِيَّاكُم وَمُحْدَثَاتِ الأُمُورِ، فَإِنَّ كُلَّ مُحْدَثَةٍ بِدْعَةٍ وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».
«Ndinokurairai kuti muve munotya Allah, nekunzwa uye kuteerera, kunyange mukatungamirirwa nemuranda, nekuti zvirokwazvo uyo achararama pakati penyu achaona kupesana kwakawanda. Naizvozvo, teverai Sunnah yangu neSunnah yemakhalifah akatungamirirwa kugwara rakarurama uye vakapihwa nhungamiro mushure mangu, ibatisisei zvakasimba. Uye chenjerai zvinhu zvitsva, nekuti chinhu chitsva chega chega ibid'ah, uye bid'ah yega yega kurasika.» Uye maHadith anoreva izvi mazhinji.
Uye zvakatsinhirwa kubva kumaSwahaaba aMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), uye nevatsvene vekare (As-Salaf Asw-Swaalih) mushure mavo; kuti vakayambira pamusoro pebid'ah nekutyisidzira vanhu nezvawo; uye izvi zvinodaro chete nekuti kuwedzeredza muchitendero, nekuisa zvinhu zvisina kupihwa mvumo naAllah, uyezve kufanana nevavengi vaAllah, maJudha nemaKristu mukuwedzera kwavo muchitendero chavo, nekuunza mabid'ah) machiri zvisina kupihwa mvumo naAllah. Uyezve mhedzisiro yazvo kudzikisira chitendero cheIslam, nekuchipomera mhosva yekuti hachina kukwana. Zvinonyatsozivikanwa kuti mune izvi mune huipi kukuru, nezvakaipa zvinonyangadza, pamwe nekupikisana nekutaura kwaAllah (hukuru hwavo ngahukudzwe) kuti:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri...} [Al-Maaidah: 3]. Uye mune kupesana kuri pachena nemaHadith eMutumwa, makomborero nerugare ngazvive paari, anoyambira nezvebida'h nekurambidza vanhu kuzviita.
Zvadaro, ndinovimba kuti mune zvandataura zvehumbowo mune zvakakwana uye zvinogutsa kune anotsvaga chokwadi pakuramba bid'ah iyi; ndinoreva: bid'ah yekupemberera husiku hweIsra' neMi'raj, nekuyambira nezvayo, uye kuti haisi chikamu chechitendero cheIslam zvachose.
Uye nemhaka yezvakasungirwa naAllah zvekupa mazano kumaMuslim, nekujekesa mitemo yechitendero yakatarwa naAllah kwavari, uye nekurambidza nyaya yekuvanza ruzivo; ndakaona zvakakodzera kuyambira hama dzangu maMuslim pamusoro peBid'ah iyi, iyo yatekeshera munzvimbo zhinji, kusvika vamwe vanhu vafunga kuti chikamu chechitendero.
Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vagadzirise mamiriro emaMuslim vose, nekuvagovera nzwisiso muchitendero, uye kuti vatigonese isu naivo kubatisisa pachokwadi nekumira takasimba pachiri, nekusiya zvinopikisana nacho. Zvirokwazvo, ndivo vane masimba pamusoro pazvo, uye vanokwanisa kuzviita.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare nekuropafadza Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaaba avo.
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yechinomwe:
Mutemo wekupemberera husiku hwepakati pemwedzi weSha'baan
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, avo vakapedzisa kwatiri chitendero, uye vakatizadzisira makomborero avo. Tsitsi nerugare rwaAllah ngazvive kune Muporofita wavo uye Mutumwa wavo Muhammad, Muporofita wekutendeuka netsitsi.
Ndichienderera mberi ndinoti: zvirokwazvo Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Ma'idah: 3]. Allah varikumusoro-soro vakati:
﴿أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَٰٓؤُاْ شَرَعُواْ لَهُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا لَمۡ يَأۡذَنۢ بِهِ ٱللَّهُ...﴾
{Kana kuti vane vamwe vavanosanganisa mukunamata Allah vakavagadzirira chisina mvumo kubva kuna Allah...} [Ash-Shura: 21]. Uye mumabhuku maviri eSahih mune nhaurwa kubva kuna Aisha (Allah ngavafare naye) kubva kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) kuti vakati:
«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ؛ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisina kubva machiri; chinorambwa.» Uye muSahih Muslim mune hadith yakabva kuna Jaabir, Allah ngavafare naye, yekuti Muporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vaiwanzotaura mumharidzo yeJumu'ah vachiti:
«أَمَّا بَعْدُ: فَإِنَّ خَيرَ الحَدِيثِ كِتَابُ اللهِ، وَخَيرَ الهَدْيِ هَدْيُ مُحَمَّدٍ صَلَّى اللهُ عَلَيهِ وَسَلَّمَ، وَشَرَّ الأُمُورِ مُحْدَثَاتُهَا، وَكُلَّ بِدْعَةٍ ضَلَالَةٌ».
"«Tichienderera mberi: Zvirokwazvo, mashoko akanakisa iBhuku raAllah, uye gwara rakanakisa igwara raMuhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), uye zvinhu zvakaipisisa ndizvo zvitsva zvinogadzirwa mazviri, uye chinhu chitsva choga choga muchitendero kurasika.»" Uye mavhesi nemaHadith anoreva izvi akawanda, uye anoratidza zvakajeka kuti Allah vari kumusoro-soro vakazadzisa chitendero kuummah ino, uye vakazadzikisa nyasha dzavo kwairi. Uye Muporofita wavo, makomborero nerugare ngazvive kwavari, havana kushaya kusvikira vapedza kusvitsa shoko zvakajeka, uye vakajekesera vanhu zvese zvakarairwa naAllah zvemashoko neazviito. Uye Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakatsanangura kuti zvese zvinotangwa nevanhu mushure make vachizvibatanidza nechitendero cheIslam pamashoko kana zviito; zvese izvozvo ibid'ah isingatambirwi kubva kune uyo anenge aitanga, kunyange kana chinangwa chake chaive chakanaka. Uye maSwahaaba vaMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vaiziva nyaya iyi, uye nevadzidzi vechitendero cheIslam vakauya mushure mavo vaiizivawo. Saka vakaramba bid'ah, uye vakayambira nezvayo, sezvakataurwa nemunhu wese akanyora mabhuku pamusoro pekukudza Sunnah nekuramba bid'ah saIbn Waddaah, at-Twurtwuushi, Abu Shaamah, nevamwewo.
Uye zvirokwazvo mabid'ahakatangwa nevamwe vanhu muchitendero anosanganisira: bid'ah yekupemberera husiku hwepakati pemwedzi waSha'baan, nekutsaurwa kwezuva racho kuriita musi wekutsanya. Uye hapana humbowo pane izvozvo hunotenderwa kuvimbwa naho, uye kune maHadith asina kusimba akataurwa maererano nekunaka kwekutsanya kwacho, ayo asingatenderwi kuvimbwa nawo.
Zvakarondedzerwa pamusoro pekukosha kweSwalaah pazuva iri; zvese izvi ndezvekugadzirwa, sekujekesa kwakaita vadzidzi vazhinji nezvazvo, uye mamwe mashoko avo ndichazomataura kana Allah vachida.
Uye kwakarondedzerwa nezvezuva iri - zvakare - nhaurwa kubva kune mamwe maSalaf vekuShaam nevamwe vavo.
Zvakawirirana vadzidzi vazhinji pamusoro pazvo ndezvekuti kupembererwa kwehusiku uhwu ibid'ah, uye kuti maHadith akataurwa pamusoro pekukosha kwahwo ose haana kusimba, uye mamwe acho ndeenhema. Pakati peavo vakayambira pamusoro peizvi pana Al-Haafidhh Ibn Rajab, mubhuku rake rinonzi: Latwaa'if Al-Ma'aarif, nevamwe. Zvinozivikanwa kuti maHadith asina kusimba anoshandiswa chete muzviito zvekunamata izvo hwaro hwazvo hwakatsinhirwa nehumbowo hwakasimba. Kupemberera husiku hwepakati pemwedzi weSha'ban hakuna hwaro hwechokwadi zvekuti kungatsigirwe nemaHadith asina kusimba. Imaam Abul Abbas Sheikh al-Islam Ibn Taymiyyah, Allah ngavamunzwire tsitsi vakataura mutemo uyu mukuru.
Uye ndinokuunzira - iwe muverengi - zvakataurwa nevamwe vadzidzi vechitendero panyaya iyi, kuitira kuti uve nenzwisiso yakajeka pamusoro pazvo.
Vadzidzi vechitendero (Allah ngavavanzwire tsitsi) vakabvumirana pamwechete kuti zvinosungirwa ndeizvi: kudzorera nyaya idzo vanhu vanopikisana pamusoro padzo kuBhuku raAllah, hukuru hwavo ngahukudzwe, uye kuSunnah yaMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare). Saka izvo zvinotarwa nezvinhu zviviri izvi kana chimwe chazvo, ndiyo Shari'ah inosungirwa kuteverwa, uye izvo zvinopikisana nazvo zvinosungirwa kuraswa, uye izvo zvisina kuuya mazviri pamusoro pemabasa ekunamata ibid'ah isingabvumidzwi kuitwa, uye hazvibvumirwe kukoka vanhu kwazviri nekuzvikurudzira. Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَ وَأُوْلِي ٱلۡأَمۡرِ مِنكُمۡۖ فَإِن تَنَٰزَعۡتُمۡ فِي شَيۡءٖ فَرُدُّوهُ إِلَى ٱللَّهِ وَٱلرَّسُولِ إِن كُنتُمۡ تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ وَأَحۡسَنُ تَأۡوِيلًا59﴾
{Imi vanotenda! teererai Allah uye teererai Mutumwa, neavo vane masimba pakati penyu. Uye kana mukasawirirana pane chimwe chinhu, chidzoserei kuna Allah nemuMutumwa, kana muchitenda muna Allah neئuva rekupedzisira. Izvozvo ndizvo zvakanaka uye zvine magumo akanakisa. 59} [An-Nisa: 59]. Allah varikumusoro-soro vakati:
﴿وَمَا ٱخۡتَلَفۡتُمۡ فِيهِ مِن شَيۡءٖ فَحُكۡمُهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِ...﴾
{Uye chero chinhu chamunopesana machiri, mutongo wacho uri kuna Allah ...} [Ash-Shuura: 10]. Allah varikumusoro-soro vakati:
﴿قُلۡ إِن كُنتُمۡ تُحِبُّونَ ٱللَّهَ فَٱتَّبِعُونِي يُحۡبِبۡكُمُ ٱللَّهُ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡ...﴾
{Iti: Kana muchida Allah, nditeverei Ini, Allah vachakudai uye vachakuregererai zvivi zvenyu...} [Aal Imraan: 31]. Uye Allah (hukuru hwavo ngahukudzwe) vakati:
﴿فَلَا وَرَبِّكَ لَا يُؤۡمِنُونَ حَتَّىٰ يُحَكِّمُوكَ فِيمَا شَجَرَ بَيۡنَهُمۡ ثُمَّ لَا يَجِدُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ حَرَجٗا مِّمَّا قَضَيۡتَ وَيُسَلِّمُواْ تَسۡلِيمٗا65﴾
{Asi kwete, ndinopika naTenzi vako, havazovi vatendi kusvikira vakuita iwe mutongi mune izvo zvavanopokana pakati pavo, uye voshaiwa dambudziko mumoyo nezvaunenge watonga, uye vozvipira zvizere.} [An-Nisa: 65]. Ndima dzinoreva izvi dzakawanda, uye humbowo hunoratidza kusungirwa kwekudzorera nyaya dzekusawirirana kuQur'an neSunnah, nekusungirwa kwekugutsikana nemutongo wazvo, uye kuti izvozvo ndizvo zvinodiwa nekutenda, uye zvakanakira varanda munguva ino neinozouya, uye zvine dudziro yakanakisa: zvichireva mhedzisiro.
Al-Hafidh Ibn Rajab (Allah ngavamunzwire tsitsi) mubhuku rake: (Lataif Al-Ma'arif) panyaya iyi - mushure memashoko apfuura - akataura mashoko anoti:
«MaTabi'un aibva kuvanhu vekuSham; vakaita saKhalid bin Ma'dan, Mak-hul, Luqman bin 'Amir, vaikudza husiku hwepakati peSha'ban, vachishanda nesimba mahuri pakunamata, uye vanhu vakatora kubva kwavari kukosha nekukudzwa kwehusiku uhwu." Uye zwakataurwa kuti: vakawana dzimwe nhaurwa kubva kumaIsraeri pamusoro pazvo. Saka izvi pazvakaita mukurumbira munyika mavo, vanhu vakasiyana pane izvozvo. Vamwe vakazvitambira kubva kwavari, uye vakabvumirana navo pakuzvikudza. Pakati pavo paine boka revanamati vekuBasra nevamwewo. Vadzidzi vakawanda vekuHijaz vakaramba izvozvo, vanosanganisira 'Atwaa, naIbn Abi Mulaykah, uye zvakarondedzerwa naAbdur-Rahman bin Zaid bin Aslam, kubva kuvadzidzi vefiqh vekuMadinah, uye ndiwo maonero evateveri vaMalik nevamwe, uye vakati: "Izvozvo zvose ibid'ah."
Uye vadzidzi vekuShaam vakasiyana pamusoro pemaitirwo ekupedza husiku hwepakati peSha'ban uchinamata uye vakave nemaonero maviri:
Mamwe acho: Kuti zvinokurudzirwa kupedza husiku uhwu muchinamata mugungano mumaMasjid. Khalid bin Ma'daan naLuqmaan bin Aamir nevamwewo vaipfeka nhumbi dzavo dzakanakisa husiku uhwu, nekuzvipfungaidzira zvinonhuhwirira nekuzora kohl, uye vaimira vachinamata muMasjid husiku ihwohwo. Uye Ishaaq bin Raahawayh akawirirana navo pane izvozvo. Pamusoro pekumira vachinamate husiku mumasjid mugungano, akati: "Izvozvo hazvisi bid'ah." Izvi zvakataurwa naHarb mubhuku rake rinonziMasaa'il.
Echipiri acho: kuti zvakavengwa kuunganira mhembero idzi mumaMasjid nekuita Swalaah, kutaura nyaya, uye du'a. Uye hazvina kuvengwa kuti munhu aite Swalaah yake ega. Aya ndiwo maonero aAl-Awza'i, Imaam wevanhu vekuShaam, nyanzvi yavo yefiqh, uyemudzidzi wavo mukuru, uye izvi ndizvo zviri pedyo nechokwadi, kana Allah vachida. Kusvikira paakati: «Hapana mashoko anozivikanwa aImam Ahmad pamusoro pehusiku hwepakati peSha'ban, uye panoburitswa nzira mbiri dzerondedzero kubva kwaari maererano nekukurudzirwa kwekuita minamato husiku hwemhembero dze Eid, nekuti zvirokwazvo (mune imwe nzira yerondedzero ) haana kukurudzira kuita minamato iyoyo negungano (Jama'ah); nekuti hazvina kurondedzerwa kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) nemaSwahabah avo. "Uye akaikurudzira (mune imwe nhoroondo), nekuda kwekuti Abdur-Rahman bin Yaziid bin Al-Aswad akazviita, uye aive mumwe wemaTaabi'iin.Saka zvakadarowo kuita munamato pakati pehusiku hwepakati peSha'ban, hapana chakatsinhirwa nezvazvo kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahaaba avo, asi zvakatsinhirwa kubva kune rimwe boka remaTaabi'iin pakati penyanzvi dzefiqh dzine mukurumbira dzevanhu vekuShaam»."
Pano ndipo papera zvandaida mumashoko aAl-Hafidh Ibn Rajab, Allah ngavamunzwire tsitsi, uye maari anotaura zvakajeka kuti hapana chinhu chakatsinhirwa kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahaabah vavo, Allah ngavafadzwe navo, maererano nehusiku hwepakati peSha'ban.
Asi zvakasarudzwa naAl-Awzaa'i (Allah vamunzwire tsitsi) zvekukurudzira kuita munamato uyu kuvanhu mumwe nemumwe, nekusarudza kwakaita Al-Hafidh Ibn Rajab maonero aya, zvirokwazvo izvi zvinoshamisa uye hazvina simba; nekuti chinhu chese chisina kutsinhirwa nehumbowo hweShari'ah kuti chinotenderwa, hazvitenderwi kumuMuslim kuti achiise muchitendero chaAllah, kungava kuchiita ari ega kana ari muboka, uye kungava kuchiita pakavanda kana pachena. Izvi zvinobva pakuzara kwechirevo cheMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari):
«مَنْ عَمِلَ عَمَلًا لَيْسَ عَلَيهِ أَمْرُنَا؛ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani naani anoita basa risingaenderani nemurairo wedu; rinorambwa». Uye kune humwe humbowo hunoratidza kuramba mabid'ah nekuyambira nezvazvo.
Imam Abu Bakr al-Twurtwuushi, Allah ngavamunzwire tsitsi, akati mubhuku rake rinonzi Al-Hawaadith wal-Bida':
«Ibn Wadaah akarondedzera kubva kuna Zayd bin Aslam, kuti akati: Hatina kumboona ani zvake muvakuru vedu kana munyanzvi dzedu dzechitendero aipa hanya kumunamato wepakati peSha’ban, kana kupa hanya kuhadith yaMakhul, uye vaisaiona iine hukuru kudarika zvimwe zvese».
Uye zvakanzi kuna Ibn Abi Mulaykah: Zvirokwazvo Ziyad an-Numayri anoti: «Zvirokwazvo mubairo wehusiku hwepakati pemwedzi weSha'ban wakafanana nemubairo wehusiku hweQadr», Akabva ati: «Dai ndakamunzwa ndiine muti muruoko rwangu, ndingadai ndamurova» Uye Ziyad aive mutauri wenyaya, ndipo pagumira zvandanga ndichida kutaura pamusoro peizvi.
Al-'Allaamah ash-Shawkaani (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati mubhuku rinonzi: al-Fawa'id al-Majmu'ah anotevera:
"«Hadeeth inoti: «Iwe Ali, uyo anonamata maraka'ah zana muhusiku hwepakati peSha'baan, achiverenga muRak'ah yega yega Surah Al-Fatihah neSurah Al-Ikhlaas kagumi; Allah vachamuzadzisira chido chese» zvichingodaro." ndeyekugadzirwa, uye mashoko ayo anoburitsa pachena nezvemubairo unowanikwa nemuiti wazvo mune zvisingapokanwi nemunhu ane nzwisiso pamusoro pekugadzirwa kwayo, uye varondedzeri vayo havazivikanwi. Uye yakarondedzerwa kuburikidza nenzira yechipiri neyechitatu idzo dzose dziri dzekugadzirwa uye varondedzeri vadzo havazivikanwi, Uye akati mubhuku rinonzi: al-Mukhtasar: Hadeeth yemunamato wepakati peSha’ban ndeye nhema. Uye Ibn Hibban akaronderedza hadith kubva kuna Ali yekuti: «Kana hwave husiku hwepakati peSha’ban, namatai husiku uhwu, uye tsanyai masikati acho», asina haina kusimba. Uye akati mubhuku rinonzi Al-La'ali': Hadith inoti «Maraka'ah zana pakati peSha'baan anonamatwa zvichibva pasi pemoyo kagumi» nezvakawanda zvayakaronderedzera pamusana pekunaka kwehusiki uhwu, yakabva kuna Al-Dailami nevamwe yakagadzirwa, uye ruzhinji rwevarondedzeri vayo munzira dzacho nhatu havazivikanwi uye havana simba. Akati: Hadith inoti «Uye maraka'ah gumi nemaviri aunonamata zvichibva pasi pemoyo kanokwana makumi matatu» yakagadzirwa, inoti « maraka'ah gumi nemana» yakagadzirwa.
Uye boka revadzidzi veFiqh rakanyengerwa neHadith iyi; semunyori webhuku rinonzi Ihyaa’ nevamwewo, kusanganisira vadzidzi veTafsir. Uye kwakarondedzerwa nezveSwalaah yehusiku uhwu — ndiri kureva: husiku hwepakati peSha’baan — nenzira dzakasiyana-siyana idzo dzose dziri dzenhema uye dzakagadzirwa, Izvi hazvipikisane nenhaurwa yaat-Tirmidhi kubva muHadith ya'Aisha (Allah ngavafadzwe naye) yekuenda kweMuporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) kuBaqi', nekudzika kwaTenzi pahusiku hwepakati peSha'baan vachiuya padenga repasi, uye kuti vanoregerera vakawanda kudarika huwandu hwemakushe emakwai edzinza reKalb, nekuti chiri kutaurwa pano inongova nyaya yemunamato uyu wakagadzirwa pahusiku uhwu. Naizvozvo zvirokwazvo hadith iyi ya'Aishah ine utera nekudambuka. Saizvozvowo, hadith ya'Ali iyo yambotaurwa nezvayo maererano nekuita Swalaah muhusiku hwepakati peSha'baan, haipikisani nechokwadi chekuti Swalaah iyi ndeyekugadzirwa, zvisinei neutera huri mairi sezvatataura» Pano ndipo panoperera zvandanga ndichida kutaura pamusoro peizvi.
Uye Al-Hafidh Al-Iraqi akataura kuti: «Hadith yemunamato wehusiku hwepakati (peSha'baan) yakagadzirwa ichipomerwa Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dza Allah ngazvive kwavari) uye kuvanyepera .» Mubhuku ravo al-Majmu' Imaam an-Nawawii vakati: «Swalaah inozivikanwa seSwalaah yeRaghaa'ib, inova maraka'ah gumi nemaviri pakati peMaghrib neIshaa, muhusiku hweChishanu chekutanga chaRajab, neSwalaah yehusiku hwepakati paSha'baan yemaraka'ah zana, maSwalaah maviri aya iBid'ah anorambwa, uye munhu haafanirwe kunyengerwa nekutaurwa kwawo mubhuku rinonzi Quut al-Quluub, neIhyaa' 'Uluum ad-Diin, kana nehadiith inotaurwa maererano nezvazvo, nekuti zvese izvozvo hazvina hwaro. Uye muMuslim haafanirwe kunyengerwa nevamwe vanamazvikokota vakavhiringidzika pamusoro pemutemo wemunamato iwoyo, vakabva vanyora magwaro anokurudzira minamato iyoyo, nekuti vakakanganisa pane izvozvo.»
Uye zvirokwazvo Sheikh Imam: Abu Muhammad Abdur-Rahman bin Isma'il Al-Maqdisi vakanyora bhuku rakakosha zvikuru pakuratidza kuti zviviri izvi hazvina maturo, uye vakaita izvi nehunyanzvi hukuru nekugona kwazvo. Uye kutaura kwevane ruzivo panyaya iyi kwakawanda chaizvo, uye dai taida kunyora zvose zvatakaverenga maererano nemashoko avo pamusoro penyaya iyi, kutaura kwedu kwaizoreba zvikuru. Asi zvimwe mune izvo zvatataura mune zvakakwana uye zvinogutsa kune anenge achitsvaga chokwadi.
Kubva mumavhesi, mahadith, nemashoko evanhu veruzivo apfuura: zvinova pachena kune uyo anenge achitsvaga chokwadi kuti kupemberera husiku hwepakati pemwedzi waSha'baan neSwalaah kana zvimwewo, pamwe nekutsaura zuva nekutsanya; ibid'ah inoshorwa nevadzidzi vakawanda, uye hazvina hwaro muShari'ah yakachena, asi kuti ndezvimwe zvezvinhu zvakagadzirwa muIslam mushure menguva yemaSwahaabah, Allah ngavafadzwe navo. Uye kutaura kwaAllah (Mwari), Hukuru hwavo ngahukudzwe, kunokwanira uyo anotsvaga chokwadi panyaya iyi nedzimwewo. Vakati:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri...} [Al-Maaidah: 3]. Uye nendima dzakauya nechirevo ichocho, uye mashoko aMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ) anoti:
«مَنْ أَحْدَثَ فِي أَمْرِنَا هَذَا مَا لَيْسَ مِنْهُ فَهُوَ رَدٌّ».
«Ani naani anounza chinhu chitsva muchitendero chedu ichi chisingabvi machiri, chinorambwa.» Uye maHadith akauya nechirevo ichocho.
MuSahih Muslim mune nhaurwa kubva kuna Abu Hurairah, Allah ngavafare naye, akataura kuti: Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:
«لَا تَخُصُّوا لَيْلَةَ الْجُمُعَةِ بِقِيَامٍ مِنْ بَيْنِ اللَّيَالِي، وَلَا تَخُصُّوا يَوْمَهَا بِالصِّيَامِ مِنْ بَيْنِ الْأَيَّامِ، إِلَّا أَنْ يَكُونَ فِي صَوْمٍ يَصُومُهُ أَحَدُكُمْ».
«Musatsaura husiku hweJumu’ah pakunamata pakati pehumwe husiku, uye musatsaura zuva racho pakutsanya pakati pemamwe mazuva, kunze kwekuti kuri kutsanya kwagara kuchaitwa nemumwe wenyu». Dai kutsaura humwe husiku, neimwe nzira yekunamata kwaibvumidzwa, zvirokwazvo husiku hweJumu’ah ndihwo hwaizova hwakakodzera kudarika humwe; nekuti zuva rahwo ndiro zuva rakanakisa rakabudia nezuva, sekutaura kwendima dzemahadith echokwadi kubva kuna Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari). Saka apo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vakayambira nezvekusarudza husiku ihwohwo kuti huitirwe minamato pakati pehumwe husiku, izvi zvinoratidza kuti humwe husiku hautokodzera zvakatonyanya kuita izvozvo. Hazvitenderwe kutsaura humwe husiku nechero chii zvacho chekunamata, kunze kwekunge paine humbowo hwakavimbika hunoratidza kutsaura ikoko.
Uye sezvo zviri pamutemo kuita minamato nekushanda nesimba nekushingirira pakunamata muhusiku hweQadr (Laylatul Qadr) nehusiku hweRamadan, Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akayeuchidza nezvazvo, uye akakurudzira Ummah kuita minamato husiku ihwohwo, uye iye pachake akazviita izvi, sezviri mumabhuku maviri eSahih kubva kuna Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) kuti akati:
«مَنْ قَامَ رَمَضَانَ إِيمَانًا وَاحْتِسَابًا، غُفِرَ لَهُ مَا تَقَدَّمَ مِنْ ذَنْبِهِ، وَمَنْ قَامَ لَيْلَةَ الْقَدْرِ إِيمَانًا وَاحْتِسَابًا، غُفِرَ لَهُ مَا تَقَدَّمَ مِنْ ذَنْبِهِ».
«Uyo anonamata husiku hweRamadhan aine kutenda achitarisira mubairo, acharegererwa zvitadzo zvake zvakapfuura, uye uyo anonamata husiku hweLaylatul-Qadr aine kutenda achitarisira mubairo, acharegererwa zvitadzo zvake zvakapfuura». Saka dai husiku hwepakati peSha’ban, kana husiku hweJumu’ah yekutanga yeRajab, kana husiku hweIsra neMi’raj hwaive hwakatarwa pamutemo kuti hutsaurwe nemhemberero kana nechimwe chinhu chekunamata, zvirokwazvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) vangadai vakatungamirira Ummah kune izvi, kana kuti vakazviita ivo pachavo. Uye dai paine zvakadai zvakaitika, maSwahaaba (Allah ngavafadzwe navo) vangadai vakazvisvitsa kuUmmah, uye dai vasina kuzvivanza kwavari, nokuti ndivo vanhu vakanakisa, uye vanhu vanopa mazano kwazvo mushure meMaporofita (rugare nemakomborero ngazvive pavari). Uye Allah vakafadzwa nemaSwahaaba veMutumwa wavo (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) uye vakaita kuti ivo vavafarire.
Uye watoziva kare kubva pamashoko evadzidzi vechitendero kuti hapana chinhu chakatsigirwa kubva kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, kana kubva kumaSwahabah vavo, Allah ngavafadzwe navo, maererano nekukosha kwehusiku hweJumu'ah yekutanga yemumwedzi weRajab, kana husiku hwepakati paSha'ban. Zvakabva zvava zvinozivikanwa kuti kupemberera husiku huviri uhwu chinhu chitsva (ibid'ah) chakatangwa muIslam. Naizvozvowo kuzvitsaura nechimwe chinhu chekunamata, ibid'ah inorambwa, Saizvozvowo husiku hwemazuva makumi maviri nenomwe aRajab, uhwo vamwe vanhu vanotenda kuti ndihwo husiku hweIsraa neMi'raj, hazvitenderwi kuhutsaura nechero mhando yekunamata, uye hazvitenderwi zvakare kuhupemberera; pamusana pehumbowo hwapfuura. Izvi zvaizova zvakadaro kunyange dai zuva racho raizivikanwa. Saka zvinotopfuura apa nekuti mashoko echokwadi kubva mune zvakataurwa nenyanzvi dzechitendero ndeekuti hahuzivikanwi. Uye kutaura kweuyo anoti: uhwu husiku hwezuva remakumi maviri nechinomwe hwemwedzi waRajab, kutaura kwenhema kusina hwaro mumahadith akavimbika, uye akataura zvakanaka uya akati:
"Uye zvakanakisa pazvinhu ndeizvo zvakapfuura zviri pagwara... uye zvakaipisisa pazvinhu ndeizvo zvitsva zvakagadzirwa."
Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigonese, pamwe nemaMuslim vose, kubatisisa Sunnah nekumira zvakasimba pairi, nekungwarira zvose zvinopesana nayo. Zvirokwazvo, ndivo mupi, vane rupo.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaba avo vose.
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yechisere:
Yambiro yakakosha nezvekunyepa kwekuraira kunonzi kwakabva kuna
Sheikh Ahmad, Muchengeti weMasjid Tsvene yeMutumwa inoremekedzwa
Kubva kuna Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz kuenda kune wese achaverenga izvi ari mumuMuslim, Mwari ngavavachengetedze neIslam, uye ngavatidzivirire isu naivo kubva kune zvakaipa zvenhema dzakagadzirwa nevanhu vasingazivi uye vasina njere, Ameen.
Rugare, makomborero, netsitsi dzaAllah ngazvive pamuri.
Mushure meizvi: zvirokwazvo ndakaverenga mashoko anonzi akabva kuna Sheikh Ahmad, mushandi wemasjid inoera, inoremekedzwa yeMuporofita, ane musoro unoti: «Iyi irairo inobva kuMadinah al-Munawwarah kubva kuna Sheikh Ahmad, mushandi wemasjid inoera, inoremekedzwa yeMuporofita», maari vakati:
«Ndakanga ndakasvinura husiku hweJumu’ah ndichiverenga Qur’aan inoera, mushure mekuverenga mazita aAllah. Pandakapedza izvozvo ndakagadzirira kurara, ndikaona muridzi wechitarisiko chinopenya, Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, avo akauya nemavhesi eQur’aan, nemitemo inoremekedzwa; setsitsi kune zvisikwa zvose, mukuru wedu Muhammad, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, vakati: Iwe Sheikh Ahmad, ndikati: Ndiri pano iwe Mutumwa waAllah, iwe unoremekedzwa zvakanyanya pazvisikwa zvaAllah," Zvino akati kwandiri: “Ini ndinonyara zvikuru nemabasa evanhu akashata, uye handikwanisi kusangana naTenzi vangu kana nengirozi; nekuti kubva paJumu'ah kusvika pane imwe Jumu'ah kwakafa vanhu zviuru zana nemakumi matanhatu vasiri pachitendero cheIslam” -ndokubva ataura zvimwe zvezvitadzo zvakaitwa nevanhu. Shure kwaizvozvo vakati: - Saka rairo iyi itsitsi kwavari kubva kuna Samasimba, vane simba guru. Zvadaro akataura zvimwe zviratidzo zvezuva rekutongwa, kusvika pakuti akati: - Saka vazivise iwe Sheikh Ahmad nezverairo iyi; nokuti yakanyorwa nechinyoreso chezvakatarwa kubva muGwaro Rakachengetedzwa, uye kuti uyo anoinyora agoitumira kubva kune rimwe guta kuenda kune rimwe guta, uye kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe nzvimbo, anovakirwa muzinda muJannah, uye uyo asingainyori nekuitumira haawane kureverera kwangu ) pazuva rekutongwa. Uye uyo anoinyora iye ari murombo, Allah vanomupfumisa, kana kuti iye aine chikwereti, Allah vanopedza chikwereti chake, kana kuti aine chivi, Allah vanomuregerera, iye, nevabereki vake, nemakomborero erairo iyi. Uye ani naani wevaranda vaAllah asina kuinyora, chiso chake chinosviba pasi pano nemune remangwana. "Akati: Ndinopika naAllah Mukuru katatu, ichi ichokwadi, uye kana ndichinyepa, ngandibude panyika ndisiri muIslam, uye ani naani anotenda mazviri anoponeswa kubva kumurango weMoto, uye ani naani anozviramba anenge aramba kutenda»."
Iyi ndiyo pfupikiso yezviri murairo yekunyepa pamusoro peMutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, uye zvirokwazvo takanzwa rairo yekunyepa iyi kazhinji kwemakore akawanda, ichiitwa kuti itekeshere pakati pevanhu nguva nenguva, uye ichifambiswa pakati pevanhu vakawanda zvavo, uye mumashoko ayo muine misiyano, Uye murevi wenhema wayo anoti: zvirokwazvo akaona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuhope, ndokubva vamupa rairo iyi. Uye mugwaro iri rekupedzisira ratataura nezvaro kwauri, iwe muverengi, murevi wenhema akataura imomo kuti akaona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) paanga achigadzirira kurara, saka zvinoreva kuti: akavaona akasvinura!
Mugadziri wenhema uyu akataura murairo iyi zvinhu zvizhinji; izvo zvinova nhema dziri pachena, uye zviri pachena kuti hazvina maturo. Ndichakuyambira pamusoro pazvo munguva pfupi iri kutevera mumashoko ano kana Allah achida. Zvirokwazvo ndakayambira pamusoro pazvo mumakore akapfuura, uye ndakajekesera vanhu kuti inhema dziri pachena, uye kuti zviri pachena kuti hazvina maturo. Saka pandakaongorora chinyorwa ichi chekupedzisira ndakazeza kunyora pamusoro pacho, nekuda kwekuti zviri pachena kuti hachina maturo, pamwe nehushingi hukuru hwemugadziri wacho pakutaura nhema, uyezve handina kufunga kuti kushaya maturo kwacho kungagamuchirwa neuyo ane nzwisiso shoma, kana hunhu hwakarurama. Asi hama zhinji (maMuslim) dzakandiudza kuti tsamba iyi yakatekesheea kuvanhu vazhinji, uye vakapanana pakati pavo vamwe vavo vakatenda mairi; nokudaro ndakaona kuti zvinosungirwa kune vakaita seni kunyora nezvayo, kuitira kujekesa kunyepa kwayo, uye kuti inhema dzakagadzirwa pamusoro peMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuitira kuti pasave nemunhu anonyengedzwa nayo. Uye ani naani anoongorora tsamba iyi ari munhu weruzivo nekutenda, kana avo vane chizvariro chakatwasuka nenjere dzakarurama; anobva aziva kuti inhema nehunyengeri kuburikidza nenzira dzakawanda.
Uye zvirokwazvo ndakabvunza vamwe vehama dzaSheikh Ahmad, uyo anopomerwa nhema idzi, maererano nerairo iyi, vakandipindura vachiti: idzi inhema dzakanzi mashoko aSheikh Ahmad, uye kuti haana kumbobvira ataura izvozvo zvachose. Uye Sheikh Ahmad vataurwa ava vakafa nguva yadarika, uye kunyangwe tikati Sheikh Ahmad vataurwa ava, kana munhu mukuru kuvapfuura, akataura mashoko ekuti aona Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) muhope kana kuti akasvinura, uye vakamupa rairo iyi, taizoziva zvechokwadi chekuti murevi wenhema, kana kuti uyo akataura izvozvo kwaari ndiShaytwaan, haasi Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nenzira dzakati wandei, dzimwe dzacho ndedzinoti:
Chekutanga: Kuti Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) havaonekwe nemunhu akasvinura mushure mekufa kwavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uye ani naani anotaura mashoko kubva kune avo vasingazivi vechiSufi kuti anoona Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) pakusvinura, kana kuti vanouya pamhemberero yekuzvarwa kwavo (Mawlid), kana zvakafanana neizvozvo; zvirokwazvo anenge akanganisa zvikuru, uye anenge anyengerwa zvikuru, uye anenge akangamisa zvikuru. Uyezve anenge apikisa Bhuku neSunnah pamwe nekubvumirana kwevadzidzi; nekuti vafi vanongobuda chete mumakuva avo pazuva rekumutswa kwevakafa kwete panyika ino. Uye ani naani anotaura zvinopesana neizvozvo, zvirokwazvo iyeyo munyepi anotaura nhema dziri pachena, kana kuti akanganisa achivhiringidzwa, haana kuziva chokwadi chakazivikanwa nemaSalaf asw-Swaalih, uye chakatevedzwa nemaSwahaabah veMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, neavo vakavatevera mune zvakanaka. Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿ثُمَّ إِنَّكُم بَعۡدَ ذَٰلِكَ لَمَيِّتُونَ15 ثُمَّ إِنَّكُمْ يَوْمَ الْقِيَامَةِ تُبْعَثُونَ16﴾
{Zvadaro, zvirokwazvo, mushure meizvozvo muchafa 15}
Zvadaro, zvirokwazvo, pazuva rekutongwa muchamutswa 16} [Al-Muʿminuun: 15, 16], Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakataura kuti:
«أَنَا أَوَّلُ مَنْ تَنْشَقُّ عَنْهُ الْأَرْضُ يَوْمَ الْقِيَامَةِ، وَأَنَا أَوَّلُ شَافِعٍ وَأَوَّلُ مُشَفَّعٍ».
«Ini ndichava wekutanga uyo guva rake richazarurwa pasi richipatsanuka paZuva reKumuka kweVakafa, uye ndichava wekutanga kureverera vamwe, uye wekutanga achagamuchirwa kureverera kwake.» Uye ndima nemaHadith ane chirevo ichi mazhinji.
Chechipiri: kuti Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, havatauri zvinopesana nechokwadi, mungave muhupenyu hwavo kana pakufa kwavo, uye rairo iyi inopesana neShari'ah yavo kupesana kuri pachena, uye izvi zvinoonekwa nenzira dzakawanda — sezvinotevera —, uye ivo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vanogona kuonekwa kuhope. Uye uyo anovaona muhope pachimiro chavo chinoremekedzwa; zvirokwazvo anenge avaona, nekuti Shaitwani haazviratidzi pachimiro chavo, sekuziviswa kwazvakaitwa muHadith yechokwadi inoremekedzwa. Asi nyaya yose inokosha iri pakutenda kweiye aona, kutaura kwake chokwadi, kururama kwake, kunyatsoyeuka kwake, kuzvipira kwake pachitendero, nekuvimbika kwake, uye kuti akaona Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pachimiro chake here kana kuti pane chimwe.
Uye dai kwakauya kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive kwavari, hadith yavakataura pahupenyu hwavo, kuburikidza negwara risiri revanhu vanovimbika, vakarurama uye vanorangarira zvizere, yaisazovimbwa nayo, uye yaisazoshandiswa sehumbowo, kana kuti yakauya kuburikidza negwara revanhu vanovimbika uye vanochengetedza zvizere mupfungwa, asi ichipikisa kurondedzera kweuyo akavapfuura pakurangarira, uye anovimbika zvakanyanya, kupikisa kusingakwanisiki kubatanidza kurondedzerwa kuviri uku, imwe yadzo ingadai yakatsiviwa isingashandiswi pamabasa, uye yechipiri: inotsiva inoshandiswa pamabasa, nekuti izvi zvinokwanisika pachitevedzerwa zviga zvacho. Kana zvisingakwanisiki kubatanidza kana kutsiva, zvinosungirwa kuti kuiswe parutivi kushumwa kweuyo akaderera pakurangarira, uye akaderera pakururama, uye popiwa mutongo wekuti nhaurwa yacho yakatsauka, isingashandiswi pamabasa.
Zvadaro, tingatii pamusor perairo isingazivikanwi muridzi wayo akaiunza kubva kuna Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uye kururama kwake nekuvimbika kwakekusingazivikanwi? Kana zvadai, zvirokwazvo, nhaurwa iyi inofanira kuraswa, yoregedza kuteererwa, kunyangwe kana pasina chiri mairi chinopesana nemitemo yeIslam. Saka zvakadini kana rairo yacho ichisanganisira zvinhu zvakawanda zvinoratidza kushaya hwaro kwayo, uye kuti kunyebera Mutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), uyezve inosanganisira kugadzira mitemo yechitendero isina kubvumidzwa naAllah?!
Uye Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:
«مَنْ قَالَ عَلَيَّ مَا لَمْ أَقُلْ؛ فَلْيَتَـبَوَّأْ مَقْعَدَهُ مِنَ النَّارِ».
«Uyo anotaura pamusoro pangu izvo zvandisina kutaura, ngaagadzirire nzvimbo yake kuMoto.» Uye zvirokwazvo, mugadziri wenhema dzeshoko iri akataura pamusoro peMutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) zvavasina kutaura, uye akavarevera nhema dziri pachena dzine njodzi. Naizvozvo, akakodzera zvikuru yambiro huru inotyisa iyi, kana akasakurumidza kutendeuka, ozivisa vanhu nezvenhema dzeshoko iri dzakanenerwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari); nokuti uyo anoita kuti nhema dzitekeshere pakati pevanhu, odzibatanidza nechitendero, kutendeuka kwake pazviri hakugamuchirwi kusvikira azvizivisa pachena uye aratida pachena kuti zvaaita kuti zvitekeshere zvaive zvisiri zvechokwadi, kuitira kuti vanhu vazive kudzoka kwake kubva munhema dzake, nekubvuma kwake pachake kuti aive murevi wenhema; sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro kuti:
﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ يَكۡتُمُونَ مَآ أَنزَلۡنَا مِنَ ٱلۡبَيِّنَٰتِ وَٱلۡهُدَىٰ مِنۢ بَعۡدِ مَا بَيَّنَّٰهُ لِلنَّاسِ فِي ٱلۡكِتَٰبِ أُوْلَٰٓئِكَ يَلۡعَنُهُمُ ٱللَّهُ وَيَلۡعَنُهُمُ ٱللَّٰعِنُونَ159 إِلَّا ٱلَّذِينَ تَابُواْ وَأَصۡلَحُواْ وَبَيَّنُواْ فَأُوْلَٰٓئِكَ أَتُوبُ عَلَيۡهِمۡ وَأَنَا ٱلتَّوَّابُ ٱلرَّحِيمُ160﴾
{Zvirokwazvo, avo vanovanza zvatakadzikisa muzviratidzo zviri pachena nenhungamiro mushure mekunge tazvijekesa kuvanhu muBhuku, avo ndivo vanotukwa naAllah, uye vanotukwa neavo vanotuka. 159}
{Kunze kweavo vakanotendeuka, vogadzirisa, uye vojekesa, zvino ivavo ndinogamuchira kutendeuka kwavo. Uye ndini ndinogamuchira kutendeuka, ndine tsitsi zhinji. 160} [Al-Baqarah: 159, 160], Saka Allah vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vakajekesa mundima iyi inoremekedzwa kuti: zvirokwazvo uyo anovanza chero chidimbu chechokwadi, kutendeuka kwake kubva pazviri hakugamuchirwi kunze kwekunge agadzirisa nekujekesa. Uye Allah vanorumbidzwa, vakaita kuti chitendero chive chakanyatsokwana kuvaranda vavo, uye vakazadzikisa nyasha dzavo pavari nekutumira Mutumwa wavo Muhammad, Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare. Uye zvakazarurwa naAllah kwavari zvemutemo zvakakwana, uye Allah havana kumuita kuti afe vasati vazadzikisa nekujekesa, sekutaura kwavakaita Tenzi, vane rukudzo rwakakura, kuti:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾
{...Zuva ranhasi ndave ndinozadzikisa chitendero chenyu kwamuri, uye ndakuzadzisirai nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero...} [Al-Maaidah: 3]
Uye mugadziri werairo yenhema iyi akauya muzana remakore rechigumi nemana, achida kunyengedza vanhu nechitendero chitsva, chinoita kuti kupinda muParadhiso kuve kune uyo anotevedzera mutemo wake, uye kurambidzwa Paradhiso pamwe nekupinda muMoto kune uyo asingatevedzeri mutemo wake. Uye anoda kuita kuti rairo iyi yaakanyepedzera ive huru uye yakanakisa kudarika Qur'aan, apo akanyepa mairi kuti: uyo anoinyora achiitumira kubva kune rimwe guta kuenda kune rimwe guta, kana kubva pane imwe nzvimbo kuenda pane imwe nzvimbo; anovakirwa muzinda wake kuJannah, uye uyo asingainyori nekuitumira anonyimwa kurevererwa kwaMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) pazuva rekumutswa. Uku ndiko kumwe kwekunyepa kwakaipisisa, uye humwe humbowo hwakajeka hunoratidza kunyepa kwerayiro iyi, pamwe nekushaya nyadzi kwemugadziri wayo, nehukuru hwekushinga kwake pakunyepa; nokuti uyo anonyora Qur'an rinoera akaritumira kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe nyika, kana kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe nzvimbo; haawani makomborero aya kana asingatevedzeri Qur'an rinoera, saka angawanikwa sei nemunyori wenhema idzi uye neanodzitakura kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe nyika? Uye uyo asina kunyora Qur'an uye asina kuritumira kubva kune imwe nyika kuenda kune imwe, haanyimwi kurevererwa kwaMuporofita (rugare nemakomborero zvaMwari ngazvive paari) kana achitenda maari, achitevedzera mutemo wake. Uye nhema imwechete iyi iri murairo iyi, inokwana yega kuratidza kuti ndeyekunyepaa, nekunyepa kweuyo anoita kuti itekeshere, nekushaya nyadzi kwake, nehupenzi hwake, pamwe nekuva kure kwake nekuziva gwara rakarurama rakaunzwa neMutumwa, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari.
Uye murairo iyi — kunze kweizvo zvataurwa — mune zvimwe zvinhu, zvose zvinoratidza kuti haina hwaro uye ndeyemanyepo, kunyangwe munhu akanyepa nezvayo akapika mhiko chiuru kana kudarika pamusoro pechokwadi chayo, uye kunyangwe akazvikumbirira chirango chikuru nekutambudzwa kwakaipisisa, achiti ari kutaura chokwadi; anenge asiri kutaura chokwadi, uye haingave yechokwadi, asi kuti, ndinopika naAllah, uye naAllah zvakare, iri pakati penhema huru uye dzakaipisisa dzisina hwaro. Tinoti Allah vanorumbidzwa pamwe nengirozi dziri pano nesu dzive zvapupu. Uye kune wese muMuslim achaona chinyorwa ichi — tinopa huchapupu hwatinosangana nahwo pamberi paTenzi vedu vari kumusoro-soro — : kuti rairo iyi ndeye manyepo uye ndeye nhema dzakanyepwa pamusoro peMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari). Allah ngavanyadzise uyo akagadzira manyepo aya, uye ngavamuite zvinokodzerana naye.
Uye humbowo hunoratidza kuti rairo iyi ndeyenhema, uye haina hwaro, kunze kwezvambotaurwa, huri muzvinhu zvizhinji zvinobva mundima yayo yataurwa, zvinosanganisira:
Chekutanga: Mashoko ari mairi ekuti: ('Nekuti kubva pamunato weJumu'ah kusvika pane mumwe munamato weJumu'ah, vanhu zviuru zana nemakumi matanhatu vakafa vasiri pachitendero cheIslam'); nekuda kwekuti izvozvo zviri muruzivo rwakavanzika, uye kuzarurirwa kuna Mutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kwakaguma mushure mekushaya kwavo, uye panguva yehupenyu hwavo vakanga vasingazivi zvisingaonekwi, zvino zvingaita sei mushure mekushaya kwavo. Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿قُل لَّآ أَقُولُ لَكُمۡ عِندِي خَزَآئِنُ ٱللَّهِ وَلَآ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ...﴾
{Iti: “Handikuudzei kuti ini ndine matura aAllah, uye ini handizivi zvakavanzika...”} [Al-An'aam: 50] Uye Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿قُل لَّا يَعۡلَمُ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ ٱلۡغَيۡبَ إِلَّا ٱللَّهُ...﴾
{Iti: Hapana ari kumatenga nepanyika anoziva zvakavanzika kunze kwaAllah ...} [An-Naml: 65]. Uye muHadith yechokwadi kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero zvaAllah (Mwari) ngazvive pavari, vakati:
«يُذَادُ رِجَالٌ عَنْ حَوْضِي يَوْمَ القِيَامَةِ، فَأَقُولُ: يَا رَبِّ! أَصْحَابِي أَصْحَابِي، فَيُقَالُ لِي: إِنَّكَ لَا تَدْرِي مَا أَحْدَثُوا بَعْدَكَ، فَأَقُولُ كَمَا قَالَ العَبْدُ الصَّالِحُ: ﴿وَكُنتُ عَلَيۡهِمۡ شَهِيدٗا مَّا دُمۡتُ فِيهِمۡۖ فَلَمَّا تَوَفَّيۡتَنِي كُنتَ أَنتَ ٱلرَّقِيبَ عَلَيۡهِمۡۚ وَأَنتَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدٌ﴾ [المائدة: 117]».
«Vamwe varume vachadzingwa kubva padziva rangu pazuva rekutongwa, saka ndichati: "Tenzi vangu! vadzidzi vangu, vadzidzi vangu, zvichabva zvanzi kwandiri: Zvirokwazvo iwe hauzivi zvavakaunza zvitsva mushure mako, saka ndichataura sezvakataurwa nemuranda akarurama: {Uye ndaive mupupuri pamusoro pavo bedzi pandaive pakati pavo, asi pamakanditora, imi ndimi maive Murindiri pamusoro pavo. Uye imi muri Mupupuri pazvinhu zvose.}
[Al-Maa'idah: 117]».
Nyaya yechipiri: -Pazvinhu zvinotaridza kushaya maturo kwerairo iyi, uye kuti manyepo-: mashoko emunyori ari mairi ekuti: (Ani naani anoinyora kana ari murombo Allah vanomupfumisa, kana aine chikwereti Allah vanomubhadharira chikwereti chake, kana aine chitema Allah vanomuregerera iye nevabereki vake nekuda kwemakomborero erairo iyi) zvichingodaro. Uku ndiko kumwe kunyepa kukuru, uye humbowo hwakajeka hwekunyepa kwemugadziri wazvo, pamwe nekushaya kwake nyadzi kuna Allah nekuvaranda vavo; nekuti zvinhu zvitatu izvi hazviwanikwe nekungonyora chete Qur'an Rinokudzwa, saka zvingawanikwa sei kune uyo akanyora rairo iyi yenhema?! Zvirokwazvo uyu muipi anongoda kuvhiringidza vanhu, nekuita kuti vakoshese rairo iyi; kuitira kuti vainyore uye vavimbe nemakomborero aya ekunyepa, vachisiya nzira idzo Allah vakavata semutemo kuvaranda vavo, uye dzavakaita kuti dzinge dzichisvitsa kupfuma nekubhadhara zvikwereti, nekuregererwa kwezvivi. Saka tinokumbira dziviriro kuna Allah kubva kuzvikonzero zvekuraswa, nekuteerera zvido zvedu naSatani.
Nyaya yechitatu: -pazvinhu zvinoratidza kuti kuraira uku ndekwenhema-, kutaura kwemuntori mairi kuti: "Uye uyo asingainyori pavaranda vaAllah; chiso chake chichasviba panyika nepahupenyu hwemangwana". Uye izvi -zvakare - dzimwe nhema dzakaipisisa, uye humwe humbowo huri pachena hwekushaya hwaro kwerairo iyi, nenhema dzeuyo akaigadzira. Zvingagamuchirika sei munjere dzemunhu ane njere kuti anyore rairo iyi yakaunzwa nemurume asingazivikanwe muzana remakore rechigumi nemana, achinyepa pamusoro peMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) uye achinyepa kuti uyo asinganyori rairo iyi chiso chake chichasviba panyika pano nemuHupenyu Huchatevera, uye uyo anoinyora achava mupfumi mushure mehurombo, nekusunungurwa muzvikwereti mushure mekunge zvamuwandira, pamwe nekukanganwirwa pane zvitadzo zvaakaita!!
Kurumbidzwa ngakuve kwamuri (Allah), idzi inhema huru!! Uye zvirokwazvo humbowo nechokwadi chiripo zvinopupura nezvenhema dzemugadziri wenhema uyu, nekukurisa hwekuzvitutumadza kwake pamberi paAllah, nekushaya kwake nyadzi kuna Allah uye kuvanhu. Kune vanhu vazhinji vasina kuinyora, asi zviso zvawo hazvina kusviba, uye pane vanhu vakawanda, hakuna anoziva huhwandu hwavo kunze kwaAllah (Mwari), vakainyora kakawanda, asi zvikwereti zvavo hazvina kubhadharwa, uye hurombo hwavo hauna kupera. Saka tinotsvaga dziviriro kuna Allah kubva mukutsauka kwemwoyo, nekusviba kwezvivi. Uye izvi zvimiro nemibairo zvisina kuunzwa neShari'ah inoremekedzwa kune uyo akanyora Gwaro rakanakisa uye guru kupfuura ose, rinova Qur'aninoremekedzwa, saka zvingawanikwa sei kune uyo akanyora rairo yekunyepa inosanganisira mhando dzakasiyana dzezvisizvo, nemitsara mizhinji yemhando dzekuramba kutenda. Kurumbidzwa ndekwaAllah!! vane moyo murefu kune avo vanoshinga kunyepa pamusoro pavo.
Chinhu chechina: - Pazvinhu zvinoratidza kuti rairo uku inhema dzisina maturo zvachose, uye nhema dziri pachena-: mashoko ake mairi anoti: (Uyo anotenda mairi achanunurwa kubva kumurango weMoto, uye uyo anoiramba anenge aramba kutenda). Uye izvi - zvakare - ndehumwe hwehushingi hukuru pakureva nhema, uye ndedzimwe dzenhema dzakaipisisa. Munyengedzi uyu anokoka vanhu vese kuti vatende mukunyepa kwake uku, achitaura kuti nekudaro vanoponeswa kubva kumurango chemoto, uye kuti uyo anozviramba anowira mukusatenda. Zvirokwazvo — ndinopika naAllah — murevi wenhema uyu akaumba nhema huru pamusoro paAllah, uye akataura — ndinopika naAllah — zvisiri chokwadi. Zvirokwazvo uyo anotenda madziri ndiye akakodzera kuva asingatendi, kwete uyo anodziramba; nekuti idzo inhema dzakaumbwa, uye hadzina hwaro , uye kunyepa kusina hwaro hwechokwadi, uye tinopupura kuna Allah kuti idzodzo inhema, uye kuti muumbi wadzo munyepi, anoda kugadzirira vanhu mutemo wezvisina kupihwa mvumo naAllah, uye kuisa muchitendero chavo zvisiri zvemo. Zvirokwazvo, Allah vakakwanisa chitendero nekuchizadzisa kune ummah mazana emakore gumi nemana nhema idzi dzisati dzavapo. Saka chenjerai: imi vaverengi nehama, uye ngwarirai kutenda munhema dzekugadzirwa dzakaita seidzi, uye kuti dzitekeshere pakati penyu, nokuti zvirokwazvo chokwadi chine chiedza chisingavhiringidzi uyo anochitsvaga, saka tsvagai chokwadi nehuchapupu hwacho, uye bvunzai vanhu veruzivo nezve izvo zvinokunetsai, uye musanyengerwe nemhiko dzevanyepi, nokuti zvirokwazvo Iblis akatukwa akapikira vabereki venyu Adam naHawwa [Evha], kuti aiva mumwe wevanovapa mazano, asi iye ari munyengeri mukurusa uye munyepi mukurusa pavanyepi vese, sekurondedzera kwakaita Allah zvozvo pamusoro pake. Naizvozvo ivo vanorumbidzwa vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَقَاسَمَهُمَآ إِنِّي لَكُمَا لَمِنَ ٱلنَّٰصِحِينَ21﴾
{Uye akavapikira achiti: “Zvirokwazvo, ini kwamuri vaviri ndiri mumwe wevanopa mazano akanaka.”} [Al-A'raaf:21]. Saka mungwarirei, uye ngwarirai vateveri vake vanyepi, nekuti vane mhiko zhinji dzenhema, nezvibvumirano zvekunyengera, nemashoko akashongedzwa kuitira kutsausa nekurasisa! Asi zvakataurwa nemurevi wenhema uyu pamusoro pekuonekwa kwezvakaipa; chinhu chinoitika zvechokwadi, uye Qur’an rinoera neSunnah yakachena zvakayambira nezvazvo zvakasimba kwazvo, uye mazviri ndimo munowanikwa nhungamiro nezvakakwana.
Kana zviri maererano nezvakataurwa pamusoro pezviratidzo zvezuva rekupedzisira, mahadith aMuporofita akajekesa zvichange zviri muzviratidzo zvezuva rekupedzisira, uye Qur’an rinoera rakataura pamusoro pazvo. Saka ani naani anoda kuziva izvozvo anozviwana munzvimbo dzazvo mumabhuku eSunnah, nemuzvinyorwa zvevadzidzi nevatendi. Uye vanhu havana chikonzero chekuda tsananguro yemurevi wenhema akadai, nekunyengera kwake, nekusanganisa kwake chokwadi nenhema. Allah ngavandidzivirire ini nemi, pamwechete nemaMuslim ose, kubva kuhuipi hwevana Shaitwani, nekubva kumiedzo yevanotsaudzira, nekurasika kwevakarasika, uye nekunyengedza kwevavengi vaAllah vemanyepo, avo vanoda kudzima chiedza chaAllah nemiromo yavo, uye kuvhiringidza vanhu pachitendero chavo. Zvisinei, Allah vachazadzisa chiedza chavo, uye vachatsigira chitendero chavo, kunyange zvazvo vavengi vaAllah sevana Shaitwani nevateveri vavo kubva kune avo vasingatendi neavo vanoramba Allah. Uye tinokumbira Allah kuti vagadzirise mamiriro emaMuslim, uye kuti vavakomborere mukutevera chokwadi, nekumira zvakasimba pachiri, uye nekutendeuka kuna Allah, vanorumbidzwa kubva muzvitadzo zvese. Zvirokwazvo, ndivo vanogamuchira kutendeuka, vane tsitsi, Vane simba pamusoro pezvinhu zvese. Uye Allah ndivo vanotikwanira, uye ndivo Muchengeti akanakisa, uye hapana kugona kana simba kunze kwekuna Allah, vekumusoro-soro, vakuru.
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo, wechokwadi uye anovimbika, nemhuri yake, nemaSwahaabag ake, neavo vose vachamutevera mune zvakanaka kusvikira pazuva rekutongwa.
Mutongo wehuroyi nekushopera uye nezvose zvinoenderana nazvo
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Gwaro repfumbamwe:
Mutongo wehuroyi nekufembera nezvose zvine chekuita nazvo18
Rumbidzo yose ndeya Allah vari vega, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune uyo asina mumwe Muporofita mushure make. Ndichienderera mberi ndinoti:
Tichitarisa kuwanda kwevanyengeri munguva dzemazuva ano, avo vanozviti varapi vachirapa kuburikidza nehuroyi kana kufembera, nekupararira kwavo mune dzimwe nyika, uye nekubiridzira kwavo vanhu vakakurirwa nekusaziva; ndakaona zvakakodzera, senzira yekutsnhira humwechete hwaAllah, nekupa zano kuvaranda vavo, kuti ndijekese njodzi huru iri mune izvozvi kuIslam nemaMuslim; nekuti zvinosanganisira kuvimba nezvimwe kunze kwaAllah vekumusoro-soro, uye kupikisana nemurairo wavo pamwe nemurairo weMutumwa wavo (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari).
Saka ndinoti, ndichitsvaga rubatsiro kubva kuna Allah vekumusoro-soro: Kutsvaga kurapwa kunotenderwa kuburikidza nekubvumirana (kwevadzidzi veIslam), uye muMuslim anogona kuenda kuna chiremba wezvirwere zvemukati, kana zvekuvhiya, kana zvetsinga, kana zvimwewo zvakadaro; kuti aongorore hurwere hwake nekurapwa nemishonga inokodzera kwaari uye inotenderwa pamutemo weIslam; zvichienderana nezvaanoziva muruzivo rwezvekurapa; nokuti izvozvo zviri muchikamu chekutora matanho akajairika uye hazvipikisani nekuvimba naAllah. Zvirokwazvo, Allah vekumusoro-soro vakadzikisa chirwere, uye vakadzikisa pamwechete nacho mushonga wacho; izvi zvichizivikanwa neuyo anozviziva, nekusazivikanwa neuyo asingazvizivi, asi ivo Allah vanorumbidzwa havana kuisa kuporeswa kwevaranda vake mune izvo zvavakavarambidza.
Saka hazvibvumirwe kune murwere kuenda kuvafemberi vanozviti vane ruzivo rwezvisingaonekwi; kuti azive kubva kwavari hurwere hwake. Saizvozvowo hazvibvumirwe kwaari kuti atende pane zvavanomuudza nekuti vanotaura vachifembera zvisingaonekwi, kana kuti vanoshevedza majinn kuti avabatsire pane zvavanenge vachida, uye ava mutongo wavo ndewekuti havatendi uye vakarasika kana vachizviti vane ruzivo rwezvisingaonekwi.
Uye Muslim akarondedzera mubhuku rake rinonzi Sahih kuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:
«مَنْ أَتَى عَرَّافًا فَسَأَلَهُ عَنْ شَيْءٍ، لَمْ تُقْبَلْ لَهُ صَلَاةٌ أَرْبَعِينَ يَوْمًا».
«Anenge aenda kun'anga oibvunza pamusoro pechii zvacho, Swalaah yake haigamuchirwi kwemazuva makumi mana».
Uye Abu Hurairah, Allah ngavafare naye, ane nhaurwa yaakanzwa kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, apo vakati:
«مَنْ أَتَى كَاهِنًا فَصَدَّقَهُ بِمَا يَقُولُ، فَقَدْ كَفَرَ بِمَا أُنْزِلَ عَلَى مُحَمَّدٍ ﷺ».
«Ani naani anoenda kumufemberi ndokutenda pane zvaanotaura, zvirokwazvo anenge aramba kutenda kune zvakadzikiswa kuna Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari)». Yakarondedzerwa naAbu Dawud uye yakarondedzerwa nevanyori veSunan ina, uye yakanzi yakasimba naAl-Hakim kubva kuna Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari ) nemashoko anoti:
«مَنْ أَتَى عَرَّافًا أَوْ كَاهِنًا فَصَدَّقَهُ بِمَا يَقُولُ، فَقَدْ كَفَرَ بِمَا أُنْزِلَ عَلَى مُحَمَّدٍ ﷺ».
«Ani naani anoenda kun'anga kana kumufemberi achibva atenda mune zvaanotaura, zvirokwazvo anenge aramba kutenda mune zvakadzikiswa kuna Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).»
Uye 'Imraan bin Huswain (Allah ngavafare naye) akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
«لَيْسَ مِنَّا مَنْ تَطَيَّرَ أَوْ تُطُيِّرَ لَهُ، أَوْ تَكَهَّنَ أَوْ تُكُهِّنَ لَهُ، أَوْ سَحَرَ أَوْ سُحِرَ لَهُ، وَمَنْ أَتَى كَاهِنًا فَصَدَّقَهُ بِمَا يَقُولُ، فَقَدْ كَفَرَ بِمَا أُنْزِلَ عَلَى مُحَمَّدٍ ﷺ».
«Haasi mumwe wedu uyo anoita zvemashura (kufembera kwezvishiri) kana kuitirwa mashura, kana anofembera kana anoitirwa izvozvo, kana anoroya kana kuitirwa zvekuroya. Uye ani naani anoenda kumufemberi achibva atenda mune zvaanotaura, zvirokwazvo anenge aramba kutenda mune zvakazarurwa kuna Muhammad (rugare nemakomboreor aAllah ngazvive pavari». Yakarondedzerwa naAl-Bazzar neisnaad yakanaka.
Saka mumaHadith aya anoremekedzwa mune: kurambidzwa kwekuenda kuvafemberi, nevashoperi, nevaroyi, nevamwewo vakafanana navo, nekuvabvunza, nekutenda mavari, uye maari mune yambiro inotyisa pamusoro peizvozvo.
Naizvozvo hazvitenderwe kunyengedzwa nekutaura kwavo chokwadi mune zvimwe zvinhu, kana nehuwandu hwevanhu vanouya kwavari; nekuti ivo vanhu vasina ruzivo, hazvitenderwe kuti vanhu vanyengedzwe navo; nekuti Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakarambidza kuenda kwavari, kuvabvunza, nekutenda pane zvavanotaura; nekuda kwehuipi hukuru huri mazviri, nenjozi huru, nemagumisiro akaipa kwazvo, nekuti ivo varevi venhema vanoita zvakaipa.
Saizvozvowo mumaHadith aya mune: humbowo hwekusatenda kwemufemeberi nemuroyi; nokuti vose vari vaviri vanozviti vanoziva zvakavanzika. Ikoko kusatenda. Uyezve havawane zvavanoda kunze kwekunge vashandira majinn nekuanamata vachisiya Allah; ikoko kusatenda muna Allah nekuita nekuvasangisa nezvimwe zvinhu pakunamata. Uye uyo anotenda mune zvavanotaura pamusoro pezvinhu zvakavanzika zvavanoti vanoziva anobva ava akafanana navo, uye ani naani anogamuchira zvinhu izvi kubva kune uyo anozviita; zvirokwazvo Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) havana chekuita naye.
Uyezve hazvitenderwe kumuMuslim: kuti atambire zvavanoti kurapa; sekushandisa zvinyorwa zvisinganzwisisike (matarasimu), kana kudira mutobvu, nezvimwewo zvakadaro pazvinhu zvekutenda kwenhema zvavanoita; nekuti izvi zvinobva mukufembera nekunyengedza vanhu, uye uyo anobvumirana neizvozvo anenge avabatsira panhema dzavo nekusatenda kwavo.
Zvakare hazvitenderwe kuti muMuslim upi neupi zvake aende kwavari; kuti avabvunze nezveuyo acharoorwa nemwanakomana wake kana hama yake, kana nezvichave pakati pevakaroorana nemhuri dzavo serudo, kuvimbika, ruvengo, nekuparadzana, nezvimwe zvakadaro; nekuti izvozvo zvinhu zvakavanzika zvisina ane ruzivo nezvazvo kunze kwaAllah, vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro.
Saka zvinosungirwa kuvatungamiri venyika, nevanhu vane basa rekusimudzira zvakanaka nekudzivirira zvakaipa, pamwe nevamwe vane simba nehutongi: kushora nyaya yekuenda kun'anga, nevafemberi, nevamwewo vakaita saivavo, nekurambidza uyo anoita chero zvazvo zvezvinhu izvozvi mumisika nekune dzimwewo nzvimbo, nekuvatsiura kutsiura kwakasimba zvikuru, pamwe nekutsiura avo vanoenda kwavari.
Saizvozvo kuroya: nekuti kuri muzvinhu zvinorambidzwa zvekusatenda; sekutaura kwakaita Allah, Samasimba vanokudzwa, maererano nezve ngirozi mbiri:
﴿...وَمَا يُعَلِّمَانِ مِنۡ أَحَدٍ حَتَّىٰ يَقُولَآ إِنَّمَا نَحۡنُ فِتۡنَةٞ فَلَا تَكۡفُرۡۖ فَيَتَعَلَّمُونَ مِنۡهُمَا مَا يُفَرِّقُونَ بِهِۦ بَيۡنَ ٱلۡمَرۡءِ وَزَوۡجِهِۦۚ وَمَا هُم بِضَآرِّينَ بِهِۦ مِنۡ أَحَدٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ وَيَتَعَلَّمُونَ مَا يَضُرُّهُمۡ وَلَا يَنفَعُهُمۡۚ وَلَقَدۡ عَلِمُواْ لَمَنِ ٱشۡتَرَىٰهُ مَا لَهُۥ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنۡ خَلَٰقٖۚ وَلَبِئۡسَ مَا شَرَوۡاْ بِهِۦٓ أَنفُسَهُمۡۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ﴾
{...Uye havana kudzidzisa chero munhu kusvikira vati: “Isu tiri muedzo chete, saka usaramba (kutenda).” Saka vaidzidza kubva kwavari zvavaiparadzanisa nazvo pakati pemurume nemudzimai wake. Asi havaigona kukuvadza chero munhu nazvo kunze kwemvumo yaAllah. Uye vaidzidza izvo zvaivakuvadza zvisingavabatsiri. Uye zvirokwazvo vaiziva kuti uyo anozvitenga haazovi nemugove muhupenyu hwemangwana. Uye zvakaipa kwazvo zvavakatengesera mweya yavo; dai vaiziva.}
[Al-Baqarah: 102].
Naizvozvo ndima idzi dzinoremekedzwa dzinoratidza kuti huroyi kusatenda uye kuti varoyi vanoparadzanisa pakati pemunhu nemudzimai wake. Saizvozvowo dzinoratidza kuti huroyi hauna simba pachahwo rekuunza rubatsiro kana kukuvadza, asi kuti hunoshanda chete nemvumo yaAllah yezvavakasikwa uye zvavakatara; nokuti Allah, vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, ndivo vakasika kunaka nehuipi.
Sezvinoratidzwa nevhesi rinoremekedzwa: kuti avo vanodzidza zvekuroya vanongodzidza zvinovakuvadza zvisingavabatsiri, uye kuti havana chavo kuna Allah, zvinoreva kuti: havana chikamu kana mugove, uye iyi iyambiro huru inoratidza kukura kwekurasikirwa kwavo panyika pano nemuhupenyu hwamangwana, uye kuti vakazvitengesa ivo pachavo nemutengo wakaderera zvikuru, saka nemhaka yeizvozvo Allah vanorumbidzwa, vari kumusoro-soro vakavashora pane izvozvo nemashoko avo anoti:
﴿...وَلَبِئۡسَ مَا شَرَوۡاْ بِهِۦٓ أَنفُسَهُمۡۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ﴾
{...Uye zvirokwazvo zvakaipa kwazvo zvavakatengesa mweya yavo nazvo, dai vaiziva.} [Al-Baqarah: 102], Uye kutenga mudima iyi kunoreva kutengesa.
Uye zvirokwazvo kukuvadza kwakura, uye dambudziko ranyanyisa nevagadziri venhema ava, avo vakagara nhaka yeruzivo urwu kubva kune avo vanosanganisa Allah nezvimwe pakunamata (Mushrikuun), uye vakavhiringidza narwo avo vane njere dzisina kusimba. Zvirokwazvo tiri zvisikwa zvaAllah uye zvirokwazvo kwavari ndiko kwatichadzokera, uye Allah vanotikwanira isu, uye Ndivo Mumiririri akanakisa.
Tinokumbira Allah hutano nekudzivirirwa kubva kuhuipi hwevaroyi, nevafemberi, nevamwe vose vanoita zvemashiripiti, uye tinovakumbira ivo vanorumbidzwa kuti vadzivirire maMuslim kubva kuhuipi hwavo, uye kuti vabatsire vatungamiri vemaMuslim kuti vachenjere navo, nekuzadzisa mutongo waAllah pavari; kuitira kuti varanda vawane zororo kubva mukukuvadza kwavo nemabasa avo akaipa.. Zvirokwazvo, ndivo Mupi Mukuru, vane rupo.
Uye zvirokwazvo Allah, vanorumbidzwa, vakatara kuvaranda vavo: zvavanodzivirira nazvo huipi hwehuroyi husati hwaitika, uye vakatsanangura kwavari, ivo vanorumbidzwa, zvavanorapwa nazvo mushure mekuitika kwahwo; kuburikidza netsitsi dzavo kwavari, nekunatsa kwavo kwavari, uye nekuzadzisa makomborero avo pavari.
Zvinotevera itsananguro yezvinhu zvinoshandiswa kudzivirira njodzi yehuroyi husati hwaitika, nezvinhu zvinoshandiswa pakurapa pashure pekunge hwaitika kubva pazvinhu zvinobvumirwa pamutemo wechitendero, uye tsananguro yacho ndeiyi:
Chekutanga: Zvingaitwe kudzivirira njodzi yehuroyi isati yaitika; uye chinonyanya kukosha uye chinobatsira zvikuru paizvi ndeichi: Kuzvidzivirira nenzira dzakataerwa dzekurumbidza Allah, nemadu'a, nezvikumbiro zvedziviriro zvinozivikanwa kuti zvakabva kuna Muporofita, uye chimwe chaizvozvo inyaya yekuverenga: Ayatul Kursiy (ndima yeChigaro) - inova ndiyo Ayah (ndima) huru kupfuura dzose muQuran Tsvene - mushure munamato wega wega wakatarwa, mushure mekuita salaam, anova mashoko aAllah (Mwari) anoti:
﴿ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡحَيُّ ٱلۡقَيُّومُۚ لَا تَأۡخُذُهُۥ سِنَةٞ وَلَا نَوۡمٞۚ لَّهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۗ مَن ذَا ٱلَّذِي يَشۡفَعُ عِندَهُۥٓ إِلَّا بِإِذۡنِهِۦۚ يَعۡلَمُ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡۖ وَلَا يُحِيطُونَ بِشَيۡءٖ مِّنۡ عِلۡمِهِۦٓ إِلَّا بِمَا شَآءَۚ وَسِعَ كُرۡسِيُّهُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَۖ وَلَا يَـُٔودُهُۥ حِفۡظُهُمَاۚ وَهُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡعَظِيمُ255﴾
"Allāhu lā ilāha illā huwa al-ḥayyul-qayyūm, lā ta’khudhuhū sinatun wa lā nawm, lahū mā fis-samāwāti wa mā fil-arḍ. Man dhal-ladhī yashfa‘u ‘indahū illā bi-idhnih. Ya‘lamu mā bayna aydīhim wa mā khalfahum, wa lā yuḥīṭwūna bishay’in min ‘ilmihī illā bimā shā’. Wasi‘a kursiyyuhus-samāwāti wal-arḍ, wa lā ya’ūdūhū ḥifẓuhumā wa huwal-‘aliyyul-‘aẓīm, hapana anofanira kunamatwa kunze kwavo, ivo mupenyu nekusingaperi, Muchengeti wezvose. Havabatwi nekutsumwaira kana hope. Ndezvavo zvose zviri kumatenga nezviri panyika. Ndiani angareverere pamberi pavo kunze nekuda kwemvumo yavo? Vanoziva zviri kuitika kwavari (zvisikwa zvavo) pano pasi uye zvichaitika kwavari kune ramangwana, uye zvisikwa zvavo hazvizivi chero chinhu kubva muruzivo rwavo kunze kweizvo zvavada (Allah). Chigaro chavo chehushe chakakura kudarika matenga nenyika, uye kuzvichengetedza hakuvaremeri. Uye Ivo ndivo vekumusoro-soro, Mukuru-kuru.} [Al-Baqarah: 255], Uyezve kuverenga ndima iyi panguva yekurara, nekuti zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kuna Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) kuti vakataura kuti:
«مَنْ قَرَأَ آيَةَ الْكُرْسِيِّ فِي لَيْلَةٍ، لَمْ يَزَلْ عَلَيْهِ مِنَ اللَّهِ حَافِظٌ، وَلَا يَقْرَبُهُ شَيْطَانٌ حَتَّى يُصْبِحَ».
«Uyo anoverenga Ayatul Kursi (ndima yeChigaro) husiku, anoramba aine muchengeti anobva kuna Allah, uye hapana Shaitwaan (Satani) anoswedera pedyo naye kusvikira kwaedza.»
Zvimwe zvacho kuverenga (zvitsauko zvinoti):
﴿قُلۡ هُوَ ٱللَّهُ أَحَدٌ1﴾
"Qul huwallāhu aḥad." {Iti (Iwe Muhammad): Ndiye Allah, Mumwechete },
﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلۡفَلَقِ1﴾
"Qul a‘ūdhu birabbil-falaq." {Iti (Iwe Muhammad): Ndinotsvaga kudzivirirwa naTenzi wemambakwedza },
﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلنَّاسِ1﴾
"Qul a‘ūdhu birabbin-nās." {Iti (Iwe Muhammad): Ndinotsvaga kudzivirirwa naTenzi wevanhu}," [An-Nas: 1], mushure munamato wega wega wakatarwa, uye kuverenga maSurah matatu aya katatu pekutanga kwezuva mushure meSwalaah yeFajr, uye pekutanga kwehusiku mushure meSwalaah yeMaghrib.
Uye dzviviriro inosanganisira: kuverenga ndima mbiri dzekupedzisira dzeSurah Al-Baqarah pakutanga kwehusiku, uye ndiwo mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:
﴿ءَامَنَ ٱلرَّسُولُ بِمَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِ مِن رَّبِّهِۦ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَۚ كُلٌّ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَمَلَٰٓئِكَتِهِۦ وَكُتُبِهِۦ وَرُسُلِهِۦ لَا نُفَرِّقُ بَيۡنَ أَحَدٖ مِّن رُّسُلِهِۦۚ وَقَالُواْ سَمِعۡنَا وَأَطَعۡنَاۖ غُفۡرَانَكَ رَبَّنَا وَإِلَيۡكَ ٱلۡمَصِيرُ285﴾
"Āmanar-rasūlu bimā unzila ilayhi mir-rabbihī
wal-mu’minūn. Kullun āmana billāhi wa malā’ikatihī wa kutubihī wa rusulihī, lā
nufarriqu bayna aḥadim mir-rusulih. Wa qālū sami‘nā wa aṭa‘nā, ghufrānaka
rabbanā wa ilaykal-maṣwīr."{Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi (vakatenda). Mumwe nemumwe wavo akatenda muna Allah (Mwari), nemungirozi dzavo, nemumabhuku avo, uye nemuvatumwa vavo. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vavo. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune magumo.’} kusvika pakupera kweSurah.
Sezvo zvakarondedzerwa zvechokwadi kubva kune Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, kuti vakati:
«مَنْ قَرَأَ الآيَتَيْنِ مِنْ آخِرِ سُورَةِ البَقَرَةِ فِي لَيْلَةٍ كَفَتَاهُ».
«Uyo anoverenga ndima mbiri dzekupedzisira dzeSurah al-Baqarah husiku, dzichamukwanira.» Izvi zvinoreva kuti- Allah ndivo vanoziva zvakanyanya-: ndima idzi dzinomukwanira kubva kune zvakaipa zvose. Dziviriro dzinosanganisira zvakare kutsvaga kudzivirirwa nekutaura kuti: "A‘ūdhu bikalimāti-llāhi at-tāmmāti min sharri mā khalaq." "Ndinotsvaga kudzivirirwa nemashoko aAllah akakwana kubva kune zvakaipa zvezvaakasika", husiku nemasikati, uye pakusvika panzvimbo ipi zvayo muchivakwa kana murenje, kana mumhepo kana mugungwa, zvichibva pamashoko aMuporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari ekuti:
«مَن نَزَلَ مَنْزِلًا فَقالَ: أَعُوذُ بِكَلِمَاتِ اللهِ التَّامَّاتِ مِن شَرِّ ما خَلَقَ، لَمْ يَضُرَّهُ شَيءٌ حتَّى يَرْتَحِلَ مِن مَنْزِلِهِ ذَلِكَ».
«Munhu wese anosvika pane ipi nzvimbo zvayo obva ati:
A‘ūdhu bikalimātillāhit-tāmmāti min sharri mā khalaq."Ndinokumbira kudzivirirwa nemashoko aAllah (Mwari) akakwana kubva kune zvakaipa zvezvaakasika," hapana chichamukuvadza kusvika abva panzvimbo iyoyo».
Dziviriro dzinosanganisira zvakare kuti: muMuslim anofanirwa kutaura pakutanga kwezuva nepakutanga kwehusiku katatu achiti:
«بِسْمِ اللهِ الَّذِي لَا يَضُرُّ مَعَ اسْمِهِ شَيءٌ فِي الأَرْضِ وَلَا فِي السَّمَاءِ، وَهُوَ السَّمِيعُ العَلِيمُ».
«Bismillaahi alladhii laa yadhurru ma'a ismihi shay'un fil-ardhi walaa fis-samaa'i, wahuwa as-samii'u al-'aliim» "Muzita raAllah, avo pasina chinhu chingakuvadzwa pamwe chete nezita ravo, kungava pasi kana kudenga, uye ivo ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvese".
Nekuda kwekuti kurudziro yeizvi yakashumwa zvechokwadi kubva kuMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), uye ndiyo chikonzero chekuchengetedzwa kubva kune zvese zvakaipa.
Chechipiri: Zvinoshandiswa pakurapa huroyi mushure mekuitika kwahwo, uye izvi zvinoitwa nezvinhu zvakati wandei:
Chekutanga: Kuwanza kuzvininipisa kuna Allah, nekukumbira kwavari ivo vanorumbidzwa kuti vabvise dambudziko, uye kuti vabvise kutambudzika.
Chechipiri: Kuedza kutsvaga pakavigwa kana pakaiswa huroyi, kungava muvhu, mugomo, kana kune imwe nzvimbo; kana hwazowanikwa, hwobviswa nekuparadzwa, huroyi hunobva hwapera. Iyi ndeimwe yenzira dzinonyanya kubatsira pakurapa huroyi.
Chechitatu chacho: Kurapa neruqyah uchishandisa mazwi ekurangarira nayo Allah (Adhkaar) neminamato yakabvumidzwa muShari'a (Awraad), uye yakawanda; imwe yacho inoti:
Zvakatsinhirwa mumashoko aMutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) anoti:
«اللَّهُمَّ رَبَّ النَّاسِ، أَذْهِبِ الْبَأْسَ، وَاشْفِ أَنْتَ الشَّافِي، لَا شِفَاءَ إِلَّا شِفَاؤُكَ، شِفَاءً لَا يُغَادِرُ سَقَمًا».
"«(Allahumma rabban naas, adh-hibil ba'sa, washfi antash shaafii, laa shifaa'a illaa shifaa'uka, shifaa'an laa yughaadiru saqaman) O Allah, Tenzi wevanhu, bvisai hurwere, uye muporese, ndimi Muporesi. Hakuna kumwe kuporesa kunze kwekuporesa kwenyu, kuporesa kusingasiye chirwere.»" Anotaura izvi katatu.
Uye chimwe cheizvozvo: Iruqyah yakaitwa naJibril kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, uye ndiwo mashoko ake ekuti:
«بِسْمِ اللَّهِ أَرْقِيكَ، مِنْ كُلِّ شَيْءٍ يُؤْذِيكَ، وَمِنْ شَرِّ كُلِّ نَفْسٍ أَوْ عَيْنِ حَاسِدٍ، اللَّهُ يَشْفِيكَ، بِسْمِ اللَّهِ أَرْقِيكَ».
«Bismillahi arqiika, min kulli shay'in yu'dhiika, wamin sharri kulli nafsin aw ayni haasidin, Allahu yashfiika, bismillahi arqiika» "Muzita raAllah ndinokurapa, kubva kuchinhu chose chinokukuvadza, uye kubva kuhuipi hwemweya wose kana ziso rine shanje, Allah ngavakuporese, Muzita raAllah ndinokurapa." Uye anodzokorora izvi katatu.
Maadhkaar nemaawraad - uye uku kurapa kunobatsira kune murume kana akasungwa kuti asakwanise kusangana nemudzimai wake-: ndezvekuti atore mashizha manomwe ehapa manyoro, obva amadzvura nedombo kana chimwe chinhu chakadaro, omaisa mumudziyo, odira mvura paari inomukwanira kugeza, obva averenga mairi:
Ayat Al-Kursi, uye
﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡكَٰفِرُونَ1﴾
"Qul yā ayyuhal-kāfirūn."{Iti: Imi vasingatendi} [Al-Kaafiroon: 1], uye
﴿قُلۡ هُوَ ٱللَّهُ أَحَدٌ1﴾
"Qul huwallāhu aḥad."{Iti (Iwe Muhammad): Ndiye Allah (Mwari), Mumwechete. } [Al-Ikhlaas:1], uye
﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلۡفَلَقِ1﴾
"Qul a‘ūdhu birabbil-falaq."{Iti (Iwe Muhammad): Ndinokumbira kudzivirirwa naTenzi wemambakwedza1} "[Al-Falaq: 1], uye"
﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلنَّاسِ1﴾
{Qul a'udhu birabbin-naas "Iti (Iwe Muhammad): Ndinokumbira kudzivirirwa kuna Tenzi wevanhu."} [An-Nas: 1],
Uye kuverenga mavhesi ehuroyi ari muSurah Al-A'raaf, anove mashoko aAllah (kukudzwa ngakuve kwavari) ekuti:
﴿وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ مُوسَىٰٓ أَنۡ أَلۡقِ عَصَاكَۖ فَإِذَا هِيَ تَلۡقَفُ مَا يَأۡفِكُونَ117 فَوَقَعَ ٱلۡحَقُّ وَبَطَلَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ118 فَغُلِبُواْ هُنَالِكَ وَٱنقَلَبُواْ صَٰغِرِينَ119﴾
"Wa awḥaynā ilā Mūsā an alqi ‘aṣāka fa-idhā hiya talqafu mā ya’fikūn."{Uye takazarura kuna Musa kuti: ‘Kanda tsvimbo yako.’ Ikabva yamedza zvavakanga vagadzira zvenhema. 117}
"Fa waqa‘al-ḥaqqu wa baṭala mā kānū ya‘malūn." "Saka chokwadi chakabuda pachena, uye zvose zvavaiita zvakashaya basa." 118
"Fa ghulibū hunālika wanqalabū ṣāghirīn."{Saka vakakundwa ipapo, uye vakadzoka vakadzikisirwa119} [Al-A'araaf: 117-119].
Uye ndima dziri muSurah Yunus, apo Allah vanorumbidzwa vakati:
﴿وَقَالَ فِرۡعَوۡنُ ٱئۡتُونِي بِكُلِّ سَٰحِرٍ عَلِيمٖ79 فَلَمَّا جَآءَ ٱلسَّحَرَةُ قَالَ لَهُم مُّوسَىٰٓ أَلۡقُواْ مَآ أَنتُم مُّلۡقُونَ80 فَلَمَّآ أَلۡقَوۡاْ قَالَ مُوسَىٰ مَا جِئۡتُم بِهِ ٱلسِّحۡرُۖ إِنَّ ٱللَّهَ سَيُبۡطِلُهُۥٓ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُصۡلِحُ عَمَلَ ٱلۡمُفۡسِدِينَ81 وَيُحِقُّ ٱللَّهُ ٱلۡحَقَّ بِكَلِمَٰتِهِۦ وَلَوۡ كَرِهَ ٱلۡمُجۡرِمُونَ82﴾
"Wa qāla Fir‘awn u’tūnī bikulli sāḥirin ‘alīm." {Uye Farawo akati: “Uyai kwandiri nevaroyi vese vane ruzivo.” 79}
"Falammā jā’a as-saḥaratu qāla lahum Mūsā alqū mā antum mulqūn." {Saka varoyi pavakasvika, Musa akati kwavari: “Kandai izvo zvamuri kukanda.” 80}
"Falammā alqaw qāla Mūsā mā ji’tum bihis-siḥr, innallāha
sayubṭiluh, innallāha lā yuṣliḥu ‘amala al-mufsidīn." "Naizvozvo pavakakanda, Musa akati: “Zvamauya nazvo mashiripiti. Zvirokwazvo Allah (Mwari) vachaashaisa basa. Zvirokwazvo Allah (Mwari) havagadzirise mabasa revaparadzi.” 81
"Wa yuḥiqullāhul-ḥaqqa bikalimātihī wa law karihal-mujrimūn." {Uye Allah (Mwari) vanosimbisa chokwadi nemashoko avo, kunyangwe vatadzi vachizvivenga. 82}
[Yunus: 79-82],
Uye ndima dziri muSurah Taha:
﴿قَالُواْ يَٰمُوسَىٰٓ إِمَّآ أَن تُلۡقِيَ وَإِمَّآ أَن نَّكُونَ أَوَّلَ مَنۡ أَلۡقَىٰ65 قَالَ بَلۡ أَلۡقُواْۖ فَإِذَا حِبَالُهُمۡ وَعِصِيُّهُمۡ يُخَيَّلُ إِلَيۡهِ مِن سِحۡرِهِمۡ أَنَّهَا تَسۡعَىٰ66 فَأَوۡجَسَ فِي نَفۡسِهِۦ خِيفَةٗ مُّوسَىٰ67 قُلۡنَا لَا تَخَفۡ إِنَّكَ أَنتَ ٱلۡأَعۡلَىٰ68 وَأَلۡقِ مَا فِي يَمِينِكَ تَلۡقَفۡ مَا صَنَعُوٓاْۖ إِنَّمَا صَنَعُواْ كَيۡدُ سَٰحِرٖۖ وَلَا يُفۡلِحُ ٱلسَّاحِرُ حَيۡثُ أَتَىٰ69﴾
"Qālū yā Mūsā immā an tulqiya wa immā an nakūna awwala man alqā." {Vakati: “(Zviri paviri) wotanga kukanda kana kuti isu tova vokutanga kukanda.” 65}
"Qāla bal alqū, fa-idhā ḥibāluhum wa ‘iṣiyyuhum yukhayyalu
ilayhi min siḥrihim annahā tas‘ā."Akati: "Kwete, kandai imi." Pakarepo tambo dzavo netsvimbo dzavo dzakaratidzika kwaari nokuda kwemapipi avo kuita sekunge dziri kumhanya." 66
"Fa awjasa fī nafsihī khīfatan Mūsā." Naizvozvo Musa akanzwa kutya maari pachake. 67
"Qulnā lā takhaf innaka antal-a‘lā." {Takati: “Usatya, zvirokwazvo iwe ndiwe wepamusoro-soro.” 68}
"Wa alqi mā fī yamīnika talqaf mā ṣana‘ū, innamā ṣana‘ū kaydu sāḥir, wa lā yufliḥus-sāḥiru ḥaythu atā."{"Uye kanda chiri muruoko rwako rwerudyi, chichamedza zvavakaita. Zvirokwazvo, zvavakaita hurongwa hwemuroyi, uye muroyi haabudiriri kwese kwaanoenda 69"}
[Ṭā Ḥā: 65-69].
Uye mushure mekuverenga zvataurwa mumvura, anonwa kubva mairi katatu, obva ageza muviri wake nemvura inenge yasara. Nekuita izvi chirwere chinopera nekuda kwaAllah. Uye kana zvikadiwa kuishandisa kaviri kana kudarika, hapana chakaipa kusvika chirwere chapera.
Saka maadhkaar aya, neminamato yekupotera, nenzira idzi ndezvimwe zvezvikonzero zvikurusa mukudzivirira huipi hwehuroyi nehumwewo huipi, uye ndizvo zvakare chombo chikurusa chekubvisa huroyi mushure mekunge hwaitika; kune uyo anozvitevedzera nechokwadi nekutenda, achivimba muna Allah, uye nekuvimba kwakazara mavari, nekugadzikana moyo kune izvo zvazvinoratidza.
Izvi ndizvo zvareruka kutsanangurwa kubva muzvinhu zvinoshandiswa pakudzivirira huroyi, nekurapwa kweuyo anenge aroyiwa. Allah ndivo Mupi wekubudirira.
Uye apa ndipo panouya nyaya yakakosha, inova yekurapa huroyi nebasa revaroyi iro rinoitwa nekutsvaga kuswedera padyo nemajinn kuburikidza nekubaya mhuka kana zvimwewo zviito zvekunamata; izvi hazvibvumidzwi; nekuti izvi zvinobva mumabasa aShaitwaan; asi kuti iShirk huru. Saizvozvowo hazvitenderwe kurapwa kuburikidza nekubvunza vafemberi, n'anga nevanoita zvemashiripiti, uye kushandisa izvo zvavanotaura; nekuti havatendi, uye nekuti vanyepi nevatadzi, vanozviti vanoziva zvakavanzika, uye vanonyengedza vanhu. Zvirokwazvo Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakayambira nezvekuenda kwavari, kuvabvunza, nekutenda mune zvavanotaura, sezvakambotsanangurwa pakutanga kwegwaro rino. Nokudaro zvinosungirwa kungwarira izvozvo, uye zvakashumwa zvechokwadi kubva kuMutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) kuti vakabvunzwa nezvekurapa huroyi uchishandisa huroyi (nushrah), vakati:
«هِيَ مِنْ عَمَلِ الشَّيْطَانِ».
"Zvinobva kubasa raSatani."
Yakashumwa naImam Ahmad naAbu Dawud neisnaad yakanaka.
Uye Nushrah: ndiko kubvisaa huroyi kubva kune akaroyiwa. Uye zvairehwa navo Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nemashoko avo aya: inushrah yaiitwa nevanhu veJaahiliyyah, yaive: kukumbira muroyi kuti asunungure huroyi, kana kuhusunungura nehuroyi hwakafanana nahwo kubva kune mumwe muroyi.
Asi kuubvisa uchishandisa ruqyah, nemavhesi ekupotera akatenderwa mumutemo weIslam, pamwechete nemishonga inobvumidzwa, hapana chakaipa pazviri, sezvambotaurwa. Zvirokwazvo, mudzidzi mukuru weIslam Ibn al-Qayyim naSheikh Abdul Rahman bin Hasan vakataura izvozvo mubhuku rinonzi Fathul-Majiid (tsitsi dzaAllah ngadzive pavari vari vaviri), uye vamwevo vanhu vane ruzivo vakataurawo izvozvo.
Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vape maMuslim kubudirira nekudzivirirwa kubva kune huipi hwese, uye kuti vachengetedze chitendero chavo, vavagovere nzwisiso machiri, pamwe nekuvapa hutano nekudzivirirwa kubva kune zvese zvinopesana nemutemo wavo.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune muranda wavo neMutumwa wavo Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaaba avo.
Kuyambira nezvekuvaka maMasjid pamakuva.
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yegumi:
Kuyambira nezvekuvaka maMasjid pamakuva
Muzita raAllah, kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, uye kuropafadzwa nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah.
Mushure meizvozvo: Ndakaona zvakaburitswa muchinyorwa chechitatu chemagazini yeSangano reZvidzidzo zveIslam muchikamu chinonzi (Nhau dzemaMuslim mumwedzi): kuti Sangano reZvidzidzo zveIslam muHumambo hweHashemite hweJordan rinoronga kuvaka Masjid pamusoro pebako richangobva kuwanikwa mumusha weAl-Ruhaib, rinova bako rinonzi vanhu vemubako vakataurwa nezvavo muQur'an rinokudzwa vakarara mariri.
Ndichitarisa kuti zvinosungirwa kuzvipira kuna Allah nekupa zano kuvaranda vavo; ndakaona zvakakodzera kutumira shoko kumagazini iyoyo kuSangano reZvidzidzo zveIslam muHumambo hweHashemite hweJordan; zvirimo zviri: kuraira Sangano kuti risaita zvarakanga raronga zvekuvaka Masjid pamusoro pebako rataurwa; uye izvi zvinongova nekuda kwekuti kuvaka Masjid pamusoro pemakuva eMaporofita nevanhu vakarurama nenzvimbo dzavo ndezvimwe zvezvinhu zvakarambidzwa neShari'ah yeIslam yakakwana nekuyambira nezvazvo, nekutuka uyo anozviita; nekuti ndeimwe yenzira dzeShirk (kusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata), nekupfurikidza mwero panyaya dzemaMaporofita nevanhu vakarurama. Uye zvirikuitika muhupenyu chaihwo zvinopupura chokwadi cheizvo zvakaunzwa neShari'ah, uye humbowo hunoratidza kuti inobva kuna Allah vane masimba ose, uye humbowo hwakajeka nechokwadi chisingarambike pamusoro pechokwadi cheMutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) pane izvo zvavakaunza kubva kuna Allah uye vakazvisvitsa kuUmmah. Uye wese anocherechedza mamiriro enyika yeIslam, nezvakaitika mairi zveShirk nekupfurikidza mwero; nekuda kwekuvaka maMasjid pamusoro pemakuva, nekuakudza, kuawarira, nekuashongedza, nekuiaa vachengeti paari; anoziva zvirokwazvo kuti idzi inzira dzeShirk, uye kuti pakati pezvinhu zvakanaka zveMutemo weIslam ndiko kurambidza izvozvo, uye kuyambira nezvekuavaka.
Uye pane zvakarondedzedzerwa payaya iyi pane zvakashumwa nemaSheikh vaviri Al-Bukhari naMuslim, tsitsi dzaAllah ngadzive pavari, kubva kuna Aisha, Allah ngavafare naye, akati: Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, vakati:
«لَعَنَ اللَّهُ الْيَهُودَ وَالنَّصَارَى، اتَّخَذُوا قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ مَسَاجِدَ، قالَتْ عَائِشَةُ: يُحَذِّرُ مَا صَنَعُوا، قالَتْ: وَلَوْلَا ذَلِكَ لَأُبْرِزَ قَبْرُهُ، غَيْرَ أَنَّهُ خُشِيَ أَنْ يُتَّخَذَ مَسْجِدًا».
"Allah vakatuka maJuda nemaKristu, vakaita makuva emaporofita vavo maMasjid." Aisha akati: "Vaiyambira pamusoro pezvavakaita, akati: "Uye dai pasina izvozvo, guva ravo ringadai rakaiswa pachena, asi pakatyirwa kuti ringaitwa Masjid." Uye mumabhuku maviri eSwahih zvakare mune nhaurwa yekuti Umm Salamah naUmm Habibah, Allah ngavafare navo vose, vakataura kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, nezvekereke yavakaona munyika yeAbyssinia, nemifananidzo yaivamo, vakabva vati, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari:
«أُولَئِكَ إِذَا مَاتَ فِيهِمُ الرَّجُلُ الصَّالِحُ؛ بَنَوْا عَلَى قَبْرِهِ مَسْجِدًا، وَصَوَّرُوا فِيهِ تِلْكَ الصُّوَرَ، أُولَئِكَ شِرَارُ الْخَلْقِ عِنْدَ اللَّهِ».
"Vanhu ivavo, vaiti kana murume akarurama akafa pakati pavo; vaivaka Masjid pamusoro peguva rake, uye vaigadzira mifananidzo iyoyo imomo, ivavo ndivo zvisikwa zvakaipisisa pamberi paAllah.
Uye muSahih Muslim zvakarondedzerwa kubva kuna Jundub ibn Abdullah, Allah ngavafare naye, kuti akati: "Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari) mazuva mashanu vasati vafa vachiti:
«إِنِّي أَبْرَأُ إِلَى اللَّهِ أَنْ يَكُونَ لِي مِنْكُمْ خَلِيلٌ، فَإِنَّ اللَّهَ قَدِ اتَّخَذَنِي خَلِيلًا، كَمَا اتَّخَذَ إِبْرَاهِيمَ خَلِيلًا، وَلَوْ كُنْتُ مُتَّخِذًا مِنْ أُمَّتِي خَلِيلًا، لَاتَّخَذْتُ أَبَا بَكْرٍ خَلِيلًا، أَلَا وَإِنَّ مَنْ كَانَ قَبْلَكُمْ كَانُوا يَتَّخِذُونَ قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ وَصَالِحِيهِمْ مَسَاجِدَ، أَلَا فَلَا تَتَّخِذُوا الْقُبُورَ مَسَاجِدَ، فَإِنِّي أَنْهَاكُمْ عَنْ ذَلِكَ».
"Zvirokwazvo, ndinozvisunungura kuna Allah kuti ndisava neshamwari yepedyo zvikuru pakati penyu, nokuti zvirokwazvo Allah vakandiita shamwari yepedyo, sekutora kwavakaita Abrahamu seshamwari yepedyo. Uye kudai ndaizotora shamwari yepedyo kubva muvanhu vangu, ndaizotora Abu Bakr seshamwari yepedyo. Zivai kuti zvirokwazvo, avo vakakutangirai vaitora makuva emaporofita vavo neevakarurama vavo semaMasjid. Chenjerai, musatora makuva semaMasjid, nokuti zvirokwazvo, ini ndinokurambidzai izvozvo." Uye maHadith panyaya iyi mazhinji.
Uye zvirokwazvo nyanzvi kubva kuvadzidzi vechiMuslim kubva kumapoka ose mana (Madhaahib) nevamwewo vakajekesa kurambidzwa kwekuvaka maMasjid pamusoro pemakuva, uye vakayambira nezvazvo; vachitevedzera Sunnah yeMutumwa (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), nekupa zano kuUmmah pamwe nekuiyambira kuti isawire mune zvakawirwa neavo vakaitangira kubva kuvanopfurikidza mwero pakati pemaJuda nemaKristu, pamwe nevanofanana navo kubva kune vakarasika veUmmah ino.
Saka zvinosungirwa pane Sangano reZvidzidzo zveIslam muJordan, pamwe nevamwe maMuslim: kubatisisa Sunnah, nekutevera nzira yemaImaam, nekuchenjerera pane izvo zvakayambirwa naAllah neMutumwa wavo; nokuti mazviri mune kururama kwevaranda, nemufaro wavo pamwe neruponeso rwavo panyika nemuhupenyu unotevera. Uye vamwe vanhu vakabatisisa munyaya iyi pamashoko avo Allah (vane masimba ose) munyaya yevanhu vemubako ekuti:
﴿...قَالَ ٱلَّذِينَ غَلَبُواْ عَلَىٰٓ أَمۡرِهِمۡ لَنَتَّخِذَنَّ عَلَيۡهِم مَّسۡجِدٗا﴾
{...Avo vakakunda panyaya yavo vakati: ‘Zvirokwazvo, tichavaka nzvimbo yekunamatira (Masjid) pamusoro pavo.’} [Al-Kahf: 21].
Mhinduro kune izvozvo ndeyekuti: Zvirokwazvo Allah, vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro, vakarondedzera nezvevatungamiri neavo vaiva nesimba munguva iyoyo kuti vakataura mashoko aya, asi izvi hazvisi nenzira yekuzvifarira kana kuvatsigira, asi zvirokwazvo inzira yekushora, kutsiura uye kuyambira vanhu pamusoro pezvavaiita. Uye zvinoratidza izvozvo ndezvekuti: Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) avo vakadzikisirwa vhesi iri, uye vari ivo vanoziva zvakanyanya kudarika vanhu vese mukududzirwa kwaro; vakarambidza ummah yavo kuvaka maMasjid pamusoro pemakuva, uye vakavayambira nezvazvo, uye vakatuka nekushora uyo anoita izvozvo.
Uye dai izvozvo zvaibvumirwa, dai Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vasina kuzvirambidza zvakasimba kudaro, nekuwedzera pane izvozvo kusvikira vatuka uyo anozviita, uye nekuzivisa kuti iye mumwe wezvisikwa zvakaipisisa kuna Allah Samasimba vanoremekedzwa. Uye mune izvi mune zvakakwana nekugutsikana kune uyo anotsvaga chokwadi. Kunyange tikafungidzira kuti kuvaka maMasjid pamusoro pemakuva zvaitenderwa kune avo vakatitangira; hazvitenderwi kwatiri kuvatevedzera pane izvozvo; nekuti mitemo yedu yakatsiva mitemo yakauya kare, uye Mutumwa wedu, makomborero nerugare ngazvive kwavari, ndiye Mutumwa wekupedzisira, uye mitemo yavo yakakwana uye ndeyevanhu vese. Uye zvirokwazvo vakatirambidza kuvaka maMasjid pamusoro pemakuva; naizvozvo hazvitenderwi kwatiri kupikisana navo, uye zvinosungirwa kwatiri kuvatevedzera, nekubatisisa pane izvo zvavakauya nazvo, nekusiya izvo zvinopikisana naizvozvo kubva pamitemo yekare, netsika dzinoonekwa sedzakanaka neavo vanodziita; nekuti hapana chakakwana kupfuura mutemo waAllah, uye hapana gwara rakanaka kupfuura gwara reMutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari.
Uye Allah ndivo vanokumbirwa kuti vatigonese, pamwe nemaMuslim vose, kumira zvakasimba muchitendero chavo, nekubatisisa mutemo weMutumwa wavo Muhammad (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare); mumashoko nemumabasa, mune zviri pachena nezvakavanzika, uye munhau dzose kusvikira tasangana naAllah, vemasimba ose. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvose, vari pedyo.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muranda wavo neMutumwa wavo Muhammad, nemhuri yake, nemaSwahaba ake, neavo vose vanotevera gwara rake kusvikira pazuva rekutongwa.
Kuviga vafi mumaMasjid
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yegumi neimwe:
Kuviga vafi muMasjid
Muzita raAllah, uye kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, uye makomborero nerugare ngazvive kune Mutumwa waAllah, pamwechete nemhuri yaرخ, neavo vanotungamirirwa negwara ravo. Mushure meizvi:
Ndakaverenga bepanhau re«Khartoum» rakabuda musi wa: 17/ 4 / 1415H; ndikawana mariri makaburitswa chiziviso chekuvigwa kwaSayyid Muhammad al-Hasan al-Idrisi padivi pababa vake muMasjid yavo muguta reUmm Durman... zvichingodaro.
Uye nekuda kwezvakarovekedzerwa naAllah zvekupa mazano kumaMuslim, nekujekesa kurambidzwa kwezvakaipa; ndakaona zvakakodzera kuyambira kuti kuviga munhu mumaMasjid chinhu chisingatenderwe, asi kuti ndeimwe yenzira dzeShirk (kusanganisa Allah vekumusoro-soro nechimwe pakunamata), uye mamwe emabasa emaJuda nemaKristu izvo Allah (Mwari) vakavashora nazvo, uye Mutumwa wavo (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakavatuka, sezviri muSwahiihayn kubva kuna Aisha (Allah ngavafadzwe naye), kubva kuMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) kuti vakati:
«لَعَنَ اللَّهُ الْيَهُودَ وَالنَّصَارَى، اتَّخَذُوا قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ مَسَاجِدَ».
«Allah vakatuka MaJudha neMaKristu, vakatora makuva evaprofita vavo semaMasjid (nzvimbo dzekunamatira)...», Uye muSahih Muslim mune nhaurwa kubva kuna Jundub ibn Abdullah, yaakanzwa kubva kuMuporofita (runyararo nemakomborero aAllah ngazvive pavari), achiti vakataura kuti:
«أَلَا وَإِنَّ مَنْ كَانَ قَبْلَكُمْ كَانُوا يَتَّخِذُونَ قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ وَصَالِحِيهِمْ مَسَاجِدَ، أَلَا فَلَا تَتَّخِذُوا الْقُبُورَ مَسَاجِدَ؛ فَإِنِّي أَنْهَاكُمْ عَنْ ذَلِكَ».
"Zvirokwazvo avo vaiveko pamberi penyu vaiita makuva emaporofita vavo nevakarurama vavo maMasjid, Chenjerai! Musaita makuva senzvimbo dzekunamatira; nekuti ini ndinokurambidzai izvozvo." Uye maHadith ane zvinoreva izvi mazhinji.
Saka zvinorevekedzerwa kumaMuslim kwese kwese — hurumende nevanhu: kuti vatye Allah, uye vachenjere izvo zvavakarambidza, uye kuti vavige vafi vavo kunze kwemaMasjid, sezvaiita Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) nemaSwahaba avo (Allah ngavafadzwe navo), vaiviga vafi vavo kunze kwemaMasjid, uyewo nevateveri vavo mune zvakanaka.
Kuvapo kweguva raMuporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) nevatevedzeri vavo vaviri Abu Bakr naUmar, Allah ngavafadzwe navo, muMasjid mavo (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari); hausi humbowo hunobvumidza kuviga vafi mumaMasjid; nekuti ivo (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakavigwa muimba yavo — muimba yaAisha, Allah ngavafadzwe naye —, vatevedzeri vavo vaviri vakazovigwa pamwe chete navo. Saka apo Al-Walid bin Abdul Malik akawedzera kukura kweMasjid, akapinza imba iyoyo mukati mayo pakupera kwezana remakore ekutanga eHijrah. Uye vadzidzi veIslam vakamupikisa pane izvozvo, asi iye akafunga kuti izvozvo hazvitadzise kuwedzerwa kweMasjid, uye kuti nyaya yacho yakajeka haikonzeri kuvhiringidzika.
Nokudaro zvinova zvakajeka kumuMuslim wese kuti: iye [Mutumwa] (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) neshamwari dzake mbiri (Allah ngaavafarire) havana kuvigwa muMasjid, uye kuvapinzwa kwavo mairi kwaive nekuda kwekuwedzerwa kweMasjid. Naizvozvo, hakusi humbowo hwekubvumidzwa kwekuviga vanhu mumaMasjid; nokuti havasi muMasjid, asi kuti vari mumba meMutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari). Uyezve chiito chaAl-Walīd hachikodzeri kuva humbowo kuna ani zvake pazviri, asi kuti humbowo huri muGwaro (Qur'ān) nemuSunnah, uye nemuchibvumirano (Ijmā') chevakatanga kuepi veUmmah (Salaf), Allah ngaavafarire, uye Allah ngavatiite kuti tive pakati peavo vanovatevera mukururama.
Nechinangwa chekupa zano nekuzvisunungura pamutoro, ndaanyora izvi musi wa: 14/ 5/ 1415 H.
Allah ndivo Mupi wekubudirira. Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaba avo, neavo vose vachavatevera mune zvakanaka.
Kutsanangura kusatenda nekurasika kwemunhu anoti zvinotenderwa kune chero munhu kubuda muShari'ah (mitemo) yaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari).
Abdul Aziz ibn Abdullah ibn Baz
***
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Tsamba yegumi nembiri:
Tsananguro yekusatenda nekurasika kweuyo anoti zvinotenderwa kune chero ani zvake kubuda muShari'ah yaMuhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari)
Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese, uye makomborero nerugare ngazvive kune wekupedzisira wemaporofita nevatumwa, Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo nemaSwahaaba avo vose.
Mushure mezvo: Ndakaverenga chinyorwa chakaburitswa mubepanhau reAsharq Al-Awsat nhamba (5824) remusi wa 5/ 6/ 1415 H, chakanyorwa neuyo akati anonzi: Abdul Fattah Al-Haayik, pasi pemusoro unoti: (Kunzwisisa Kusiriko).
Uye pfupiso yechinyorwa iyi ndeyekuti: Kuramba kwake izvo zvinozivikanwa pachena muchitendero cheIslam, kuburikidza mundima uye nekubvumirana kwevadzidzi; kuti shoko raMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) rakauya kune vanhu vose. Uye munyori akati uyo asina kutevera Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) uye asina kuvateerera, asi akaramba ari muJudha kana muKristu, anenge ari pachitendero chechokwadi. Zvadaro, akabva azvidza Tenzi wezvisikwa zvose, vanorumbidzwa, pamusoro pehungwaru hwavo pakuranga avo vanoramba kutenda nevatadzi, nekuita kuti izvozvo zvionekwe sezvisina maturo.
Uye akashandura ndima dzechitendero, achiaisa panzvimbo dzisiridzo, nekuatsanangura zvichienderana nezvishuwo zvake, uye akafuratira humbowo hwechitendero nendima dzakajeka dzinoratidza kuti shoko raMuhammad (tsitsi nerugare zvaAllah ngazvive pavari) nderevanhu vese, uye kusatenda kweuyo anonzwa nezvake asingamuteveri, uye kuti Allah havagamuchiri chimwe chitendero chisiri chitendero cheIslam, nezvimwewo zviri mundima dzakajeka dzaakafuratira; kuti vanhu vasina ruzivo vanyengerwe nemashoko ake. Uye izvi zvaakaita kusatenda kuri pachena, nekubuda muchitendero cheIslam, nekuramba Allah (vanorumbidzwa, vari kumusoro-soro) neMutumwa wavo, rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari, sezvinozivikanwa izvozvo neavo vakaverenga chinyorwa pakati pevanhu veruzivo nekutenda.
Zvinosungirwa kumutungamiri: kumuendesa kudare; kuti akumbirwe kutendeuka, nekumutonga zvichienderana nezvinodiwa nemutemo wakachena weIslam.
Uye zvirokwazvo Allah (vanorumbidzwa uye vari kumusoro-soro) vakajekesa kuti shoko raMuhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) ndere vanhu vose, uye kuti zvinosungirwa kuzvisikwa zvose zviviri (vanhu nemajini) kuvatevera. Uye izvi hazvikwanisi kusazivikanwa nechero ani zvake anenge ari muMuslim ane ruzivo kunyange ruri rushoma zvaro.
Allah vekumusoro-soro vakati:
﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ فَـَٔامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِ ٱلنَّبِيِّ ٱلۡأُمِّيِّ ٱلَّذِي يُؤۡمِنُ بِٱللَّهِ وَكَلِمَٰتِهِۦ وَٱتَّبِعُوهُ لَعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ158﴾
{Iti (Iwe Muhammad): “O Imi vanhu! Zvirokwazvo, Ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose, avo vanova muridzi wehumambo hwekudenga nepasi. Hapana chinhu chinofanirwa kunamatwa kunze kwavo. Ndivo vanopa hupenyu uye ndivo vanokonzera rufu. Naizvozvo tendai muna Allah nemuMutumwa wavo, Muporofita asingakwanisi kuverenga nekunyora, uyo anotenda muna Allah nemashoko avo. Naizvozvo muteverei kuitira kuti mugove makatungamirirwa.”}
[Al-A'raaf: 158]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَأُوحِيَ إِلَيَّ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانُ لِأُنذِرَكُم بِهِۦ وَمَنۢ بَلَغَ...﴾
{...Uye kwakadzikiswa kwandiri Qur’an iyi kuti ndikuyambirei nayo, uye nekune uyo wese waichasvika kwaari...} [Al-An’aam: 19]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿قُلۡ إِن كُنتُمۡ تُحِبُّونَ ٱللَّهَ فَٱتَّبِعُونِي يُحۡبِبۡكُمُ ٱللَّهُ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡۚ وَٱللَّهُ غَفُورٞ رَّحِيمٞ31﴾
{Taura (iwe Muhammad) kuti: “Kana muchida Allah, nditeverei ini, Allah vachakudai uye vachakuregererai zvitadzo zvenyu. Uye Allah vanoregerera, vane nyasha.” 31} [Aal Imraan: 31]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَن يَبۡتَغِ غَيۡرَ ٱلۡإِسۡلَٰمِ دِينٗا فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡهُ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ85﴾
{Uye uyo anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslam, hachizombogamuchirwi kubva kwaari, uye muhupenyu hwamangwana achange ari pakati peavo vakarasikirwa.} [Aal-Imraan: 85]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا كَآفَّةٗ لِّلنَّاسِ بَشِيرٗا وَنَذِيرٗا...﴾
{Uye hatina kukutuma kunze kwekuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vese...} [Saba: 28]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا رَحۡمَةٗ لِّلۡعَٰلَمِينَ107﴾
{Uye hatina kukutuma asi kuti uve nyasha kune zvisikwa zvese.} [Al-Ambiya: 107]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَقُل لِّلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡأُمِّيِّـۧنَ ءَأَسۡلَمۡتُمۡۚ فَإِنۡ أَسۡلَمُواْ فَقَدِ ٱهۡتَدَواْۖ وَّإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّمَا عَلَيۡكَ ٱلۡبَلَٰغُۗ وَٱللَّهُ بَصِيرُۢ بِٱلۡعِبَادِ﴾
{...Uye iti kune avo vakapihwa maGwaro neavo vasingakwanisi kuverenga nekunyora: “Mava maMuslim here?” Zvino kana vakava maMuslim, zvirokwazvo vanenge vakatungamirirwa. Uye kana vakafuratira, zvirokwazvo basa rako nderekusvitsa shoko bedzi. Uye Allah vanoona zvizere pavaranda vavo.} [Aal Imraan: 20]. Uye Allah vanoremekedzwa vakati:
﴿تَبَارَكَ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡفُرۡقَانَ عَلَىٰ عَبۡدِهِۦ لِيَكُونَ لِلۡعَٰلَمِينَ نَذِيرًا1﴾
{Vane makomborero ndivo vakadzikisa chipatsanuro (chezvakanaka nezvakaipa) kumuranda wavo, kuti ave muyambiri kuzvisikwa zvese.} [Al-Furqaan: 1].
Uye Al-Bukhari naMuslim, vakarondedzera kubva kuna Jaabir (Allah ngavafare naye), kuti Muporofita (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:
«أُعْطِيتُ خَمْسًا لَمْ يُعْطَهُنَّ أَحَدٌ قَبْلِي: نُصِرْتُ بِالرُّعْبِ مَسِيرَةَ شَهْرٍ، وَجُعِلَتْ لِيَ الْأَرْضُ مَسْجِدًا وَطَهُورًا، فَأَيُّمَا رَجُلٍ مِنْ أُمَّتِي أَدْرَكَتْهُ الصَّلَاةُ، فَلْيُصَلّ، وَأُحِلَّتْ لِيَ الْمَغَانِمُ، وَلَمْ تُحَلَّ لِأَحَدٍ قَبْلِي، وَأُعْطِيتُ الشَّفَاعَةَ، وَكَانَ النَّبِيُّ يُبْعَثُ إِلَى قَوْمِهِ خَاصَّةً، وَبُعِثْتُ إِلَى النَّاسِ عَامَّةً».
«Ndakapihwa zvinhu zvishanu zvisina kumbopihwa kune chero ani zvake aive pamberi pangu: ndakapihwa kukunda kuburikidza nekutyiwa pachinhambwe cherwendo rwemwedzi, uye pasi rese rakaitwa kuti rive nzvimbo yekunamatira pamwe neyekuchenesa kwandiri, saka chero munhu zvake kubva muUmmah yangu asvikirwa nenguva yeSwalaah, ngaanamate, uye pfuma inopambwa muhondo yakaitenderwa kwandiri, iyo isina kumbotenderwa kune chero ani zvake aive pamberi pangu, uye ndakapihwa mvumo yekureverera, uye Muporofita aitumirwa kuvanhu vake bedzi, asi ini ndakatumwa kuvanhu vese».
Uku ndiko kutsanangurwa kwakajeka kwekuti shoko raMuporofita wedu Muhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) rakazara uye rinosanganisira vanhu vese, uye kuti rakatsiva mitemo yese yakauya kare, uye kuti ani naani asingateveri Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) uye asingamuteereri; munhu iyeyo anenge asiri mutendi, mutadzi, anokodzera kurangwa naAllah. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَمَن يَكۡفُرۡ بِهِۦ مِنَ ٱلۡأَحۡزَابِ فَٱلنَّارُ مَوۡعِدُهُۥ...﴾
{...uye uyo anoramba kutenda maari kubva pakati pemapoka, moto uchave nzvimbo yake yakavimbiswa...} [Hud: 17]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿...فَلۡيَحۡذَرِ ٱلَّذِينَ يُخَالِفُونَ عَنۡ أَمۡرِهِۦٓ أَن تُصِيبَهُمۡ فِتۡنَةٌ أَوۡ يُصِيبَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ﴾
{...Saka ngavachenjere avo vanopikisana nemurairo wavo [murairo weMuporofita Muhammad] kuti vangawirwa nedambudziko kana kuwirwa nechirango chinorwadza.} [An-Nuur: 63]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَن يَعۡصِ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَيَتَعَدَّ حُدُودَهُۥ يُدۡخِلۡهُ نَارًا خَٰلِدٗا فِيهَا وَلَهُۥ عَذَابٞ مُّهِينٞ14﴾
{Uye uyo anoramba kuteerera Allah neMutumwa wavo uye opfurikidza miganhu yavo, vachamupinza mumoto umo achagara nekusingaperi, uye achawana murango unodzikisira.} [An-Nisa: 14]. Allah (Mwari) vari kumusoro-soro vakati:
﴿...وَمَن يَتَبَدَّلِ ٱلۡكُفۡرَ بِٱلۡإِيمَٰنِ فَقَدۡ ضَلَّ سَوَآءَ ٱلسَّبِيلِ﴾
{...Uye uyo anochinjanisa kutenda nekusatenda, zvirokwazvo anenge atorasika nzira yakanaka.} [Al-Baqarah: 108]. Uye ndima dzinoreva izvi dzizhinji.
Allah vakabatanidza kuteerera Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, nekuteererwa kwavo, uye vakajekesa kuti uyo anotenda kune chimwe chitendero kunze kweIslam, iyeyo acharasikirwa, uye hapana chinotambirwa kubva kwaari chero muripo kana rudzikinuro. Naizvozvo Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿وَمَنْ يَبْتَغِ غَيْرَ الْإِسْلَامِ دِينًا فَلَنْ يُقْبَلَ مِنْهُ وَهُوَ فِي الْآخِرَةِ مِنَ الْخَاسِرِينَ﴾
{Uye uyo anotsvaga chimwe chitendero kunze kweIslam, hachizombogamuchirwi kubva kwaari, uye muhupenyu hwamangwana achange ari pakati peavo vakarasikirwa} [Aal-Imraan: 85]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿مَنْ يُطِعِ الرَّسُولَ فَقَدْ أَطَاعَ اللَّهَ...﴾
{Ani naani anoteerera Mutumwa, iyeye anenge ateerera Allah...} [An-Nisa: 80]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿قُلْ أَطِيعُوا اللَّهَ وَأَطِيعُوا الرَّسُولَ فَإِنْ تَوَلَّوْا فَإِنَّمَا عَلَيْهِ مَا حُمِّلَ وَعَلَيْكُمْ مَا حُمِّلْتُمْ وَإِنْ تُطِيعُوهُ تَهْتَدُوا...﴾
{Iti (Iwe Muhammad): “Teererai Allah uye teererai Mutumwa. Asia kana mukafuratira, zvirokwazvo mutoro uri paari ndizvo zvaakatakudzwa, uye pamuri pane zvamakatakudzwa. Uye kana mukamuteerera, muchatungamirirwa.”} [An-Nuur: 54]. Allah vari kumusoro-soro vakati:
﴿إِنَّ الَّذِينَ كَفَرُوا مِنْ أَهْلِ الْكِتَابِ وَالْمُشْرِكِينَ فِي نَارِ جَهَنَّمَ خَالِدِينَ فِيهَا أُولَئِكَ هُمْ شَرُّ الْبَرِيَّةِ 6﴾
{Zvirokwazvo, avo vakaramba kutenda kubva pakati pevanhu vakapihwa maGwaro, neavo vano batanidza Allah nezvimwe zvinhu mukunamata vachange vari vari mumoto weGehena, vachizogaramo nekusingaperi. Avo ndivo zvisikwa zvakaipisisa.} [Al-Bayyinah: 6].
Uye Muslim akatura mubhuku rake rinonzi Sahih kuti Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari) vakati:
«وَالَّذِي نَفْسِي بِيَدِهِ؛ لَا يَسْمَعُ بِي أَحَدٌ مِنْ هَذِهِ الْأُمَّةِ، يَهُودِيٌّ وَلَا نَصْرَانِيٌّ، ثُمَّ يَمُوتُ وَلَمْ يُؤْمِنْ بِالَّذِي أُرْسِلْتُ بِهِ؛ إِلَّا كَانَ مِنْ أَهْلِ النَّارِ».
“Ndinopika neuyo anemweya wangu muruoko rwake, hapana munhu kubva muvanhu vari pano pasi (ummah), angave muJudha kana muKristu, anonzwa nezvangu, ozofa asina kutenda mune izvo zvandakatumwa nazvo, asi kuti anenge ava umwe wevagari vekumoto.”
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero ngazvive kwavari) vakajekesa kuburikidza nezviito zvavo nemashoko avo kusashanda kwechitendero cheuyo asina kupinda muchitendero cheIslam. Saka vakarwa nemaJudha nemaKristu, sezvavakaita pakurwa nevamwewo vakange vasingatendi, uye vakatora Jizyah (mutero) kubva kune avo vakavateerera pakati pavo; kuitira kuti vasadzivisa kusvika kwemharidzo yavo kune vamwe vavo vakasara, uye kuitira kuti ainge ada pakati pavo apinde muchitendero cheIslam asina kutya vanhu verudzi rwake kuti vangamudzivisa, kana kumutadzisa, kana kumuuraya.
Uye zvakarondedzerwa naAl-Bukhaari naMuslim, kubva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye), akataura kuti: Apo taiva muMasjid, Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabuda (mumba mavo) vachibva vataura kuti:
«انْطَلِقُوا إِلَى يَهُودَ، فَخَرَجْنَا مَعَهُ حَتَّى جِئْنَا بَيْتَ الْمِدْرَاسِ، فَقَامَ النَّبِيُّ ﷺ، فَنَادَاهُمْ فَقَالَ :يَا مَعْشَرَ يَهُودَ، أَسْلِمُوا تَسْلَمُوا، فَقَالُوا: قَدْ بَلَّغْتَ يَا أَبَا الْقَاسِمِ، فَقَالَ لَهُمْ رَسُولُ اللَّهِ ﷺ: ذَلِكَ أُرِيدُ، أَسْلِمُوا تَسْلَمُوا، فَقَالُوا: قَدْ بَلَّغْتَ يَا أَبَا الْقَاسِمِ، فَقَالَ لَهُمْ رَسُولُ اللَّهِ ﷺ: ذَلِكَ أُرِيدُ، ثُمَّ قَالَهَا الثَّالِثَةَ...».
"Handei kumaJuda, saka takabuda pamwechete navo kusvikira tasvika kuimba yekudzidzira (mavaidzidzira Toraj), Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabva vamira, ndokuvadaidza vakati: 'Imi ungano yemaJuda, gamuchirai Islam kuti muchengetedzwe.' Vakabva vati: 'Masvitsa shoko, imi Abu Al-Qasim.' Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabva vati kwavari: 'Ndizvo zvandinoda izvozvo, gamuchirai Islam kuti muchengetedzwe.' Vakabva vati: 'Masvitsa shoko, imi Abu Al-Qasim.' Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakabva vati kwavari: 'Ndizvo zvandinoda izvozvo,' ndokubva vazvitaura kechitatu...»." Hadith.
Zvinorehwa ndezvekuti: Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakaenda kuvanhu vechitendero vaive maJudha muimba yavo yekudzidzira, vakavadaidza kuIslam, uye vakataura kwavari vachiti: "Gamuchirai Islam kuti muchengetedzwe", uye vakadzokorora mashoko aya kwavari.
Saizvozvowo: Vakatumira tsamba yavo kuna Heraclius vachimudaidza kuIslam, uye vachimuudza kuti kana akaramba, achava nechivi secheavo vakaramba kupinda muIslam nekuda kwekuramba kwake. Sezvakarondedzerwa naBukhari naMuslim mumabhuku avo eSahih, kuti Heraclius akakumbira tsamba yeMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), ndokuiverenga, umo maiva nemashoko anoti:
«بِسْمِ اللَّهِ الرَّحْمَنِ الرَّحِيمِ، مِنْ مُحَمَّدٍ رَسُولِ اللَّهِ إِلَى هِرَقْلَ عَظِيمِ الرُّومِ، سَلَامٌ عَلَى مَنِ اتَّبَعَ الْهُدَى، أَمَّا بَعْدُ: فَإِنِّي أَدْعُوكَ بِدِعَايَةِ الْإِسْلَامِ، أَسْلِمْ تَسْلَمْ، وَأَسْلِمْ يُؤْتِكَ اللَّهُ أَجْرَكَ مَرَّتَيْنِ، فَإِنْ تَوَلَّيْتَ، فَإِنَّ عَلَيْكَ إِثْمَ الْأَرِيسِيِّينَ وَ
"Muzita raAllah, vane nyasha, vane tsitsi, kubva kuna Muhammad Mutumwa waAllah, kuenda kuna Heraclius mukuru wevaRoma, rugare ngaruve kune uyo anotevera gwara rakarurama, mushure mezvo: zvirokwazvo ini ndinokukoka nekukoka kweIslam, gamuchira Islam kuti uchengetedzwe, uye gamuchira Islam Allah vachakupa mubairo wako zvakapetwa kaviri, asi kana ukafuratira, zvirokwazvo pamusoro pako pachava nechitadzo chevaAriisiyyi (vanhu vese vachatadza kutenda pamusana pako uye
﴿يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ تَعَالَوۡاْ إِلَىٰ كَلِمَةٖ سَوَآءِۭ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمۡ أَلَّا نَعۡبُدَ إِلَّا ٱللَّهَ وَلَا نُشۡرِكَ بِهِۦ شَيۡـٔٗا وَلَا يَتَّخِذَ بَعۡضُنَا بَعۡضًا أَرۡبَابٗا مِّن دُونِ ٱللَّهِۚ فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقُولُواْ ٱشۡهَدُواْ بِأَنَّا مُسۡلِمُونَ64﴾
{Imi vanhu vakapihwa maGwaro! Uyai kushoko rakaenzana pakati pedu nemi, rekuti tisanamate ani zvake kunze kwaAllah, uye kuti tisavasanganise nechimwe chinhu, uye kuti vamwe vedu vasatore vamwe sevanatenzi panzvimbo paAllah. Zvino kana vakafuratira, itiyi: “Pupurai kuti zvirokwazvo isu tiri maMuslim.”} [Aal Imraan: 64].
Zvadaro pavakafuratira uye vakaramba kupinda muIslam; iye (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) nemaSwahaaba vavo (Allah ngavafadzwe navo) vakarwa navo, uye akavatemera mutero weJizyah.
Uye mukutsinhira kurasika kwavo, uye kuti vari pachitendero chenhema mushure mekunge chatsiviwa nechitendero chaMuhammad (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari); Allah vakaraira muMuslim kuti akumbire Allah muzuva rega rega, uye pamunamato wese, uye murak'ah yega yega, kuti vamutungamirire kunzira yakarurama, yechokwadi, inogamuchirwa, inova: Islam, uye kuti vamuchengetedze kure nenzira yevaya vakatsamwirwa, vanova: MaJudha nevakaita saivo, avo vanoziva kuti vari panhema asi vachiramba vachisimbirira pazviri. Uye kuti vamuchengetedza kubva kunzira yevakarasika, avo vanonamata vasina ruzivo, uye vachiti vari munzira yakarurama, asi ivo vari munzira yekurasika, vanova: maKristu, neavo vakafanana navo kubva kune mamwe marudzi anonamata mukurasika nekusaziva. Uye zvese izvi ndezvekuti: muMuslim azive nechokwadi chakasimba kuti chitendero chose kunze kweIslam ndechenhema, uye kuti wese anonamata Allah ari kunze kwechiIslam akarasika, uye uyo asingatendi izvi haasi mumwe wemaMuslim. Uye humbowo panyaya iyi huzhinji kubva muQur’an neSunnah.
Saka zvinosungirwa kumunyori wechinyorwa ـ Abdul Fattah ـ: kuti akurumidze kutendeuka kuna Allah zvechokwadi, uye kuti anyore chinyorwa achizivisa kutendeuka kwake, uye uyo anotendeuka kuna Allah kutendeuka kwechokwadi; Allah vanogashira kutendeuka kwake; sekutaura kwaAllah vanoremekedzwa kuti:
﴿...وَتُوبُوٓاْ إِلَى ٱللَّهِ جَمِيعًا أَيُّهَ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ لَعَلَّكُمۡ تُفۡلِحُونَ﴾
{...Uye tendeukai kuna Allah mose, imi vatendi, kuti mubudirire.} [An-Nuur: 31], Uye Allah vanoremekedzwa vakati:
﴿وَٱلَّذِينَ لَا يَدۡعُونَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ وَلَا يَقۡتُلُونَ ٱلنَّفۡسَ ٱلَّتِي حَرَّمَ ٱللَّهُ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَلَا يَزۡنُونَۚ وَمَن يَفۡعَلۡ ذَٰلِكَ يَلۡقَ أَثَامٗا68 يُضَٰعَفۡ لَهُ ٱلۡعَذَابُ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَيَخۡلُدۡ فِيهِۦ مُهَانًا69 إِلَّا مَن تَابَ وَءَامَنَ وَعَمِلَ عَمَلٗا صَٰلِحٗا فَأُوْلَٰٓئِكَ يُبَدِّلُ ٱللَّهُ سَيِّـَٔاتِهِمۡ حَسَنَٰتٖۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمٗا70﴾
{Uye avo vasinganamate mumwe mwari pamwechete naAllah, uye vasingauraye munhu uyo akarambidzwa naAllah kunze kwemuchokwadi, uye vasingaite hupombwe; uye uyo anoita izvozvo achasangana nechirango 68}
Murango uchapetwa kaviri kwaari pazuva rokumutswa, uye achagara mauri nekusingaperi achidzikisirwa. 69
{Kunze kweuyo anotendeuka, uye anotenda, uye anoita mabasa akanaka, avo ndivo Allah vachashandura zvakaipa zvavo kuva mabasa akanaka. Uye Allah vanoregerera, vane tsitsi. 70} [Al-Furqaan: 68-70]. Uye nekuti Muporofita (rugare netsitsi dza Allah ngazvive kwavari) vakati:
«الإِسْلَامُ يَهْدِمُ مَا كَانَ قَبْلَهُ، وَالتَّوبَةُ تَهْدِمُ مَا كَانَ قَبْلَهَا».
«Islam inodzima zvitadzo zvakaitwa nemunhu asati aigashira, uye kutendeuka kunodzima zvitadzo zvakaitwa mumashure.» Uyezve Mutumwa, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari vakati:
«التَّائِبُ مِنَ الذَّنْبَ كَمَنْ لَا ذَنْبَ لَهُ».
«Uyo anotendeuka kubva kuchitadzo akafanana neuyo asina chitadzo.»
Uye ndima dzeQur'an nemaHadith anoreva izvi mazhinji.
Ndinokumbira kuna Allah vanorumbidzwa, vekumusoro-soro kuti vationese chokwadi sechokwadi, uye votipa makomborero ekuchitevera, uye kuti vationese nhema senhema, uye votipa makomborero ekuenda kure nadzo, uye kuti vatiropafadze isu, pamwe nemunyori Abdul Fattah, nemaMuslim vese nekutendeuka kwechokwadi, uye kuti vatidzivirire tese kubva kumiedzo inorasisa uye nekuteerera zvishuvo naShaitwaan. Zvirokwazvo, Allah ndivo Muchengeti wezvese izvi uye ndivo Samasimba pazviri.
Uye Allah ngavakomborere nekupa rugare kune Muporofita wedu Muhammad, nemhuri yavo, nemaSwahaba avo, neavo vose vachavatevera mune zvakanaka kusvikira pazuva rekutongwa.
***
الفهرس
Kutenda Kwakarurama nezvinopikisana nako 2
Musimboti wekutanga: Kutenda muna Allah vari kumusoro-soro. 6
Nheyo yechipiri: Kutenda mungirozi, 23
Nheyo yechitatu: Kutenda mumabhuku, uye kunosanganisira zvinhu zviviri zvakare : 25
Nheyo yechina: Kutenda muvatumwa 27
Nheyo yechishanu: Kutenda muZuva Rekupedzisira 29
Nheyo yechitanhatu: Kutenda mune zvakatarwa 30
Zvitendo zvinopikisana nekutenda kwechokwadi 37
Gwaro Rechipiri: Pamusoro pemutongo wekukumbira rubatsiro kuna Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) 47
Gwaro rechitatu 68
Pamutongo wekutsvaga rubatsiro kumaJinn nemaSatani nekuvaitira mhiko. 68
Gwaro rechina: 95
Rinotaura nezvemutongo wekunamata neminyengetero (maAwraad) yebid'ah neshirk 95
Tsamba yechishanu: 126
Mutemo wekupemberera kuzvarwa kwaMuporofita (Mawlid an-Nabawiyy) nedzimwewo mhembero dzekuzvarwa kwevanhu (Mawalid.) 126
Tsamba yechitanhatu: 140
Mutongo wekupemberera husiku hweIsraa' neMi'raj 140
Tsamba yechinomwe: 149
Mutemo wekupemberera husiku hwepakati pemwedzi weSha'baan. 149
Tsamba yechisere: 167
Yambiro yakakosha nezvekunyepa kwekuraira kunonzi kwakabva kuna 167
Sheikh Ahmad, Muchengeti weMasjid Tsvene yeMutumwa inoremekedzwa 167
Gwaro repfumbamwe: Mutongo wehuroyi nekufembera nezvose zvine chekuita nazvo 187
Tsamba yegumi: Kuyambira nezvekuvaka maMasjid pamakuva 209
Tsamba yegumi neimwe: Kuviga vafi muMasjid. 216
Tsamba yegumi nembiri: Tsananguro yekusatenda nekurasika kweuyo anoti zvinotenderwa kune chero ani zvake kubuda muShari'ah yaMuhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive pavari) . 220
***
sn397v5.0 - 01/08/2026
Yakarondedzerwa naAl-Bukhari (2856), uye naMuslim (30).
Yakarondedzerwa naAl-Laalakai mubhuku rinonzi Sharh Usuul Al-I'tiqaad (735), naIbn 'Abd Al-Barr mubhuku rinonzi Jaami' Al-'Ilm wa Fadhlihi (1801), asi nemashoko anoti mahadith panzvimbo pekuti ndima dzemamiriro aAllah, uye mashoko ake anoti: "Shumai mahadith aya sekuuya kwaakaita uye musaite nharo paari."
" Yakarondedzerwa naAl-Bayhaqi mu(bhuku rinonzi) Al-Asma wa As-Sifat (865), uye isnaad yayo ikanzi yakasimba naIbn Taymiyyah mu(bhuku rinonzi) Al-Hamawiyyah (peji: 269), uye Adh-Dhahabi akati mu(bhuku rinonzi) Al-Ardh (2/223): "Vanhu vakaitaura (hadith iyi) maImam akavimbika.""
Yakarondedzerwa naAl-Laalaka'i muSharh Usul Al-I'tiqaad (930), naAl-Bayhaqi muAl-Asmaa' wa As-Sifaat (955).
Yakarondedzerwa naAl-Laalaka'i mubhuku rinonzi Sharh Usul Al-I'tiqaad (665), naAl-Bayhaqi mubhuku rinonzi Al-Asmaa' Was-Swifaat (868).
Yakarondedzerwa naAl-Laalaka'i mubhuku rinonzi Sharh Usul Al-I'tiqaad (664), naAbu Nu'aym mubhuku rinonzi Hilyat Al-Awliya' (325/6), naAl-Bayhaqi mubhuku rinonzi Al-Asmaa' was-Swifaat (867).
Yakarondedzerwa naAl-Muzakki mubhuku rinonzi Al-Muzakkiyyat (29), naIbn Battwa mubhuku rinonzi Al-Ibaanah (120), uye naAl-Laalaka'i mubhuku rinonzi Sharh Usul al-I'tiqaad (663).
Yakarondedzerwa naAd-Daarimi mubhuku rake Ar-Radd 'ala Al-Jahmiyyah (67), naAl-Bayhaqi mubhuku rinonzi Al-Asmaa' was-Sifaat (903).
Yakarondedzerwa naAdh-Dhahabi mubhuku rinonzi Al-'Uluw (464), uye Al-Albani akati mubhuku rinonzi Mukhtasar Al-'Uluw (peji: 184): "Iyi isnaad yechokwadi, vanhu vakaitaura vakavimbika uye vanozivikanwa."
Tafsiir yaIbn Kathiir (427,426/3).
Yakarondedzerwa naAl-Bukhari (22), kubva muhadith yaAbu Sa'id Al-Khudri, Allah ngavafadzwe naye.
Yakarondedzerwa naMuslim (2996), kubva muhadith yaAisha, Allah ngavafadzwe naye.
Yakarondedzerwa naAl-Bukhari (3651), uye Muslim (2533), kubva muhadith yaAbdullah bin Mas'ud (Allah ngavafadzwe naye).
Yakarondedzerwa naMuslim (1920), kubva muhadith yaThawban Allah ngavafadzwe naye.
Yakarondedzerwa naIbn Maajah (3952), kubva muHadith yaThawbaan, Allah (Mwari) vafadzwe naye, uye yakanzi yakasimba naIbn Hibban (6714), naAl-Haakim (8653).
Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi (2641), kubva muhadith yaAbdullah bin Amr Allah ngavafadzwe naye, uye Al-Munaawi akati mubhuku Faydh Al-Qadiir (5/347): "Mairi muna Abdur-Rahmaan bin Ziyaad Al-Ifriiqi. Adh-Dhahabi akati: "Vadzidzi vakamuti haana kusimba", uye Al-Albaani akati yakasimba mubhuku rinonzi Sahih Al-Jaami' (5343).
Rairo iyi yakaburitswa mubhuku diki rine nhamba 17 kubva kubazi guru rehutungamiri hwemapazi ezvekutsvagurudza zvedzidzo, Iftaa, Da'wah nenhungamiro, mugore ra1402H.
Yakarondedzerwa naMuslim (8).