PHPWord

 

 

 

ثَلَاثَةُ الأُصُولِ وَأَدِلَّتُهَا

 

 

Misimboti mitatu nehumbowo hwawo

 

 

 

 

لِلشَّيْخِ

مُحَمَّدٍ التَّمِيمِي رَحِمَهُ اللهُ

 

Sheikh Muhammad at-Tamimi, Allah ngavamunzwire tsitsi

 

 


بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Misimboti mitatu nehumbowo hwawo

Bhuku iri rinotaura nezvemisimboti yakakosha inofanirwa kudzidzwa nemuMuslim: kuziva Allah, kuziva chitendero cheIslam, nekuziva Muporofita Muhammad (makomborero netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari), uye rinotarisa pakukosha kwemisimboti iyi mukuvaka kutenda uye kuita mabasa akanaka zvichibva pahuchapupu hweQur’an neHadith.

Misimboti mitatu nehumbowo hwayo.

Sheikh Muhammad at-Tamimi, Allah ngavamunzwire tsitsi.

Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni .

Ziva - Allah vakunzwire tsitsi - kuti zvinosungirwa kwatiri kudzidza zvinhu zvina:

Chekutanga: Ruzivo, uye ndiko kuziva Allah, nekuziva Muprofita wake, uye nekuziva chitendero cheIslam nehumbowo.

Chepiri: Kuita mabasa maererano nazvo.

3- Kukoka vanhu kwazviri.

4- Kutsungirira pakurwadziwa kana matambudziko anowanikwa pazviri (pakukoka vanhu).

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti: Muzita raAllah, vane tsitsi, vane ngoni .

﴿وَٱلۡعَصۡرِ1 إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَفِي خُسۡرٍ2 إِلَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ وَتَوَاصَوۡاْ بِٱلۡحَقِّ وَتَوَاصَوۡاْ بِٱلصَّبۡرِ3﴾

(ndopika)Nenguva1

Zvirokwazvo, munhu ari mukurasikirwa. 2

Kunze kweavo vanotenda uye vanoita mabasa akanaka, uye vanokurudzirana pachokwadi, uye vanokurudzirana kutsungirira.3 ﴿ [Al-Asr:1-3].

Ash-Shaafi'i (Allah vekumusoro-soro ngavamuitire tsitsi) akati: "Dai Allah vasina kudzikisa humbowo kuzvisikwa zvavo kunze kweSurah iyi, zvaivakwanira."

Uye Al-Bukhaari (Allah vekumusoro-soro ngavamuitire tsitsi) akati: "CHITSAUKO: Ruzivo pamberi pekutaura nekuita; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti: (Saka ziva kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah, uye kumbira ruregerero rwechivi chako...)[Muhammad:9], saka vakatanga neruzivo pamberi pekutaura nekuita."

Ziva - Allah vakunzwire tsitsi -: kuti zvinosungirwa pamuMuslim wese, murume nemukadzi, kudzidza nyaya idzi nhatu, uye kuita mabasa anoenderana nazvo:

Chekutanga: Ndechekuti Allah vakatisika, uye vakatipa raramo, uye havana kutisiya takangodaro; asi vakatitumira Mutumwa, saka uyo anomuteerera; achapinda muParadhiso uye uyo asingamuteereri; achapinda muGehena.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro soro ekuti:

﴿إِنَّآ أَرۡسَلۡنَآ إِلَيۡكُمۡ رَسُولٗا شَٰهِدًا عَلَيۡكُمۡ كَمَآ أَرۡسَلۡنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ رَسُولٗا15 فَعَصَىٰ فِرۡعَوۡنُ ٱلرَّسُولَ فَأَخَذۡنَٰهُ أَخۡذٗا وَبِيلٗا16﴾

Zvirokwazvo Isu takatumira kwamuri mutumwa, sechapupu kwamuri, sekutumira mutumwa (Musa kwatakaita) kuna Farawo.15

Asi Farawo akaramba kuteerera Mutumwa, naizvozvo takamuranga nemurango wakaomarara.16﴿ [Al-Muzzammil:15-16].

Chechipiri: Kuti Allah havafari kuti vabatanidzwe nechimwe chinhu mukunamatwa kwavo, ingava ngirozi yepedyo, kana Muporofita akatumwa; uye humbowo mazwi aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَأَنَّ ٱلۡمَسَٰجِدَ لِلَّهِ فَلَا تَدۡعُواْ مَعَ ٱللَّهِ أَحَدٗا18﴾

Uye kuti maMasjid ndeaAllah, saka musanamate pamwe naAllah ani zvake18﴿ [Al-Jinn: 18].

Chechitatu: Ndechekuti uyo anoteerera Mutumwa uye onamata Allah vari voga; haabvumirwi kushamwaridzana uyo anopikisa Allah neMutumwa wavo, kunyangwe ari hama yepedyo-pedyo.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro soro ekuti:

﴿لَّا تَجِدُ قَوۡمٗا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ يُوَآدُّونَ مَنۡ حَآدَّ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَلَوۡ كَانُوٓاْ ءَابَآءَهُمۡ أَوۡ أَبۡنَآءَهُمۡ أَوۡ إِخۡوَٰنَهُمۡ أَوۡ عَشِيرَتَهُمۡۚ أُوْلَٰٓئِكَ كَتَبَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلۡإِيمَٰنَ وَأَيَّدَهُم بِرُوحٖ مِّنۡهُۖ وَيُدۡخِلُهُمۡ جَنَّٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ رَضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُۚ أُوْلَٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱللَّهِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱللَّهِ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ22﴾

Hauwani vanhu vanotenda muna Allah nezuva rekupedzisira vachiratidza rudo kune avo vanopikisa Allah neMutumwa wavo, kunyange vari madzibaba avo kana vanakomana vavo kana hama dzavo kana rudzi rwavo. Avo ndivo vaakanyora kutenda mumwoyo yavo, uye akavatsigira nemweya unobva kwaari. Uye achavapinza mumapindu ane nzizi dzinoerera pasi pawo, umo vachagara nekusingaperi. Allah vakafadzwa navo, uye naivowo vakafadzwa naye. Avo ndiro boka raAllah. Zvirokwazvo, boka raAllah ndiro rakabudirira.22﴿ [Al-Mujadilah: 22].

Ziva – Allah ngavakutungamirire mukuvateerera – kuti chitendero chechokwadi – inzira yaIbrahim – ndechekuti: unamate Allah vari vega uchizvipira pachitendero kwavari. Uye izvi ndizvo zvakarairwa vanhu vese naAllah uye ndizvo zvavakavasikira; sezvavakataura Allah vari kumusoro-soro vachiti:

﴿وَمَا خَلَقۡتُ ٱلۡجِنَّ وَٱلۡإِنسَ إِلَّا لِيَعۡبُدُونِ56﴾

Uye handina kusika maJinn nevanhu asi kuti vandinamate.56﴿ [Adh-Dhariyat: 56], Uye zvinoreva "vandinamate": kuti vandinamate ini ndega.

Uye chikurusa pane zvakarairwa naAllah humwechete hwavo, uhwo hunova kunamata Allah vari vega.

Uye chikurusa pane zvavakarambidza iShirk, kunova kunamata chimwe chisiri ivo pamwechete navo.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَلَا تُشۡرِكُواْ بِهِۦ شَيۡـٔٗا...﴾

Uye namatai Allah uye musavasanganise nechimwe chinhu... ﴿ [An-Nisaa: 36].

Saka kana zvikanzi kwauri: Ndeipi misimboti mitatu iyo inosungirwa pamunhu kuti aizive?

Taura kuti "Ruzivo rwemuranda pamusoro paTenzi wake, chitendero chake, neMuporofita wake Muhammad (makomborero netsitsi dzaAllah ngazvive paari).

[Musimboti wekutanga]

Saka kana zvikanzi kwauri: Ndiani Tenzi vako?

Taura kuti: Tenzi vangu ndiAllah, vakandirera, uye vakarera zvisikwa zvose nenyasha dzavo. Uye ndivo vandinonamata, handina mumwe wandinonamata kunze kwavo; uye humbowo hwacho ishoko ravo Allah vekumusoro-soro:

 

﴿ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ2﴾

Kurumbidzwa kwese ndekwaAllah, Tenzi wezvisikwa zvese 2﴿ [Al-Faatihah: 2]. Uye zvose zvisiri Allah zvisikwa, uye ini ndiri mumwe wezvisikwa izvozvo.

Saka kana zvikanzi kwauri: "Wakaziva Tenzi vako nei?

Iti: "Nezviratidzo zvavo uye zvisikwa zvavo."

Zvimwe zvezviratidzo zvavo: husiku, masikati, zuva, nemwedzi.

Uye zvimwe zvezvisikwa zvavo: matenga manomwe nezviri maari, nenyika nomwe nezviri madziri, nezviri pakati pazvo.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَمِنۡ ءَايَٰتِهِ ٱلَّيۡلُ وَٱلنَّهَارُ وَٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُۚ لَا تَسۡجُدُواْ لِلشَّمۡسِ وَلَا لِلۡقَمَرِ وَٱسۡجُدُواْۤ لِلَّهِۤ ٱلَّذِي خَلَقَهُنَّ إِن كُنتُمۡ إِيَّاهُ تَعۡبُدُونَ37﴾

Uye pakati pezviratidzo zvavo pane husiku nemasikati, nezuva nemwedzi. Musapfugamire zuva kana mwedzi, asi pfugamirai Allah avo vakazvisika, kana vari ivo vamunonamata.37﴿ [Fussilat: 37].

Uye mashoko avo vekumusoro-soro pavakati:

﴿إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَ يَطۡلُبُهُۥ حَثِيثٗا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ وَٱلنُّجُومَ مُسَخَّرَٰتِۭ بِأَمۡرِهِۦٓۗ أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُۗ تَبَارَكَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ54﴾

Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, uyo akasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakaenda pamusoro peChigaro cheHumambo. Vanounza husiku kuti uve unofugidza masikati, ,uchiatsvaga nekukasika, uye (vakasika)zuva nemwedzi nenyeredzi, zvose zvichiteerera murairo wavo. Zvirokwazvo, kusika nekutonga ndezvavo. Vakamborerwa ndiAllah, Tenzi vepasi pose.54﴿ [Al-A’raaf: 54].

Uye Tenzi ndivo vanonamatwa; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱعۡبُدُواْ رَبَّكُمُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ21 ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ فِرَٰشٗا وَٱلسَّمَآءَ بِنَآءٗ وَأَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَخۡرَجَ بِهِۦ مِنَ ٱلثَّمَرَٰتِ رِزۡقٗا لَّكُمۡۖ فَلَا تَجۡعَلُواْ لِلَّهِ أَندَادٗا وَأَنتُمۡ تَعۡلَمُونَ22﴾

Imi vanhu, namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya. 21

Avo vakakusikirai nyika ive nzvimbo yenyu yekuzororera, uye nedenga rive chivakwa, uye vanonaisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu ; saka musabatanidza Allah nevamwe ana mwari mukunamata, imi muchiziva (kuti ndivo voga vanokodzera kunamatwa). 22﴿

[Al-Baqarah: 21-22].

Ibn Kathiir (Allah vekumusoro soro ngavamunzwire tsitsi) akati: Musiki wezvinhu izvi, ndivo vakakodzera kunamatwa.

Mhando dzekunamata dzakarairwa naAllah ndeidzi: dzakaita se: Islam, kutenda, neIhsaan; uye dzinosanganisira: du'a, kutya Allah, tariro, kuvimba na Allah, kuda zvinobva kuna Allah, kunyatsoteerera nekuzvipira pakunamata, Kuzvininipisa, kutya kupara mhosva dzechitendero, kutendeuka, kukumbira rubatsiro kuna Allah, kukumbira dziviriro kuna Allah, kuuraya mhuka dzechibairo, kuita mhiko, nezvimwe zvakadaro zvemhando dzekunamata dzakarairwa naAllah – dzese ndedzaAllah vekumusoro-soro; uye humbowo hwacho ishoko ravo vekumusoro-soro, pavakati:

﴿وَأَنَّ ٱلۡمَسَٰجِدَ لِلَّهِ فَلَا تَدۡعُواْ مَعَ ٱللَّهِ أَحَدٗا18﴾

Uye zvirokwazvo maMasjid ndeaAllah, saka musanamate ani zvake pamwe naAllah18﴿ [Al-Jinn: 18].

Saka ani naani anoitira nzira ipi yekunamata kune chimwe chinhu chisiriAllah; anove anobatanidza Allah nezvimwe pakunamata. Saka anove mubatanidzi asingatendi. Uye humbowo mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَمَن يَدۡعُ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ لَا بُرۡهَٰنَ لَهُۥ بِهِۦ فَإِنَّمَا حِسَابُهُۥ عِندَ رَبِّهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلۡكَٰفِرُونَ117﴾

Uye ani naani anonamatwa umwe mwari pamwe naAllah, asina humbowo nazvo, zvirokwazvo, mutongo wake uri kuna Tenzi vake. Zvirokwazvo, vasingatendi havazombobudiriri117﴿ [Al-Muʿminuun: 117].

Uye hadith inoti:

"الدُّعَاءُ مُخُّ العِبَادَةِ".

"Du'ā ndiwo musimboti wekunamata."

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَقَالَ رَبُّكُمُ ٱدۡعُونِيٓ أَسۡتَجِبۡ لَكُمۡۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَسۡتَكۡبِرُونَ عَنۡ عِبَادَتِي سَيَدۡخُلُونَ جَهَنَّمَ دَاخِرِينَ60﴾

Uye Tenzi venyu vakati: “Ndidanei, ndichakupindurai. Zvirokwazvo, avo vanozvitundumadza vachisiya kundinamata, vachapinda Gehena vakadzikisirwa. 60﴿

[Ghafir: 60].

Uye humbowo hwekutya Allah mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...فَلَا تَخَافُوهُمۡ وَخَافُونِ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ﴾

...saka musavatya, uye ndityei, kana muri vatendi ﴿ [Aal-Imraan: 175].

Uye humbowo hwetariro mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...فَمَن كَانَ يَرۡجُواْ لِقَآءَ رَبِّهِۦ فَلۡيَعۡمَلۡ عَمَلٗا صَٰلِحٗا وَلَا يُشۡرِكۡ بِعِبَادَةِ رَبِّهِۦٓ أَحَدَۢا﴾

...Saka ani naani anotarisira kusangana naTenzi vake, ngaaite mabasa akanaka, uye ngaasabatanidze ani zvake mukunamata Tenzi vake. ﴿ [Al-Kahf: 110].

Uye humbowo hwekuvimba naAllah mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...وَعَلَى ٱللَّهِ فَتَوَكَّلُوٓاْ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ﴾

...uye vimbai naAllah, kana muri vatendi﴿ [Al-Ma'idah: 23], Uye mashoko avo anoti:

﴿...وَمَن يَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِ فَهُوَ حَسۡبُهُ...﴾

...Uye ani nani anovimba naAllah, vanomukwanira... ﴿ [At-Talaaq: 3] .

Uye humbowo hwekuda zvina Allah, kutya kuvatadzira, nekuzvininipisa; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...إِنَّهُمۡ كَانُواْ يُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِ وَيَدۡعُونَنَا رَغَبٗا وَرَهَبٗاۖ وَكَانُواْ لَنَا خَٰشِعِينَ﴾

...Zvirokwazvo, vaikurumidza mumabasa akanaka uye vaitidana netariro ,nekutya; uye vaive vanozvininipisa kwatiri. ﴿ [Al-Ambiyaa: 90].

Uye humbowo hwekutya mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...فَلَا تَخۡشَوۡهُمۡ وَٱخۡشَوۡنِ...﴾

...naizvozvo musavatya, uye ndityei... ﴿ [Al-Ma'idah: 3].

Uye humbowo hwekudzokera kuna Allah; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَأَنِيبُوٓاْ إِلَىٰ رَبِّكُمۡ وَأَسۡلِمُواْ لَهُ...﴾

Uye tendeukirai kuna Tenzi venyu uye mozvipira kwavari... ﴿ [Az-Zumar: 54].

Uye humbowo hwekukumbira rubatsiro kuna Allah mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِيَّاكَ نَعۡبُدُ وَإِيَّاكَ نَسۡتَعِينُ5﴾

Ndimi mega vatinonamata, uye ndimi mega vatinokumbira rubatsiro.5﴿ [Al-Fatihah: 5], Uye hadith inoti:

"إِذَا اسْتَعَنْتَ فَاسْتَعِنْ بِاللَّهِ".

"Kana uchikumbira rubatsiro, kumbira kuna Allah."

Uye humbowo hwekukumbira kudzivirirwa mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلۡفَلَقِ1﴾

Iti: Ndinokumbira kudzivirirwa naTenzi vemambakwedza1﴿ [Al-Falaq:1], uye

﴿قُلۡ أَعُوذُ بِرَبِّ ٱلنَّاسِ1﴾

Iti: Ndinokumbira kudzivirirwa naTenzi vevanhu.1 ﴿ [An-Naas:1].

Uye humbowo hwekukumbira rubatsiro mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِذۡ تَسۡتَغِيثُونَ رَبَّكُمۡ فَٱسۡتَجَابَ لَكُمۡ...﴾

(rangarirai) pamakakumbira rubatsiro kuna Tenzi venyu, vakabva vakupindurai... ﴿ [Al-Anfaal:9].

Uye humbowo hwekuuuraya mhuka yechibairo mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿قُلۡ إِنَّ صَلَاتِي وَنُسُكِي وَمَحۡيَايَ وَمَمَاتِي لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ162 لَا شَرِيكَ لَهُ...﴾

Iti: Zvirokwazvo, munamato wangu, nezvibayiro zvangu, nehupenyu hwangu, nerufu rwangu, ndezvaAllah, Tenzi wenyika yese.162

Havana mubatsiri... ﴿ [Al-An'am: 162-163], Uye kubva muSunnah mune humbowo wekuti:

"لَعَنَ اللَّهُ مَنْ ذَبَحَ لِغَيْرِ اللَّهِ".

"Allah vakatuka uyo anobayira kune asiri Allah."

Uye humbowo hwemhiko mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿يُوفُونَ بِٱلنَّذۡرِ وَيَخَافُونَ يَوۡمٗا كَانَ شَرُّهُۥ مُسۡتَطِيرٗا7﴾

Vanozadzikisa mhiko dzavo, uye vanotya zuva iro huipi hwaro hunenge hwakapararira.7﴿ [Al-Insaan:7].

[Musimboti wechipiri]

Kuziva chitendero cheIslam nehumbowo hwacho, kunova: kuzvipira kuzere kuna Allah muhumwechete hwavo, nekuzviisa pasi pavo nekuteerera, uye nekuramba kusanganisa Allah nevamwe pamwechete nekuva kure kune vanoita izozvo.

Uye chitendero cheIslam chine matanho matatu: Islam, Imaan, neIhsaan.

Uye danho rese rine mapango aro.

Mapango eIslam mashanu: kupupura kuti hakuna chinofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, kuita Swalaah, kubvisa Zakaah, nekutsanya mwedzi weRamadhaan, uye nekuita Hajj kuimba yaAllah inoyera.

Humbowo hweShahadah (kupupura), mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿شَهِدَ ٱللَّهُ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ وَأُوْلُواْ ٱلۡعِلۡمِ قَآئِمَۢا بِٱلۡقِسۡطِۚ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ18﴾

Allah vanopupura kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, uye ngirozi, neavo vane ruzivo vanopupurawo. Allah vanochengeta zvisikwa zvavo mukururama. Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwavo, samasimba, vazere nehungwaru18﴿ [Aal ‘Imraan: 18].

Uye zvinoreva zvekuti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah.

Mazwi ekuti: "Laa ilaaha illalah" kuramba chose chinonamatwa kunze kwaAllah.

Mazwi ekuti "ilallah" kutsinhira kuti kunamatwa ndekwaAllah vega.

 

Havana mubatsiri mukunamatwa kwavo, sezvo vasina mubatsiri muhumambo hwavo.

Uye dudziro yacho inojekesa; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَإِذۡ قَالَ إِبۡرَٰهِيمُ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦٓ إِنَّنِي بَرَآءٞ مِّمَّا تَعۡبُدُونَ26 إِلَّا ٱلَّذِي فَطَرَنِي..﴾

Uye rangarira apo Ibrahîm akati kunababa vake nevanhu vake: “Zvirokwazvo, ini handipo pane zvamunonamata.”26

Kunze kwaavo vakandisika... ﴿ [Az-Zukhruf:26: 27], Uye Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿قُلۡ يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ تَعَالَوۡاْ إِلَىٰ كَلِمَةٖ سَوَآءِۭ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمۡ أَلَّا نَعۡبُدَ إِلَّا ٱللَّهَ وَلَا نُشۡرِكَ بِهِۦ شَيۡـٔٗا وَلَا يَتَّخِذَ بَعۡضُنَا بَعۡضًا أَرۡبَابٗا مِّن دُونِ ٱللَّهِۚ فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقُولُواْ ٱشۡهَدُواْ بِأَنَّا مُسۡلِمُونَ64﴾

Iti: Imi vanhu vakapihwa magwaro! Uyai kushoko rakaenzana pakati pedu nemi, rekuti tisanamate ani zvake kunze kwaAllah, uye kuti tisavasanganise nechimwe chinhu, uye kuti vamwe vedu vasatore vamwe sevanatenzi kunze kwaAllah.” Zvino kana vakafuratira, itiyi: “Pupurai kuti zvirokwazvo isu tiri maMuslim. 64﴿ [Aal Imraan:64].

Uye humbowo hwekupupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah, mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿لَقَدۡ جَآءَكُمۡ رَسُولٞ مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ عَزِيزٌ عَلَيۡهِ مَا عَنِتُّمۡ حَرِيصٌ عَلَيۡكُم بِٱلۡمُؤۡمِنِينَ رَءُوفٞ رَّحِيمٞ128﴾

Zvirokwazvo, kwauya kwamuri mutumwa anobva mamuri, kutambudzika kwenyu kunomuremera, ane shungu nemi, uye kuvatendi ane tsitsi huru nengoni.128﴿ [At-Tawbah:128].

Zvinoreva kupupura kuti Muhammad Mutumwa waAllah: kumuteerera pane zvaakarayira, kutenda pane zvaakazivisa, kurega zvaakarambidza nekutsiura, uye kuti Allah vasanamatwe asi nezvavakaisa pamutemo.

Humbowo hwemunamato, neZakaah, netsanangudzo yeTawheed; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿وَمَآ أُمِرُوٓاْ إِلَّا لِيَعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ حُنَفَآءَ وَيُقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَيُؤۡتُواْ ٱلزَّكَوٰةَۚ وَذَٰلِكَ دِينُ ٱلۡقَيِّمَةِ5﴾

Uye havana kurairwa kunze kwekuti vanamate Allah, vakazvipira kwavari pachitendero chavo, vakatwasanuka, uye kuti vaite Swalaah uye kuti vabvise Zakaah. Uye ichocho ndicho chitendero chakatwasanuka.5﴿ [Al-Bayyinah:5].

Uye humbowo hwekutsanya mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ كُتِبَ عَلَيۡكُمُ ٱلصِّيَامُ كَمَا كُتِبَ عَلَى ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ183﴾

Imi vanotenda! Kutsanya kwakarovekedzerwa kwamuri sekurovekedzerwa kwakakaitwa musati mavepo kuti zvimwe mungatye Allah. 183﴿ [Al-Baqarah:183].

Uye humbowo hweHajj mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿...وَلِلَّهِ عَلَى ٱلنَّاسِ حِجُّ ٱلۡبَيۡتِ مَنِ ٱسۡتَطَاعَ إِلَيۡهِ سَبِيلٗاۚ وَمَن كَفَرَ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَنِيٌّ عَنِ ٱلۡعَٰلَمِينَ97﴾

Uye vanhu vakasungirwa naAllah kuita Hajj kuimba yavo, kune ani nani aokwanisa kuenda ikoko. Uye uyo anoramba (kutenda muhajj), zvirokwazvo, Allah havana chavanoda kubva kuzvisikwa zvose.97﴿ [Aal-Imraan:97].

Danho rechipiri: Kutenda; uye kune mapazi anodarika makumi manomwe, repamusoro-soro racho mashoko ekuti: Hapana anofanira kunamatwa kunze kwaAllah, uye repasi-pasi rachoo kubvisa chinokuvadza munzira, uye kuve nenyadzi ibazi rekutenda.

Uye nheyo (dzekutendaa dzacho inhanhatu dzinoti: kutenda muna Allah, ngirozi dzavo, mabhuku avo, vatumwa vavo, zuva rekupedzisira, uye nezvakatarwa, zvakanaka zvacho nezvakaipa zvacho.

Uye humbowo hwe nheyo idzi nhanhatu; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿لَّيۡسَ ٱلۡبِرَّ أَن تُوَلُّواْ وُجُوهَكُمۡ قِبَلَ ٱلۡمَشۡرِقِ وَٱلۡمَغۡرِبِ وَلَٰكِنَّ ٱلۡبِرَّ مَنۡ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ وَٱلۡمَلَٰٓئِكَةِ وَٱلۡكِتَٰبِ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾

Kururama hakusi kuti mutaridze zviso zvenyu kudivi rekumabvazuva nekumadokero, asi kururama ndekweuyo anotenda muna Allah, nezuva rekupedzisira, nengirozi, nemagwaro, uye nemaporofita... ﴿ [Al-Baqarah:177].

Uye humbowo hwezvakatarwa; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِنَّا كُلَّ شَيۡءٍ خَلَقۡنَٰهُ بِقَدَرٖ49﴾

Zvirokwazvo, chinhu chose takachisika neQadr (nemarongero edu nekuda kwedu).49﴿ [Al-Qamar:49].

Danho Rechitatu: Al-Ihsaan —musimboti mumwechete — uye ndiko kunamata Allah sekunge unovaona, kana usiri kuvaona, zvirokwazvo ivo vanokuona.

Uye humbowo mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِنَّ ٱللَّهَ مَعَ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَواْ وَّٱلَّذِينَ هُم مُّحۡسِنُونَ128﴾

Zvirokwazvo, Allah vari pamwe neavo vanomutya, uye neavo vanoita mabasa akanaka.128﴿ [An-Nahl:128].

Uye mashoko aAllah vekumusoro-soro:

﴿وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱلۡعَزِيزِ ٱلرَّحِيمِ217 ٱلَّذِي يَرَىٰكَ حِينَ تَقُومُ218 وَتَقَلُّبَكَ فِي ٱلسَّٰجِدِينَ219﴾

Uye vimba naSamasimba ose, vane tsitsi zhinji217

“Avo vanokuona paunosimuka218”

Uye kushanduka kwako pakati pevanoita Sujud 219﴿ [Ash-Shu'araa: 217-219].

Uye mashoko avo vekumusoro-soro anoti:

﴿وَمَا تَكُونُ فِي شَأۡنٖ وَمَا تَتۡلُواْ مِنۡهُ مِن قُرۡءَانٖ وَلَا تَعۡمَلُونَ مِنۡ عَمَلٍ إِلَّا كُنَّا عَلَيۡكُمۡ شُهُودًا إِذۡ تُفِيضُونَ فِيهِ...﴾

Kunyange iwe (Muhammad) ukaita basa kana kuverenga chero ndima muQur’aan, kana imi (vanhu) makaita chero basauye hapana basa, asi isu tiri zvapupu pazviri pamunozviita... ﴿ [Yunus:61]. ndima.

Uye humbowo kubva kuSunnah: iHadith yaJibril ine mukurumbira, yakabva kuna Umar (Allah ngavafare naye), akati:

"بَيْنَمَا نَحْنُ عِنْدَ رَسُولِ اللَّهِ ﷺ ذَاتَ يَوْمٍ، إِذْ طَلَعَ عَلَيْنَا رَجُلٌ، شَدِيدُ بَيَاضِ الثِّيَابِ، شَدِيدُ سَوَادِ الشَّعَرِ، لَا يُرَى عَلَيْهِ أَثَرُ السَّفَرِ، وَلَا يَعْرِفُهُ مِنَّا أَحَدٌ، حَتَّى جَلَسَ إِلَى النَّبِيِّ ﷺ فَأَسْنَدَ رُكْبَتَيْهِ إِلَى رُكْبَتَيْهِ، وَوَضَعَ كَفَّيْهِ عَلَى فَخِذَيْهِ، وَقَالَ: يَا مُحَمَّدُ !

Patakange tiri naMutumwa waAllah (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare) rimwe zuva, pakabva pauya kwatiri murume, aive akapfeka nguwo chena kwazvo, ane vhudzi dema kwazvo, pasingaonekwe paari zviratidzo zverwendo, uye pasina kana mumwe pakati pedu aimuziva, kusvikira agara pasi pedyo neMuporofita (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare) ndokubatanidza mabvi ake pamabvi avo, ndokuisa zvanza zvake pazvidya zvake, ndokuti: “Iwe Muhammad!”

أَخْبِرْنِي عَنِ الإِسْلَامِ؟

Ndiudzei nezveIslam?

فَقَالَ رَسُولُ اللَّهِ ﷺ: الإِسْلَامُ: أَنْ تَشْهَدَ أَلَّا إِلَهَ إِلَّا اللَّهُ وَأَنَّ مُحَمَّدًا رَسُولُ اللَّهِ، وَتُقِيمَ الصَّلَاةَ، وَتُؤْتِيَ الزَّكَاةَ، وَتَصُومَ رَمَضَانَ، وَتَحُجَّ البَيْتَ إِنِ اسْتَطَعْتَ إِلَيْهِ سَبِيلًا، قَالَ: صَدَقْتَ - فَعَجِبْنَا لَهُ، يَسْأَلُهُ وَيُصَدِّقُهُ –.

Zvino Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive paari) akati: Islam ndiko: kuti upupure kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah, uye kuti uite Swalaah, uye kuti upe Zakaah, uye kuti utsanye Ramadhan, uye kuti uite Hajj kuimba (yaAllah) kana uine zvikwanisiro. Akati: "Wataura chokwadi." - Zvino takashamiswa naye, kuti anomubvunza uye atsinhira kupindura kwake –

.

قَالَ: فَأَخْبِرْنِي عَنِ الْإِيمَانِ؟

Jibri akati: "Saka ndiudze nezvekutenda?"

قَالَ: أَنْ تُؤْمِنَ بِاللَّهِ، وَمَلَائِكَتِهِ، وَكُتُبِهِ، وَرُسُلِهِ، وَاليَوْمِ الْآخِرِ، وَتُؤْمِنَ بِالقَدَرِ خَيْرِهِ وَشَرِّهِ، قَالَ: صَدَقْتَ.

Mutumwa akati): “Kuti utende muna Allah, nengirozi dzavo, nemagwaro avo, nevatumwa vavo, nezuva rekupedzisira, uye utende mune zvakatarwa, zvingave zvakanaka kana zvakaipa.” Jibril akati: “Wataura chokwadi.”

قَالَ: فَأَخْبِرْنِي عَنِ الْإِحْسَانِ؟

Akati: "Saka ndizivise nezve Ihsaan?"

قَالَ: أَنْ تَعْبُدَ اللَّهَ كَأَنَّكَ تَرَاهُ، فَإِنْ لَمْ تَكُنْ تَرَاهُ فَإِنَّهُ يَرَاكَ.

Vakati: Kuti unamate Allah sekunge unovaona, nekuti kana usingavaone, ivo vanokuona.

قَالَ: فَأَخْبِرْنِي عَنِ السَّاعَةِ؟

Akati: "Zvino ndiudze nezvenguva yezuva rekupedzisira"

قَالَ: مَا المَسْؤُولُ عَنْهَا بِأَعْلَمَ مِنَ السَّائِلِ.

Mutumwa akati: "Anobvunzwa nezvazvo haana ruzivo rwakanyanya kupfuura anobvunza."

قَالَ: فَأَخْبِرْنِي عَنْ أَمَارَاتِهَا؟

Jibril akati: “Saka ndizivise nezvezviratidzo zvacho?”

قَالَ: أَنْ تَلِدَ الأَمَةُ رَبَّتَهَا، وَأَنْ تَرَى الحُفَاةَ العُرَاةَ العَالَةَ رِعَاءَ الشَّاءِ، يَتَطَاوَلُونَ فِي البُنْيَانِ.

Mutumwa akati: "Kuti murandakadzi abereke tenzikadzi wake, uye kuti uone vasina shangu, vasina nhumbi, varombo, vafudzi vehwai, vachikwikwidzana pakuvaka zvivakwa zvakareba.

قَالَ: ثُمَّ انْطَلَقَ فَلَبِثْتُ مَلِيًّا، ثُمَّ قَالَ لِي: يَا عُمَرُ! أَتَدْرِي مَنِ السَّائِلُ؟ قُلْتُ: اللَّهُ وَرَسُولُهُ أَعْلَمُ، قَالَ: فَإِنَّهُ جِبْرِيلُ، أَتَاكُمْ يُعَلِّمُكُمْ دِينَكُمْ".

'Umar akati: “Zvino iye (Jibril) akabva aenda, ini ndokumbogara kwenguva. Mutumwa vakazobva vati kwandiri: ‘Iwe Umar! Unoziva here kuti mubvunzi uya anga ari ani?’ Ndikati: ‘Allah neMutumwa wavo ndivo vanoziva zvakanyanya.’ Akati: ‘Zvirokwazvo, ndiJibril, auya kwamuri kuzokudzidzisai chitendero chenyu.’”

[Musimboti wechitatu]

Kuziva Muporofita wenyu Muhammad (Allah ngavamukomborere nekumupa rugare), uye ndiye Muhammad mwanakomana waAbdullah mwanakomana waAbdul-Muṭṭalib mwanakomana waHāshim, uye Hāshim ndewe kumaQuraysh, uye Quraysh iri yemaArabu, uye maArabu vanobva kuvana vaIsmail mwanakomana waIbrahim (Allah ngavakomborere nekupa rugare kunaye neMutumwa wedu).

Akararama kwemakore makumi matanhatu nematatu – makore makumi mana asati vaitwa Mutumwa, uye makore makumi maviri nematatu ari Muporofita neMutumwa.

Akapihwa huporofita nechitsauko "Iqra", uye akaitwa mutumwa nechitsauko 'Al-Muddaththir', uye guta rake iMakkah.

Allah vakamutuma kuti ayambire pamusoro pekubatanidza Allah nevamwe, uye kuti adane kuhumwechete hwaAllah; uye humbowo ishoko ravo Allah vekumusoro-soro rekuti:

﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلۡمُدَّثِّرُ1 قُمۡ فَأَنذِرۡ2 وَرَبَّكَ فَكَبِّرۡ3 وَثِيَابَكَ فَطَهِّرۡ4 وَٱلرُّجۡزَ فَٱهۡجُرۡ5 وَلَا تَمۡنُن تَسۡتَكۡثِرُ6 وَلِرَبِّكَ فَٱصۡبِرۡ7﴾

Iwe wakazviputira1

Simuka, uyambire 2

Uye ukudze Tenzi wako 3

Uye chenesa nguo dzako (4)

Uye usiye zvinyangadzo. 5

Uye usapa uchitsvaga kuwanzirwa. 6

Uyezve iva unotsingirira kuti ufadze Tenzi vako(7)﴿ [Al-Muddathir: 1- 7].

Uye zvinoreva kuti

﴿قُمۡ فَأَنذِرۡ﴾

Simuka woyambira﴿: Kuti Mutumwa ayambire nezvekubatanidza zvimwe zvinhu naAllah mukunamata, uye achikoka vanhu kuti vanamate Allah vari vega.

﴿وَرَبَّكَ فَكَبِّرۡ﴾

Uye kudzaTenzi vako. ﴿

Zvinoreva kuti: Mukudze nekumutenda ari Mumwechete.

﴿وَثِيَابَكَ فَطَهِّرۡ﴾

Uye chenesa nhumbi dzako﴿

Zvinoreva kuti: chenesa mabasa ako kubva kuShirk.

﴿وَٱلرُّجۡزَ فَٱهۡجُرۡ﴾

Uye zvinonyangadza (zvidhori) zvisiye ﴿

Ar-Rujz: zvinoreva zvifananidzo (zvinamato zvenhema). Kuzvirega zvinoreva kuzvisiya, uye kuzvibvisa pazviri pamwe chete nevanhu vazvo.

Vakapedza makore gumi vachidaidza vanhu kuti vanamate Allah vari voga, uye mushure memakore gumi; vakakwidzwa kuenda kudenga, uye vakakomekedzwa kuita minamato mishanu pazuva. Vakaita munamato kuMakkah kwemakore matatu, uye mushure meizvozvo vakapiwa murairo wekutamira kuMadinah.

Hijrah ndiko kutama kubva kunyika yevasingatendi kuenda kunyika yeIslam.

Uye kutama chinhu chinosungirwa kuUmmah ino, kubva munyika yeShirk kuenda kunyika yeIslam, uye kuchagara kuripo kusvikira nguva yekupedzisira yasvika.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ تَوَفَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَٰٓئِكَةُ ظَالِمِيٓ أَنفُسِهِمۡ قَالُواْ فِيمَ كُنتُمۡۖ قَالُواْ كُنَّا مُسۡتَضۡعَفِينَ فِي ٱلۡأَرۡضِۚ قَالُوٓاْ أَلَمۡ تَكُنۡ أَرۡضُ ٱللَّهِ وَٰسِعَةٗ فَتُهَاجِرُواْ فِيهَاۚ فَأُوْلَٰٓئِكَ مَأۡوَىٰهُمۡ جَهَنَّمُۖ وَسَآءَتۡ مَصِيرًا97 إِلَّا ٱلۡمُسۡتَضۡعَفِينَ مِنَ ٱلرِّجَالِ وَٱلنِّسَآءِ وَٱلۡوِلۡدَٰنِ لَا يَسۡتَطِيعُونَ حِيلَةٗ وَلَا يَهۡتَدُونَ سَبِيلٗا98﴾

Zvirokwazvo, avo vanotorwa mweya yavo nengirozi vachizvitadzira ivo pachavo, (ngirozi) dzinovabvunza dzichiti: "Maive muri pachidanho chipi?" Vanopindura vachiti: "Taive vakadzvinyirirwa panyika." Dzinoti: "Ko nyika yaAllah yanga isina kufaranuka here kuti mugotama mairi?" Naizvozvo, vanhu vakadaro vachagara kuGehena; uye inzvimbo yakashata kugara.97

Kunze kweavo vasina simba pakati pevarume, vakadzi nevana, vasingagoni kuita zano, uye vasingawani nzira (yekuzvinunura). 98﴿ [An-Nisa: 97-98].

Uye mashoko avo vekumusoro-soro:

﴿يَٰعِبَادِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِنَّ أَرۡضِي وَٰسِعَةٞ فَإِيَّٰيَ فَٱعۡبُدُونِ56﴾

Imi varanda vangu vanotenda, zvirokwazvo, nyika yangu yakakurisa. Naizvozvo namatai ini ndega.56 ﴿ [Al-Ankabut:56].

Al-Baghawi (Allah ngavamunzwire tsitsi) akati: Chikonzero chekudzikiswa kwendima iyi: maMuslim avo vaiva muMakkah vasina kutama, Allah vakavadaidza nezita rekuti vatendi.

Uye humbowo hunobva muSunnah pamusoro peHijrah; mashoko eMutumwa anoti:

"لَا تَنْقَطِعُ الهِجْرَةُ حَتَّى تَنْقَطِعَ التَّوْبَةُ، وَلَا تَنْقَطِعُ التَّوْبَةُ حَتَّى تَطْلُعَ الشَّمْسُ مِنْ مَغْرِبِهَا".

"Hijrah haigumi kusvikira Tawbah (kukumbira Allah ruregerero) yaguma, uye Tawbah haigumi kusvikira zuva rabuda kumadokero kwaro."

Paakazogadzikana kuMadinah; akarairwa mitemo yeIslam yakanga yasara — se: Zakaat, kutsanya, Hajj, Adhan, Jihad, nekuraira zvakanaka nekudzivisa zvakaipa — uye vakagara vachiita izvi kwemakore gumi.

Akashaya (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare), asi chitendero chake chakasara chiripo. Uye ichi ndicho chitendero chake; hapana chakanaka chaaasina kuratidza vanhu, uye hapana huipi hwaasina kuvayambira pamusoro pahwo.

Uye kunaka kwaakavaratidza ndihwo Humwechete hwaAllah, nezvose zvinodiwa naAllah uye zvavanofadzwa nazvo.

Uye huipi hwaakayambira nezvahwo hunosanganisira: Shirk, uye zvese izvo zvinovengwa nekurambwa naAllah.

Allah vakamutuma kuvanhu vese, uye vakasungira kuteererwa kwavo pazvisikwa zviviri zvese - maJinn nevanhu -; uye humbowo ndiko kutaura kwavo, Allah vekumusoro-soro:

﴿قُلۡ يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ إِنِّي رَسُولُ ٱللَّهِ إِلَيۡكُمۡ جَمِيعًا...﴾

Iti: Imi vanhu! Zvirokwazvo ini ndiri Mutumwa waAllah kwamuri mose... ﴿ [Al-A'raaf:158].

Uye Allah vakazadzikisa chitendero kuburikidza naye; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro soro ekuti:

﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗا...﴾

…Nhasi ndakwanisa kwamuri chitendero chenyu, uye ndazazikidza kwamuri nyasha dzangu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero.… ﴿ [Al-Ma'idah:3].

Uye humbowo hwekufa kwake; mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِنَّكَ مَيِّتٞ وَإِنَّهُم مَّيِّتُونَ30 ثُمَّ إِنَّكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ عِندَ رَبِّكُمۡ تَخۡتَصِمُونَ31﴾

Zvirokwazvo iwe (Muhammad) uchafa, uye zvirokwazvo vachafawo."30

Zvino zvirokwazvo, pazuva reQiyamah pamberi paTenzi venyu muchakakavadzana. 31﴿ [Az-Zumar: 30-31].

Uye vanhu kana vafa vachamutswa; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿مِنۡهَا خَلَقۡنَٰكُمۡ وَفِيهَا نُعِيدُكُمۡ وَمِنۡهَا نُخۡرِجُكُمۡ تَارَةً أُخۡرَىٰ55﴾

Kubva mariri (ivhu)takakusikai, uye mariri tichakudzorerai, uye kubva mariri tichakubudisai neimwe nguva zvakare.55﴿ [Twaa Haa:55], Uye Allah vekumusoro-soro vakati:

﴿وَٱللَّهُ أَنۢبَتَكُم مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ نَبَاتٗا17 ثُمَّ يُعِيدُكُمۡ فِيهَا وَيُخۡرِجُكُمۡ إِخۡرَاجٗا18﴾

Uye Allah vakakusikai kubva kuivhu17

Pashure vachakudzorerai mariri, uye vachakubuditsai zvamazvirokwazvo (pazuva rekutongwa).18﴿ [Nuh:17-18].

Uye mushure mekumutswa kuvakafa, vanhu vachatongwa uye vachapiwa mubairo kana murango maererano nemabasa avo; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro- soro ekuti:

﴿...لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ أَسَٰٓـُٔواْ بِمَا عَمِلُواْ وَيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ بِٱلۡحُسۡنَى﴾

...kuti vazoranga avo vakaita zvakaipa maererano nezvavakaita, uye vazopa mubairo wakanaka kune avo vakaita zvakanaka.﴿ [An-Najm:31].

Uye ani nani anoramba kumutswa kwevakafa haatendi; uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿زَعَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَن لَّن يُبۡعَثُواْۚ قُلۡ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتُبۡعَثُنَّ ثُمَّ لَتُنَبَّؤُنَّ بِمَا عَمِلۡتُمۡۚ وَذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ7﴾

Avo vasingatendi vanoti havazombomutswi. Iti: "Ndinopika naTenzi vangu, kuti zvirokwazvo muchamutswa, uyezve moziviswa zvamakaita. Uye izvozvo kuna Allah zviri nyore."7﴿ [At-Taghabun:7].

Uye Allah vakatuma vatumwa vose vachiunza mashoko akanaka uye vachiyambira vanhu; uye humbowo hwacho mashoko avo Allah vekumusoro-soro:

﴿رُّسُلٗا مُّبَشِّرِينَ وَمُنذِرِينَ لِئَلَّا يَكُونَ لِلنَّاسِ عَلَى ٱللَّهِ حُجَّةُۢ بَعۡدَ ٱلرُّسُلِ...﴾

Vatumwa ndivo vatakuri vemashoko akanaka uye vayambiri kuvanhu kuti vasava nemashoko ekupokana naAllah mushure mekuuya kwevatumwa.... ﴿ [An-Nisaa: 165].

Uye wekutanga wavo ndiNowa - rugare ngaruve kwaari.

Uye wekupedzisira wavo ndiMuhammad (makomborero nerugare rwaAllah ngazvive paari), uye ndiye chivharo chemaporofita; hakuna muporofita kumashure kwake. Uye humbowo mashoko avo Allah vekumusoro-soro:

﴿مَّا كَانَ مُحَمَّدٌ أَبَآ أَحَدٖ مِّن رِّجَالِكُمۡ وَلَٰكِن رَّسُولَ ٱللَّهِ وَخَاتَمَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ...﴾

Muhammad haasi baba veumwe wevarume venyu, asi Mutumwa waAllah uye wekupedzisira wevaporofita... ﴿ [Al-Ahzaab:40].

Uye humbowo hwekuti wekutanga wavo ndiNuh, mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿إِنَّآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ كَمَآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَىٰ نُوحٖ وَٱلنَّبِيِّـۧنَ مِنۢ بَعۡدِهِ...﴾

Zvirokwazvo takakuzarurira, sezvatakazarurira Nowa uye kuvaporofita mushure make... ﴿ [An-Nisaa: 163].

Uye kurudzi rwese Allah vakatumira mutumwa - kubva kuna Nuh kusvika kuna Muhammad - achivaraira kunamata Allah vari vega, uye achivarambidza kunamata zvese zvinonamatwa zvisiri Allah; uye humbowo hwacho ishoko ravo Allah vekumusoro-soro rekuti:

﴿وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّٰغُوتَ...﴾

Uye zvirokwazvo takatumira kudzinza rega rega mutumwa achiti: "Namatai Allah, mova munosiya vanamwari venhema... ﴿ [An-Nahl:36].

Uye Allah vakasungira pavaranda vose: kuramba vanamwari venhema, uye kutenda muna Allah.

Ibn al-Qayyim (Allah vekumusoro-soro ngavamunzwire tsitsi) akati: Zvinoreva Twaghut: Chinhu chose icho muranda anopfuura nacho mwero- kubva pane chinonamatwa, kana chinoteverwa, kana chinoteererwa.

Uye maTwawaaghiit (huwandu hweTwaghut) akawanda, uye vakuru vacho vashanu: Iblis – Allah ngavamutuke, uye uyo anonamatwa iye achizvifarira, uye uyo anodaidzira vanhu kuti vamunamate iye pachake, uye uyo anoti anoziva zvakavanzika, uye uyo anotonga nezvisiri izvo zvakadzikiswa naAllah.

Uye humbowo hwacho mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:

﴿لَآ إِكۡرَاهَ فِي ٱلدِّينِۖ قَد تَّبَيَّنَ ٱلرُّشۡدُ مِنَ ٱلۡغَيِّۚ فَمَن يَكۡفُرۡ بِٱلطَّٰغُوتِ وَيُؤۡمِنۢ بِٱللَّهِ فَقَدِ ٱسۡتَمۡسَكَ بِٱلۡعُرۡوَةِ ٱلۡوُثۡقَىٰ لَا ٱنفِصَامَ لَهَاۗ وَٱللَّهُ سَمِيعٌ عَلِيمٌ256﴾

Hakuna kumanikidza muchitendero. Zvirokwazvo nzira yakarurama yave pachena kubva mukurasika. Saka uyo anoramba kutenda muvana mwari venhema uye otenda muna Allah, zvirokwazvo abata mubatoo wakasimba usingadambuke. Uye Allah vanonzwa zvese, vanoziva zvese.256﴿ [Al-Baqarah:256]، Uye izvi ndizvo zvinorehwa ne “Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah”, uye Hadith inoti:

"رَأْسُ الأَمْرِ: الإِسْلَامُ، وَعَمُودُهُ: الصَّلَاةُ، وَذِرْوَةُ سَنَامِهِ: الجِهَادُ فِي سَبِيلِ اللَّهِ".

Musoro wenyaya iIslam, mbariro yacho munamato, uye nhongonya yacho yepamusoro-soro iJihad munzira yaAllah.

Uye Allah ndivo vanonyatsoziva.

 

 

***

الفهرس

 

[Musimboti wechipiri] 13

[Musimboti wechitatu] 22

 

***

 

sn36v2.0 - 19/04/2026