الوسائل المفيدة للحياة السعيدة (الشونا)

  • earth Language
    (الشونا)
  • earth Author:
    الشيخ عبدالرحمن بن ناصر السعدي

Other Translations 60

ta تاميلي- தமிழ் bn بنغالي- বাংলা tr تركي- Türkçe zh صيني- 中文 ha هوسا- Hausa ar عربي- العربية ur أردو- اردو hi هندي- हिन्दी ms ملايو- Melayu en إنجليزي- English ps بشتو- بشتو fr فرنسي- Français ru روسي- Русский sw سواحيلي- Kiswahili fa فارسي- فارسي uz أوزبكي- Ўзбек id إندونيسي- Indonesia tl فلبيني تجالوج- Tagalog gu غوجاراتية- ગુજરાતી te تلغو- తెలుగు si سنهالي- සිංහල as آسامي- অসমীয়া es إسباني- español bs بوسني- bosanski pt برتغالي- português ro روماني- română rw كينيارواندا- Kinyarwanda pl بولندي- polski ml مليالم- മലയാളം mg ملاغاشي- Malagasy lt ليتواني- lietuvių am أمهري- አማርኛ ka جورجي- ქართული ku كردي- Kurdî kn كنادي- ಕನ್ನಡ it إيطالي- italiano cs تشيكي- čeština prs دري- فارسی دری sr صربي- Српски lo لاو- ພາສາລາວ dv ديفهي- ދިވެހި jo جوالا- Jóola sx سوننكي- Soninke ky قرغيزي- Кыргызча nl هولندي- Nederlands pa بنجابي- ਪੰਜਾਬੀ th تايلندي- ไทย mk مقدوني- македонски vi فيتنامي- Tiếng Việt ceb بيسايا- Bisaya hu هنجاري مجري- magyar ne نيبالي- नेपाली yo يوربا- Èdè Yorùbá km خميرية- ភាសាខ្មែរ my بورمي- ဗမာ bg بلغاري- български sl سلوفيني- slovenščina uk أوكراني- українська sv سويدي- svenska sn الشونا- Shona
PHPWord

 

 

 

الوَسَائِلُ المُفِيْدَةُ لِلحَيَاةِ السَّعِيْدَةِ

 

Nzira Dzinobatsira Pakurarama Hupenyu Hwemufaro

 

 

 

الشَّيْخُ عَبْدُ الرَّحمَنِ بْنُ نَاصِرٍ السَّعْدِيُّ

رَحِمَهُ اللهُ

Munyori

Sheikh Abdur-Rahmaan bin Nasir as-Sa’di (Allah ngavamunzwire tsitsi)

 

 


بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ

Nzira Dzinobatsira Pakurarama Hupenyu Hwemufaro

Nhanganyaya

Kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, avo vane rumbidzo yese. Uye ndinopupura kuti hapana anofanirwa kunamatwa pachokwadi kunze kwaivo Allah, vari vega, vasina mubatsiri. Uye ndinopupura kuti zvirokwazvo Muhammad muranda wavo uye Mutumwa wavo. Rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari, nemhuri yake, nemaSwahabah ake.

Zvino shure kwaizvozvo: Zvirokwazvo, runyararo rwemwoyo, kugadzikana kwawo nemufaro wavo, nekubviswa kwematambudziko avo nekushushikana kwavo, ndicho chinangwa chemunhu wese. Uye kuburikidza nazvo panowanikwa hupenyu hwakanaka, uye mufaro waka nyanyisa zvinobva zvazadzikiswa. Izvi zvinoitika nezvikonzero zvechitendero, nezvikonzero zvechisikirwo, nezvikonzero zvemabasa. Uye hazvigoneke kuti zvese izvi zvisangane pamunhu mumwechete kunze kwekuvatendi. Asi kune vamwe vasiri ivo(vatendi), kunyange vakazviwana kuburikidza neimwe nzira nechikonzero chinoshingaira kuwanikwa nevakachenjera vavo, vanenge vashayiwa mufaro unobva kune dzimwe nzira dzinobatsira zvikuru, dzakasimba, uye dziri nani mumararamiro nemugumisiro wazvo.

 

Asi ndichadudza mugwaro rangu rino zvikonzero zvandinorangarira zvechinangwa ichi chepamusoro-soro, icho chinovavarirwa nemunhu wese.

Pakati pevanhu pane avo vakabudirira mune zvikonzero zvizhinji zvacho, vakararama mararamiro anofadza, uye vakararama hupenyu hwakanaka. Uye pakati pavo pane avo vakakundikana mazviri zvese, vakararama mararamiro enhamo, uye vakararama hupenyu hwevanotambudzika. Uye pakati pavo pane avo vari pakati nepakati, zvichienderana nezvavakagoneswa kubudirira mazviri. Uye Allah ndivo vanogonesa, vanokumbirwa rubatsiro pakuwana zvakanaka zvese, uye pakudzivirira huipi hwese.

Chitsauko: Kutenda uye mabasa akanaka

Chikonzero chikurusa cheizvozvo (chekuwana mufaro), iwo hwaro nenheyo yacho, Kutenda nemabasa akarurama. (Aĺlah) vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةٗ طَيِّبَةٗۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ 97﴾

{Ani nani anoita basa rakanaka, angave murume kana mukadzi, uye ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa hupenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo zvinoenderana nezvakanakisisa zvezvavaiita 97} [An-Nahl:97]

Saka ivo Allah vekumusoro-soro vakavimbisa avo vanobatanidza kutenda pamwe nemabasa akanaka, hupenyu hwakanaka munyika ino, uye mubairo wakanaka munyika ino nekumusha wekugara zvachose.

Uye chikonzero cheizvozvo chiri pachena, nekuti vatendi vechokwadi muna Allah, kutenda kwakarurama, kunobereka mabasa akarurama, nekururamisa mwoyo nehunhu, nehupenyu hwepasi pano nehupenyu hwemangwana, vane misimboti nenheyo dzavanoshandisa kutarisana nezvose zvinosvika kwavari, zvingava zviri zvikonzero zvemufaro nekudakara, kana zvikonzero zvekunetseka, kushushikana, uye kusuruvara.

Vanogamuchira zvinodikanwa nemifaro nekuzvitambira, nekuzvitenda, uye nekuzvishandisa mune zvinobatsira. Saka vakazvishandisa nenzira iyi, zvinovaunzira kufara nekuda kwazvo, nechishuwo chekuramba zviripo, izvo nemakomborero azvo, uye netariro yemubairo wevanotenda, zvinhu zvikuru zvinopfuura mifaro iyi mukunaka kwazvo nemakomborero azvo, izvo zvinova ndizvo zvibereko zvazvo.

Uyevanosangana nezvinosuwisa, nezvinokuvadza, nekushushikana pamwe nekusuwa,zvavasingagoni kunzvenga. Nekuda kweizvi, vanowana kubva kune zviratidzozvematambudziko, kuzvidzivirira kunobatsira, ruzivo rwehupenyu, nesimba—uyekubva pamoyo murefu nekutarisira mubairo kubva kuna Allah vanowana zvinhuzvikuru. Zvinhu izvi zvinoita kuti nhamo dzacho dzipere, pachinzvimbo padzo pouyamufaro netariro dzakanaka, pamwe nekushuvira nyasha dzaAllah nemubairo wavo, sezvakatsanangurwa neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari)pamusoro peizvi muHadith yechokwadi apo akataura kuti

(عَجَبًا لِأَمْرِ الْمُؤْمِنِ، إِنَّ أَمْرَهُ كُلَّهُ خَيْرٌ، إِنْ أَصَابَتْهُ سَرَّاءُ شَكَرَ فَكَانَ خَيْرًا لَهُ، وَإِنْ أَصَابَتْهُ ضَرَّاءُ صَبَرَ فَكَانَ خَيْرًا لَهُ، وَلَيْسَ ذَلِكَ لِأَحَدٍ إِلَّا لِلْمُؤْمِنِ).

«Zvirokwazvo mamiriro emutendi anoshamisa, nekuti mamiriro ake ese akanaka. Kana akawana zvakanaka anotenda, zvobva zvava zvakanaka kwaari, uye kana akasangana nematambudziko anotsungirira, zvobva zvavawo zvakanaka kwaari. Uye izvi hazviwanikwi kune umwe kunze kwemutendi.» Yakashumwa naMuslim.

Naizvozvo Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akazivisa kuti; mutendi anowedzerwa mubairo wake, nezvakanaka zvake, nezvibereko zvemabasa ake muzvese zvinomuwira zvemufaro nenhamo; nekuda kweizvi unowana kuti vanhu vaviri vanosangana nechiitiko chimwechete chakanaka kana chakaipa, vobva vasiyana zvakanyanya pamagamuchiriro acho, uye izvozvo zvinoenderana nekusiyana kwavo mukutenda kwavo uye nemumabasa avo akarurama. Uyo anotsanangurwa nehunhu huviri uhwu anosangana nezvakanaka nezvakaipa kuburikidza nezvatareva zvekutenda nekutsungirira pamwe nezvinozvitevera, anobva awana mufaro wakanyanya, nekubviswa kwekushushikana neshungu, kuzvidya mwoyo, kuora mwoyo, nenhamo yehupenyu, uye anopedzisira awana hupenyu hwakanaka munyika ino. Asi umwe anogamuchira zvaanoda nekusatenda, kuzvikudza, uye hudzvinyiriri. Nokudaro, tsika dzake dzinotsauka uye anozvigamuchira sezvinoita mhuka, nemakaro uye nekukasira. Kunyangwe zvazvo zvakadaro, mwoyo wake hauna zororo, asi kuti wakapararira nenzira dzakawanda: wakapararira nekuda kwekutya kurasikirwa nezvinhu zvaanoda, uye nekuwanda kwezvimhingamupinyi zvinowanzobva pazviri, uye nekuda kwekuti mweya haugutsikane, asi unoramba uchishuvira zvimwe zvinhu, zvinowanikwa kana kuti zvingasawanikwe. Uye kunyangwe zvikawanika, anoramba achishushikana nekuda kwezvikonzero zvarehwa, uye anogamuchira matambudziko nekushushikana, nekushaiwa mwoyo murefu, nekutya, uye nekufinhwa. Saka usazobvunza nezvekutambudzika kwehupenyu kunomuwira, nezvirwere zvepfungwa nehana, uye nekutya kunogona kumusvitsa pamamiriro ezvinhu akaipisisa uye pazvinonetsa zvinotyisa kwazvo; nekuti haatarisire mubairo, uye haana mwoyo murefu unomunyaradza kana kumurerutsira.

Uye zvose izvi zvinoonekwa kuburikidza neruzivo, uye muenzaniso mumwechete werudzi urwu, kana ukaufungisisa, uye ukauisa pamusoro pemamiriro evanhu, unoona musiyano mukuru pakati pemutendi anoita zvinodiwa nekutenda kwake, neuyo asina kudaro, uye ndekwekuti chitendero chinokurudzira chaizvo nyaya yekugutsikana nezvinoraramisa zvinobva kuna Allah, uye nezvavakapa varanda vavo kubva munyasha dzavo nerupo rwavo rwakasiyana-siyana.

Saka mutendi, kana achinge aedzwa neurwere kana urombo, kana nezvimwewo zvinhu zvinogona kuitikira munhu wese, iye – kuburikidza nekutenda kwake, kugutsikana, nekugamuchira zvaakagoverwa naAllah – anova nemoyo wakagadzikana. Haatsvagi nemoyo wake chinhu chaasina kunyorerwa. Anotarisa kune avo vari pasi pake, haatarise kune avo vari pamusoro pake. Uye pamwe mufaro wake nerunyararo zvinowedzera kutopfuura zveuyo akawana zvishuwo zvose zvepanyika, kana asina kupihwa kugutsikana.

Saizvozvowo unowana munhu uyo asingaite mabasa anodiwa nekutenda, kana aedzwa nehurombo, kana kuti arasikirwa nezvimwe zvezvinodiwa zvepanyika, unomuwana ari mukushungurudzika nenhamo huru kwazvo.

Uye mumwe muenzaniso: Kana zvinhu zvikonzero kutya zvikaitika, uye zvinoshungurudza zvikawira pamunhu, unowana uyo ane kutenda kwechokwadi akatsiga pamoyo, aine mweya wakagadzikana, achikwanisa kuronga nekufambisa nyaya iyi yamuwira nezvose zvaanogona pakufunga, pakutaura, nepakuita, akagadzirira mweya wake kudambudziko iri rinoshungurudza. Aya mamiriro ezvinhu anozorodza munhu nekusimbisa moyo wake.

Nekune rimwe divi, unowana munhu asingatende ari mumamiriro akapesana neaya. Kana zvinhu zvinotyisa zvikaitika, hana yake inovhiringidzika, tsinga dzake dzinodhonzeka, pfungwa dzake dzinopararana, uye anopindwa nekutya kukuru. Zvinosangana paari kutya kunobva kunze nekushushikana kwemukati kusingagone kutsanangurwa nezvako. Rudzi urwu rwevanhu, kana vakasawana dzimwe nzira dzechisikirwo dzinoda kudzidzira kwakanyanya, simba ravo rinoparara uye tsinga dzavo hadzigadzikane. Izvi zvinokonzerwa nekushaya kutenda, uko kunopa simba rekutsungirira, kunyanya mumamiriro ezvinhu akaomarara, uye panguva dzinoshungurudza nedzinovhiringidza.

Uyo akarurama nemuiti wezvakaipa, pamwe chete nemutendi neuyo asingatendi, vanofanana pakuwana hushingi hunowanikwa nekudzidzira, uye pachisikirwo chinodzikisa kutya nekukurerutsa. Asi mutendi anosiyana nevamwe nekuda kwesimba kweImaan (kutenda) kwake, nekutsungirira kwake, kuvimba kwake naAllah nekuzendamira kwake pavari, uye nekutarisira kwake mubairo kubva kwavari — zvinova zvinhu zvinowedzera hushingi hwake, zvinorerutsa mutoro wekutya paari, uye zvinomurerutsira matambudziko, sekutaura kwakaita Allah vekumusoro-soro vachiti:

﴿...إِن تَكُونُواْ تَأۡلَمُونَ فَإِنَّهُمۡ يَأۡلَمُونَ كَمَا تَأۡلَمُونَۖ وَتَرۡجُونَ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا يَرۡجُونَۗ...﴾

{...Kana imi muchirwadziwa, zvirokwazvo naivowo vanorwadziwa sekurwadziwa kwamunoitwa; uye mune tarisiro kubva kuna Allah yeizvo zvavasina tarisiro nazvo...} [An-Nisaa:104]. Uye vanowana kubva kuna Allah rubatsiro rwavo, neyamuro yavo yavakasarudzirwa, netsigiro yavo , izvo zvinoparadza nekubvisa kutya. Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَٱصۡبِرُوٓاْۚ إِنَّ ٱللَّهَ مَعَ ٱلصَّٰبِرِينَ﴾

{...Uye tsungirirai; zvirokwazvo Allah vari pamwe nevanotsungirira.} [Al-Anfaal:46].

Kuitira zvisikwa zvaAllah zvakanaka kuburikidza nemashoko nemabasa. Chimwe chezvikonzero zvinobvisa kushushikana, kusuwa nekutsutsumwa, kuitira zvakanaka kuzvisikwa kuburikidza nekutaura nekuita, pamwe nemhando dzose dzemabasa akanaka. Zvese izvi mabasa akanaka uye zvinobatsira. Uye kuburikidza nawo Allah vanobvisa kushushikana nekusuwa kune uyo akarurama nemutadzi, zvichienderana nemabasa acho. Asi Mutendi ndiye anowana mugove wakakwana zvakanyanya kubva maari, uye chinomusiyanisa iye ndechekuti kuita kwake zvakanaka kunobva pakuzvipira kwake (kuna Allah) nekutarisira mubairo kwake kubva kwavari.

Nokudaro Allah vanomurerutsira kuita mabasa akanaka nekuda kwezvakanaka zvaanotarisira, uye vanomudzivirira kubva mumatambudziko nekuda kwekuzvipira kwake nekutarisira mubairo kubva kwavari. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿لَّا خَيۡرَ فِي كَثِيرٖ مِّن نَّجۡوَىٰهُمۡ إِلَّا مَنۡ أَمَرَ بِصَدَقَةٍ أَوۡ مَعۡرُوفٍ أَوۡ إِصۡلَٰحِۭ بَيۡنَ ٱلنَّاسِۚ وَمَن يَفۡعَلۡ ذَٰلِكَ ٱبۡتِغَآءَ مَرۡضَاتِ ٱللَّهِ فَسَوۡفَ نُؤۡتِيهِ أَجۡرًا عَظِيمٗا 114﴾

{Hakuna chakanaka muzvizhinji zvenhaurirano dzavo dzepachivande, kunze kweuyo anoraira kupa chipo(swadaqah), kana mabasa akanaka, kana kuyananisa pakati pevanhu. Uye ani nani anoita izvozvo achitsvaga kufadza Allah, zvirokwazvo tichamupa mubairo mukuru. 114} [An-Nisaa:114].

Saka Allah vekumusoro-soro vakazivisa kuti mabasa ese aya akanaka kune uyo amaita, uye kuti kunaka kunounza kumwe kunaka, uye kunodzinga huipi, uye kuti mutendi anotarisira mubairo kuna Allah, Allah vanomupa mubairo mukuru, uye chikamu chemubairo mukuru: kubviswa kwekushushikana, kusuwa, matambudziko nezvimwe zvakafanana naizvozvo.

CHITSAUKO: KUSHINGAIRA PAKUITA RIMWE REMABASA ANOBATSIRA KANA PAKUWANA RUMWE RUZIVO RUNOBATSIRA.

Uye chimwe chezvikonzero zvekubvisa kushushikana kunokonzerwa nekusagadzikana kwetsinga, uye kubatikana kwemoyo nezvinhu zvinovhiringidza, kuita rimwe remabasa anobatsira, kana kutsvaga ruzivo runobatsira; nekuti zvirokwazvo izvi zvinobvisa moyo kubva pakufungisisa nezvenyaya dzinovhiringidza munhu. Uye pamwe nekuda kweizvozvo anobva akanganwa zvikonzero zvamukonzera kushushikana nekusuwa, mweya wake wofara, uye kushingaira kwake kowedzera. Uye chikonzero ichi chinowanikwa pakati pemutendi neasiri mutendi. Asi Mutendi anosiyaniswa nekutenda kwake, kuzvi pira hwake, uye nekutsvaga kwake mubairo kubva kuna Allah pakubatikana kwake neruzivo rwaanodzidza kana rwaanodzidzisa, uye nemabasa akanaka aanoita. Kana basa iroro riri rekunamata, saka kunamata, uye kana riri basa renyika kana kuti tsika yaaperekedza nechinangwa chakanaka uye nevavariro yekutsvaga rubatsiro rwayo mukuteerera Allah, saka izvozvo zvine simba guru rekubvisa kushushikana, kusuwa, nekutsutsumwa. Vakawanda sei vanhu vakawirwa nekuzvidya moyo nekugara vari mukusuwa, zvikazovapinza muzvirwere zvakasiyanasiyana, zvekuti mushonga wavo unobatsira zvikuru wakazova (kukanganwa chikonzero chakavavhiringa chacho, chakaita kuti vashushikane, uye kubatikana nebasa pamabasa ake anokosha).

Uye munhu anofanirwa kuita chinhu chinopa mweya kugadzikana uye chaanoshuvira, nokuti izvi zvinonyanya kubatsira pakuwanikwa kwechinangwa ichi chine rubatsiro. Allah ndivo vanoziva zvakanyanya.

Kuisa pfungwa dzose pamwechete nekuratidza hanya nebasa rezuva iroro: Chimwe chezvinhu zvinodzinga kusuwa nekushushikana kuisa pfungwa dzese pakushanda basa rezuva iroro, nekuzvidzivisa kubva mukufunga pamusoro penguva inouya, uye kusuwa pamusoro penguva yakapfuura. Nechikonzero ichi Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akatsvaga dziviriro kubva mukusuwa nekushungurudzika. Nekuti kusuwa nekuda kwezvinhu zvakapfuura zvisingakwanisike kudzoserwa kana kugadziriswa hakuna rubatsiro, uye kushushikana kunokonzerwa nekutya ramangwana kunogona kukuvadza. Saka muranda anofanira kuisa pfungwa dzake pazuva iroro, nekuti kuisa moyo pane izvi, kunoita kuti mabasa apere, uye nekuda kwazvo muranda anonyaradzwa kubva mukushushikana nekusuwa. Uye Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari), aiti kana akuita aita du’a, aikurudzira kuti vanhu vatsage rubatsiro kuna Allah, uye nekushuvira nyasha dzake, vozoshanda nesimba nekushingirira kuti zvavanenge vachinamitira zvizadziswe. Uye munhu anofanirwa kurega izvo anenge achinamatira kuti zvidzivirirwe; nokuti kuita du'a kuna Allah kunofambidzana nemabasa. Nokudaro muranda anoshingirira pane zvinomubatsira muchitendero chake nepahupenyu hwepanyika, uye achikumbira Tenzi vake kubudirira kwechinangwa chake, uye achikumbira rubatsiro rwavo pazviri, sekutaura kwakaita Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) apo akati:

(احْرِصْ عَلَى مَا يَنْفَعُكَ وَاسْتَعِنْ بِاللَّهِ وَلَا تَعْجِزْ، وَإِذَا أَصَابَكَ شَيْءٌ فَلَا تَقُلْ: لَوْ أَنِّي فَعَلْتُ كَذَا كَانَ كَذَا وَكَذَا، وَلَكِنْ قُلْ: قَدَرُ اللَّهِ وَمَا شَاءَ فَعَلَ، فَإِنَّ لَوْ تَفْتَحُ عَمَلَ الشَّيْطَانِ).

Vavarira kuita izvo zvinokubatsira, uye tsvaga rubatsiro kubva kuna Allah, uye usaore moyo. Uye kana chimwe chinhu chikakuwira, usataure kuti: ‘Dai ndakanga ndaita zvakati, dai kwakaitika zvakati nezvakati.’ Asi iti: ‘Ndizvo zvakatarwa naAllah, uye zvavada ndizvo zvakaitika.’ Nekuti zvirokwazvo izwi rekuti ‘dai’ rinovhura musiwo waSatani. Yashumwa naMuslim. Saka Muporofita (rugare neMakomborero aAllah ngazvive paari) akabatanidza pakati pekuraira kushingairira zvinhu zvinobatsira mumamiriro ese, uye kukumbira rubatsiro kuna Allah, uye kusazvipira kukukundikana, hunova husimbe hunokuvadza, nekutambira kuzvinhu zvakapfuura, nekugamuchira mutongo waAllah nezvavakatara kare.

Uye vakagova zvinhu muzvikamu zviviri: chikamu chezvinhu izvo muranda anokwanisa kushingirira kuti azviwane, kana kuwana zvinokwanisika mazviri, kana kuzvidzivirira kana kuzvirerutsa, saka pachikamu ichi muranda anoisa simba rake uye anotsvaga rubatsiro kubva kune waanonamata. Uye kune chimwe chikamu chezvinhu chekuti kuita izvi hakakwanisike; pane izvi muranda ano dzikama, nekugutsikana, nekuzvitambira. Uye pasina kupokana, kuchengetedza nheyo iyi ndicho chikonzero chemufaro nekubviswa kwekushushikana nekusuruvara.

Chitsauko: Kuwanza Kurangarira Allah

Uye chimwe chezvikonzero zvikuru zvekufaranuka kwemwoyo nekugadzikana kwawo: kurangarira Allah kakawanda. Nekuti zvirokwazvo izvozvo zvine simba rinoshamisa mukufaranuka kwemwoyo nekugadzikana kwawo, uye mukubvisa kushushikana pamwe neshungu dzawo. Allah, vekumusoro-soro, vakataura kuti:

﴿...أَلَا بِذِكۡرِ ٱللَّهِ تَطۡمَئِنُّ ٱلۡقُلُوبُ﴾

{...Zvirokwazvo, mukurangarira Allah ndimo munowana moyo zororo} [Ar-Ra'd:28] Saka kurangarira Allah kune mhedzisiro huru pakuwanikwa kwechinangwa ichi, nekuda kwekukosha kwacho, uye nekuda kwezvinotarisirwa nemuranda zvemubairo wake nemugove wake.

Kutaura nezvemakomborero aAllah ari pachena neakavanzika: Saizvozvowo, kutaura pamusoro pemakomborero aAllah aripachena neakavanzika, nekuti zvirokwazvo kuzviziva nekutaura nezvazvo, kunoita kuti Allah vabvise kushushikana nekusuwa. Uye zvinokurudzira muranda kuti atende, kunova kuri pamatanho akakwirira uye epamusoro-soro, kunyangwe dai muranda wacho ari murombo kana achirwara kana mamwe marududzi ematambudziko. Nokuti zvirokwazvo, kana akaenzanisa pakati pemakomborero aAllah paari — ayo asingaverengeki pakuwanda kwawo — nedambudziko rinenge ramuwira, dambudziko racho haritomboenzaniswe zvachose nemakomborero acho.

Asi kana zvinhu zvinorwadza nematambudziko zvikawira muranda, uye akaita zvaanofanira kuita zvekusimbaradza moyo (kutsungirira), kugutsikana, uye kuzvipira, kurema kwazvo kunoreruka uye mutoro wazvo unodzikira. Uye tariro yemuranda pamubairo wacho nemaropafadzo awo, pamwe nekunamata kwake Allah kuburikidza nekutsungirira nekugutsikana, zvinoita kuti zvinhu zvinovava zvive zvinotapira—kusvika pakuti kutapira kwemubairo kunomukanganwisa kuvava kwekutsungirira.

Kutarira avo vari pasi pedu: Uye chimwe chezvinhu zvinobatsira zvikuru panyaya iyi, kushandisa gwara rakarairwa neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) muHadith yechokwadi, apo akataura kuti:

(انْظُرُوا إِلَى مَنْ هُوَ أَسْفَلُ مِنْكُمْ وَلَا تَنْظُرُوا إِلَى مَنْ هُوَ فَوْقَكُمْ فَإِنَّهُ أَجْدَرُ أَنْ لَا تَزْدَرُوا نِعْمَةَ اللَّهِ عَلَيْكُمْ).

"Tarirai kune vari pasi penyu, uye musatarisa kune vari pamusoro penyu, nokuti izvi zvinoita kuti musazvidza zvipo zvaMwari zvamunazvo." Yakashumwa naMuslim. Nokuti zvirokwazvo kana muranda akaisa pamberi pemeso ake maonero aya anokudzwa, anozviona achipfuura zvisikwa zvizhinji kwazvo mukugarika zvakanaka nezvinotevera zvacho, uye muraramo yake nezvinotevera zvacho, zvisinei kuti mamiriro ake ezvinhu akaita sei. Zvinobva zvabvisa kuzvidya mwoyo kwake, kufunganya kwake, pamwe nekusuwa kwake, uye zvinowedzera mufaro wake nekugutsikana kwake nekuda kwemakomborero aAllah aanenge ainawo kupfuura vamwe vari pasi pake.

Pese apo muranda paanonyanya kufungisisa pamusoro pemakomborero aAllah ari pachena neakavanzika, ezvechitendero nezvepanyika, anoona kuti Tenzi vake vakamupa zvakanaka uye vakamudzivirira kubva kune zvakaipa zvakawanda, uye pasina kupokana, izvi zvinobvisa kusuwa nekushungurudzika, uye zvichiunza mufaro.

CHIKAMU: KUEDZA KUBVISA ZVIKONZERO ZVINOUNZA KUSHUSHIKANA, UYE KUTSVAGA ZVIKONZERO ZVINOUNZA MUFARO.

Uye pakati pezvikonzero zvinounza mufaro nekubvisa kushushikana nekusuwa, pane kuedza kubvisa zvikonzero zvinounza kushushikana uye kutsvaga zvikonzero zvinounza mufaro. Izvi zvinoitwa nekukanganwa matambudziko apfuura asingagoni kudzoserwa, uye nekuziva kuti kufunga zvakanyanya pamusoro pawo chinhu chisina basa uye chisingaiti, uye kuti kuita izvozvo upenzi. Saka munhu anorwisa moyo wake kuti arege kufunga nezvazvo, uye zvakare anorwisa moyo wake kuti arege kunetseka nezveramangwana—sokufungidzira urombo, kutya, kana zvimwe zvinhu zvisingafadzi zvaanofungidzira muhupenyu hwake huchauya.

Saka anoziva kuti zvinhu zvenguva inouya hazvizivikanwi—zviVe zvakanaka nezvakaipa, tariro nemarwadzo—uye kuti zviri mumaoko aAllah van emasimba ose, vane hungwaru hwese, kwete mumaoko evanhu kunze kwekuti vanoedza kutsvaga zvakanaka zvazvo uye kudzivirira zvakaipa zvazvo. Uye muranda anoziva kuti kana akabvisa pfungwa dzake pakunetseka nezveramangwana rake, akavimba naAllah mukugadzirisa zvinhu zvake, akawana zororo maari—kana akaita izvozvo, mwoyo wake uchanyaradzwa, hupenyu hwake huchanaka, uye kufunganya nekuzvidya mwoyo kwake kuchapera.

Kushandisa du'a: Uye chimwe chezvinhu zvinobatsira zvikuru pakufungisisa nezveramangwana, kushandisa munyengetero uyu waigara uchiitwa neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) wekuti:

(اللَّهُمَّ أَصْلِحْ لِي دِينِيَ الَّذِي هُوَ عِصْمَةُ أَمْرِي وَأَصْلِحْ لِي دُنْيَايَ الَّتِي فِيهَا مَعَاشِي، وَأَصْلِحْ لِي آخِرَتِيَ الَّتِي إِلَيْهَا مَعَادِي، وَاجْعَلِ الْحَيَاةَ زِيَادَةً لِي فِي كُلِّ خَيْرٍ، وَالْمَوْتَ رَاحَةً لِي مِنْ كُلِّ شَرٍّ).

«(Allahumma aslih lii diinii alladhi huwa iswmatu amrii wa aswlih lii dun’yaay allatii fiihaa maashii wa aslih lii aakhiratii allatii ilayha maadii waj’ali hayaatah ziyaadatan lii fi kulli khayri wal mawta rahatan lii min kulli sharr)O Allah, ndigadzirirei chitendero changu, icho chinova chidziviriro chezvinhu zvangu zvese, uye ndigadzirirei nyika yangu, iyo mairi mune mararamiro angu, uye ndigadzirirei hupenyu hwangu hwemushure mekufa, kwandichadzokera. Itai kuti hupenyu huve muwedzero wezvakanaka zvese kwandiri, uye rufu ruve zororo kwandiri kubva muzvakaipa zvese.» Yakashumwa naMuslim. Uye saizvozvowo mashoko avo ekuti:

(اللَّهُمَّ رَحْمَتَكَ أَرْجُو فَلَا تَكِلْنِي إِلَى نَفْسِي طَرْفَةَ عَيْنٍ وَأَصْلِحْ لِي شَأْنِي كُلَّهُ، لَا إِلَهَ إِلَّا أَنتَ).

(Allahumma rahmataka Arjuu falaa takilnii ilaa nafsii twarfata ayni wa aswlih lii sha’nii kullahaah Laa ilaaha illaa anta)O Allah, ndinovimba nenyasha dzenyu, saka musandisiye ndiri ndega kunyange kwechinguva chidiki, uye gadzirai zvinhu zvangu zvose. Hakuna anokodzera kunamatwa kunze kwenyu.” Yakashumwa naAbu Dawuud neisnaad yakanaka. Zvino kana muranda akatsungirira nedu'a iri, iro rine kugadzirika kweramangwana rwake rwechitendero nerwenyika ino, achizviita nemoyo wese nevavariro yechokwadi, pamwe nekushingaira kwake mukuita zvinounza izvozvo, Allah vachamuzadzisira zvaakumbira, nezvanotarisira, uye nezvaakashandira, uye kushushikana kwake kuchashanduka kuva mufaro.

Chitsauko: Kufungidzira Zvinhu Zvakaipisisa Zvinogona Kuitika

Uye chimwe chezvikonzero zvinobatsira zvikuru pakubvisa kuzvidya mwoyo neshungu, kana muranda asangana nerimwe rematambudziko, ndechekuti anofanira kushanda nesimba mukuedza kurideredza, mukufungidzira mamiriro ezvinhu akaipisisa anogona kuguma aitika, uye ogadzirira pachezvake kusangana nazvo. Kana aita izvozvo, ngaashande mukuderedza izvo zvinogona kurerutswa maererano nekugona kwake. Saka nekugadzirira uku uye nekushanda uku kunobatsira, shungu dzake nekusuwa kwake zvinopera, uye kushanda ikoko kunenge kuri mukuunza zvinobatsira, uye mukudzivirira zvakaipa zvanogona kudzivirira.

Saka kana zvikonzero zvekutya, nezvezvirwere, uye zvehurombo, nekushaiwa kwezvinhu zvakasiyana-siyana zvaanoda zvamuwira, ngaazvigamuchire nerugare achiita kuti moyo wake ujairane nazvo, kunyangwe kusvika padanho rakanyanya rinogoneka. Nokuti zvirokwazvo kugadzirira moyo kuti utsungirire matambudziko kuno arerutsa uye kunobvisa kuoma kwawo, zvikurusei kana akazvipa basa rekurwisana nawo zvichienderana nekukwanisa kwake. Saka paari panosangana kugadzirira moyo pamwechete nekushingaira kunobatsira, uko kunomubvisa kubva mukufungisisa nezvenjodzi, uye anozvisimbisa mukuvandudza simba rekurwisana nematambudziko, achizviita izvi achivimba pazviri naAllah uye aine chivimbo chakanaka mavari. Uye pasina kupokana, zvinhu izvi zvine pundutso yazvo huru mukuwanisa mufaro nekuzorodzwa kwemoyo, pamwechete nemubairo unokurumidza neuchanonoka uyo unotarisirwa nemuranda. Uye izvi zvinoonekwa pachena, uye zvakaitika kakawanda zvikuru kune avo vakazviedza.

Chitsauko: Simba remoyo, nekusavhiringidzwa uye nekusazungunuswa kwawo.

Mumwe mushonga mukurusa unorapa zvirwere zvemoyo zvinokonzerwa nekushushikana, kwete izvozvo chete asiwo wezvirwere zvemuviri, kusimba kwemoyo pamwe nekusavhiringidzika kwawo, kana kukanganiswa kwawo nezvinhu zvisiri zvechokwadi, nezvekufungidzira zvinounzwa nepfungwa dzakaipa. Hasha nekuvhiringidzika kwepfungwa ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvinorwadza kwazvo. Uye uyo anofungidzira kana kutarisira kuitika kwenhamo nekupera kwezvinhu zvinodikanwa, izvozvo zvinomuisa mukushungurudzika nekusuwa kukuru, uye zvinokonzeresa zvirwere zvemwoyo nemuviri, kukundikana kwepfungwa, uko kune mhedzisiro yakaipa iyo vanhu vakatoona kukuvadza kwayo kwakawanda.

Kuvimba naAllah: Pese-pese moyo pauno tarisira kuna Allah, uchivimba navo, uye usina kuzvipira kune fungidziro dzisina maturo kana kutongwa nekufungidzira zvakaipa, uye ukavimba naAllah nechido chekuwana nyasha dzavo, kuburikidza naizvozvo unozvidzivirirwa kubva mukushushikana nekusuwa, uye zvirwere zvizhinji zvemuviri nezvemoyo zvinopera paari, uye moyo unowana simba, zororo, nemufaro zvisingagoni kutsanangurwa.Zvipatara zvizhinji zvakazara nevarwere vanotambudzwa nezvinhu zvisipo zvinongofungidzirwa uye nepfungwa dzinoparadza, uye zvinhu izvi zvakakanganisa moyo yevane simba vazhinji, tisingatauri nezveavo vasina simba, uye zvakakonzera hupenzi nekupenga. Akaponeswa ndiye uyo akapuhwa hutano hwakanaka naAllah nekumutungamirwa mukurwisa mweya wake kuti awane nzira dzinobatsira dzinopa moyo simba, uye dzinobvisa kunetseka kwawo.Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:

﴿...وَمَن يَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِ فَهُوَ حَسۡبُهُۥٓ...﴾

“...Uye ani nani anovimba naAllah, Ivo vanomukwanira...” [At-Talaaq:3] Zvinoreva kuti, vanomukwanira panyaya dzake dzese dzinomukoshera dzine chekuita nechitendero chake, uye nehupenyu hwake hwepanyika.

Saka, munhu uyo anovimba naAllah aine moyo wakasimba; haakanganiswe nepfungwa dzenhema, uyewo haashungurudzwi nezviitiko nekuda kwekuziva kwake kuti izvozvo zvinobva mukushaya simba kwemweya, nemuutera nekutya kusina hwaro. Uye pamusoro peizvozvo anozivawo kuti Allah vakavimbisa kukwanira kwakakwana kune uyo anovimba navo. Nokudaro anovimba naAllah uye anodzikama nevimbiso yavo, saka kushushikana kwake nekufunganya kwake kunopera; nokudaro kuoma kwezvinhu kunoshanduka kuita kureruka, kusuwa kwake kuita mufaro, uye kutya kwake kuita runyararo. Saka tinokumbira kwavari, ivo vekumusoro-soro, hutano hwakanaka, uye kuti vatipe nyasha dzesimba remoyo nekutsiga kwawo, pamwe nekuvimba mavari kwakakwana uko Allah vakavimbisa vanhu vako zvakanaka zvese, nekubviswa kwezvinhu zvese zvinovengwa nekukuvadza.

Chikamu: Kugadzirira moyo kuti ujairire kukanganisa kwevamwe.

Muporofita (runyararo nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati:

(لَا يَفْرَكْ مُؤْمِنٌ مُؤْمِنَةً إِنْ كَرِهَ مِنْهَا خُلُقًا رَضِيَ مِنْهَا خُلُقًا آخَرَ).

“Mutendi wechirume ngaarege kuvenga mutendi wechikadzi; kana akasafarira hunhu humwe maari, anogutsikana nehumwe.” Yakashumwa naMuslim.

Zvinhu zviviri zvinobatsira:

Chimwe chacho: Inhungamiro pamabatiro emudzimai, hama, shamwari, waunodyidzana naye, uye wese munhu ane hukama newe. Uye ndezvekuti unofanira kuzvijidza kuziva vanhu vese ava havashaye hurema, kana kusakwanira, kana chinhu chausingafarire. Kana uchinge wawana izvozvo, unofanira kuenzanisa chinhu ichocho nezvinosungirwa pauri kana zvinokodzera kwauri maererano nekusimbisa hukama, nekuchengetedza rudo, kuburikidza nekurangarira hunhu hwake hwakanaka, nezvinangwa zviri muhukama hwenyu, zvingava zvenyu pachenyu kana zveruzhinji. Uye nekuda kwekufuratira uku zvisina kunaka nekucherechedza zvakanaka, hushamwari nehukama zvinogara zvakasimba uye kwenguva refu, uye rugare rwakakwana runowanikwa kwauri.

Chinhu chechipiri chinobatsira: ndiko kubviswa kwekusuwa nekushushikana, nekusara kwerunyararo, nekutsungirira mukuramba uchiita kodzero dzinosungirwa pamwe nedzinokurudzirwa, nekuwanikwa kwekugadzikana pakati pemativi maviri. Uye uyo asingatungamirirwe neizvi zvakataurwa neMuporofita (rugare nemakomboreroaAllah ngazvive paari) - asi anoita zvinopesana nazvo achitarisa zvisina kunaka, asingaone zvakanaka -, zvechokwadi achava nekushushikana, uye zvechokwadi rudo ruri pakati pake neuyo waanenge aine hukama naye ruchakanganisika, uye kodzero dzakawanda idzo mumwe nemumwe wavo aifanira kuchengetedza dzinogurwa.

Uye vanhu vazhinji vane vavariro huru vanozvijaidza kugadzikana kana kwaitika njodzi nezvinhu zvinovhundutsa. Asi panyaya diki dzisina kukosha vanova nekusagadzikana, uye kudzikama kwemoyo yavo kunovhiringika. Chikonzero cheizvi ndechekuti vakagadzirira moyo yavo nyaya hombe, vakasiya kusimbisa moyo yavo panyaya diki, nokudaro zvakazovakuvadza nekukanganisa runyararo rwavo. Saka munhu akangwara anofanira kusimbisa moyo wake pazvinhu zvidiki pamwe nezvikuru, achikumbira Allah rubatsiro pazviri, uye kuti vasamusiye pasi pesimba rake kunyangwe kwenguva diki yakaita sekubwaira kweziso. Zvikadaro, chinhu chidiki chinoreruka kwaari, sekureruka kwakaita chinhu chikuru. Uye anoramba ari akagadzikana pamweya, akadzikama pamoyo, uye ari murugare.

CHIKAMU: KUSATEVEDZERA PFUNGWA DZINOSHUNGURUDZA

Munhu akachenjera anoziva kuti hupenyu hwake chaihwo, hupenyu hwemufaro nekudzikama, uye kuti hupfupi zvikuru. Saka haafaniri kuhupfupikisa zvakare nekushushikana nekuzvirega achinyura mumatambudziko, nokuti izvozvo zvinopesana nehupenyu hwakarurama uye hwakanaka. Zvinoita kuti hupenyu hwake huome kana chikamu chikuru chahwo chichipambwa nekushushikana nenhamo. Uye panyaya iyi hapana musiyano pakati pemunhu akarurama nemuiti wezvakaipa. Asi mutendi ndiye ane mugove mukurusa pakuzadzisa hunhu uhu hwechokwadi, uye ane mugove unobatsira muhupenyu huno nepahupenyu huchauya.

Kuenzanisa pakati pemakomborero aAllah nematambudziko anomuwira: Uye zvinofanirawo, kana munhu awirwa nedambudziko, kana kuti achiritya, kuti aenzanise pakati pemamwe makomborero ose aanenge ainawo, angave ezvechitendero kana ezvenyika, nedambudziko iroro rinenge ramuwira. Zvino pakuita enzaniso iyi, panobuda pachena kuwanda kwemakomborero aanenge ainawo, uye hudiki hwedambudziko racho.

Saizvozvowo, anoenzanisa pakati pezvaanotya kuti zvingamukuvadze, nezvaanofungidzirawo kuti zvingangoitika zvakakura zvekuchengetedzwa kwake kubva pazviri; saka haaregi fungidziro isina simba ichikunda fungidziro dzakawanda dzine simba. Uye nenzira iyoyo, kushushikana kwake nekutya kwake zvinobva zvapera. Uye anoongorora zvinogona kunyanya kumuwira, ogadzirira moyo wake kuti azvigamuchire kana zvikaitika, uye anoedza kudzivirira izvo zvisati zvaitika, uye kubvisa kana kurerutsa izvo zvatoitika.

Kukanganisirwa nevanhu inove mhosva yavo , chero bedzi usingazviremedze nazvo: Pane zvinhu zvinobetsera, kuva unoziva kuti kutadzirwa kwaunoitwa nevanhu, kunyanya mumashoko akaipa, hakukukuvadzi iwewe asi kunovakuvadza ivo. Kunze kwekunge iwe wazvipa basa rekufunga nezvazvo, uye wazvitendera kuti zvitonge manzwiro ako; ipapo zvinobva zvakukuvadza sekukuvadzwa kwavanoitwa ivo. Asi kana iwe ukasazvipa hanya, hapana pazvinokukuvadza zvachose.

Natsurudza hupenyu hwako nepfungwa dzinobatsira: Ziva kuti hupenyu hwako hunotevedzera pfungwa dzako. Kana pfungwa dzako dziri dzezvinhu zvinokupa rubatsiro muchitendero chako kana muhupenyu hwako hwepasi pano, naizvozvo hupenyu hwako hunova hwakanaka uye huzere mufaro. Kana zvisina kudaro, hauwane hupenyu hwakanaka uzere mufaro.

Kuti mabatiro ako ave nekuda kufadza Allah, ,Kuti zvose zvaunoita unofanira kuzviitira Allah, kwete kuitira vanhu: Chimwe chezvinhu zvinobatsira zvikuru mukubvisa kushushikana ndechekuti uzvijaidze kusatsvaga kutendwa kunze kwekubva kuna Allah. Saka, paunoitira zvakanaka kune uyo ane kodzero pamusoro pako kana kune uyo asina, ziva kuti uku kushandidzana kunenge kuri pakati pako iwe naAllah. Naizvozvo, usava nehanya nekuva unotendwa neuyo wawaitira nyasha, sekutaura kwakaita ivo Allah vekumusoro-soro maererano nevanhu vavakasarudza pakati pezvisikwa zvavo vachiti:

﴿إِنَّمَا نُطۡعِمُكُمۡ لِوَجۡهِ ٱللَّهِ لَا نُرِيدُ مِنكُمۡ جَزَآءٗ وَلَا شُكُورًا 9﴾

{Zvirokwazvo tinokudyisai nekuda kufadza Allah chete; hatidi mubairo kubva kwamuri kana kutendwa. 9} [Al-Insaan:9].

Izvi zvinonyanya kukosha pakubata kwako nemhuri nevana vako nekuda kwekuti mune ukama hwakasimba. Kana ukagadzirira mwoyo wako pakubvisa zvakaipa kwavari, unenge wapa zororo uye wawanawo zororo. Chimwe chinounza zororo ndekutora tsika dzakanaka nekushanda nadzo zvichibva mukuda kwemwoyo wako, pasina kuzvimanikidza kunokupedza simba nekukushaisa mufaro, zvinoita kuti udzokere usina chawawana nekuti wakatora nzira yakamonyoroka. Uhwu ndihwo uchenjeri: kuti utore zvinhu zvakaoma (zvakasviba) woita kuti zvive zvakanaka (zvichene) uye zvinotapira. Nekuita izvi, mufaro wako unowedzera, uye kusuwa kunopera.

Kuita zvinhu zvine pundutso, kwete zvinokuvadza: Isa zvinhu zvinobatsira pamberi pako, uye shingirira kuzvizadzisa, uye usapa hanya kune zvinhu zvinokuvadza; kuitira kuti pfungwa dzako dzisafunge nezvezvikonzero zvinounza kushushikana nekusuwa. Tsvaga rubatsiro kubva mukuzorora pamwe nekuunganidza pfungwa dzako nemoyo wako pakuita pamabasa anokosha.

Kupedza mabasa ipapo ipapo: Chimwe chezvinhu zvinobatsira kupedzisa mabasa pakarepo, kuti ugova nenguva yakasununguka mune ramangwana; nokuti mabasa kana asina kupedziswa, mabasa ekare asara anoungana pauri, ozowedzerwa neanotevera, zvinobva zvakuomera zvikuru. Asi kana ukapedzisa chinhu chimwe nechimwe panguva yacho, unosvika pazvinhu zveramangwana uinesimba rekufunga pamwechete nesimba rekushanda.

Kuronga zvinofanirwa kutanga maererano nekukosha kwazvo uchibatsirwa nekubvunza mazano evamwe: Zvakakodzera zvikuru kuti usarudze pamabasa anobatsira, uchitanga neanonyanya kukosha wozotevera neanotevera mukukosha kwawo. Uye siyanisa pakati pezvinodiwa nemweya wako nezvaunoshuvira zvakanyanya, nekuti zvakapesana nazvo zvinounza kufinhwa, kuneta, pamwe nekusuwa. Uye tsvaga rubatsiro mune izvi kuburikidza nepfungwa dzakarurama uye nekubvunza vamwe mazano, nekuti haazvidembi uyo anobvunza mazano evamwe. Uye nyatsoongorora zvaunoda kuita. Zvino kana wawana pundutso mazviri uye watsunga, isa chivimbo chako muna Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoda avo vanoisa chivimbo chavo mavari.

Uye kurumbidzwa kwese ndekwa Allah, Tenzi wezvisikwa zvose.

Uye tsitsi dzaAllah nerugare ngazvive kune mutungamiri wedu Muhammad, pamwe nemhuri yake, nemaSwahaba ake.

 

***

الفهرس

 

Nzira Dzinobatsira Pakurarama Hupenyu Hwemufaro 2

Nhanganyaya 2

Chitsauko: Kutenda uye mabasa akanaka 3

CHITSAUKO: KUSHINGAIRA PAKUITA RIMWE REMABASA ANOBATSIRA KANA PAKUWANA RUMWE RUZIVO RUNOBATSIRA. 11

Chitsauko: Kuwanza Kurangarira Allah 15

CHIKAMU: KUEDZA KUBVISA ZVIKONZERO ZVINOUNZA KUSHUSHIKANA, UYE KUTSVAGA ZVIKONZERO ZVINOUNZA MUFARO. 18

Chitsauko: Kufungidzira Zvinhu Zvakaipisisa Zvinogona Kuitika 20

Chitsauko: Simba remoyo, nekusavhiringidzwa uye nekusazungunuswa kwawo. 22

Chikamu: Kugadzirira moyo kuti ujairire kukanganisa kwevamwe. 24

CHIKAMU: KUSATEVEDZERA PFUNGWA DZINOSHUNGURUDZA 26

***

 

sn21v2.1 - 19/04/2026