مَنْ خَلَقَ الكَونَ؟ وَمَنْ خَلَقَنِي؟ وَلِمَاذَا؟
Ndiani akasika zvinhu zvose? Uye ndiani akandisika? Uye nemhaka yei?
اللَّجْنَةُ العِلْمِيَّةُ
بِرِئَاسَةِ الشُّؤُونِ الدِّينِيَّةِ بِالمَسْجِدِ الحَرَامِ وَالمَسْجِدِ النَّبَوِيِّ
Dare rezvedzidzo mubazi rehutungamiri hwenyaya dzechitendero paMasjid Al-Haram ne paMasjid An-Nabawi
بِسْمِ اللهِ الرَّحمَنِ الرَّحِيمِ
Ndiani akasika zvinhu zvose? Uye ndiani akandisika? Uye nemhaka yei?
Ko, ndiri mugwara rechokwadi here?
Ndiani akasika matenga nepasi, nezvisikwa zvikuru zviri mazviri zvisinganzwisisike?
Ndiani akasika hurongwa uhu hwakadzama nekutsetseka huri kumatenga nepasi?
Ndiani akasika munhu ndokumupa kunzwa, kuona ,nenjere, ndokumuita kuti achigona kuwana ruzivo uye kunzwisisa zvokwadi?
Ndiani akasika magadzirirwo akadzama aya munhengo dzemuviri wako, akakuumba, ndokunatsa chimiro chako?
Fungisisa maererano nezvisikwa zvipenyu nekusiyana-siyana kwazvo, ndiani akazvisika nezvimiro zvazvo zvisina magumo?
Nyika yose huru iyi inorongeka nekugadzikana sei nemitemo yayo inoifambisa nenzira yakanyatsorurama mukufamba kwemakore (nguva dzese)?
Ndiani akagadza mitemo inotonga pasi rino (upenyu nerufu, kuberekana kwezvisikwa zvipenyu, usiku nemasikati, kuchinja kwemwaka yegore, nezvimwe zvakadaro)?
Ko nyika ino yakazvisika yega here? Kana kuti yakabva pasina (Musiki)? Kana kuti yakavepo nemasanga? Allah vekumusoro-soro vakatura kuti:
﴿أَمۡ خُلِقُواْ مِنۡ غَيۡرِ شَيۡءٍ أَمۡ هُمُ ٱلۡخَٰلِقُونَ٣٥ أَمۡ خَلَقُواْ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَۚ بَل لَّا يُوقِنُونَ36﴾
{Kana kuti vakasikwa pasina musiki, kana kuti ivo ndivo vasiki?} 35
{Kana kuti vakasika matenga nenyika; asi havana chokwadi chekutenda.} 36 [At-Tur: 35-36].
Saka kana tisina kuzvisika isu pachedu, uyezve zvisingagoneki kuti takabva pasina, kana kuti nemasanga, naizvozvo chokwadi chisina kupokana machiri ndechekuti: zvisikwa zvose izvi zvinotofanira kuva neMusiki Mukuru, ane masimba ose. Hazvigoneke kuti zvisikwa izvi zvingazvisika zvoga! Kana kuti zvingabve pasina! Kana kuti zvakangouya nemasanga!
Sei munhu achitenda pakuvepo kwezvinhu zvaasingaoni? Zvakaita se: (kunzwisisa, pfungwa, mweya, manzwiro, uye rudo) Hakusi here nekuti anoona zviratidzo zvazvo? Zvino sei munhu achiramba kuvepo kweMusiki wenyika ino huru iye achiona zviratidzo zvezvisikwa zvake, nehumhizha hwake, uye netsitsi dzake?
Hakuna munhu ane njere anga bvuma kuudzwa kuti: Imba iyi yakavapo pasina munhu akaivaka! Kana kuti audzwe kuti: Kusavapo ndiko kwakavaka imba iyi! Saka sei vamwe vanhu vachidavira vaya vanoti: Nyika huru ino yakavapo pasina Musiki? Munhu ane njere anobvuma sei kuudzwa kuti: Kurongeka kwakadzama kwenyika uku kwakangoitika nemasanga?
Zvese izvi zvinotisvitsa kumhedziso imwechete, yekuti zvirokwazvo chisiko chose ichi china Tenzi Mukuru, Mukwanisi, Murongi wacho ; uye kuti Ndiye ega akakodzera kunamatwa; uye kuti chose chinonamatwa kunze kwavo kunamata kwacho ndekwe nhema, uye kuti hachikodzeri kunamatwa.
Tenzi Musiki Mukuru
Kuna Tenzi Musiki mumwechete, ndiye Muridzi, Murongi, Mupi weRaramo, anopa upenyu nekuunza rufu. Uye ndiye akasika nyika uye akairerutsa kuvanhu, akaiita kuti igarike nezvisikwa zvake. Uye ndiye akasika matenga nezviri maari sezvisikwa zvikuru, uye akaisa kuzuva, mwedzi, usiku, nemasikati kurongeka uku kwakadzama kunoratidza hukuru hwake.
Ndiye akatigadzirira mhepo, iyo yatisina hupenyu pasina iyo, uye ndiye anonayisa mvura kwatiri, uye akatisikira makungwa nenzizi, uye ndiye akatipa chokudya, nekutidzivirira tichiri vana vari mumatumbu aanamai vedu, isu tisina kana simba, uye ndiye akaita kuti ropa riyerere mutsinga dzedu kubvira pakuberekwa kwedu kusvika pakufa kwedu.
Tenzi uyu, Musiki neMugoveri, ndiye Allah, wekumusoro-soro, anorumbidzwa.
Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿إِنَّ رَبَّكُمُ ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَ يَطۡلُبُهُۥ حَثِيثٗا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ وَٱلنُّجُومَ مُسَخَّرَٰتِۭ بِأَمۡرِهِۦٓۗ أَلَا لَهُ ٱلۡخَلۡقُ وَٱلۡأَمۡرُۗ تَبَارَكَ ٱللَّهُ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ54﴾
{Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndiAllah, avo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, uye vakaenda pamusoro peChigaro cheHumambo. Vanofukidza masikati nehusiku, (husiku) uchitevera (masikati) nekukasika, uye (vakasika)zuva nemwedzi nenyeredzi, zvose zvichiteerera murairo wavo. Zvirokwazvo, kusika nekutonga ndezvavo. Vakakomborerwa ndiAllah, Tenzi wezvisikwa zvose.} 54 [Al-A’raaf 54].
Allah ndivo Tenzi Musiki wezvose zviri munyika, zvatinoona nezvatisingaone, uye zvose zvisiri Ivo zvisikwa zvavo. Ndivo vakakodzera kunamatwa vari vega, uye hapana mumwe anofanirwa kunamatwa pamwechete navo. Havana mufambidzani muhumambo hwavo, kana mukusika kwavo, kana mukufambisa kwavo kwezvinhu, kana mukunamatwa kwavo.
Uye dai tafungidzira senhaurwa kuti dai kwaiva nevamwe vamwari pamwe naTenzi, hukuru hwavo ngahukudzwe, zvisikwa zvese zvaizoparara; nekuti hazvigoneke kuti zvisikwa zvese zvifambiswe nevamwari vaviri panguva imwechete, Allah vekumusoro-soro vakataura kuti :
﴿لَوۡ كَانَ فِيهِمَآ ءَالِهَةٌ إِلَّا ٱللَّهُ لَفَسَدَتَا...﴾
{Dai maari (matenga napasi) maive nevamwe vanamwari kunze kwaAllah, zvese zvaiparara...} [Vaporofita:22].
Mamiriro aTenzi Musiki
Tenzi, vanorumbidzwa, vane mazita akanakisisa asingaverengeki, uye vane mamiriro epamusoro-soro akawanda uye akakura, zvinoratidza kukwananira Kwavo. Pamamwe emazita avo pane ekuti: Musiki, uye "Allah", zita rinoreva kuti: "anonamatwa anokodzera kunamatwa ari ega, asina mubatsiri. Mamwe mazita ndeekuti Mupenyu (anorarama kusingaperi), Mutsigiri wezvose, ane tsitsi zhinji, Mupi weraramo, uye ane rupo, Allah vekumosoro-soro vakati muQur'an rinoera:
﴿ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡحَيُّ ٱلۡقَيُّومُۚ لَا تَأۡخُذُهُۥ سِنَةٞ وَلَا نَوۡمٞۚ لَّهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۗ مَن ذَا ٱلَّذِي يَشۡفَعُ عِندَهُۥٓ إِلَّا بِإِذۡنِهِۦۚ يَعۡلَمُ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡۖ وَلَا يُحِيطُونَ بِشَيۡءٖ مِّنۡ عِلۡمِهِۦٓ إِلَّا بِمَا شَآءَۚ وَسِعَ كُرۡسِيُّهُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَۖ وَلَا يَـُٔودُهُۥ حِفۡظُهُمَاۚ وَهُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡعَظِيمُ255﴾
{Allah, hapana anofanira kunamatwa kunze kwavo, Ivo Mupenyu nekusingaperi, Muchengeti wezvose. Havabatwi nekutsumwaira kana hope. Ndezvavo zvose zviri kumatenga nezviri panyika. Ndiani angareverere pamberi pavo kunze nekuda kwemvumo yavo? Vanoziva zviri kuitika kwavari (zvisikwa zvavo) pano pasi uye zvichaitika kwavari kune ramangwana, uye havazivi chero chinhu kubva muruzivo rwavo kunze kweizvo zvavada (Allah). Chigaro chavo chehushe chakafukidza matenga nenyika, uye kuchengetedza kwazvo hakuvaremeri. Uye Ivo ndivo vekumusoro-soro, Mukuru-kuru.} [Surah Al-Baqarah:255].
Uye Allah Vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿قُلۡ هُوَ ٱللَّهُ أَحَدٌ١ ٱللَّهُ ٱلصَّمَدُ ٢ لَمۡ يَلِدۡ وَلَمۡ يُولَدۡ ٣ وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ كُفُوًا أَحَدُۢ4﴾
{Iti (Iwe Muhammad): Ndiye Allah, Mumwechete }1
{Allah, vanodiwa nezvisikwa zvose (asi ivo havana chavanoda.} 2
{Havana kubereka, uye havana kuberekwa} 3
{Uye hakuna akafanana navo kana kuenzaniswa navo.} 4 [Al-Ikhlas 1-4].
Tenzi vanonamatwa vanotsanangurwa nemamiriro ekukwanira
Pamamwe mariro avo pane ekuti ndivo Mwari akakodzera kunamatwa, zvese zvisiri Ivo chisikwa chakapihwa mutoro, chinorairwa, uye chiri pasi pehutongi hwavo.
Pamamiriro avo zvekare pane ekuti ndivo Mupenyu nekusingaperi, Mutsigiri wezvose. Saka chose chipenyu chiripo, Allah ndivo vakachipa hupenyu, uye vakachisika kubva pasina. Uye ndivo vanochitsigira pakuvepo kwacho, nepararamo yacho, uye nezvinochikwanira. Saka Tenzi mupenyu asingafi, uye hazvigoneke kuti vaparare. Mutsigiri wezvose, havarari, uye havabatwi nekutsumwaira kana nehope.
Pamamiriro avo (Allah) pane ekuti ndivo Muzivi wezvose, hapana chinhu chinovanzika kwavari panyika pano kana kudenga.
Pamamiriro avo pane ekuti Ivo ndive vanonzwa zvose, vanoona zvose; vanonzwa chinhu chose, uye vanoona chisikwa chose. Vanoziva zvinozevezerwa pamunhu neizvo zvinovanzwa nezvipfuva, uye hapana chinhu chakavanzika kwavari, ngavarumbidzwe, panyika kana kudenga.
Pamamiriro avo pane ekuti ndivo Mukwanisi, avo vasina chinovakunda, uye hapana anopikisa kuda kwavo. Vanoita zvavanoda uye vanodzivirira zvavanoda, vanoendesa pamberi (wavanoda) uye vanodzosa shure, uye ndivo muridzi wehuchenjeri hwakadzama.
Mamwe mamiriro avo ndeevekuti ndivo Musiki, Muriritiri, Murongi, avo vakasika zvisikwa vakazvironga, uye zvisikwa zviri mumaoko avo uye pasi pehutongi hwavo.
Mamwe emamiriro avo ndeekuti ndivo vanodavira akasurukirwa, vanoyamura ari mukuchema, uye vanobvisa vanhu mumatambudziko. Uye chisikwa chose, kana chawira mukutambudzika kana mukusungikana, chinopotera kwavari nekumanikidzwa.
Allah vari kumusoro-soro ndivo vega vanofanirwa kunamatwa nokuti ndivo vakakwanira, vanokodzera kunamatwa vari vega pasina zvimwe zvisiri Ivo. Uye chose chinonamatwa kunze kwavo chinonamatwa zvemanyepo, uye hachina kukwana, chinotarisana nerufu nekuparara.
Allah kurumbidzwa ngakuve kwavari vakatiropafadza nenjere dzinonzwisisa zvimwe zhinhu pahukuru hwavo, uye vakadyara matiri chizvarirwo chinoda zvakanaka, chichivenga zvakaipa, uye chinowana rugare kana chatendeukira kuna Allah, Tenzi wezvisikwa zvese. Uye masikirwo aya echizvarirwo anoratidza kukwanira kwavo uye hazvigoneke kuti varondedzerwe kuti havana kukwanira. Ngavarumbidzwe.
Hazvikodzeri kune munhu ane njere kuti anamate kunze kweakakwana; saka angagonamata sei chisikwa chisina kukwana chakaita saiye kana kuti chiri pasi pake?
Anonamatwa hazvigoneki kuti ave munhu, kana chifananidzo, kana muti, kana mhuka.
Tenzi vari pamusoro pematenga, avo vari pamusoro pechigaro chavo cheHumambo, vari pakasiyana nezvisikwa zvavo. MumarirIro avo hamuna chero chinhu chezvisikwa zvavo, uye muzvisikwa zvavo hamuna chero chinhu chemamiriro avo, havapindi kana kutora muviri wechinhu chero chipi zvacho chezvisikwa zvavo.
Tenzi hapana chakafanana navo, uye ndivo Munzwi wezvese, Muoni wezvese, uye hakuna akaenzana navo. Ndivo Mupfumi vasingatarisire chinhu pazvisikwa zvavo. Havarari uye havadye chikafu. Ndivo Mukuru zvikuru zvekuti hazvigoneke kuti vave nemudzimai kana mwana; nekuti Musiki vane mamiriro ehukuru uye hazvitombobviri kuti vatsanangurwe kuti vanoshata kana kuti havana kukwanira.
Allah vokumusoro-soro vakataura kuti:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ضُرِبَ مَثَلٞ فَٱسۡتَمِعُواْ لَهُۥٓۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ لَن يَخۡلُقُواْ ذُبَابٗا وَلَوِ ٱجۡتَمَعُواْ لَهُۥۖ وَإِن يَسۡلُبۡهُمُ ٱلذُّبَابُ شَيۡـٔٗا لَّا يَسۡتَنقِذُوهُ مِنۡهُۚ ضَعُفَ ٱلطَّالِبُ وَٱلۡمَطۡلُوبُ ٧٣ مَا قَدَرُواْ ٱللَّهَ حَقَّ قَدۡرِهِۦٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَقَوِيٌّ عَزِيزٌ74﴾
{Imi vanhu! Mufananidzo wakapiwa, saka uteererei. Zvirokwazvo, avo vamunonamata kunze kwaAllah havakwanise kusika kana nhunzi zvayo, kunyange vakabatana vese kuti vadaro. Uye kana nhunzi ikavatorera chinhu, havana simba rekuchidzorera kubva kwairi. Vashaya simba, anokumbira neanokumbirwa.} 73
{Havana kukoshesa Allah nemukoshesero hwavo chaihwo. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane masimba ese, nehukuru.} 74 [Al-Hajj: 73-74].
Musiki Mukuru uyu akatisikirei? Uye anoda chii kubva kwatiri?
Zvinogamuchirika here mupfungwa kuti Allah vakasika zvisikwa zvese izvi pasina chinangwa? Vakazvisika nhando here, Ivo vari Muchenjeri, Muzivi wazvose?
Zvingave zvine njere here kuti Uyo akatisika zvakarongeka zvinehunyanzvi hwakadai, uye akatigadzirira zviri kumatenga nepanyika, angatisika pasina chinangwa kana kuti angatisiya pasina mhinduro pamibvunzo inokosha zvikuru inotinetsa mupfungwa, yakadai sekuti: nei tiri pano? Uye chii chiri mushure merufu? Uye chinangwa chekusikwa kwedu chii?
Zvingagamuchirwa here mupfungwa kuti pasave nemurango kune mudzvinyiriri, uye mubairo kune anoita zvakanaka?
Allah (kukudzwa ngakuve kwavari) vakataura kuti:
﴿أَفَحَسِبۡتُمۡ أَنَّمَا خَلَقۡنَٰكُمۡ عَبَثٗا وَأَنَّكُمۡ إِلَيۡنَا لَا تُرۡجَعُونَ115﴾
{Saka munofunga here kuti takakusikai sedambe zvisina maturo, uye kuti kwatiri hamuzodzorwi?} 115 [Al Mu'minoon: 115].
Asi Allah vakatumira vatumwa kuti tizive chinangwa chekuvapo kwedu, uye vakatidzidzisa kuti tinovanamata sei, uye toswedera sei pedyo navo, chii chavanoda kubva kwatiri, tingawana sei kufadzwa kwavo? Uye vakatiudza nezvemagumo edu mushure merufu.
Uye Allah vakatuma vatumwa kuti vatiudze kuti ndivo vega vanofanirwa kunamatwa, uye kuti tizive kuti tinovanamata sei, uye kuti vatisvitse mirairo yavo nezvavanorambidza, uye kuti vatidzidzise tsika dzakarurama, dzekuti kana tikadzitevera, hupenyu hwedu hunova hwakanaka, hwakazara nezvakanaka nemakomborero.
Uye zvirokwazvo Allah vakatumira vatumwa vazhinji vakaita sa: (Noah, Abrahamu, Mosesi, naJesu), uye vakavatsigira nezviratidzo neminana zvinopupura chokwadi chavo, uye kuti vaive vatumwa vanobva kuna Iye, anorumbidzwa, uye wekupedzisira wavo aive Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari).
Vatumwa vakatiudza zvakajeka kuti hupenyu huno muyedzo, uye kuti hupenyu chaihwo huchavapo mushure merufu.
Uye kuti kune Jannah (Paradhiso) yevatendi avo vakanamata Allah vari voga vasina mubatsiri, uye vakatenda muvatumwa vose. Uye kuti kune Moto uyo Allah vakagadzirira vasingatendi, avo vakanamata vamwe vanamwari pamwechete naAllah, kana kuti vakaramba kutenda mune chero mutumwa upi zvake kubva kuvatumwa vaAllah.
Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ إِمَّا يَأۡتِيَنَّكُمۡ رُسُلٞ مِّنكُمۡ يَقُصُّونَ عَلَيۡكُمۡ ءَايَٰتِي فَمَنِ ٱتَّقَىٰ وَأَصۡلَحَ فَلَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ ٣٥ وَٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَٱسۡتَكۡبَرُواْ عَنۡهَآ أُوْلَٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ36﴾
{Imi vana vaAdam! Kana vakauya kwamuri vatumwa vanobva mamuri vachikurondedzererai ndima dzangu, uyo anotya (Allah) uye oita mabasa akanaka, hapana kutya kuchave kwaari, kana kusuruvara.} (35)
{Asi avo vakaramba zviratidzo zvedu uye vozvitutumadza mazviri, avo ndivo vagari vekuMoto; vachagara imomo nekusingaperi.} 36 [Al-A'raaf 35-36].
Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿يَٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱعۡبُدُواْ رَبَّكُمُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَتَّقُونَ ٢١ ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ فِرَٰشٗا وَٱلسَّمَآءَ بِنَآءٗ وَأَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَخۡرَجَ بِهِۦ مِنَ ٱلثَّمَرَٰتِ رِزۡقٗا لَّكُمۡۖ فَلَا تَجۡعَلُواْ لِلَّهِ أَندَادٗا وَأَنتُمۡ تَعۡلَمُونَ ٢٢ وَإِن كُنتُمۡ فِي رَيۡبٖ مِّمَّا نَزَّلۡنَا عَلَىٰ عَبۡدِنَا فَأۡتُواْ بِسُورَةٖ مِّن مِّثۡلِهِۦ وَٱدۡعُواْ شُهَدَآءَكُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ ٢٣ فَإِن لَّمۡ تَفۡعَلُواْ وَلَن تَفۡعَلُواْ فَٱتَّقُواْ ٱلنَّارَ ٱلَّتِي وَقُودُهَا ٱلنَّاسُ وَٱلۡحِجَارَةُۖ أُعِدَّتۡ لِلۡكَٰفِرِينَ ٢٤ وَبَشِّرِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّٰلِحَٰتِ أَنَّ لَهُمۡ جَنَّٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ كُلَّمَا رُزِقُواْ مِنۡهَا مِن ثَمَرَةٖ رِّزۡقٗا قَالُواْ هَٰذَا ٱلَّذِي رُزِقۡنَا مِن قَبۡلُۖ وَأُتُواْ بِهِۦ مُتَشَٰبِهٗاۖ وَلَهُمۡ فِيهَآ أَزۡوَٰجٞ مُّطَهَّرَةٞۖ وَهُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ25﴾
{Imi vanhu, namatai Tenzi venyu, avo vakakusikai imi pamwe neavo vaivepo musati mavepo, zvimwe mungave vanotya (vatsvene).} 21
{Avo vakakusikirai nyika ive nzvimbo yenyu yekuzorora, uye denga rive chivakwa, uye anonaisa mvura kubva kudenga, uye kubva mairi vakaita kuti michero ibereke sekudya kwenyu; saka musabatanidza Allah nevamwe anamwari mukunamata imi muchiziva.} 22
{Uye kana muine kusagutsikana pamusoro pezvatakadzikisa kumuranda wedu, huyai neSurah (chitsauko) yakafanana nayo , uye danai zvapupu zvenyu kunze kwaAllah, kana muri pachokwadi.} 23
{Asi kana mukasazviita, uye hamumbofi makazviita, ityai Moto uyo huni dzawo dziri vanhu nematombo, wakagadzirirwa vasingatendi.} 24
{Uye svitsa mashoko akanaka kune avo vanotenda uye vanoita mabasa akanaka, kuti zvirokwazvo vachawana mapindu anoyerera nzizi pasi pawo. Pose pavanopihwa michero kubva mairi, vachati: “Izvi ndizvo zvatakambopihwa kare.” Uye vachapihwa yakada kufanana. Uye imomo vachange vaine vakadzi vakacheneswa, uye vachagara imomo nekusingaperi.} 25
[Al-Baqarah: 21-25].
Sei vatumwa vakawanda?
Zvirokwazvo Allah vakatuma vatumwa vavo kumarudzi, uye hapana rudzi rusina kutumirwa mutumwa naAllah, kuti avadane kuti vanamate Tenzi wavo, uye avazivise mirairo yavo nezvavakarambidza. Uye donzvo guru rekudaidza kwavo vose raive: kunamata Allah vari vega, vane hukuru nekukudzwa. Uye pose painge potanga rudzi kusiya kana kutsaudzira murairo wakauya nemutumwa warwo kubva kumurairo wekunamata Allah mumwechete, Allah vaituma mumwe mutumwa kuti agadzirise gwara, uye adzorere vanhu kuchimiro chavo chechizvarirwo chakanaka kuburikidza nekudana kuhumwechete hwaAllah nekuvateerera.
Kudzamara Allah vapedzisa vatumwa naMuhammad, makomborero nerugare ngazvive kwavari, avo vakauya nechitendero chakakwana nemutemo usingaperi wevanhu vese kusvika kuzuva rekumutswa (kubva mukufa), unozadzisa uye unodzima mitemo yakautangira. Uye Tenzi, vane rukudzo, vari kumusoro-soro, vakavimbisa kuti chitendero ichi chicharamba chiripo nekusingaperi kusvika kuzuva rekumutswa.
Munhu haave mutendi kusvika atenda muvatumwa vose.
Allah ndivo vakatuma vatumwa, uye vakaraira zvisikwa zvavo zvese kuti zvivateerere. Uyo anoramba kutenda mutumwa mumwe wavo, zvirokwazvo anenge aramba kutenda muvatumwa vose. Saka hapana chivi chikuru chinopfuura chekuti munhu arambe mashoko aAllah. Nokudaro, kuti munhu apinde muJannah, anofanira kutenda mune vatumwa vose.
Saka zvakamanikidzirwa kumunhu wese munguva ino kuti atende munaAllah nevatumwa vake vose, uye otenda muzuva rekupedzisira. Uye izvi hazvizadzikiswi kunze kwekunge atenda uye otevera wekupedzisira wavo uye chisimbiso chavo, anova Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), uyo akatsigirwa nemunana usingaperi, unova weQur'an dzvene, iro Allah vakatora basa rekurichengetedza kusvikira vagara nhaka yenyika nevose vari pairi.
Allah vakadudza muQur’an rinoera kuti ani nani anoramba kutenda kune chero mutumwa kubva kuvatumwa vavo, iyeyo haatendi muna Allah uye anoramba zvavakadzikisa. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ يَكۡفُرُونَ بِٱللَّهِ وَرُسُلِهِۦ وَيُرِيدُونَ أَن يُفَرِّقُواْ بَيۡنَ ٱللَّهِ وَرُسُلِهِۦ وَيَقُولُونَ نُؤۡمِنُ بِبَعۡضٖ وَنَكۡفُرُ بِبَعۡضٖ وَيُرِيدُونَ أَن يَتَّخِذُواْ بَيۡنَ ذَٰلِكَ سَبِيلًا ١٥٠ أُوْلَٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡكَٰفِرُونَ حَقّٗاۚ وَأَعۡتَدۡنَا لِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابٗا مُّهِينٗا151﴾
{Zvirokwazvo, avo vanoramba kutenda muna Allah nevatumwa vavo, uye vanoda kuparadzanisa pakati paAllah nevatumwa vavo, uye vanoti: ‘Tinotenda kune vamwe asi vamwe tinovaramba,’ uye vanoda kutora nzira iri pakati pezviviri izvi.} 150
{Avo ndivo vasingatendi pachokwadi. Uye takagadzirira vasingatendi chirango chinodzikisira.} 151 [An-Nisa: 150-151].
Naizvozvo isu semaMuslim tinotenda muna Allah nezuva rekupedzisira – sezvakarairwa naAllah – uye tinotenda muvatumwa vose nemumagwaro ekare . Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿ءَامَنَ ٱلرَّسُولُ بِمَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِ مِن رَّبِّهِۦ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَۚ كُلٌّ ءَامَنَ بِٱللَّهِ وَمَلَٰٓئِكَتِهِۦ وَكُتُبِهِۦ وَرُسُلِهِۦ لَا نُفَرِّقُ بَيۡنَ أَحَدٖ مِّن رُّسُلِهِۦۚ وَقَالُواْ سَمِعۡنَا وَأَطَعۡنَاۖ غُفۡرَانَكَ رَبَّنَا وَإِلَيۡكَ ٱلۡمَصِيرُ285﴾
{Mutumwa akatenda mune izvo zvakadzikiswa kwaari kubva kuna Tenzi vake, uye nevatendi(vakatenda). Mumwe nemumwe wavo atenda muna Allah, nemungirozi dzake, nemumabhuku ake, uye nemuvatumwa vake. Hatisiyanisi pakati peumwe neumwe wevatumwa vake. Uye vakati: ‘Tanzwa uye tateerera. Tinokumbira ruregerero rwenyu, Tenzi vedu, uye kwamuri ndiko kune magumo.’} 285
[Al-Baqarah 285].
Qur'an chii?
Qur'an rinoera ishoko raAllah vekumusoro-soro uye chizarurirwo chavo chavakadzikisa kuMutumwa wekupedzisira, Muhammad, uye ndicho chishamiso chikurusa chinoratidza huchokwadi hwehuporofita hwake (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari), uye Qur'an rinoera ichokwadi pamitongo yaro uye nehuchokwadi panhau dzaro.
Uye zvirokwazvo Allah vakaomesera avo vanoramba (Qur'an) kuti vauye kunyangwe neSurah(chitsauko) imwe chete yakafanana naro, asi vakakundikana kuita izvozvo; nekuda kwehukuru nekukwana kwezvirimo mariri, zvinobata zvese zvine chekuita nemunhu muhupenyu hwepanyika nehupenyu huchauya, uye rine chokwadi chese chekutenda chinofanirwa kutendwa.
Pamusoro pazvo, rinosanganisira mirairo nezvinorambidzwa izvo zvakamanikdzirwa kuti munhu anofanirwa kurarama achitevedzera, zvingava muhukama hwake naTenzi vake, kana naye pachake, kana nezvimwe zvisikwa zvose; uye zvose izvi zviri mumutauro wepamusoro-soro une unyanzvi hwekutaura nekujeka.
Uye rinosanganisira humbowo huzhinji hwenjere pamwechete nechokwadi chesainzi, izvo zvinoratidza kuti Bhuku iri harigone kuva rakagadzirwa nevanhu, asi kuti ishoko raTenzi wevanhu, ngavarumbidzwe uye ndivo vepamusoro-soro.
Islam chii?
Islam kuzvipira kuzere kuna Allah vekumusoro-soro muhumwechete hwavo, nekuzviisa pasi pavo mukuvateerera, nekutevedzera mitemo yavo nemufaro nekugamuchira, uye nekuramba zvese zvinonamatwa kunze kwaAllah.
Uye zvirokwazvo Allah vakatumira vatumwa neshoko rimwe chete rinove: kudana vanhu kuti vanamate Allah vari voga vasina mufambidzani, uye kuramba chose chinonamatwa kunze kwaAllah.
Uye Islam ndicho chitendero chemaporofita ose, daidzo yavo imwe chete asi mitemo yavo yakanga yakasiyana. Uye maMuslim nhasi ndivo vega vaka batisisa chitendero chechokwadi chakaunzwa nemaporofita ose. Shoko reIslam munguva ino ndicho chokwadi, uye ndiro shoko rekupedzisira rinobva kuna Musiki richienda kuvanhu vose.
Naizvozvo, Tenzi avo vakatuma Abrahamu, Mosesi, naJesu, rugare ngaruve kwavari, ndivo zvakare vakatuma Mutumwa wekupedzisira, Muhammad, rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwavari, uye zvirokwazvo mutemo weIslam wakauya uchidzima mitemu yakautangira.
Zvirokwazvo, zvitendero zvese zvinoteverwa nevanhu nhasi uno - kunze kwe Islam - zvitendero zvakagadzirwa nevanhu, kana kuti zvaive zvitendero zvaMwari zvakazokanganiswa nevanhu, zvikazova musanganiswa wengano, nenyaya dzinotambidzanwa nevanhu munguva dzakasiyana-siyana, nepfungwa dzevanhu.
Asi chitendero chemaMuslim, chitendero chimwechete chakajeka chisingashanduke, uyewo kunamata kwavo kwavanoitira Allah ndekumwechete. Nokudaro, vose vanonamata minamato (Swalah) mishanu, vachibvisa Zakaah pahupfumi hwavo, uye vachitsanya mwedzi weRamadhaan. Uye cherechedza bumbiro ravo, rinova Qur’an rinoera, ibhuku rimwechete munyika dzose. Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿...ٱلۡيَوۡمَ أَكۡمَلۡتُ لَكُمۡ دِينَكُمۡ وَأَتۡمَمۡتُ عَلَيۡكُمۡ نِعۡمَتِي وَرَضِيتُ لَكُمُ ٱلۡإِسۡلَٰمَ دِينٗاۚ فَمَنِ ٱضۡطُرَّ فِي مَخۡمَصَةٍ غَيۡرَ مُتَجَانِفٖ لِّإِثۡمٖ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٞ﴾
{…Nhasi Ndave ndinozadzikisa kwamuri chitendero chenyu, uye ndanatsurudza kwamuri makomborero angu, uye ndakusarudzirai Islam sechitendero. Asi uyo anomanikidzwa aziya nenzara, asina kurerekera kuchitadzo (anokwanisa kudya nyama dzemhuka dzataurwa), zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji.} [Al-Maaidah:3].
Uye Allah vekumusoro-soro vakati muQur'an:
﴿قُلۡ ءَامَنَّا بِٱللَّهِ وَمَآ أُنزِلَ عَلَيۡنَا وَمَآ أُنزِلَ عَلَىٰٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡمَٰعِيلَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَ وَٱلۡأَسۡبَاطِ وَمَآ أُوتِيَ مُوسَىٰ وَعِيسَىٰ وَٱلنَّبِيُّونَ مِن رَّبِّهِمۡ لَا نُفَرِّقُ بَيۡنَ أَحَدٖ مِّنۡهُمۡ وَنَحۡنُ لَهُۥ مُسۡلِمُونَ ٨٤ وَمَن يَبۡتَغِ غَيۡرَ ٱلۡإِسۡلَٰمِ دِينٗا فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡهُ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ85﴾
Iti: “Tinotenda muna Allah uye mune izvo zvakadzikiswa kwatiri, uye izvo zvakadzikiswa kuna Abrahamu, naIshumaîri, naIsaka, naJakobho uye kumadzinza, uye izvo zvakapiwa Mosesi na Jesu, uye vaporofita vose kubva kuna Tenzi wavo. Hatisiyanisi pakati paani nani zvake wavo, uye isu takazvipira kwaari.” 84
{Uye ani naani anotsvaga chitendero chisiri Islam, hachizombotambirwi kubva kwaari, uye iye muhupenyu hwekupedzisira achave mumwe weavo vakarasikirwa﴿85 [Aal ‘Imraan: 84-85].
Chitendero cheIslam inzira yakakwana yehupenyu, chinowirirana nechisikirwo chemunhu nepfungwa, uye chinogamuchirwa nemweya yakarurama. Chakatemwa neMusiki Mukuru kuzvisikwa zvake, uye ichi chitendero chezvakanaka nemufaro kuvanhu vese panyika pano nemuhupenyu huchauya. Hachisarure dzinza pane rimwe dzinza, kana ruvara pane rumwe ruvara. Uye vanhu vese machiri vakaenzana. MuIslam hapana munhu anopfuura mumwe, kunze kwekumupfuura chete nechiyero chemabasa ake akarurama.
Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةٗ طَيِّبَةٗۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ97﴾
{Ani nani anoita basa rakanaka, angava murume kana mukadzi, uye ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa upenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo maererano nezvakanakisisa zvezvavakanga vachiita.} [An-Nahl:97].
Islam inzira yemufaro.
Islam chitendero chevaporofita vose, uye ndicho chitendero chaAllah kuvanhu vose, chisiri chitendero chevaArabhu bedzi.
Islam ndiyo nzira yemufaro wechokwadi panyika, uye yemakomborero asingaperi muhupenyu huchauya.
Islam ndicho chitendero chimwechete chinozadzikisa zvinodiwa zvemweya nemuviri, uye chinogadzirisa matambudziko ose evanhu, Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿قَالَ ٱهۡبِطَا مِنۡهَا جَمِيعَۢاۖ بَعۡضُكُمۡ لِبَعۡضٍ عَدُوّٞۖ فَإِمَّا يَأۡتِيَنَّكُم مِّنِّي هُدٗى فَمَنِ ٱتَّبَعَ هُدَايَ فَلَا يَضِلُّ وَلَا يَشۡقَىٰ 123 وَمَنۡ أَعۡرَضَ عَن ذِكۡرِي فَإِنَّ لَهُۥ مَعِيشَةٗ ضَنكٗا وَنَحۡشُرُهُۥ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ أَعۡمَىٰ124﴾
{Vakati: “Burukai mairi mese; vamwe venyu vachava vavengi vevamwe. Zvino kana ikasvika kwamuri nhungamiro inobva kwandiri, uyo anotevedzera nhungamiro yangu, haazorasiki uye haazoshushikane.”} 36
{Uye uyo anofuratira yeuchidzo yangu, zvirokwazvo achava neupenyu hwakamanikana, uye tichamumutsa pazuva rokumutswa ari bofu.} 124 [Taha: 123-124].
MuMuslimu anowana pundutso ipi panyika nemuhupenyu hunotevera?
Islam ine zvayakanakira zvikuru, zvimwe zvacho ndezvizvi:
- Kubudirira nerukudzo munyika muno sokuti munhu anova muranda waAllah, zvikasadaro anova muranda wezvishuwo zvake, muranda waSatani, neruchiva.
- Kubudirira muhupenyu huchatevera sokuti Allah vanomuregerera, kufadzwa kwavo kunova kwaari, Allah vomupinza kuJannah (Paradhiso) uye anobudirira nekuwana mufaro, uye makomborero asingaperi, uye anounurwa kubva kumurango weMoto.
- Kuti mutendi pazuva rekutongwa achange aine vaporofita, vaitenda zvechokwadi, vakafira chitendero, nevakarurama. Uye hushamwari hwakaisvonaka sei! Nepo uyo asingatendi achange aine vadzvanyiriri, nevakaipa, nevapari vemhosva, nevaparadzi.
- Avo vachapinzwa naAllah muJannah, vachagara mumakomborero asingaperi pasina rufu kana hurwere kana marwadzo kana kuchembera kana kusuruvara, uye vachazadzikirwa zvishuwo zvavo pazvose zvavanoda, uye avo vanopinda muMoto vachange vari mukurangwa kusingaperi, kusingagumi uye kusingamiri.
- KuJannah kuchange kuine mafaro asina kumboonekwa nemaziso, kana kumbonzwikwa nenzeve, uye asina kumbopinda mupfungwa dzemunhu, uye humwe humbowo hweizvozvo kutaura kwaAllah vari kumusoro-soro kuti:
﴿مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةٗ طَيِّبَةٗۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ97﴾
{Uyo anoita mabasa akanaka, angave murume kana mukadzi, uye ari mutendi, zvirokwazvo tichamupa hupenyu hwakanaka; uye zvirokwazvo tichavapa mubairo wavo maererano nezvakanakisisa pane izvo zvavaiita.} 97 [An-Nahl: 97].
Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿فَلَا تَعۡلَمُ نَفۡسٞ مَّآ أُخۡفِيَ لَهُم مِّن قُرَّةِ أَعۡيُنٖ جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ17﴾
{Hapana munhu anoziva zvakavanzika zvinofadza maziso, zvavachapihwa semubairo wezvavaiita.} 17 [As-Sajdah:17].
Asiri muMuslim anorasikirwa nechii?
Munhu acharasikirwa neruzivo rwakakurisisa, runova rwekuziva Allah; uye nekutenda mavari, urwo runopa munhu kugadzikana kwemoyo nerunyararo panyika, nemufaro usingaperi muhupenyu huchauya.
Munhu acharasikirwa nekutenda nekutevera Gwaro guru kupfuura ose rakadzikiswa naAllah kuvanhu.
Achirasikirwa nekutenda mumaporofita makuru, uyezve acharasikirwa nekuve navo muJannah pazuva rokumutswa, uye achave mufambidzani wemaShaytan, nevapari vemhosva, nevadzvinyiriri mumoto wegehena. Yakaipa sei nzvimbo yekugara iyoyo pamwe nevavakidzani veko!
Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿قُلۡ إِنَّ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَأَهۡلِيهِمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ أَلَا ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡخُسۡرَانُ ٱلۡمُبِينُ 15 لَهُم مِّن فَوۡقِهِمۡ ظُلَلٞ مِّنَ ٱلنَّارِ وَمِن تَحۡتِهِمۡ ظُلَلٞۚ ذَٰلِكَ يُخَوِّفُ ٱللَّهُ بِهِۦ عِبَادَهُۥۚ يَٰعِبَادِ فَٱتَّقُونِ16﴾
{Iti: "Zvirokwazvo, vakarasikirwa ndevaya vacharasikirwa ivo nemhuri dzavo pazuva rekumutswa. Zvirokwazvo, ikoko ndiko kurasikirwa kuri pachena."} 15
{Vachava nekuvharirwa neMoto pamusoro pavo, uye kuvharirwa pavo. Allah vanovhundutsa varanda vavo neizvi. Imi varanda vangu, naizvozvo ndityei! }16 [Az-Zumar: 15-16].
Ani nani anoda kuponeswa muhupenyu huchauya, anofanirwa kuva muMuslim, achiteerera Allah uye achitevera Mutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari.
Chimwe chezvokwadi zvakawiriranwa nemaporofita pamwe nevatumwa, rugare ngaruve kwavari, ndechekuti hapana achazoponeswa muhupenyu huchauya kunze kwemaMuslim chete avo vakatenda muna Allah vekumusoro-soro, vasingavasanganise nechimwe chinhu mukuvanamata kwavo, uye vakatenda mumaporofita nevatumwa vose. Nokudaro, vateveri vose vevatumwa vanotenda mavari uye vachivapupurira vachapinda muParadhiso, uye vachanunurwa kubva kuMoto.
Naizvozvo, avo vakararama panguva yaMuporofita Mosesi uye vakatenda maari vakatevera dzidziso dzake, avo vaive maMuslim nevatendi vakarurama, asi mushure mekunge Allah vatumira Jesu, zvakava zvakasungirwa pavateveri vaMosesi kuti vatende muna Jesu uye vamutevere.
Saka avo vanotenda muna Jesu, ivavo ndivo maMuslim vakarurama, uye uyo anoramba kutenda muna Jesu achiti ndicharamba ndiri muchitendero chaMosesi, uyu anenge asiri mutendi; nekuti anenge aramba kutenda muMuporofita akatumwa naAllah.
Zvino, pashure pekunge Allah vatumira Mutumwa wekupedzisira, Muhammad (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari ), zvinova zvinosungirwa kune vanhu vese kuti vatende maari. Nokuti Tenzi ndivo vakatuma Mosesi naJesu, ndivo vakatuma Mutumwa wekupedzisira, Muhammad. Saka ani nani anoramba shoko raMuhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwaari) oti, ‘Ndicharamba ndichitevera Mosesi, kana Jesu', munhu iyeyo anenge asiri mutendi.
Uye hazvikwani kuti munhu angoti anoremekedza maMuslim, uye hazvikwani paruponeso rwake kuhupenyu ucha uya kuti ape zvipo chete nekubatsira varombo; asi anofanira kuva mutendi muna Allah, nemumabhuku avo, nevatumwa vavo, uye nezuva rekupedzisira; kuti Allah vagamuchire izvozvo kubva kwaari! Nokuti hapana chivi chikuru kudarika kusanganisa Allah nevamwe vanamwari (Shirk) kana kusatenda muna Allah (Kufr), kuramba mashoko akadzikiswa naAllah, kana kuramba huporofita hweMuporofita wake wekupedzisira, Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari).
Naizvozvo, MaJudha neMaKristu nevamwewo avo vakanzwa nezvekutumwa kwaMuhammad Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari), asi vakaramba kutenda mavari pamwe nekupinda muchitendero cheIslam, vachava mumoto weGehena vachigara imomo nekusingaperi. Uku ndiko kutonga kwaAllah, kwete kutonga kwemunhu upi zvake. (Allah) vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ وَٱلۡمُشۡرِكِينَ فِي نَارِ جَهَنَّمَ خَٰلِدِينَ فِيهَآۚ أُوْلَٰٓئِكَ هُمۡ شَرُّ ٱلۡبَرِيَّةِ6﴾
{Zvirokwazvo, avo vakaramba kutenda kubva pakati peVanhu vemaGwaro, nevano batanidza Allah nezvimwe zvinhu vari mumoto weGehena, vachizogaramo nekusingaperi. Avo ndivo zvisikwa zvakaipisisa.} 6 [Al-Bayyinah:6].
Sezvo shoko rekupedzisira rakadzikiswa kubva kuna Mwari richienda kurudzi rwevanhu, zvinosungirwa kumunhu wese anonzwa nezve Islamu uye nezve shoko raMuporofita wekupedzisira Muhammad (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari), kuti atendere mavari, otevere mitemo yavo, uye ova anovateerera pane zvavanorayira nezvavanorambidza. Naizvozvo, uyo anonzwa nezveshoko iri rekupedzisira oriramba, Allah havazombotambiri chimwe chinhu kubva kwaari, uye vachamuranga muhupenyu huchauya.
Humwe humbowo hweizvi mashoko aAllah vekumusoro-soro ekuti:
﴿وَمَن يَبۡتَغِ غَيۡرَ ٱلۡإِسۡلَٰمِ دِينٗا فَلَن يُقۡبَلَ مِنۡهُ وَهُوَ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ85﴾
{Kune uyo anotsvaga chimwe chitendero chisiri Islam, hachingambofi chakagamuchirwa kubva kwaari, uye muhupenyu huchauya achange ari pakati pevakarasikirwa.} 85 [Āli ‘Imrān 85].
Uye Allah vekumusoro-soro vakataura kuti:
﴿قُلۡ يَٰٓأَهۡلَ ٱلۡكِتَٰبِ تَعَالَوۡاْ إِلَىٰ كَلِمَةٖ سَوَآءِۭ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمۡ أَلَّا نَعۡبُدَ إِلَّا ٱللَّهَ وَلَا نُشۡرِكَ بِهِۦ شَيۡـٔٗا وَلَا يَتَّخِذَ بَعۡضُنَا بَعۡضًا أَرۡبَابٗا مِّن دُونِ ٱللَّهِۚ فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقُولُواْ ٱشۡهَدُواْ بِأَنَّا مُسۡلِمُونَ64﴾
{Iti: “Imi vanhu vemaGwaro! Uyai kushoko rakaenzana pakati pedu nemi, rekuti tisanamate ani zvake kunze kwaAllah, uye kuti tisavasanganise nechimwe chinhu, uye kuti vamwe vedu vasatore vamwe sevanatenzi panzvimbo paAllah.” Zvino kana vakafuratira, itiyi: “Pupurai kuti zvirokwazvo isu tiri maMuslim.”} 64 [Aal Imraan: 64].
Chii chinosungirwa kune muMuslim?
Zvinosungirwa kune muMuslim kuti atende mumisimboti mitanhatu iyi:
Kutenda muna Allah vekumusoro-soro kuti ndivo Musiki, Mupi weRaramo, Murongi, neMuridzi; hakuna chinhu chakafanana navo, uye havana mudzimai kana mwana; uye ndivo vega vakakodzera kunamatwa, uye kuti pasanamatwe chimwe chinhu pamwechete navo, uye kutenda kuti kunamatwa kwechose chinonamatwa kunze kwavo, kunamata kwacho ndekwenhema.
Kutenda mungirozi, uye kuti ngirozi varanda vaAllah vekumusoro-soro, dzakasikwa kubva muchiedza, uye akaita kuti chikamu chemabasa adzo chive kudzikisa mashoko kuvaporofita vake.
Kutenda mumaBhuku ose akadzikiswa naAllah kumaporofita avo (se Torah neInjil – asati ashandurwa - ) uye Bhuku rekupedzisira iQur'an rinoera.
Kutenda muvatumwa vose vakaita saNoah, Abrahamu, Mosesi, Jesu, uye wekupedzisira wavo Muhammad; vose vakange vari vanhu, vakasimbiswa naAllah neWahi (mashoko aidzikiswa kwavari kuna kuna Allah) uye vakapihwa zviratidzo neminana zvinopupura kutendeseka kwavo.
Kutenda muzuva rekupedzisira apo Allah vachamutsa vanhu vekutanga nevekupedzisira, uye Allah vachatonga pakati pezvisikwa zvavo, uye vachapinza vatendi kuParadhiso, nevasigatendi muMoto.
Kutenda mune zvakatemerwa naAllah (Qadr), uye kuti Allah vanoziva zvinhu zvese, zvakaitika kare nezvichauya mune ramangwana, uye kuti Allah vanozviziva izvozvo, vakazvinyora, vakazvida, uye vakasika zvinhu zvese.
Uye kuti unamate Allah maererano nezvavakatara, zvakaita seSwalah (munamato), Zakaah (chipo kuvarombo ), Swawm (kutsanya), neHajj(kushanyira Imba yaAllah) kana uine zvikwanisiro. Zvadaro, anofanira kudzidza chitendero chake, icho chichava hwaro hwemufaro wake panyika neruponeso rwake muhupenyu unotevera.
***
الفهرس
Tenzi Musiki Mukuru 4
Tenzi uyu, Musiki neMugoveri, ndiye Allah, wekumusoro-soro, anorumbidzwa. 5
Mamiriro aTenzi Musiki 6
Tenzi vanonamatwa vanotsanangurwa nemamiriro ekukwanira. 7
Musiki Mukuru uyu akatisikirei? Uye anoda chii kubva kwatiri? 11
Sei vatumwa vakawanda? 15
Munhu haave mutendi kusvika atenda muvatumwa vose. 15
Qur'an chii? 18
Islam chii? 19
Islam inzira yemufaro. 22
MuMuslimu anowana pundutso ipi panyika nemuhupenyu hunotevera? 23
Asiri muMuslim anorasikirwa nechii? 25
Ani nani anoda kuponeswa muhupenyu huchauya, anofanirwa kuva muMuslim, achiteerera Allah uye achitevera Mutumwa wavo, rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari. 26
Chii chinosungirwa kune muMuslim? 29
***
sn443v2.0 - 19/04/2026